
🔥🔥🔥DARE REVARUME HOT TOPICS🏇
January 31, 2025 at 02:05 PM
*_TSAMBA INOENDA kuJONI...✍🏽_*
https://whatsapp.com/channel/0029VaawIY096H4W2zzOGB1H
*Kuna Baba Tanatswa*
_Wakadiiko murume wangu wandinodisisa, urikurarama zvakanaka here kuJoni ikoko? Uchiri kugara kuSoweto here? Ndogara ndichiirota Joni kuno kwakandiipira. Unondiitei shuwa kundidyisa boora ne rudhe, kuenda nya zvachose shuwa haundinziriwo tsitsi here murume wangu?_
_Izwai Daddy, ndakaita mhosva pamusha pako, ndakamitiswa. Ndava nemhandara, mwanasikana wandakazvara ne operation. Unongoonawo problem yekugara kure nakure isu takaroorana, ndokumbirawo ruregerero nyaya iyi ive yedu tirivaviri kwete kuzoudza nyika yose.Baba T mhuru ikazvarirwa mudanga rako ndeyako, chinondifadza ndechekuti mwana wacho musikana saka newe unozolumawo kana aroorwa._
_Agoti kufanana nana Tanatswa, asi iye mutsvuku tsvarakadenga chaiyo, ane maDimples sevana vaBaba Taku sabhuku vedu vaye, asi vanhu kumaraini varikuti ndiwe wakaita kubuda exactly._
_Undiregerere murume wangu ndinokuda, ma mistake tese tinoita, ndokumbirisa loveey marriage inoendeka kana vanhu vachiregererana uye vasingavanzirani. Ndakadzidza chidzidzo ikozvino ndakura, dzikamisa hana yako undiregerere, ini ndakatendeka nekuti vashoma vakadzi vangadudza shura renyaya rakadai, simba uite semurume. Ndakakumirira nguva yareba murume wangu, makore matatu ese gumbo rako risina kumbotsika pamusha pako!_
_Ndokumbira undibatsirewo ne 30 dollars kuti ndiende kuClinic apo neapo, nemari yemukaka chete sezvo maNurse akati ndisayamwisa, unongomaziva maNurse kuti anodada, vakangoona munhu akaondeswa nekufunga murume wake ariJoni vototi arikurwara._
_Zita rake ndakamuti ndiForgive nekuti ndotsvaga ruregerero kwauri, ko unouya rinhi? Atokura, zvanzi naBaba Taku mwana akakura asingaonekwi kana kutakurwawo nababa vake anokura akapusa_
_Iwe ndokudira kunzwisisa nekuregerera fast murume wangu. Vana mbuya mgogoda avo varege vataure vachapedzisira vohukura._
*_Rega ndiende kunovhurira munhu arikugogodza paDoor, ndofunga ndiBaba Taku sooo._*
_Ndini wako anozvininipisa, Mai Tanatswa._
😂
😢
😮
🙏
10