
🇿🇼MAI SHAMMAH SHONA NOVELS 🇿🇼
February 10, 2025 at 06:16 AM
*PAINFUL LOVE 💘*
BY
MAI SHAMMAH
To0778349453
EDITOR
MAI RYAN
To0719925853
*Book rino kuti uriwane nenguva please gara wabaya follow channel iyi*
https://whatsapp.com/channel/0029VaDyrAr8fewnrBCUcz1c
*Join my Whatsapp Grp*
https://chat.whatsapp.com/I5J3n5o6qhn5tbZfCPav0Y
CHAPTER 3
*TANAKA*
Sezvo yaive Sunday takamuka tiripo pamba.Mainini Revai,havanyanye kundiitira hutsinye asi dambudziko ravo vane husimbe ndizvo zvokonzera kuti vazondiitira hutsinye,mvura havadi kuchera,basa rose havadi kuita Saka musha wese hauiite basa zvekumhanya. Ndaitoziva ndisina kuudzirwa kuti ndini ndikufanira kuita basa rose kusuka kuchera mvura kukorobha Mumba,chaindirwadza kuwachiswa dhodho raBhule.Imwe mvura inopera nokuwacha hembe dzemwana.Ipapa ndikapedza kuita zvose nguva dzatove kuma to 10 chaiko Mainini Revai ndivo vaibika tea Saka ndakapihwa rice rakawanda netea mucup hombe.
"Mukapedza kudya muende kuhuni,vasikana imi"
Vakadaro mbuya,
"Ini dakutogeza ndinoona baba Bhule vati ndiuye nemwana kumba"
Akadaro tsitsi
"Asi vafona"
"Ndaona msg yavo"
"Hoo Revai naTanaka ndimi moenda kuhuni hapachina huni"
"Ndine homework yakawandisa mhamha anoenda Tanaka ko anoswera achiitei,?"
"Chero wamutuma iwe Mai vake,hembe dziya makazodiiko?"
"Hembe dziripo"
"Saka Tsitsi hamusi kumupa,Tsitsi wotorawo dzimwe hembe uende wakachena Kuna baba Bhule,"
"Ngaatore dzine basa here?"
Ini handina kumbodaira hangu.Takapedza kudya ndokubva ndatora masaga angu ekuenda kuhuni,ndakaenda nekumba kwana Chipo shamwari yangu ndichida aende neni kuhuni.Ndakasvika atoripowo,ndakambogara ndichimirira kuti apedze kudya,naChipo taiwirirana kunyangwe aive dofo kuchikoro asi munhu aive neshungu kwazvo.
"Zvino number dzamhamha Linda unadzo here?"
"Ehe ndodziziva nemusoro idzo"
"Hant vakaenda overseas here,number dzinoshanda kunze dzasiyana nedzinoshanda kuno dai wakatocrema dzababa vako nokuti dzavo number hadzichaiti"
"Hooo kana kuzvifunga asi vanogona kutaura' namainini Revai pafoni yavo,ini handinaka foni"
"Ehe asi havakupe ndaitonzwa nambuya vako vachiti zvavharana kana chikoro achatosiira panzira"
"Chipo ini ndava form 3"
"Ndikutokuudzaka mbuya vako vari kufamba vachiudza raini rino rose kuti hauchatobhadharirwi chikoro Mari Yako vachange vachitora vachidya"
"Nhai Mwari wandipedza power"
"Ndizvo zvanga zvichitaurwa namhamha kuti dai waziva number dzamhamha Linda waingozotsvaga foni wovaudza"
"Ndokumbira mainini Revai "
"Havakupe avo unoona kunge vanokuda nhai,?"
"Zvino ndichaita sei?"
"Kutongonamata kuti Mwari akuwanire nyasha,togona kuenda kunoona mum vanoita zve camfed vakupinze"
"Vakaramba kare avo vakatorerana murume namhamha Linda Saka ini vakatondivenga dai ndakaiswa kare havatodi kundiona hauzive kuti vakatomborovana namhamha"
"Hooo gara zviya inga zvakaoma nhai zvino tichadii?"
"Hamheno Mwari"
Takasara totsvaga huni ini ndiri ziii ndichingotura mafemo chete,
Takaunganidza huni dzakawanda ndokubva tasunga kuti tizodzoka futi kunotora dzimwe,
"Mari yechikoro wakabhadhariwa yegore rino hant"
Vakadaro mbuya ndasvika nesvinga rehuni.
"Ehe third term yatikupinda haina kubhadharwa"
"Hooo kubva uchambodzidza,term yose ino painoperawo unenge wabata zvimwe ana tsitsi Havana kutombosvika form 3 ava iwe unenge watombodzidza two materm unenge uri pari nani"
Handina kuvapindura hangu misodzi ndiyo yakayerera chete,kureva kuti nyaya yataurwa naChipo ndeyechokwadi..
"Ndichaita sei kuti ndiende kuchikoro?Ndinozviudza ani kana ndonomhan'ara kupi? Ndiani achandiona uye ndiani achandibatsira,ndiri nherera Mai handina baba Havana basa neni uye murombowo Havana chavanacho, sekuru vakanyarara havataure havakwanise kundimirira Saka ndoudza Ani? Ndichaenda kupolice here zvozondibatsira here?"
Ndaitaura ndoga ndichifamba kuenda kuhuni,tumisodzi twaidonha neshungu.
"Hi beautiful"
Ndanga ndisina kumbozviona kuti ndikusangana nemunhu apa ndichitochema, ndakapukuta misodzi fast fast ndokuti,
"Maswera sei?"
"Ndaswera hangu ukufamba uchichemeiko nhai Tanaka?"
Akadaro Amira kumberi kwangu zvekuvhara nzira kuti ndisafamba nokuti ndainge ndoramba ndichifamba,
"Hazvinei nemi zvandikuchema"
"Chiiko nhai Tanaka hant unotaurawo neni zvakanaka unoziva chii pamwe nditori mutumwa atumwa naMwari kuti akunyaradze iwe wakuda kutsvinya hako"
"Kundinyaradza kuti iwe hauna nhamo dzako"
"Nhamo dzei Ganda rangu nderemunhu ane nhamo here iri,ndiri mukomana ane Mari dzake ini wanzwa"
"Hooo chisudurukai ndiende"
"Ukuenda kupi ndikuperekedze ndikutobva hangu kugarden kwambuya uku"
"Kundiperekedza kupiko nhai mukoma Peace,endai kumba kwenyu uko"
"Tanaka please ndokumbirawo kutaura' newe nguva diki zvayo"
"Ndikuenda kuhuni tozotaura"
"Toenda tose Tanaka hant ndine kanyaya kadiki"
"Zvakaoma oky ngatifambe muchitaura henyu"
"Good iye zvino waitawo semunhu mukuru"
"Mukuru ndakura papi"
"Hausati waenda kuperiod here?"
"Mukuzvibvunza pakudii izvozvo?"
,"Ndipo pandoda kukuudza kuti wakura Tanaka"
"Hooo"
"Ehe ukaona wadaro unenge wakura unenge wakufanira kufambawo neimwe level,asi ukaonawo wadiwa nemunhu akaita seni une good lucky panyika ino nokuti handide munhu zvekumhanya"
"Mukuda kurevei,?"
"Kureva kuti ndakuda Tanaka ndikutoshaya hope nomufaro ndikakufunga ndikuhwa kukudai zvakadzika pakati pemoyo wangu chaipo"
"Ahhh hedeee mundisiye hangu ini handikudei?"
Ndiyo nguva yatakabatwa naChipo,akangomhoresa Peace ndokubva aita zvekumhanya kuenda yaive nzira yokutonditiza kuti ndisare naPeace,zvakandibhohwa ndaitoda kuti tifambe tose uyu abve adzokera kana abve arega kutaura' nyaya yake.
"Sei usingandide,Tanaka ini ndotokuda zvakanyanya"
,"Ndiri mwana wechikoro uye zera rangu handisati ndakuita zvevakomana,Saka handikudei please musandiudza futi nyaya yakadaro"
"Tanaka ndorega sei kukuudza ini ndichida,ndikudzokera Harare mangwana ndichadzoka kupera kwemwedzi uyo ndipo pamunenge mava paholday asi ndichada kuzotaura newe pafoni yagogo hant,unoenda kumba kwagogo woti dakutaura naPeace"
"Ndichizviitirei?"
"Ndokuda kani Tanaka inga ndikukuudza wani ndoda kukuroora"
"Mopenga imi moroora mwana ane 17 years dzokuberekwa"
"Pandinokuroora unenge wava kukwanisa 19 wanyora form 4 yako"
"Mopenga ini ndikuda kuzoenda kunodzidza kunze kwenyika Kuna mhamha Linda"
"Kunyangwe ini ndokwanisa kukuendesa kuchina chaiko"
"Kunyangwe zvakadaro handidi hangu"
"Nokuda kwei,oky unosara uchifunga chinhu ichi kana ndadzokera wozondiudza mhinduro chaiyo,ndokuda Tanaka ndikuona mukadzi chaiye wokugara naye hupenyu hwangu hwose,I love you"
Ndakatoona kuti uyu munhu uyuka,
"Oky ndichasara ndichifunga asi handimbokudai hangu muendewo muchiziva izvozvo"
"Tanaka oky regai tichisiya asi ndokuda wanzwa I love you"
Handina kupindura rimwe voice rotekenyedza Moyo,yes ndine na feelings wo semunhu ane ropa rinomhanya.
"Huni dzacho modziwana kupiko"
"Tasiya tatsvaga naChipo kungonosunga chete"
"Uyo ndiye Chipo hant"
"Ehe ndiye"
",Oraiti iri boe ndotokubatsira kutakura' huni"
"Ndotakura hangu"
"Ndozviziva asi ndokubatsira,dai tiri pedyo nema shops ndambonokutengera mabiscuits nemadrink"
"Aiwa handizvide ini chero dai ndiri pedyo"
"Ahhh Tanaka hooo"
"Ehe"
Tanga tosvika patasiya huni,Chipo anga akuda kutotsiga huni ndikati Mira Chipo tiende tose,ndakazosunga dzangu taakutotaura nyaya tose,aive free nhai Peace wacho. Takazofambidzana huni dzangu ndakatakura hangu,takafambidzana tikaparadzana Chipo akuenda kwavo ndipo pandakamanikidzwa naPeace kuti atore huni dzangu,akaramba akatsiga nhaimi kunosvika kumba kwedu chaiko.Mbuya vanga vakagara pavherenda vachiona havo ini Hana yanga yoita kudedera chaiko
"Mbuya maswera Seiko?"
"Taswera mava kutakurirana huni"
"Ehe ndati ndimubatsire hangu,pamba pakadii?"
"Pari nani unoziva mwana mudiki wauri kuswera ndenderedzana naye uyu here?Washaya zvimwe zvokuita kubva Harare kuuya kuda kupfimba muzukuru wangu,iye Tanaka kutodemwa unoti vakomana veHarare vangade iwe unonhuwa weti"
Moziva ndakapererwa
"Nhai mbuya zvabva kupi zvekumutuka kana ndamuda ndinenge ndamuda,zvisinei handisi kumbomuda futi ini ndatouya kuti ndione Revai pano"
"Kuona Revai aripo Revai,iwe Tanaka udza Revai kuti akudiwa"
Ndakangoti zvakaoma shuwa,
"Mainini mukudiwa naPeace"
"Arikudeiko anga achikupfimba here?"
"Aiwa haana hake"
"Yowee manje ini akandipfimba ndotomuda mukomana ane Mari anodhura kuwanaka"
Handina kupindura ini,ndakatozvambarara hangu pasaga nokuneta uye musoro wanga wotema nokufamba pazuva.Mainini vakazvigadzira gadzira nokupfapfaidza imwe perfume ndokubva vabuda Mumba.
The end of chapter 3
❤️
🙏
👍
😢
😂
😮
362