
COCO NOVELS
20.2K subscribers
About COCO NOVELS
Need a break from reality? Join me for entertaining novels that will make you laugh, cry, and feel alive☺️. Follow us on Facebook🤗 https://www.facebook.com/profile.php?id=61572207467699&mibextid=LQQJ4d
Similar Channels
Swipe to see more
Posts

*Huyai kuchannel for maprevious chapters nemamwe mabooks edu, maprevious chapters anowanikwa kuchannel not kuinbox kwemunyori so follow channel* https://whatsapp.com/channel/0029Vb5AfX4EKyZNcqdXEb1q *Follow our Facebook page* https://www.facebook.com/profile.php?id=61572207467699&mibextid=LQQJ4d *✨ALL THAT GLITTERS✨* Written by Coco🦋🖤 Chapter 18 Phone yangu yakaita zvekubvutwa kubva mumaoko angu apa ndanga ndakaiisa panzeve ndichitaura namhamha vangu. Yakabvutwa phone munhu achiita kupopota zvekuti mhamha vanenge vakatozvinzwa chete coz aitaura nyaya yekuti hee ndichiri ndakamira muno apa iye akamirira chikafu chake what what. Tanaka..." Phone iyi hauchaiwane futi wanzwa I want to destroy this phone zvese nesimcard racho. ..." Ayehwa Tanaka usadaro ndakuenda kunobika kwacho please ndidzoserewo phone yangu. Tanaka..." Ndati chii nenyaya yekutaura nevanhu vekumba kwenyu hee, ndati chii nenyaya yekutaura nevanhu vekumba kwenyu ndipindure ndisati ndakurova nekuti ndanzwa senge unotonzwisisa language yekurohwa kudarika kutaurwa newe nemuromo. ..." Handina kumbotaura kwandiri ini kutaura chokwadi handina kana kutaura zita rako ndangovaudza kuti kwandiri ndiri right ndatambirwa zvakanaka. Tanaka unoti ndingakusingise here ini ndichikuda nhai ndiani angano reporter nezve munhu waanoda nemoyo wake wese kumapurisa. Tanaka..." Ndinyararire uko uyende kunobika haunete nekunyepa here haundide iwe and ndinozviziva so stop pretending mxm uri kutondibhohwa ndogona kungokuuraya pano tiri two and no one will ever find you not even your mother who is a failure nekuda kwekuti vane mwana anenge iwe and your father who is a failure too. Paakataura zvekundiuraya hana yangu yakarova coz ndanga ndaona kuti munhu uyu ane pfuti so pfungwa yangu yekutanga yakangove yekuti ndinopfurwa nepfuti ndourayiwa ende pfungwa iyoyo yakaita ndisarambe ndichipikisana naTanaka asi ndakabva ndaenda kukitchen kwandakasvika ndisina kana idea yekuti ndotangira kubika kwacho papi chaipo. Ndakambomira ndakabata chiuno ndichifunga kuti ndotangira papi chaipo nekubika apa zvese zvekubika zvanga zviripo wena asi mubiki ndipo panga pasina. Ndakazobika sadza nechicken asi mmm chicken yacho zvayanga iri kaa ndizvo zvinonzi namhamha kubika negumbo izvi asi ndakabika zvakadaro ini kwedu kumba handibike ini saka kubikira Tanaka kwakandirwadza ende chainyanya kundirwadza ndechekuti this guy is rich he can afford kubhadhara maid anomuitira basa but oti inini ndiite basa rake here nhai. Ndakanoisa chikafu patable ndikaisawo changu ndanga ndisina appetite asi ndanga ndiine nzara ndofunga ndiyo nhumbu iyoyi. Ndakanodeedza Tanaka musitting room maanga akagara, phone yangu ndanga ndisina kutozopihwa anga atoitora hanzi haunzwe. Ndakasvika achitaura paphone but voice rake ranga riri low aitoita kazevezeve paphone yake pamwe aisada kuti ndinzwe kana kuti ndiwo matauriro ake nevamwe vanhu. Ndanga ndave kuona kuti Tanaka is not who I thought he is ende kuzviona nefirst day here. Kungondiona chete fast yaakarova paku cutter phone dai musana wangu wanga usingarwadze ndaiseka chete but ndakatadziswa nekurwadziwa. Tanaka..." Chii uri kutsvagei muno? ..." Hezvo asi nemusitting room handifanhe kupinda here nhai mambo coz kubedroom kwenyu ndiko kwamati ndisapinde chete ko sitting room futi, anyway ndanga ndauya kuzokuudza kuti chikafu chaita ndaisa patable. Handina kumirira answer yake zvangu ndakadzokera kudining ndikagara pachair asi ndaishaya kuti ndonyatsogara zvakaita sei chaizvo kuti ndisazvidzimbire musana wairwadza ndive comfortable. Akateverawo akagara pachair achibva avhura chikafu chiye. Tanaka..." Chikafu chacho kuita kunge chiri kupakurirwa imbwa kudai, saka apa wanga uchitoti uri kupakurira inini here kana kuti mafunnies aya chii ichi. ..." Tanaka ndiri kurwara veduwee ndakuudza kuti wandikuvadza pamusoro pazvo urikundiitira rough and you don't even care saka ndiri kutongoitawo zvandinokwanisa semurwere. Tanaka..." Kuzviitisa kwakadai uku ndiko kwandisingade especially nefirst day munhu achitanga kugara pamba pangu, kurwara kwako kunei neni dai uchiminder business rako ndisina kukupusher and it's a lesson next time paunenge wave kuda kupinda muroom mangu uka remember pain iyi unogarira kure. Ndakangoramba ndakamutarisa zvangu achitora musova wesadza achiisa mukanwa, haana kumboritsenga sadza iroro akabva arisvipa. Tanaka..." Chii chawabika ichi, what is this? Uri kubikirira mhuka yemusango here iwewe nekuti kana imbwa haidye this type of shit. Sadza iri imbodza ritori nehupfu humbishi chaihwo chicken yacho handizive kuti waibika sei wakakwana here iwewe hee kamunhu kanoziva zvekurara nevarume asi uchibika tsvina dzakadai so saka ndotonodya kunze uko iwe uchisara wakarara pano zvako. Ndakaramba ndiri zii zvangu changu chikafu ndanga ndisati ndabata so ndakabva ndatopushira plate yangu kuside coz kana chikafu chacho chisiri kudyika handidye kaa ini zvekubika zvinondinetsa izvi hanty ndiye anga andi forcer kubika kwacho ngaadye izvozvo, ende ndakanyatsotarisa zvangu kuside kuita senge ndisiri kutombonzwa zvaari kutaura. Ndakazomutarisa anditema nesadza kuface, ehe akandipotsera nesadza kumeso kwangu chaiko rakasangana nezvisoup zvikayerera zvichiwira pamakumbo pangu apa ndotenda Mwari sadza iroro raisapisa nekuti dai ndakatopiswa face yangu. Tanaka..." Handizive kuti vabereki vako vakakurera sei asi imbwa dzevanhu amai vako vese nababa vako. Chavakagona kukutrainer kuvhurira varume vese makumbo asi kubika haugone, respect chaiyo hauna unotarisa kuside ndichitaura newe iwewe ndiri shamwari yako here inini ndine zera newe here. ..." Iiih wangu siyana neni wanzwa ndakunyararira zvakwana ndiwe wandiforcer kuti ndibike ndichirwara futi apa wave kunditema nesadza ko dai wandipisa face yangu then pamusoro pazvo otuka vabereki vangu wave kuenderera manje nyarika Tanaka. Iwe uri benzi wani zidofo rinoona munhu ane 13 years seane 20 asi ndiri kukutuka here. Wakasangana nemunhu akangwara kukudarika shaa ende wakapusa unotooneka kuti hausi wemuHarare iwewe unoda respect yei zidununu risingafunge rakaita sewe mxm usade kundibhohwa zvako siyana neni handisi mwana wako rubbish. Chandakangonzwa kurira kwekutsemuka kweplate kumashure kwangu ende plate yacho yanga yandipotsa nepadiki ndakazviona pandakacheuka kuti plate yanga yarovera padhuze-dhuze neni chaipo ende hana yangu yakarova coz dai yanga yanditema face ndaitokuvara chaiko ende face yangu anga aivavarira kutangira pasadza now plate yedhaga. Tanaka..." Muhupenyu hwako usafe wanzwa, usafe wakataura neni uchidaro haundituke mumba mangu ndinokuuraya ndikakuviga pano ndikakanganwa nezvako wanzwa. Akataura face yake yachinja kuita yemunhu wandisingatongombozive kana. Ipapo ndipo pandakatanga kuchema, ndazvipinza mugehena rakaita sei nhai ndizvo zvandaichema ndichizvibvunza coz mugehena mandazvipinda chete umu. Akasimuka achibva abuda ndikasara ndiri patable ndichichema, munhu akaita sei Tanaka iyeyu ingawani aive sweet kwandiri wani what changed now zvekuti ave kuita kunge mhuka chaiyo. Ndakanzwa mota yake panze anenge anga ave kubuda apa anga akapfeka all black zvake pamwe anozonopfekera worksuit kumberi coz hapana paangapinde mumine akapfeka mupfekero wekunge armed robber kudaro. Ndakasara ndikambochema chaiko ndakagara patable kusvika ndave kunzwawo zvirinani ndipo pandakasimuka ndikabva ndatanga kunhonga mapieces eplate iya zvese nekubvisa zvisadza zvandanga ndatemwa nazvo. Ndakacleaner misodzi iri pamatama asi maplates ndakanoisa musink ndaizomasuka mangwana nekuti ndaisambokwanisa kumira ndichimasuka. Kana kudya handina ndakaenda kunorara ndakadaro hope dzakanetsa kubata munoziva ndichiziva kuti ndiri muzimba zihombe apa ndiri ndega kutotya chaiko ndiko kwanga kwandibata apa zvasangana nekuti handina kana phone yekucommunicater nayo nevanhu kana pakawana chinoitika. Ndakazobatwa zvangu nehope hameno dzanga dziri kumanguvai ndikazomuka kunze kwachena asi Tanaka anga asati auya. Ndakaita zvangu basa repamba zvandinogonawo izvozvo ndikazvibikira tea ndikanwa coz chingwa changa chirimo mazai, baked beans zvese hapana changa chisimo mukitchen make eve fridge yanga yakaita kuzara nyaya iyi. Musana wanga usisanyanye kurwadza zvawo, ndakatozoswera ndave kuona tv zvinhu zvandisina kujaira kuita asi ndanga ndisina phone yangu so ndanga ndisina zvimwe zvekuita kunze kwekutongoona tv nekurara. Manheru akakwana ndikabika zvangu izvozvo zvekungodaro daro ndikatosiirawo Tanaka chikafu chacho asi haana kuuya kumba ndikarara zvakadaro. Ndakaita dzimwe five days ndiri ndega pamba pasina kana sign yaTanaka apa ndaingogara mumba hapana kana day randakambobuda panze zvangu kutotya kuti ko ndikasvikirwa naTanaka ndiri panze ndozoita sei coz munhu wacho mmm handizive kuti ndonyatsoti chii kana ndichitaura nezvake. Ndakazoti day rechi7 ndiri pamba pake ndapedza kugeza ndichitonetseka kuti ndopfekei coz hembe dzangu dzese dzanga dziine tsvina hanty ndanga ndakatakura dzishoma apa ndanga ndisina kumbodziwacha coz ndanga ndisina kuudzwa kuti ndikadziwacha ndodziyanika kupi, ipapo ndipo pandakanzwa kupinda kwemota kugedhi ndakaziva kuti obvious ndiTanaka. Handina kuziva kuti ndofara here kuti auya kana kuti ndotya nekuti day riya akabuda akatsamwa zvake ende ndanga ndave kuda kutopota ndichitsiura muromo wangu kuti ndinyarare zvangu kwete zvekutukana naTanaka coz haasi mhamha kaa ava vanongondisiya ndichiita zvandinoda akanyatsondiudza akaratidza kuti anondirova that day. Ndakambogara pabed kwekanguva ndichimirira kuti apinde mumba pandanga ndaave sure kuti ave mumba ndipo pandakabuda muroom mangu ndakamonera drying towel coz ndaida kunomuudza kuti handina hembe dzekupfeka hanty ndiye akandiudza kuti nditakure hembe shoma here saka anofanha kundipa hembe dzekupfeka. Ndakananga kusitting room chaiko nekuti ndiko kune main entrance asi ndichipinda musitting room ndakaona makazara varume apa patable paine chibox chinenge chisafe chiya chinochengeterwa Mari chakavhurwa apa patable pakaita kuzara mazi hundred dollars nema fifty dollars Mari iyoyo ichiverengwa. Ndakatarisa kudaro Tanaka akabva asimudza musoro wake achibva atarisana nani. Tanaka..." Chiiko newe urikudei muno usina kupfeka. Kutaura kwaakaita kwakaita kuti vamwe varume vaanga ainavo vanditarise and mafaces avo akandiitira familiar kunyatsoona kuti vanhu ava ndovaziva mhani asi kuti ndizive kuti ndakambovaonera kupi ipapo ndakatadza kana ndakazama kufunga asi ndakatadza asi vese vari five vanga vaina Tanaka ndakanyatsovaziva kuti vanhu ava ndinovaziva mhani ende vese vakaramba vakaisa maziso avo kwandiri vanenge vakandiziva handizive zvainyatsoitika ipapo kaa asi no mhani vanhu ava ndovaziva ini. Tanaka..." Ndati urikuitei muno usina kupfeka haunyare varume here iwewe. ..." Sorry handina kumbozviziva kuti wauya nevanhu. Ndakataura ndichibva ndaramba ndakamira ndanga ndave kutoita kunge munhu anamirirwa panzvimbo one, varume vaye vanga vatodzokera pakuverenga Mari yavo ini ndakangomira chete. Tanaka..." Ko iwe uchiri wakamirirei ipapo asi hauchagone kufamba kani. Sarai muchiverenga mari iyi ndimbononzwa kuti iyi imbwa iyi chairi kuramba yakamirira ipapa chii asina kana kupfeka anoda varume zvisingaite munhu iyeyu apa ane 13 years chete asi anoda varume kunge hure remubhawa rekumakorokoza chairo. Musasare muchiita chitsotsi ipapa coz tese tiri kuziva estimation yemari iri umu. Hameno zvakapindura vamwe vacho handina kuzvinzwa coz vakataura almost vese at once so kuti ndizonzwa kuti uyu ati zvakati kana kuti uyu ati zvakati handina chandakazongonzwa kuseka kwavo chete. Tanaka akasimuka akandibata ruoko akafamba neni kunosvika kubedroom kwangu. Tanaka..." Haunyare here iwewe uri kumirirei pane shamwari dzangu wakapfeka so, chii newe unopenga here iwewe. ..." Ayehwa ndanga ndichida kukuudza kuti handina hembe dzekupfeka hanty wakati nditakure hembe shoma here nhai. Tanaka..." Saka wakadii kudziwacha chero nehembe two chaidzo munhu anongorarama wani. ..." Ndaisaziva kwekudziyanikira. Tanaka..." Uri zibharanzi wanzwa, zibenzi wakapusa zvekuti. Akabuda muroom mangu akadzoka achindikandira t-shirt yake nechibottom ini handisati ndambopfeka trouse muhupenyu hwangu asi apa ndanga ndisina imwe option pane kutongopfema chibottom ichocho netshirt yandanga ndapihwa apa chibottom chacho changa chakabata zvekuti ndanga ndisiri comfortable kana asi atleast t-shirt yanga yakazokurawo zvekuvhara kumagaro uku. Ndakazosara ndopfeka Tanaka atobuda asi ndichipfeka ndaizama kuremember kuti varume avo ndinovazivira kupi ende chimwe chaindinetsa ndechekuti Mari yavaiverenga iyo imari yavanga vabva nayo kumine here nekuwanda kwayo ikoko or vanhu ava vane zvimwewo zvavanotoita coz nema all black avanga vakapfeka plus Tanaka ndakamuona ane pfuti mhani ndizvo zvandaizama kubatanidza izvozvo kuti ndione kuti Tanaka anonyatsoita nezvei chaizvo. Ndiri mukunetseka nepfungwa idzodzo ndipo pandaka remember pandinozivira varume avo aah one of those guys ndiye anodanana naTanya hameno kana vachiri kudanana iye uye wekuenda nesu kwaMashwede then vamwe 4 avo ndivo vandakazoona last day rangu randakaenda kwaMashwede pane one wacho wekuisa ruoko rwake mubhurugwa mangu shit how does Tanaka know these guys? Kuri kunzi vandiziva I doubt pano ndikapagara Tanaka ave kuziva kuti ndaimboenda kwaMashwede obvious anototi ndiri hure apa handisi. Vanhu avo vari kutsvagei pano nhai damn zvanga zvangozara mumusoro mangu ndezvekuti how does Tanaka know those men zvekutovati mafriends ake and where did they get so much money? End of Chapter

*Present And Future Wives, Huyai Titaure!* Present & future wives take note: 1. Dzimba nepfuma inhaka inobva kumadzibaba; Asi mukadzi akangwara anobva kuna Jehova (Proverbs 19v14). Akakuroora kana kuti achakuroora angagutsikane here kuti uri mukadzi waakapiwa naJehova. Shuwa kana Jehova achipa munhu mudzimai, anopa vakaita sewe here? 2. Mukadzi mumwe nomumwe akachenjera anovaka imba yake; asi benzi rinoiputsa nemaoko aro (Proverbs 14v1). Its very easy to blame husband, vamwene, relatives or even the devil when things go wrong. But zvine ungwaru to do self-examination & see kuti are u not the biggest contributor to yo own misery & downfall. Follow this channel F 3. Zvirinani kugara pakona redenga, Panekugara muimba imwe nomukadzi unokakavara. Zvirinani kugara murenje, Panekugara nomukadzi unokakavara nounonetsa (Proverbs 21v9,19). This verse is not telling yo husband to leave home. Rather, its telling u the wife some of the reasons that may make it hard for him to stay at home. Hanzi kurenje kunopisa, kusina mvura, kune zvikara nenyoka kungava nani pane mumba mune mukadzi ane nharo...Tichiri tese here madzimai.. 4. Ndianiko ungawana mukadzi unoita zvakanaka? Nokuti mutengo wake unokunda kwazvo mutengo wamaparera (Proverbs 31v10). Verse iyi iri kutoisa pachena kuti hazvisi nyore to find a wife anoita zvakanaka. It means kuti madzimai mazhinji acho anoita zvakashata. Rate yoself honestly; are you one of the few who can be singled out kuti they are 'virtuous'? How do you measure that? 5. Anoitira murume wake zvakanaka, haamuitiri zvakaipa mazuva ose oupenyu hwake (Prov 31v12). There u are. Thats what God is saying. Have u ever really tried to please your husband? Or you listen to those who say 'anozojaira'? 6. Imi vakadzi muzviise pasi pevarume venyu chaivo, sezvamunoita kunaShe (Ephesians 5v22). The true test of a Christian wife is in her total submission to 'her own' husband.' Kune vakadzi vari very good at showing respect kuvarume vasiri vavo, while ill-treating their own husbands . Bible rati, kuzvininipisa kwamunoita kunaShe, ndiko itaiwo kuvarume venyu. Kana uchigona kupopotera Jesu, kana kupindura asati apedza kutaura, kana kumushora nekumuratidza kuti haafunge, then do the same to your husband. 7. Sara aiteerera Abraham achimuidza ishe (1Peter 3v6). Nhasi uno ukadaidzwa newako unodaira uchitii? 'helo' or 'watii?' or 'uri kudei?' or 'hee!' If u expect yo husband to treat u like a queen, treat him like a king also. That's how it works. The above would all sound foolish or impossible without Jesus in your heart. Those who believe in gender equality will be angered by these sentiments. Fortunately, the term 'gender equality' does not exist in the Word of God. After reading this, vavarirawo kuita mukadzi kwaye...anorumbidzwa nevana vake uye murume wako ngaakurumbidze... Receive Jesus Christ today and be a better woman kumba kwakoo... Mweya mutsvene vatibatsire kudzimba dzedu...🙏🏽 https://whatsapp.com/channel/0029VahpGtS3WHTQOQw5XD3V/309

*Huyai kuchannel for maprevious chapters nemamwe mabooks edu, maprevious chapters anowanikwa kuchannel not kuinbox kwemunyori so follow channel* https://whatsapp.com/channel/0029VahxSwN0rGiIGnuFyF3v *Follow our Facebook page* https://www.facebook.com/profile.php?id=61572207467699&mibextid=LQQJ4d *✨ALL THAT GLITTERS✨* Written by Coco🦋🖤 Chapter 19 *Mai Nyarie* Mai Mike..." Haa pakadai apa panoda kuti munhu ubva wangoenda kumusha kwenyu straight worse Nyarai asisipo uyu hapasisina need yekugarira vana kutoenda zvako kumusha kwenyu zvinhu zvinenge zvakanaka pane kuurayiwa. ..." Hamumbozvinzwisise asikana, ukaona munhu akagara mumarriage seyangu inorwadza Mai Mike zvamunoziva zvishoma kudarika gehena randiri hama yangu asi kugara kuziva kuti handina kwekuenda, chero ndikaenda kwandaenda kwacho ndinonogara nguva yakareba sei musakanganwe kuti munhu munhu kaa hapana paangazoda kugara neni kwehupenyu hwese masowe atinopinda chaiwo ndicho chimwe chinoita ndingogare Mai Mike nekuti hazvizodi kuti munhu anopihwa respect sababa Munashe anzi akarambana nemukadzi nekuda kwe abuse. Ndinogara asikana anogona kumbondirova nekundirwadzisa asi inguva ende zvichapera izvi. Mai Mike..." Nhaimi kupusa kudaro kunge ana Mai vedu, mashoko enyu andi disappointer wena, saka apa muri kutodzokera pamba penyu yuhwi kana kurohwa kwamakaitwa nezuro muchiti kushoma iiih handidi kukunyeperai hatina mazuva akawanda nemi pano panyika tiri kukuvigai murume wenyu oyenda kujeri tione kuti vechurch yenyu vachazoti chii vamunotya ivavo, regai tichiisiya nyaya iyi zvanzi chiiko nadoctor handina kuzopinda nemi pamanorapwa kaa hamuna kutyorwa mbabvu here nhai aah zvakaoma munhu kuita zvekukupondai kunge nyoka yapinda mumba kudaro, baba Munashe ndakatya zvangu. ..." Aaah zvakaoma pakutorapwa ipapa ndipo pandabva ndatoudzwa dzimwe news futi dzatoita ndione kuti zvekusiya baba Munashe hapana. Hanzi ndine nhumbu Mai Mike ndatomboti doctor vatadza kuona sezvo ndanga ndisina kufambira izvozvo, kana ndimiwo hanzi idiki zvekuti haisati yatombosvika mwedzi chaiwo doctor vanga vachitoti tinotenda Mwari kuti haina kubva. Mai Mike..." Hezvo nhumbu aah nhai asikana tototi makorokoto kaa nekuti nhumbu haina kumboipa zvayo asi murume wenyu ndiye akaipa zvake. ..." Ndeedu tese asikana. Handina kupindura zvine chekuita nababa Munashe zvavanga vataura coz it's clear kuti vanga vatovenga baba Munashe ende hapana chandaimbotaura chingaite vavaone neimwe nzira. Ndanga ndichiri kurwadziwa hangu apa mapiritsi ndanga ndapihwa asi not ari strong nekuda kwenhumbu yangu iyi I can't believe kuti ndine nhumbu now imagine dai Nyarie asina kutizira aindituka kaa nekuda kwenhumbu iyoyi munoti pane chakanaka chiri pandiri here pamberi paNyarai. Takasiiwa nemota pamba pamai Mike, ndanga ndave kuda kutodzokera kumba kwangu kuti ndirware hangu ndichiita basa rangu rinondipa mari asi manje kukiiwa kwegedhi zvese nedoor ndiko kwakandidzosera kumashure. Takanogara zvedu mumba mamai Mike ndikatombonorara asi ndaida kudzokera zvangu kumba kwangu kana baba Munashe vangodzoka kubva kubasa kuramba ndiri pamai Mike ndaiwona kuri kuvaremedza chaiko semunhu anga anditambira nezuro ndikarara pamba pavo zvakangonakawo kuti ndibve pamba pavo zvichakanaka pane kuzobva tisisataudzane especially nehunhu hwababa Munashe ndoziva kuti nhasi ndikasadzokera kumba vanenge vachitouya kuzo disturber vanhu futi pamba pavo, baba Mike vakakwanisa kuvadzinga zvavo nezuro asi ko nhasi vakabhohwekana nazvo nekuti kunenge kuri kutokanganiswa kurara zvakanaka, nenguva dzavanoda mumba mavo. ..." Asikana makaita basa makanditambira nezuro mukandibvumidza kuti ndirare pano ndisingataure kundiperekedza kuchipatara muchishandisa mari yenyu maita basa veduwee asika handicharambe ndakagara pano regai ndidzokere kumba kwangu. Mari yataendesa kuhospital ndinokupai mangwana maita basa veduwee. Mai Mike..." Mave kutoenda pamba penyu musati masimba here nhai, munogona kugara two kana three days pano ipapowo baba Munashe vanenge vachi cooler down. ..." Regai ndiende veduwee vanono cooler down ndiripo nekuti iya ndiyo imba yangu manje ende handingasiye musha nekuda kwekuti ndakarohwa nemurume. Mai Mike..." Kana mafunga kuenda zvakanakai asikana ndinokuonai mangwana makuseni. Vakatondiburitsa vakandiperekedza kunosvika pagedhi rangu, baba Munashe vanga vauya so gedhi ranga risina kukiiwa. Mai Mike vakati havachapinde nekuti vanogona kuzonetsana nababa Munashe so vakandisiya pagedhi ndikasara zvangu ndichipinda asi ndaifamba zvishoma nezvishoma kusvika pandakanopinda mumba ndikawana baba Munashe vakamira pastove. Handina kutaura navo kana kudii ndakangopfuurira kubva pavari ndikanogara pasofa mudining. Zvinhu zvanga zvanga zvichingori semasiiro andaka zviita zvangu. Baba Munashe..." Wapedza kaa kuhura wave kudzoka pano pamba pangu, wakarara kupi nezuro ende wadzokererei pano usina Nyarai. Ndakazviudza kuti no munhu uyu handisi kuzomupindura zvangu. Ndakatoita zvekunyatsorara zvangu pasofa ende hope dzakabva dzatobata anenge mapiritsi anga ave kuita ndirare kudai coz kana kwamai Mike ndanga ndangoswera ndakarara zvangu so apa ndakatobatwa nehope mushushi achitaura zvisina basa zvake zvandisina kupindura kana kuda kuteerera ende ndanga ndatozviudza kuti handisi kuzomuudza kuti ndine nhumbu achanozvinzwira kumasowe. Baba Munashe..." Iwe muka apa ndiri kutaura newe wakatorara zvako. Muka uko apa ndiri kuzvibikira ndega iwewe mukadzi wangu wakatorara zvako pasofa. Ndakasimuka ndikabva ndapinda muroom maNyarai ndikakiya door. Ndakabva ndamufunga mwana wangu arikupi nhai ende arikubatwa zvakanaka here ndizvo zvakatanga kupinda mupfungwa dzangu. Baba Nyarai vakatanga kupopota vachirova door reparoom. ..." Mukaramba muchidaro ndave kuzonokutaurirai kumasowe munyadziswe pamberi pesowe rese nekuti ndaneta nemi ini. Nditoriwo worried nezva Nyarai ende I'm in pain makandirova nezuro nhasi ndanoudzwa kuhospital kuti ndine nhumbu asi hazvina kana basa nemi izvozvo chenyu kungoda kundipa mastress chete siyanai neni please ndiri kutonetsekana nezvaNyarai zvekuti kunzi hure nekutukwa zviri kutondiwedzera stress. Baba Munashe..." Ndatadza kunzwa here kana kuti mati mune nhumbu. ..." Zvamatonzwa ndizvozvo ende kumasowe ndirikuda kutonoudza munhu wese anoda kunzwa kuti vazive hunhu hwenyu kwete zvenyu zvekumira pamberi pevanhu muchitaura hope dzenyu dzamunorota asi mumoyo menyu makasviba. Kuda kuzviita mutsvene pasowe asi pano pamba muchida kuzviita shumba. I have had enough of kushungurudzwa nekutambudzwa nemi ndiri mwana wemumwe munhu and I don't deserve this don't take advantage yekunyarara kwangu mokuita kupusa rambai muchiita zvamuri kuita ndino reporter kumapurisa kuti makandirova ende ndine nhumbu izvozvi muone kuti nyaya yacho inokupererai mushe here. Hapana chavakazombotaura ende ndakavanzwa vave kubva padoor vachibva vabuda panze. Baba Nyarai vanojairira zvavo after kundirova kwanezuro kuya ndodzoka futi nhasi voda kusimudzira nyaya yanezuro apa ndivo honzeri futi yekutizira kwemwana wacho hanty ndivo vainditadzisa kuraira mwana vachizviita sweet father kuna Nyarai asi kwandiri vari mhondi chaiyo zvino Nyarai uya atizira mhosva yave kuda kupihwa inini kuita sekunge ndini ndai supporter mwana achiita zvinhu zviri wrong manje ayehwa kana bodo. Ini wacho zvaNyarai ndave kuda kutozama ndikanganwe nezvazvo akaita zvake zvaanoda ende aita chake ndihombarume haana wekuchema naye hanty ndakamuudza kuti all that glitters is not gold iye akati kwaari kune gold saka zvakanaka zvakadaro semwana wangu handizomukanganwe zvangu asi ndave kuda kutoedza ende anga andishungurudza mwana uya zvekuti ndikada kutozotarisa rimwe side ndotoona kuti ndinogona kufara now asisipo kudai asi baba vake ndivo muyedzo chaiwo, Satan wemunhu mxm. Madays akafamba zvawo ende baba Nyarai kubva zvandakavaudza kuti vakangondirova chete ndinonoudza vanhu kumasowe vakabva vatorega nekundituka kana kubvunza zvaNyarai zvekuti ndingangoti pamba pedu tanga tave kutogara zvakanaka murunyararo and Nyarai ndaimufunga handidi kunyepa asi ndaizvisimbisa nekuti akagara zvakanaka kwaari ikoko nekuti anga andiudza kuti akatambirwa zvakanaka. Ndaimboedza kumufonera asi phone yake yaingoramba kupinda iyi, pandakaenda kuvisit kwaMunashe handina kutomuudza nezvaNyarai ndaisada zvangu kuti anetsekane nezvaNyarai otadza kuita zvechikoro apa next year anenge ave mucandidate kaa uyu saka ndakaona zvirinani kuti azonzwa kuti hanzvadzi yake yakatizira ave paholiday zvake. *Nyarai* Tanaka..." Vanhu vandanga ndiinavo avo unovaziva here iwewe. ..." Ayehwa ko ndingavazivirepi zvangu vanhu vekuShamva kuno, urikuda kudyei ndinobika. Tanaka..." Usade kutiza nyaya yandiri kukubvunza nezvayo, vanhu avo unozivana navo chete iwe nekuti vataura kuti uri hure ravo ravakachinjana havana kuzondiudza zviri direct coz vanga vave kuseka asi zvishoma zvavandiudza zvandiratidza kuti iwewe navo munozivana and pane zvamakatomboita mese zvenyu. ..." Ndati hapana chandakaita navo wani ndatotangawo kuvaona nhasi nhai Tanaka ucharega kunditi hure riinhi coz ndaneta nekuudzwa chihure newe now wave kutondiudza vanhu vandakarara navo futi kutondipa list asi you know very well kuti ndakangorara naex wangu James akatondi tricker futi newe chete ndiwe wandakarara newe saka avo varume ndakarara navo kupi. Ndanga ndatovewo confused zvemashuwa coz kuvaziva ndovaziva asi handina kumbobvira ndakarara navo kaini zvekuti vangataure kuti ndiri hure ravo, hure ravo pakuti ndakaenda navo kwaMashwede here asi Tanaka anga asina kumbotaura nezvakwo wani saka aah hameno pamwe anga angobatanidzawo nyaya zvake. Tanaka..." Saka vandinyepera kaa vanhu avo. ..." Obvious wanyeperwa ko iwewe ndiudzewo kuti Mari yese yamanga muchiverenga iya makaiwanepi ende unozivana sei nevanhu vanenge mhondi vaye iwewe uri munhu ari soft soft wani unoitei nevanhu vanenge vanotumwa kunouraya vanhu vaye and you even called them your friends. Tanaka..." Enda unobika uko ubike zvinhu kwazvo and stay out of my business nevanhu vandinowirirana navo nekuti mari yandinowana inobvepi hazvinei newe iwewe chingoita basa rako chete pano rehumaid undibikire zvinhu zvisvinu ikoko. ..." Asi iwewe wanga uchindibvunza mibvunzo ndichikupindura zvakanaka wani nhai Tanaka ko iwewe why can't you just answer mibvunzo yangu zvakanaka. Ndakakuona uine pfuti futi ndeyei pfuti iyoyo. Tanaka..." Pfuti iyoyo ichauraya iwewe kana usingagone kuminder business rako. Uri mushandi wangu pano wanzwa slave wangu wekuti chese chandada unondiitira enda unobika uko nhasi ndiri kutoda husiku hwese newe hanty ndizvo zvauri kudyira chikafu changu pano izvozvo. Mxm haya zvakaoma, yekunzi ndichaurayiwa nepfuti yakandityisa zvekuti ndakasimuka ndikaenda kunobika asi kubika kwacho ndakanobika rice risinganetse coz mumba macho manga muine rice cooker so ndiyo yandakashandisa nyama ndikaisa muoven sezvandinongoona mhamha vachiita. Chandakabika isoup chete nekugadzira masalads ndichibva ndatoisa zvese patable ndokuenda kunodeedza Tanaka asi ndakasvika akaita kuzadza table nezvimwe zvinhu zvewhite zvinenge chalk yakatswanywa ende aitozvifemedza zvinhu izvozvo hameno maitiro aaiita so asi zvinhu izvozvo aiita kuti zvipinde mumhuno make. ..." Chiiko chauri kuita ipapa zvii zvauri kuisa mumhuno zvinenge mapiritsi akatsondwa simuka tiende kunodya uko. Akatora zvipowder zviya akabva aisa zvimwe mukanwa make mumagums umu ndimo maakazvizora ndanga ndakamutarisa hangu. Ipapo akabva asimuka apa zvipowder izvozvo zvanga zvangozara pamhuno pake pese apa. Ndakatoti munhu arikuuya kuti tiende kunodya apa aiwuya kuzondirova zvake mbama ende akanditsemura mbama ndakavarairwa. Tanaka..." Ndakakuti chii nenyaya yerespect kwandiri, ramba uchitaura neni kunge mwana wako uwone zvandichakuita nxaa ende usandibvunze kuti chii chandiri kuita senge usingazive madrugs ndinoita zvemadrugs that's the only thing that keeps me sane atleast ndakadai I will sleep at night ndisingarote kana kuona zvivanhu zvese zvandakauraya sezvandichakuita iwewe hauna mazuva akawanda uri panyika gara wazviziva nxaa. Akataura achibva atofamba achibva pandiri achiseka, kana nechaaiseka handizive asi ndakasara ndakabata dama rangu ndichichema. One ane pfuti, then mazimari hobho apa ane mazishamwari anenge mhondi then anoita zvemadrugs pamusoro pazvo zvese ondiudza kuti he will kill me kari kechi2 futi muzuva ranhasi and zveshuwa anondiuraya kaa coz atotaura kuti akambouraya vanhu vakawanda so inini I won't be the first person neither will be the last waachauraya. Ndakanzwa kutya chaiko, kunzwa kuda kuenda kumba apa ndisina kana phone kana Mari yekuti ndiendese kumba. Mazuva akafamba ikaita mwedzi ndiri pamba apa asi ndanga ndisina kugara zvakanaka daily ndaifunga mashoko amhamha ekuti all that glitters is not gold ndiri muzimba zihombe muine chikafu chese chandingade chirimo asi ndisina peace of mind, ndichishungurudzwa naTanaka ende achindiudza kuti arikundiuraya ari serious I remember rimwe day akatoburitsa pfuti yake akandinongedzera akange ave kuda kutopuller trigger ndipo pakazo ringer phone yake zvekuti dai kutaura kuno ndakafa ini. Kungogara pamba apa kwanga kwave kwehuranda hwekuti gedhi rinogara rakakiiwa ende handina mabudiro. Iye Tanaka aitoita zvemadrugs ake pamberi pangu achienda kubasa kwake manheru vodzoka neshamwari dzake idzodzo vachitaura zvemaheist hameno ndozvipi izvozvo. Pamba paTanaka pakandivava kugara apa nhumbu yanga yatokura iyi ende Christmas yakasvika ndiripo, musi wechristmas akanwa zviwhisky zvake akandirova kuti nei ndisina kumugochera nyama ndakarohwa zvekutozoswera ndiri mumagumbeze ndisingakwanise kana kusimudza ruoko urwu iye masikati achibva atobuda zvake akaita week asina kudzoka pamba, kubva ipapo handina kuzombonzwa zvakanaka futi handidi kunyepa ndanga ndave kungorwara chaiko everyday, musoro, musana, chest zvese muviri wese apa ndaikosora everyday ndaitokosora chete pese pandiri ndichinzwa kuoma pahuro apa nemuchest umu haa zvanga zvisina kundimirira zvakanaka zvekuti ndaitoita basa zvekuzvishingisa nekutya kurohwa kana kuurayiwa especially kuurayiwa haa pamba pano ndanga ndisiri kupabva ndiri mupenyu zvangu zvanga zvatove obvious and Tanaka is a psycho manzwa anenge anotopenga maybe it's bipolar or something coz zvaanoita hazvisi normal kana even mathreats ake haaite zvamuchose, dai ndisina hangu kumbouya kuno dai ndakangogara kumba kwedu nenhumbu yangu coz kuurayiwa ndiko kwanga kwasara chete apa. End of Chapter

Ukaona kaemoji aka(😢) kakuwanda oziva kuti book rakutapira😂. Munyori tipeiwo chapter 18 nhasi🥹🥹, vamwe isaiwo malikes pliz weya

ʷʰᵉʳᵉ ʷʰᵉʳᵉ ʷʰᵉʳᵉ ʷʰᵉʳᵉ ʷʰᵉʳᵉ ʷʰᵉʳᵉ Where are my likes ? ʷʰᵉʳᵉ ʷʰᵉʳᵉ ʷʰᵉʳᵉ ʷʰᵉʳᵉ ʷʰᵉʳᵉ

Kana wafarira book gara wapiwa muchanel ndimo marichange richisvikira mamwe machapters https://whatsapp.com/channel/0029VaPR74vADTO6gZ9jEg1m Group https://chat.whatsapp.com/IQkA6FIwWQEFdk51qGa9lO Story by mama shalo 💙💙💙💙💙💙💙💙 Chirikadzi yemupenyu🧕 Chapter 1 Adelight ,, Mai Gladys Zita rekuberekwa ndinoitwa Adelight Moyo, ndakaroorwa kumhuri yekwaGore nemurume wangu uyu wandaida kwazvo anova Thomas Gore. Nemurume wangu taidanana zvaimwisa mvura izvo zvinova zvaifadza kunyange vabereki vangu Thomas aitomaker sure kuti kunyange taiwanawo zvishoma vabereki vedu taivarangarira zvinova zvaizokonzera kuti anyanyodiwa nevaberek uye aivawo mwana aive nerudo nekuremedza vakuru vake Takaroorana zvakanaka nemurume wangu ndokubvisirwawo zvishoma zvaaive nazvo mdokugara hedu zvakanaka pamusha pavamwene vangu,, handina kupedza mwedzi muviri ndiripo ndakanga ndave kutosvia svipa zvinova zvakafadza mhuri yekwandaive ndakaroorwa iyi Vamwene vangu vaindina chose zvekuti pavakaziva kut ndakanga ndarema chero kuti ndishande vakanga vasingachatod asi iniwo kuti ndizogara zvaizondiremerawo pamusha pavamwene saka taizongobatsira hedu kuita Days passed dumbu rangu richikurawo Thomas akabva atenga stand iyo yaaiti kna ndkapona ndiko kwataizonogara saka aivaka hake zvishoma nezvishoma n sezvo iye aizviitira zvinhu zvake ega kwaingove kutenga material chete basa rotofamba Yakavakwa imba 3 rooms yaive yakanaka chaizvo zvekuti chero ini ndakaitarisa ndainzwa kufara chiazvo kuti ndiniwo here ndchazogara muimba yakanaka kudai, ndizvo zvinoita nyasha chokwadi n ndinototi inyasha nekuti kunzvimbo yataigara vanhu vaigara mudzimba dzemarata ndivo vaitove vashoma n taitoziva kuti ndvo vamhu vanenge vachitoverengwawo kuti vane upenyu hurinane saka ndainzwa kufara nezvandanga ndaitirwa nemurume wangu Zvaifadza chose kuti munhu akange atanga kuita zvinhu zvinofadza kudai ko kuzoti kumakore anotevera tinenge tave kutogara mumagetsi, pese pandaizvifunga zvese izvi ndainzwa moyo wangu uchifara chaizvo kana iye mwana aive mudumbu mangu ndaiitwa kunzwa achitibvura chaizvo zvairatidza naiyewo aifara pamwe chete neniwo Murume wangu aishingirira naro basa rekuvaka achiita zvishoma zvishoma ndokutenga Zvipfuwo zvake, takange tatovewo nemombe dzedu mbiri nembudzi, kugona kuronga kwake kwaifadza baba vake zvikuru zvekut vaigara vachimurumbidza kut aigona kupfuura madzikoma ake sezvo ari iye aive mukomana mudiki Mwedzi wangu wekusununguka wakasvika ndaive ndongogara nekutya zvichida nekuzonzwa vamwe vakadzi vachikurukura kurwadza kwemimba haa ndaive ndotodzikira nekuda kwestress yelabour yataingonzwa nevamwe Preparation yese ndaive ndakatenga zvekut zuva rekupona ndro rega randaive ndangomirira dumbu racho ranga rakura zvekuti chero kuzvigeza chaiko ndaive ndotonetseka kutotenda hangu vamwene vangu nemurume vaimira nen Rimwe zuva ndakangomuka mudumbu muchiruma ruma ndikatoshaya kuti ko chave chiizve zvandaive ndangodya zvinhu zvisingambonzwisib mudumbu ko makange masvorei, murume wangu akatombondibvunza kuti chii chanetsa asat aenda kubasa ndikangoti zvese boo Paakabuda handina kuzombogarisa pain ichibva yawedzera ndikasheedza vamwene vangu vakamhanya vachiuya n pandakangovaudza vakabva vatoti ndgadzire tiende kuchipatara yatokwana nguva vakabva vatonosunga ngoro navatezvara vangu ndokutakurwa ndoenda kuchipatara Muroad ndakamboda kuridza mhere chaiyo nekuda kwemarwadzo asi ndaizongonyara hangu vatezvara vangu saka ndaingozopedzera shungu mukushinyira zvichida nekumbojatwa kwandaiitwa nengoro haaa ndainzwa ndainzwa sekuti mweya woda kupera ini Yakafambiswa ngoro tikanosvika kuchipatara ndokudzikiswa hedu topinda mukati ini kana simba rekubata chinhu ndaisave naro ndakangodzika ndokutotanga kufamba zvangu ndchienda mukat vamwene vachitevera nemabag Ndatopinda ndokutonanga kulabour room kwacho ko zvandainzwa ndaitoti kusvika nekupona haa ndairwadziwa ini , ndakanopinda ndokunotariswa paye ndokuudzwa kuti macm achiri kure saka zvaida kuti nditombofamba famba ndchidzoka ndchitariswa Doctor achitaura izvi ndaitonzwa kuda kumuridza mbama chaiyo aa nepain yandaive nayo munhu ondiudza kuti ndichiri kure here nhy veduwe aaa zvinhu zvacho zvakanga zvakaoma Ndakabuda nchiita kudhonza makumbo chaiko kuri kutopererwa, vamwene vangu vaitimbozama kundisimbisa asi haa kutaura kwavo kwaitoita noise munzeve dzangu zvekuti dai aive mumwe munhu haaa ndaimushura shura chaiko Ndaive ndachingogara zvino padhuze nedoor remulabour chaipo nchitiwo kuda anytime zvinogona kungoita asi ndaitozvinyepera ndaitot after every two hours ndoenda ndonotariswa asi ndaingoudzwa kuti zvichiri kure Ndaive ndatopererwa chaiko apa ndione kuti ndaive ndauya makusen chaiwo apa zuva ranga rave kutodoka zvaro vamwe vaingosvika vachibatsirwa ini ndichingovapo Murume wangu akasvika ndchingoyuwira akada kutombonditaudza asi haa ndaisamboda kana kutaura nemunhu zvandainzwa zvacho zvaisanditendera ini Zuva rakasvika pakudoka ndcingovamo ndokuenda kunorara asi haa ini ndaingofamba famba usiku hwese kusvika kuchinoedza, Vamwene vangu vachiuya mangwanani ndakatoona kushushikana kwavo vanenge vaifunga kuti vachawana ndine mwana asi hazvina kuita sekudaro ndaingove naro dumbu rangu ndchiyuwira Ndakagara kudaro pakabva pasvika vamwe Mai vaitobva kunogeza vakabva vanditi Murcyko asikana, ndaona matambura nguva refu madii mamboedza kumwa weti yenyu zvinogona kukubatsiraiwo kana mawirirana nazvo, ini hangu zvakandibatsira handina panhumbu yangu yekutanga Olk maita basa regai nditonomwa, ndakavatenda ndchitosimuka kunanga kutoilet ndokusvikoita zvandanga ndaudzwa ndokudzoka ndchigara hangu panzvimbo yangu Follow Chanel unoverenga chirikadzi yemupenyu link risat rabviswa 🥰 End of chapter READ, COMMENT AND SHARE@mamashalo stories

Nhasi iweekend malikes ngaawande kana muchida book😁

Kusaisa 1k likes kuzviitisa nepave nebook🫠 ini ndakufamba nepace yenyu pamalikes😉