COCO NOVELS
COCO NOVELS
February 6, 2025 at 12:26 PM
https://chat.whatsapp.com/IdPgtj3QzGs0I7zS7itA2P *For maprevious chapters nemamwe mabooks edu follow channel yedu nekuti hatichakwanise kusender book kumagroups ese nekuda kweWhatsapp ban. Tauya nekamwe kashort story. Rumbie naTatenda wake 🔥* https://whatsapp.com/channel/0029VahxSwN0rGiIGnuFyF3v *Also like and follow our Facebook page* https://www.facebook.com/profile.php?id=61572207467699&mibextid=LQQJ4d *❤️💔 DECEPTION 💔❤️* Written by Coco🦋🖤 Chapter 11 *Rumbidzai* Ndichitobva kunogeza zvangu ndipo pakabva pasvika Tatenda kubva kwamai William, apa anga akatonetawo zvake zvekuti akangosvika nekuzvikanda pamubhedha ipapo ndanga ndave kutozora zvangu mafuta. Ndaimuona zvangu necorner yeziso achitura mafemo and anga asina kumbondimhoresa or even kungondipa kakiss zvaanosiita pese paanopinda mumba, handina kumumhoresawo ini ndaitoda kuziva kuti chii chaizvo chaikonzeresa kuti pese paanobva kwehanzvadzi yacho mood yake inenge yachinja like apa hanty anga atobva tichitaura tese zvakanaka ko chii chaiita kuti ature mafemo kudaro. Ndakapfeka hangu dress rangu ndichibva ndagara pabed ndavekugadzirisa gadzirisa musoro wangu, wanga uri styled zvakanaka hazvo pakuti munhu aindi retoucher rasta rangu ainyatsoziva zvaanoita. ..." Maswera sei, ko mawana kurisei kwatete asi mawana vatodzingwa kare kani zvamabva madzoka muchitadza kana kutaura neni. Tatenda..." Sorry babe, I just have a lot on my mind and Mai William zvimaplans zvavo zvakadhakwa. ..." A lot on your mind?, ndiudze kaa chii chakunetsa kudaro and maplans amai William auri kutaura nezvawo ndeapi manje coz now I'm confused. Akabva atsikitsira pasi, ndokumboita kanguva akadaro zvekuti ndakatombofunga kubuda zvangu ndomusiya akadaro asi I wanted to know kuti zvii zvavaironga nehanzvadzi yake. Tatenda..." Hazvina basa babe I don't want to stress you nenyaya dzamai William dzisina basa you know how she can be at times asi don't worry everything is under control. ..." Everything is under control chii chacho iwe uri stressed. Tatenda une zvinhu zvauri kuviga hako asi it's fine. Handina kumirira mhinduro yake ini ndanga ndatodhiniwa. Ndakabuda ndichienda panze kunobvisa washen yandanga ndayanika makuseni. Ndave kutonopinda mumba ndakabva ndadhumana nababa Alpha padoor, ugoona kubva zvavaka mover in ndanga ndisina kumbobvira ndaonana naye iye Malcom. Instead yekuti angobva munzira ndipinde akangoramba akamira padoor. Ndakatsauka munzira ndichiti abve padoor kaa abuda panze asi iye akabva atondinditsimbirira pamadziro ndokundibata muwaist neruoko rwake, achibva aunza face yake padhuze dhuze neyangu kuita senge anoda kundikisser. Baba Alpha..." Kubva waita kunakira svoto kudaro, dai tsaga rako risipo iro tave kutoenda mubedroom mangu nekuti nhasi Mai Alpha havapo. Apa ndakusuwa sei unenge urikungozvinzwa nepakakugumha apa. Aidaro achinongedzera pamberi petrouse rake nemaziso. Apa ini ndanga ndakabata dutu rewashen ndanga ndisiri kukwanisa kumupusher kuti abve pamberi pangu ndipinde mumba. Pamba pedu pane fence zvekuti munhu arikure aitotiona takadaro aitoti tinodanana apa vanhu vachiziva kuti murume wangu ndiTatenda nhaimi Satan uyu anga andibvira nepiko achida kuparadza marriage yangu. Ndakanyatsonzwa kuzarirwa nehasha chaidzo. ..." Iwe ibva pamberi pangu apa hona tiri panze ko vanhu vakationa vanotifungirei, kana iye murume wangu akabuda panze anotofunga kuti ndiri kudanana newe apa takarambana kare kare, undikwanire wanzwa kana uri muroyi akauya kuzondiparadza ndave kutokukumbirawo nezita raJesu kuti usiyane neni inga une mukadzi wako wani. Baba Alpha..." Ndave kungokusiyawo nhasi coz tiri panze asi wakatsamwa unobva wawedzera kunaka and ndobva ndatonzwa kunyatsokuda chaiko, asi zviri zvekusiyana newe chaizvo kanganwa shamwari ini ndakuwana futi after so many years, chero zvikanzi ndakaroora iwewe wakaroorwa, Rumbie haudiwo kasecond time here kekuti unzwe kuti how far. Pamwe ndinobva ndatokumitisa zviri kutadzwa nedzenga rako iro. Nhai Ruru wangu ungade kuti tingonzi takaita zvinhu zviya kamwechete here zvichibva zvatopera, hausi kundinzwirawo here zvandiri kukunzwirai. Ipapo anga ave kutaura abvisa zvimaoko zvake muwaist mangu plus anga abva pamberi mberi pangu, kusanyara kwake kundipinner pamadziro masikati machena panze futi. Handina zvangu kutaura naye anything asi ndakatarisa tarisa kuti hapana ationa here takamira mumiriro usingaite iwoyo panze ndokubva ndakangoridza tsamwa ndichitopinda mumba, iye akasara achitoseka zvake. Aisada kupihwa time mhani munhu uyu, aitozoshandisa nguva iyoyo zvisirizvo mxm. Ndakanopinda mubedroom ndatotsamwa worse kudarika zvandanga ndabuda ndakaita. Tatenda ipapo anga atozvambarara zvake akavhara maziso ake, akaisa maji mudenga. Zvaitoratidza kuti haana kumbobuda panze and haana kuona zvanga zvichangobva kuitika. Kuri kunzi anga abuda ndaizvitsanangura sei nhai. Malcom aifanha zvake kungobva pamba pangu asi kana ndikanzi ndada kuvadzinga ndaitaura reason yei chaiyo pavanhu vatanga tisina kana mwedzi tagara navo plus mukadzi wacho ndanga ndisina kana problem nayo, problem yanga iye ex wangu uyu, anga ave kutoda kundishaisa mufaro pamba pangu. Ndakarongedza hembe dziya ndokunotanga zvangu kubika chikafu chemanheru, chandakatozodya ndega nekuti Tatenda akangodya two spoons chaidzo dzerice. Handina chandakataura naye kana kumubvunza ini, kahunhu kake kekundivanzira zvinhu kaitondibhohwa zvangu zvekuti ndakanonoka kuenda kunorara ndichingobata bata zvinhu kukitchen. Pandakapinda mumagumbeze ndaitoti munhu arara kaini asi ndakazonzwa ave kunditendeudza nekutotanga kundikisser achienda pamusoro pangu. Nyangwe ndakatsamwa zvakaita sei izvozvo ndakatoudzwa nevakadzi vekuRuwadzano kuti murume haanyimwe zvinhu zvake so takangoita zvaaida izvozvo ndokutozorara tave kutotaura tese zvakanaka, tension iya pasisina. Sunday takaenda tese kuChurch yepaManressa, panga pasina kana vanhu vakawanda asi takakomborerwa zvedu ndokudzokera kumba tichisvikiranawo naRonika achibva kuoff, Tatenda ave kuregera zvake kudaira amhoreswa naRonika, kutopfuura zvake senge asina kunzwa kuti anzi "Maswera sei". Unotoshaya kuti chii chaizvo chaakavengera Ronika iye murume wangu, iye Ronika wacho akaratidza kakubatikana nazvo asi ndakazongomuti pamwe anga asina kuzvinzwawo Tatenda wacho asi chandinoziva ndechekuti anga azvinzwa asi hameno kuti chii chaizvo chainyatsoitika paari akaona Ronika, sometimes ndaitonyatsoona kubhohwekana paface pake kana tichidya naRonika mudining. Ana Tatenda ndivo vanhu vano ill treater vasikana vebasa ivava nhaimi hanty maid anenge atovewo part of the family here asi chero akavenga Ronika wacho atleast anga asina kuuyira iye pano anga auya kuzobatsira ini basa and zvinhu zvangu zvikafamba zvakanaka ndikawana shop yekurenter, Ronika ndiko kwaangatozonoshanda kushop ikoko. Manheru ndini ndakabika sezvo ndanga ndave kutoziva kuti murume wangu haadye zvabikwa naRonika, ndaibika Ronika arimowo mukitchen achingosekerera akatarisa madziro, hapana kwamaiguru kwanga kwamboendwa kuoff apa it's obvious kuti anga aenda kunoona kamukomana kake zvake vakanoita sleepover coz tuma actions twaayiita twairatidza kuti mwana ari murudo uyu, handina kumubvunza hangu coz handisi shamwari yake kaa ini I'm her boss plus zvemasleepover ake it's non of my business kana achizviitira kunze uko asi akazounza kamukomana kake mumba mangu manje ndipo pangatozoite nyaya ipapo. Week iroro ndiro randakabuda naTatenda iye ayienda kuZambia zvekuti ini kutofamba naye kwaive kuzvitendetedza zvangu asi takangoenda tese zvakadaro, achibva anondisiiya muVictoria falls mandakazonokwira bhazi rainondisiya kuMusina. Ipapo iye Tatenda anga asiri kumbonoita zvake madays akawanda arikuZambia nekuti kwaingove kuno offloader zvaanga aenda nazvo then otora imwe load otodzoka zvake kuZimbabwe ongoita two days off odzokera futi kubasa hameno anenge ave kuendawo kunyika ipi ipapo. Ndakanosvika muMusina ari manheru chaiwo zvekuti takatorara mubhazi ndokuzomuka ndichiita zvekuhodha makuseni. Day iroro rese ndakaripedza ndichihodha zvinhu kumanheru ndokutoenda mubhazi tave kudzokera kumba, mabags ezvinhu zvanga ndanga ndanyatsovhara zvakanaka aiswa mubhazi plus ndanga ndiina 3 piece set yemamonarchs iya yaidiwawo nevamwe amai vekuchurch and vanga vakatondibhadhara half price yacho. Takanosvika muHarare na8 makuseni, ndichibva ndatsvaga chimota chakanondisiya pamba chaipo nekuti ndaive nezvinhu zvakawandisa. Pakazodzoka Tatenda zvinhu zvangu zvese zvanga zvatopera kutengwa ndatove nemari yekuti ndinohodha futi, ipapo ndanga ndatove nemaorders hobho evanhu nekuti ndaiti ndichipa munhu zvaakaorder aibva atondipa mamwe maorders futi, business rangu raiita kubloomer chaiko zvekuti pandinodzoka kubva kuMusina apa ndinogona kutovhura shop. Even zvinhu zvandanga ndangohodhawo pasina azviorder zvakasvikotengwa zvese cash. Ndainyatsonamatira Mwari zviripo mufunge hakuna kuvhurirwa mukana kunodarika apa. Tatenda akadzoka kubva kubasa kwake ndokuita two days off dzake, asi day raaidzokera futi kubasa ndiro day randaida kutopindawo mutown kuti ndipihwe mari dzangu dzanga dzasara muvanhu ndobudawo mangwana acho kunohodha, manje hazvina kuzofamba sekudaro nekuti Ronika akabva akagumuchirawo shoko rerufu, akafonerwa achiudzwa kuti bamukuru vake vanga vashaya. Akarwadziwa zvake zvakatozondiforcer kuti ndicanceller zvekuenda kuMusina coz iye Ronika anga ave kutoenda kuNyabira kunhamo apa Tatenda achiendawo kubasa so ndini ndaitosara pamba ndozonohodha kana Ronika adzoka kunhamo. Anga asati zvake ave nemwedzi achishanda pamba pedu asi ndakamupa half yepay yake kuti awane mari yekufambisa, ndakawedzera ne$20 yekuti vanobatsirikana panhamo, nekuda kwekuchema kwaaiita ndakaona zvisingaite kuti aende ega kutown so Tatenda ndiye akamuperedza kunomukwidza bhazi iye aibva azopfuurirawo achienda kubasa kwake. Ndakasara zvangu ndiri ndega pamba, Mai Alpha hameno vanga vaendepi zvekuti ndakatosvika manheru chaiwo ndisina kuvaona. Manheru ndichitoona zvangu tv ndaitonzwa kubhohwekana ndiri ndega zvangu, ndakangoona baba Alpha vapinda mudining mangu, panga pasina door rinoseparater marooms atinoshandisa neavo so vanga vatongobva mumba mavo nekutofamba zvavo nemupassage vachiuya kudining hameno vanga vazvizivawo sei kuti ndiri kudining nhai. Ndakasimuka pasofa nehasha chaidzo vaideiko mumba mangu nhai kubva day ravakandibata muwaist panze tanga tisina kuzombotaura tese. ..." Murikudei mumba mangu baba Alpha, apa mangopinda kunge muri kupinda mumwena kutadza kana kuti "gogoi". Budai mumba mangu tione. Baba Alpha..." Ndakambokuudza kuti kana wakatsamwa unobva wawedzera kunaka hanty apa nedress rawakapfeka rinonyatsoteedza muviri richi shaper mahips ese ayo, apa waona kuti rakasvika papi ndiri kunakirwa zvangu nekuona zvidya zvakatsvukira. Uri kupaparikei munhu mukuru sewe, ingawani pandakarara newe uchiri mudiki paya wanga usina kana dzungu rawave kuda kuita now watove mukadzi mukuru. Aitaura achiswedera kudhuze neni, zvakaita kuti ndiswederewo kumashure, ndichibva ndadhuma sofa, ndakabva kwaive nesofa ndokufamba ndichienda nechekumashure kwesofa. ..." Usataure rubbish, buda mumba mangu. Uri kuuyirei kudhuze kwangu buda muno mhani ndisati ndascreamer uko. Baba Alpha..." Manje chero ukascreamer zvinobatsirei isu tiri two chete nhai, Mai Alpha arikurara kwasisi vake kwaaswera and I know kuti uri wega nhasi mumba muno so it's just the two of us darling. Akadaro achiruma muromo wake wepazasi, kudhara paaizviita hameno zvandainzwa kani ndaitadza kugarisika asi it's because I was still young back then and stupid apa paakazviita ndakatonzwa kusvotwa ndikaridza tsamwa. Apa iye Malcom wacho aitoramba achifamba achiuya kwandiri. Ini ndakaramba ndichifamba nenhendeshure kusvika ndanodhumira pamadziro, ipapo ndanga ndisisina kwekuenda manje apa iye Malcom anga asvika pandiri chaipo achibva aisa maoko ake pamadziro mumaside mangu umu apa akamira pamberi pangu zvekutonamirana neni chaizvo. ..." Nhaiwe ibva pamberi pangu kani iwe benzi iwe, wakandisiya wani kudhara pandanga ndichiri kukuda why wave kuda kuparadza imba yangu, why wadzoka kuzoparadza life yangu. Wakandisiya ndiine ronda asi I managed to heal now wadzoka kuzo opener that closed wound here. Please Malcom buda muno. Ipapo misodzi yangu yanga yave kutoyerera, zvaanga akandiita zvacho ipapo zvaisatomboita kana, ndaitonyatsomunzwa iye wese akaita kunamirana neni ipapo. Akatanga kundipikuta misodzi ne1 hand rake apa nemamiriro atanga takaita ipapo ndaisakwanisa kana kumover maoko angu coz anga akadzimbirirwa kumadziro, iye Malcom semunhurume ane simba kaa kundidarika zvekuti hapana kana movement yandaikwanisa kuita. Baba Alpha..." Ruru hatina kumborambana isu and now ndadzoka kwauri mukadzi wangu, ehe ndakabhaiza kudhara asi ndadzoka wani. Ndichiri kungokuda Rumbie you will always be the love of my life, zvandakaita paye hwaive hwudiki asi now I'm back for what's mine and I don't care kuti wakaroorwa and inini ndakaroora coz wandaida kubva kare ndiwe and nanhasi ndichiri kukuda babe, chimbomira kuita hasha babe, ini ndini ndofanha ndakatsamwa nekuti wakasara uchipa mumwe murume zvinhu zvangu ukasvika pakutoroorwa naye. ..." Zvinhu zvako zvipi, ibva pamberi pangu apa. Kundida kundida chii chacho iwe wakanditiza. Urimbwa Malcom, zimuroyi remandiriri wanzwa hameno kuti chandakamboona pauri chii asi uritsvina yemunhu, kaku.... Ndisati ndapedza kutaura akabva aisa kagunwe kake pamuromo wangu zvekunditi shii nyarara zviya, handizive kuti zvakanyatsofamba sei ipapo asi ndakangoti ndichisimudza musoro wangu kuti ndimutarise munhu achibva atotanga kundikisser zvefast fast ininiwo handizive kuti chii asi hameno zvandakangotanga kunzwa mubody mangu then I kissed him back zvefast yehubhinya bhinya yaaiitawo iyoyo. End of Chapter
❤️ 👍 😂 😢 🙏 😮 298

Comments