COCO NOVELS
COCO NOVELS
February 4, 2025 at 04:00 PM
https://chat.whatsapp.com/IdPgtj3QzGs0I7zS7itA2P *For maprevious chapters nemamwe mabooks edu follow channel yedu nekuti hatichakwanise kusender book kumagroups ese nekuda kweWhatsapp ban. Tauya nekamwe kashort story. Rumbie naTatenda wake 🔥* https://whatsapp.com/channel/0029VahxSwN0rGiIGnuFyF3v *Also like and follow our Facebook page* https://www.facebook.com/profile.php?id=61572207467699&mibextid=LQQJ4d *❤️💔 DECEPTION 💔❤️* Written by Coco🦋🖤 Chapter 9 *Rumbidzai* KuChurch ndakangoendawo zvekunzi ndaenda zvangu asi ndaisatombofeeler zvese zvaiitwa ikoko ini. Kana kureurura ndakangoreururawo zvese nekunamata asi I doubt kuti munamato wangu wakasvika kuna Mwari nekuti ndiri muchurch imomo ndaingoti ndikafunga Malcom ndotoridza tsamwa chaiyo chimwezve chaindinetsa ndiyo nyaya yekuti ndakamborara naMalcom asi nhumbu haina kubata ndikarara zvee naTatenda kusvika nanhasi asi no nhumbu, since handisati ndamboshandisa mabirth control or kutonwa mamorning after chaiwo saka mumoyo mangu ndanga ndave kutongozviudza kuti ndini ndisingazvare and chero kwadoctor kwacho ndanga ndisisatode kuenda ini, kuenda kunonyadziswa ikoko ndawanikwa ndisingazvare then what's next apa ndinenge ndatowaster mari yangu ndichinoita zvinhu zvandave kutoziva and zviri very obvious futi. Shoko rakaparidzwa handina kana kurinzwa asi verse yemubible yaifambwa nayo netopic ndakazvinyora pasi ndaizonoverengera bible racho kumba. Tavekubuda muchurch ndakabva ndaonana naVimbiso ndanga ndaenda kuchurch yangu yemazuvaose ini, mhamha ndanga ndisina kutovaona nekuti vanowanzogara kumberi apa ini ndanga ndatononokawo kuenda kuChurch that day. NaVimbiso hatina kukwanisa kutaura tese tichiri pachurch nekuti taitaurawo nekumhoresai nemamwe madzimai eRuwadzano. Vamwe ndivo vaindikorokotedza nekuda kweimba yangu, vazhinji vacho vanga vasina kukwanisa kuuya kukasmall party kaye, iniwo ndaivatenda nekunditengera midziyo, ndaifanha kutozouya kuRuwadzano musi weChina ndonyatsotenda madzimai ese. Takazoti tatobuda gedhi ndipo pandakatanga kutaura namai Taku apa anga akatobereka mwana wake. Anga atokura Taku, 4 years asi Vimbiso ndiye aingodawo zvekuyemedza mwana asi ini pandichazoita wangu that's if ndikamuita I will spoil that baby zvekuti kaa. Vimbiso..." Ko nhaiwe wakwira macombi two ese ekuti uwuye kuno uchitadza kungoenda pachurch yepaManressa apo padhuze nekwaunogara. Kutya kuchinja kwekupindira church here iwo maZCC acho akangofanana. ..." Ndanga ndichitodawo kukuona plus ndirikuda kuona mhamha that's why ndauya kuno. Nhasi handisi futi mumood yekunotanga kuita munhu munyowani ini, ndichatozotanga kuenda ikoko next week and zvinenge zvichienderanawo nekuti ndinenge ndisina kuenda kunohodha here, zvekuchinja church zvinobhohwa ndanga ndatojaira zvekuno ini. Nhaiwe mhamha vachiri kuChurch nanhasi, ngatichivamirirei pano. Vimbiso..." Haa zvamhamha hauvazive here machembere vanoita kunge vachamhoresa church yese. Itai muende kuChurch yekudhuze nemi asikana isu zvedu zvikabatanawo manje manje tinenge tave kukujoiner ikoko. Shamwari I'm happy kuti baba Taku vakabvuma zvekutenga stand, hameno vakasazoitawo zvemusoro wavo nemari yeloan yavanenge vatora, varume unovaziva kaa kuti dzavo hadzitore mushe. ..." Haa kana I doubt, ana baba Taku havasi type yekuita izvozvo ava, asi dai wati murume watete Chiedza hehede mukwasha wangu ane mashura uya, thank God Mwari vakandipa zvavo Tatenda wangu wandinonzwanana naye pakuronga zvinhu zvedu nekuti type inenge ana baba William haa kana imba yacho dai yakaparara kare, ini handimbohadhire panonsense dzakadaro. Vimbiso..." Asi ivo tete vako vaye, ndakazoshaya time yekunyatsotaura newe nekuti panga pakawanda vanhu. Nhaiwe chii chakadaro chavaiita kumba kwako, ndizvo zvavanga vauya kuzoita here zvekutaura nyaya dzemwana. Vakatoita lucky vakawana iwe musoft dai ndirini ndaivatanda pamba pangu ini handina mangwana nemunhu kaa, ndinonyadzisira munhu ipapo kana atsamwa onoudza waanoda. ..." Zvaizobuda here pamberi pevanhu nhaiwe Mai Taku, ndini ndaitozoitwa topic kaa kuRuwadzano you know vakadzi vemuchurch medu zvavari, ini handidi zvekuzotsiurwa pamberi pevanhu vese plus hanzvadzi yacho yakazonotaura navo hameno vakaudzana kuti chii asi same day iroro vakabva vafona vachindiita masorry sorry asi pane rimwe statement ravakataura rakandi confuser plus kubva day Tatenda raakaenda kumba kwavo iroro akabva atanga kungoita zvinhu zviri weird weird I feel like he's hiding something from me asi handisi kuda kumuforcer kuti andiudze zvake, ndomuziva zvake Tatenda and I know kuti achandiudza chete zviri kumunetsa. Ipapa nezuro akauya akaita kudhakwa zvekutopinda mumagumbeze nebhutsu chaidzo ndozvatoita kuti asauye kuChurch ndangomusiyawo kumba ini, asara nemusikana webasa wandakazotsvagirwa natete apa day ravauya nemusikana iyeye ndakapinda mudining vari in a serious conversation naTatenda asi the minute I walked in vakabva vanyarara kuti zii. Vimbiso..." Wow what nhaiwe zvese izvo zvaitika ne1 week chete. Ko vakati chiiko Mai William, iwewe if you feel like pane zvausiri kuudzwa nemurume wako mubvunze kaa nhai Rue, ini ndinoda shamwari yakati changamu changamu ini. Ko wakatsvagirwa musikana webasa natete vako, akaita seiko I hope havana kukutsvagira wekumarurevha ane strong rural background nekuti anokuitira chisaskam saskam achitoparadza midziyo yako. Sorry mibvunzo yangu yawandisa asi wandiudzawo zvinhu zvakawandisa shamwari. ..." Kana haasimbori saskam musikana wacho anobva paNyabira apo and iye anoti ane 23 years but anoratidza kunge ari kuma 27 or akatoenzana neni chaiye ukamutarisa kudai, apa haana chitupa musikana iyeye hanzi chakarasika. Mai mwana kungogarawo naye nekuti munhu akauya naivo Mai William plus vakati vanozivana nehama dzake asi mmm musikana iyeye kaa haa hameno, munhu akanyarara zvake zvekuti pa2 days dzandagara naye ndingangoti munhu bhoo asi I don't trust her zvangu. Vimbiso..." Hezvo nhaiwe unogarirei nemunhu asina chitupa ayehwa muendese kumusha kwake shamwari, zvatete vako zvekusakwana vachiita kunge munhu akambotsvira mumba door rakavhurika usazviteerere zvako. Ivo ngavamutore kaa vagare naye since vachiziva hama dzake sterek. Mhamha..." Ko imi vasikana muchiri makamira pano, apa ndanga ndichitoti Ruru adzokera kumba kwake asina kundionawo sei, ndanga ndichida kutokufonera ndichikutuka ipapa. Urisei zvako Mai Taku mwanangu. Vimbiso..." Ndiribho ini mhamha tanga takatokumirirai pano, Rumbie atoti haayende kumba kwake asina kukuonai. Rue shaa tozotaura ini rega ndimhanye kumba, uzouyawo kumba kwangu kaa nekuti nyaya dzako dzakawandisa dzinoda ndichiita ndichinwa mvura yemufridge inonyatsotonhorera. ..." Iwewe ndiwe unouya kumba kwangu shaa, ukangotengesa magaba maviri ecarolite kana three zveepidem mari yako yekuuya kumba kwangu yotokwana. Potai muchiuyawo kuzondiona kunew house uko, kutouyawo kwako ndiko kuti uwone Ronika ariko uko. Vimbiso..." Unoti zviri easy kutengesa here zvimafuta zviya nxaa fanika these days zvawandirwa kudai, ukazoenda kuZambia ndichatozokutumawo kuti unonditengera zvimwewo zvimaproducts zvinyowani. Aitaura achitofamba kuenda kumba kwake and zvizhinji zvaaitaura anga ave kutodeedzeresa. Ndakangomuti "iribho" achitofamba kuenda. Iye zvake pamba pake paive padhuze zvekutofambika netsoka nekuti church yedu yaiitirwa muGlenview imomo maaiigara and ndimo mataimbo rojawo naTatenda tisati tatenga nekuvaka imba kuMabvuku. Takanokwira zvedu combi yekuenda kuHighfields kunogara mhamha, padhuze hedu nekwataive asi kadistance karipo kanongobhohwa kufamba that's why takakwira combi and hatina nyaya svinu dzataitaura kunze kwekungomhoresana asi takati tichipinda mumba mhamha vakabva vatanga kundibata paguma pangu apa nemuhuro. Ndakatoseka zvangu ndichishamisika kuti chii chaizvo chaiitika. ..." Nhaimi mhamha chiiko nhai, murikutsvagei muhuro mangu nepaguma. Mhamha..." Ruru ndiudze chokwadi mwanangu chii chirikukunetsa. You are not okay usandinyepere I'm your mother ndokuziva iwewe. Ndanga ndichitokubata bata kudai kuti ndinzwe kuti hauna temperature here or hausi kurwara here coz ndichingokuona ndatoona kuti you are not okay. ..." Mhamha please stop treating me like a baby apa muchiti Ruru munhu ane 28 years here, ndiribho ini yes pane zvinhu zviri kundinetsa and I know kuti ndimi zvese zvangu ipapa, tete, daddy, mhamha, friend all in one but pane zvimwe zvinhu zvandisingakwanise kukuudzai mhamha. Ndakura now and sometimes I have to find masolutions ezvinenge zvichindinetsa ndega. Handisi kurwara hangu asi yes ndirikufunga zvinhu zvakawandisa aaah I'm tired mhamha ndozvega zvandingakwanise kukuudzai ndaneta nekufunga ini. Mhamha..." It's okay I understand zvauri kutaura Rue and I treat you like a baby coz utori kababy kangu. I know pane zvausingakwanise kundiudza samai vako though ndichitrier kuplayer marows ese asi I know kuti handimbofe ndakaita tete vako or daddy vako coz mumaziso ako unondiona samhamha vako. Rumbidzai please pray, ndakakukudzira muimba yaMwari ndichiita kuti uzive zvekunamata. Kana zvinhu zvakuomera namata mwanangu, kana pfungwa dzanyanyisa namata, kana zvinhu zvaenda nenzira yausingatarisire namata. When you have lost all hope namata, God will remember you Ruru. Paye paye paunonzwa senge zvanyanya kurema zvekutadza kunamata chaiko Chingoita kasmall prayer ongoti God remember me kana kuti Mwari ndiri mwana wenyu ndirangarirewo wega unotozvinzwa kuti mutoro wako unoita kakurerutswa. ..." It's okay mhamha I will pray and I know kuti your next statement muchati kana zvinhu zvarema ziva kuti Mwari haakusiye kana kukurasa anewe, ndinozviziva mhamha and that's why ndatouya kuChurch coz my heart was heavy and I was confused asi zvatopera zvese izvo pandangopinda muimba yaMwari. Mhamha..." I'm so proud to be your mother unoziva. Now let me make you something to eat neniwo nditori nenzara. Ndaneta nekugara ndega iwe ndakatoti muzukuru wangu Natalie auye kuzogara neni iye akatofara akati tete ndaitoda kuuya asi ndaishaya kuti ndokuudzai sei. ..." Makatogona zvenyu imi saka varikuuya riinhi mainini Natty, vanofanha kutozouyawo vachiona kuimba yemwana wavo kuMabvuku uko. Musazvinetse nekundibikira imi mhamha regai ndimhanye kumba ndinonodyira kumberi. Hameno kuti ndokuonaiwo riinhi nekuti ndave kunopindira church kuManressa uko plus this week ndinogona kuenda kunohodha. Ndakataura ndichitovahugger, vakapindurawo zvaienderana nezvandanga ndataura vachibva vandiperekedza kunokwira combi yetown, ndakaramba chikafu nekuti ndaida kufamba kuchiri kuchena, Sunday inonetsa transport kaa saka haidi kuzofamba kwadoka. Ndakasvika kumba ndakatoneta zvangu ndave kusvikirana nekunzi ndibike sadza, asi Tatenda kaa, kana nechaanga arambira sadza ranga rabikwa naRonika, iye Ronika wacho ndakatomunzwira tsitsi achitaura kuti Tatenda aramba kudya sadza, I could feel kuti pane zvimwe zvanga zvataurika chete from the way Ronika yaakataura achiratidza kutoda kuchema chaiko. Chete Tatenda ndomuziva zvangu kuti munhu anosarudza sarudza panyaya dzekudya idzi that's why ndanga ndakatoudza Ronika kuti zvekubika izvi ndoita ndega. Apa iye Tatenda kuzondirambidza kudya sadza ranga rabikwa naRonika kani, ndaida kutozomutsiura ini matauriro aakazviita ipapo akabva aita kunge pamwe Ronika ane zvaanga aisa musadza imomo kubva aita mumwe munhu kunge muroyi kudaro nhai. Ndakanoribika sadza nechicken nekuti ndiyo inokurumidza kuibva. Ndakazvibika fast fast chaiyo nekuti ndaitonzwa kufizuka chaiko. Ronika akadya sadza rake raanga abika kare, nyangwe zvangu ndanga ndabika neshare yake asi akati hazviite kurasa chikafu. Takazodya zvedu naTatenda asi apa mood yake yanga yati chinjei from yaanga ainayo madays adarika ayo. Aitotaurawo neni nyaya achiseka kwete zvake zvekungoita kunge ane zvaarikuviga. Manheru ndakamuudzawo nezvemaplans angu ekunohodha akandirambidza achiti taizongobuda tese day raanotanga basa, aingoti anoenda neni mutruck asi ozonondisiya pekuti ndikakwira bhazi panenge pave mudhuze nemuMusina. Handina kumboita zvangu nharo, yanga iri good idea pakuti ndaitosaver imwe mari yetransport ndonowedzera stuff yangu. Ana Mai Alpha vakatama manheru chaiwo, hameno chii nesu vanhu vatema tinoda kutama manheru. Pamwe kutya kuonerwa midziyo nevavakidzani kana kuroiwa chaiko. Takazotaurirana nyaya yemaoff days naRonika and we agreed kuti kana ndiripo anotora weekend yese off asi kana ndisipo or kana ndiri busy haaite off and zvaitomaker sense. Weekend iyoyo akabva atorawo off yake, akatobuda Saturday makuseni achiti arikuenda kwamaiguru vake handina kumubvunzisisa zvangu nezvamaiguru vake ivavo asi akati vanogara kuChitungwiza. Tatenda akazobuda zvekuma 10 that same Saturday achinopa mai William mari yekuti vabhadhare rent, tanga tazo decider kuvapa nhaimi vakadzingwa vaiyendepi. We gave her mari yekupedzesera mumasavings edu tikasara tave vachena chaivo panyaya dzemari idzi asi chikafu chekudya tanga tiinacho plus ini Mari yangu yekuhodha ndanga ndinayo so tanga tisina hedu pressure yakanyanya nemari iyoyo, plus kusiya tete vachidzingwa nalandlord apa nevana futi hanty hunenge hwatove hutsinye so takangoitirawo zvedu vana otherwise dai vari Mai William vega taingovasiya isu nekuti munhu mukuru vanoona yekutamba asi William naWendy manje ndovakandiita kuti ndidzore moyo wangu and Tatenda aisada asi pandakazomuudza kuti angoitirawo vana akabva abvuma. End of Chapter
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 236

Comments