
Miti, Sora ,Mhuka Zvinorapa neDzidziso dzechivanhu 🇿🇼
February 12, 2025 at 07:02 AM
MBIYA
Usaitiswa matare embiya kana usati wava neruzivo nezvembiya
Inzwa kutya mbiya inzwai kuitya mbiya inoshandiswa nevaroyi inoshandiswa zve pamasowe
Zvino mbiya hapachina chaicha shanda yakungo shanda kutsipika zvipo zvevanhu
Yakushandiswa kudeketera mumabasa erima ...
Vazhinji makakwidibiriswa mbiya mukanzi mufushure iri nzira yeku tsipika dzimu
Vamwe makanzi muise pasi pemubhedha makakwidibira iri nzira yekuvharwa hope
Vamwe makanzi mupwanyire pamharadzano iri nzira yeku vhiringa ngirozi ne dzimu
Vamwe makanyoreswa mazita enyu nemitupo yenyu mumbiya mukanzi munorasa kana kuno tsipika inzira yekutsipika zviri pauri
Vamwe makanzi mugare nembiya ? Ko ukugarirei nembiya mumba mako ?zvichiitirwei ??
Vakachiva chipo chako vakuchi shandisa kuburikidza nembiya iri mumba mako yavakakutengesa ikushanda se network pasowe hanzi gara wakaidira mvura
Hanzi gara wakaiisa mazai
Hanzi gara wakaiisa mukaka
Vamwe makatopihwa hurombwa kuburikidza nembiya hanzi chawada taurira pambiya ...ndonzwa tsitsi
Ngirozi kana iripo inongoburuka hainei ne mbiya
Hanzi dzimu rako roda mbiya roidii mbiya ??
Mbiya mbiya dzavhiringa vanhu pasi pezuva ...
Masowe mazhinji akachererwa mbiya dzaka tsindikirwa iri nzira yekuti varoti varatidzwi vasaone kana kurota
Kana wafunga kunamata namata zvisina mbiya mukati kuna Musikavanhu munamato yako ichanzwikwa ...nekuti vacho vakuyeresa mbiya dzacho vazara negodo nehutsinye
Zvipo zvabatwa zvatsipikwa nembiya ...rasa mbiya yaunayo iyo ndeyei ?
Zviri pauri zviri kutadza kusvika kwazvo nekuda kwezvibatwa batwa zvauri kubatiswa nevabvi vekumadokero
Kana une chipo chekuzoti uchaporofita uchaporofita pasina mbiya iyoyo ...Ngirozi kana njuzu iri pauri ikazobuda iyo pachayo ichitaura yoga kuti inoda mbiya ndipo paucha tenga
Kana zviri pauri zvisati zvakuudza kuti tsvaka mbiya usatsvaka
Munhu nemunhu akanamata ega anonzwikwa
Ukakumbirira wega kumudzimu yako unonzwikwa simba ririparurimi rwako kwete pambiya
https://whatsapp.com/channel/0029Va9ECquGE56jlNyqPQ1K
🙏
❤️
👍
😮
👏
😂
🚽
58