
COCO NOVELS
19.6K subscribers
About COCO NOVELS
Need a break from reality? Join me for entertaining novels that will make you laugh, cry and feel alive☺️. Follow us on Facebook🤗 https://www.facebook.com/profile.php?id=61572207467699&mibextid=LQQJ4d
Similar Channels
Swipe to see more
Posts

https://chat.whatsapp.com/GhZJ2AxyEJT6SRTKF2WyVk *For previous chapters ebook redu huyai kuchannel. Machapters ekumashure haawanikwe kuinbox yemunyori.* https://whatsapp.com/channel/0029Vb5AfX4EKyZNcqdXEb1q *❤🩹WHAT IF❤🩹* Written by Coco🦋🖤 Chapter 13 Pakambosarawo hama kaa zviya zvekuti after muchato vanenge vakabva kure vanenge vari pamba asi vese vakazoenda kudzimba dzavo tikasara two namhamha ndiko kwanga kwave kutongogara kwedu tiri two zvekuti kubasa ndakatokumbira kuti vasanyanye kundipa maafternoon shifts kuti ndikurumidzewo kudzoka kubva kubasa ndiwane time namhamha. Ivo mhamha vacho vanga vave kunyanya kuva lonely and obvious zvaibva zvaita kuti vatange kufunga daddy atleast Camila paanga aripo vaimbowanawo munhu wekuswera vachitaurawo naye nyaya nekuseka naye manje apa zvanga zvakatongooma. Apa iye Camila taimutaurawo sei, she was so happy when she got married shame kusiya Grey for her was the best decision I have ever made I guess. Mafirst days takambomusiyawo kaa hanzi namhamha munhu haadi kunyanya kufonerwa kana kutaurwa naye achangapinda mumba tofanha kumupa time nemurume wake so we did just that asi ini ndakazotanga zvangu kumufonera kutomusuwa mutwin wangu manje iye kana ndikafona aisada titaure kwenguva refu and mostly maconversations ake aingove my husband this and my husband that, Grey adai hee Grey bought me a car as a wedding gift most of the times aingo bragger paphone zvekuti unopedzesera wangobata phone iye achingotaura chete apa ndini ndinenge ndafona imagine kubhohwa kwazvo. Iye hapana kana one day raakambondifonera kana kusender message yekuti Pam urisei ndini ndaingomutanga pese imagine and it went on for about 3 months ndipo pandakazoona kuti mmm munhu wandiri kutsvaga uyu haanei neni ndini ndiri kutozvinetsawo then ndichibva ndamira kumufonera kana kutaura naye. Ndaingoona mastatus ake ekuwanda aaiposter aripa swimming pool, arimumba, ayenda kudinner naGrey aingogara achiposter musikana agoti anga atengerwa phone ine picture quality yakanaka handizive hangu kuti ndeipi yacho handina kubvunza. Ini handinyanye kuposter pastatus kaa so here and there pandaingoisawo zvima memes kana zvima quotes ndaitoona avhura zvake but tisingataure tese and it went on for like 2 months zvekuti anga ave ne5 months ari married manje and tanga tisina kumboonana pa5 months idzodzo kwaingove kumuonera pama status ake iwayo. Mhamha..." Pamela kudada here kana kuvhaira pese paunoita off unenge uri pano whole day. ..." Ko munenge muchida ndiswere kupi mhamha pane kutongoswera nemi nhai. Mhamha..." Ko kuenda kwemutwin wako nhai, kungonoonawo pakagara mumwe wako kana iye murume wake haati unodada here nhai otoshanyirwa nehama dzekure uko iwewe mutwin wake uripo. ..." Mhamha munhu anoenda kwaanodiwa plus kwaanenge adeedzwa. Zvekungoronga rwendo rwekuenda kumba kwemunhu usina kudeedzwa ndipo pakasvika asipo then what. Mhamha..." Ko hanty munotaura pamaphone here nhai Pam. Ndakakurerai makabatana wani nhai mwanangu ipapa munofanha musingatode kana kusiyana. ..." Ndotaura nemunhu anoda kutaura neni. I'm sure maizvinzwa ndichiedza kutaura naCam, kumufonera nekudiiko but iye haana kumbobvira aitawo zvakadaro ndikati maybe she is busy but munoziva here kuti tave ne2 months tisingataure, so why should I force her kutaura neni kana kuenda kumba kwake. Camila ndinotomuda sesister yangu but kana asina basa neni ndinongomusiyawo mhamha and I will love her from a distance. Mhamha..." Hayas ende zvakaoma asikana ndichataura naye kana achidaro ari kukanganisa. Ko iwe nei usingabudewo pamba toti hausi kuenda kwaCammy kwacho asika munhu wezera rako angangopedza maoff ake akagara. Ndaiziva zvangu zvavaireva so ndakangoseka ndichibuda mudining matanga takagara, ini zvekuside kwerudo nemarelationships zvanga zvakatondidhakwira. Ndofunga kuti ndakura hameno but kana kubasa vese vaikumbira number dzangu unotoona kuti munhu uyu ari married nekuti anenge akatopfeka ring kana kuti anenge ari zera rekukwanisa kuita baba vangu so ndanga ndatombosiya zvekufunga zvekupinda murudo ndave kungomirira nguva yaMwari nemunhu wacho wandakanyorerwa naMwari that's if kana ariko unogona kungomirira kaa iyo soulmate yako yakatofa kare kana kuti isiri muZimbabwe zvekuti unofanha kutobuda muZimbabwe kuti unomuwana. Musi weoff yangu ndipo pandaipinda busy yekunyatso cleaner mumba coz mamwe madays ndinenge ndangotsvairawo asi mhamha vanenge vaizosara vachiita zvinhu chaizvo nekuti unotongoonawo kuti mumba makachena umu even pakuita deep cleaning ipapo. Tave kutodya zvedu chikafu chemasikati ndipo pakatanga kuringer phone yamhamha vachibva vatoidaira vachiisa paloud speaker, ndakatozvinzwa kuti ndiCamila paakatanga nekungotaura. Camila..." Mhamha nei musingade kuuyawo kuzoona pamba pemwana wenyu nhai kunyara mukwasha here nhai. Mhamha..." Ini ndinotozouya after gore chairo zvingaite kuti mwana asati ave nenguva apinda mumba Mai vongotanga kushanya here zvinoita senge ndiri kuda kunyanya kupihwa nemukwasha. Ugoona ndanga ndichitoitaura nyaya iyoyo naPamela makuseni ndichiti nei asingauye kumba kwako, uyu ndiye sister yako kaa munogona kana kutoita mwedzi wese ariko zvake ikoko pane kuti inini ndochitanga kunorara mumba memukwasha aah it's to early mwanangu. Camila..." Matanga mhamha zvekuita senge muri ana Mai vekudhara zvine basa rei nhai zvekuuya kuzorara mumba memukwasha. Arisa Pamela handidi zvangu kumuona mumba mangu, ngaagare kwenyu ikoko kana kushanya zve1 day no handitode even zve1 hour handidi Pamela mumba mangu kana pamberi pemurume wangu maybe kana avewo newake murume eheka ochishanya kwete ari single kana handidi zvangu miyedzo pamberi pemurume wangu, Pam garai naye ikoko ndoonana naye ndauya. Mhamha vakanditarisa so coz ndanga ndatomira kudya ndatarisa paphone pavo ndofunga iye Cam anga asina kumbozviziva kuti ndiripo ende ndiri kunzwa zvaari kutaura. Mhamha vakashaya kana zvekutaura ndikabva ndango smiler zvangu vanga vazvinzwira vega hanty. Camila..." Mhamha muripo here kana kuti network yangu yave kuita problem. Vakanditarisa futi mhamha kwave kutarisa phone yavo. Kunyarara kwavo kwakaita ndiite maquestion marks coz havangonyarare kaa asi vanombondinyeya naCamila ndosaka zvanga zvamuitira easy kaa kungorutsa mashoko kudaro. ..." Chii ko ini muri kunditarisirei. Pindurai married daughter wenyu uyu. Zvinobva zvaita senge maybe ndiri kunyengerera kuenda kumba kwaCamila. Camila..." Aah mhamha ndiPamela kaa uyo. Haa mhamha imimiwo futi azvinzwa zvandanga ndichitaura here aah. ..." Usati wacutter zvako call Camila usatye sterek nezvangu my dear kumba kwako handitsike chero ndavewo newangu murume kwako kumba ukaona gumbo rangu iri richipfuura neko richeke zvako handiti. Haana chaakataura akabva acutter call asi zvandanga ndataura anga azvinzwa. Ndakaseka zvekuda kudzinga misodzi kuti ndisacheme coz ndaitonzwa kurwadziwa so ndakaseka ndakatarisa mhamha avo vakabva vatarisa pasi. Ndakagadzika plate yangu patable kwakuisa zvangu spoon muplate ndichibva ndanwa mvura kwave kusimuka. Mhamha..." Ko wave kuenda kupi usina kupedza kudya. ..." Handichade chikafu ini, I've lost my appetite. Handina zvangu zvakawanda zvekutaura asi why do I feel like munomboita maconversations akadai naCamila anyway it's fine mhamha it's fine. Grey uyu waave kudada naye handisirini ndakamupa here ashora achiti Amerikana nhasi zvave kutapira ndave muipi asi anofunga kuti ndinomutorera Grey wake kani takangofanana wani kana pari parunako nebody kutyira hunhu hwake kaa kuti hunopusher murume wake kwandiri, hayas ndaona zvakawanda zvangu ini Pamela musi weroora vaindiseka natete apa asi kwaive kuseka kwekuti anotya kuti ndotora murume wake manje I'm not a marriage wrecker inini handina hutsinye zvangu asi ndichida kumubhohwa ndomu unblocker Grey wake uyo nxaa anondivengerei sendakamutadzira paachafona futi mumuudze kuti hanzi neni to hell kambwa kemunhu kaCammy kenyu kuita tuma insecurities twekushaya coz she know kuti she can't keep a man ndosaka akazochemera wearranged marriage waanga ambodadira nxaa. Ndanga ndatotsamwa ende ndakabva ndatobuda mudining ndichienda kuroom kwedu kwandakasvika nekuzviuraya zvangu nekuchema ndichinyatsofunga kuti Cam ndakamutadzira chii zvekuti anobva andivenga zvakadaro, you could hear the hate in her voice and obvious ndiGrey asi anga akahinter kuti anondida kuna Cam kani asi achindida how zvakandinetsa asi shungu dzangu dzese dzakaperera mukuchema ende handina kutozobuda kusvika manheru ndanga ndakiya door zvekuti paka knocker mhamha door ndakava ignorer zvangu. Ndakaita week rese ndisingataure navo mhamha, mwana wavo haangandiite senge muroyi votadza kumutsiura kaa ndanga ndakatobatikana ndizvo zvaiita kuti ndisataure navo ndai avoider kuzovaudza mashoko asiriwo coz she is my mother. Saturday yacho ndaiyenda kubasa masikati so ndinobuda kuma12 kuitira ndisvike kuma3 kuno kwatinogara kunonetsa transport ndogona kutoshaya combi ndozoiwana kuma 1 then yotenderera kuti izozara tizoenda coz masikati kunenge kusina vanhu kaa apa macombi acho haayende kana asati azara zvinobhohwa shame dai pasina kuti handidi kusiya mhamha vari vega ndainozvirojera zvangu kuChitungwiza padhuze nepabasa. Ndave kuda kutobuda ndakanzwa sound inenge kuvharwa kwedoor remota ndikatarisa nepawindow ndikaona kari kaCamila kaipinda pagedhi. Anga akachena zvake akapfeka maxi dress netuma sandals. Ndakabva ndangotora bag rangu nekutobuda ndaisada kutaura naye. Mhamha vanga vakagara mudining handina kana kuvawoneka ini ndakangobuda ndikavanzwa vachindideedza ndikava ignorer. Ndakapesana naCam padoor chaipo ini ndichibuda iye achidawo kupinda. Hapana akataura nemumwe iye akangonditarisa achibva andipima ini ndakangofamba ndichimudarika. Mota yanga yamusiya yanga yatoenda zvayo so ndakabva ndangobuda zvangu ndikafamba ndichienda kumacombi. Ndaitove busy kufunga zvangu kuti ndobva here pamba pedu ndinoroja kwangu ndega pandakanzwa zita rangu kudeedzwa, ndakatarisa kumashure kwanga kusina munhu pakuzotarisa kudai ndakaona mota yanga yaitofamba slow zvaiyenderana nepace yangu yekufamba yanga yakavhurwa window zvekuti ndakatonyatsoona Grey akagara pasteering paye. Ndakabva ndatotanga kufambisa ndiye arikundivengesa nesister yangu iyeyu. Grey..." Pam kani chiiko asi takatukana kani zvawabva waita kunditiza kudaro tiri hama wani. ..." Makadii henyu bamukuru. Akaseka zvake Grey anga amisa mota even inini ndanga ndamirawo but ndanga ndakamira zvangu kure nemota handina kuda kuswedera padhuze nayo ko kana Cam akabuda ondiona ndakazembera mota yemurume wake handiti ndiko kuzonzi hee chakati ipapa. Grey..." Stop it Pam, I'm Grey to you zvekuti bamukuru zvabvepi. Pinda kaa mumota ndipfuure ndichikusiya pabasa pako. ..." Thanks but ayehwa ndiri kunokwira combi. Ndinotokutii bamukuru ndihwo hukama hatisi shamwari kaa nhai bamukuru. Ndakataura ndichitofamba kubva pamota pacho iye Grey wacho achibva atoseka ungati zvandaiita zvaitomuitira senge joke zvake. Akafambisa futi mota yake zvekuti ndakabva ndamira iye achibva amirawo. ..." Chiiko veduwee. Ndanga ndave kutobhohwekana coz tanga tichiri muraini medu and ndaingofunga kuti Cam anogona kungobuda pagedhi then what nhai ndobva ndaita sei kana zvadaro. Grey..." Pamela pinda mumota kana kuti urikuda kuti ndibude panze ipapo ndikutakure ndikuise mumota. Chero ukada kumhanya haundisiye mupfanha. Ndakaridza tsamwa ndikaramba ndakamira. Pandakaona avhura door rake ndakabva ndakurumidza kuvhura door ndichipinda mumota macho, aigona kungonditakura kaa zvaanga ataura ende ini zvekumhanya izvi ndagara handitogone so ndakapinda mumota muye ndikabva ndavhara door fast iye Grey wacho akadzoka mumota achiseka kwakubva atanga kudriver. ..." Hapana chiri funny apa. Grey..." Shuwa why did you push your sister kwandiri wadaro uchibva wandi blocker nekundi avoider zvekusvika pakuti hausati wambosvika kumba uko. ..." Mmm kana tisina nyaya ngatinyararei zvedu. Grey..." No I need to know Pam, pacall iya you didn't explain to me zvakakwana and when I tried calling back wanga watondi blocker, did I do something wrong. Ndakaona senge tanga tatowirirana ini. ..." You married my sister wani and I'm sure by now you are so much in love and happy. I'm also happy for you guys. Grey..." That doesn't answer my question. Is it because of what that boy did to you, is that why you pushed me kuna Camila. ..." Which boy kana zviri zvaBless zvawakaudzwa naCamila handitode zvangu kuinzwa nyaya iyoyo kana tisina nyaya ngatinyararei. Grey..." Seems like you are trying to protect yourself nekuchengeta zvinhu zvakakurwadza. Why can't you let me in. ..." Saani nhai bamukuru, munhu wandanga ndakajaira akafa ini. Ndisiyei ndizvi protecter it's fine. Grey..." Saka uchauya kumba kuzotishanyira riinhi. Ndakakurumidza kubata muromo wangu ndanga ndave kuda kutotaura zvekuti Cam akandirambidza but ndakazofunga kuti ko akamubvunza. Ndaisada kukonzeresa mumarriage yavo so ndakangoti ndichauya ndinenge ndiri busy nebasa. Grey..." Kana mazoita free muzouyawo kuzotiona kana usina Mari yetransport ndokupa kana kutuma driver. ..." Okay ko why apa maperekedza Cammy mukasapinda mugedhi. Grey..." Ndiri kumhanyira kubasa ndafonerwa kunzi pane mapapers arikuda signature yangu. ..." Hoo ko adii kudriver ega Cam hanty ane mota yake here. Ndakatozoona kuti zvandataura hazviite ndatotaura kare. Iye akangoseka Grey akati Cam anga ati haagone kudriver kumaroads ane dust nemakomba seeku Dema kwedu. Ndakati andisiire pacorner peSpecies college, so ndipo pakamiswa mota ipapo pagara ndipo pandinongosara kana ndakwira macombi etown. ..." Thank you bamukuru, ndokuonai. Grey..." Undi unblocker Pamela hatina kutukana isu plus ndofarira kutaura newe uri calm iwe pane sister yako. ..." Musanyeye sister yangu neni bamukuru. Ndichaku unblocker. Grey..." Good uri mukadzi wangu kaa iwewe ana Tete vakati mese muri vakadzi vangu. ..." Mxm mukwane imi nana Tete mese handisi mukadzi wemunhu ini. Grey..." Bye wifey usati wanonoka kubasa. Akabva ablower kakiss kwandiri. Ndakaridza tsamwa ndichitofamba kuenda. Kuunblocker Grey anopenga chete anoda ndiurayiwe naCamila but ndanga ndanakidzwa zvangu nekutaura naye infact kubva pakutanga hazvina kumbotinetsa kuclicker zvekuti dai pasina kuti Cam mxm regai ndisatoendese pfungwa dzangu ikoko. Grey murume waCam and I should respect that. End of Chapter

https://chat.whatsapp.com/GhZJ2AxyEJT6SRTKF2WyVk *For previous chapters ebook redu huyai kuchannel. Machapters ekumashure haawanikwe kuinbox yemunyori.* https://whatsapp.com/channel/0029Vb5AfX4EKyZNcqdXEb1q *Vanoda kucommenter handei umu* https://chat.whatsapp.com/Gf7kfO5VQiv922Uwyz2TfY *❤🩹WHAT IF❤🩹* Written by Coco🦋🖤 Chapter 12 *CAMILA* Tete Susan..." Mmm better tave kuzvipedza zvechiroora izvi ini ndaneta ndave kuda kuenda kumba ndinorara zvekukanganwa chaizvo. Muchato wekumhanya-mhanya uyu manga manonokerwa neiko ana Cammy mmm I'm so exhausted kuita 2 weeks dzekushaya kana rest. Apa kutotanga nekuenda kuDema nekuti vana vako ndiko kwavari kaa dai vakangoenda nababa vavo kumba haiwa. Tete Sarah..." Asi mari tatora hedu, tinga complainer asi mari tinayo tomboendawo kuma massage kaa timbonyatsoshandisa iyo mari yabamunini iyi. Vanhu vane mari havaomere zvavo kuita kuburitsa Mari kudaro. Tete Susan..." Uyu kungofunga mari pese pese ana Mai Sthe takamirira pacharoorwa wako wakafitira kucharger mari inotyisa iwe. Cam muzukuru kungotaurawo zvangu asi ndafara ayehwa wafarirwa kani urikuona kuti ndiwe Mai vanga vakatomirirwa kaa nekuti murume wako ndiye mukomana muhombe mumba mavo. Uve munhu anobatanidza hukama kwete anopesanisa handidi zvekuzodanwa kutumatare tusina basa nekuda kwekusagona kuvhara muromo kwako. ..." Asi Tete munenge muchingondifungira zvakaipa chete. Tete Susan..." Kana ndinenge ndichitaura zvinhu zvechokwadi. Wakambonetsa iwe uchiputa mbanje nekunwa doro nekuita zvemaparty hanzvadzi yangu ikandifonera ichiti Sue hanzvadzi Camila ndamutadza chimbotora muzukuru wako ugare naye kutaura chokwadi vairwadziwa baba vako chinhu chinorwadza kuti mwana wako anofamba negwara risina kururama asi now I'm happy hauchapute mbanje and you are now a married woman please usadzokere kumbanje uko. Tete Sarah..." Nhaiwe Suzy zvinhu zvekutaura pano pamba pevanhu here ko ukanzwikwa nhai. Takamuraira wani tisati tauya pano. Cam munhu akadzidza uyu anotoziva zvaanenge achiita. Tete Susan..." Usandirambidze kutaura Sarah nekuti Cam uyu anoita zvinhu zviri wrong unonzwa wave kufonerwa kuti Cam haana kurara pamba then what ini handidi zvekukavhira munhu pazvinhu zvakaipa nekuti handisi pfambi ende handina kumbobvira ndakaita maissues kwandakaroorwa. Iwewe Sarah kungotaurisa zvako but zvaiitwa naCam uyu hauna kumbobvira wakazviita muhupenyu hwako. ..." Tete ndachinja wani ehe ndakatadza but that's all in the past. Ngatichinjei nyaya please zvikanzwikwa pano hanty vanhu vanototanga kuita madoubts pandiri. Ndakadaro ndichitocheuka kutarisa kumashure kuti hapana arikuuya here. Taive pakati pekusuka ende taisukira panze nekuti yanga tabikira pamoto panze ipapo so taikwesha mapoto. Zvinhu zvangu zvese zvanga zvafamba zvakanaka, kuroorwa zvakanaka kusvika pakuchata zvangu zvakanaka zvese zvakarongeka ndainzwa kufara chaiko ende apa ndanga ndangofarirwawo nehama dzaGrey coz ndanga ndauya kuzoitira chiroora kuMandara kumba kwabamunini vake and hama dzake dzese dzanga dzakaungana ipapo hapana anga ambondishorawo kana kunditarisa zvekusandifarira. Takasuka kusvika tipedze tanga tachinja nyaya, Tete Sarah ndivo vanga vave kutaura zvekushora dzimwe hama dzedu dzanga dzauya kumuchato vachingotaura hembe dzavanga vakapfeka nemamwe maspeech. Tete Susan..." Ko hauna kuzondiudza kuti nabamunini makasangana kupi kaa. Ndanga ndakanzi namhamha ndisaudze vanhu kuti it's an arranged marriaged zvekuti it was our little secret naPam naivo mhamha so ipapo ndakatomboshaya kuti ndonyepera Tete kuti chii asi ndakabva ndabatsirwa natete vaGrey vakasvika vachitaura nana Tete hameno mari yavakavatambidza inenge yekubika kwatanga taita ko hanty taingopihwa mari pazvinhu zvese zvatinenge taita. Takapinza maplates mumba kwave kuenda kuroom yatanga tanzi tirare. Tete Sarah..." Isu pedu tapedza kaa pano nhai Sue. Cam handei kune vamwe tinowonekana kaa nehama dzako idzo. Takabuda tikaenda kusitting room ndiko kwaive nevanhu vese naiye Grey wacho. Takagara zvedu pasi chaipo tanga yakamonera mazambiya kaa, unotongoona kuti imba iyi zvasiyana nekwedu kuDema uko. Kune vanhu vane mari dzavo shame. Ana Tete vakawoneka zvakanaka paye vakapindurwa zvakanaka asi zvakazonzi natete vaiye Grey since inini ndiri kuenda kumba kwangu as in kumba kwaiye Grey nhasi, zvakanaka kuti ana Tete vatange vanondisiya ikoko vachionawo pandinogara then vozoenda zvavo kudzimba dzavo havana kuramba ana Tete vangu, takanotora mabags edu tikanopinda mumota yaiye Grey ko iye anga akangonyarara kuti zii. So takapinda mumota imomo nana Tete vangu, nevamwe Tete vaGrey then namai James futi vaiti vari kubva vadzokerawo kuDema kumba kwavo. Takakuenda wani kumba kwacho kuMount Pleasant Heights uko. Ndagara ndozviziva kuti Grey ane mari but imba yake aah heaven on earth kana yabamunini vacho yandanga ndambochiva inotopetwa ka10 chaiko. Ana Tete vangu ndaingovaona vachitarisa tarisa. Ukaona Tete Sarah vashaya zvekutaura oziva vashamisikawo. Kuzoti patakaenda upstairs aah apa ana Mai James kana kushamisika kuratidza vanoiziva kaa imba iyi asi ko ivo why vachigara kuDema nhai coz hama dzavo dzese dzinoratidza kuti dzine mari ivo havo imba yavo yekuDema yakanaka but zvasiyana kaa nekugara kuma low density kuno, uko kuDema kunotoita sekumusha chaiko coz vamwe vane maround huts padzimba dzavo. Tete Susan..." Taiwona imba bamunini ayehwa mune pamba penyu pakanaka zvekuti. Mainini mochisarawo muchigarisana zvakanaka nabamunini nhaika nemiwo bamunini mogarisana zvakanaka nemunin'ina wedu uyu kana paine zvanetsa munongofona kwatiri kwete kunyara tiri vana Tete isu zvakangofanana nekuti tiri vakadzi venyu tese takadai. Zvavakataura pekupedzesera zvakaita kuti vanhu vaseke zvavo. Grey achibva ati tiperekedze ana Tete kuDema, vamwe Tete vake takazonzwa kuti vaiyendawo kuDema ikoko kwamai James so takapinda futi tese mumota apa kwanga kwave kumazuvarodoka tikanosiya ana Tete. Ndakapinda mumba zvema two minutes ndikangomhoresa mhamha nanagogo kwave kutobuda nekuti ndanga ndakamirirwa kugedhi. Pamela anga asipo hanzi anga ayenda kubasa. Takabva kuDema kunze kwatoita kakusviba and ndakafara kuti tanga tasvika Pam arikubasa. Grey..." Now we are officially Mr and Mrs. ..." Ehe and I'm so happy. I know this is an arranged marriage and now tese maybe we just like each other but nekufamba kwenguva tinokwanisa kutozodanana here coz this is forever right. Grey..." Asi hatisi kutodanana izvozvi. Grey anoda kuti ndimelter hanty. Ini kwaingovewo kubvunza but ndaitoziva kuti ndave murudo nemunhu uyu kare. ..." Handizive Grey ndinenge ndichitoda undiudze kaa. Grey..." Tave kutofanha kudanana just like any normal husband and wife. Ehe this is forever handingambochate kuti tizo divorcer coz vana vedu vanozodii. ..." Vana? Grey..." Ehe ndiri kutoda vana as soon as possible, hapana need yehoneymoon phase yekuti hee tisina vana ayehwa tinozoita zvese izvozvo tatove nemwana wedu kana one. Why wavhunduka asi uri virgin? ..." Handisi asi waida mhandara yakakwana kani Grey. Grey..." Ayehwa I didn't even expect you to be a virgin at 26 here plus zvichiine basa zvevirginity zvacho here mazuvaano hanty dai zviine basa ana Tete vaizobva vawona jira rewhite what what zvaiitwa kare. ..." Ehe haa chete zvinhu zvachinja mazuvaano. Ndizvo zvandakaita izvozvo nditori nestress yekuti kana achida mwana as soon as possible then ndinenge ndave kufanha kunobviswa jadel kaa. Semunhu aimboitawo zvemafaro ndanga ndakaiswa jadel zvangu kuitira nhumbu coz with condoms zvinogona kuenda nepamwe kaa plus ndaigara ndichienda kunoitwa matests eHIV nemaSTIs kutotya zvirwere zvangu asi ndisingatye kuita sex kwacho. Ndakati handimboudze Grey nezve jadel ndinongotaimirira ayenda kubasa ndoenda kana pa24 hour iri padhuze ndonobviswa zvinonetsei hanty macards angu ndichiinawo but nyaya iyoyo yakaita nditombonyarara ndave kufunga manje kuti why ari kuda mwana zvekumhanya hanty tofanha kumbozivanawo here tisati taisa mwana muequation iyi nhai. Grey..." Chii ko wanyararirei. ..." Kutoneta zvangu madays adarika ndaive busy zvekuti ndichigadzirira muchato. Dress fitting, kunoona venue, cake tasting iiih zvinhu zvacho zvanga zvakaoma apa iwewe waingoburitsa zvako mari but usingabatike. Grey..." Yeah kubasa kwanga kuri busy zvekutodaro. Ko waidii kubatsirwa naPamela iye why usina kumuisa pama bridesmaids ako and why asina kuuya newe nana Tete. ..." Akaramba kuperekedza muchato wangu hanzi handiwane time yekugadzirira nekuda kwekubasa then nhasi apa atori kubasa so that's why ndakauya nana Tete chete. Pam is always busy wakaona even day rawakandiroora akatobuda zvinhu zvese zvisati zvapera achienda kubasa. I don't even know why asina kukumbira kupihwa maoff days pama special days angu inini mutwin wake maybe she didn't want to be part of zvinhu zvangu coz iye zvake zvakatadza kubuda or maybe ijealous hameno. Grey..." Hoo day rekuroorwa kwako akabuda titoripo handina kumbozviona ndaive busy. Ko apa anoshanda kupi tidarike nepabasa pake tichitenga food coz nepave nenguva plus kuneta obvious kutongosvika nekurara. ..." Food unotenga mutown aah panoshanda Pam hapana kana parking apa saka mota tinodii nayo plus hapasi safe pane mbavha paarea iyoyo obvious hauzvizive coz hausati wambopaenda paMakoni nzvimbo dzemughetto hadziite idzi. Grey..." Hooo. Ndizvo chete zvaakataura aah iye nenyaya yake yekungoti Pamela kaa iyi kaa ndinobva ndanzwa kusvotwa nhai. Takazonotenga chikafu chacho mutown zvekuti Grey awone Pamela kana bodo ndanga ndazviramba, kuchengetedza territory yangu chaiko haiwa. Zvadaro takaenda kumba but nekuda kwekuneta takangosvika nekutoenda kunorara mumaster bedroom iri upstairs apa mabags angu ndanga ndisati kana ndarongedza zvanga zvingori pasi zvinhu zvacho here. Makuseni Grey akamukira kugadzirira kuenda kubasa ini ndikatomukawo sezvandanga ndaudzwa natete ndikanomubikira nekumubvunza zvaaida kupfeka ndikamuburitsira, ndaida kunyatsova mukadzi akanaka kwaari zvekuti anokurumidza kundida nekuti ini I was already in love so plan yaive yekuti Grey anyurewo seni. Handina zvizhinji zvandakaita coz ndanga ndaudzwa kuti there's a lady anouya kuzocleaner so pakauya mukadzi iyeye ndiye akabva atanga kuita basa rese ini ndakangoita zvekubedroom kwangu chete nekurongedza hembe dzangu mucloset I had to make space for them coz dzaGrey dzanga dzakawandawo kaa ndichipedza ndakabva ndatopinda kugeza. Ndikanva ndanobvunza Mai vanocleaner kana vachiziva any clinic, 24 hour or hospital iri padhuze coz ini ndaitovewo munyowani kuMount Pleasant Heights ikoku and I know zvainditorera time kuti ndizojaire nzvimbo yacho. Vakandiudza nezvepa Royal Heights Medical Center ndivo vakatozondiperekedza panoendeka zvapo netsoka ndikabhadhara mari yangu ndaive nayo kaa yandakanhonga pandakaroorwa plus yataka sharer nana Tete pane yepatakaita chiroora. Vakandibvisa jadel riya ndikabva ndatopihwa mapills ekucleaner chibereko nekuti ndanga ndave kutoda kukurumidza ndaita nhumbu yacho ndifadze wangu murume pamwe mwana iyeye ndiye anobva aita ndinyatsodiwa coz ndanga ndanzwa nematauriro ake kuti mwana ari kunyatsomuda zvemashuwa. Ndichipihwa mapills angu takabva tadzokera zvedu kumba asi Mai vanocleaner ava ndanga ndisina kumbovaudza zvangu zvandanga ndaendera paMedical center. Ivowo vakangoti vachipedza basa ravo nekutoenda ndakafarira kuti ndistay out maid coz zvekugara nemusikana webasa handina kumbobvira ndakazvida zvangu. Kumazuvarodoka ndakatanga kubika and I made a special meal for my husband ndichibva ndanogeza kwave kupfeka kadress kangu kapfupi kanonyatsofita kachisiya zvidya zvese panze necleavage iyi. Ndakatoshaya macandles aye ekuti zvinhu zvangu zvinyatsove romantic asi ndakasetter table yangu zvakanaka ndikatanga zvangu kutenderera ndichiona imba yangu yese room by room ko imba yangu kaa hanty ndini ndatove madam vepano. Grey wacho akazosvika ndatogara zvangu pasofa kunze kwanga kwatosviba zvako. Achisvika ndakanomutambira ini ndikamuhugger and he was surprised why I don't know coz I'm his wife kaa. Ndakatora laptop bag rake ndikamubvisa bhachi rake netie ini handinyare ini ndakabva ndatomukisa just a peck pamuromo apa then I led him to the dining room. Ndakamupakurira chikafu chake tikatanga kudya, tichipedza ndakamubata ruoko ndikaenda naye kubedroom ini handinyare manje saka aah akashamisika nezvandakaita but ndakaona kuti akazvifarira ini coz we had the night of our lives husiku hwese tichigadzira mwana waanga ati arikuda iye Grey hameno nhumbu yacho ndaizokasika kuiita here coz mapiritsi ekucleaner chibereko ndanga ndichangotanga kumanwa kaa. End of Chapter

https://chat.whatsapp.com/GhZJ2AxyEJT6SRTKF2WyVk *For previous chapters ebook redu huyai kuchannel. Machapters ekumashure haawanikwe kuinbox yemunyori.* https://whatsapp.com/channel/0029Vb5AfX4EKyZNcqdXEb1q *❤🩹WHAT IF❤🩹* Written by Coco🦋🖤 Chapter 15 Gore rakapera wani naCam we were cool coz anga azonditi sorry obvious anga anzi namhamha andiite, I mean I could hear kuti this apology is so fake but ndakamuregerera zvangu ko ndaisvikepi ndakasungira sister yangu chigumbu, she's my only sibling iniwo kumba kwake handina kumboita kana shungu dzekuda kuenda ikoko zvangu ende ndanga ndapromotwa kubasa ndave kushanda sashift manager ndanga ndave kutoshandira muHarare chaimo ndanga ndabviswa paMakoni so zvinhu zvaindifambirawo zvakanaka pakuti pay yangu yanga yawedzerwa asi kuside rema relationships iiih zvanga zvakadhakwa zverudo zvinenge zvanga zvave kutondiramba ini kuti ndakatemerwa nyora dzemunyama handitozive nekuti ndanga ndapinda muma relationships anenge three ese panguva yadarika and aisambo laster for kana 2 months chaidzo ndotorambwa ende ndakambozvinzwawo zvangu kuti ukarambwa nemukomana one unoita munyama ndofunga chaive chokwadi nekuti ndanga ndave kuzvionawo ini kubva pandakasiiwa naBless zverudo hazvina kuzombondifambira zvakanaka asi pane zvaakandiita kani zvaindinetsa zvangu. Mhamha vanga vasisabvunze asi Cam paaiwuya kumba kuzotiona ndiye aibvunza even Tete Sarah pane pavakambondifonera vachibvunza kuti kwave nabamunini here she even said kuti kana zviri kunetsa huya tifambe ugezwe munyama mwana wehanzvadzi watokura ndanga ndave ne27 years zvangu ende ndaitoshaya time but ndaida kuenda kunogezwa munyama kwacho coz ndanga ndave kutya kusvika pa30 years ndiri single ndisina kana kastable relationship. Since ndanga ndave kushandira mutown kure kaa nekumba, ndakawirirana nevamwe vangu mashift managers kuti inini ndongopinda shift yemakuseni chete kuitira panyaya dzetime dzekuzoenda kumba apa coz combi yekubasa kwedu yaisasvika zvayo kumba kwedu so kufamba manheru kwaitove kurisker chaiko. So ndaitoti ndikapedza basa ndonokwira zvangu combi yekuenda kumba straight ko ndaive nechii chimwe chekuita, maybe once or twice pamonth ndipo pandaiwonana naNonoe kana naTsitsi ivo manje vanga vakawana basa rinoenderana nezvatakaendera kuuniversity so vaigara vari busy zvavo. Mostly madays andaipihwa pay yangu yemaUsd ndaibva ndatenderera mutown ndichitengera kana mhamha neni zvinhu then grocery ndaitenga in bulk plus mhamha vaitengawo nemari yepension yadaddy yaisapinda yakawanda zvayo. Payakatanga kuuya ndipo payanga yakawanda mhamha vachibva vaisa durawall pamba nekutenga masofa manyowani vaida kutenga nestove but ndini ndakazovatengera zvangu ininiwo ndaisaver mari shoma neshoma zvayo but ndaida kuti izongokwanawo kamota kana kaVitz chaiko kana Honda Fit ndaingoda chero kamota ndoziva kuti ndiri kuendera kubasa zviripo. Ndiri pakati pekutenderera ndakatonzwa munhu akati Camila but handina kumbocheuka kana kuzvitarisa handina kutoziva kuti munhu iyeye aireva inini ndakazovhunduka ndabatwa ruoko ndikavhunduka coz muHarare unenge wave kutotya kubiirwa kana kurohwa chadonha vagara vanhu vacho vanoshandisa mushonga zvekuti anenge atozviona kuti une mari so ndakakurumidza kubata bag rangu ndichicheuka kumashure kwangu. "Camila hesi it's been long watadza kundiziva here." Akadaro murume anga akandibata Ndakatarisa face yemunhu wacho handina kumuziva ini, ndakabva ndabvisa ruoko rwangu mune rwake anga asina kundibata zvakasimba zvake. ..." Makadii henyu handisi Camila ini ndiPamela wamuri kutaura naye. Camila is my twin sister. "Hii sorry makanyanya kufanana but iwewe Pamela wabva watadzawo kundiziva here, kutadza kuziva inini Clever ndandiri besty vaCamila kuVarsity kaini but aah a lot happened and we lost contact arikupi nhai." Akadaro ende ndakabva ndatomu remember nhai, ndivo vaive mafriends aCammy kaa aya embanje nemaparty haa aiwirirana nevakomana Camila, but uyu Clever manje anga achinja manje atove kuratidza kukurawo maybe anenge anga asiya mbanje. ..." Aah hesi Clever kana kumbokuziva ko makura kaa nhai. Cammy akaroorwa uyu ave kugara nemurume wake ndane time ndisina kumuona but aribhoo zvake. "Aaah kakazoroorwa ana Cammy vaive type dzekukanda pakitchen here vaye aah kana akawana akamuroora better manje hazviite ndipihwe number dzemukadzi wemunhu ndichamutsvaga paFacebook handimbomushaya. Ko iwewe urikushanda paChicken Slice wave kugara kupi nemurume wako." Akadaro ndikamboshaya kana zvekutaura coz handina kuroorwa kaini. ..." Handina kuroorwa ini. Ko iwewe? "Ndakaroora ini ndatove nekamwana kangu. Ko nei usati waroorwa ndimi maive magood girls kaa uchipengesana neuya ainzaniko aive pamberi pedu uyu hanzi Blessed." ..." Mxm takarambana nemunhu uya, ndakuenda Clever ndiri kumhanyira kumba ndakamirirwa. Zvekubvunzwa zvaBless zvakandibhohwa zvekuti handina kutozombomirira kuti Clever wacho apindure ndakabva ndatofamba ndichibva paari ende ndakabva ndatonanga kuma combi ekumba ndanga ndatobhohwekana zvangu. Ndakasvika mhamha vakatozviona kuti ndakatsamwa. ..." Nhai mhamha ndanyanya kunonokesa kuroorwa here inini. Mhamha I can't even keep a man asi ndine sare kana ndine manjuzu kana mweya wetsvina chaiwo. Tete Sarah vanga vakati ndiuye ndiende navo hameno kwavaiti kunogezwa munyama ndoenda here mhamha. Mhamha..." Pam mwanangu zvekuroorwa izvi hazvina zera. Vamwe ndivo vanokurumidza, vamwe vachinonoka asi hazvireve kuti hauroorwe mwanangu. Zvesare nemanjuzu wakazvinzwa kupi ende izvo zvekunogezwa munyama wakazviwana kupi. Pamela ukateedzera zvatete vako Mai Sthe vaye hameno zvako. Ini ndakakukudzai ndisingaende nemi kun'anga asi ukatangawo kuenda wakura kudai pachako mwanangu. ..." Aah mhamha ndakungodawo help ini, 27 years hadzina kunyanyisa here kuti ndive ndisati ndaroorwa nhai mhamha. Mhamha..." Hameno Pam wakura mwanangu zvave kwauri kusarudza chakanaka nechakaipa ini I'm not even worried ini nekuti ndoziva kuti kuroorwa inguva pamwe ucharoorwa wave ne30 ndiMwari anoziva kuti wako chaiye uchamuwana riinhi asi regai ndinyarare zvangu pamwe ana Tete vako ndivo vanoziva kaa nekuti handiti ndivo vawave kutaura navo muchiudzana zvemunyama here. ..." Mhamha.... Mhamha..." Ayehwa Pamela ngatitosiyai nyaya iyoyo ndikakuti usaende natete Sarah vako ivavo vakavhengedzera unovaziva iwe kuti vakachenjeresa Mai Sthe vaye hanty ndikakuti usafambe navo ndipo pakusonzi ndiri muroyi. Ndakangonyarara ndikasimuka kwave kubuda mudining ndichienda kubedroom kwangu. Ndakambonetseka ini dai ndiine hama dzinoroya ndaiti pamwe ndakaitwa mukadzi wechikwambo asi aah maybe mhamha is right zvekunogezwa munyama hazviite asi ndichasangana nevanhu vangani vanondiziva ndichivaudza kuti handisati ndaroorwa nhai. Ndakazozvisimbisa nezvandanga ndaudzwa namhamha kwave kunobika zvangu tichibva tarara. Makuseni ndakamukira kuenda kubasa ndikanoswera ndiri busy atleast ndanga ndisisaswere ndakamira hanty ndanga ndisisiri cashier. Ndakazoti ndabuda pabasa ndave kutoenda kunokwira combi yekuenda kumba phone yangu yakabva yaringer. Dzaitove number dzandanga ndisina kusaver so ndakatomboda kusadaira but aah ndakazongodaira kutotyira kuti maybe pane zvinenge zvaitika kuna mhamha ndave kufonerwa. ..." Hello ndiri kutaurawo nani. Bless..." Hesi Pamela urisei. ..." Ndiri kutaurawo nani nhai. Ndanga ndazvinzwa kuti ndiBless but ndaitozviitisa. Zvagara voice raBless handimborikanganwe chero zvidii ndiwo mamwe emavoices ekuti rikangotaura unobva watoriziva chero ataura one word chairo. Bless..." Pamela usanyepedzere kunge usiri kuziva kuti ndiani. Hauna kuzvinzwa here kuti ndiMhofu vako here nhai Pam. ..." Pfutseki mwana wembwa kusakwana kuti pwofu vaani undikwanire wanzwa. Uri kudei Blessed and mukadzi ako ari kutombozviziva here kuti uri kundifonera. Bless..." Tuka hako chero zvawada Pam I know wakanditsamwira, usandibvunze nezvemukadzi wangu ndiye akufonera here handiti ndini ndakufonera saka why tiri kutaura nezvemunhu asipo. ..." Usade kundibvisa pamberi paMwari Blessed wanzwa. Wakawana time undikwanire nxaa usade kutondibhohwa handina time yebenzi rinenge iwewe ini nxaa ita zvemukadzi wako unofonera munhu ane sare kuti zvidii muri kuwandirwa neairtime hanty siyana neni. Bless..." Manje handichatokusiye iwewe uri wangu manje chero wakazoroorwa asi uri wangu first before murume wako. ..." Ndibvire ukandifonera futi ndichatsvaga number dzemukadzi wako ndomuudza ende phone yangu ino recorder macalls saka ndinenge ndiine proof yemashoko ako. Siyana neni Blessed wanzwa usade kundipa munyama mwana waSatan rubbish apa wakaurayisa baba vangu futi, dai rikatyoka zvimakumbo nxaa Satan wemunhu. Ndakabva ndacutter phone kwave kutomu blocker ipapo ipapo nhaimi hausi mumwe muyedzo uyu ende Blessed anondishura mufunge hazvishamise kuti pane chakaipa chinogona kubva chatoitika ipapa hayas zimwana raSatan iri ndakanyatsonzwa kusvotwa kwakadarikidza zvekuti ndakanopinda mucombi ndatosvotekana futi nhaimi two days dzakateedzana ndichienda kumba ndakatsamwa. Ipapa unoshaya kana nechaari kundifonera munhu akataura toshi mhani uyu. Ndichiburuka combi ndave kutofamba kuenda kumba, phone yangu ichibva yaringer futi ndakaitora ndichitoti ndiBless andifonera nedzimwe number ende ndanga ndamugadzirira mashoko chaiwo manje ndakaona ari Camila aifona. Camila chaiye kundifonera maybe it's a mistake ndizvo zvandakafunga ndichidaira phone. Camila..." Hello my beautiful sister urisei zvako nhaiwe ko kurova zvekutadza. ..." Hesi uri kutaura naPamela. Camila..." I know hanty ndiwe wega sister yangu here nhai Pam ndiani mumwe wandingati sis. Ndakabvisa phone yangu panzeve ndichibva ndatarisa ndikaona aah ndiCamila arikufona zveshuwa. Ndakaidzosera panzeve ndakatomboshaya zvekutaura coz mmm Cam kuva sweet kwandiri zvakadai aizviita kare achida kana kundikumbira something but tichiri vadiki hanty recently ndanga ndave kutoita senge enemy yake that's why ndanga ndatomuudza kuti ndiPamela. ..." Ndiribho zvangu uri sei Cammy. Camila..." I'm good sis kurisei kubasa. ..." Kuribho zvako uku. Ndaitoshaya zvekutaura naye ini zvekuti pakatomboita tuma minutes tese takanyarara pasina ari kutaura ini ndanga ndave kungoti dai acutter zvake. Camila..." Umm Pam ndine zvandiri kuda kutaura newe kaa asi hazviite paphone manje coz nyaya yacho ihombe my sister. Uri kuita off riinhi ndiuye kumba titaure coz I really need to talk to you. ..." Ndezveiko Cam kana paphone panongotaurika nyaya wani. Camila..." Not iyi sis haiite zvinoda in person. ..." Okay ndiripo mangwana ndinenge ndiri off. Camila..." Aah saka bhoo ndokuona mangwana handiti my beautiful sister aah unomboziva kuti ndakusuwa sei nhai my other half. ..." Ndokuona mangwana Cam, bye. Ndakabva ndacutter phone zvekundisuwa izvo hanty ratove drama nhai. Ndakatoshaya kuti aida kundionera chii zvangu asi ndaizonzwa zvangu mangwana. Sezvineiwo nguva dzakafamba tikarara tikamuka makuseni asi mhamha ndanga ndisina kuvaudza nezvecall yangu naCam nyangwe zvayo yanga yangondiitira weird asi ndakangozvichengeta even zvaBless ndanga ndisina kuvaudza ini. Zvadaro kuma 11 ndipo pakasvika Pam akauya achidriver mota yake akatonovhurirwa gedhi namhamha akaiparker mugedhi. Vakafarirana panze namhamha anga ave nenguva asina kuuya kaCamila. Camila..." Ko arikupi Pam mhamha akandiudza kuti ari off nhasi. Mhamha..." Ari kuroom kwake uko, aah mave kufonerana muchitaura aah ndafara ndanga ndave worried nekusawirirana kwenyu vana vandakakudza vakabatana nhai. Camila..." Zvamhamha nhai regai ndinoona Pamela ndinodzoka kuno. Vaive kudining ndanga ndakamirira padoor zvekuti zvavaitaura ndaizvinzwa asi pandakanzwa Camila ave kutaura zvekuuya kuno ndakabva ndakurumidza kugara pamubhedha kwave kunyepera kuva busy nephone yangu zvekuti paakapinda ndanga ndakangotarisa phone yangu. Camila..." Mmm Pam asi ndibae wauri kutaura naye kani wabva waita kutsikitsira paphone zvekutadza kundinzwa ndichipinda nhai. ..." Kana pane zvemugroup rekubasa zvandanga ndichiverenga zvangu. Urisei zvako Cam. Camila..." Ndiribho ini, haa zvekubasa kwako unozvida nhai. ..." Wakati une nyaya yauri kuda kutaura neni. Ehe straight to the point zvetunyaya-nyaya izvo tozvisiya nhai. Camila..." Mmm nhai Pam ungabva wadaro here asi you are right rega ndingotaura nyaya yacho zvangu. Akambonyarara hameno aifunga chii achikwenya kamusoro ungati ari kuda kunamanura kawig kanga kakanamirwa mumusoro make. Iye ainhuhwirira even ganda nezvese zvanga zvachinja paari ave kuoneka kuti arikugeza mvura iri different from yedu yekuDema kuno ende ave kuzora mafuta anodhura even dress raanga akapfeka ranga riri simple asi rakanaka richiratidza kuti harisi repondo pondo. Camila..." Aah Pam ndiri kushaya kuti ndozvitaura neway ipi yaunogona kunzwisisa. So Pam I need your help my sister zviri kuitika ndezvekuti Grey ari kuda mwana hanty ende inini nhumbu yanetsa kubata I've tried everything Pamela takatoenda kwadoctor tikanzi tese tiri bho hapana ane problem but handisi kubata nhumbu ndakashandisa zvechivanhu even macloves kana mapills ekucleaner chibereko but zvese zvaramba kushanda Pam. ..." Wait naGrey hamuna kana 2 years maroorana kaimi. What's the rush pakuita mwana apa hanty maifanha kuzotanga kunetseka maybe mane 5 years maroorana here nhai. Camila..." Camila izvozvo hazvina kana basa ndiri kuda kufadza murume wangu chiiko chaasina kundiitira Grey akandiitira zvese and achiri kuita zvese and I don't want to lose him aroora mumwe mukadzi coz arikuda mwana Pamela so that's why I'm here since inini ndatadza kuita mwana Pam ndiri kuda urare naGrey uchiita senge inini unopfeka zvako hembe dzangu osprayer perfume yangu, oiswa wig seyangu I'm sure haambozvione kuti handisirini. Akarara newe ukaita nhumbu I will know what to do nekuti inini newe hatina kumbosiyana kaa. Pamela ndinokubhadhara zvako kana uchida, ndinokupa zvese zvaunoda my sister can you please just do this for me. End of Chapter

Vangani vaifunga kuti Pam acharoorwa naGrey. Camila otanga kuno seducer Grey behind Pam's back😂. Haa tanga takarasika

*NEW FOLLOWERS TINOKUGAMUCHIRAI NEMUFARO🎊🎊. KANA PAINE CHAPTER YAURI KUSHAYA CHINGOBAYA MALINK AYO ANOKUSVITSAI PACHAPTER YAMURI KUDA YEDAI TISAKANGANWE KULIKER BOOK NHAIKA❤️🩹* CHAPTER 1 https://whatsapp.com/channel/0029VahxSwN0rGiIGnuFyF3v/2433 CHAPTER 2 https://whatsapp.com/channel/0029VahxSwN0rGiIGnuFyF3v/2444 CHAPTER 3 https://whatsapp.com/channel/0029VahxSwN0rGiIGnuFyF3v/2452 CHAPTER 4 https://whatsapp.com/channel/0029VahxSwN0rGiIGnuFyF3v/2460 CHAPTER 5 https://whatsapp.com/channel/0029VahxSwN0rGiIGnuFyF3v/2475 CHAPTER 6 https://whatsapp.com/channel/0029VahxSwN0rGiIGnuFyF3v/2479 CHAPTER 7 https://whatsapp.com/channel/0029VahxSwN0rGiIGnuFyF3v/2491 CHAPTER 8 https://whatsapp.com/channel/0029VahxSwN0rGiIGnuFyF3v/2501 CHAPTER 9 https://whatsapp.com/channel/0029VahxSwN0rGiIGnuFyF3v/2509 CHAPTER 10 https://whatsapp.com/channel/0029VahxSwN0rGiIGnuFyF3v/2523

https://chat.whatsapp.com/GhZJ2AxyEJT6SRTKF2WyVk *For previous chapters ebook redu huyai kuchannel. Machapters ekumashure haawanikwe kuinbox yemunyori.* https://whatsapp.com/channel/0029Vb5AfX4EKyZNcqdXEb1q *❤🩹WHAT IF❤🩹* Written by Coco🦋🖤 Chapter 14 *CAMILA* Pandakapedza mapills ekucleaner chibereko ndakanyatsoti yave kuzobata manje nhumbu iya asi 5 months dzakatodarika pasina kana sign yenhumbu apa Grey aingotaura zvemwana pese zvekutoti unotoona kuti munhu uyu ane baby fever but ndaitoshaya kuti why the rush nhai, zvisinei ndanga ndatengerwa mota yangu kwete hombe just a Toyota Corolla Quest but yanga yakatondinakira zvangu coz ini ndine license kare kaa, ndakatengerwa futi phone, nehembe chiiko mari ndinongopihwa every month so ndingangoti marriage yaitonditapirira plus Grey anga ave kundida manje zvelove chaizvo zvekuti mumba medu maive nemufaro asi Grey paaizombotaura nyaya yemwana manje but aisazvitaura hake ari that serious ndaibva ndaita kupererwa chaiko. Ndakatiwo ndifonere mhamha vauyewo kumba kwangu ivo kwave kudaira zvavo phone vakaisa paloudspeaker zvekuti Pamela anzwe nhai apa ndakatozozviziva kuti aripo ndatotaura kare asi ko ndainyepa here hanty ndaisamuda kumba kwangu here kutaura chokwadi ndine one fear yekuti Pamela anogona kunditorera murume wangu hazvisi zvekuti chii kana kuti but iye Grey wacho sometimes kubvunza kwaanoita zvaPamela ummm kunondipa maquestion marks ehe anoti anondida and ndotoona kuti pano ndave kudiwa zvasiyana nepatakatanga kugara tese but still kapfungwa kekuti Grey likes Pam ndinako and I know kuti Pam wacho likes Grey saka hazviite kuti vasangane never ndingatozode zvangu kana Pamela avewo newake murume eheka there's no way yekuti vangaite anything naGrey iye Pam ari married. Grey anogona achindida but hazvichinje kuti marriage yedu it's an arranged one so ndofanha kuchengetedza munhu wangu. Pandakazoenda kunoona mhamha ndakapfuudzana naPamela kana hake kundimhoresa can you imagine that. So she expected me a married woman, mukadzi mukuru to greet her anopenga Pamela takangopfuudzana zvedu ndikapinda mumba mhamha vachiti I should apologize to Pam for what I said over the phone, hee she sacrificed a lot for me by sacrifice vachireva Grey here coz aah Grey anga asiri wake to begin with so how did she sacrifice anything for me. Ndakatopinzwa mulecture namhamha kusvika pekuti ndakazongoti it's fine I will apologize and sezvineiwo Grey akabva ati aita busy kubasa and anga asisakwanise kuuya kuzonditora chii kuDema so aizouya kuzonditora mangwana so pakadzoka Pam kubva kubasa tese namhamha tanga tichiri takamuka and I apologized to her for mhamha's sake not nekuti ndaida, iye she forgave me and haana kana zvakawanda zvaakataura akangoti I forgive you and we hugged and that was it achibva ayenda kunorara zvake. Nekuona kuti mmm munhu angondiregerera kuti zvimubve sezvandanga ndangoitawo hanty ndanga ndakumbira ruregerero kuti zvindibve so ipapo ndakabva ndatorara namhamha kubedroom kwavo mmm kwaPam uko ndinogona kungomuka ndakadzipwa kaa nekuti achiri akatsamwa. Ndakazouya kuzotorwa ndikadzokera kumba kwangu and mwedzi yakafamba ndingaite nhumbu kana zvangu kuita nhumbu mufunge. Every month ndaiti ndikaona ndaenda kuperiod ndaiita senge ndichachema munoziva. Ndainzwa senge ndiri kutadzira Grey zvakanyanya I mean he did a lot for me zvakawandisa yet inini I'm failing to just give him a child. Kuzoti iye Grey paaingozviziva kuti ndaenda kumwedzi aibva aita kupusa kana kudya aisatodya imi he really wanted a baby apa ini hameno kuti chii nhai inga chibereko ndanga ndacleaner wani nhai zvanga zvave kutondinetsawo zvangu ini kuti kuputa mbanje nekudutira doro kwandaiita ndiko kwanga kwave kunditadzisa kuita nhumbu but how nhai zvinobatana papi izvozvo or maybe ijadel haa ndakanetsekana ini. Kubasa kwaGrey kwakazoitwa this function hameno yaive yei but ndakanzi naGrey tiri kuenda tese coz kwaidiwa munhu nemukadzi wake. He bought a dress for me and it was delivered pamba, pakauya vanhu vemakeup, ndikatoiswa mamwe manails apa andaive nawo anga asina kana week ndamaiswa akatobviswa ipapo. I looked beautiful shame, iye Grey he looked good in his suit. Takaenda kufunction iya ndipo pandakanoona brother yake because haana kuuya kumuchato wedu iyeye apa mukadzi webrother yacho anga aripo futi and anga ane nhumbu zvekuti zvaitooneka kuti this person is pregnant. Brother yaGrey akanditarisa padumbu apa hameno aitarisei achibva atarisa Grey aine kasmirk paface pake ndakaona tension pakati pavo, the whole greeting and conversation was so fake zvitongori obvious ende hatina kumira navo kwenguva refu takabva tanogara pasi. It was such a classy event but I didn't even enjoy it coz Grey anga angori moody half of the time handitozivewo kuti aitsamwirei nhai hatina kutombomirira kusvika maspeech aiitwa apera Grey anga atondibata ruoko tave kubuda kuenda kumba and the whole way yekuenda kumba Grey anga akaisa musoro wake mumaoko ake haana kana kumbotaura neni kana kumbotarisana neni but handina zvandakamubvunza zvangu ipapo ndanga ndakamirira kuti tisvike kumba then we talk and tichingopinda mumba tisati kana taenda upstairs kubedroom kwedu Grey akangomira coz aifambira pamberi pangu achibva anditarisa. Grey..." Mangwana tiri kuenda kuhospital ndiri kuda tinotariswa nadoctor kuti why tisiri kuita mwana maybe ndini ndine problem or ndiwe hameno but ndiri kuda kuziva. It's been a year now and hapana hapana ndasarwa ne2 years chete so I can't waste imwe nguva coz I've already wasted a year. ..." Kunotariswa nadoctor it's only a year tachata, mwana tinomuita wani and zvema 2 years asara aya zviri kubvepi nhai Grey. Grey..." Inini ndakakuudza kuti ndiri kuda mwana as soon as possible chii chandisina kukuitira Camila chii. You want me to lose everything nekuda kwekutadza kuita mwana here. We don't have imwe nguva yekuwaster. This luxurious life yauri kurarama haina kungouya yega kaa iyi. ..." What do you mean by that asi wakaromba. Ndakadaro ndichitoita a step back coz zvaanga ataura manje asi aida ndizvare mwana wekuti asacrificer. Pressure yacho yekuita mwana plus zvaanga ave kutaura zvanga zvave kutondityisa manje. Grey..." What unopenga here Camila, inini kuromba kuti zvidii, mangwana tiri kuenda kwadoctor usandiitise nharo babe ndine stress and handisikuda zvekutaura waona mukadzi waBright ane nhumbu kaa. I will explain everything to you once maresults ekwa doctor abuda. Iniwo ndakaita dzungu ndisati ndakuroora we were supposed to go kunoona doctor coz now my inheritance aah. ..." Okay zvese zvauri kutaura zviri kutondipa confusion chaiyo. It's fine toenda kwadoctor kwacho asi ko zvikanzi ndini ndine problem maybe handizvare then what. Grey..." Tinenge tave kutangira ipapo babe maybe zvinenge zvichirapika or maybe ndini nditori neproblem so tinonoona mangwana then ndokuudza zvese zvauri kuda kuziva. ..." Okay my love, handei zvedu kubedroom kwedu. Watadza kana kufara kufunction kwatanga taenda uko. Ndanga ndatove worried about you ini. Ndakadaro ndichimubata ruoko tichibva taenda kubedroom kwedu but the whole night handina kumborara. Ndakamboedza but ndaingopinduka pinduka kusvika pandakazomuka ndikagara. Grey anga achitaura nezvei nhai hee inheritance, hee mukadzi webrother yangu ane nhumbu hee chiiko mmmm ndanga ndanonokerwa nekuda kunzwa zvaaida kundiudza ini and also ko kana ndikanonzi handizvare kuhospital then what nhai. Makuseni akangomuka nekutopinda kugeza Grey ende achibuda akandibvunza kuti ndichiri ndakarirei tine appointment na9 kwadoctor ndikabva ndatongonopindawo kugeza zvangu ndikapfeka hembe dziri simple tichibva tabuda nemota yaGrey tanga tisati kana tatombodya nguva dzatakabuda. Takaenda panenge pasurgery panga pasiri pahospital kana paclinic ipapo so takasvika takatomirirwa nadoctor ivavo vaive vechirume. Grey ndiye akatanga kupinda kwave kuitwa matests acho ini ndichibva ndazopindawo after iye ndikanzi ndirare pabed vakabva vandiita ultrasound vapedza vakatanga kundibvunza zvemaendero angu ekuma periods vachibva vazotora ropa rangu hanzi for kuchecker mahormone levels here. Pazvakapera takadzokera kuoffice yadoctor kwanga kuina Grey akagara akabata shaya mmm ndanga ndave kutonetseka nezvaiita Grey ini. Ndakagara zvangu pachair, doctor vachibva vagarawo kuyavo chair. Doctor..." We will get the results of your fertility tests in about a week. We will contact you as soon as they are ready, and we will go over them together to discuss what they mean and what our next steps should be. Grey..." Okay thank you doc. Takabva tatosimuka tave kuenda kumba. Road yese hapana aitaura nemumwe ini ndaitovewo worried ini kuti arikuzvifambisa sei Grey. Tichisvika kumba ndakamubvunza kuti arikuda kudyei Grey ndimubikire kaa akabva ati haana appetite ndakabva ndatoperawo simba ini rekubika kwacho ndikabva ndamutevera kubedroom kwandakasvika akarara pamubhedha pfungwa dzichiratidza kuti dziri kure chaiko. ..." My love what's wrong. Taura neni babe. Something is worrying you and I'm also worried. Pressure yekuda mwana iyi iri kubva kupi coz ndiri kuona kuti ndiyo iri kukutadzisa kana kusekerera. We've not been married for long but tichingopinda mumarriage wakatanga kutaura zvemwana and yesterday you said something about your inheritance and also kuti your brother's wife is pregnant kuita senge zvinhu zvakakunetsa or zvakakupa stress. Grey we are married and patakachata wakanzwa zvichinzi now we are a team tave nyama imwe. Pandakataura mavows ekuti mukufara, mukuchema, mukusuwa ndinenge ndinewe I meant every word so tell me kuti chii chiri kuita uve worked up like this. Akamboita nguva akanditarisa, ndikabva ndabata maoko ake ndichitarisana naye mumaziso kunyatsomuratidza kuti I'm serious. Iye hameno why anga asina kuenda kubasa ipapa. ..." Babe let me in. Grey..." Okay rega ndingokuudza chokwadi chacho zvagara wanga uchazongozviziva futi so let me tell you. Akabva atanga kundiudza nyaya yeWill rababa vake and zvese zvanga zviri ipapo. Ndakabva ndanzwisisa why the wedding was rushed like that and why anga ave kuda mwana fast so ndiyo inheritance yaaireva zvekuda kuwana mashares akawanda pacompany yababa vake plus kuwana his share of mari yemutrustfund yaanga akasiirwa nababa vake. Paakataura Mari yacho ndakabata muromo wangu zvekushamisika nekuti handisati ndambonzwa mari yakawanda kudaro mulife mangu. Grey..." Now ndiri kutya kuti I might lose zvese izvozvo zvoenda kuna Bright then inini I get the smaller share nekuti ndinenge ndisina mwana, I love you usafunge kuti handikude or chii but then zvemari necompany izvi ndizvo zvakaita ndiuye kuno kuZimbabwe ndichisiya basa rangu kuAmerica so ndikatadza kuzviwana hapana chandinenge ndakaita. Kushanda ndiri pasi pemupfanha wangu achindiudzira zvekuenda hazvinakidze babe. Ndakamboshaya kana mashoko ekutaura, mmm mari yaanga ataura yanga yandirovesa nehama so some people have that kind of money muma accounts mavo wow. ..." I understand zvauri kutaura and mwana ari kutodiwa coz you can't lose your birthright haa never not ndichizviziva inini. Ndosaka uine stress neniwo ndatovewo worried saka todii nhai. Grey..." Ngatimirirei doctor tinzwe kuti zvakamira sei but hatisisina nguva refu nekuti pangosara 2 years chete. Eish 2 years here manje pa2 years ndinenge ndazvara mwana here iyo nhumbu yacho iri kunetsa kubata. We were both stressed manje zvekuti takagara pamubhedha mumwe nemumwe pfungwa dziri kure. Week rakafamba zvaro fast kusvika Grey paakauya achiti afonerwa maresults edu anenge ave ready mangwana so makuseni takamukira kuenda kusurgery kuya tikapinda muoffice madoctor tikagara. Doctor..." We have the results from the tests that we did on the both of you. So the tests that we did on the both of you show that you are both fertile, which is good news. However we are still not sure why you are having trouble getting pregnant. If you want we can try other options like, one option is IVF, where we help the sperm and egg meet outside the body. Another option is surrogacy, where another woman carries the baby for you. Let's discuss these options in more detail and see what's best for you both. Ndakatura mafemo pakanzi both of you are fertile, hana yangu yairova ndichiti zvimwe handizvare asi pandakanzwa kuti ndinozvara haiwa ndakanyatsofema mweya unotonhorera chaiwo zvekuti zvema IVF zvanga zvave kutaurwa nadoctor handina kutonyatsozvinzwisisa nekuti ndainzwa senge ndaturwa zimutoro chairo nekungonzwa kuti ndinozvara kwandanga ndaita. Grey..." Doctor zveIVF zvinotora nguva yakareba sei nhai nekuti tiri kufanha kuita mwana as soon as possible. Doctor..." It depends on maresults anenge achibuda pamatests amuchaitwa. Zvinogona kutora a few weeks or months or even years zvinongosiyana. ..." Okay thank you doctor regai timbono discusser nyaya iyi nemukadzi wangu asi hapana chamunokwanisa kutipawo here to like help us maybe tiri fertile but hapana chino booster fertility yacho here. Doctor..." Mmm there's nothing we can give you now nekuti mese zvese zviri right pamuri. Takatenda zvedu tichibva tabuda, Grey akapfuura achindisiya pamba asi hapana chatanga tambotaura kwave kuzodzoka manheru haana kudya akangosvika nekuenda kubedroom kwedu zvekuti pandakamutevera ndakamuwana apfeka mapyjama ake atove mumagumbeze kana mufaro mumba medu manga musisina mufunge apa tichiri pahoneymoon phase here nhai. Grey..." Ndaenda kunoona lawyer nhasi patabva kwadoctor and he said kuti muwill hamuna kumbonyorwa zvekuti ndisaroore mumwe mukadzi asi chakarambwa kuti ndizvare mwana nemunhu wandisina kuroora so since we are both fertile but hatisi kukwanisa kuita mwana and doctor vati zveIVF zvinogona kutora time, zvasurrogate hazvitoite zvachose so ndiri kufunga zvangu kuti ko ndikaroora mumwe mukadzi handichate naye since iwewe neni takachata kaa.... ..." Grey wati chii, kuroorerei mumwe mukadzi isu tese tanzi tinozvara. Grey..." Ehe tinozvara asika zvaramba pamwe ropa redu ratadza kuwirirana. Don't get me wrong babe ndokuda hanty but then nei usati wamboitawo nhumbu yekungoti uitewo kana miscarriage zvayo since iwewe uchizvara neniwo ndichizvara. I can't lose my birthright Camila I can't and my inheritance I can't lose it so it's better ndiroore someone else iwewe you will always be my number 1 but uyo anenge ave kundizvarirawo mwana togona kutorambana zvedu naye kana ave nemwana otipa mwana tochengeta nekuti lawyer ati zvinoita. ..." Why am I even surprised wagara wanga wakazvi planner izvi. Ndakadaro ndichizembera padoor ndichitonzwa kupera simba chaiko pakadaro kana misodzi haibude shame. Ndoiswa pabarika nemumwe munhu apa ndisina kana 5 years ndaroorwa ehe ndanga ndanzi ndinozvara asi why ndanga ndisiri kuita nhumbu munoziva kupererwa ndiko kwandanga ndaita ipapo and why Grey anga atanga kufunga zvekuroora mumwe mukadzi which means kuti iye ane mumwe munhu mupfungwa dzake kaa maybe agara anga achingocheater all along. ..." Grey ndokumbirawo kuti ungondipawo kana 2 months zvadzo ndikatadza kuita nhumbu oroora mumwe zvako coz ndirikutodawo uwane inheritance yako but ndipo kana 2 months dzekuti ndimbofambawo maybe ndinoita nhumbu yacho, 2 months chete I'm begging you my love. Akaita time akanditarisa achibva asimuka pabed kwave kuuya kuzondihugger Grey..." Okay but 2 months chete Cam zvikaramba toita zvimwe. ..." Thank you that's why I love you. Ndanga ndafunga kutomboshandisa kana macloves chaiwo hanzi anocleaner chibereko kana kuenda kuma porofita even vanoita zvechivanhu ndanga ndave kungoda kuita chero ini chero zvichingoita ndizvarire Grey mwana ndisati ndaiswa pabarika. End of Chapter

https://chat.whatsapp.com/GhZJ2AxyEJT6SRTKF2WyVk *For previous chapters ebook redu huyai kuchannel. Machapters ekumashure haawanikwe kuinbox yemunyori.* https://whatsapp.com/channel/0029Vb5AfX4EKyZNcqdXEb1q *❤🩹WHAT IF❤🩹* Written by Coco🦋🖤 Chapter 17 *CAMILA* Desperate times call for desperate measures ndakamboedza zvese kusvika pakuti ndakaona kuti 2 months dzatopera apa nhumbu hapana, ndanga ndave kutowonda nestress even Grey aingove stressed everyday, mumba macho manga musisina kana mufaro even zvekuendawo out zvataimboita panga pasisina. Ndipo pandakafunga zvekuti Pam auye aite seni kutaura chokwadi plan iyoyo I didn't think it through zvakangouya mupfungwa ndichibva ndafonera Pam and ndaitarisira kuti achabvuma coz Pam ndiPam kaa akangopusa pusa manje akaramba musikana kuita kutsika madziro, ndakachema wani ndikadiiko but vese namhamha vakazviramba ini ndipo pandakazofunga kuti asi Pam akaroorwa naGrey kaa bhoo. Pam nekumuziva haamborambe kundisiira mwana ende haashandise mushonga coz ndiyo yaive worry yangu iyoyo yekuti Grey anogona kungondimhikurira kamunhu kana mbuya vanobata-bata then what ndinenge ndaitei hanty imba yangu inoparara. Pam akaramba still apa ndanga ndisati kana ndambo discusser nyaya yacho naGrey. Ndakabva zvangu kuDema coz ndanga ndatodriver mota yangu muzvima dust road ndichiti ndinotaura naPam manje anga aramba apa mhamha kana kumbomuudzawo zvekuti abvume. Ndakaenda kumba ndikasvika ndichiudza Grey zvandanga ndafunga haana kumboratidza kufarira idea iyoyo uyu apa all along ndaifunga kuti he has a soft spot for Pam but haana kana kumboda idea yangu ende akatoti Pam haambobvume futi so takaita bet yekuti Pam akabvuma anondipa Mari but Pam akaramba anoroora munhu waanoda iye Grey haa takawirirana izvozvo apa ndaitoziva kuti ma1 naPam aramba ndakabva ndafonera Tete Sarah kuti vaite knock some sense into Pam's head manje Tete vacho vakarambirwawo vane problem yekutaurisa Tete ndofunga vanga vave kutuka futi Pam. Ndanga ndave kugara ndichinyengerera Pam angabvume imi zvakaoma manje Grey akabva atoti Pam aramba kwave kuenda kuna Tete vake Mai James kuti vamutsvagire mumwe munhu wekuroora akatowanikwa, day ravakaenda kwadoctor kunotariswa zvekuzvara izvi ndiro day randakapinda mumota mangu ndini uyo kuDema kwave kunonyepedzera kuda kuzviuraya. Mhamha pavakandiona vakaona senge ndiri kuda kuzviuraya zveshuwa inini Cam ndigonzi ndazviuraya nekuda kwandinoita kurarama here ndipo paye pandati desperate times call for desperate measures. Mhamha manje nekupanicker coz ndanga ndave kungochema vakabva vafonera ana Tete and vakazama kundi counsellor but ndanga ndave kungoti ndiri kuzviuraya. Pandanga ndaneta nekalecture kezvekuzviuraya kwandaisada kuita but ndaingonyepedzera zvangu ndakabva ndanyepera kurara pasofa iiih zvanga zvave kubhohwa apa natete Sarah aah ndanga ndaneta ini so ndakanyepera kurara kudaro ndipo pakasvika Pam kufara kwandakaita ikoko paakaudzwa zvekuti ndanga ndichida kuzviuraya iye semunhu anondiziva akanyatsopindura chokwadi but Tete Sarah vakabva vatsamwa kwave kubuda ava vanosarudza kunoenda mhepo kaa seapa kwandiri vaikudira tumari twedrink twandaimbo sender kwavari ndichiti vapihwa naGrey. Pakabvuma Pam ndakaita kunge ndichasimuka ndigobata denga but I had to behave coz vanhu vese vaive mumba. Tete Susan ndivo vanga vave kuda kudzosera zvinhu kumashure nhai but vakazonyarara vakafonera ana bamukuru asi havana kuvaudza kuti Pam arikuda kuroorwa nemurume waCam hameno why nhai. Chete marriage yacho yaingovewo yefake haiwa hanty kana azvara mwana aibva abva pamba pangu. ..." Thanks Pam I really appreciate you for this kutaura chokwadi. I will never forget this sacrifice. Hapana chaakapindura Pamela aingochema zvake aah anopengawo uyu. ..." Now I have to go and tell my husband the good news. Tete Susan muri kuda kunosiiwa mutown here tiende tese zvedu ndiri kuda kufamba kuchiri kuchena plus imi kwenyu kuNorton kure kaa uko. Tete Susan..." Handei shuwa hazviite ndirare pano ndine vana kaini. ..." Pam mangwana otonosiya basa hanty. Tete Susan..." Aah ko basa anosiirei futi. ..." Tete anozokwanisa kuenda kubasa aine nhumbu here nhai plus ndakati pay yake ndinomupa iri double. Tete Susan..." Hoo ahh zvakanaka kana zvakadaro ndanga ndangoshamisika nekuti nhumbu yacho inenge iri mumaoko here, hanty munhu anongoenda kubasa nenhumbu plus Pam ndimanager kaa uyu anenge asingashande akamira plus maternity leave anopihwa saka kana zvazopera sezvamataura kuti achasiya mwana anenge ave kuita nezvei manje imi mamusiisa basa chete regai ndinyarare handimo muhurongwa hwenyu. ..." Ehe nyararai zvenyu Tete nekuti zvatakawirirana hamusi kuzviziva, handei tione. Pam I will call you but program iri kutoitwa as soon as possible since naGrey musiri kuroorana kwenguva refu hapana need yekuita zveroora day kana majava tichi waster Mari kana ana gogo ngavasabve zvavo kumusha kungouya maclose family members ari muHarare chete, kubika tobika tega ende Saturday iyoyo tinobva tatoenda kumba hapana chekumboitira mazi process kunge uri permanent wife waGrey zvaunoda inozoita paucharoorwa newako chaiye murume. Ndanga ndatove back to my normal self ko ini ndononoka here. Ndakabva ndasimuka ndikatora bag rangu kwave kuenda kubathroom ndikanogeza face yangu nekuzora mafuta ndakabva kubathroom vanhu vachitaura nemavoices ari low nxaa handina kuzombomira ini chii chavaitaura chavaisada kuti ndinzwe. ..." Mhamha ndokuonai Friday ndogona kuuya kuzorara pano. Pamela thanks mwana wamai, Tete kana musiri kuda kusara handei. Bye family toonana Friday kana Saturday. Ndakabva ndatobuda pasina kana anga apindura ndichinovhura gedhi ndega. Tete vakatozomhanya ndave kuvhara gedhi ndatoburitsa mota yangu kunze. ..." Dai manonoka masara. Tete Susan..." Ndaingokwira zvangu combi kaa nhai mainini mungabva mandiita kunge munhu auya asina Mari yake here nhai. Kana musingatondide mumota menyu ndinogona kubuda zvangu kwete kuita mota yekukonorerwa kunge ndakazvarwa ndichikwira mota yako Camila. ..." Hii Tete ndanga ndichijoker nemi handina kumbozviziva kuti hamuna kuzvifarira. Sorry Tete kana ndakanganisa kutaura. Tete Susan..." Kana kwanga kuri kutamba hapana need yeapology. Vaitovewo muimwe mood Tete, vanga vasina kumbofarira zvekuti Pamela aroorwe naGrey nhaimi zvinhu zvekungoti azvare mwana here nhai unoshaya Tete zvaivabhohwa papi chaipo. Tete Susan..." Camila ndinokuziva zvangu kuti une kahu bully kubva kare ndaizviona asi apa ndiwe wakumbira wega ukachema iwe kuti Pamela aroorwe nemurume wako zvauriwe uzotanga kumuitira hutsinye nehubully iwe wabatsirwa ndinokuziva hautende inini ndinoona zvese zvinenge zvisingatariswe nevanhu wanzwa, I can even see the fakeness of your smile right now. ..." Tete kaa handizive hangu chamakandivengera nditoriwo munhu bhoo inini. Tete Susan..." Kune vaunonyepera Camila not kwandiri. Inini ndikazofonerwa nechine chekuita newe nekushungurudza Pamela unoziva kuti inini handidi zvekutaura tinongoita zvemaoko chete ini handina kupusa kaa saPamela akanyararira kupusa. ..." Haa Tete handichazivewo zvamave kutaura kuti zviri kubva kupi kana makangondivenga taurai zvakanaka. Tete Susan..." Ndokuvengerei zvangu. Handina kuvapindura ende vakabva vanyarara kusvika tapinda mutown ndikavasiya, vakaramba $5 yandaida kuvapa kuti vashandise patransport hanzi ndinayo. Ndakavasiya vachienda ndikadriver kuenda kumba ndanga ndatononokerwa nekuona Grey ndimuudze good news zvangu, ndakasvikawo mumba aveko Grey ndikatopinda akagara pasofa zvake hameno zvaaibaya palaptop pane paside pake paine envelope. Ndakasvika nekumukisser padama ndichibva ndagara paarm resofa ndakahugger Grey ndakadaro ndakaisa musoro wangu pashoulder. ..." Babe I'm so excited, ndauya negood news. Dzima laptop iyi titaura mudiwa vhara laptop my love. Grey..." Mira ndipedzese zvandiri kuita totaura ndine zvishoma zvekubasa zvandiri kuda kupedza first. ..." Okay ko wambodya here kubva zvawabva kubasa. Grey..." Ndiribho ndadya kubasa ini. ..." Okay babe neniwo handina nzara. Ndakaramba ndakagara ndakamubata kudaro achiita zvaaiita kusvika apedza achibva agadzika laptop yake patable ndichibva ndagara pamakumbo ake. Grey..." Chiiko nhasi, why are you being clingy. ..." Because ndiri kufara but at the same time I'm scared coz ndave kuzoku sharer babe apa ndajaira kungova wako ndega manje apa Pam ave kuuya pano.... Grey..." Hee wati Pam chii? ..." Pam abvuma kuroorwa newe so ave kuuya pano, ndipe Mari yangu tione ndahwina bet yedu. Grey..." Camila are you being real right now. ..." Ndonyepereiko nhai Grey, ana Tete vanga varipo vatozvinzwa ava even ana baba vatofonerwa ndati unomuroora Saturday kuitira tisanonokere zvinhu but Grey before that ndinoda kugara ndataura mitemo yangu since wave kuroora sister yangu and zvagara it's only for about 10 months by then anenge ave nemwana I'm sure and mwana wacho anobva andisiira inini iwe omupa gupuro zvopera. Grey..." Zvese izvozvo I know babe and zvagara ndiwe uri in charge pazvinhu zvese izvi. ..." Okay good, Grey hapana chaunoitira Pamela unondipa Mari ndini ndinoziva zvaanoda nezvaangade even Mari kana uchida kumupa inofanha kutanga yapfuura through me. Grey..." Okay that's fine chii chimwe. ..." Paunorara naPamela ndinenge ndirimo muroom kuitira musazoronge zvimwe zvinhu zvandisingazive coz ndozviziva kuti you like Pam and she likes you saka I don't want izvi kuti zvizo leader kukudanana mondisabhura. Grey..." Uri kuti chiiko Cam zvauri kutaura uri kuona zviine musoro. ..." Ehe zvine musoro wani, madays ekuti urare naPamela ndini ndichamaronga coz zvinenge zvichida when she is ovulating kuti akasike aita nhumbu yacho. Grey..." Izvozvo hazvina basa asi zvekuti ndiite sex naPamela urimo ayehwa ndazviramba urikuona zviine musoro here even iye Pam she won't be comfortable kana neniwo kuita senge ndiri kuactor porn here ukwane iwe. ..." Tozoona day racho Grey for now let's plan kuroora kwacho asi haisi kuita sebig function hanty kuroora kwebhaizi kaa, Pamela zvakangofanana nekuti anenge ari surrogate wedu. Grey..." Chero zvawada Camila. ..." Good then Saturday tiri kunoroorwa Pamela. Ndakangofarira kuti ndini ndanga ndanzi I'm in charge zviri zvekuti pavanorara vese pese ndinenge nditoripo anopenga Grey kana achifunga kuti achawana kana time yekutaura naPamela zvandisingazive inini ndipo pakuzotanga kudanana ipapo ini ndakadzima. Vanofanha kutongoita sex senge vanhu vakechana kwete zvekuita love making ayehwa kana. Ndakazonobika tikadya but tanga tave kutofara ende takaronga zvekunoroora Pamela manje Grey aida kunobvisa Mari yakawanda ini ndichiti abvise shoma chero akasara nechikwereti zvine basa reiko ko idzo hama dzangu dzinoda kudya Mari yeroora yemunhu one kangani. Friday ndakaenda kuDema asi ndakabhohwekana kuti ndakaenda ndisina kuonana nemunyai waGrey nhai. Zvadaro ndakasvika Pamela ariko hanzi anga atosiya basa ndakafara akaita kunonzi kunzwa nekuita kwete kuteedza zvatete Susan zvekupenga nekunzwa godo. Sevanhu vaisaita zibig function takango cleaner mumba but mhamha vaisamboratidza kufara even iye Pam haa hameno zvinei neni chero zvangu zvaita chete. Ana Tete vakazouya mangwana vese nana bamukuru ende list rakanyorwa that day though bamunini vanga vambozviramba zvekuti Pam aroorwe nemurume wangu vachibatsirana natete Susan asi ini support system yangu Tete Sarah vanga varipo kaa ende vakapenga wani list rikanyorwa zvekuti zvegrocery Grey ndanga ndangomuudza kuti atenge senge zvanga zviri pangu ende mhamha vakangotora list rangu vakakopera zvese zvaamai zvanga zviripo. Maiguru vanga varipo and vakambodawo kumira nana Tete Susan but haa vakazongonyarara. Ndakaenda kuroom kwaPam ndiko kwandaive kudining kuchibviswa Mari dzeroora. Iye Pam aingochema uyu hameno chaichemedza pakuroorwa kwaakabvuma ega chii ndaitotaura zvangu nemurume wangu paphone achiti ari panze mumota. Zvadaro takazodeedzwa naPam nditete Susan vakauya kuzotitora avo havana guhwa kaa plus inini navo mmm kakuwirirana hapana so handina kukwanisa kuvabvunza Mari yanga yaburitswa for roora. Anga arimo Grey wangu ndikasmiler ndakamutarisa. Pakaitwa maintroductions futi tikanotora chikafu vanhu vakadya tanga tabika makuseni isu zvecatering kana nemari yaani nhai iye Pamela wacho arikuda kuzobhadharwa. Pazvanga zvapera ana Grey vakaenda even ana bamukuru vanhu havana kumbogarisa ava vakasara ndivana Tete namaiguru. ..." Pam wakarongedza hembe dzako hanty, tora bag tiende. Mhamha isu tave kuenda hapana chatingararire pano. Tete Susan..." Ko Pamela haasi kuperekedzwa nesu here. ..." Kunoitei nhai Tete, kuperekedzwa kupi futi munoda kunoita chiroora kangani nhai ayehwa kaa even zvekurairwa hanty pamakandiraira aivepo Pam saka hapana chaanoda kurairwa. Mhamha..." Mmm Camila ko dzungu racho nderei nhai hanty aroorwa here Pam anofanha kunoonawo hana dzemurume wako kaa. ..." Ayehwa mhamha ndini mukadzi anozivikanwa ikoko ndakataura wani kuti Pam akangofanana nasurrogate wedu saka hama dzinodirei kuona surrogate nhai. Iwe kana usina kurongedza bag don't worry handei tinonotenga hembe dzimwe mangwana zvagara handisi kuda kuti upfeke hembe dzawaipfeka pano wave mumba mangu. Tete Susan..." Atotanga kuratidza matrue colours ake muri pano, uchatongwa kusvika wati eke iwe Pamela regai ndinyarare zvangu. Tete Sarah..." Iiih murume agara ndewa Camila saka siyai aite zvaanoda. Tete Susan..." Ko ndatiiko ini. Mhamha..." Munogara zvakanaka Camila usakanganwe ndiwe wakauya kuzokumbira Pamela uyu kuti akubatsire wanzwa. ..." Haa mhamha ndingamuiteiko Pam ndipo pandingamuuraye here haiwa handei Pam. Tete Sarah..." Rega tibva tangobuda tese undipewo transport unonondisiya paMaruta ndinenge ndatove padhuze nepamba pangu. Vakatosimuka tikabuda tese asi Pam anga ayenda kuroom kwake ndofunga kunotora zvinhu zvake zvakakosha nekuti pahembe ndaitorevesa kuti ndinoda kunomutengera dzimwe kwete kuti apfeke dzake dzepano haiwa anozodzipfeka adzoka. End of Chapter

https://chat.whatsapp.com/GhZJ2AxyEJT6SRTKF2WyVk *For previous chapters ebook redu huyai kuchannel. Machapters ekumashure haawanikwe kuinbox yemunyori.* https://whatsapp.com/channel/0029Vb5AfX4EKyZNcqdXEb1q *❤🩹WHAT IF❤🩹* Written by Coco🦋🖤 Chapter 16 ..." What! Can you even hear yourself right now. Asi wave kupenga kani, how can I dress like you and pretend to be you kuti ndirare nemurume wako urikutoona zvauri kutaura zvichimaker sense. I don't want your money ini, how can you come kwandiri nechiplan chako chisina kana pfungwa ichocho. Camila..." Pam ndini ndoziva zvandichaita, I'm begging you my sister imba yangu yoparara here mwana wamai uchitadza kungondibatsirawo nhai Pamela. Ndokupfugamira here Pam coz ndiri desperate ini you are my only hope. ..." Only hope yeikowo munhu asina kana 2 years ari mumba ukwane Camila wanzwa, unonyatsondiona ndiri munhu akaita sei kana wakanditarisa serema here kana fuza rekuti unongoti pawafunga kaplan kako kakadhakwa unouya kwandiri. Hausiriwe waiti haudi kundiona mumba mako now you are comfortable kuti ndinopinda mumba mako and sleep with your husband pamusoro pazvo, are you stupid or you just trying to be stupid chiiko newe. Akabva aita kupfugama pamberi pangu, ndaitarisira kuti munhu achati ndiri kujoker but ndanga ndave kutoona kuti ari serious. Ngaatange kuyeredza misodzi akapfugama pamberi pangu. Camila..." Pam I am begging you please unoda ndikisser tsoka dzako here kana ndidzinadzve nekuti I'm that desperate even ukati ndinanzve magaro ndomananzva zvangu. ..." Mxm iwewe hauna kutokwana zvako. Ndakadaro ndichitosimuka kuti ndibude coz benzi iri ranga rave kutondibhohwa nhaimi munoziva pane zvinhu zvinonzwisa hasha. Munhu anenge achikuona uri munhu akanyatsoita sei kana achiuya kuzokuudza plan iri ridiculous seiyi. Kuri kumhanyirwa kwacho ndekupi pakuzvara. Hanty aitsiurwa nevanhu achiputa mbanje apa achiti vanopenga kaa ayo maresults ake plus zvagara kutongoita nhumbu kunosiyana pavanhu nhai. Ndave kutosvika padoor achibva andibata makumbo angu zvakasimba apa anga achiri akapfugama pasi. ..." Iwe ndisiye mhani une mweya wetsvina here nhai chiiko aah. Ndakadaro ndichirova zviwoko zvake nhai chii chaaindibatira kudaro nxaa. Mhamha vakabva vavhura door reparoom pangu vanenge vanga vanzwa noise coz Cam wacho anga ave kuchemawo zvekuda kunzwikwa. Mhamha..." Ko chiiko nhai veduwee noise chiiko nemi vana imimi makura wani. Iwewe Pam unoiteiko munhu auya kuzokuona nhai. Vakadaro vachibata Cam kuti vamusimudze iye aida kuramba akabata makumbo angu nhai kutoita nharo. Ndakaturova mambama tumaoko twake ndanga ndatobhohwekana ini. Mhamha..." Pamela usarove mumwe kani chii ndave kuzokukanganwa manje iwe Cam simuka apa tiende kudining munondiudza nyaya yenyu. Hamunyare kurwa here zera renyu iri. Vakazomusimudza Cam tikaenda tese kudining, vakagara naye kurimwe sofa ini ndikagara kwangu ndega. Akambochema zvake Cam hameno aichemei nhai. Ndanga ndave kutozvishaya hakasi kaplan kake ikaka maybe anofunga kuti ndinoda Grey hanty kusatoda kuti ndiende padhuze nemurume wake inyaya yema insecurities ake iwayo nhai. Mhamha..." Cam tanga wataura nyaya yako iwewe ndiudze kuti chii chiri kuitika pakati pako naPamela ndiwe wauya pano kuzoitisa noise here apa ndichitofarawo kuti mave kuwirirana imimi munoda ndife chete nestress nekuda kwenyu haiwa. Camila..." Mhamha zvenyu kaa kutaura chokwadi ini nyaya yaita ndiuye pano ndeye mwana chaiye. Mhamha from day one Grey akandiudza kuti anoda mwana manzwa and he did everything for me and achiri kutoita zvimwe but ini ndatadza kumupa mwana waari kuda mhamha and now ave kuti arikuda kuroora mumwe mukadzi. Mhamha..." Aaah mwana isn't it to early for you to be worried about mwana and why kuda kuroora mumwe mukadzi iye murume wako kuwandirwa nemari here kana kuti, Camila taura nyaya yako zviri straight I feel like you are hiding zvimwe zvinhu hobho. Camila..." I'm not hiding anything mhamha hanty you know kuti Grey akangokura ariye ega mwana like nebrother yacho havana kumbokura vachigara pamba pamwe chete so Grey nekuda kwekuva mwana one akabva azviudza kuti anodawo kuzvara vana vakawanda nekuti ndidzo hama dzake. Manje mhamha hanty ndine 27 years izvozvi and these days vakadzi vari kukurudzirwa kuguma kuzvara pa35 years here saka that's why Grey aine pressure yemwana nekuti iye ave kuma 30s kaa uyu and zvinoita here mhamha kuti azozvara vana vanomuti sekuru nhai or kuti ndizoita mwana ndane 32 years ko ndikatadza kuzvara mumwe futi toita mwana one chete here. Mhamha..." Pazvese zvawataura hapana chine musoro chawataura Camila. Ndiudze nyaya yako zvakanaka nekuti ndiri kuda kuziva kuti Pamela arikupinda papi pazvinhu zvekumba kwako izvi. Camila..." Mhamha Grey arikuda mwana as soon as possible and ndikatadza kuita nhumbu arikuroora mumwe mukadzi chii chisiri kunzwisisika nhai murikuda imba yangu iparare here nhai mhamha. Ndanga ndauya kuzoudza Pam kuti angorara naGrey kana ka2 chaiko akaita nhumbu ndozoona zvekuita. Anouya ari disguised sainini ndozviziva kuti Grey haambozvione kuti handisirini mhamha. Mhamha..." Nhai Mwari chiiko nemwana uyu nhai, makamupa pfungwa dzikadyiwa naSatan here. Mashura api auri kutaura aya. Pamela orara nemurume wako pakuita sei, chitsotsi chipi chauri kuronga ichi. Kana zvadaro zvobva zvazoita sei hee ndati kana akaita nhumbu yacho zvobva zvaita sei. Camila..." Zvinhu zvandichiri kufunga mhamha ndanga ndisati ndaziva kuti after that ndodii but ndinoona zvekuita. Ndomubhadhara Pam uyu, ndomupa mari nezvese zvaanoda akangondiitira this little favour. Mhamha..." Baba vangu shumba iwee, mashura api andinonzwa aya nhai. Camila usade kushandisa mari pasiripo wanzwa ndinogona kungokutsemura izvozvo chii chauri kutaura. Kutodriver kubva kumba kwako kuuya kuzondiudza tunyaya twekutungana kwembudzi kudai. Never handimiririre chitsotsi inini wanzwa. Pamela haasi kuzoita mashura akadaro zvimwe zvinhu shandisa pfungwa iwe. Camila..." Mhamha saka murume wangu oyenda here nhai. You want me to lose everything coz second wife yagara inenge yave number one plus vanhu vanosiyana mhamha ko akashandisira murume wangu mushonga ndozodii nhai mhamha hanty ndinodzingwa sembwa mumba mangu here nhai. Akatanga kuchema Camila namhamha tikatarisana vakarovanisa maoko avo zvekutoshamisika chaiko. Iyo plan yaCamila munoti inoitwa nemunhu ane 5 senses dzinonyatsokakata nhai hanty kusangokwana kwake kunoita aronge zvinhu zvekupenba kudaro. Akachema takangomutarisa kudai kusvika anyarara. Mhamha..." Camila I know you are desperate and barika harisi easy ini handina kumbobvira ndaenda pabarika but ndaingonzwawo nevamwe kuti barika hariite asi idzowo dzave nyaya dzekumba kwako nekuti iwewe wakachemera Grey achifanha kuroora Pamela saka Pam haauye kumba kwako kuzoita chitsotsi chakadaro never zvinoitika over my dead body wanzwa. ..." Ndanga ndatogarawo ndaramba nhaimi zvine musoro here izvozvo. Takapindurana namhamha tichishora pfungwa dzaiye Camila iye anga angori tuzu achiboira tumaziso twake akatitarisa. Ndakatozosimuka ndave kuenda kunobika zvangu, Camila haana kana kumbodya anga akangotarisa chikafu kudai aitove nestress aah vari kumhanyira kupi pakuda mwana iyeye chero zvikanzi Grey akazvarwa ari ega so what even nyaya dzemazera avo dzaaitaura iye Cam haa nyaya dzake dzaisa adder up zvadzo. Takazoti tangogarawo zvedu tichiona tv taitoona tichitaura namhamha coz taiwona soapie yatangojaira kuona everyday. Camila..." Mhamha naPamela ndazofunga manje. Takabva tamutarisa tese kutoshaya kuti anga afungei coz hapana anga achiri kuda kutonzwa pfungwa dzake. Camila..." Ko Pamela akaroorwa zvake naGrey instead yekuti atsvage mumwe mukadzi kunze uko anogona kuzondikuvadza nekuda kwemurume wangu. Mhamha haisi good idea here yekuti Pamela aroorwe naGrey ongondizvarirawo mwana kana zvaita voramba ndosara nemwana then Pamela ndomubhadhara zvangu chero zvaanoda after that anotoenderera mberi nehupenyu hwake, oroorwa kana nemumwe munhu. Handimbofe ndakamunetsa kana kutaura naye nezvemwana nekuti mwana iyeye anenge ari wangu. Hazvisi right here mhamha munotodya mari yeroora kaa 2. Mhamha..." Mmm iyo munenge mave kutaurirana naPamela wacho naGrey moita zvinhu zvenyu pakuwirirana kwenyu apa handipinde zvandaramba ndezvekuti Pam aite senge iwewe ayehwa handi supporter zvinhu zvakadaro asi kana zvave zvekuti muende pabarika mmm inini handina zvandinokwanisa kutaura. Camila..." Mhamha ndibatsireiwo kutaura naPam abvume, mhamha chatove chikumbiro. ..." Cam handidi zvangu, handidi zvekuenda pabarika newe, handidi zvekuenda mumba mako nemurume wako handidi zvangu. Camila..." Honai ari kuramba mhamha ndoita seiko inini. Mhamha..." Nguva dzafamba dai wachienda kumba. Camila..." Ko Pamela haasati abvuma mhamha ndodiiko inini. Anga ave kuchema futi iiih ane misodzi hobho zvake yekutambisa, murume wake ngaaroore mumwe mukadzi kwete inini handidi ini. Akazobuda akaenda kumba kwake ndikasara namhamha. ..." Asi Camila anopenga hanty. Mhamha..." She's just desperate Pam. Ukapererwa chaiko unoita senge munhu anopenga. Ipapa ndangoti ayende kumba kwake but I'm worried anogona kutoita accident ipapa. ..." But zvaari kutaura hazviite mhamha aah. Mhamha..." Zvaingoitwa wani kubva kudhara chete iye ati kurumidzei zvake nekuti hapana kana makore akawandisa aroorwa kaa uyu asi dai paine ten ndipo pataiti zvaramba kana aine munin'ina kana mwana wehanzvadzi ochienda kunoita chigadzamapfihwa manje apa mmm amhanya zvake kana iye murume wacho anenge ndiye ari kumupa pressure vanhu vane mari ndizvo zvavari anokuisa mucorner chaimo achema nhasi Cam haasi munhu anochema sewe kaa uyu ndabatikana. ..." Kana neniwo ndabatikana asi zvekuenda pamurume wake mhamha. Mhamha..." Iyoyo idecision yako yekuita hapana anokuforcer kana usingade murambire asi kana wadawo handikurambidze nekuti unenge wadawo kubatsira sister yako and iwewe wagara ungoriwo single hako. ..." Ko kana iniwo zvikaramba then what ndarara nemurume waCam chero zvikanzi andiroora mhamha you know kuti Camila haagarike naye munozviziva wani iiih kana handidi zvinhu zvisingandipe peace. Mhamha..." Good saka usazvipinze mazviri. Ndakabva ndanyarara ende mhamha vakazofonera Pam vakanzwa kuti ave kumba kwake. Makuseni ndakamutswa necall yatete Sarah, vakafona kuma 4am chaiko ndakatobhohwekana. Tete Sarah..." Sorry kufona uchiri wakarara asi ini ndatadza kurara. Ndakafonerwa naCamila nezuro achichema hazvina kundibata zvakanaka Pam. Ko haunzwirewo mumwe wako tsitsi here. ..." Murikutaura nezveiko Tete. Tete Sarah..." Asi Pamela kaa haikona kuita moyo wakaoma kudaro ingawani wakanzi unobhadharwa wani. Ungarambe kungoroorwa nemurume waCamila kuti uvaitire mwana here. ..." Tete muri kutoona zvamuri kutaura zvichiita. Tete Sarah..." Zvichitadza nei kuita ndimi mazvitanga here nhai. Asi une shavi risingade varume nhai Pam. ..." Tete musadaro. Tete Sarah..." Ayehwa kaa asi unoda kufa tisina kunhonga Mari dzedu dzehwutete here. Hausi kunzi unenge wave mukadzi waGrey zvehupenyu hwese hanty ukazvara mwana mave kutorambana oita hupenyu hwako here nhai. Unoti ne27 years dzako idzi pane pauchasangana nemukomana asina vana here nhai. Ndakaramba ndakanyarara nekuti ndaisada kuvarafura kana kuzonzi Pam akatuka Tete vake. Vakaramba vachitaura hee roorwa what what but handina kumbovapindura kusvika phone yacutter kunenge kwaive kupera kweairtime ende handina kuzombobatwa nehope. Saka Cam anga afonera Tete Sarah kuti vandituke here nhai. Pandanga ndave kubuda kuenda kubasa mhamha vanga vamuka ndikabva ndavaudza zvecall yatete. Mhamha..." Ndakakuudza kuti Mai Sthe vakavhengedzera ipapa vave kukuudza zvekuti unoda kufa usina kuroorwa kuti zvidii. Havana kukwana vaye usapihwe pressure handiti Pam. Ita zviri pamoyo pako usaitiswe zvausingade natete Sarah hanty ipapa ukaroorwa nemurume waCam unenge wave kutosiya basa kana wazvara mwana wabva pamba ipapo owana basa kupi futi. Usabvume kudzosererwa hupenyu hwako kumashure haiwawo ndichamufonera Camila anoda kunyanya kuzviita close natete Sarah sterek haana kubva pano taitaura nyaya iyoyo here zvaanonoudza Sarah kanyenze kaye nyaya iyoyo. ..." Zvakaoma mhamha aah ini Camila zvaanondiitira kaa hameno akandivengerei zvake. Mhamha..." Haana kukuvenga asi ndiwe munhu waanotanga kufunga akapinda mudambudziko nekuti muri munhu one. Kana usingade kumubatsira it's fine chandaramba ndechekuti une akasimbira kumuromo sepinjisi apinzwe munyaya idzi ini Tete Sarah handina kuvavenga asi ndakavenga muromo wavo unotaura zvese zvese. ..." Regai ndiende kubasa mhamha. Ndakabva ndabuda asi ndisati kana ndapinda mucombi Camila anga atumira message ndakatozoiverenga ndave mucombi. 📥Ndakataura naGrey and he said kuti it's fine anokuroora kana wabvuma and we will pay you kana uchida togona kutogadzirisa mapapers toenda kwalawyer onosigner. It's more like you will be our surrogate but iwewe unenge uchiita zvinhu the natural way I'm sure you know zvandiri kuedza kutaura. Once wangozvara mwana it's up to you kuti unoda kumu breastfeeder here but I think zviri wise kuti umusiye musati mabonder coz zvinogona kuzoita kuti uzotadza kumusiya inini ndonwa mapills ekuti ndibude mukaka ndomupa mukaka mwana iyeye anenge ave mwana wangu. Pam ndiri kukupa nguva yekufunga nezvazvo hanty please do this for me, dai uriwe uri musame situation ndaitokuitira zvinodarika izvi wani coz I love you as my sister why can't you just help me nekundiitira this simple thing. Handina kana kumupindura ini. Kana kuine munhu ari selfish kaa ndiCamila. Zvingani zvandakamuitira nhai, ko iye zvingani zvaakandiitira then otaura zvekuti dai ndirini ndiri musituation iye ari kutaura nyaya dzake kunana Tete Sarah kuti vandiise mucourt manje. Ndakaenda zvangu kubasa kwangu asi akandisendera message anosvika ten kana kudarika. Chakandibhohwa aiti kurara nemurume wake kubviswa virginity kauku chero zvichinzi aroora hazvina basa then ndoita nhumbu and I have to push zimusoro remwana wekuti ndingopa iye Cam ini ndobva zvonzi it's a simple thing kuva self centered kwakaita sei ikoko. Ndofunga takaita two weeks Cam achifona everyday and she would beg me, kuchema kudiiko but ndairamba chete. Matext aya kuwhatsapp kwese anga akazara Cam achingotaura nyaya yake one iyoyo ndichimu ignorer asi Tete Sarah vanga vasina kuzombondifonera futi and mhamha vaisatotaura nyaya iyoyo zvachose kana kundibvunza or kungotaurawo anything chiri along those lines. Ndakazoti patodarika futi rimwe week to make it 3 weeks kubva pakauya Cammy kumba ndakatobva kubasa ndikasvika mota yaCamila iri mugedhi nxaa dai ndiine kumwe kwekuenda ndaiyenda zvangu ini pane kupinda mumba kuti Camila atange kuchema ndirimo. Ndichipinda mumba ndakaona muina Tete Sarah namhamha natete Susan vanga varimo futi iye Cam anga akarara pasofa asi achitoratidza kuti anga achichema coz face yake yanga iine zvimisodzi zvaomerera. Mhamha..." Pam wadzoka iweka gara pasi apa. Nhasi zvandanga ndaitirwa muyedzo nemutwin wako nhai. Ndatozofonera ana Tete venyu. Anga ave kuzviuraya uyu hanzi murume wangu ave kuroora mumwe mukadzi ndoraramirei. ..." Camila kuzviuraya nemadiro aanoita kurarama uyu onzi anoda kuzviuraya musanyepe zvenyu maybe anga achingoita kuti mumupe attention ndiattention seeker kaa uyu. Tete Sarah..." Kubva wavenga mwana wamai vako kusvika pakutaura kudaro ndakutya Pamela. Saka dai wasvika afa waitoseka kaa apa. Maiguru regai ndiende kumba kwangu ini ndisati ndataura mashoko asiriwo. Mmm Tete Sarah kusataurisa. Vakatora bag ravo vachibva vatobuda ndikasara ndakatarisana natete Susan namhamha. Tete Susan vakatarisa Camila vakabva vatarisa mhamha. Tete Susan..." Zvino anorara pano here nhasi kana ndonomusiya kumba kwake. Mhamha..." Iiih musiyei pano Tete dai pasina kuti ndapinda muroom maPamela umo asati azvisungirira hanty dai ndawana afa mwana wangu, ko kuzoti kumba kwake kwaanenge ari ega anozviuraya kaa nhai. Maita basa mauya mukataurawo naye anzwa zvamataura regai ndisare naye asi kana murume wake akauya kuzomutora ayehwa anoenda zvake kumba kwake. ..." Nhaimi saka mutori serious kuti Camila anga achida kuzviuraya. Tete Susan..." Uchiti tingatambe nerufu here. Nhasi Mai vako vanga vaitirwa ngozi pano hanzi murume waCamila akawana mumwe munhu wekuroora saka iye ave kutya kuti anogona kutorerwa murume pabarika hameno nyaya dzemwana dzanetsa tanga tati tifonere bamunini timbotaura navo nekuti it's too early kuti nyaya yemwana ive issue mumba mavo manje Cammy aramba hanzi ndiri kutonzwisisa murume wangu zvaari kudira mwana. Ndanzwa kuti anga akambotaura newe ukaramba kuroorwa nemurume wacho hanzi aingoda uve surrogate here but wotanga waroorwa then ozobhadharwa zvino hanzi wakaramba saka iiih nyaya yacho yakaoma muzukuru. Kana mhamha vanga vakatopusa chaiko. Ndakamboita nguva ndakanyarara ndanga ndave kufunga kuti dai Cam afa nhai, she is my only sister zvimwe zvese tingaite asi pakuzoti afe apa ayehwa iiih chero tikaita 10 years tisingataure ari mupenyu better. Ko iye Grey aimupa pressure yakadiiko zvekusvika pakuda kuzviuraya. Ndakasimuka pandanga ndakagara ndikanomumutsa Cam. Achingondiona akatanga kuchema zvakaita kuti ndigare paside pake ndichibva ndamuhugger, anga atoita kakudzikira chaiko and maziso ake anga ari puffy zvekuratidza kuti arikugara achingochema apa anga asisatonyatsovhurike and she had these dark circles under her eyes. Camila..." Pamela ndokumbirawo please ndoita zvese zvaunoda please, Grey ave nemumwe munhu waave kutoda kuroora Cam pay yako yaunopihwa kubasa ndokupa iri times two every month kusvika wazvara mwana. Aitaura achichema apa Tete Susan namhamha vanga vangotitarisa manje. Ndanga ndave mucorner chaimo chaimo zvekuti dai ndaive pangu ndega ndafonera Grey kuti ndimubvunze why he is doing this to my sister, the mighty Camila kupera kudai here nhai mmm. ..." Shh don't cry, pukuta misodzi iyi wachema zvakwana Cam wambotarisawo kana face yako here nhai, ungabva wasvika pakuda kuzviuraya. Camila..." Ehe rega ndizviuraye ndisati ndaurayiwa nesecond wife yaGrey zvagara pabarika ndizvo zviripo kuurayana chete ndosaka ndanga ndatiwo sister yangu indibatsire manje waramba. ..." Cam kuzviuraya haisi solution. It's okay, it's fine pukuta misodzi iyo, I will help you. I will do whatever you want me to do kana zvirizvo zvinoita imba yako isaparare then I will help you. Ndakapedza kutaura ndave kutochema. Ndaisada but ndanga ndisisina imwe option. Mhamha vakauya and she hugged us inini naCamila. Mhamha..." Pam I hope you won't regret this and Camila she is sacrificing for you please treat her well handidi zvemadrama please. Kana zvichizonetsa kumberi garai mazvisiya. Camila..." Ndingamuitei mhamha she is my sister and I love her, she's family so I will treat her well. Thanks Pam, thank you so much sis let me call Grey. Rega ndiudze Tete Sarah iiih wandifadza Pamela. Tete Susan hanty manzwa udzaiwo ana baba Pam ari kuroorwa this Saturday. Tete Susan..." Okay ndingadii zvangu but I don't think kuti this is a good idea zvangu but eeh regai ndinyarare ndinozonzi asi handidi vanozochema vachiita dai ndakaziva nekuti mukaka wacho unenge watodeuka. Ndangotiwo nditaure asi don't come for me ndokuzivai zvenyu. Vakadaro vachiburitsa phone yavo. Kana kwandiri zvese izvi zvaisandibudira but ndodii I have to help my sister kaa. Obvious ndini ndichazongoti dai ndakaziva but for now let me do this for Cam, for my sister, my mum and I know kana daddy vanofara kwavari ikoko hanty this is what sisters do sacrifice for their sisters dai ndiri musame situation pamwe aindiitirawo zvandaita so why not help her. End of Chapter

https://chat.whatsapp.com/GhZJ2AxyEJT6SRTKF2WyVk *For previous chapters ebook redu huyai kuchannel. Machapters ekumashure haawanikwe kuinbox yemunyori.* https://whatsapp.com/channel/0029Vb5AfX4EKyZNcqdXEb1q *Vanoda kucommenter handei umu* https://chat.whatsapp.com/Gf7kfO5VQiv922Uwyz2TfY *❤🩹WHAT IF❤🩹* Written by Coco🦋🖤 Chapter 11 Camila..." Munotanga kuisa inini naPamela naCute uyu. Don't confuse inini nauyu she's my twin. Yeah musikana aifara zvake. Ini nekusada kuzonzi nevanhu ndine godo ndanga ndisina zvangu kuenda kubasa asi ndainzwa kuda kuenda ini. Ana Tete vanga varara pamba pedu even ana gogo vanga vauya kubva kumusha just like zvavakaita paroora day rangu like everyone anga aripo. Pandakatomutswa zvese zvaindiitira kunge deja vu I guess it's because zvakamboitika but this time zvanga zvave kuitika zviri kuside kwaCam manje. Ndakagara zvangu pachair kwave kutanga kuiswa wig yacho nemusikana aivepo, Cam nefriend yake Cute vanga vakagarawo paavo machair vachiiswawo mawig hanty zvese zvanga zvakatengwa nekubhadharwa kare chedu vamwe kwaingove kugara pachair toiswa makeup dzacho nemawig zvemanails ndaisaiswa nekuda kwekubasa asi ana Pam vanga vakatoiswa zvavo nezuro. Tete vakapinda muroom medu vachiita kupururudza zvaisada kutarisa kuti ndizive kuti nditete Sarah ava vagara ndivo vakaita kakuvhengedzera nedzungu, Tete Susan havamboite zvinhu zvakadai izvi. Tete Sarah..." Ndiri kufara kani mwana wehanzvadzi yangu ayehwa wadadisa. Asi kwave kutonamata kaa kuti munyama wemumwe wako usauye pauri nekuti gore riya takanyadziswa kani. Vakapedza kutaura vachitoseka like vari kutaura nyaya inosekesa ini ndakasiiwa naBless paye hapana chaimbonakidza mhani paye. Handina zvandakataura zvangu ndakanyarara ndakamirira mhinduro yaCam. Camila..." Aah ende Tete futi. Makatarisa Grey uya munomuona akafanana naBless waPam uya. Grey akakuudzai wani kuti he is a man of his word nhai Tete. Ndiani aitisa zvese zviri pano handiti ndiye Grey iyeye saka why muri kumudoubter nhai vatete. Wangu munhu anondida manzwa hapana paangandisiye ndakamirira dhongi rakawora pano achinoroora chimwe chimbudziwo zvacho uko. He respects me Tete haangambode kundinyadzisa and chero zvikanzi haana kuuya imari yake yaanenge awaster nekuti zvese zviri pano ndiye aita unlike paPamela pekuti ndiye akabuda Mari yese paye achiitisa zvese, zverudo hazvidi kuzoperera zvakadaro tete. Kushandisa mari yako kuti uzonzwa kuti door ratovharwa. Vakaseka kani iye natete vese nemafriends ake. Ndakazvibata kuti ndisacheme asi misodzi yangu yanga yave mumaziso chaimo umu asi zvakadaro ndakazvidzora ndikasekerera kuti vasaone kuti conversation yavo iri kundi affecter coz hanty vaitotaura zvekuti zvindirwadze zviri obvious. Tete Sarah..." Haa bamunini vangu ndovatemba vaye kungotaurawo zvangu asi ndiri kutoziva kuti vari kuuya. Apa vaye Mari vanoita yekudonhedza kaa havarwadziwe kana pawakauya navo kumba kwangu uko vana vako vakasara vachifara vapihwa mari. Paye wakazvibatira mwana wehanzvadzi yangu zvasiyana nezvatanga taunzirwa naPam kuuya kuzodya mumba mangu kana kundipa chero dollar zvaro kwave kurega kuuya kuzoroora futi nxaa. Vakaseka futi ende vakaenderera mberi nenyaya dzavo idzodzo kusvika pakabuda Tete ndikasara zvangu ndakatarisa Camila ndini ndakamupa Grey uyu after ambomuramba asi nhasi ave kuwana simba rekusimudza muromo wekumusoro newekuzasi achitaura shit about me vese natete zvazvo kuzvitaura pamberi pevanhu vese ava vasingazive nyaya yacho. Kundiseka nevanhu ivava here. Seipapa anga achiri kutonditaura neshamwari dzake nyangwe zvazvo Tete vanga vabuda. Camila..." Matarisiro awakandiita bho here nhai Pam. Ndakabva ndatarisa zvangu kuside handina zvandakataura kusvika pandaiswa wig iya vakandiita makeup ndikapfeka iyo hembe yandanga ndatengerwa nemaheels acho, iye Cam anga asina kupfeka yakaita seyedu aive nayo iri imwe colour hanzi ndozoipfeka tave kutorwa mapictures. Apa anga akapfeka dress rirefu remermaid style riri renavy blue rakanaka zvaro jealous down. Kusvika kwemota takakunzwa kuchiteverwa nekupururudza kwatete. Camila anga akamira pawindow akabva aita kusekerera achipihwa mahug nemafriends ake ini ndanga ndakaramba ndakagara zvangu zvanga zvave kutondibhohwa zvinhu zvese hameno not even kuti ndainzwa jealous but the way Cam was behaving unotoona change pamunhu ne2 minutes dzaanga awonana naGrey idzodzo. Tete Susan pane pavakauya kuzotora Cam akazodzoka achitaura zvekuti anhonga mari handina kutodziteerera zvangu nyaya dzacho asi kudining ndaingonzwa kuchipururudzwa chete kuratidza kuti zvaifamba hazvo kaa. Nguva dzakafamba I think pakadarika 30 minutes here or is it 1 hour handitozive coz ndanga ndave kubatwa nehope kutobhohwekana chaiko dai ndanga ndazviendera kubasa kwangu zvangu pane izvi mxm. Tete Sarah vakazopinda vachipururudza ndivo vakatondimutsa ivavo nekuti ndanga ndave kutobatwa nehope zvangu ini. Tete Sarah..." _Nhasi ndezveduwo, itai makorokoto gorokoto kwatiri wedu wadadisa wazvinzwa kaa, mazvinzwaka. Nhasi ndezveduwo itai makorokoto gorotoko kwatiri, wedu wadadisa. Wazvinzwa kaa, Mazvinzwa kaiwe._ Vakapinda vachiimba kudaro Tete vachiita kuzvizunza muviri wavo wese uyu kutamba nekufara nekuridza mhururu mukuimba ikoko. Camila akasimuka achisekerera. Camila..." Zvaita here Tete. Tete Sarah..." Ndafara mwana wehanzvadzi yangu haiwa ndadada newe kani ini. Mwari vazviramba zvekuti unyadzise sezvakaitwa nemumwe wako. Wafadza dzinza kana baba vako kwavari I know kuti he is smiling vakatitarisa, hii wandifadza kani. Bamunini kana kumbochema-chema Mari yataurwa ichingoiswa ndafara kani roora rese kupedzwa kudai pasina kana kuchema kana kudii haiwa kana nyadzi dzandanga ndakatakura kubva last year dzaPamela uyu dzabva dzapera kuti hwaa ko takanyadziswa kaa haisi secret chete ndizvo zvazviri wacho wamunenge muchitemba naye muchiti akadzikamira itsika yake kukunyadzisai kuti musvode asi Camila muzukuru kana yangu yuhwutete ndinoda kuhusvuura chaiko nekuti I'm happy, wadadisa kani wasimudza flag yekwaDube. Tete Susan..." Asi Sarah kaa, Sarah, Mai Sthe ndakudeedza kangani. Urikunzwa sei uchitaura zvinhu zvakaipa kudaro about Pamela pamberi pevatorwa. Urikufunga kuti Pamela wacho ariku feeler sei uchidai. Kwaive kuda kwake here kuti asiiwe nhai, anga atiunganidzawo zvakanaka wani akarasiswawo usaite senge usina mwana musikana unobva waita kuseka kudaro kuburitsa mazino ese panze uchiseka mwana wehanzvadzi yako. Ndanga ndambozama kuva strong asi ipapo ndakabva ndatanga kuchema ende Tete Susan vakazviona kwave kuuya kuzondi hugger vachindi puruzira kumusana. Tete Susan..." Newe Camila uchiita kusekerera sister yako ichinyombwa kudai chiiko nemi vanhu imimi. Uchamudawo one day Pamela uyu kana watoroorwa munhu natsa kwawabva nekuti you never know zvauchanosangana nazvo neiko kusekenyeka uku tinoona wadzoswa pano waseka hama yemurume nekusakwana nxaa chirungu chaicho chinoti charity begins at home. Tete Sarah..." Aah Pamela newewo unazvowo chokwadi wave kutochema zvatanga tichingo joker apa. Pane pawatukwa here Pamela nhai asikana mwana uyu kaa. Sorry kana paine patatadza kutaura Pamela newe Susan. Tete Susan..." Pam pukuta misodzi iyi usadonhedzwe pasi nemashoko evanhu. Nguva yako yanga isati yakwana paye ndosaka usina kuroorwa paitove nereason nekuti Mwari haangosiye zvakaipa zvichiitika, mukomana uya aisave wako zvake saka don't cry hantika. Vamwe vese handei kudining tione newe Pam hande. ..." Ayehwa Tete endai honai I've ruined my makeup plus mood yandiri haitode ndiende kune vanhu vari kufara ndozoita kunge munhu ane godo ndabvirira kare ndakanyarara pachitaurwa zvakawanda zvinorwadza. Camila..." Jealous ndoraunaro nekuti chii chinorwadza pachokwadi hauna here kusiiwa naBless inyaya yekunyepa here. Manje you are not going to ruin my day for me ende nezvima moods zvako izvi pamuchato wangu hauperekedze haiwa unodzosera zvinhu zvangu kumashure. Tete Susan kungotitsiura henyu asi you know kuti hapana atukwa pane zvataurwa natete Sarah chese ichokwadi. Tete Susan..." Asi Camila kaa regai ndinyarare. Handei zvedu varikuenda. Vakabuda wani ndikasara ndichibvisa maheels ndikapinda mumagumbeze chaimo ndikafuga musoro kwave kutanga kuchema ndakadaro ende ndakanzwa pakadzoka Camila achichinja hembe ndakazvinzwa zvangu kusvika paakabuda ndikasara zvangu ndakangofuga musoro wangu kana kutsva handina kumbokunzwa ini. Ndakazonzwa door ravhurwa ndikanzwa voice ramhamha vachiimba. Mhamha..." _Maita mambo wangu nekundikomborera. Maita Ishe wangu nekundikomborera. Kana makomborerwa regai kuzokanganwa kutenda Mwari. Kana maropafadzwa regai kuzokanganwa kutenda Mwari._ Ndiyo song yavaiimba mhamha iyoyo kuratidza kuti vaifara zvee vanga varopafadzwa nekuroorwa kwemwana wavo. Ndakabva ndatanga kuchema futi ini saka inini ndini ndaive wekunyadzisa nekuchemedza Mai vangu asi Cam ariye wekungovafadza chete. Mhamha..." Pamela muka apa tione ko chii nei usiri kuri kutorwa vanhu mapictures uko apa kupinda newig iyoyi mumagumbe here mwanangu. ..." Makorokoto mhamha this time hamuna kunyadziswa. Mhamha..." Ko zviri kubva kupi izvozvo nhai Pamela, kunyadziswa kwei usandiudze kuti uri kufunga zvakaitika last year. ..." Ndingatadze ini ndiri kungoudzwa zvinhu izvozvo pese pandinenge ndangoti ndifare. Endai munofara zvenyu nevanofara mhamha handidi kuzoita senge ndine godo. Mhamha..." Ndianiko ari kutaura nyaya yelast year iyoyo nhai aah zvinhu zvacho. ..." Mazita anourayisa mhamha regai ndirare zvangu muno, farai nevamwe uko. Hanzi muchato uriko riinhiko. Mhamha..." Zvinhu zvacho zviri kungoitwa fast izvi hameno ari kumhanyira kupi muzukuru wamai James. Muchato wanzi next week but one zvekuti kutanga mangwana kwave kutogadzirira muchato uku. ..." Inga zvakanaka nhai. Chienda munofara nevamwe mhamha don't worry about me. Mhamha..." Ndofara seiko ndichiziva kuti mumwe mwana wangu arikuchema kuno nekuda kwemashoko evanhu. Rega ndinowana wandinotuma nechikafu udye. ..." Ayehwa handina appetite mhamha. Vakaramba vakanditarisa vachibva vazosimuka kwave kubuda apa vanga vakachena zvavo mhamha vangu. Ndakasara ndakarara zvekutobatwa nehope ndikazomutswa nenoise panze zvadaro zvakafamba zveroora day raCammy akatouya achindiratidza engagement ring yake saka noise yanga yaitika kwanga kuri kufarira engagement nhai ndakangosekererawo ndakatarisa ring iya apa anga ave kuda kutaura neni zvemuchato wake ndikanyatsomuudza ini kuti idzo usandiudze wati handisi part of your wedding. Madays akafamba vakanochatira kucourt first ana Cammy ende ana gogo havana kuzombodzokera kumusha kwanga kwangove kumhanya-mhanya nedzemuchato ini ndaitozviendera kubasa kwangu zvangu. So maplans aive ekuti Pam aibva aperekedzwa kumba kwana Grey manheru eday remuchato vanga vasiri kuita zvehoneymoon ndofunga. Ini ndakatotengerwa hembe yekupfeka asi zvekuva bridesmaid ndakaramba zvangu nekuti Cam anga azoti hee ndataura zvekutsamwa hee I didn't mean it ndikati mashoko anotaurwa mukutsamwa ndiwo echokwadi iwayo ehe that's how she feels hakusi kunyepa manje. Wakasvika musi wemuchato tikaenda ndipo pandakatoonawo Grey ndanga ndave nenguva ndisina kumuona munoziva, mhamha vanga vakati ndikuti bamukuru. Vakachata zvavo vakaita mavows avo nekupfekedzana maring nekakiss kanenge vanhu vari kutyanana kunge malearner nhai ndakatoseka zvangu. I was happy for Cam chero yanga iri arranged marriage anga adadisa and inini namhamha tisu taizviziva kuti it's an arranged marriage ana Tete vanga vasina kumboudzwa nehama dzese ende vaitoti imarriage yekudanana mhamha vakati tisaudze kana munhu nezvei arranged marriage iyi. So ana Tete vakaramba zvekuti Cam ayende kwana Grey day remuchato vachiti varikuda kumbomuraira so aizoenda Sunday yacho kunoperekwa hameno aiyendeswa kupi Mai James vanga vasinawo kana kumbotaura. Ndakanzi ndipindewo mairairwa Cammy. Manga muinana Tete nanagogo. Takapinda busy kani chiiko chatisina kudzidziswa nekuda kwekumhanyiswa kwezvinhu anga asina kuitirwa bridal shower iye Cam so takadzidziswa zvese mabatirwo emurume, kubika, kugeza, zvemubedroom ndanga ndave kungonyara asi vanhu vataive navo ndivo vaive neyese manje haiwa vaibva vaita neaction zvaibva zvaita kuti ndingoseka zvangu but akadzidziswa zvakawanda hake Cammy and I was happy for her iye aifarawo zvake. Akaperekedzwa nanatete inini akanyatsoramba kuti no handidi kuti Pam avepo pandinoendeswa kwana Grey handidi kuperekedzwa naye, ndakangotiwo zvakanaka ini ndaitodawo kutozorora ana Tete ndivo vaizvinetsa nekuti hee toda azive kunonzi kuita chiroora kuitira paachazoroorwawo zvipikowo akavaudza kuti ndoda kuroorwa ndiani nxaa fanika Tete Sarah ndanga ndatoita kakuvavenga zvekuti dzimwe nguva ndaivapindura rough hanty ndivo vakatanga kungotaura zvakaipa nezvangu nxaa. Cam paakaenda tese namhamha takatochema munhu watajaira kugara naye kaa uyu asi iye kana kudonhedza musodzi aitofara zvake apa vakauya kuzotorwa pagedhi pedu chaipo, Grey anga atumira mota nadriver coz Cam anga aine tumikwende kaa. End of Chapter

Good morning nhasi tomboendawo kumachurch. Ndikawana time ndichanyora ndokupai chapter 11.