
🔥🔥🔥DARE REVARUME HOT TOPICS🏇
January 26, 2025 at 03:32 AM
*Ndozvavari vanhu itsika yavo*
Genesis 37
Muchinda ainzi Joseph chakaita avengwe nemadzikoma ake yaiva nyaya yekurota hope chete. Zvinonzi Joseph when telling his dreams to his brothers vaibva vanyanya kumuvenga (Genesis 37vs5). Joseph anga asina waatuka, madzikoma ake anogona ane vamwe vanhu vaitovatadzira asi bible rataura nezvaJoseph pano. Joseph watirikutaura nezvake mwana wababa vavo but vaimuvenga kwete kuti mutorwa, aiwa zviri muvanhu. Wakambonzwa yaCain and Abel here, vana vaAdam naEve? Vana vemunhu wekutanga chaiye. Jealous rakati rapinda pana Cain akauraya mwana wamai vake (Genesis 4). Urikushamisika nedzaunonzwa mumaSocial media, zvakagara zvakadaro, zviri muvanhu. Nhasi ndine wandinoda kusimbisa adyika moyo nezvakaitika kana zvirikuitika paari. Mwari vatibatsire.
.
Amai mune bundu pamoyo coz murume wamakachata naye ava nemahure haachadi kunzwa nezvenyu. Ndozvavari vanhu asi kudenga ndokuna Mwari. Makaberekwa mose mweya wako unoshushikana wekwako chaiye haamucharimirani. Wakamboti taparadzaniswa nemukadzi asi wazotoona kuti ndiye problem. Shamwari yangu, wawakaendesa kuchikoro chaiye nhasi ava kukuti une chikwambo, bvisa misodzi pamatama ndozvavari vanhu. Baba vakakupai mwana muchiwirirana vakazongoshaikwa nhumbu yakuda kuzvarwa ikozvino havachada kana kukuona, ndozvavari vanhu pukuta misodzi. Nhasi imba yaramba, baba vakakuzvara vane chikwambo chinokuita mukadzi vamwe vezera rako vakaenda unogara uchichema kuti ‘baba vangu chaivo here?’. Aiwa vanhu ndozvavari. Murume wenyu chaiye maifara pfuma ichiwanda haana kumbokutaurirai nezvekuromba kwake mazoziva zvadya mufaro wemhuri, zviri muvanhu.
.
You have a scenario paupenyu hwako yakunetsa unogara uchichema kuti shuwa vedzinza rangu here. Nesuwo tinochema kudaro chero vacho vari mubible vaichema kudaro but kudenga ndokuna Mwari panyika pane vanhu. Vakavenga Joseph vaimusundira mhiri Egypt kundotonga. Yes, they might delay you, ndopavanoperera but God will surely show his power. Kana una Mwari delay is not denial. Your plans were delayed, Mwari vakazvitendera coz there are excellent results in bigger testimonies. Hameno kana wabatsirikana nemharidzo yanhasi? Mwari ngavazviratidze paupenyu hwako vashandure kuvengwa kwose uko ave makomborero.
Swerai munyasha hamadzangu,Muve neSunday yakaropafadzwa 🙏🏽
🙏
❤️
👍
🔥
😢
16