Miti, Sora ,Mhuka Zvinorapa neDzidziso dzechivanhu 🇿🇼
Miti, Sora ,Mhuka Zvinorapa neDzidziso dzechivanhu 🇿🇼
February 12, 2025 at 07:02 AM
MBIYA Usaitiswa matare embiya kana usati wava neruzivo nezvembiya Inzwa kutya mbiya inzwai kuitya mbiya inoshandiswa nevaroyi inoshandiswa zve pamasowe Zvino mbiya hapachina chaicha shanda yakungo shanda kutsipika zvipo zvevanhu Yakushandiswa kudeketera mumabasa erima ... Vazhinji makakwidibiriswa mbiya mukanzi mufushure iri nzira yeku tsipika dzimu Vamwe makanzi muise pasi pemubhedha makakwidibira iri nzira yekuvharwa hope Vamwe makanzi mupwanyire pamharadzano iri nzira yeku vhiringa ngirozi ne dzimu Vamwe makanyoreswa mazita enyu nemitupo yenyu mumbiya mukanzi munorasa kana kuno tsipika inzira yekutsipika zviri pauri Vamwe makanzi mugare nembiya ? Ko ukugarirei nembiya mumba mako ?zvichiitirwei ?? Vakachiva chipo chako vakuchi shandisa kuburikidza nembiya iri mumba mako yavakakutengesa ikushanda se network pasowe hanzi gara wakaidira mvura Hanzi gara wakaiisa mazai Hanzi gara wakaiisa mukaka Vamwe makatopihwa hurombwa kuburikidza nembiya hanzi chawada taurira pambiya ...ndonzwa tsitsi Ngirozi kana iripo inongoburuka hainei ne mbiya Hanzi dzimu rako roda mbiya roidii mbiya ?? Mbiya mbiya dzavhiringa vanhu pasi pezuva ... Masowe mazhinji akachererwa mbiya dzaka tsindikirwa iri nzira yekuti varoti varatidzwi vasaone kana kurota Kana wafunga kunamata namata zvisina mbiya mukati kuna Musikavanhu munamato yako ichanzwikwa ...nekuti vacho vakuyeresa mbiya dzacho vazara negodo nehutsinye Zvipo zvabatwa zvatsipikwa nembiya ...rasa mbiya yaunayo iyo ndeyei ? Zviri pauri zviri kutadza kusvika kwazvo nekuda kwezvibatwa batwa zvauri kubatiswa nevabvi vekumadokero Kana une chipo chekuzoti uchaporofita uchaporofita pasina mbiya iyoyo ...Ngirozi kana njuzu iri pauri ikazobuda iyo pachayo ichitaura yoga kuti inoda mbiya ndipo paucha tenga Kana zviri pauri zvisati zvakuudza kuti tsvaka mbiya usatsvaka Munhu nemunhu akanamata ega anonzwikwa Ukakumbirira wega kumudzimu yako unonzwikwa simba ririparurimi rwako kwete pambiya https://whatsapp.com/channel/0029Va9ECquGE56jlNyqPQ1K
🙏 ❤️ 👍 😮 👏 😂 🚽 58

Comments