
🇿🇼MAI SHAMMAH SHONA NOVELS 🇿🇼
February 7, 2025 at 06:23 PM
*DEVIL PRINCESS*
*AND*
*THE GHOST*
*FREE BOOK*
READ COMMENT LIKE AND SHARE
STORY BY
PRIM NDIRIRE
(MAI SHAMMAH)
0666778349453
EDITOR
MAI RYAN
0666719925853
*FOLLOW MY WHATSAPP CHANNEL*
https://whatsapp.com/channel/0029Vb3CrpI4IBhJn5g0Jz43
*JOIN MY WHATSAPP GRP*
https://chat.whatsapp.com/EBqcLsyRz5gHLmRvyEJ25W
Time table,
7am na8pm Monday to Friday, Saturday one chapter,Sunday no book,thank you.
Çhapter 25
FINAL OF SEASON
*PLEASE FOLLOW CHANNEL IYI KANA UCHIDA BOOK RINO KUBVA PACHSPTER ONE HANDISI KUPA INBOX KANA TAVA KUSEASON TWO MUSATI TIPEIWO EKUSEASON ONE*
https://whatsapp.com/channel/0029Vb3CrpI4IBhJn5g0Jz43
ATIPA
"Ummmm"
Ndakagomera ndichibatanidza makumbo angu,kuti ndidzoke pabed Ethan akatoita zvekundisimudza chaizvo,handina kuramba kusimudzwa ini nokuti Moyo wangu waitofarawo kuti ndapa murume wangu humhandara,zvinonyadzisa sei kugara nemurume asiri iye akakubvisa virginity.Zvisinei chakakosha kuziva kuti Kuna Mwari kana waroorwa usiri mhandara hazvirevi kuti chivhura kwete,uye zvinoda kunamata nokuti pane macases evakadzi vanotukwa nevarume kuti wanga wakabooka kare iwe Kana wadzikama murume anokuda seanoda mhandara kana kupfuura mhandara,zivawo kushandisa zvidavado zvemubedroom nhai.
"Babe ndafara ndokuda wanzwa ndiwe mukadzi wangu chaiye uri pakati pemoyo wangu mudiwa wangu uye ndafara nokuti wandiratida kuti wanga wakazvichengeta ndikuhwa rimwe Simba kuhwa kuti ndiri murume chaiye pakati pevamwe varume I love you Atipa"
"I love you too"
Ndakaita kakurarira pachipfuwa chake ndichihwa Hana kurova,iye anga akandimbundira achifemera munzeve dzangu,ndainzwa kuti ndiri munyika yangu yechinomwe kunyangwe zasi kwaivhita vhita uku
Akaenda neni kunogeza,mvura yakatonhora yaiita kucheka asi ndakashinga kunyatsogeza chaiko,
"Richiri kubuda here blood"
"Aiwa harisi kubuda,"
"Shuwa"
"Ehe hamheno richazobuda"
"Oky,chibvisa sheet riri pabed uuye naro tiriwache ana Tete vako hant vanga vachida kukuroya handisi kuda vaone ropa iri hapana achabata sheet iri"
"Zvakaoma"
Ndakangodaro ndokudhanaira makumbo ndakavhura bhinjana kwakutora sheet riya,Ethan ndiye akazoriwacha ini ndatorara pabed.Hope hadzina kubata nokukasira,uye Ethan paakauya taive totaura nyaya dzakasiyana siyana dzehupenyu, akazotanga kundibata Bata hanzi dakuita futi iiii ndakamboramba asi akandinyengerera hanzi this time haurwadziwe,
Ainyepa uyu zvakarwadza pakutanga asi ndanga ndakuhwa kakunaka kaiwedzerwa nepaaitaura nokuti aive akuita zvinyoro nyoro uku achitaura zvaitekenyedza moyo wangu,zvaisimudza mafeelings zvekuti ndanga ndakuhwa ichingotsvedza chete Iye akuti shwiiii esheiiii pedzisire tasa,vakuru vapedza basa.
(Ava kuseni)
Mbuya natete vaive vakunyarara nyara,ini ndakavakwazisa hangu zvakanaka.Arena akauya pandiri,akanditora ndokuenda neni kuroom yake,
"Maiguru makufanira kupfeka hembe dzenyu kwete idzi,bag renyu riri muno rine dzimwe hembe Sarudzai dzamoda kupfeka"
Akandipa mabeads akanaka uye akandipfekedza hembe dzakada kuita sedzake,nokundibvisa dhugu mumusoro akandiisa cheni yaqueen.ndaive ndanaka veduwe,make up ndiye akandiisa futi nekuti aizvigona,nzara akandipenda.Zakatotora nguva tirimo,Ethan akatozopinda ndakugadzirwa dzekumakumbo.
"Yowee inga waita hako ndanga ndichingokutarisa kuti uchazvifunga here?"
"Ndatoudzwa namhamha kuti ibasa rangu Saka ndavasota Soo vachenaka"
"Yaaa zvakanaka takuchitora mapicture manje"
"Movatengerawo foni"
"Yaaa ndichatenga wena,"
"Nooo ndichavapa yangu ini zvefoni handichade"
"Ahhh iwe chaiye? "
"Shuwaka"
Vaitaura havo vari vaviri,takazobuda tonodya,Tete vangu nambuya vanga vakuenda,Ethan akavatora akaenda navo padivi akandidana kuti ndiuye,
"Kana muchida kunorarama kwamuri kuenda taura kuti Maida kudii nezuro"
Akadaro Tete ndokuti,
"Ndiregerere muzukuru Tanga taronga kukugadzira kuti usaita mwana uzorambwa"
Moziva hana yangu yakarova imi,
"Muri varoi musazama henyu zvakaipa pamukadzi wangu munoparara"
"Hatizviite futi"
Vakadaro ndokubva vanzi endai henyu
"Don't trust anybody in life hauzive zvaanokurongera zvakaipa kana zvakanaka"
Akadaro Ethan,
Ndiko kutanga kwangu kugara naEthan semukadzi wake. Ndaifara zvakanaka chose pamba,ndaivawo neangu mamaids maviri.Ini basa ndaiita hangu,kubika nokuwacha kana kutsvaira Mumba.Hapana zuva rimwe chete ratakanetsana naArena nguva dzedu zhinji ainge achindidzisa foni yake hanzi ndoda kukupai,Ethan aive akuita zvebusiness avhura bhawa neimwe shop mudunhu medu imomoAinge oswera kubasa kazhinji,Saka ndaitoswera natete Arena.
Panga papera 3 months tiri tose,zvino ndaive ndongokotsira chero ndakagara ko Iko kuhwa husimbe nokuvenga mhamha,vandaitoda nditete Arena kana tezvara.Ndaiti ndakavaona Moyo wangu wofara,ndikangoona mhamha ndaitofinyamisa chiso,
"Makoti kuita seukuona chimwe chinhu kudaro kwakanaka"
"Ehe haaa Maziso akurwadza"
"Ko muromo wadai kkkkk"
Vakatoseka havo,
"Haaa mhamha veduwe"
"Ndizvoka zvauri kuita ukandiona mazuvano ukati hauna kutsika here iwe?"
"Kutsikeiko mhamha"
"Mwedzi"
"Jesus mandifungisa ndakangoenda one day chete this month zvakazodii paya"
"Haaa Saka Mwari ngavakudzwe enda unomutsa Arena tidye hedu mutakura"
"Hiiii mabika mutakura ndaiuda sei nezuro kuunzwira godo chairo"
Ndaiita kusekerera,
"Uchandimaka hako asi ndini ndichatoziva chikafu chaunoda kudya kana wadai,endai momutsa Arena anoudawo fani"
Ndakafara veduwe,ndakanopinda muroom yaArena ndichifara,
"Tete, ahhhh Tete Arennaaaa,naaaaa Tete "
Ndanga ndotaurira pasi ndichitenderedza mutsipa,zvandikuona ndizvo here uye zvorevei,ndakabata bepa Ranga rakanyorwa,apa pabed paive pakawaridzwa zvakanakisa chose,mabag avo anga aripo foni yanga iripo,tsamba ndiyo yanga ndaidedera maoko ndakabata,
*Dear Mom and Daddy*
Handina zvakawanda zvokuudzai asi ndokudai,ndinamatirei nokukumbira Kuna musika vanhu kuti ndifambe zvakanaka,I love you mom vangu nababa vangu
(Pazasi)
"Dear Brother Ethan)
Chengetai Makoti boe ndakazviona kuti ane nhumbu ndizvo zvandipa Simba rokuenda chero ndikafa kana kurarama ndinoziva hausi wega,ndaishaya kuti ndikaenda unosara nani asi zvino wava nechimunun'una kana hanzvadzi chiri mudumbu maAtipa,I love you brother
(Dear lovely Makoti)
I love you iva semwana sikana akakodzera sezvauri nhasi usachinja muroora mhuri yose inokuda kunyangwe ini ndokuda,
Ndakafemera,ndikagomera misodzi ikati mokoto ndakatarisa seri kwetsamba aendepiko? Kupi kwacho kusina kunyorwa,
"Mhamhaaaaaa"
Ndakadaro nezwi rangu rose ndichichema,
"Chiiko Makoti Chiii nhai veduwe"
Ndakavanzwa mutsindo kumhanya,nevoice riri padenga vachiti chii? Vakapinda ndakabata mabvi,vakashamiswa vachiona ndiri ndoga pabed pakawaridzwa zvakanaka,Ethan pakapinda ndiye wandakapa tsamba ini ndokugara pasi ava kuverenga,
"Shitttt abuda nguvai uye maguards aripi achibuda haaaa"
Mambo wakadaro,Ethan akafamba achibuda mhamha ndivo vakandibata ruoko,
"Huya muroora usafunga zvakawanda hant vanodzoka Tete vako remember Ethan haasi wekutamba naye"
Vakandisimbisa asi ini ndaihwa Hana kurova.Vakaendawo panze paitaura Ethan nevashandi vose vakashamisika kuti princess vabuda nguvai.Kuvarova kana kuvapa punishment kwaitova kupenga nokuti vose vanga vakarohwa nechadzimira havo.
Ethan akazama zvose netsvimbo akapinda Muimba yekupira,zuva rose haana kudya.Akatuma vanhu kunotsvaga naiyewo akapinda musango taiti achauya navo asi akadzoka asina,
Mazuva akatofamba vanhu vachitsvaga princess asi Havana kuwanikwa,Ethan akaenda kumuzinda kwana Nathan kunomutsvaga asi kwakanga kusina.Pakapera mwedzi asina kuwanikwa,svikiro chairo rakatukwa naKing kuti sekuru vaive nani harina charakataura kunze kwekuti haana kufa mupenyu,mupenyu aripi ndikuona rima chete yooo.Zvaibhohwa imi,two months dzakapera kamimba ndakanzwa mudumbu kuti pane chamover,Tete Arena kana kuvarota handina.Tanga tongogara isu papalace tava kungoti hamheno,hamheno.
The end of season
Let's meet on season two.
Stay blessed!!!!
❤️
🙏
👍
😢
😂
😮
674