
MAI SHAMMAH NOVELS
13.7K subscribers
About MAI SHAMMAH NOVELS
WELCOME MUNO HAMA TINOVERENGA MANOVEL, AYA NDIWO AMWE AKANYORWA AKAPERA ONSALE BOOKS APA AYA ANOITA 1USD ECOCASH KANA SCRATCH CARD R20 VOUCHER HER STUBBORN SPIRIT NZIYO YETARIRO. CONCILLIOR 2USD ECOCASH 2 SCRATCH CARDS R30 VOUCHER DANAI LAMENTATIONS 1.5 ECOCASH 2USD SCRATCH CARDS SAMARA MINISTER IN LOVE FREE BOOKS NDAITI NDIWE WANGU JANE NDAKATADZEI THE PRINCE'S CHOICE *MUNANDI UNOZIPA MABOOK IYAYA,TINOKURUDZIRANA KUTENDA MABOOK EMUNYORI KUTI asapererwa nedata* NOTE::::Promotion inouya nguva inoomerwa munyori nezuva rake rebirth day chete. Thank you mafans manyama.
Similar Channels
Swipe to see more
Posts

Malikes enyu akutaura tipei 24 iri last free chapter here veduwe,isai malikes imi musandipedze power apa kkkk

PAINFUL LOVE 💘* BY MAI SHAMMAH To0778349453 EDITOR MAI RYAN To0719925853 *Book rino kuti uriwane nenguva please gara wabaya follow channel iyi* https://whatsapp.com/channel/0029VaDyrAr8fewnrBCUcz1c *Join my Whatsapp Grp* https://chat.whatsapp.com/I5J3n5o6qhn5tbZfCPav0Y CHAPTER 23 TAÑAKA Ndakachema kusvika ndanetà kwete kuti shungu dzakapera, ndaive ndaneta nokuchema ndipo pandakanyarara,shungu ndaive nadzo dzakawandisa kwazvo,Chokuita paive pasina rwendo rwangu rwekuenda kuchikoro rwakanga rwagurwa negurwe. "Chinondipa kurutsa kudai chiiko ahhh?" Ndakazvibvunza ndichitotaura ndoga nokuti moyo wangu wanga wamira futi,ndakatogadzirira kurutsa asi handina hangu kuzorutsa. Ndakageza mukanwa mangu ndokunwa mvura kuti ndiitewo zviri nani.Ndakafunga zano rokuenda kuchikoro ndinotaura naheadmaster kuti mari ichauya Ini ndambofana kudzidza nevamwe vana Ndakabereka bag rangu ndokufambisa ndichienda kuchikoro. Ndasvika pagedhi paitova nevamwe vana nevabereki vavo, waibhadhara school fees wopinda ne receipt muchikoro.Ndakamirira kuti vane mari vapedze kubhadhara Ini ndokuzoenda, "Hesi Tanaka ko zvatakanzwa kuti wakaroorwa wani wakuuya kuchikoro sei?" "Ndakarambawo ini ndokumbirawo kupinda ndoda kunotaura naheadmaster" "Ahhh panyaya yei nhaiwe asi waane madhiri nemukuru wechikoro" "Ndanga ndichida kuvati Mari ichauya baba vangu vasangana nehurwere saka mari yangu ndiyo yashanda" "Heeedeee Tanaka unopenga iwe, muchikoro mutemo unomuziva school fees pamberi munhu kumashure,kana usina mari unouya nemubereki kwete kuuya pano wega,suduruka ndimboona vakuuya nemari ava" Ndakakadzokera kumashure, ndakatsika munhu,ndakaenda padivi ndakagadzira kuti sorry,ndisati ndataura ndaive ndarohwa mbama yokuti ndakaona nyeredzi. "Mainini Revai ndakakutadzirei inini?" Ndakadaro misodzi iri pamatama angu,Ivo vakabva vabata muchiuno ndokutanga kutaura', "Wakatadzei hausi kuona kuti wanditsika here,pano uri kudei?" Ndakapererwa Ivo vatomira pedyo neni vachiziva kuti ndovatsika chete kuti vawane kundirova, "Ndanga ndauya kuzokumbira kupinda chikoro, ndikumbirireiwo mainini" "Heeedeee pfungwa dzako dzakatamba nepwere unoti chikoro chino ndechababa vako here?Dzokera unoita basa rekunyengwa nevarume muraini,varume vanoda mukadzi uyu hauna kodzero yokudzidza" Vakadaro vamwe vabereki vaivepo vakati haaa, "Mainini please ndokumbirawo kutaura' namhamha Linda please". Misodzi yakati mokoto neshungu, "Mai vako vakafa shamwari,wakada varume iwe ita zvevarume" "Nhaiwe Revai hant mwana uyu akugara kwababa vake here ko wadii kuchiudza Mai vacho vamuendese kuchikoro inga nhingi uya akaenda kuchikoro abva kumurume wani nemagonero aiita mwana uyu shuwa" Vakadaro vamwe Mai, "Musadairire nyaya dzamusingazive dzisiri dzenyu,rangu receipt iri" Vakadaro vachibudisa receipt ndakachema henyu,vakanyatsofamba vachienda ndakasara ndiripo.Vana vechikoro nevamwe vabereki vakatondinzwira tsitsi, "Tanaka zvimwe Mwari vane imwe nzira iwe chienda kumba uogara usafunga zvakaipa hant" "Eho" Akanga ari umwe mubereki akadaro,dakabva pachikoro ndikaenda kumba.Handina chandakakwanisa kuita asi kuvata hangu pamumvuri.Hamheno hope dzakabva nepi,ndakazomutswa nokudirwa mvura, "Mai Joy ukudirirei mwana mvura" "Ndiye muroi uyu inga chiremba vazvitaura wani kuti chivanhu ichi" "Pfutseke wanzwa usada kuti nditaure zvakawanda,wanzwa?waitira kuti upedze Mari yangu, Izvozvi ndazosara ndosvika kuchipatara matove kumashops kutenga Tenga nemari yangu imbwa yomukadzi" Muviri wangu wanga wakudedera,Ndakatarisa pavherenda ndokuona pane madish nemapoto eblack nechisaga nebag,panga pane zvakawanda Wanda zvatengwa. "Manga muripo pandarapwa imi doctor atoti ndezvekuroiwa izvi" Maziso avo mainini aive akatsvuka, "Pfutseki ndokurova wanzwa,ndogona kuzvipwanya izvi zvawatenga izvi hembe ndikadzipisa dzose idzi wanzwa izvozvi kana usingandizive zvakanaka benzi remunhu,chiremba vandiudza inini kuti mukadzi wenyu anwa surf,ende atoti tibudisei chiremba nokukasira,izvo wanga uchida kumhanyira kunoshandisa Mari yangu ndisati ndasvika Wakudira mwana akazvirarira mvura adii?" "Angarara achitadza kunodiridza garden" "Ndizvo zvawanga uchida manje haite basa anoswera akarara pano,haasi kuzoita basa,Joy achienda kuchikoro anobva atorara kana kugara,panodzoka Joy,voenda vose kumvura,mangwana kuseni vanochera vose mvura,chichaita Joy ndicho chaachaita ndigoona achisuka kana kuchera mvura Joy ari kuchikoro unondiona mupfana" "Eeee Saka mukuda kudii saga rine hembe dzangu" Vakadaro sezvo vaive vakuzvuwa saga Riya "Kunoripisa" Mainini vakamhanya kuti vabate,vakabva vanzi dzviii ndiwe wandanga ndichida chaiye.Mai vaingoita havo musindo,murume wavo anorova mhai,vakamboda kudzorera ndipo pavakairasa ipapo,zvino vanga vakungonzi unondidzosera ungandirove iwe.Kutambisa Mari yandakashanda kuti mwana wangu aende kuchikoro,ndanga ndakuchema ndichideedza" baba Tadiwa" vamwe baba vepanext.Aiwa vakasvika mhamha rangove ropa,Ivo vaitononokera kuuya Maune, avo nevamwe vakazouya asi vaitononoka kubata, hanzi neumwe unotora chimuti worova magaro asingakuvadze kwete kubvisa mazino sooo.Kana ndimiwo vaitoda kuti varohwe, vakarohwa kani pavanga vabatwa baba,mainini vakapfugama, "Sorry murume wangu ndaita hubenzi ndanga ndisingade aende kuchikoro" "Ndichakuramba wakura kudaro ndosara hangu nevana vangu pano" "Sorry imba yangu ndoida" Vanhu vakatanga kuti mukwane Mai imi,baba vakatanga kunyandanura zvinhu vachiratidza vanhu,kuti honai zvaatenga,ini ndanonoka kusvika kuchipatara ndazotevera natsano netsoka kwakuwana munhu atobuda,kutsvaga varipo kwakuzoona mota yakutodzoka kuwana vachitodya nemunin'ina wake atenga zvese izvi, Ndakazonyara vabudisa chibhurugwa chakadhamba,baba kana kunyara hanzi nokutenga zvibhurugwa pabhero. Haaa vanhu vakasvotwa,izvozvi mwana kuswera akarara neuniform ishungu dzokuenda kuchikoro, ndarwadziwa.Vanhu vakangoti sorry unotsvaga imwe mwana aende kuchikoro usapisa hembe nokupwanya mapoto. Vanhu vakaenda,baba ndokutora chingwa nedrink zvanga zviripo pane zvatengwa ipapo,vakati huya tidye Tanaka.Ndivo vakanditorera drink nokundipa chingwa, "Unoenda kuchikoro wanzwa mangwana chaiye ndikuzviziva kuti unogona kuva nenhumbu asi chandikuda ndikuda kuti ushinge wanzwa" Handina kupindura yenhumbu,asi yakandibata,ndakangoti ehoi baba. Ndakadya ndikatohwa kuti ndaguta paya, Mainini vakanga vazvimba kumeso nokurohwa hanzi bendekete rikurwadza.Pavaitaura baba Havana kumbovadaira,ndanga ndisina kutoona nehuku vanga vatotenga futi.Vakaigadzira voga vakabika voga.Ini ndaive ndabvisa uniform ndakazoenda kumvura yokushandisa,nokusuka ndiro dzose dzakasviba.Nguva dzanga dzaenda vana vechikoro ndipo pavakadzoka, Joy akawana ndichitopedza kusuka ndiro. "Sisi maswera sei?" Akadaro achisekerera kwazvo,takamhoresana akabva anopinda Mumba muna Mai vake. "Ko nhai sisi vakazvimba nei kufesi hanzi ndarohwa" "Ehe varohwa baba vazobatwa havo" "Ko varoverei munhu Ari kurwara asi vanga vachinyepera" "Anzi vanwa surf kuti ndisaenda kuchikoro" "Jesus Christ,nhaimi mhamha mazviitirei kunwa surf kuti mushandise Mari asi ndiyo imwe yamatenga huku manje mukuidya mega huku yenyu" Umwe mukomana akuziva akadairawo hanzi chii vanwa surf,vanga vakupopoterwa nevana vavo Joy akabva atoti handisi kuidya huku yamatenga,zvese matenga nemari ye school fees,iiii vakapopoterwa nevana vavo vakazopedzisira vati sorry veduwe. Zvisinei,nyama takazodya hedu Ava mangwana baba vakaenda neni kuchikoro,zvakaramba hazvo headmaster akatovatuka kuti Moda kutiuyisira hure pano endai naye kune chimwe chikoro kwete chino hapadzidzwe nemunhu akamboenda kumurume Zvakaramba hazvo baba vangu vanga vaita chido.Joy akarwadziwa kunyangwe neni asi chokuita panga pasina. "Unongogara hako pamba mwana wangu udzikame ndoziva varume vachada kukutsvaga asi dzikama usavasekerera" "Ehoi baba" Ndaive ndakugara hangu pamba vamwe vana vachienda kuchikoro. Mazuva aifamba,ndiripo pamba hangu.Mainini vaisandituma mabasa kana kundinetsa nokuti vaitya baba,kuhuni baba vakati handiendi ndoga,kugarden vakatizve haaendi ega.Saka kwandaienda kumvura chete, ndaitoenda naivo mainini kugarden kana kuhuni.Ichokwadi pandaingobuda ndoga paya vakomana vemuraini vaotonditaimira kunyangwe varume vevanhu chaivo.Handina wandakada ini ndakaramba vose nokuvatuka, vamwe baba vakandikumbira ruregerero ndavati ndikuvaudza baba vangu,vanga votya kurohwa zvino nababa vangu. Mazuva ose ndaitombowana nguva yokufunga Peace,zvakaramba hazvo asi ndaiti ndadiwa akabaya hake Moyo wangu.Dzimwe nguva zvaindiitira fun kufunga Alex,ndainyanya kurangarira paakandisiira Mari paya,apo Mari yacho ndaive nayo kutokanganwa mazuva ekuda kuenda kuchikoro Aya,ndakangoramba ndakaisungirira irimo mubag handina kumbotauraa nezvayo.Chakandipa kudaro inyaya yokufungidzira kuti ndine nhumbu,mwedzi wanga watopera ndisina kuenda kuperiod kureva kuti zvogona kudaro Mari yaizondibetsera kumberi iyi. Ndaimbofunga kuenda kubasa,ndakaudza mainini,mainini vakatoti baba venyu havabvume kuti muende kubasa.Ndizvo zvakaitika baba vakaramba hanzi chimbogara 3 months tichiona kuti une pamuviri zveshuwa here? Kubasa vanokuwanzira basa mimba ikabva zvikakuuraya uchiri mupenyu.Nokudaro ndaingova hangu pamba, Rimwe zuva ndichitofamba kuenda kwakanga kwatengwa chibage nababa,ndaive namainini.Kwaive kumaraini ekwasekuru kwataigara kuya.Takasangana nambuya Murapi munzira vachienda kubindu ravo, "Kwazjwai mbuya" Ndakadaro mhamha vakavakwazisawo, "Tiripo wena,ko Tanaka wakadiiko?" "Ndiri right hangu" "Hooo Alex nezuro chaiye akafona akati mbuya endai munopa Tanaka foni zvino ndikati kumba kwacho kure akati akuda kutaura' newe" "Hoo munomuudza kuti ndiri right hangu, mozomumhoresa akafona" "Oraiti ndomumhoresa" Mhamha vakabva vati, "Ko iye akamupa mimba haafonewo here anofanira kuziva kuti mimba yake inoda kuchengetwa kwete kungoti ziii" Hana yangu yakarova ko mhamha vakubva kupi nemwedzi umwe chete iwowu yakutonzi mimba, "Mimba, heeedeee ndichatoudza Mai vacho nhasi" "Ehe vaudzei ane nhumbu uyu" "Ehe anayo hamuone nzeve dzake idzi" Vakadaro vachibata nzeve dzangu ini handina kumbozvifarira hangu,takazopesana nambuya vaya mufaro wangu wapera kuti hwaaa Mainini vanga vongotaura vanotofanira kuzviziva kuti une pamuviri kwete kuti vasazive,nokuti mangwana anoda kuchengetwa mwana iyeye. Handina kumbovadaira hangu,misodzi ndiyo yaingojenga mumaziso mangu hamheno sei? The end of chapter 23 Book rino rinoperera kusub grp.Tichaudzwa kuti tinotenga sei pachapter 24. Thanks kune vose vachagadzirira kusupporta munyori wavo I love you guys mwaaaaaa,

*THE GHOST'S REQUEST* STORY BY MAI SHAMMAH AND MAI RYAN AKA MASIZIBA @App263719925853 @App0778349453 READ,COMMENT AND SHARE WhatsApp GRP https://chat.whatsapp.com/F0pv4jvzsbpJkDQsvLUozI *FOLLOW CHANNEL* https://whatsapp.com/channel/0029Vax9A1QL7UVc0csgha3X BOOK RINO KUTI URIWANE NGUVA PINDA MUCHANNEL NOMUGRP TIME TABLE ONE OR TWO CHAPTERS PER DAY. (Sunday no book) CHAPTER 2 Ndakasara ndichingozvibvunza mibvunzo isina mupinduri, ko ndiyani iyeye aita kuti ndirarame? Uye a sacrificer kufa iye pachinzvimbo changu? Ndaizvifunga izvi ndakangoti rabada, *midzimu ngaisandinyadzise kuti imi mutadze kuzomuka* akadzokazve mazwi Aya akanga ane maungira munzeve dzangu. Ndakabva ndakoka simba rangu rese, ndikabva ndamuka. "Ndinopika nevadzimu vangu, ivo vaite kuti mubatsiri wangu auye kuzondinunura. "Ndaakukumbira zvino ndiwane paiswa mutumbi wake. Nekuti handingawane zororo ndikasaziva paaiswa." Pandakada kusimuka ndakanzwa kuti nyama dzichiri kudzimba asi zvaive zvava nani, maziso aiona zvawo asi aivhurika zvishoma. Ndichiri kuteerera marwadzo ndakanzwa ruzha rwakanyanya mumashure mangu, ndakasvetuka ndichinomira ndave chinhambwe, ndaifunga kuti ndadzokerwa, pandakaona iri mhembwe ndakazviseka ndega.Ndakazofunga kuti midzimu ndiyo yandityisidzira kuti ndiite action nguva ichipo, ndaive ndanyanya kuteerera muviri. Ndakatanga kutevera kwandaifungira kuti kungava kuri iko waiswa munhu andibatsira uyu,ndaiita sendiufemerwa mandiri, ndichimbovhara maziso angu, pandinovhura ndinenge ndotofamba, kwakananga tsoka.Ndakasvika paitaridza kuti pambobatwa batwa ndikave nechivimbo chekuti ndimo maaiswa umu, pfungwa yekuti afira ini ndiyo yaindipa chivindi, apa ndaive nechishuwo chekuti ararame hake ndigozomutenda.Panzvimbo yacho pakanga pachityisa kwazvo,ndakanga ndava pakati paro sango,shiri dzidzo dzandainzwa kuchema.Ini ndaive nechivindi chakasiba kwazvo,ndanga ndatarisana nedombo guru kwazvo,nokuda kwemuromo wanga uripi ndakaziva kuti ibako iri,ndakapeka peka ndichitarisa madivi ose,nokuti mupako akadai munogara rova mbira,ndakaona kuti paive ziii uye pasi paisaoneks muhwezva hwerova mbira asi panga pane ropa uye tsika dzevanhu, "Saka ndimoka maaiswa umu" ndakazvibvunza kudaro, "Afira ini munhu uyu" Ndakadaro ndichizvishingisa kuti ndipinde mubako umu. Ndakapinda mubako muya zvinyoro nyoro, chero zvanga zvakaoma hazvo, asi ndakatoona kuti muupenyu munoda ma sacrifices, zveaakanga aita. Saka zvakandipawo simba izvozvo kuti ndipinde,ndaifamba Hana ichirova,ndakangoti hamheno hupenyu kana kurarama muno mubako hamheno maive nerima mubako umu,asi nokuda kwekachiedza kekumusiwo kwanga kusina kuvharwa ndakwanisa kuona mutumbi,uyu mutumbi asi kuti ndione kuti ndiani handina kukwanisa kuona kuti ndiani munhu uyu?Ndomutakura here? Ndokusiya here?Hana yangu yakadedera kwazvo,ndakazongoti, " Vadzimu venzvimbo ino, ndinoda munditarisirewo mutumbi uyu, wafira dzisinei naye. Zvikara zvesango zvisasvike pamutumbi uyu, shuwiro yangu ndeyekuti,hama dzake dzigozoziva paakatsakatira.Nekuti akarwa kurwa kukuru nekuti, haana kutendera kuti mwana wamambo afe rufu rwebvumo".Ndaiuchira maoko ndichidetemba ndakasimbisa moyo wangu. Ndakazobvapo ndichifamba zvinyoronyoro kubuda mubako umu.Marwadzo aive aserera, nekuda kwemishonga yandaive ndazorwa nemufi uya. Ndabuda mubako umu,ndakatarisa pedyo kuti ndingawanepi dombo rakasimba rekuvhara bako iri,rovambira handina dambudziko nayo inoruma chaisingadye,asi kune zvikara zvakaita semakava zvinodya nyama yose,ndakati kwete uyu murume hasfanire kudyiwanezvikara.Zvino nguva yandaitsvaga dombo,ndipo pandakatanga kuona masora kudonha,pandakanyatsotarisa kudai,takaita mahweke euno mukono werova mvura,yaive yakasvika kuti bhiii,ndakafamba nhende Shure,iyo yakasimudza musoro cete.Ndava chinhandwe kureva kuti ndagadzira distance yakakura pakati payo nayo,ndipo pandakati chitsoka ndibereke handina kuzocheuka kusvika ndava chinhandwe.Nyokayaive yasara kare kare,ini ndaive ndofamba kuenda kudubhu rekwedu,uku ndaive ndisina kupfeka chinhu,kunze kwemucheka wokuvhara nhenge nemagadziko chete.Ndaizosvika sei pamuzinda.Ndaingozvibvunza ndichiri mukufamba sezvo ndaive ndichiri musango. "Dai akanga angondiudzawo zita rake, zvaizondiitira nyore kutsvaka vekwake nekuzozorodza mweya wake ndaitsvaka chekumutenda nacho." Ndaifunga izvi ndichifamba kuenda. Zvino ndava pedyo kusvika kumuzinda wedu.Ndakafunga kuzvifugidza nemashizha kuti vanhu vasatya kundiona ndisina kusimira.Ndiri pakati pekutanha zvimiti zvine mashizha msnyoro,ndakahwa kuti Shwa Shwa kufamba kwemunhu,ndakacheuka ndokuona Ari Svovai,musikana weumwe muranda ANOVA muvhimi mudunhu redu "Svowai mwanasikana waGadzanai,mwana wemuranda wedunhu redu,ukutsvagei musango uri wega?" "Ndakuona kare ndichibva kurwizi,ndamhanya nomusango ndikakuofuurai,ndaenda kumba Kuna Mai vangu ndikati prince Havana kusimirandofunga pane zvaitika nokuti muviri wavo une ropa,zvino vachasvika sei Kuna mambo nepamberi pevazhinji vakadaro,ndatys kuenda Kuna mabo k AA ma kune umwe muomaa wekwenyu chandakwanisa kukumbira mai vangu mucheka uyu kuti kuti muzvifugidze mukwanise kuenda kumberi kwamambo nevose varipo pamuzinda" Ndakapererwa nemwanasikana uyu,akagadzika mucheka uya padombo, "Ndipe hako mumaoko Svovai,baba vako varipiko?" Ndakadaro akapindura kuti, "Sezvamunozova baba vangu muvhimi vaenda kunovhima samazuva ose vafumobsts jongwe muromo vaenda takatariaurawo kuti vava kudzoka,kwakanaka here kwamabva" Hana yangu yakarova zvakasimba,asi kuti ndiye here murume andibatsira,asi angava oye nemabatirwo aanoitwa nababa vangu aifanira kutosek ndichiurawa haasi iye chete "Hongu kwakanaka waita basa chienda hako" Ndakatambura mucheka uya ndokubva ndazvivhara nawo.Ndipo pandakatanga kufamba kupinda mumuzinda. Ndakaonekwa nerimwe jinda ndichingopinda mumuzinda,akaasira kufamba kuuya kwandiri,Akanditarisa kubva kutsoka kusvika kumusoro,semunhuakanga ane mubvunzo wakawanda,akandibata ruoko ndokupinda neni Muimba yake ndiyo yaive kunze, "John kwakanaka here,ndakambopinda muno rimwe zuva here?" "Mambo haungaendi musina kundiudza kuti maitwa sei uye nani uye kupi?" Akadaro Ari mukushamisika kwazvo, "Handina kuzununguka kutaura iye zvino ndisiye ndiende" "Jesus asi munoziva kuti ndiri jinda rinozikanwa nokungwara uye nokuchengeta ma secrets ose,ndoda kugara ndiri alert mabva kupi maitwe?" "Ndati handisi kutaura' iye zvino" Ndakadaro ndokubuda Mumba make.ndaksfsmba kunopinda mumba, Baba vangu vakashamisika kwazvo vachindiona,misidzi yangu yakayerera ndaona Mai vangu vachibata pamoyo Pavo zvanga ndiri zvaive zvashanisa vanhu kuti chii chaitika?neniwo ndaive ndodemba kubva pamba ndisina kuoneka The end of chapter 2

https://chat.whatsapp.com/Dd6YJ8KeRWIEr9sze2s702

*PAINFUL LOVE 💘* BY MAI SHAMMAH To0778349453 EDITOR MAI RYAN To0719925853 *Book rino kuti uriwane nenguva please gara wabaya follow channel iyi* https://whatsapp.com/channel/0029VaDyrAr8fewnrBCUcz1c *Join my Whatsapp Grp* https://chat.whatsapp.com/I5J3n5o6qhn5tbZfCPav0Y CHAPTER 24 CATHERINE "Nigel ukudzokera rinhi nhai" Ndakadaro pawhatsapp ndatoona kuti panga patopera 3 days munhu achitaura neni apo neapo,akangopedzisira kutaura' anzi ndiri kumasvingo,hamheno kwaive busy zvakadii zvokutadza kungonditaudza chete? "Next week babe ukuda imwe night here?" "Ehe daddy kana two chaiwo," "Shuwa here Rega ndione kuti ndopinde Harare rinhi,ndoda kubva kuno order Yako yauya" "Hant Makati iri munzira inotora mazuva mangani" "Zvetrain hazvizikanwe asi zvosvika babe" "Yaaa ndina runner wandoziva anotora kuchina zvopedza kana 3 months asi zvichizouya" "Ehe zvouya wena," "Oky daddy I miss you" Yakangogrey tiker anga atibva online.Ndakatotanga kuronga kuti akauya ndoda kumuudza zvestand,ndoda iri imba chaiyo kuborrowdelle kwandobva kunze kwenyika ndosvika ndichiendako.Kwete zvaPrim zvokundiudza kuti akatengerwa imba yekugetto vamwe vanhu vane nhamo shuwa.Ndaingopota ndichitarisa msg iya kuti yapindurwa here ndoona isina,Zvakapa kuti ndifone panumber dziya dzaakafona nadzo achiuya kulodge,yakaringer ikadairwa ipapo ipapo, "Busy now" Akangodaro nokukata,ndakasekerera hangu sezvo ndanga ndanzwa voice rake.Ndakatoti ndimbosiya foni ndimbobata mabook ekuchikoro ndipo pakafonawo Peace,ndakangoidzikisa volume ndichiisiya yakadaro akafona kanenge ka5 handina kudaira moyo wangu waida kutaura' naNigel kwete naPeace Kana kuverenga ndakatadza ini.Zvakandituma kufona futi akabva adaira, "Nhaiwe nhaiwe ndanga ndiri busy nema builder shaaa akuvaka imba kuno kumusha tizowanawo pokusvikira" "Hoo inga magona asi ini zvekugara kumusha handidi daddy ndoda imba Kuma dalledalle" "Shuwa here chipondamoyo changu" Kundidaro ndakaita sendichanyunguduka, "Ehe daddy" "Don't worry my love manje manje tinodzifambira nyaya dzacho hant" "Orait daddy ndakusuwai" "I miss you more my sweetheart " "Ummm shuwa" "Shuwa babe ndichakuudza ndandopinda mutown tizonosangana hant une kamari kekubhadhara lodge kuya kwataiveri kuya kwakanaka kuya,hour vanoita marii?" "Ummm inenge 40 us" "Oky this time tongoita zvehour chete" ",Oraiti asi hour rishoma" "Riri boe babe tozotaura ndauya" Ndakazosara ndoti oraiti atokata kare,zvaive nani ndakambotaurawo naye ndakaswera ndichisekerera zuva rose,ndakatozofunga Peace akufona futi manheru apa aive ambofona zvekuma 10am apa yanga yatove to 8pm ndipo panga akufona futi.Ndakazvinyarira ini kuti ndomutii nhai,yokutanga call yakatokatta ndakazorovera Moyo padombo ndikadaira yechipiri yacho "Nhai Catherine wanga uripi kubva kuseni pandafona hauna kudaiira hauna kuzoona mamissed call here?" "Kutanga nokupopota ndiko kudiiko nhaiwe,inga ndakati tofanira kusuwana wani,ndatoirega maune ipapa ndanga ndisingade kukudaira futi" Ndaive ndatopinda mumood, "Zvichiitirwei nhai Catherine zvokuti tingatadze kkutaura tose here shaaa" "Totaura daddy apa voice renyu ronzwisa shungu sei maswera boe here?" Ndaitoseka hangu nechemumoyo "Babe usandidaro dai wanga uchiziva kuti ndanga ndonetseka sei ipapa usingadaro shaaa" "Sorry kani Saka mukuitei henyu" "Hapana ndakuda kugeza hangu" "Ndiuye ndikugezese here?" "Ehe babe" "Shuwa here manje manje tinenge takugezesana mazuva akundinonokera kufamba ini" "Tose wena ndokuti dai angomhannya " "Zvoita daddy" Takataura kusvika taitana bye bye, ini ndanga ndasiira pokutaura naNigel.Zvakandimbohwa sei,kumufonera yairamba,kuti nditaure naye paapp aive asiri online yacho.Ndakarara ndakabitirirwa nerudo imi,ndanga ndamusuwa dai adzokera hake Dubai kwatainyatsotaura ahhh ipapa kumusha hakuna network.Ndakazongobatwawo nehope zvokungodaro asi ndaifunga Nigel. PRIM Nigel haana kumbononoka kunovakisa kustand kuya,kubasa aive atsvagirwa vashandi nesister yake.Ini ndakanzi chigara kumba nemwana,ndaingoenda kunotora Mari manheru chete.Nokunovasiira mari yakachinjika kuseni kwega kwega.Nigel aripo taienda tose,aingonditarisa ndichiita ndoga zvemabook ekubasa kuti ndikugona here achinndibatsira,Mari ndoverenga ndoga iye ozoverengawo akaona kuti ndikugona,hant Zvekushanda nemari ndashanda nazvo kakawanda Saka ndanga ndisina kupusa hangu.Sister yake yaitondifarira zvekudaro wena,hama dzose dzaitaura neni pafoni vairatidza kundigamuchira. Pamazuva iyaya imba yakakwanisa kuplastiwa mukati nokupentwa mukati,sling akashinnga kutaura' nevarungu vake kuti vamutumire Mari.Zvakandifadza imi nokuti akatumira 3000usd.Ndiyo yakashanda pasling.Nokuisa madoors akasimba,durawall taimbosara pakadaro,ini pandosara ndichiona Mari profiti ndoisisawo durawall.Zvainge zvichitofamba wena. Mwedzi wakapera zvose zvaive zvapera manje.Takabva tatoenda kunogara kumba kwedu,magetsi taive nemasola,uye ndakatsvagawo amwe malodger kkuti ndisazogara ndoga ndoga pamba.Hupenyu hwangu hwainge huchindiitira hangu,rudo chairwo ndakanga ndichipihwa ini.Rimwe zuva ndakahwa Ian achitaura pafoni,hamheno chii chakaita kuti ndimire nditerere,handina kunyatsonzwa ini asi ndakasara nomubvunzo, "Catherine???" Ndakazvibvunza kudaro mushure mekunge ndahwa achiti, "Catherine unorevesa here iwe yes mwedzi wapera Saka wati hauna kuenda kuperiod" Zvakataurwa handina kuzvinzwa,ndobva iye ati, "Mira titange taita make sure" Zvakataurwa handina kunzwa iye ndobva ati "Oky" Apo ini ndaitova kuperiod.Kana ane girlfriend,asi girlfriend racho ringabva ranzi Catherine kuti I girlfriend.Ndakaita sendinopenga imi.Ndakambochema ndakamira nemadziro,ndokubva pamadziro payandichienda kubedroom.Iye aive mubath achigeza,foni yake ndaisava nebasa nayo asi aisaisiya pasi zvekumhanya kudaro.Nguva nguva akapinda akawanda ndakagara pabed nechiso chakapunyaira, "Ko chii Mai Maka kubva wapunyainza chiso kudaro" "Hapana hangu" "Hona babe wati ukuperiod" Akadaro achibata uyu yake yaive yakazvimba,ndakahwa Moyo kurwadza, "Ehe ndiko kwandiri" "Heyiii oky Rega ndingoshinga,asi izvozvi dakuenda kutown pane wandoda kuona wandoda kuronga naye zvekubasa" Ndakatadza kushama muromo kubvuna kuti Catherine here ndakangoti, "Ndoda kuendawo" "Kupi takamboenda tose Kuma friends angu rinhi,pamusoro pazvo unoda kunonhuwisa vanhu ropa reku period here Prim,handide tinetsane nezvinhu zvisina basa wanzwa,ukuda kuenda kupi kupi" Aive akutoita hasha kunge ndamutuka,ndakangobuda mubedroom ndichirovera door kunogara hangu pasofa misodzi ichiyerera,kana iri girl friend ine nhumbu zvichaitwa sei apa ini handina nhumbu. "Mai Maka ndakuenda ukuda kuvigirwei kunge ukuchema wani" Akadaro achena chena akuda kubuda, "Ndingatadze kuchema ndanzwa muchitaura zvenhumbu" "Nhumbua asi ndizvo zvawatsamwa zvenhumbu ya Catherine mwana watete veku mufakose here,munhu wanga ndichitaura naye ndichigeza" "Ehe asi ndicatherine mwana watete" "Saka wanga uchiti ndiani,zvakaoma wanga wati ndaita girlfriend" "Ahhh ndahwa muchitaura zvenhumbu" "Yes ati ane nhumbu zvikanzi sekuru dakuibvisa nokuti mukomana wacho handimude ndikati noo Mira titange Tama maker sure kuti haakude here nokuti mwana chipo chinobva Kuna Mwari" Ahhh ndakanyara imi apa ndanga ndafungira murume wangu zvisiri izvo apa, "Ahhh sorry ini ndanga ndatofunga kuti I girlfriend ini" "Primka munhu akasaitirwa girlfriend anoita seanopenga shuwa,ndashorei pauri ndakuda nhasi here,pandakakuda magirlfriends acho anga aripi?" "Sorry daddy" "Oky huya" Akavhura maoko ndikaenda ndikakisswa kisswaa paye,zvikanzi ukudei ndikati ndikuda pizza,zvikanzi ndinouya nayo,ndipo pandakahwa Moyo kureruka,akabva atora mota yangu kuenda nayo.Ndakasarawo ndakusekerera nhai kufungira murume wangu zvisiri izvo.. *The end of chapter 24* Book rino riri kuperera kusub grp.Kubva iye zvino sub grp rakuvhura,gara wabata nzvimbo Yako usasare pachizimbe ichi kuti bvirrrrriiiii ichooooo dhiiiii kusub grp. 1.5 USD ECOCASH 100ZWG ECOCASH NUMBER DZOKUISA MARI NDEIDZI0778349453 ZITA RINOBUDA P. NDIRIRE ANOSHAYA ECOCASH UNOTENGA 2 USD BUDDIE OR NETONE SCRATCH CARDS VARI KUSOUTH AFRICA R30 VOUCHER OTT,BLU,ONE FOR YOU,KAZANGE, EASY LOAD, TOSE TINOSENDA PROOF APA0778349453 KANA APA0771882503 NDIKASABATIKA BATAI EDITOR, (BOOK RINOVERENGWA NEBOOM ASINGAZIVE NEZVEBOOM NGAAPINDE MUBOOM HELP TIBATSIRANE IMOMO) THANK YOU,

https://whatsapp.com/channel/0029Vb3CrpI4IBhJn5g0Jz43 MASWERA SEI vatsigiri sorry ndatadza kubaya nguva yokuuyisa book wena, Chapter irikuuya Manje Manje,ASI muno ndine hype na8 dzino Saka haichauyi muno mukuuya chapter yehype, Vasiri mumagrp angu munokwanisa kubaya follow Prim Ndirire,iyo umo munongoona novel rine Zita ramai Shammah chete,thank you

*Mangwanani akanaka vakamirira chapter 23*

Join my WhatsApp group👇 https://chat.whatsapp.com/F0pv4jvzsbpJkDQsvLUozI STORY CREATED BY MAI RYAN 0️⃣7️⃣1️⃣9️⃣9️⃣2️⃣5️⃣8️⃣5️⃣3️⃣ Follow my channel https://whatsapp.com/channel/0029Vax9A1QL7UVc0csgha3X For comments👇 https://chat.whatsapp.com/HIFG8ViGr9O8r77RpBKlR5 *YOU WILL REGRET* Chapter 1 "Aiwa Dziva!!!! "Hamungadaro mwana wenyu, hongu kutadza kuriko asika hamuzive kuti kwaari kuenda kwakamira sei? Ko madii kuti tisheedze tete vaende naye vanotanga vaona kuti kunoita here? "Mudzimai wangu mai Samantha vaichema vachidaro, vachindibata gumbo rangu, nehasha ndakavasabvurira kure neni vakadonha nemusana, ini ndaive busy kusunda Samantha ndichibuda naye gedhi. "Munhu wepi anoda kundisekesa muraini, ndinofambirepi gore rino? Ko kuchurch ndichamira sei? Pamberi pevanhu nhai? Haaa dai ndine chivindi ndaizviuraya chaiko. Asi ndikangofunga kuti pamwe ukafa kwacho uchawana kuri worse, kudarika pano pasi, ndaingoti ngazvigare zvakadaro nekuti hondo yepasi pano ndaijaira, pane yandisingazive. "Ndaifunga izvi ndichitori busy kusunda Sama, uyo aiita nharo achiti baba ndiregererei handizviiti futi kwaisave kuda kwangu ndak,,,,, putseke unoda kundiita fuza manje? Zvino pano hausisina nzvimbo, haaaaamba. "Ndakatodaro ndichito musundudzira akabva adonha nedumbu. "Ndakamutevera pasi ipapo ndichida kumukava, ndikanzwa gumbo rabatwa."Zvinonzwisa hasha sei? Nxaaa. "Ndaitoda zvehondo chaizvo saka ndaisada anondidzivisa, aitori mwanakomana wangu wechinumber 2 aive andibata nhai. Ndakazoona pamba pasvika varume vatatu vekuchurch ndiko kudzikama kwandakaita,nekuti kana zvave zvekuchurch ndaiita munhukwaye chaiye. "Ndiri muera Dziva ndinogara mubhuku rwekwa Shumba munzvimbo ye Sanyati, ndaive mufundisi weimwe kereke munzvimbo ino. "Tisu vaya vekungoti tozvigona asi tisina kumbozviendera kuchikoro chacho. "Vhangeri ndairova chaiko, raramo yangu kuchurch nemunharaunda haisiriyo yandairarama kumba, ndaive munhu akarongeka ane rudo anoda runyararo, zvakare ndayiyananisa vazhinji mudzimba umo, zvekuti vanhu vaindipa zvipo zvakawanda vachinditenda,asi ini ndaisararama mazviri. Kumba ndaityiwa kunyange nehuku chaiyo, ndaikavira kure uko yobva yafirapo. Vana vaiti vakanzwa bhutsu yangu vaibva vapetana muchikona,ndinovimba vaitoshuwira kupinda mumagumbeze Ari masikati chaiwo kana ndiripo. "Mudzimai wangu aiyera Moyo, aive munyoro kwazvo, asi ndaiti ndikatsamwa ndaimurikita kusvika ati tasa. Asi iye aivanza zvinhu izvi. "Waitonzwa achiudza vanhu kuti murume wangu anotya Mwari,apa dama rinenge rakazvimba.aitogara akapfeka mapoloneck nema long sleeve kuri kutya kuonekwa mavanga. Kana akanyanya kukuvara aisatobuda panze kana pauya vanhu,aiudza vana kuti itii mhamha havapo. "Taive tisina kupfuma zvedu asi zvaisaonekera nekuti vana vesangano vaimbomira mira chaizvo,ndaipiwa kubvira kumbatya dzevana nedzangu chikafu ichi yaive tapuchiye. Ndaive nevana four musikana 1 vakomana 3. Mai vacho vakanzi vasasaite imwe nhumbu nekuti pane zvakaonekwa nachiremba,ndaitoziva kuti kuvarova kwandaivaita,ndiko kwaikonzeresa,asi Mai vakazviramba kuti vano abuswer. Saka vakangonzi kana maakuda kufa mutakure imwe mimba hameno henyu. Ndiko kurega kwavakaita. "Rimwe zuva ndakafonerwa neimwe member yekuchurch achibvunza kuti ndiripo here? Ndikati hongu mhunhuwashe ndiriko, akati aizondishanyira masikati, ndikati pakanaka."Akazouya tikagara pamumvuri aive nenyaya yainakidza kwazvo ndakatozviona ndapfuma ini." Aiti ane mwana wasahwira wake anogara Bulawayo ari kuda mhandara yekuroora ndikati, wanonoka wataura ndinayo pano ini mhandara, haumuzive here Samantha wangu? "Akati ndiko saka ndauya nekuti ndinozviziva kuti aripo." Ngatitopedzai nyaya ndibve ndatomufonera kuti auye,munhu ane zvinhu zvake,munenge maakudya liver everyday."Yoweee kuzodaro ndaive ndapera kuti pepepe. "Hama dzangu ndakafara zvisingaite, ndaive ndotoronga nekurongonora kuti ndichaishandisei mari yemuwando iyi, ndaitozivazve kuti vekutaundi vane mari uye ndicha mbonoshanyako kana mwanasikana wangu avekugara ikoko." Ko liver yaive yotaurwa iyi,ndanga ndatoona ndaakusunda dumbu reumbinga zvañgu,ndakademba kuti dai ndakaita vasikana vashanu, chokwadi ndaizove business partner ya Strive. "Ndaive ndongokwenya kamhanza kaibuda tudikita, ndaihwa kunonokerwa. "Akabva andizunza," nhai Dziva!! 'zvaita sei asi hamuchade nemwana wenyu here? Honai foni yasvika pakukata ndichizama kuti mutaure naye. "Ndakanyara fani, ndikati ko anofonerei? Pane kuti angouya nemarooro chete, zvinei nekufona, asi anoda kuisa pa ecocash? Akadzungudza musoro akati saka ndichazosvika naye pano kana auya. "Ndikati bhoo. "Pasina mazuva, akanga adzoka naye mukomana wacho. "Chanda kacherechedza pamukomana uyu aizvinzwa chaiko respect chaiyo aive asina. "Akaramba kugara pachituro chandaive ndamupa, hanzi chinodhonza mbatya dzangu dzakadhura idzi,aaaa zviriko here izvi? "Ndaka ngosekenyeka ndichiti aiwa zvanhasi gara hako, ndichatonotenga zvakanaka zvekuti uchagara wakasununguka. "Simba aizama kumudzora, asi iiiiii zvakaoma hazvo chete kungoti ndaida mari chete, aitondisvota hake asi ndaigoita sei? "Akazogara zvake akati ko musikana wacho arikupi ndiri kuda munhu akanaka, anogeza. "Ndakasheedza Samantha akauya akapfugama, mhoresa vaenzi zve ko chii newe? Akasimuka kuti avamhorese Simba ndiye akatomhoresa zvakanaka, uyu umwe wacho akangomugumha neseri kweruoko. "Ndakabva ndati chienda tozosara tichitaura." Akaenda zvake mukomana uya hanzi anonzi Josh. " Akaramba akatarisa Sama ndikafunga kuti rudo,izvo aitomupima zvake Inga zvakatooma. "Simba akati, eeeh muface wangu bbe wariona todii toenderera mberi here? Kana kuti tombotsvaka kumwe? "Haaa bhoo zviri nani hazvo chero asati agona kugeza hake asi anenge ari nani,pane chidiki chandafarira paari saka rega timboona. "Ini ndinoitwa Samantha, ndini wekutanga mumhuri yekwedu, ndaive ndakanyora form 4 yangu ndikatopasa chaizvo,asi kuti ndienderere mberi mari yaisavepo,kutosvika kuform 4 vana vesangano raitungamirirwa nababa. "Kune vakomana vatatu kumashure kwangu. "Tese vana taida mai kupfuura baba nekuda kwemabatiro avaitiita. "Baba vaitotyisa zvavo asi waiti ukavaona vachiparidza apa waifunga kuti kudenga vachaenda netsoka dzavo. "Hanzvadzi dzangu dzaigara dzichiti tikakura chete mudhara uyu toda kumbomukwapaidza. Saul na Silas vanga vatove kusecondary umwe form 3 umwe form 1 mudiki ndiye aive achiri kuprimary grade 6. "Ndaive nemukomana wangu wemuraini redu aive akanyora A level maresults akatobuda tikapembera tese nekuti aive akapasa, saka aiti anoda kumbotsvaka basa kuti agozokwanisa kuenderera mberi nedzidzo nekuti tete vake vaive vasina mari yekumuendesa mberi sezvo vaivewo nevana vavo vaifanira kuenda kuchikoro, asi vanga vamira mira chaizvo kuti Paddy apedze A level."Vaimuda chose mwana wehanzvadzi yavo,akashaikirwa nevabereki anegore rimwe chete."Hanzi vaitobva kukadoma kunotengesa zvirimwa zvavo ndokuita tsaona nebhazi vakafira ipapo,iye haana kufa akatonongwa akandirwa kure uko."Saka Tete vakatomutora vakamuchengeta zvakanakisa vaisada kuona akasuwa. "Taidanana zvekurevesa tichivimbisana zvizhinji nemudiwa wangu, Tete vake vaindifarira zvisingaite."Vaiti ndaakutovimba newe Sama ndinoda undinyararidzirewo mwana wehanzvadzi yangu uyu,handidi naye,ipapa kusatoita zvishuwiro zvemoyo wake ndaremerwa,naiye atozviona."Ndaibva ndavavimbisa kuti havazonzwa kuti takonana ndichave mubatsiri wake panguva dzese. "Dambudziko rakazovepo pakauya uyo anonzi Josh akadiwa nababa vangu kwete ini. Vakaita kundimanikidza kuti ndimude, ndakatoudza Paddy nyaya yacho, ikasvika kuna tete saka taironga kuti tingazvidzivisa sei"Nekuti tete vakati itai zvinhu zvenyu chinyararire,musapaparike nekuti,Satan ari pabasa zvinogona kuzovhiringidza. "Aitsvinya Josh zvekuti ndaiita kusemeswa naye, aiti akatanga kutsoropodza pamba pedu soo, ndainzwa hasha."Ndakakubvunza kuti ko urikumbodei chaizvo kuno kune vanhu vasingageze uchisiya vacho vanogeza kutown? "Siyana neni nditori nemunhu anondida nekusageza kwangu. "Iwewe uzive kuti baba vangu ndivo vanokuda kwete ini,kuti makatangira kupi tunyaya twenyu handitozive,nekutya kushungurudzirwa amai vangu ndiko kubvuma kwandakaita,asi munhu wandinoda ndeakandinyenga tiri 2,ndinoziva kuti munyai anouya taakuroorana kwete kuzonyenga, ndakataura ndisina matyira nekuti ndaitosvotwa naye ndaida kunoona Paddy wangu. "Akatsamwa Josh paakasimudza ruoko kuti andirova, akangonzwa abatwa ruoko, paakacheuka akasanganidzana nechibhakera chisina Mwari mukati, akadonha pasi. "Ndakaona Paddy achifuratira kuenda, ndikati, Paddy ! Ndakasheedza kuti asandisiye ndingasara ndikarohwa. "Josh akanditarisa neziso rinotyisa achiti, hoo ndiyo tsvina yako iyoyi? "Wanga watomuudza kuti azondirova nhai? " You will regret, mark my words. "Akadaro, ndikati hameno ikoko, akasimuka achizunza mavhu achibva aenda neniwo ndikatoenda. "Ndikakwana Paddy akandimirira tikatanga kuseka zvedu. End of chapter 1 Malikes nemacomments zvichandizivisa kuti ndoenda mberi here, kana kusiira pano.