
COCO NOVELS
February 3, 2025 at 12:10 PM
https://chat.whatsapp.com/IdPgtj3QzGs0I7zS7itA2P
*For maprevious chapters nemamwe mabooks edu follow channel yedu nekuti hatichakwanise kusender book kumagroups ese nekuda kweWhatsapp ban. Tauya nekamwe kashort story Rumbie naTatenda wake 🔥*
https://whatsapp.com/channel/0029VahxSwN0rGiIGnuFyF3v
*Also like and follow our Facebook page*
https://www.facebook.com/profile.php?id=61572207467699&mibextid=LQQJ4d
*❤️💔 DECEPTION 💔❤️*
Written by
Coco🦋🖤
Chapter 7
*Rumbidzai*
I couldn't believe it or maybe ndini ndaitotadzawo kuona zvangu asi kana bodo ndiye chete, apa anga akura zvake but anga asina kana kumbochinja. Ndakapotsa ndamudeedza nezita asi ndakazovhunduka ndanzwa voice ramai Alpha ndanga ndatozvikanganwa kuti varipo.
Mai Alpha..." Muri seiko nhai Mai Tembo pandabvirira kukumhoresai asikana, you seem distracted is everything okay.
..." Sorry zvenyu mainini hameno pfungwa dzangu dziri kufungei, apa tave kungotaurira panze pindai zvenyu mumba.
Vakapinda zvavo mumba tichibva tagara pamasofa. Ivo vari two vakagara pasofa ravo ini ndikagarawo parangu but ndakatarisana namai Alpha. I could feel his eyes on me.
Mai Alpha..." Hanty paye ndakati ndichauya nababa Alpha, ndivo baba Alpha vacho ava maiguru. Baba Alpha ava ndivo Mai Tembo kana Mai Mutamba ndivo muridzi wepano ivo nemurume wavo. Nekuda kwekuti tichange tichigarisana navo takaona zvakanaka kuti tideedzana nerespect so ndimaiguru, maiguru ava ndivo bamunini.
Saka anga akatozoroora mukadzi mudiki kwaari kudai wow. Mai Alpha vaive vadiki kwandiri ne5 years chaidzo, tanga takadzitaura kaa nyaya dzemakore idzi day ravauya kuzobhadhara mari yerent, sevanhukadzi nyaya dzinowandisa zvekuguma tave kutotaura nedzemudzimba dzedu chaidzo so ndizvo zvakangoitikawo ipapo tikaguma tave kutotaura zvemakore edu.
Baba Alpha..." Ndafara nekukuzivai maiguru, wati vanonzi Mai Tembo kana Mai Mutamba zvainenge surname nemutupo ko zita remwana wavo.
Aitaura achibvunza mukadzi wake, ko kutozoita senge munhu asingandizive kani. Maybe anga asisatondizivewo zvechokwadi coz panga pave nemakore chaiwo tisina kuonana and I had changed zvekutodaro, worse nemalogs andaive nawo mumusoro aya. Paakataura zvemwana obvious ndakabatikana coz mwana wacho ndanga ndisina and I don't know kuti chii chaizvo nevanhu vatema asi they always ask unnecessary questions and havatombofunge kuti mubvunzo yandiri kubvunza inonosvika sei kune wandiri kubvunza wacho like ipapa let's say ndiri ngomwa kana kuti handina chibereko iye munhu achibvunza mubvunzo wekupenga kudaro. Mukadzi wacho ndakamuona achiita kakumurova negokora zviya zvekuti kwana asi ini I just smiled kuita kunge mubvunzo wacho wanga usina kundibata.
..." Ndafara nekukuzivaiwo bamunini baba Alpha. Mabvunza nezvezita remwana, handisati ndave nemwana ini Mwari haasati atiropafadzawo nechipo ichocho inini nemurume wangu. Hameno Mai Alpha mauya nezvitupa zvenyu here tiite zvamafambira zvenyu.
Mai Alpha..." Ehe tauya nazvo.
Ndakasimuka ndichinotora kadiary kangu kuti tinyorerane pasi, asi mumwe moyo wanga wave kutoti tora mari yavo uvadzosere. Taigarisana sei nhai asi manje ndaizoudza Tatenda ndichiti chii nekuti zvinenge zvave kutoda explanation even kuna Mai Alpha vacho ndaiti chii ini ndakambotambira mari yavo apa they were supposed to move in musi weMonday. Asi hanty anga aratidza kusandiziva so taingogara it's obvious anga asisatondizive, hanty tanga tatove nedzinenge 10 years tisina kuonana plus ndanga ndave naTatenda wangu iye anga asina kana basa. Ndakatora diary rangu ndikadzokera kudining. It was him zveshuwa chitupa changa chakanyatsonzi Malcom Choto his date of birth chero kumusha kwavo zvese hapana chandanga ndakanganwa and pachitupa ndizvo zvazvanga zviri just the way he had told me kudhara. I had to pretend like ndisingamuzive after all this guy broke my heart. Kungondibvisa humhandara nekutonditiza, thank God handina kuita zvangu nhumbu now thinking about it pamwe handitozvare ini nekuti handina chandakanwa kana kushandisa after kurara naye and handina kumboita nhumbu, so maybe ndini ndanga ndiine problem dai ndangokwanisa kuunganidza zvangu mari ndiende kuchipatara kunotariswa.
..." Vangade kuona imba here baba Alpha kana kuti vanozongoona pamunotama since imimi amai makamboiwona kare.
Baba Alpha..." Ehe ndirikuda kuiwona ini, ko kana marooms acho arimadiki.
Mai Alpha..." Mxm madiki chii chacho zvine basa rei kumunhurume nhai zvekuti marooms madiki hanty isu vakadzi tisu tinozvitarisa tichiitira kuti midziyo yedu inokwana. Maiguru chitongoendai naye kunoona marooms acho anonetsawo uyu kuita sekamwana kake aka kari kungochema chema regai ndisare zvangu ndakagara ndichikayamwisa.
Vakaseka zvavo murume nemukadzi but ini handina kumboseka coz hapana chakandiitirawo funny pane zvavanga vataura. Ndakasimuka ndikaleader way ndichinovaratidza marooms avo. Ndini ndakatanga kupinda ivo baba Alpha kana kuti ndingati Malcom hameno ari mumashure.
..." Ndiyo imba yenyu iyi, hameno kana muchida kuona the other room.
Baba Alpha..." Ndafara pandanzwa Mai Alpha achikuti maiguru, anyatsokupa respect yandafarira nekuti wagara uri maiguru vake, apa uchiri wakanaka Rumbie infact urikutowedzera kunaka you are maturing like fine wine. Unoti ndanga ndichimboda kuona marooms aya here ane basa reiko iwaya ndanga ndichida nguva newe, ndanga ndakusuwa.
..." Huh murikuti chiiko imi?
Baba Alpha..." Stop pretending Rumbie you know me and I know you. Ndatozviona kuti uchiri kundida nekaziso kawanditarisa nako ndiri padoor ende neniwo ndichiri kuda nezvako babe, nderipiko tsaga rakakuroora gara watoriudza kuti muridzi wako adzoka for what's his.
..." Mmm nhai baba Alpha muri kutaura nezvei I'm confused I think murikundifananidzira.
Ndaitonyepedzerawo confusion coz ndanga ndazviona kuti munhu andiziva uyu and zvavaitaura ndanga ndisiri kuzvifarira plus ndanga ndisina mhinduro yazvo so I had to act dumb.
Baba Alpha..." Ndiri kutaura newe babe, haunzi Rumbidzai here iwe. Women never forget their first lovers and ini I was your first I know that coz you were also my first. Zvirambe kaa kuti ndini ndakakuvhura pamwe wakazoshandisawo hako kamumhandara kuti uvhare bharanzi wako asi inini zvereal chaizvo ndini ndakakubvisa humhandara.
..." Kwana Malcom how can you say that, ko kana mukadzi wako akakunzwa. Iwewe kana usingade mukadzi wako then it's fine asi inini I love my husband and kana iwewe uri Satan awuya kuzoparadza marriage yangu ndakutuka nezita raJesu ibva shure kwangu Satan. I don't think kuti it's wise kuti tigare tese pano nezvawatotanga nekuita izvi, you can't disrespect my husband and call him names then you expect me to smile kana kukuwomberera maoko, I hate you so much wanzwa and you are the last person I ever expected to see again in my life hauzive kuti ndakanamata kakawanda sei kuti umuke wakafa but it turns out minamato yangu haina kunzwikwa coz you are right in front of me and watouya futi kuzondibhohwa as if wakabva usina kundibhohwa futi nxaa.
Ndakafamba ndichida kubuda muroom iye achibva andibata ruoko rwangu zvakasimba. Ndakanzwa hasha but ndaisada kuita noise Mai Alpha vozouya kwatiri so ndakangocheuka ndichimutarisa.
..." Ndisiye iwe haurespecter mukadzi wako ari mumba muno, izvozvi so ndisiye ndisati ndascreamer and I will tell everyone kuti wanga uchida kundiraper, you know how they take nyaya dzekurepwa kwevanhukadzi serious unorara muchitokisi iwewe ndisiye uko.
Akabva andisiya, ndichitarisa kudoor ndakaona Ronika achitopfuurawo achiratidza kuti arikubva panze, hana yangu yakarova, kuti pane chaanga awona kana kunzwa here I doubt asi aibva panze kunoitei. Apa kuti ndinomubvunza futi zvaisaita nekuti zvaitozoita suspicious so ndakangozvishingisa ndikabuda muroom muya kana nechandanga ndichaenderawo kunoratidza Malcom marooms iwayo pasina mukadzi wake chii asi still chero Ronika wacho anzwa hapana chinoshamisira chandanga ndambotaura naMalcom zvekuti angatoudza vanhu.
Mai Alpha..." Matora time muchiona marooms acho kaa baba Alpha ndanga ndave kuda kutoteverawo ini ndatofunga kuti pamwe manga mave kutomeasure size yacho neruler.
Ndakaseka seka nhema zvekuti zvindibve, havana kuzombogarisa ana Mai Alpha vakabva vatobudawo vave kuenda, vakati vaizouya musi weMonday. Ndakasara ndichifunga kuti ndaizogara seiko naMalcom nesh*t yaanga achitaura iyoyo manje kana aifunga kuti pane murume wangu chaasingazive aitopenga chaiko nekuti Tatenda ndakamuudza zvese zvandakaitwa naMalcom kare tisati tatombodanana.
Takadanana naMalcom ndiine 18 years, ndanga ndichangobva kunyorera masubjects eform 4 andakafoira pandakasangana naye, isu vamwe tisu vaye vakanonoka kukura mubrain zvekuti ndakasvika 18 years idzodzo ndisina kana kumbodanana nemunhu so Malcom was my first boyfriend and rudo rwaifaya kani tikadanana kwegore rese asi aisandiforcer kuita zvandisingade kusvikira musi watakazorara tese, ndini ndanga ndatoenda kunomuona kumba kwavo and day iroro anga ari ega. Madays iwayo aingotaura zvekuda kubuda munyika asi aisataura nyaya dzake zviri straight straight. Day raakandibvisa humhandara ndiro day randakapedzesera kumuona ndichizomuona futi nhasi. Lucky enough handina hangu kuita nhumbu nekuti ndaizotizira ani nhai iye nyakurara neni anga atove kuNamibia apa ndakatozoitawo zvekuudzwa neshamwari yake kuti mface wako akatoenda kuNamibia and he didn't reach out he never reached out kusvikira nhasi tazongosangana. Ndiye munhu akatanga kundipa heartbreak then Tatenda achibva azousonanidza moyo wangu wanga wavhiyiwa iwoyo right now munhu ochiuya manje achitaura rubbish achiti Tatenda bharanzi nxaa. Misodzi yangu yakatomboyerera ndichifunga zvandakaitwa kare, how my mother was so worried about me those days yet ndaisakwanisa kuvaudza zvanga zvaitika. Dai pasina Vimbiso dai ndakatozviuraya but she stood by me that's why kusvika nanhasi ariye ega shamwari yangu, naMai Taku takabva kure chaiko since primary angori my day one chete. Ndakatora phone yangu kuti ndimuudzewo mashura andanga ndasangana nawo and to think that ndinenge ndave kutogara nemunhu iyeye pamba pangu daily thank God ndinogara ndiri busy and it's very rare kuti ndingogare ndiri pamba. Ndakaenda kubedroom kwangu kuti ndinotaura neshamwari yangu ndisingatye kunzwikwa.
Vimbiso..." Iwe watogona wafona ndanga ndichida kutokufonerawo manje ini ndanga ndichitotyira airtime iri muphone mangu kuti inogona kupera tisina chisvinu chatataura manje iwewe mbinga yangu zvawatofona zvatonaka. Ndakaratidza baba Taku mapictures emba yako vakatozvichivawo zvekutenga stand izvi Mai mwana asi vaitoti vanenge vave kutora iri loan chaiyo. Mastands ekwenyu uko anoita marii nhai nekuti ndoda kugara padhuze newe ini plus ikoko kughetto sekuno ende ndidzo nzvimbo dzandinofarira manje. Isu togona kuzotadza kuvaka zimba serenyu asi kacottage katinenge tavaka ikako kanongogarika.
..." Nhaiwe calm down manje ukabva wataura nyaya dzako dzese kunge ndiwe wafona kudaro. Ndichakubvunzira asi pamwe unenge wave kutowana kuphase 4 uko nekuti kuno ku2 kwakazara zvese neku3 so ndichanobvunza kucouncil kuti arikuita marii plus akakura sei mastands ekuPhase 4 ikoko nekuti hanty unoziva kuti mastands ekuno mamwe ma200m² then mamwe ma300m².
Vimbiso..." Chero 200m² ndoida ini nekuti handisikuda kana stand inodhura, ndongosimudzawo kana 2 rooms chaidzo. Ko iwe wanga wafonerei isu vamwe nekutaurisa tinototaura nhamo dzedu dzese kaa tichikanganwa kuti haisi airtime yedu
..." Iwewe unotopenga zvee, arisei zvake mwana wangu Taku.
Vimbiso..." Aribho zvake hameno iwewe urisei but ndirikunzwa senge usiri bhoo ko chii nhai. Inyaya yemwana futi here usazvi stresser Rumbie kana Tatenda asiri kukunetsa hapana chingakuitise stress unomuzvara mwana kana nguva yaMwari yakwana. Kana isiri nyaya iyoyo feel free kundiudza kuti chii ndogona ndisina zvakawanda zvekukubatsira nazvo asi pamwe advice yangu inotoshanda.
..." Pane zvanga zvichingondinetsawo asi nevermind umhorese Taku, airtime yangu yakupera iyi tozotaura pawhatsapp.
Vimbiso..." Iwe wanga uchifona neairtime airtime wadii kutenga maminutes hanty 20 minutes dzinoita 20cents chaidzo kumaUSD.
..." Tenga kaa iwewe ufone hanty wauchiti muphone mako mune airtime shoma saka haingombove pasi petwenty cents dzawataura fona shamwari.
Ndakabva ndatocutter, ndanga ndatowona kuti ndiudze Mai Taku zvaiitika zvaisambobuda plus yanga isimbori nyaya hombe iyi ndaingomu avoider iye Malcom wacho kana zvanetsesesa ndovapa notice vobva pamba pangu. Ndakatozopedza day rese mood yangu yatove low. Kana manheru handina kumbodya ini apa ndanga ndiina Ronika angoriwo zii anenge atoriwo nemamoods musikana iyeyu, kuti anogarika naye iyeyu munhu anobva anyarara kunge zimuroyi kudaro. Tatenda akatozodzoka kumba manheru chaiwo apa akadhakwa zvekuti akangosvika nekutopinda mumagumbeze nebhutsu nebhutsu, ndakatozopinda busy ndini futi kumubvisa bhutsu. Makuseni ndakamukira kugadzirira kuenda kuChurch, ndopinda ZCC. Tatenda akati ainzwa musoro, rinenge bhabharasi chete so aisakwanisa kuenda kuChurch, Ronika akati anga asina hembe dzekuendesa kuChurch aizoenda neni next week, hazni ndanga ndanonoka kumuudza zvekuenda kuchurch so ndakangomusiyawo ini ndikazvipferekera uniform yangu ndikaenda kuChurch, ndakasiya ndaudza Ronika kuti azobikira Tatenda sadza chairo nekuti hangover inotoda kuti munhu adye sadza nenyama, dai pasina kuti ndaida kuenda kuchurch ndaisiya ndamubikira ndega murume wangu nekuti ndini ndinonyatsoziva zvaanoda manje nepaive nenguva ndaizotadza kuenda kuChurch apa nemuyedzo waMalcom wanga wave kuuya pamba pangu zvaitoda kuti ndimboita prayer warrior.
End of Chapter
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
415