COCO NOVELS
COCO NOVELS
February 5, 2025 at 11:35 AM
https://chat.whatsapp.com/IdPgtj3QzGs0I7zS7itA2P *For maprevious chapters nemamwe mabooks edu follow channel yedu nekuti hatichakwanise kusender book kumagroups ese nekuda kwewhatsapp ban. Taura nekamwe kashort story. Rumbie naTatenda wake🔥🔥* https://whatsapp.com/channel/0029VahxSwN0rGiIGnuFyF3v *Also like and follow our Facebook page* https://www.facebook.com/profile.php?id=61572207467699&mibextid=LQQJ4d *❤️💔 DECEPTION 💔❤️* Written by Coco🦋🖤 Chapter 10 *Mai William* ..." Nhaiwe Ronika wanga uchiitirei dzungu iroro, ndakakuudza kuti Tatenda munhu aka chiller haadi zvedzungu iwe wakuita zvawaita izvozvo nhaiwe. Ronika..." Hanty ndizvo zvandakauyira pano here, zvinoda kana kudzikama kana hunhu here zvinhu zvacho zvagara zviri zvechihure hure izvi. I think hamuna kuexplainer kuhanzvadzi yenyu zviripo. Apa atondikuvadza futi mxm. ..." Ndakamuudza asi achiri kufunga nezvazvo nekuti Tatenda anoda mukadzi wake and haasi type iya yevarume inongo cheater cheater kaa, ehe anonwa doro anotoenda kubhawa chaiko asi zvevakadzi izvi hazvisi maari. Iwewe waifanha kumirira kusvika akuona ndiye like zvekubathroom zviya yes ndizvo manje zvinobuda kwete zvekuzoenda mubedroom make why wada kudisrespecter bedroom yemumwe mukadzi uchidaro even inini handingambosekerera madhodhi akadaro mubedroom mangu. Ronika..." Iiih mother ndogona kungozvisiya izvi mukada kutanga kunditaurira nyobvo manzwa. Apa kapay kandiri kupihwa pano kashoma imi murikutoda percentage pakamari ikako then motanga kundiudza sh*t manje. Munomboziva chinonzi kuseducer here nhai mbuya, hanty kutopfeka zvimini zvandanga ndakapfeka izvozvo ndiko kuzama kusimudza mafeelings ake manje hanzvadzi yenyu inenge yakatofa mafeelings nekuti ndamutarisa pamberi pake apa hapana kana chandaoma, varume chaivo vanovhunduka vakaoma mukadzi ari half dressed sezvandanga ndiri manje uyu kutopora zvake kunge arikuona murume biyake. ..." Chirega kugumbuka uchidaro kani muroora wangu sorry hanty ndichataura naye, ubvunze Rumbidzai nezveoff yako. Akakupa off uwuye kuno titaure ndobva ndaitawo kuti Tatenda auye totaura nyaya dzacho tese tiripo ndozama kuita kuti anzwisise. Ronika..." Aramba kudya chikafu changu imi tete. Anga ave kutonzwika kuchema paphone, anenge anga ave kutodawo hanzvadzi yangu uyu. Ndakamucomforter satete ndokubva azocutter zvake phone nekuti ndiye anga afona. Tatenda kana kundipa zvake mari yerent mufunge 31 akatokwana landlord ndikavapfugamira ndichichema chaiko vakandipa rimwe week pamusoro asi apa vakati week iroro rikakwana ndisina mari panenge pasisina tsitsi pakundidzinga. Mukadzi mukuru ndanga ndawonda netuma days itwotwo. Baba William kana kumboita basa nazvo mufunge, dzimwe nguva vanga vasisatorare mumba. Day rauya landlord ndakatovakumbira phone ndikafonera baba William asi vakatondipindura zvavo rough hanzi isa hembe dzangu mumaplastic bags ndouya ndichidzitora padoor achibva atocutter zvake phone mwana wemunhu, imiwee kupererwa chaiko ndinokuziva ini. Chikafu changa chirimo chatakapihwa kaRumbie asi kunetseka nekuda kwemari yerent kwainditadzisa kana kudya asi pamberi pevana vangu ndaitodya zvekuzvishingisa coz I didn't want to stress them. Ndakatozoita zvekufonera Rumbie ndichichema chaizvo ndichitaura nyaya yerent, haana zvisvinu zvaakandiudza kunze kwekuti achataura naTatenda voona kuti vane mari ingakwane here. Ndanga ndave desperate zvekuti ndakaiyeredza misodzi paphone call iyoyo, ndanga ndatosacrificer kutenga airtime nekamari kandanga ndakachengeta kuti ndizowedzera rent apa worst part ndanga ndisina kana mumwe wekukumbira kunze kwaiye Tatenda. Ndakasenderwa message naRumbie achiti vanga vazondiwanira mari ende Tatenda aiwuya nayo mari musi weSaturday, ndakanyatsonzwa kuti ndave relieved. Kunyatsofema mweya unotonhorera chaiwo. Ronika akafonawo achiti anga apihwa off yeweekend so ndakamuti auye kumba kwangu musi weSaturday. Zvinhu zvacho zvanga zvangozviitira zvega muchirungu ndiyo yavanoti killing two birds with one stone, mari yerent ndaivigirwa then ndotaura nevanhu vangu futi, Tatenda aingosvikowana Ronika arikuno ndotaura navo vese, akura kaa Tatenda uya anoda kufa asina mwana achingogara naRumbidzai wake anekakunyima futi. Mari yerent iyoyo I know kuti vanga vainayo mumba mavo asi vanga vaita 2 weeks dzese vachindinyima ndichifurufushwa nalandlord asi mari yacho vainayo zvavo mxm, ndiRumbie wese iyeye zvake coz Tatenda haana moyo wakaipa kudaro. Week iroro rakandiperera ndatove muhappy mood nekuti changa chandishaisa mufaro ndiyo mari yerent iyoyo. Friday yacho baba William vachibva vauya zvavo kumba after three days vasingasvike kumba. Ndanga ndavasiira chikafu asi vakangovhura mapoto vakasiya zvakadaro, hameno zvavakabvunza William ndiye aive kudining kwavaive ikoko ini ndinoroja two rooms kaa so dining ndiyo kitchen futi ende ndimo munorara vana vangu. William pasi petable then Wendy kuside rine fridge. After vapindurwa zvavanga vabvunza William vakabva vapinda mubedroom mavakangosvika nekuzvikandira pabed, apa vanga vakabata bhodhoro redoro zvekuti doro rakabva raita kakubuda mubhodhoro richinosplasher kuface kwangu nekuti ndanga ndakarara ndisina kufuga musoro. Baba William..." Iwe imbwa iwe muka apa, ndirikuda kuti unditsanangurire nhasi urikufanha kundiudza chokwadi. Doro iri ndatonwira iwe. Saka wakatozohura kaa kuti uwane mari yerent nekuti ndanga ndichiexpecter kungosvika ndichiwana zvinhu zvangu zvakaiswa panze apo asi ndawana muchiri pano nezvivana vako zvakapusa futi zvisingagone kupindura mibvunzo. Vaitaura vachindirova rova mambama anotorwadza futi, hameno kuti ndiko kwaive kuzama kundimutsa here kana kudii apa vaitondidaro ndakamuka zvangu, ndakaita zvekugara ndikaridza zitsamwa ndichipukuta zvidoro zvanga zvaenda kuface kwangu. ..." Chiiko nhai baba William hamugonewo kusvika pano nepeace here, munondiudza zvekuhura ndakahura naniko nhai. Pese pamafungira munouya makadhakwa kuti mundishungurudze here. Madays amanga musipo aya ndanga ndichifurwa nemhepo kungouya kwenyu ka1 handisisina kana mufaro. Baba William..." Unoziva kuti ndogona kungotanga kukurova so. Kukutsika size chaiyo kana usina kukwana. Wanga uchida kaa kupinza chikomba chacho ndikakutadzisa kana kuti chirimo muno chakahwanda muwardrobe umu. Ndakangoridza tsamwa ndichitozvifugidza magumbeze ndichitarisa kurimwe side. Ndaifunga kuti munhu achindisiya kaa manje iye kutowedzera kundirova zvimambama kuti ndimuke, ndamuka futi ndikagara ipapo ndanga ndave kunzwa hasha, apa ndikatsamwa misodzi yangu inotanga kubuda voice rinenge rave kushaker. ..." Chiiko ndakutadzirei nhai, ndisiye kaa ndirare mhosva yangu kwauri ndeyei nhai. Baba William..." Ndirikuda kuti undiudze kuti chii chawakandipa chakaita kuti ndikanganwe mukadzi wangu nevana hee, ndiudze chii. Waive hure iwewe uchizviziva kuti urikudanana nemurume ane mukadzi wake nevana chii chakaita kuti ndizosiya mukadzi wangu I'm not stupid kainini. Ipapa kudhakwa kuedza kukanganwa zvinhu zvakawanda zvinouya mumusoro mangu, I failed my kids all because of you nechihure chako. Vana vari mumba umo pamwe havasi vana vangu. Mwana wangu akauya kubasa ndikatadza kumuziva akasiya anditukirira all because of you. Vaitaura vakaita kuburitsa ziso zvekuti hana yangu yakarova, kana hasha dzandainzwa dzakapera kuti hwaa. Apa pakutaura kwavo vaiita kundinaya nemate avo aingonhuhwa doro. ..." Baba William ko zvaita seiko nhai murume wangu. Handina kutoziva kuti zvandataura ndadenha mago, ndakaiwatsurwa mbama ndakavarairwa wani ndikavadzoserawo asi vakabva vatotanga kuda kundirwisa asi nekudhakwa ikoko vaitondidarika simba zvakaita kuti ndibude mumagumbeze ndichimhanya ndichibuda mubedroom. Ndakatora makeys padoor ndikabva ndavakiira mubedroom, ndokunozviwunganidza pasi mumagumbeze aWendy. Vakatanga kubanger banger door repabedroom vachipopota asi ini all I could do was cry. Baba William ndoshaya kuti ndakavatadzirei ini coz as far as I'm concerned handina chandakavashandisira, handiite zvemishonga ini. Ndakatozobiwa nehope ndiri mukuchema asi ndaichema zvisinganzwike nevana vangu. Ivowo vanga vasina zvavo kumbomutswa nenoise. Hameno kuti imbwa yanga irimubedroom yanga yazobatwa nehope here kana kuti yanga yanetawo nekurova rova door asi ndakatozorara husiku hwese mudining, ndichibva ndamukira kukiinura door repabedroom. Ndini ndanga ndiri paduty that week so ndakabva ndatonotsvaira yard, apa ndaisada kuonana nevanhu vemumanext room needu ndaitonyara kuti pamwe vanga vanzwawo noise yanga yaitika mumba mangu manheru. Ndakaita zvinhu zvangu nekukasika kusvika ndapedza, pandakapinda mumba mangu baba William vanga vatomuka vave kuendawo kunogeza, handina kumbotaura navo ini. Vakaita zvinhu zvavo zvese kusvika vabuda ini ndichitocleaner mumba mangu hanty maiuya vaenzi. Ndakanogeza pandaibva kunogeza ndipo pakabva pasvikawo Ronika. Takamhoresana tikapinda zvedu mumba, ini ndikatanga ndanozora mafuta nekuchinja hembe. Ndakatanga kubika tichitaura naRonika asi hapana zvake zvaaicomplainer pakugara kwake kwana Rumbie. Aitoti vaigarisana zvakanaka zvavo. Tichipedza kunwa tea Tatenda achisvikawo. Akashamisika achiona Ronika arimumba mangu. Ana William ndakabva ndatovati vambobuda vanotamba nekuti ndaida kumbotaura nevanhu vakuru, vana vangu sevana vanoteerera havana kupikisa vakangobuda. Tatenda..." Nhai Mai William ko uyu arikutsvagei pano munhu arikufanha ari kwamaiguru vake kuChitungwiza, chete it's non of my business, oyi mari yenyu yandauya nayo iyi. Ini regai ndiende zvangu kumba kwangu. Akadaro achinditambidza mari iya, ndikaita kuombera kani ndichitenda. Anga andigonera mwana wamai vangu and landlord vaizoshamisika vachindiona ndichivapa mari yavo. ..." Ko inga maita basa nhai Tembo, ayehwa ndoshaya ndokutendai sei kani hanzvadzi yangu. Tatenda..." Mutotenda zvenyu Rumbie ndiye atozondi convincer kuti ndikupei otherwise ndaingokusiyai makadaro nekuti mune nharo Mai William. ..." Haa Rumbie weiko pamari yako. Ipapa urikumhanya kupi ini ndichida kutaura newe, Ronika uyu ndini ndatoita auye pano nekuti ndiri kuda kutaura nezvenyu. I'm sorry hanzvadzi yangu nedzungu raakakuitira. Ndakaudzwa nezvazvo ndikatoona kuti anga ari very wrong Ronika aisafanha kupinda mubedroom maRumbie dressed like that. Tatenda..." Good kana makataura nezvazvo makagona mubva matotsiurana zvenyu kuti adzikame nekuti ndinomudzinga mumba mangu uyu akada kundiitira kunge hameno hameno. ..." Haa dzikama kani Tatenda asi newewo hausi kuda mwana kani. Zvino unoziva kuti vamwe varume vanenge vachitokuti hauzvare, I'm sure kuti Rumbie anotozviziva kuti haazvare and ari kutokupusisawo iwe manje ndakakutsvagira Ronika kaa uyu ari willing kukuzvarirai mwana nemukadzi wako ndozviziva kuti zvemasurrogare muZimbabwe hazvisi legalized asi izvi tinenge tichingoita pakuzivana kwedu tiri three kana mwana azvarwa onoroora mwana chete kwana Ronika then opa Ronika kamari kekumutenda then motochengeta mwana naRumbie wako, kana musingade kuzviitira mumba mako pamwe unenge uchifeeler kuti munenge muchitadzira mukadzi wako unongobooker lodge kana kuenda naye mugonyeti mako mune kamubhedha kaa muya, apa pauri kuenda kubasa unobva wangoenda naRonika iye anongonyepa kuti afirwa asi achitoziva madhiri enyu, hazvitode kuitwa kakawanda zviya anenge atove nenhumbu Roni uyu and hazvina kana ngozi izvi nekuti unenge usina kuhura kaa, Ronika wagara haumude uyu. Akamboita katime akanyarara achifunga zvake ndokubva azonditarisa, ipapo ndakangosekerera ndega so coz ndaiziva kuti answer yanga iri yes. Tatenda..." Zvamataura zviri kumaker sense asi handidi kuzoitirwa zvangu dzungu naRonika uyu ngaasanditi daddy handisi baba vake kana mudiwa wake ini. Madhiri angu naye ndeemwana chete zvogumira ipapo hapana need yekudeedzana nemapet names, Rumbie chete ndiye anonditi daddy, sweetheart kana babe iwewe kwauri ndiri bamukuru sezvamanga makangoudzana parespect yenyu maRue. Secondly handikwanise kuenda naye pathis trip coz ndirikubuda naRumbie asi maybe next time and not mutruck futi pamwe kulodge ndokungatoita, Ronika hazvisi zverudo izvi zvizive izvozvo ndezvemwana ndozokupai mari dzenyu mondipa mwana wangu that if akatozovapo mwana wacho, kumba uko usandiite kunge murume wako ndiri murume waRumbie and you have to respect that, I hope tanzwanana nekuti handidi kuzodzokorora zvandataura. Mai William I don't know why murikushingirira zvinhu izvi I hope your intentions are pure for your sake wanzwa kaa and mari yandakupa yerent chikwereti undidzosere mari yangu after 2 months handichengete mhuri yemumwe murume ini. Akabva atosimuka nekubuda, handina kumboteedza zvihasha zvake zvekubvuma defeat izvo. Ndakasara ndichisekerera ndakatarisana naRonika iye she didn't look happy asi akazosekererawo paakandiona ndave kuseka, anga ave kuda hanzvadzi yangu this one chete and somehow zvanga zvataurwa zvinenge zvanga zvamubata asi every small achievements counts. End of Chapter
❤️ 👍 🙏 😢 😂 😮 448

Comments