
COCO NOVELS
February 2, 2025 at 03:36 PM
https://chat.whatsapp.com/IdPgtj3QzGs0I7zS7itA2P
*For maprevious chapters nemamwe mabooks edu follow channel yedu nekuti hatichakwanise kusender book kumagroups ese nekuda kweWhatsapp ban. Taura nekamwe kashort story Rumbie naTatenda wake 🔥*
https://whatsapp.com/channel/0029VahxSwN0rGiIGnuFyF3v
*Also like and follow our Facebook page*
https://www.facebook.com/profile.php?id=61572207467699&mibextid=LQQJ4d
*❤️💔 DECEPTION 💔❤️*
Written by
Coco🦋🖤
Chapter 6
*Mai William*
"Rudo imoto runotokuchidzirwa ana amai, rudo imoto runotokuchidzirwa ana amai
Musati zvandaroorwa ini handichageza ini, musati zvandawanika ini handichachena
Chokwadi munosiiwa mumba umu mamega mamega, chokwadi munosiiwa mumba umu makatemba mhai"
Ndibaba William vaiimba song yaMarshall Munhumumwe varikukitchen, vanga vachangobva kupinda mumba apa vaitondiitira noise ndaida kurara ini. Kukitchen kwavaiimbira ikoko kwanga kwakarara vana vachitoitira vana vangu noise vaida kuzomukira kuchikoro makuseni mxm, apa vaitonzwika kuti vakadhakwa, asi nhai Mwari takazosvika seiko apa nababa William, ingawani vanga vambochinja wani nhai. Vakanyarara kuimba vave kugwedebudza mapoto, hameno vaitsvagei chekudya kunge munhu akatenga chikafu ivo vakapedza mari yese yepay kudoro. Iro doro ravanga vanwa nhasi vanga varitenga nemari ipi, saka kamari kese kavabata vanga vave kukanangisa kudoro. Asi why tisingaone these red flags kana tichiri kudanana nemunhu nhai ladies, ndiSatan here anenge akatiputira zvekuti tingonowira nekutozvarira type dzakadai idzi. Why ndisinawo kuwana murume anenge brother yangu Tatenda, ehe anonwa zvake doro but haashushe ende haanyime mukadzi wake mari ipapa havana mwana asi haatukire mukadzi wake izvozvo, hanty vari vamwe varume dai mukadzi iyeye achigara arimuhot soup nekuda kwenyaya yemwana iyoyo manje hanzvadzi yangu munhu munyoro zvake ane rudo. Inini pavarume vese varimunyika Mwari mondipawo baba William aaah zvakandiomera. Panguva idzodzo door rakabva raita kuvhurwa zvehasha chaizvo, tevere kufugurwa magumbeze.
Baba William..." Iwe imbwa muka apo undiudze kuti sadza riri kukitchen uko risina muriwo nderaani.
..." Nderako kaa urikubvunza ani mxm, usade kundikanganisa kurara wanzwa. Idya sadza iroro uchiseva nedoro hanty ndizvo zvawakangwarira zvekuenda kubhawa nxaa. Unondibvunza zvechikafu wakapedzesera kutenga chikafu pano pamba riinhi. Daily unononwa doro asi hautozive kuti vana vako vadyei, even Mari yerent chaiyo hauchatobhadhare asi kuuya kuzondikanganisa kurara ndiko kwawakangwarira, please enda unopengera kwawakaroyerwa.
Baba William..." Iwe hure iwe, mwana wemuroyi dhemeti. Urikuda kundinyima chikafu chawanohurira futi, apa zvikomba zvako zvichingouya muno futi unoti handisi kuzviziva ini kuti uri kuwana chikafu ichi nekuvhura zvimakumbo zvako izvozvo. Kana uchigona kuhura mari yechikafu chingohura zvese neyerent yacho kaa.
..." Usafunge kuti iwewe kana uchihura neniwo ndizvo zvandinoita wanzwa. Mai vako ndivo muroyi, urimbwa yemunhu baba William ko kungobva pano ondisiya ndichihura zvaunofunga kuti ndinoita ondisiya nevana vangu.
Baba William..." Ungati Mai vangu muroyi iwewe, unoziva kuti ndogona kungokuhima izvozvi, ndinokundandaradza. Puuu
Kwaitove kusvipirwa mate kumeso apa zvimate zvacho zvichinhuhwa doro rega rega, ndakaita kunzwa kusema chaiko. Ivo baba William hameno kuti vaida kuswedera padhuze neni kuti vandirove here kana kudii apa vachiita kudzembedzeka nekudhakwa zvavo, ndakazongonzwa munhu dhii pasi. Apa zvikati kudonha kwemunhu mukuru kune noise. Ngavatange zvavo kurutsa pasi ipapo, doro rega rega rakabva rati kutu kunhuhwa. Ndakabvisa pillowcase ndikazvipukuta zvimate zvavo kumeso kwangu. Marutsi emurume mukuru bodo handikorobhe, ndakazvifugidza musoro ndichibva ndatanga kuchema, this is not living kutaura chokwadi hakuna kurarama kwakadai, Mwari havangambondipe murume anenge baba William ndisina chandakavatadzira ini. Chainyanya kundirwadza ndechekuti most of the times vana vangu vainzwa kutukana kwedu and I know children who grow up in broken homes become broken people even mukukura kwavo, apa kuti ndisiyane nababa vavo hazviite futi nekuti handimbozvigone zvekuita single mother ini.
Ndakasvika pakubatwa nehope ndiri mukuchema kudaro, avawo baba William vanenge vanga vazongobatwawo nehope vari mumarutsi avo, vakatorara pasi ipapo husiku hwese nekuti handina kumbovanzwawo kupinda mumagumbeze. Makuseni ndakamuka shasha yatogeza, yatopfeka zvekuratidza kuti ave kuenda kubasa, apa zvimarutsi zvake zvanga zvichingori pasi ipapo mumba muchinhuhwa ungati bhahwa rese ratakurwa rikaunzwa mumba. Ndaisada kutaura navo asi nekuda kwemari yerent I had to be the bigger person ndotanga kutaura navo.
..." Mamukasei baba William, makakwanisa kuwana mari yerent here nekuti mwedzi uno wave kutopera apa hatina kutobhadhara rent yacho ine muyedzo walandlord handizombougone zvangu.
Baba William..." Handina muyedzo une zita rako mulife mangu shamwari, chingohura sezvauri kuita kudepartment rechikafu uku. Ini yangu Mari ndeyekunwa doro ndichifarira, kushanda kunorwadza uku zvinoda kuita uchizvifadza kufa kuchauya.
..." Kuhura kupiko veduwee icho chikafu ndakangochipihwa naTatenda ichi, mukatonotarisa munotoona kuti zvinhu izvo mabrands acho haasi emuZimbabwe. Nhai baba William madireiko kundishungurudzisa nalandlord vaye munovaziva wani. Ndikadzingwa pano ndinoendepi nevana, kana usina hako basa neni it's fine asi funga vana please.
Baba William..." Usade kunyepa uchishandisa zita rechihanzvadzi chako, pamwe muri kutorarana zvenyu vana vanyamunhu who knows. Vana avo I even doubt kuti ndevangu so mukadzingwa pano hameno ikoko, dzangu hembe munongoisa chero mumaplastic bags mosiya pamusuwo apo ndinonozvitsvagira kwekugara ndichizvidyira mari dzangu ndega, zvevakadzi ndezvekumama izvi time time unotoona kuti unenge uchingosanganiswa mumigodhi yavo imomo.
Vakataura vachitofamba vachienda kudoor. Ndikati kana handimbovasiye vachienda vasina kundipa mari iyoyo. Ndakajamba kubva pamubhedha ndichinovabata trouse ravo muwaist umu.
..." Hapana kwamunoenda musina kundipa mari yerent. Ndirikutoda iri yetwo months chaidzo.
Baba William..." Iwe shamwari iwe ndisiye wanzwa, ndakuudza kare kuti handina muyedzo unonzi Chiedza inini. Ndisiye ndiende kubasa kwangu wanzwa ndisiye ndiende.
Vanga vave kutaura nevoice riri pamusoro apa rine hasha zvekuti ndakanzwa vana vangu vave kuknocker knocker door repabedroom. Ranga risina kukiiwa but ndipo patanga takamira so vaisakwanisa kurivhura. Akatanga kubata maoko angu achida kumavhizhura asi ndanga ndakabata zvakasimba zvekuti akapedzesera akuita zvekujamba jamba ndikati nechemumoyo unonyepa shamwari iwewe ndiwe munhu wandisiri kuzosiya manje.
Baba William..." Iwe ndati ndisiye ndiende mhani wave kuzondibhohwa manje. Manje kana uchitemba nezvimushonga zvawakasiirwa namai vako vaizezesa nekuroya ndinokukanganwa izvozvi. Ndisiye apa ndisati ndakumamisa izvozvi.
Vaitaura vachindijunga junga paguma apa asi handina kusiya munhu. Ndakazovharwa mambama two kunzi kwaa imwe ichibva nekuseri keruoko achinondirova pakati peface zvekuti ndakarisiya trouse iroro ndichinowira pasi mumarutsi iwayo. Misodzi inongoyerera yega so nekurwadziwa.
Baba William..." Watoita lucky kuti ndiri kuenda kubasa ndaida kusiya ndakusanganisa chiface ichocho nechimuromo chinotaura sh*t.
Vakabva vangovhura door nekutobuda, hameno vana vangu vaive padoor vanenge vakasaidzirwa kwakadaro uko nekuti ndakanzwa kudonha kwavo tevere kuchema kwavo, chibereko chikaita senge chaturner ichi nekurwadzirwa vana vangu. Baba William akaroiwa nemunhu akafa chete. Sevana vadiki vakakurumidza kusimuka vachiuya kwandiri, ndakakurumidza kupukuta misodzi yangu kuti vasazvione kuti ndanga ndichichema.
William..." Mhamha marohwa here, tanzwa kurira kunge mambama.
..." William naWendy endai munogeza, nyaya dzevanhu vakuru hadzinei nemi vana vadiki hanty. Nyaya dzamhamha nadaddy hadzipindirwe hanty kaa vanangu. Chiendai munogeza mugadzirire kuenda kuchikoro.
Havana kuita havo nharo asi I could see kuti they weren't convinced nezvandanga ndavaudza, asi I can't drag my kids into nyaya dzababa vavo idzi coz handidi kuti vakure vaine bitterness kana ruvengo kuna baba vavo. Vakabuda vachienda kunogeza ndikasara ndichichema chaiko nekuti nzeve yangu chaiyo yanga yatovhara nekuda kwemambama andanga ndapihwa, nechandanga ndichaitirawo nharo dzekumubata trouse nhai. Apa kunhuhwa kwandanga ndave kuita neizvo zvimarutsi zvedoro izvi. Ndakavavarira ndikasimuka mumarutsi iwayo ndikazvipukuta face apa ndanga ndave kurwadziwa neleft side rese iri nekuti ndiro randanga ndadonha naro zvine kaforce futi. Ndichipedza kuzvipukuta face yangu ndakabva ndapfeka imwe hembe, ndave kutoda kunotora chikorobho ndakabva ndanzwa knock padoor ende iyoyo ndakatoiziva kuti ndeyalandlord and kainetsa kana kave kuda Mari yako kamudhara ikako. Ndakanorivhura door racho ndichibva ndaona varivo landlord.
Landlord..." Pandakavaka imba ino handina kuivaka ndichida kuti igarwe mahara asi ndakatoivaka sebusiness rangu rekuti rindiunzire mari manje ndirikutoona kuti pano pave nenhunzvatunzva, nyanya dzinoda kuti pamba pangu paite kunge panherera centre panochengeterwa shirikadzi nenherera. Pano hapasi pacharity home and ini handina tsitsi neroja. Mai William ndipei mari yangu.
Unotoshaya kuti zvese zvavanga vatanga vataura zvine basa rei pane kungobvunza mari yavo straight. Munoziva kupererwa ndiko kwandakaita mukadzi mukuru, ndakazama kuruka mastatements ese asi ndanga ndazonyanyawo kuchema chema hanty mwedzi wanga wave kutopera ndisina kana kuvapa mari yavo. Ndakatanga kukakama chaiko kushaya kuti ndonyatsochi chii chaizvo.
Landlord..." Eheka wakungoti nda, nda, nda wapererwa kaa ndizvo zvazvinoita kana uchida kuita chitsotsi. Ndiri kukupa kusvika musi wa31 shamwari kana usina mari yangu obva waenda zvako kumusha kwako handina tsitsi nevanhu vasingade kundipa mari dzangu ini handina kuvakira imba ino masilly excuses. Apa iwo matama ako kuzvimba asi uri kurwara nezino kani kana kuti warohwa nemurume nekuti ndiri kunzwa macomplains enoise yako nemurume wako nevanogara mumarooms ari muside mako. Handidi zvangu zvevanhu vanoitira hondo dzavo dzechimurenga pamba pangu kana mafunga kurwa moenda kuwrestling kana kuboxen uko monoratidzana masimba not pamba pangu.
..." Ehoyi sorry henyu mari yenyu yese ndokupai musi wa31. I'm so sorry nekunonoka kukupai mari yerent, it's just that zvinhu zvanga zvakatiomera munoziva wani kuti tinowanzokupai mari yenyu kutanga kwemwedzi chaiko.
Landlord..." Izvozvo hazvina kana basa matakadya kare haanyaradze mwana, ndirikutaura zvinhu zviri current pano. Mai William usade kuzonditi ndiri munhu akaipa.
Havana kumirira mhinduro yangu vakabva vatofamba vachibva padoor pangu, vana vangu vachibva vapindawo vachibva kunogeza. Ndakagara pachair chaipo ndapera simba. Ndoiwanepi mari yerent ye2 months iye Tatenda achiramba kundipa. Ndakamirira kusvikira ana William vabuda vachienda kuchikoro. Vakangotakurawo mabiscuits nedrink zvandanga ndakarongedzerwa naRumbidzai, hameno kuti twenty dollars yaanga andipa aiti inokwanei nhai ini ndaitoda mari yerent two hundred dollars chaiyo. Ndakanotora phone yangu kubedroom ndikakwereta airtime ndichibva ndafonera Ronika.
..." How far nhaiwe zvakamira sei ikoko, hauna kuzombondi updater apa watove ne3 days uriko.
Ronika..." Chimbondipai time parikutoda proper planning. Apa imiwo murikuziva kuti Mari yepay yamakandiudza kuti ndichapihwa haisiriyo yakataurwa kaa, maiti $120 manje ini ndakanzi $80.
..." Don't worry kani imwe unopihwa nehanzvadzi yangu mira zvinhu zvese zvingoenda according to plan unonditenda iwe kuti ndakakupinza machena mira ugoona one day wave Mai vemba iya yese, Rumbie nekudada kwake mira azoshamisika zvake achikuona wagara muhupfu.
Haana kuzokwanisa kupindura nekuti kaairtime kechikwereti kanga kapera, apa Tatenda wacho wandaida kufonera futi kuti ndikumbire mari yerent ndanga ndisati ndamufonera. Ndakamumwaira maplease call me back hobho kusvika phone yave kuti macall me back angu ethat day akwana. Ndaitonyatsonzwa kupera simba zvekuti kana mutsvairo waitondiremera kusimudza kuti nditsvaire mumba.
End of Chapter
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
314