🇿🇼MAI SHAMMAH SHONA  NOVELS 🇿🇼
🇿🇼MAI SHAMMAH SHONA NOVELS 🇿🇼
February 8, 2025 at 04:33 PM
PAINFUL LOVE 💘*                 BY    MAI SHAMMAH      To0778349453                                           EDITOR     MAI RYAN           To0719925853 *Book rino kuti uriwane nenguva please gara wabaya follow channel iyi* https://whatsapp.com/channel/0029VaDyrAr8fewnrBCUcz1c *Join my Whatsapp Grp* https://chat.whatsapp.com/I5J3n5o6qhn5tbZfCPav0Y CHAPTER 2 TANAKA "Heyyy Tanaka,kufambisa kudaro kwakanaka here? Inga ndikumhanya kuti ndikuperekedze tifambidzane wani?" Akadaro mukomana uya anga achitevera, "Handisi kufambisa ndiwo mafambiro angu Peace" "Umm wakunyepa manje,zvisinei ndipe saga nditakure ndingazofamba ndisina kutakura iwe wakaremerwa here?" "Kuti rinorema here saga iri mukoma hariremi iri,fambai henyu ndotakura maita basa" "Kuti kudaro oky Rega tiende asi dzora speed tifambe nekastep kemutown unokaziva here?" "Kufamba kufamba pane step yemutown futi" "Yes iripo ndiyo yatoda tifambe umwe wangu, tichitaura zvehupenyu Saka uri form Ani" "Form 3" "Too young, unonyora next year?" "Ichokwadi" ,"Kuchikoro kunonakidza here?" "Yaaa kunonakidza" "Unogona zvakadii chikoro' ",Ndogona zvishoma hangu" "Hoo chete chikuru kusvika form 4 dofo regrade 7 rasiyana nedofo reform 4" "Ndizvozvo hazvo" "Saka iwewe unoonekwa kupi ndine zvandoda kuzotaura newe une foni" "Zvei handina foni uye handidi nyaya dziri privacy" Ndakadaro ndatoona kuti munhu uyu haana nyadzi, "Ahhh heyaa ndini ndatenga here kuda kukuudza nyaya dziri privacy nhai Tanaka" "Ndiko kusaka ndati handidzidi kureva kuti varipo vakada kundiudza uye vakandiudza" "Saka chii choshamisira ipapo pakutaura newe privacy iwe wazvidyaira" "Hazvishamisiri ndiko kusaka ini ndati handide" "Ahhh hedeee Tanaka Saka ukurevei nokuti ndikutozoda kukuona ndisati ndadzokera Harare,handina nguva ndiri kuno kupera kwemazuva matatu chaiwo ndiri kudzokera" "Endai kuti manga mavinga ini here?" "Nhai Tanaka zvawakundiudza rough ini ndichitaura newe zvakanaka sei uchida kuita sepfambi iwe" "Nditori hure mukoma" Ndaive ndatsamwa akabva ati ,"Eeee" Apa taive takusvika pamba,haana kuzotaura kusvika tasvika,mbuya vachimuona vakanditarisa neziso ini ndokufambisa ndichienda norukweza mukitchen, PEACE Moyo wangu waive wada musikana uyu.Pane zvandanga ndafunga hangu semunhu asvika munzvimbo handifanire kubva ndisina kuvhura hombe,ndoita sei ndakuda hangu asi Ari poor uye haasi class yangu.Pandaitaura naye ndakatovira nehasha achitaura zvekuti ihure,ndakamedza mate kuzvidzora asi kutaura' chokwadi maoko angu anga avavira kuda kumurova,ndakahwa kubaiwa semunhu awanikidza mukadzi wake nechikomba, kutopindura kuti ihure,nemadiro andamuita ndikuti munhu kwaye ko sei mbuya vati ndivo vasikana ava. Handina kuzokwanisa kutaura ini kusvika tasvika pamba Pavo,mbuya vacho ndakavaona vachimutarisa neziso patakasvika asi vakadzoka vondisekerer kwazvo. "Titambire Peace inga wakura nhai muzukuru mukuru wambuya Murapi,wakura wena" "Muchitambirei mbuya ndangokurawo zvishoma wena ndati ndiuye kune rukuvhute rwangu ndione vazhinji hama dzichandichema kana ndafa, ndafara wena kuona muchiri vapenyu" "Taura hako ipapo chaipo wagonesa ndiko kugona uku kwete kubva wanoti nyaaa choooo kuchonera kuchirungu huuu kuno tisu tokuchema uye tochera guva rako isu" "Ndosaka ndauya sekuru varipi uye Revai,Tsitsi varipo here" Ndakadaro vakabva vatovadana, "Revai,Revai huyai muone Peace uyu" Vakabuda vachimhanya vana vaya, "Hiiii Peace muzukuru wambuya Murapi uri sei nhaiwe hiiii ende wakura hako" Vose ndiwo matauriro avaiita,ndakatomhoresana navo. "Ndakura here ini ndini ndotoona kukura kwenyu mava vasikana vahombe vanotorooreka chaivo" "Ahhh zvekuroorwa here Peace zvinoitwa usina chinangwa nehupenyu ini ndiri form 5 ndotoda kupedza form 6 ndoenda kuvhasiti ndozoroorwa ndakushanda" "Haaa nice Saka unogona chikoro ko Tsitsi ava form Ani" "Mira ndikuratidze form yake, Blessing huya" "Ukwane Revai ndokurova wanzwa ukwane" Ndakatoshaya kuti vakunetsanei futi,kwakauya kamwana kachibuda Mumba mavanga vari kachitochema apa kachiterwa nenhunzi" "Ndiyo form yake iyo" vakasimudzana kumhanyisana chaiko,Tsitsi wacho dzaive dzakabuda zvadzo pfungwa kurasika chaiko. "Yoweee mwana ane tsvinaka uyu,zvako iwe Peace Tsitsi akamitiswa nemistake asi chikoro aitogona chaizvo" ",Hooo" "Ehe ahhh zvorwadza,Iwe Tanaka huya ubvise mwana uyu dhodho tione" "Eho" Tanaka uya akauya akatosuwa fesi, "Ukudemwezekei watanga nhasi kuribata dhodho iroro enda naye uko umugezese wowacha hembe dzaanadzo dzine tsvina" "Ehoi" Haana zvimwe zvaakapindura,moziva ndakamunzwira tsitsi chaizvo aibvisa tsvina yemwana Mai vake varipo.Ndakabva ndatooneka ini kuti ndava kuenda, TANAKA "Nhaiwe Tanaka asi wapfimbwa naPeace here zvamauya muri two?" Vakadaro mbuya ndakakotama kuwacha bhurugwa raBule etsvina,ndakapindura ndakakotama ndisina kuvatarisa "Haana kumbondipfimba uyo mbuya" "Kunyepa unoti munhu anyengwa handimuone,manje ukaita mistake yekudanana naye unoti kwaabva kutown hakuna vakadzi vakanaka vakadzidza vanogeza vane Ganda rotsvedzerera kwete rako rakwasharara kudaro,unosiiwa iwe ende ukamitiswa usafunga kuti pano unopagara unonokugara kwambuya Murapi uko nehutsinye hwavo unodya dhodho ikoko" Handina kuvapindura vaifunga kuti ndingaite mistake yekuvhura gumbo chero zvikanzi ndapinda murudo zvakadii ndaisaita izvozvo worse ndichiziva kuti dakuenda kuLondon ini mukomana ndichazomuita ndapedza vhasiti yangu ndava kushanda kwete iye zvino. ",Wazvinzwa here pedza kuwacha uchere mvura tione" "Eho" Ndakawacha tsvina iya ndokubva ndatanga kuchera mvura,Revai natsitsi vaingotukana zvisina musoro handina kumbozviterera ini.Ndakachera mabuckets anenge 5 ndiri ndega,mbuya ndivo vaibika chikafu.Ndanga ndagara ndazorora hangu,ndipo pavakati huyai mudye ndapedza kubika. "Ndiro yamai Bule kuwanza rice kudaro chii nhai mhamha yaTanaka ine Shoma wani?" Akadaro Revai, "Ndiro raanoguta uyu anoyamwisaka uyu" "Aiwa ishoma iro huya ndikupe rimwe" "Ndoguta mainini maita basa" "Ndakuudza haadyise semi uyu" "Hutsinye mhamha siyai asiire rice mundiro" "Chiiko nhaimi kana usingadi kudya hausiye here?" "Takudya kwacho" Takatodya zvakanaka paya ndakaguta hangu sezvo tainwa netea.Takazotanga kuita zvekuverenga ini naRevai tiri muroom yamhamha Linda. "Nhaiwe Tanaka mukomana uyu Peace ambokupfimba" "Aiwa haana mainini" "Hooo asi ndaona kunge anokuda ini" "Mukomana here?" "Kuti ane mukadzi ndakahwa kuti munin'ina wake ndiye akaroora iye haana" "Hoo chero zvakadaro ati anoda kutaura' neni privacy asi ini handidi hangu chero akandipfimba" "Ahhh kumurambirei nhai,inga mukomana akanaka wani" "Ndiri mwana mudiki mainini Revai" "Shaaa unoziva ini ndakadanana naTicha ndiri form two tikasvik form 3 tichidanana,ndakadanana naEvans,ndakadanana naRomeo,ndakadanana naZuze,ndakadanana naElex uya iye zvino ndodanana naMaxwell,nanobe futi vakomana vangu vari two handina here kupasa form 4 izvozvi form 5 yacho handisi kupasa,Ini ndikutohwa kumuda uyu Peace akati anondida ndotoda kumuda asi chandaona anenge ada iwewe,akati anokuda mude umbohwawo love kuti yakadii?" "Handidi hangu,itai moga zvevakomana" "Ahhh hamheno manhanga anowira kusina hari" Handina kuzovapindura ini,kuda kundifurira zvisina basa,ndomudii mukomana zera rangu rino 17 years. The end of chapter 2 More than 500 likes to unlock chapter 3
❤️ 🙏 👍 😢 😂 😮 333

Comments