COCO NOVELS
February 1, 2025 at 12:40 PM
https://chat.whatsapp.com/IdPgtj3QzGs0I7zS7itA2P
*For maprevious chapters nemamwe mabooks edu follow channel yedu nekuti hatichakwanise kusender book kumagroups ese nekuda kweWhatsapp ban. Tauya nekamwe kashort story Rumbie naTatenda wake 🔥*
https://whatsapp.com/channel/0029VahxSwN0rGiIGnuFyF3v
*Also like and follow our Facebook page*
https://www.facebook.com/profile.php?id=61572207467699&mibextid=LQQJ4d
*❤️💔 DECEPTION 💔❤️*
Written by
Coco🦋🖤
Chapter 5
*Mai William*
William..." Aah mhamha munobhohwa imimi nechimodho chenyu ichocho everyday, apa kuchikoro hatina chatatakura futi. Manje nhasi handidye ini ndichangofa nenzara.
Wendy..." Kana neniwo handidye, kana William achiramba neniwo handichide, ndoda chingwa kana rice.
..." Huyai mundicheke kaa munotengesa nyama yangu mudye zvamunoda. Kana baba venyu vachinwa doro nepay yese munenge muchida ndiite sei hee, munenge muchida ndiite sei. Majaira kaa kuti kamari kese kandabata ndinenge ndichi sacrificer ndichikutengerai zvekudya pano manje nhasi kana idyai chimodho ichocho vanangu, jairai zviripo.
Wendy..." Mhamha imimi munobhohwa, ini handichade zvekugara nemi pano ini, ndave kuda kunogara nesekuru Tatenda naGogo Rumbie hanty makati vakavaka imba hombe ndinonokwana ikoko, apa futi kwagogo kunobikwa zvinonaka kwete zvezvimodho zvenyu izvi everyday.
..." Hameno unotaura navo sekuru vako kana vauya pano. Ini ndakupai zvekudya kana musingade musadye asi manheru ngoma ndiyo ndiyo ndiri kutonotenga nzondora pamai Fidza apo ndikadzishaya todya nemusoro wehuku kana machicken skins ndiyo miriwo iri affordable iyoyo and isingade mafuta akawanda ekubikisa totongosanganisa nemaveg zvoibvirana imomo, asingade anongomirira baba venyu ozodya sadza nedoro hanty vakangwarira doro ivo baba venyu. Muri kutodadira chimodho hamuna nzara zvenyu imi.
Ndakavasiya vakaisa tumiromo mumhuno ndichinotenga zvangu nzondora dzangu nekamari kandanga ndasiirwa nehanzvadzi yangu. Ndoti uku ndirikunetseka nekuti mari yerent ndoiwanepi nekuda kwehurombe hwababa vavo, ndonetseka futi nekuti vana vacho varikuramba zvandavasiira zvekuti vadye, apa ndiri munhuwo pandiri pano ndinotosvika pandinoneta asikana. Ndakasvika pamai Fidza vakatomira zvavo panze vari paphone asi vairatidza kakusawirirana nemunhu wavaitaura naye, ndakaramba zvangu ndakamira kusvikira vacutter.
..." Maswera seiko asikana, ndauya kuzotenga zvangu nzondora asi ndaona senge pane zviri kukunetsai ini.
Mai Fidza..." Ndiyeyu mwana wehanzvadzi yangu ari kuda kutsvagirwa basa remumba asi munhu wacho haagone kukumbira manje. Ipapa iri kutoita kunge mhosva kutsvaga kwake basa mufunge, kutondipa naconditions epamba paanoda kushanda apa ndiye arikuda kutsvagirwa basa, hee ndinoda pay yakazodii wee apa nematauriro aari kuita arikuita kunge munhu arikutotiza kubva kumusha ikoko ndinoda kutofonera baba vacho nditange ndataura navo first ndisati ndamutsvagira basa nekuti ane mabasa zvake mwana iyeye.
..." Anogara kupi muzukuru wenyu iyeye plus ane makore mangani. Muroora wangu arikutotsvagawo musikana webasa hanty ndakakuudzai kuti hanzvadzi yangu yakavaka imba yakanaka hombe chaiyo kuMabvuku uko.
Mai Fidza..." Ayehwa kana asikana handingambode kuti type iyoyo ishandire hama yenyu nekuti zvinogona kutozokonzeresa kuti tisataure tese nekuti munhu wacho ane mabasa, handidi zvangu kukuudzai zvakawanda nezve mapast ake nekuti zvinozoita kunge ndiri kuda kusvibisa zita rake. Munhu atori nehunhu and ane respect chaiyo mukamuona munoti maona munhu musvinu imi asi zvaanenge achifunga mumusoro make nonsense dzega dzega.
..." Ndazvinzwa zvese izvozvo asi chindipai number dzake just in case ndikazoshayawo mumwe musikana ndinozotaura naye ndega iye muzukuru wenyu zvekuti akazoitawo zvaanenge aita handizokupei mhosva nekuti ndini ndinenge ndataura naye ndega.
Mai Fidza..." Kana madaro it's fine, chandaramba ndechekuti muzoti Mai Fidza vaitisiya tichitoda munhu akadai kuti atishandire ayehwa izvozvo handidi zvangu.
Vakabva vandipa number dzacho, handina kumboitawo shungu dzekubvunza zita rake asi ndakangosaver number dziya ndakadziti Maid.
Mai Fidza..." Sorry ndazokanganwa kubvunza zvemuriwo zvamabvunza ndave kuwanza ngano dzemuzukuru wangu idzi. Nzondora dzakapera nezuro idzi, ukangoti kune nzondora, mutsipa kana zvemukati vanhu vanobva vaita kuzara vachitenga especially vepamba penyu apo. Nhasi ndine maskins nemusoro chete.
..." Ndipei zvangu maskins edollar.
Ndakadaro ndichivatambidza ten dollars yandaive nayo. Vakapinda mumba vakadzoka vakabata kaplastic kemaskins nechange yangu asi yanga yakashota ne$2 yavakati ndinozotuma William owuya kuzotora. Ndakadzokera zvangu kumba asi ndine zvandaitofunga, hameno kuti zvaizobuda sekuronga kwangu here. Ndakasvika nekubika sadza tikadya nevana vangu, ndikasuka maplates ndikarongedza. Baba William handina chandakavasiira iiih vanozojaira hanty vaida zvebhawa maningi saka vaiguta nemahure nedoro ravo ikoko. Ndaitofunga kuti ndokumbira sei hanzvadzi yangu Mari yekuti ndibhadhare rent nekuti landlord wangu ndinomuziva kana twake twakwidza asi chero Tatenda akandinyima ndanga ndatofunga zvimwe futi, vakangwara havana nhamo shame.
*Rumbidzai*
Pakadzoka Tatenda manheru ndakamuudza kuti vaida kuroja pamba pedu vanga vazouya kuzoona imba ende vanga vaifarira. Ndakamuratidza even Mari yandanga ndapihwa akati ndiwedzere pane yangu yekunohodhesa nekuti ndanga ndambomuudza kuti mari yangu yaishota. Aingoratidza kuti pane zvirikumunetsa asi I didn't push him kuti andiudze, aizondiudza kana ave kuda zvake.
Takaita two days Tatenda achiswera pamba neni, asi he wasn't himself though aizama kupretender like he's okay and everything is okay asi ini nekuziva munhu wangu ndaitoona kuti it was all pretence. Tete Chiedza vakandifonera vachiti vandiwanira musikana webasa hanzi aitobva kumusha kwavo then vozouya naye kwandiri. Ndakafara because ndanga ndave kutodawo kuenda kunohodha, Tatenda anga angosarwa ne1 week netuma days aripa off. That same day ndakati ndapedza kubika chikafu, ndave kunodeedza Tatenda kuti adye ndakanzwa voice rake ndichiri mupassage chaimo achipopotera munhu waaitaura naye paphone asi handina kunzwa zvaaitaura. Ndichipinda muroom akabva ango cutter phone, ndakamubvunza kuti aitaura nani akati hanzi ndiChiedza aikumbira mari yerent. Ivo tete Chiedza ndanga ndichangobva kutaura navo saka mubvunzo waive wekuti why vaikumbira mari yerent kuna Tatenda vachitadza kutanga vataura neni hanty tanga tichangobva kutaura tese. Hameno pamwe kukanganisawo kwangu asi hanty kana hanzvadzi iri married kana uchida something unoenda through mukadzi wake here or maybe ndini ndiri kunyanya kufungisisa zvangu and iyo mari yerent munhu anoita yekupihwa here kana kuti anokwereta ozodzosa not kutoita zvekudemander like zvaiitwa natete. Vane kamwe kakutonga so nekuvhengedzera kandanga ndave kutoona kandaisaona pese apa.
Takazoenda kunodya zvedu nemurume wangu, handina zvakawanda zvandanga ndambotaurawo panyaya yekukumbira mari kwatete asi ndanga ndangoudza murume wangu kuti kana ainayo mari yacho avape ko vakadzingwa nalandlord vanoendepi nevana nhai. Ndotoshaya kuti chii chaiita kuti varambe vachigarisana nemurume wavo asingavachengete iyeye. These days zvinhu zvave kutongodawo kuti uchangamuke semukadzi, kutsvagawo zvekuita even kuita kamusika kemadomasi chaiwo kuti uwanewo yako mari yaunoti iyi ndeyangu kwete zvekungomirira yadaddy chete. Manje tete ndaivaudzawo sei izvozvo ivo pavakamboudzwa naTatenda vakaisa zvimiti munzeve, madays iwayo murume wavo akabva amboitawo munhu kwaye asi apa anga adzokera kumabasa ake akare zvagara shiri ine muririro wayo haiwurege.
Makuseni chaiwo ndichiri kutotsvaira yard, tete Chiedza vachibva vasvika nemusikana aive akabata chimbare bag. Takamhoresana zvakanaka paye tichibva tapinda mumba ndokugara zvedu pamasofa.
Tete Chiedza..." Ko hanzvadzi yangu iri kupiko nhai.
..." Akarara imi vacho mabva mamukirawo, asi matobva kumba kwenyu kunze kusati kwachena kani. Ko vazukuru vangu vasara vachigadzirirwa nani zvekuchikoro nhai.
Tete Chiedza..." Ndangoti ndigare ndauya nemusikana kaa uyu, akasvika kumba kwangu nezuro manheru saka ndangoti tigare tauya kuko. Ronika uyu ndiye muroora wangu wauchange uchishandira, Maiguru uyu ndiye musikana wandakuwanirai.
..." Okay anonzi Ronika. Ko nhai Ronika kumusha ndekupi plus une makore mangani.
Ronika..." Kumusha kuNyabira and ndiko kwandakatobva nezuro. Ndine 23 years.
..." 23 dzemashuwa here nhai asikana, ndokumbirawo kuona chitupa chako nekuti kana uchigara pano ndofanha kunyora zita nesurname yako, nenumber dzechitupa pasi kuitira kuti ukazotiza pano ndosara ndichishaya zvinhu zvangu hazvindinetse kuno reporter kumapurisa nekuti I don't know you and ini handigare pamba always tese nemurume wangu. So for security reasons ndinoda kuona chitupa chako ndonyora number dzacho pasi.
Ronika..." Manje handina kutakura chitupa changu madam. Infact chitupa handitorina ini chakarasika ndaida kutozonotora zvangu chimwe.
..." Nhaimi tete murikumunzwa musikana wenyu uyu, manje ndogara sei pano nemunhu wandisina kuona chitupa chake kana kutaura nehama yake chero imwechete chaiyo, ko kana achinyepa kuti kumusha kwake kuNyabira even zita rake anogona achitonyepa ndoziva sei.
Tete Chiedza..." Maiguru dzikamai kani, hanty inini musikana uyu ndinomuziva and hama dzake chaidzo ndinodziziva nekuti ndidzo dzakatondipa number dzake kuti ndizotaure naye ndiuye naye pano nhasi. Zvese zvamuri kubvunza hazvina kana basa izvo mungati munhu anganyepa makore here nhai. Pamwe murikubvunza zvakawanda wanda because you don't trust me.
..." Ayehwa haisiriyo nyaya asi ndinenge ndichitongodawo kuziva semunhu wandinenge ndichigara naye tete. Saka salary wanga uchitarisira marii.
Ronika..." Chero inongodarikawo $60 nekuti ndinenge ndichida kutumirawo vabereki vangu kumusha.
..." Okay then ndokupa $80 nekuti pano hapana basa rakawanda apa hatisati tave nevana so rako basa kungotsvaira tsvaira muno kukitchen nemuspare maucharara zvemubedroom mangu ndoita ndega, kana ndiripo ndinobika ndega asi kana ndisipo ndipo paunozvibikirawo. Mamwe two marooms ari kwakaperera passage achapinda maroja so zvekutsvaira yard nekucleaner toilet tinenge tichiita ari maduty. Handei ndinokuratidza kuspare uise bag rako, asi chitupa munotora asikana nekuti ini ndofarira zvinhu zvekunyorerana pasi. Zvinhu zvemagetsi unogona kushandisa hanty.
Ronika..." Ehe ndogona and maita basa zvenyu, ndandisingambotarisire kuti mungandipe $80 ndaitoti pamwe muchati $50 since ndinenge ndichidya chikafu chenyu nekugara pamba penyu for free.
..." $80 ndeyekutotanga nayo, kana ndikaona uchishandawo zvandinofarira ndinowedzera yosvika pahundred.
Ndakataura ndichisimuka kuenda naye kuspare bedroom kwandakamusiya ave kurongedza hembe dzake muwardrobe ndichidzokera kudining kwaive natete.
Tete Chiedza..." Ndazongoti kuti nditaure Ronika arimo hazvibude nhaimi $80 haisi shoma here nhai asikana nedhuriro irikuita zvinhu mazuvaano. Dai mamupawo kana $120 kaa nhai.
..." Ingawani arikushanda wacho atotenda ne$80 iyoyo wani, imi mave kuda kutaura selawyer rake pakuita sei manje, mari haisi kunhongwa iyi tete zvekuti ndingangope $120 kumunhu wandisati ndatomboona kuti anoshanda zvakadii plus pano hapana vana kaa vekuti ndingati basa rinozomuwandira. Maita basa manditsvagira musikana tete asi zvepay nemashandiro ake hazvisisinei nemi. Regai ndinokubikirai tea.
Handina kuda kumirira mhinduro yavo nekuti ini ndanga ndatovaudza rough yakanyorovera. $120 yei ivo vamwe vasikana vebasa varikupihwa ma$50 chaiwo pamba pane vana 5. Ndakanobika tea, chingwa changa chagara chirimo ndakazora margarine nedovi. Pandakadzokera kudining netea ndakasvika Tatenda avemo asi vaitaurira pasi pasi natete Chiedza vachiratidza kunetsana or kupikisana handinyatsoziva kuti ndingati kudii. Kungondiona kwavakaita vese vakabva vanyarara hameno kuti yanga ichiri nyaya yemari yerent here kana kuti chii. Takanwa zvedu tea, ndichibva ndabatsirana basa naRonika ndaimuratidza maitiro andinoda kuti zvinhu zvangu zviitwe. Tatenda nehanzvadzi yake vaive mudining asi pandakazoenda ndichida kumucleaner ndakaona tete vave vega, Tatenda ave kubedroom. Takadya lunch tete vachiripo vachibva vazowoneka ndikavarongedzera chikafu chekuti vanodya kumba nevana, ndakavapa ne$20 yandaive nayo zverent hameno vaizotaurirana nehanzvadzi yavo ini ndanga ndisiri kuzozvi involver munyaya dzandisina kumbopinzwa from the word go. Day iroro Tatenda akangoswera ari down ende makuseni ezuva rakatevera akabva abuda achiti ayienda kunoona shamwari dzake hameno kuti vainonwira doro kupi.
Takaswera futi naRonika ndichimuratidza maitirwo ebasa nekumubvunzawo imwe mibvunzo yandakakangamwa nezuro like kuti ave mwana here asi iye akati haana hake mwana. Pamba pangu paisave nebasa zvapo zvekuti takatozoswera tagara zvedu. Ronika airatidza kuti munhu akanyarara zvekuti kutaura naye nyaya kwaitonetsa so akapedzesera ayenda kuroom kwake ini ndichisara ndichiona TV ndiri ndega, asi padoor pakazonokwa zvakaita kuti ndisimuke ndichinorivhura. Vaitove Mai Alpha and ndanga ndisina kana kutombozviziva kuti yanga yatove Saturday nhai. Ndakati ndichitarisa kumashure kwamai Alpha ndichingotarisana mumaziso emurume aive kumashure kwavo, hana yangu yakarova ndikango sticker, ndaiwona chaizvo here kana kuti ndaitadza kuona. Ndakatadza kana kupindura maswera sei yakaitwa mai Alpha maziso angu akatarisana nemurume wandaifunga kuti handife ndakaona futi muhupenyu hwangu.
End of Chapter
❤️
👍
😂
🙏
😮
😢
390