
COCO NOVELS
February 2, 2025 at 01:31 PM
https://whatsapp.com/channel/0029Vb43TAIF1YlbOonaOc3e
*💔AGONY OF MARRIAGE 💔*
Written by
COCO🦋🖤
*CHAPTER 1 TO 3*
CHAPTER 1
*Sandra*
Doctor...." Mr and Mrs Mupindu I have your results with me right here. So zvandichataura ndinoda kuti munyatsoteeresesa handiti. So ndichatanga nemi Mr Mupindu maresults enyu they show kuti there's nothing wrong with you. Then Mrs Mupindu I don't know how you are going to take what I'm going to say but anyways I have to say it. You have got this rare disease inoitwa ne 1 in every million women in the world.
..." Doctor ndine chirwere chei
Eric..." Babe calm down ipa doc time yekuti vataure
..." Varikundinonokera Eric anyways you won't understand coz hausiriwe wanzi une chirwere
Doctor..." Well chirwere chacho hachisi a sexually transmitted disease makatozvarwa nacho.
..." Okay ndechei
Doctor..." Well mune a disorder of peripheral nerves
..." Peripheral chii
Eric..." Ipa doctor chance yeku explainer kani. Doctor please continue
Doctor..." Okay so the disease affects your lower limbs resulting in abnormal sensation and muscle weakness or paralysis. Fortunately you weren't affected in that way and that's why you are not paralysed and musinga experiencer mapains kumakumbo but unfortunately your womb was affected and yatove weak zvekuti nhumbu haitobate
..." What doctor mati chii
Ndanga ndaita kusimuka ndaita zvekumira ukwu misodzi ichiyerera. Eric akabva asimuka pachair yake achindihugger achibva andigarisa pasi.
..." Babe hanty vakunyepa kaa doc. Eric doctor vakujoker kaa
Ndakabvunza ndakamutarisa kuface. Akabva adonha misodzi mumaziso ake but he quickly wiped off misodzi yacho maybe aisada kundiratidza kuti arikurwadziwawo you know vanhu vatema they say murume haacheme he has to be strong and all that. Ndakabva ndatanga kunyatsochema manje. So zvanga zvatove pachena kaa kuti ndini ndisingazvare, but why me pavakadzi million inini ndini ndosarudzwa nechirwere chakadaro manje.
Eric..." Doctor so chirwere chacho chinorapika sei
Doctor..." Unfortunately there's no cure
..." Nhai Mwari wangu, ko kungonditora zvangu. Kufa kurinani pane izvi. I can't take this no I can't so I'm barren handizvare inini, Mwari wenherera masiireiko nherera ino ichisvika panguva ino.
Ndaitotaura izvi ndichigara pasi chaipo. Eric anga abata shaya zvino achishaya zvekuita. Ini ndaive pasi ndichiita kunonzi kuzviumburudza pasi. Mukadzi wepi asingazvare nhai. Kana ndisingazvare zvinoratidza kuti handisi mukadzi zvee.
Eric..." Thanks doc.
Ndaishaya kuti aitenderei doctor ini. Kuvatenda nekuti vamupa news dzekuti handizvare ndiri ngomwa. Mashoko avamwene vangu anga azadzikiswa, Satan anemazano hake. Ndikafunga hangu I fasted and prayed kuti ndiite mwana but at the end ndozongoudzwa kuti handizvare why is life so unfair. Eric ndiye akandisimudza kubva pandaizviumburudza achibva andibata tave kubuda. Vanhu vese vaingoivepo pahospital vaingotitarisa maybe it's because maziso angu anga azvimba plus dress ranga raita kuzara tsvina coz ndaizviumbirudza pasi chaipo.
Road yese kuenda kumba ndaingochema, mumota maingonzwikwa kukwiridzira madzihwa kwangu chete. Eric ndaimuona zvake achibirira kunditarisa but asingataure hake neni. Pasina nguva ndakaona tasvika pamba. Eric haana kupinda aida kudzokera kubasa kwake. He just waved his hand kwandiri haana kana kutaura neni, ko aitaura kuti chii nengomwa hake.
Ndichipinda mumba ndakabva ndangonanga kubedroom kwangu, first thing ndakabvisa wig yandanga ndakapfeka ndichibva ndasara necarrot yanga yatosakara yandaitoshaya time yekurudunura. Ndakazvitarisa pamirror and zvandakaona ipapo hazvina kundifadza. Maziso angu anga akazvimba zvese nekutsvuka kuita red chaiyo and makeup yangu yanga yatove tsvina chaiyo kuface, ndakabva ndaenda mubathroom ndichibva ndananga pasink. Ndakanyatsoigeza face yangu kusvika yasara yave natural. Ndakazvitarisa futi pamirror remubathroom ndikazvinzwira tsitsi ndakatanga futi kuchema.
Ndakabuda mubathroom ndichibva ndabvisa dress randanga ndakapfeka ndichipfeka zvangu bumshort net-shirt. Ndiri muslender hangu but muslender ane nyama, kkkk kuseka zvangu nhamo serugare. What I mean is ndiri muslender anewo tumahips not huslender hwekuwonda huya plus ndiri munhu mutsvuku, zvekutozvarwa ndakatotsvuka not kubleacher so face yangu ndikanyanya kuchema inopedzera yakuita kamwe kacolour so, disadvantages of being light in complexion mablack beauty haamboite zvese izvozvo but skin yangu iri clear manje ndolucky racho.
Nditori busy kurongedza hembe dzandanga ndakapfeka ndanga ndambomira zvekuchema fon yangu yakabva yaringer. Ndakaitora kubva musling bag mandanga ndangoisiya ndichibva ndaona ari Bella my little sister aifona. Ndakaignore pekutanga ndaisada kutaura naye achibva afona futi ndikabva ndaidaira coz ndakaona kuti ndingamuignore achida kutaura zvinhu zviri important zvekuchikoro kwavo kaa.
Bella..." Hey sis how are you
..." I'm good and you how is school
Hameno kutaura naye kwakangoita kuti ndiite emotional. Ko hanty she's my sister and my best friend zvese ipapo. Ndaisada kumuudza zvaiitika so I had to be strong pakutaura naye.
Bella..." Sandy you are not okay
..." I'm okay baby trust me
Bella..." Ndirikunzwa voice rako Sandra ndakuuya ikoko now
..." Iwe ndiribhoo serious.
Bella..." Ndakuita video call .
..." No there's no need for all that
Bella..." It's either video call or ndouya ikoko.
Ndakazongobvuma zvevideo call zvacho. Ndichibva ndaenda pawhatsapp achibva aita video call iya, pamba pedu pane wifi hapo so ndandiri covered. Ndichingomuona soo ndakabva ndatotanga kuchema.
Bella..." Chiiko Sandra ukuchemei.
..." (Crying)
Bella..." Ukasandipindura ndirikuuya ikoko Sandra you are stressing me amana
..." Isabella handizvare Ella
I explained zvese zvanga zvataurwa kwadoctor. Akapedzesera akutochema neni. Iye semunhu anoita medicine akabva atotanga kutaura nezve that disease ini ndanga ndisisagone kana yaingove misodzi pamatama angu.
Bella..." Saka muchaita sei nhai
..." Handizive Ella ndapererwa my sister, kuti tiite adoption hazviite obvious Eric anenge achitodawo mwana weropa rake then surrogacy we are in Zimbabwe hazvitoite.
Bella..." Ko bamukuru vakuti chii
..." Hapana chaataura.
Bella..." Saka pakaipa shame.
..." Ini ndirikufunga kuti atore second wife ini. Hanty amwene vangu ndizvo zvavagara vachida
Bella..." Haa zvesecond wife hazviite iwe.
..." Saka ndidii
Bella..." Rega ndimbofunga something ndozokuudza
..." Okay baby thanks usanyanye kufunga nezvazvo focus on your school work handidi kuti ufoire.
Bella..." Okay mum, bye I love you
..." I love you too
Ndaitotaura ndichiseka she calls me mum pese pandinomutsiura or pandinomupa advice,I'm just like a second mum to her. So inini naIsabella takazvarwa tiri 2 mumba medu just 2. My mum and my dad they loved each other soo much munoziya zviya zvekuti everyday unowisher kuzoita murume anenge dad. Tailodger kuSunningdale. NaBella takasiyana ne3 years chete. Form 4 yangu ndakanyora but handina kunyatsopasa ndanine 3 subjects. So ndaida kusupplimenter 4 subjects ndikapasa ndobva ndaenda paHarare Polytechnic.
Well hazvina kuzoita sekudaro coz dad vangu vakabva vaita accident vachibva vafira paspot. Well vaibva kwaRusape kumusha kwedu then bhazi ravaive richibva raita accident. My mum didn't take the news well. After burial yadad mhamha vakatanga kurwara. Kurwara serious zvekuti makumbo ese anga aita matanda nekuzvimba hanzi ibp. Havana kuzomborarama one month vachibva vafa, you see how selfish she was,kusiya inini naBella anga ariform 2.
Hama dzese hapana akada kugara nesu hanzi mave mhandara roorwai not kuda kutitakudza mitoro. Apa inini nekusapasa chikoro ndaisakwanisa kuwana kubasa svinu, apa I was only 17 and my sister 14. We had to be there for each other and I had to be her mother coz she was still young and kufa kwevabereki vedu kwakatirwadza tese tiri 2.
We moved from Sunningdale kunoroja ka1 room kuBudiriro coz we could no longer afford kubhadhara rent yekuSunningdale. Inini hangu naturally ndogona kuruka musoro. So ndakatanga zvekuruka musoro nekuita stay out maid. Zvaisaita kuti ndiite stay in maid coz ko mwana aisara nani kumba. Ndakadzidzira kushanda nekutsvaga mari ndichiri mudiki. Mari yandaiwana yaikwana rent, school fees yaElla nekagrocery. Ini zvekuti ndisupplimenter ndakabva ndazviisa kuside. Ndaida kuti sister yangu ipase ienderere mberi nechikoro.
Akanyora form 4 akapasa Isa achibva atanga A'level achiita masciences. Ini rehumaid ndanga ndisina kusiya zvese nekuruka vanhu musoro pese pandinenge ndiri free. So ndakazosanganawo naEric akandinyenga ndikamuudza everything about me panga pasina need yekuzvivanza. Takatanga hedu kudanana, Bella aakanyora A'level yake then inini naEric we got married. Hama dzedu dzakatobudikirawo wena zvakaoma zvekurarama izvi, kuzodya mari yeroora yemutoro wavakaramba kugara nawo, Bella akapasa A'level yake achibva aendeswa kuuniversity naEric. Eric ane mari dzake ndisingade kunyepa hangu. So I got married ndiine 20 years and now ndanga ndane 25 years which means ndanga ndane 5 years ndiri mumarriage.
Bella anga atove mu5th year yake yemedicine paUZ anga angosarwa ne2 years chete apa now she was 22 years old. So I was my sister's keeper and she was also mine coz we only have each other in this world. Well amwene vangu vakatanga vachindifarira kusvikira vandivenga nekuda kwekusazvara ikoku. Vanga vakutopa pressure kuna Eric kuti aroore mumwe mukadzi. Anyways that's a story for another day. Eric ndiye aingogara achivaudza kuti mwana chipo chinobva kuna Mwari
Ndakatanga zvangu kubika chikafu chemanheru. Ini ndaisave neappetite but ndaingoitirawo Eric chete. Ndapedza kubika ndakabva ndaenda kunogeza well ndozvandinoita everyday handidye ndisina kugeza. Apa neyedu yekuswera pamba iyi ndongoswerera kugeza hangu well mvura neni tiri mabestfriends. Ndapedza kugeza ndakangopfeka kasimple summer dress kefloral netumaflip flops twangu. Eric akasvika kuma6 as usual.
Akaenda kunofreshener achibva adzoka ndatopedza kusetter table. Takatanga kudya but ini ndaingotenderedza chikafu muplate.
Eric..." Babe ko hausi kudya wani
..." Handina appetite
Eric..." Apa hauna kudya the whole day usadaro Sandy why are you punishing yourself
..." Handisi kukwanisa kuzvitambira zvekuti handizvare ini
Eric akabva andipukuta misodzi achibva atanga kundidyisa. Kundida anondida hake murume wangu handidi hangu kunyepa but zvaindirambira zvekuti nditadze kumuzvarirawo kana mwana one. Misodzi yangu yakangotanga kuyerera ndiri pakati pekutsenga.
Eric..." My love ndati chii nezvekuchema izvi chimborega kufunga nezvenyaya iyoyo tozotaura
Aitotaura hake akachiller Eric kuita as if nyaya yacho isiri kumuaffecter but ndaiti ndikatarisa mumaziso ake ndaiona zvese zvaaiedza kuviga. Tapedza kudya akabva aenda kuroom kwedu ini ndichibva ndasara ndichirongedza maplates zvese nekumasuka.
Ndapedza ndakabva ndaendawo kuroom kwedu. Pakuvhara door ndakamboita time ndakabata handle ndichifunga zvangu. Ndakazonzwa ndabatwa muwaist naEric achibva atanga kundikisser kisser muhuro.
Eric..." Why wasticker uripadoor.
..." Eric hausi kunzwisisa kuti ndiri kufeeler sei
Eric..." Ndirikunzwisisa babe but hapana need yekuti udai
..." Urikudaro coz hausiriwe wanzi hauzvare, hausiriwe ngomwa hausiriwe uchatadza kubata vana vako mumaoko. Iwe kana ukada unogona kutonocatcher hure muroad umo wakatorimitisa ko ini.
Akabva andisiya achibva anogara pabed akabata musoro wake. Ndakatanga kufeeler bad nekumukwidzira voice plus mashoko andanga ndamuudza. Iye aingoratidza kuti he cares about me inini instead or kuti nditaure naye zvakanaka ndini ndanga ndakutomuitira hasha. Ndakamutevera ndichibva ndagara paside naye pamubhedha. Ndakazonzwa tumasounds kubva paari and that's when I saw kuti he was crying .
End of Chapter
CHAPTER 2
*Sandra*
Eric..." Babe you are making this harder for me. I'm trying to be strong for the both of us
..." I don't want you to be strong for me. Ngatitaurei nezvazvo zvipere
Eric..." Ini I think you should see a counselor babe coz ndirikuona kuti you are not yourself
..." Dai uri iwewe waudzwa kunzi hauzvare waisekerera here
Eric..." Baby it's not like that. Mwari ane maplans ake and I know kuti patinoperera kufunga iye anoenda mberi
..." Nepandakasoperera kufunga here. Saka kunzi handizvare ndiko kuenderera mberi kwaMwari.
Eric akabva andiisa mumaoko ake ndichibva ndatanga kuchema. Hameno ndaitadza kuzvigamuchira kuti handizvare. Takazochinja hedu tichibva tapfeka manightwears and we cuddled ndakaisa musoro wangu pachest pake. Hope dzangu dzairamba kubata and iye ndaitonzwa nekufema kwake kuti anga asina kurara. Ndaitonakidzwa neheartbeat yake zvangu. Ndakabata dumbu rangu ndichibva ndafunga kuti hamumbofe makaita mwana umu. Misodzi yakatanga kuyerera.
Eric..." Amana Sandy wakuchema futi usadaro babe
Anenge anga azvinzwa coz misodzi yaienda pachest pake. Ndakabva ndapukuta misodzi iye. Hameno hope dzakazondibata sei asi ndakatomuka Eric atopedza kupfeka akuda kuenda kubasa. He kissed me paforehead.
Eric..." Good morning my love how are today
..." Aaah babe amana watadza kundimutsa here hona ndazomuka wapedza
Eric..." Wakanonoka kurara nezuro so I wanted you to rest.
..." Ko apa wapedza manje apa handina kugadzira breakfast
Eric..." Don't worry babe, just rest hanty. Kutanga mangwana counselor wako anenge akuuya pano.
..." Okay thanks, ndokuda
Eric..." Neniwo ndokudawo.
Akadaro achibva andikisser padama achibva atobuda kuenda kubasa kwake. Ini ndakasara ndikatorara futi kutobatwa nehope chaiko zvekuti ndakatozomuka kuma9. Ndakatanga nekugeza ndichibva ndazotanga kucleaner mumba. Maimbove netsvina here mumba munongogara vanhu vakuru 2 chete.
Ndaitozvinzwirawo nungo zvekuti ndakangotsvaira mumba zvekungodaro daro mandakanyatsorongedza mubedroom mangu. Ndapedza zvese ndakabva ndanogadzira cereal coz ndaisada zvekubika infact ndanga ndisina appetite but ndaingodyirawo zvekuti ndiise something chinopisa mudumbu. Ndapedza zvese ndakabva ndatanga kurudunura carrot yaive mumusoro mangu ndanga ndakutofunga zvekugerwa ini.
Ndatove halfway nekurudunura ndakanzwa bhero remota kugate. Ndakabuda kunotarisa kuti ndiani ndikaona ari Tendai shamwari yangu. Ndakavhura gedhi smile ichisvika kugotsi chaiko. Ndanga ndakusuwa zvangu. Tanga tatove nealmost 3 months tisina kuonana. Akabuda mumota tichibva tahugger tichiscreamer zvekufara zviya zviya. Ndakatombokanganwa nhamo dzangu dzese shame.
Well naTendie takabva kure, takasangana mukushanda mudzimba dzevanhu kwataiita ikoko. Iyewo anogona kuruka futi so taipota tichirukana ndipo pakatangira hushamwari ipapo. Tiri vesame age but inini ndini ndakatanga kuroorwa iyi akaroorwa last year but one. Well Mwari akatipawo varume vane mari nerudo and tinomutenda everytime coz nepast yedu dai takawanana nemaboorangoma hameno dai tiripi nhasi uno. Tendai anogara kuChishawasha Hills.
Tapedza kufarirana ndakaona munhu akutora mabraids kubva kubackseat. Ndakaseka shame, it's obvious kuti anga auya kuzorukwa chete, apa anga akapfeka wig zvake mumusoro.
..." Ndazviziva chete kuti hauna kuuya kuzoona inini
Tendie..." Iwe ndauya kuzoona iwewe but ndangoti titandare uchindiruka kaa plus iwewe ndanga ndatoroteswa kuti urikuda kurukwawo hona ndabva ndasvika uchirudunura.
..." Haya zvakaoma mukadzi wembinga kusiya mahair dresser ese emutown umu busy busy take take neni
Tendie..." Chero dai ndanga ndiri wapresident ndaitotevera iwe panhau dzekurukwa apa
Takabva taseka ndichimubatsira kutakura mabraids acho. Anga akawanda kani mapackets acho zvekuti ndakatoshaya kuti arikuda kurukwei chaizvo. Apa inini ndanga ndisiri mumood yekuruka munhu ini.
..." Hauna nzara here tisati tatanga zvemisoro izvi.
Tendie..." Ehe ndine nzara mhoti kudriver kunonzwisa nzara
..." Okay saka rega ndigadzire mapolony and cheese sandwiches ndoatori fast nejuice kuitira kuti ndikurumidze kutanga kukuruka.
Tendie..." Usaise cheese
Aitotaura akafinyama kuratidza kuivenga chaiko zvinova zvakatondishamisa coz she's a fan of cheese. Ndakamutarisa neziso rine mibvunzo. Ndaisada kumubvunza anything ndaida andiudze ega zvaaindivanzira.
Tendie..." Wakanditarisirei kudaro. Ndoguma ndotya kaa kuti pamwe ndiri kuita senge muroyi
..." Haa iwe kwana. We both know kuti unofarira cheese so why usiri kuida
Tendie..." Hoo zviya handisati ndakuudza. Well I'm pregnant
Hana yangu yakarova ipapo. I tried to smile trust me I did but smile yacho yakatadza kubuda misodzi ndiyo yakatanga kuyerera. Tendie has been married for barely 2 years and now she's carrying a baby for her husband and inini 5 years ndichibva ndaudzwa kuti handizvare, why is life so unfair. Why Mwari vachisarudza vamwe vachisiya vamwe.
Tendie..." Sorry asi ndataura something bad. Sandy tell me what's going on.
..." I'm soo happy for you dear but then pane pfungwa yangouya mumusoro mangu but anyways let me wipe these tears inguva yekufara ineyi.
Tendie..." There's no need yekuti unyepedzere kufara Sandy tell me what's going on, I know you are hiding something.
..." Let me go and make those sandwiches first tozotaura. But right now we are supposed to be happy I don't want to bore you with my sob stories
Tendie..." Iwe kwana wanzwa. If you are not happy then I'm also not happy Sandy usapote uchindivanzira zvinhu amana it's not fair.
..." Ndokuudza Tendie.
Ndakadaro ndichitosimuka kuenda kukitchen. Takadya tikapedza tikabva tabuda panze coz mumba maipisa tanga takuenda kunorukana zvedu. Ndakatanga kumurudunura mazifree hand aanga azviruka. Panguva idzodzo ndaikuudza zvatanga taudzwa kwadoctor. Akabatikana tikatombochema tese, Tendie is more than a friend kwandiri she's a sister from another mother.
Tendie..." Atleast Eric ari supportive zvake dai ari mumwe munhu zvakatoita kunge ndiwe wakakumbira chirwere ichocho.
..." Yes he's supportive now but Tendie unofunga kuti anosvika riinhi asingadewo wake mwana. Yes he loves me but handizvare kaini
Tendie..." Usataure uchidaro iwe. Okay saka wanga uchifunga kuti aite sei.
..." I think it's wise kuti atore hake second wife zvirinani kuti ndizive kuti anevana nemukadzi uyu watiri kugara naye than kuti azoita tuvana 10 twemusango. Wati urikuda box braid kaa.
Tendie..." Ehe yemazibox mahombe hombe isingatore time coz ndirikuda kusiya ndakurukawo.
..." Okay uda ine malines efreehand mukati.
Tendie..." Yah exactly that one.
..." Okay rega ndimhanye kunotora age control gel yangu mumba.
Ndakabva ndatomhanya kunoitora mumba. Ndichidzoka ndakabva ndatanga kumuruka. Apa nyaya yangu ndiyo yataingotaura chete.
Tendie..." Utori serious nezvekuti aite second wife
..." Ehe handina imwe option Tendai ndodii
Tendie..." Chimbotanga wanyatsofunga or kuenda kwacounselor wawakatsvagirwa then after that ozonyatsotaura zvaunenge wakuda I think now urikuda kungoita zvinhu zvekuti zvikubve.
..." Okay rega ndimbofunga kwacho but zvakaoma Tendai.
Ndakamuruka fast fast coz maoko angu arifast pakuruka. Pasina nguva ndanga ndatomupedza apa ngaafitwe. Akaita kunonzi kufara paakazviona pamirror. Mushava, aripakati pekutsvuka nekusviba apa mabraids acho anga ari ma99j zvanga zvakanyatsobuda shame.
Tendie..." Chiuya ndikupedzese kurudunura ndokuruka.
..." Ndakuda kugerwa ini
Tendie..." Haa iwe hauzvizive kuti munhu ukagerwa uine stress unoita kunge kambuya.
Ndakangoseka ndichibva ndagara pasi ndokutanga kurudunurwa. Akazongondiruka carrot coz ndoiri fast considering kuti nguva dzanga dzafamba. Ndakashandisa mabraids angu eblonde andaive nawo mumba. Apedza kundiruka ndakangodya mabiscuits nejuice achibva atoti ave kuenda
..." Umhorese Dave uti hanzi namaiguru hamuchade kaa kunditengera maicecream
Tendie..." Ndomuudza umhorese bamukuru Eric.
Akabva apinda mumota yake ndichibva ndamuvhurira gate achibva aenda. Ndave kuda kuvhara gate mota yashumbakadzi yakabva yapinda. Shumbakadzi ndivamwene vangu. Hana yangu yakatanga kurova hiii Mai vanotaurisa zvavo ivavo. Ndakazvitarisa zvandanga ndakapfeka coz chero pakupfeka ndaitoudziridzwa wena. Nyaya ingori yekuti ndivazvarire vazukuru. Ndakaenda kunovatambira kaa kuita sekunge ndiri kufarira kusvika kwavo. Ndakusvika pamota yavo ndakanzwa.
Mai Eric..." Ana Sandra hanty zvauri kuita izvi ndizvo zvinofanhirwa zvichiitwa nevazukuru vanhu. Dai ndangoti ndichisvika pano ndabva ndatomhanyirwa nevazukuru vachiti "gogo!!!, Gogo" manje eeh ndirikutotambirwa nengomwa zvayo nxaaa
Mashoko avo akandibata handidi kunyepa hangu zvekuti misodzi yangu yakatopotsa yabuda. Ndakangozviudza kuti handisi kuzochema pamberi pavo this time vanyanya kugara vachida kuona misodzi yangu ichiyerera.
Mai Eric..." Tora bag riri kubackseat uko unoisa mubedroom mangu.
Ndakabva ndatakura bag riya. Ndaisada kugara nguva refu ndiri padhuze navo coz of muromo wavo. Pamba pedu vanga vatori nebedroom yavanga vakasarudza kuti ndeyavo. Vaida kutonga kani. Ndakasiya bag riya ndichibva ndatanga kubika. Kubika kwaindiita kuti ndimboregera kufunga kwekanguva. Musoro wangu waiita kakurwadza zvagara kurukwa kunorwadza zvako especially carrot inenge yakaita kunonzi kudhonzwa unonzwa ganda repaguma apa richiita kunonzi kubanda chaiko. But maoko aTendie haarwadzise hawo zvekudaro.
Ndakamarinater chicken ndichibva ndaiisa muoven ndokubva ndabika mufushwa wemunyemba ndakanyatsouisa dovi. Ndakabva ndaisa kasadza kangu pastove. Ratove kukwata ndakanzwa ndabatwa muwaist, ndakanzwa smell yeperfume yaEric. Akatanga kundikisser muhuro ndichibva ndasekerera.
Eric..." Hesi babe, ndanga ndakusuwa.
..." Neniwo how was work
Eric..." Kwakuri bhoo uku asi mhamha varipo ndaona mota yavo panze
..." Ehe varipo, vari kuroom kwavo.
Eric..." Haa pakaipa saka varikugara kwemadays here
..." Hameno vauya nebag ravo
Eric..." Dai vakakurumudza kudzokera
..." Nhaiwe usazeze Mai vako vamwe tiri kutoshuvira kuti dai taiwanawo nguva nanamai vedu.
Eric..." It's not like that babe handingofarire the way yavanotaura newe.
..." Hazvina basa izvozvo babe, she's your mum hanty. Chienda unogeza ndakuda kumona sadza.
Akabva asiya andikisser pamuromo achibva aenda kuroom kwedu. Ndakasara ndichibva ndapedzesa kubika. Ndakabva ndasetter table. Ndichibva ndanonokera mhamha kuti vauye kuzodya. Eric akabva auyawo tichibva tanamata ndokutanga kudya. Taidya hedu takanyarara.
Mai Eric..." Dai kubika kuriko kuzvara dai pano pakazara vana zvapo. 5 years idzi munhu achibika zvinonaka asi mwana zero. Hanty dai paine kamwana kakagarawo apo kachidya zviri kunakidza soo.
Appetite yangu yakabva yangopera. Eric akanditarisa ndichibva ndangomutarisawo. Ndakatora dish ndichibva ndageza maoko. Ivo Mai Eric vaitodya zvavo vasina kana basa nekuti mashoko avanga vataura anga asvika zvakaita sei kwandiri.
Ndakaramba ndakagara patable coz ndaida kurongedza maplates nekumasuka kana vanhu vapedza kudya. Eric anga akungotambisa chikafu muplate make.
Mai Eric..." Ini Eric mwanangu mangwana ndiri kudzokera kumba kwangu. Ndanga ndichida kugara pano kweweek but zvinodawo pamba panovaraidza pane vana vekuti unoswera uchivaraidzwa navo. Zvino ndingaswere neiyo ngomwa yako iyoyi.
Misodzi yangu yakadonha coz I realised kuti vaitaura chokwadi. Ndanga ndiri ngomwa zvemachokwadi. Ndakasimuka patable ndichibva ndananga kuroom kwangu uko kwandakasviko zvikandira pamubhedha ndichibva ndatanga kuridza mhere chaiyo. Saka nditori ngomwa zvemachokwadi, mafirst days ndaisazviteerera but apa ndanga ndatoudzwawo nemadoctors futi kuti ndiri ngomwa. Eric haana kunditeera hameno akasara achitaura naamai vake nezvechii. Ini ndaiita kunonzi kuzvibaya nekuchema.
End of Chapter
CHAPTER 3
*Eric*
Sandra paakasimuka kubva patable ndakabva ndageza maoko angu ndanga ndisisina appetite plus ndaitoda kumutevera chaiko. Ndaitozviziva kuti she was crying coz nezvatanga tichangobva kuudzwa kwadoctor it's obvious anga atove nestress. Ndakuda kusimuka pachair ndakanzwa
Mhamha..." Makutisiya kaa kuti muteere ngomwa dzenyu
..." Munenge muchida ndigare nemi imi muchitaura mashoko akadaro.
Mhamha..." Asi Eric mwanangu saka watozoti ndisvike pakufa ndisina vazukuru.
..." Mhamha please chimbomirai kutaura nyaya iyoyo handisi mumood yekutaura nezvazvo.
Mhamha..." Eric handisi kuti ramba mukadzi wako coz I know you love her. Asi kana asingazvare roora mumwe mukadzi tiwane vazukuru. Ndinodawo kubata mwana wako mwanangu, hakusi kuti ndakavenga Sandra, but kusakuitira vana kwaanoita ndiko kunoita kuti ndibatikane mwanangu.
..." Mhamha I know kuti you want the best for me but Mwari ndiye anopa vana. Sandra handione mhosva yake ini and handitoone reason yamunomutukira nekugara muri take take naye.
Mhamha..." For the sake of peace chingoroora mumwe mukadzi. Ndine musikana wandinoziva haatorina murume apa anoshanda plus makafitana zvenyu handidi kunyepa zvangu. Sandra wako anongoita first wife kaa isingazvare then second uyo okuzvarira vana. Otherwise unoda ndife ndisina kubata mwana wako here nhai gotwe rangu
Apa vanga vakutoita emotional. Mhamha vangu ndinovaziva hangu she's a drama queen and ndaitozviziva kuti ndikaramba ndichiteedzera zvavanenge vachitaura nyaya yacho haitopere.
..." It's okay mhamha I will think about it.
Mhamha..." Ehe mwanangu ende ukurumidze futi kufunga nezvazvo handiti.
..." Ehoyi mhamha, goodnight
Mhamha..." Saka mukadzi wako achauya achirongedza maplates aya kaa.
Eric..." Imimi kana mapedza kudya munongosiya zvakadaro chete.
Ndakadaro ndichisimuka kubva pachair ndichienda kubedroom. Mhamha vangu vanotaurisa zvavo ndisingade kunyepa. Yes nyaya yemwana yaindistresser coz now ndanga ndave kuziva kuti mukadzi wangu haatozvare kaa but manje ndaishaya kuti ndoita zvekuita sei kuti mwana avepo. Apa iye Sandra aingosimbirira yekuti ndiroore mumwe mukadzi uku mhamha ndizvo zvavaitaurawo nekuside zvekuti musoro wangu wanga wave kutotema chaiko.
I know hangu kuti we've been married for 5 years and zvemwana zvaimbondistresser here and there but not sezvaizoita Sandra hangu. Ndaingoti mwana achauya kana nguva yaMwari yaikwana. Mhamha ndivo vaitondipa pressure nekutuka Sandra but inini I love my wife and I'd never ever think of leaving her coz of chirwere chaasina kukumbira coz hapana munhu ano kumbira kusada kuita vana kaa. Zvekuita vakadzi 2 ndaitoona zvichindipa stress coz vese vanenge vachida love kubva kwandiri ofwhich inini kuti ndide mumwe munhu nemadiro andinoita Sandra zvaisandibudira. Yah vana ndinovada zvangu but then ndinoda kuita vana naSandra coz ndiye munhu wandinoda but manje madoctors anga atoconfirmer kuti mukadzi wangu haazvare kaa.
Ndaitoedza kuva strong kana ndiri pana Sandra but kana ndiri pangu ndega I'd break down chaiko . Especially ndikafunga kuchema kwaSandra nekuti she could never have a child and she yearned for one. Mhamha handina kuda kuvaudza nezvechirwere chaSandra coz I knew kuti vaitozozvishandisa against iye votoita kuti afeeler worse.
Well I didn't properly introduce myself hanty. Well you already know my name and I was born in a family of two, just me and my brother and I'm the last born. Dad vangu vakafa when I was still young zvekuma 5 years ikoko by then my bro was 10. My dad was a business man so he left behind mabusiness. Mhamha ndivo vaimanager kusvikira tazoita take over inini nebrother yangu. Well ndakakura mumba muya mekuti zvese zvirimo ende handitotamburire kuti ndiwane something.
My brother Richard is married and atori nevana 2 nemukadzi wake Anisha. I got married to Sandra when I was 25 and I still love her nanhasi rudo rwacho rwatowedzera shame. Sandra munhu anotongodiika soo naturally. She's beautiful inside and out. Tisati tadanana akatanga andiudza about her life and ndakamuda zvakadaro. Kusvikira nanhasi she's the strongest woman I know well iye namhamha vangu. She's her sister's keeper zvaitondinetsa kubeliever kuti akaita maid kusvikira amanager kuti little sister yake inyore A'level. Vanhu vashoma vanosacrificer kuti mumwe munhu abudirire iye asina kana 5 O'levels chaidzo.
Anyways Isabella munin'ina wake anogona zvekuti ndakabva ndato offer kumuendesa kuvarsity zvangu and anga atongosarwa ne2 years kuti apedze and anogona zvake mwana iyeye handidi kunyepa. Pandakaroora Sandra hama dzake dzakauya kani apa vanhu vasvinu vekuti haungatombofungira kuti vanga treater vana zvakadaro anyways such is life.
Pandakapinda mubedroom ndakaona Sandra akagara pabed. Anga asiri kuchema kana kuita sei anga akangogara akatarisa pasame position. Ndakagara paside pake ndichibva ndamuhanger.
..." Babe why are you doing this to yourself. I'm sorry about zvataurwa namhamha you know kuti vanotaurisa and ndiri kutofara kuti varikudzokera mangwana.
Sandra..." It's okay my love ndovaziva mhamha and ndatozvijaira plus hanty vanga vachitaura chokwadi here
..." Usadaro Sandra ukuzviwedzera stress and you are not even smiling. Ndokuitirei babe kuti usmiler kana ka1 zvako.
Sandra..." Promise me kuti zvandinenge ndataura unozviita
..." So long zvichiita kuti ufare ndinozviita.
Sandra..." Okay baby I want you to do zvataurwa namhamha
..." Haa wati. Asi wanga uchiteerera zvatanga tichitaura namhamha
Sandra..." Babe I love you, I love you soo much and handisi kuda kuita sendiri kukusungirira Eric. I want mhamha to be happy and you to be happy. I know kuti mwana unotomudawo so marry a second wife
Ndakavhundutswa nezvaanga ataura ndichibva ndabvisa ruoko rwangu rwandanga ndakamuhugger narwo. Ndakanyatsomutarisa mumaziso ake iye achibva aramba akanditarisa mune angu.
..." Babe I can't do that.
Sandra..." But you promised me kuti you'd do anything for me
..." Yes I know babe but this handikwanise kuzviita babe I can't love another woman noo
Sandra..." Mudiwa wangu this is not about love, mukadzi wechi2 ndewekungoti aite vana chete mhamha vafare neniwo ndizorore kutukwa
..." No babe I can't do this no no no
Sandra..." So unofarira kuona ndichitukwa namai vako kaa. Unofarira kuona ndichishungurudzwa from time to time.
..." No it's not like that babe I can't marry someone chete
Sandra..." Well then ndirikukupa time yekufunga and uzotaura neni kana wamaker decision yako.
Akataura achibva atobuda mubedroom medu. Anenge aienda kunorongedza maplates anga asara kudining room. Ndakasara ndakabata musoro wangu. Ndaishaya kuti Sandra ainyatsoda kuti ndiite sei. Kuroora mumwe mukadzi kutori stressful zvako and I wanted to avoid that manje kana nezvanga zvataurwa naSandra wacho. Ndakaenda kunogeza ndikasvika pakupedza asati adzoka Sandra. Ndakapinda mumagumbeze ndichibva ndatora hangu fon yangu. Akazouya Sandra achibva atanga ageza ndokubva apfeka nightdress rake. Akabva arara mucorner chaimo kure kure neni akatarisa kuside.
Ini ndakangomusiyawo akadaro ndakabva ndatarisawo side rangu. Hope dzairamba kubata. I know naSandra taimbonetsana like any other couple but apa panga patori nezitension pakati pedu. Ndaingomunzwa nekupfakanyika pfakanyika kwaiita kuti anga asina kurara kana neniwo ndakatadza kurara the whole night ndakamuka. Ndaishaya kuti ndonyatsoita zvekuita sei chaizvo. Ndakazorara kunze kwave kutoedza ndikamutswa nealarm yangu makuseni.
Sandra anga atomuka kare. Ndakaenda kunogeza ndikasvika Sandra ato ironer hembe dzangu dzekubasa atodziisa pabed but iye anga asimo. Ndakangopfekawo ndichibva ndabuda ndikanodya breakfast yanga yaiswa patable then ndichibva ndaenda kuroom kwamhamha vanga vasati vamuka ndakangotaurawo nekuwonekana navo ndichibva ndazoona Sandra. Ndakamumhoresa kana kumbondipindura saka aitorevesa kaa zvekusataura neni. Ndakamukisser paforehead ndichibva ndabuda kuenda kubasa zvangu.
Ndakasvika nekubva ndatonanga kuconference room kwanga kuine meeting. Ndaingonzwa vanhu vachitaura but ndanga ndisingatombo concetrater nezve meeting yacho. Ndaitoita ndichi doser zvangu ndainzwa hope ko manheru ndanga ndamborara here naiwo mastress iwaya. Meeting yakazopera hayo Richard ndiye aitaura zvake ini iiih ndaitoita senge ndisiri mumeeting.
After meeting ndakasara muconference room ndaitonzwa nungo dzekusimuka ini. Richard akaramba akagarawo pachair yake.
Ritchie..." Eric what's going on you don't look okay
..." Pakaipa bro. Ndapererwa ini
Ritchie..." Tell me maybe I can help
..." Haa this one kaa pakaipa iwe. Sandra arikuda kuti ndiroore mumwe mukadzi.
Ritchie..." Hee wati chii. Kuroorerei mumwe mukadzi iwe mukadzi one itori problem kuzoti 2
..." Handisi kuseka iwe Ritchie I'm serious, takazoenda kwadoctor then Sandra akanzi ane a disorder of peripheral nerves saka hanzi it affected her womb and she can never carry a child
Ritchie...." Wooo stop right there iwe zviriko here zvaurikutaura
..." I'm serious bro and she's now forcing me to marry someone else kuti ndiite vana
Ritchie..." Shit ende pane nyaya wena. I don't blame her though coz nezvinomboitwa namomz zviya kaa.
..." Manje inini zvakundistresser apa momz vanga varikumba kwangu nezuro and vaitondipa pressure yekuti ndiroore mumwe musikana wavanoziva.
Ritchie..." Eish asi wakavaudza nezvechirwere chaninez.
..." Handina iwe mhamha ndikavaudza zvakadaro vanobva vatowana zvekutuka mukadzi wangu nazvo.
Fon yangu yakabva yaringer tiripakati pekutaura. Anga ari counselor waSandra ndakamuudza kuti aende kumba coz ndokwandaida kuti vaonane naSandra. After the call ndakabva ndacontinuer kutaura naRitchard and he told me kuti after work toenda tese kumba kwangu naye naAnisha mukadzi wake. Anisha anoshanda pakamwe kabeauty parlour so taipfuura your tichimutora toenda naye kumba. Akandiudzawo tumashoko twekundisimbisa but panga pakatoipa zvapo.
After work takabva tananga kumba kwangu. Ndanga ndatosendera Sandy message kare kuti ndiri kuuya nebrother yangu namaiguru. Takasvika kumba zvekuma around 5 tichibva tapinda mumba. Sandra akasvikonditambira zvakanaka naka kuita as if ndanga ndabva pamba tichitaura tese. Akamhoresana nanamaiguru vake nabamukuru vake. Takatombotaura taura dzimwe nyaya then Ritchie achibva azopinza nyaya yavanga vafambira mudariro.
Ritchie..." Mainini are you sure kuti murikuda kuti Eric atore mumwe mukadzi
Sandra..." Do I have another choice
Ritchie..." You don't have henyu but we want you to tell us zvamuri kunyatsoda
Sandra..." Bamukuru ndiri kuda kuita zvinofadza mhamha and at the same time zvinondizorodza
Anisha..." But mumwe mukadzi hamusi kuona secompetition here
Sandra..." Maiguru you won't understand what I'm going through. Munhu asingazvare ega ndiye anondinzwisisa
Anisha..." Don't be like that veduwee
Akabva atotanga kuchema Sandy. Ndakabva ndabuda mulounge, Ritchard achinditeera. Anisha akasara achinyararidzana maSandy. Mukadzi wangu anga aripanguva yakaoma. Ini misodzi yangu yaitove padhuze kubuda. Ndichipinda mubedroom mangu, Ritchie anga atoriwo mumashure mangu.
Ritchie..." I think you should just do zvaari kuda.
..." I can't do it
Ritchie..." So you want to see her like that every day
..." I don't but I guess I have to do zvaari kuda zvacho.
Ritchie..." Okay so musikana wacho hausati wamuona
..." Yah momz ndovarikumuziva. Tichazoenda tese kwamomz kwacho naSandra tonomuona musikana wacho
Ritchie..." That's a good idea itai zvinhu zvenyu pamwechete but you have to make the girl understand kuti urikungomuroorera zvevana chete and you love ninez vangu
..." Obvious handimbofe ndakada mumwe munhu nekuda kwandinoita Sandra kaa.
Takabva tabuda muroom mangu tikasvika Sandra anyarara ave kutotaura bhoo nagulez. Ndakazomuudza zvandanga ndaronga achibva asmiler kutoratidza kufara chaiko. After that takadya anaRitchie vachibva vaenda zvavo kumba kwavo. Vanga vaina maid so vana vaive safe zvavo. NaSandra takatosara tatove in good books but ndaimuona hangu kuti anga aine stress maybe yekuti ndave kutoroora mumwe mukadzi zvemashuwa.
Akabva atoti tiende kwamhamha paweekend kunovaudza decision yedu. Ini ndaitoronga kuti tizoenda later but zvakanzi simbi inorohwa ichapisa naSandra. Weekend yacho yakasvika tichibva tagadzirira kubuda naSandra wangu. Apa aiita zvinhu zvake achinonokera I understood kuti she was nervous. But anyways takazobuda zvedu. Apa she looked beautiful nezvaanga akarukwa zvaibva zvanyatsoburitsa hutsvuku hwese.
Sandra..." Babe ziva kuti this is not about love it's just kuti mungoite vana mese chete
..." Ehoyi ndazvinzwa madam
Sandra..." Ndiri serious Eric.
Iiih jealous racho soo, hameno kuti haanzwisise here pandinomuudza kuti ndinoda iye ari1 chete. Takasvika hedu kwamhamha vakatitambira nemashoko avo ekushora mukadzi wangu mhamha vangu vanotoita senge vane kamweya kekusada kuona vanhu vachifara aaah. Anyways we just ignored her though
ndaiona kuti misodzi yanga yatozara mumaziso memukadzi wangu.
End of Chapter
❤️
😂
😢
👍
🙏
😮
97