Miti, Sora ,Mhuka Zvinorapa neDzidziso dzechivanhu 🇿🇼
Miti, Sora ,Mhuka Zvinorapa neDzidziso dzechivanhu 🇿🇼
February 12, 2025 at 02:38 PM
*KWAURI KUENDA NDOPASINA KANA UKARAMBA WAKADARO* *Tikada kuzvi cherechedza vanhu vanobata mabasa akaipa ndivo vazere nepamuromo kutaurisa kuzvidza nekushora ndizvo zvizere mavari* Matare akachena chaiwo haabatsire munhu kuita zvakaipa kwete. Matare rudzii anobatsira munhu kuputsa imba yeumwe munhu?? Matare rudzii anobatsira munhu kunobira umwe munhu?? Zvino zvawaputsa imba yeumwe munhu misodzi yake unoti inoperera muvhu mahara nhai?? Ko zvawabira umwe munhu unofunga kuti zvinoenda mahara nhai?? Vazhinji vevanhu vari kutambura nhasi imhosva nemhaka dzamakapara nhasi ndizvo zvava kukutambudzai, magezwa magezwa zve asi chabuda hapana zviri kuramba zvichitowedzera inhau yezvama kanganwa zvamakaita kare. Imba yave kutambudza murume ave kuita chipfambi zvinototemesa musoro kufunga nezvazvo asi uri kukanganwa kuti murume iyeye wakamutorera mumwe mukadzi. Pawakamutora wakafara kaaa, iyee aichema iwee uchipembera kaaa, nhasi chawakadya chopfuka zvave kwako misodzi yave kwako kaaa. Wakaba iwewe ukati ndapinda machena, nhasi wave kudzungaira kubata pfuma inorasika, inobiwa. Pawakaba wakafara wawabira achichema siku nesikati. Imbozvi bvunza kuti paya pandakaita chakaipa ndichizvifadza, vangani vandaka paradzira hupenyu, vangani vakarara nenzara nekuda kwako. Vangani vana vakarara nenzara , kushaya chekupfeka, chikoro kuperera panzira nekuti iwewe wainge watora Baba vavo ukavadyisa muswe wedzvinyu kuti ave munhu wako achifuratira mhuri yake?? Umwe ndiye anoti nhasi abva kumatare kunochenurwa mangwana anenge ari kugerofurendi. Wabva kugezwa hoyo pfee mutsvina zvakare. Kuzvikanda mumadhaka wega. Uri kuzvitongesa sei ndisiri kuyambuka vamwe vachiyambuka. Umwe ndiye anoti ari kubva kumatare akatakura nheuro hoyo kumakuhwa nemudzimba dzevanhu dzimwe dzimba dzaanopinda dzinenge dziine zvikwambo nheuro dzofumuka kana kupedzwa simba nekuda kwenzvimbo yaunenge watsika wosara wozonogeza pasisina simba. Saka uri kuenda kupi kana pakadai?? Munhu ari pamatare anoita makuhwa chipfambi. Matare rudzii akadaro?? Unoyambuka sei uchizvidzorera kumadhaka wega wega zvako?? Ndiwe wega usinga gone kudzikama. Kana watadza kuyambuka ndiwe zvakare unofamba uchireva reva reva heee ngana haagone. Heee ngana haana rematare raano bata imbavha nyamba ndiwe wega wakatadza kukoshesa matare ako
👍 🙏 🇿🇼 👆 👏 😂 13

Comments