COCO NOVELS
COCO NOVELS
February 4, 2025 at 11:19 AM
https://chat.whatsapp.com/IdPgtj3QzGs0I7zS7itA2P *For maprevious chapters nemamwe mabooks edu follow channel yedu nekuti hatichakwanise kusender book kumagroups ese nemuda kweWhatsapp ban. Tauya nekamwe kashort story. Rumbie naTatenda wake* https://whatsapp.com/channel/0029VahxSwN0rGiIGnuFyF3v *Also like and follow our Facebook page* https://www.facebook.com/profile.php?id=61572207467699&mibextid=LQQJ4d *❤️💔 DECEPTION 💔❤️* Written by Coco🦋🖤 Chapter 8 *Tatenda* Chiedza..." Wamuona sei musikana wandauya naye uyo. Akanyatsonaka and ane mahips wamaona here. Vakadzi vane mahips vari very fertile zvekuti ukangorara naye kamwechete unotoona yave mimba, ende chazvakanakira ndechekuti ndakatotaura naye kare musikana uyo and akatobvuma akati haana pressure nemarriage, chake kungokuzvarira mwana osiya iwewe naRumbie mochengeta. Kana Rumbie akazoda kunetsa mwana asiiwa unondideedza inini satete ndochitaura naye haambonetse uya anomutambira mwana nekuti iye hanty haazvare. ..." Ayehwa Mai William ini handina kumbobvuma nezveplan yenyu ndanga ndichiri kufunga nezvazvo. Chiedza..." Hapana chekumbofunga apo, nyaya iyi idiki diki zvekuti hazvitore kana gore unenge watove nekamwana kako kave kutokambaira pano, Rumbie chaiye anenge achifara handione achiita stress ini. ..." Chiedza handidi zvangu kuita zvimaplans zvako izvi, tichaita zvekwa doctor nemukadzi wangu kana aine problem I'm sure kuti madoctors ndiwo achatiudza zvekuita. Chiedza..." Iwewe wakapusa nxaa handisi kukuti roora mumwe mukadzi ini, usaite senge usati wamborara nemumwe mukadzi asiri Rumbie iwe, be a man chiiko newe nxaa. Chiri kunetsa......... Asati apedza kutaura Rumbie akabva apindawo mudining zvakaita kuti titomire conversation iyoyo. Takanwa zvedu tea, ana Rumbie vachibva vabuda neiye maid wacho wandainzi ndanga ndatsvagirwa kuti andizvarire mwana. Ini kana kunaka nemahips aitaurwa ndanga ndisina kumbozviona ini, ndaitoona kunaka kwewangu mukadzi and mumoyo mangu zvaindirambira kuti ndirare nemusikana iyeye. Kunenge kuri kubetrayer nekucheater Rumbie kaa apa ini mukadzi wangu ndinomuda and ndototya kuona kurwadziwa mumaziso ake. Ana Rumbie vabuda, Chiedza akasara achida kutaura neni nezvenyaya yake asi handina kuzomboramba ndakagara naye ini zvanga zvave kutondibhohwa zvinyaya zvake so ndakabva ndangoenda kunorara kubedroom kwangu ndikatozoita zvekumutswa kuti ndidye lunch. Ndanga ndisisatombofeeler comfortable mumba mangu. Worse ndichitarisana naiye Ronika anga awuya naChiedza, apa iye Ronika she seemed like a quiet and nice girl which makes me question kuti why anga abvuma kuitiswa zvinhu zvakapusa kudaro naChiedza. Kuda mari here maybe aibva kumhuri iri poor but then inini I wasn't rich kaa zvekuti angatouya kuzoti ndinomubhadhara mari yakawanda and I didn't need a surrogate coz kwadoctor tanga tisina kumboenda kana kunoudzwa kuti Rumbie ane problem. Iye Chiedza aitondinetserawo kuti ndimupe mari yekuti anobhadhara rent kumba kwake, asi ndakamunyima zvangu nekuti zvinhu zvandinofanha kutanga ndadiscusser naRumbie izvozvo. Kana munhu uri married haufanhe kungopa hama dzako mari zvechihwande hwande. Mukadzi wako akazozvinzwa nepamwe zvinocreater mistrust pamuri plus mari chaiyo yekumupa ndanga ndisina ini, we had exhausted all our savings nekuvaka imba zvekutoti Ruva anga ave kutowedzera nemari yanga yabva kumaroja pakunohodha. Kuenda kwaChiedza handina kumbokuona nekuti ndanga ndangozvivharira mubedroom. Rumbie aitozviona kuti pane zvaindinetsa asi aisambondipa pressure yekuti ndimuudze which was good coz ndaisatoda kumuudza kana anything ende ndaizviziva kuti akangondiisa mucorner ndinoguma ndamuudza zvese ini, handikwanise kukeeper secret kubva kuna Rumbie wangu. Manheru takadya naye Ronika wacho, ndaimuona zvake achibiridzira kunditarisa asi ini kana kumboita shungu naye. Saturday ndakamukira kubuda, ndanga ndisina kana plan asi ndakangonyepera Rumbie kuti ndiri kunosangana neshamwari dzangu. Ndakazovaona zvangu vakomana vacho tikaswera tichinwa mabeers, ndikatopotsa ndavaudzawo zvaindinetsa kuti vandipe maadvices avo asi zvakangondiremera kuti ndivaudze ini, chandakangoita kudutira doro zvekuti pandakazonosiiwa kumba ndaiita kudzembeka chaiko. Ndanga ndisisatombozive zvandiri nekuda kwekudhakwa, kana kuti mubedroom ndakasvika sei ndikarara sei handizive asi ndakamuka musoro uchirwadza uyu, kuita kunzwa dzungu chairo musoro uchitenderera. Apa Rumbie aitove busy kugadzirira zvekuenda kuchurch, ndakatoti kuChurch handingamboende. Doro kungorinwawo zvekuedza kuti ndisastresser asi zvekuzorwara ndarinwa kudai ndizvo zvinorwadza manje. Ndanga ndichiri ndakapfeka zvangu hembe dzandanga ndakapfeka nezuro which made me wonder kuti ndakapinda mumagumbeze sei, ndinenge ndakatonetsawo zvangu Rumbie nekuda kwekudhakwa kwangu, ndofunga ndosaka anga akaita kakutsamwa plus she seemed stressed futi. Rumbie achingobuda ndakazvishingisa kuenda kunogeza, kutogeza ndiko kunopa power plus ndaida kugeza mazino mukanwa mangu manga muine chifunny taste so. Ndakangosvika nekuvhura door repabathroom, apa ndanga ndakatobata musoro wangu waitenderera, nekuda kwedzungu randainzwa zvinhu zvese zvaitenderera zvekuti ndakatomboita katime ndakangobata door repatoilet ndisati ndapinda ndichitya kudonha nekuti ndaiti ndikatarisa pasi ndaiwona kunge nyika iri kutenderera iyi plus ndirikuda kuwira muzigomba chairo. Ndichinopinda mubathroom kudai, sanganei naRonika achitodonhedzawo drying towel raanga akamonera, aitoratidza kuti aidawo kugeza. Handina kumbomutarisa ini ndakakurumidza kuvhara door ndichibva ndadonha nekuda kwefast yandanga ndaita plus dzungu randainzwa. Ndakavavarira ndikasimuka, ndikanotora toothbrush yangu ndokubva ndanogezera mazino angu pasink yepanze. Ndakatadza kunzwisisa zvanga zvaitwa naRonika ini, hanty anga andinzwa ndichivhura door plus ndikatomboita katime ndakamira padoor ipapo zvekuti aitonzwa kuti pane munhu, ko chakamutadzisa kundiudza kuti mubathroom mune munhu chii secondly why akadonhedza towel rake achingondiona ndichivhura door apa she knew kuti tiri two chete pamba Rumbie haapo. Zvinhu zvaindinetsa ndichikwesha mazino izvi, ndanga ndave kutoda kudzokera kubasa zvangu ini nekuti uyu waitove muyedzo wandanga ndasorerwa naChiedza. Ndakabva ndangogeza neface yangu panze ipapo, zvekugeza ndanga ndisisade ini. Ndakanopinda mubedroom ndichibva ndanwa mapainkiller nemvura yakawanda ndokupinda mumagumbeze nekutobatwa nehope. Ndakamuka ndichiita zvekuvhunduka ndanzwa kakurohwa rohwa nekavoice kaiti, "muka iwe." Ndichivhura maziso angu ndakaona ari Ronika apa ndanga ndichiri kuhope so ndakatanga ndanyatsogara pamubhedha ndokushama n'ai ndichistrecher muviri wangu. Ndakavhura maziso angu futi slowly asi ipapo I was no longer feeling dizzy, mapainkillers anga ashanda zvawo. Ronika..." Nhaimi daddy mukai kani mudye sadza renyu. Ipapo ndakabva ndavhurisa maziso angu zvekushamisika, ndiani waaiti daddy. Apa uwone kahembe kaanga akapfeka, kanoperera pakanotangira chaipo, achiita kusekerera zvekuti unozviramba kuti ndiye Ronika anozviita kamuholy holy kakanyarara kana Rumbidzai aripo. ..." Hezvo nhaiwe urikuitei mubedroom mangu nemukadzi wangu, wanzi nani upinde muno I'm sure kuti Rumbie haana kumbobvira akupa mvumo yekuti upinde muno. Chiiko chawakapfeka ichocho asi kumusha kwenyu ndiwo mapfekero anoita vanhu pamabasa, kupfeka kunge kahure kakechwa nemunhu anonwa musombodhiya kudaro. Kamani buda muroom mangu handidi kukuona uchiisa katsoka kako futi muno wanzwa. Ronika..." Nhaimi daddy hanty zvandiri kuita izvi ndizvo zvandakauyira pano here. Zvekuita musikana webasa hanty it's just a cover kuti Rumbie asazvizive... ..." Stop right there, firstly ndiani wauri kudeedza nezita uchiti Rumbie kudaro, kusakwana kunototangira pakudeedza munhu akaku employer arikukupa mari yepay nezita then handisi kutoda kuziva zvawakataura naChiedza nekuti sister yangu ndinoiziva ine bipolar ende ukamuteedzera unopedzesera wave kupenga saye. Ronika..." Sorry kani ndandichida kuti maiguru kani, okay ndandichiti zvese zvekuita musikana webasa wenyu it's just a cover up yekuti maiguru Rumbie vasazive iri kutambika kani. Tete Chiedza vaka explainer zvinhu zvese kwandiri and I understand your fears, pamwe ndakanganisa hangu nekupinda mubedroom mamaiguru asi imimi daddy murikunyatsozviziva kuti nhasi tiri two chete asi hamuna kana kumbouya kwandiri, ndatoramba kuenda kuChurch ndichiti tinyatsowana kuspender our quality time tiri tese daddy. Hamusi kundinzwirawo zvandiri kukunzwirai kani, okay kana ndanyanya kuita fast we can just get to know each other better sevanhu vachaita vana vese. Aitaura achindibata bata muviri wangu zvine kakunyerekedza kaitindisvota, apa akanditarisa mumaziso zvemunhu ariku seducer asi kwandiri zvaitoita kunge ndiri kutariswa nemuroyi chaiye worse nehembe dzechihure hure dzanga akapfeka. Ndakabuda mumagumbeze fast zvakamuvhundutsa achibva adonha pasi nekuti anga akatobalancer nekubata makumbo angu rumwe ruoko rwake rwuchibata bata face yangu. Ndakaenda kudoor ndichibva ndarivhura, ndakamutarisa akavhura maziso angu sezihove. ..." Simuka ipapo ubude right now, haunyarike iwewe urimbwa yemunhu now buda, buda zvako mubedroom mangu kahure iye Chiedza akakunhonga kupi type inenge iwewe. Ronika..." Amana apa wandikuvadza futi instead yekuti unditwasanudze ruoko rwangu rwaminyuka wave kundidzinga. Okay it's fine sorry ndauya kubedroom kwako hanty, chiuya udye sadza rako randasiya ndanzi ndikubikire namaiguru, huya zvako udye sweetheart. Zvaraitowedzera kundimara nhai hure iri. Anga arimufast musikana uyu zvekuti chero kese kaifunga zvekuti ndingorare naye tione kuti anoita nhumbu here kakapera kuti pepepe chaiko. Ndakanomubata chioko chake ichocho hameno kuti ndicho changa chaminyuka, ndikabva ndamuzvuva kusvika ndanomusiya mupassage, handina chandakataura asi pandakacheuka ndichidzokera kubedroom kwangu ndakanzwa achiridza tsamwa ndokubva ati, " Ramba zvako chikafu changu nhasi sweetheart asi ziva kuti pamwe ndicho chauchatozodya kwehupenyu hwako hwese, ringori dzungu rauchiri naro iri and I know zviri kurikonzeresa. Very soon unenge wave kunamata pandinotsika ndakusengera mwana wako, mudyiwenhaka." Akapedzesa kutaura achiseka, ndakangoridza tsamwa yekubhohwekana chaiyo asi handina kuramba ndakamira ipapo anotopenga chete Ronika uyu, dai pasina kuti handina chekuudza Rumbie chingaite kuti adzingwe zvisiri suspicious ndaiita kuti adzingwe ini nekuti uyu aindikanganisira marriage yangu chete. Madhiri airongwa naChiedza aisada munhu akangwarangwanduka kudai atleast dai anga atsvagawo munhu ari decent manje uyu ndiyo type inotozoku blackmailer mave nemwana mese, ayehwa ndaitoda kumufonera Chiedza auye kuzotorana nehure rake riende. Ndakadzokera mubedroom asi hope dzanga dzatopera, musoro wanga wamira zvawo kutema asi ndanga ndave kunzwa nzara chaiyo, manje sadza ranga rabikwa nemunhu uyu ndanga ndisiri kuzoridya zvangu ini simba rekuzvibikira ndanga ndisina so ndaitomirira kuti Rumbie azobika kana abva kuChurch. Ndakangogara mudining ndichiona zvangu bhora raiitwa patv, hapana team yangu yaitamba asi kutoona soccer kwaive nani pane zvaiitwa kuzvimwe zvimachannel zvese. Rumbie akazosvika bhora rave kuda kutopera, airatidza zvake kuneta asi hazvina kunditadzisa kumukumbira kuti andibikire sadza izvozvo. Rumbie..." Ko munogoti hamuna kudya anything since morning kuti zvanga zvadiiko nhai Tembo ingawani ndati Ronika akubikirei sadza nhai. Saka murikureva kuti manwa mapills musina chamadya, nhaimi murikuda kundirwarira nenyon'o here. Ronika..." Mufunge zvenyu ndatobika sadza vakariramba bamukuru ava, hanzi ndinoda rabikwa nemukadzi wangu chete mukatonotarisa kukitchen munoriwana riripo pastove sadza ravo, renyu ndanga ndaisa mumicrowave. Hameno kuti anga abvawo nekupi achisvikoganhira, apa aitotaura zvakadzikamira anga apfeka rimwe dress rakareba riri flared kwete kaye kaanga akapfeka masikati, munhu aimuona akadaro ozondinzwa ndichitaura zvaanga aita ainditi ndinonyepa chete, nekuti paakataura zvekuti ndaramba chikafu aitonzwisa tsitsi kuita senge ndamupumha huroyi chaihwo. Rumbie..." Nhai babe waramba sadza zveshuwa, soriyi zvenyu mainini anoshupa munhu wacho uyu ndosaka ndakatoti paye ndobika ndega zvangu. Ipapa tave kutowaster chikafu, it's okay ndodya zvangu ramanga mandisiira, bamukuru venyu ava ndovabikira ravo, murikurida nechiiko nhai Tembo. ..." Hameno chero chiri fast babe, iwe urikuda kudya sadza rabikwa kare ko unoti rauchabika ndinoridya nani, iro remasikati chitongorasai tese tidye fresh sadza or maybe Ronika ndiye angatodya sadza rake raabika iroro. Vese vakabva vangonditarisa asi handina kumbozviteedza, ndakatora remote ndichibva ndatotanga kuchinja machannels, pasina nguva ndakanzwa kugwedebudzwa kwemapoto kukitchen nemavoices ndikaziva kuti ndave kubikirwa chikafu. Nedzungu raRonika riya ndaisatodawo kuti mukadzi wangu adye zvabikwa netype iyoyo ko kana paine zvaaisa. End of Chapter
❤️ 👍 😂 🙏 😢 😮 225

Comments