COCO NOVELS
February 7, 2025 at 09:26 AM
https://chat.whatsapp.com/IdPgtj3QzGs0I7zS7itA2P
*For maprevious chapters nemamwe mabooks edu follow channel yedu nekuti hatichakwanise kusender book kumagroups ese nekuda kweWhatsapp ban. Tauya nekamwe kashort story. Rumbie naTatenda wake🔥*
https://whatsapp.com/channel/0029VahxSwN0rGiIGnuFyF3v
*Also like and follow our Facebook page*
https://www.facebook.com/profile.php?id=61572207467699&mibextid=LQQJ4d
*❤️💔 DECEPTION 💔❤️*
Written by
Coco🦋🖤
Chapter 12
*Tatenda*
..." Why wanga wave kunyanya kuchema kunge munhu afirwa zvemashuwa hee, zvinhu zvekunyepa zvinozoda here kuti ucheme kudaro kunge uri kutoshuvira bamukuru vako ivavo kuti vafe.
Ronika..." Vane basa reiko bamukuru vacho chero vakafa zvine basa rei. Ita zvekuti tiende kulodge shaa and handisikuda zvilodge zvemahure hure zviya ziva kuti uri kuenda nemunhu achazova mai vevana vako.
..." Ndozvandanga ndazvirambira izvi une dzungu iwewe mxm. Akuudza kuti tirikutomboenda kulodge ndiani, vanhu vakakurira kumusha dzungu plus urikuti Mai vevana vangu, vana vangani iwewe chako kungova baby making machine yemwana wangu one then Rumbie ndiye oita mai vemwana iyeye.
Ronika..." Manje handina kumbokurira kumusha wanzwa, Harare ndinoiziva semaziviro andinozviita muviri wangu wese chero murima. Harare ndeyedu kaiyi taitombo.....
Akabva angonyarara asati ataura apa ndipo pandaitodawo kunzwa kuti zvii zvavaimboita. Ipapo taitofamba kuenda kunokwira combi yetown. Ndanga ndazongobvumawo kuita madhiri aya kuti ndingoona kuti ndinozvarisa here kana kuti ndini ndine problem nekuti zvinongonyadzisa kuti munhu wemurume ndizoita zvekuudzwa nadoctor kuti masperms angu ari weak kana kuti ndine low spe*m count apa ndinenge ndichitozvitiwo murume pavamwe varume ipapo.
..." Pedzesa wanga uchida kuti pamaimbodii. Kumba uko unenge uchinyepera kuzviita kamunhu kakanyarara, kamunhu kanehunhu asi uchitaurisa kudai.
Ronika..." Unenge uchida nditaure nemukadzi wako kuti chiiko nhai sweetheart, chipo chekutongoti Rumbie ndimaiguru vangu saka kuti ndizotaura nemunhu wandino sharer naye murume zvinobuda here ndopedzesera ndazovhurikira kaa.
..." Ndiani sweetheart wako, ndakati chii nekundideedza nemapet names.
Ndakataura ndichitowaver combi yaideedzera town. Haana kuzombopindura zvake Ronika nekuti nyaya yedu yakaguriswa nekukwira mucombi. Hatina kugara padhuze nepadhuze mucombi macho ende ndakatofarawo, zvadaro hatina kuenda kulodge asi takaenda kuN1 hotel irimutown iya. Ndanga ndaitawo tumadhiri kubasa palast trip yandakaenda so ndanga ndiine mari inokwana kubooker room for two nights, ehe two nights coz ndanga ndakanyepera Rumbie kuti ndapihwa two days off ini ndapihwa four.
Ronika..." Hii kunoku kwakanaka shame, ndanga ndichitoti tichaenda pazvilodge zvanamuseyamwa ndanga ndisingatarisire kupinda muhotel wow, hona kunaka kwakaita room yatiri apa tinenge tiri pano for two nights.
Handina kumbomupindura coz ndanga ndave kutofeeler guilty, hameno face yaRumbie yaingoramba ichiflasher pamberi pangu zvekuti ndainyatsonzwa kuti apa ndiri kumutadzira. Ronika aitoita kunge mupengo achitarisa every corner yeroom iya nekutotarisa bedding zvese, ini ndanga ndangogara pachair yanga iri mucorner ndichitonzwa kapain pamoyo pangu apa zvaisaita kuti ndivhare maziso angu coz ndikangodaro ndaibva ndatoona Rumbie achisekerera kana achichema ndotonzwa kusungikana pamoyo so ndanga ndakatarisa Ronika achiita kunge mupengo atanga kuziva hotel nhasi.
Ronika..." Ko chii honey, why uri down kudaro wani tichibva kumba wanga uchitotaurawo wani now what's wrong. Let me massage you unyatso relaxer hanty.
Aitaura achindibata bata mashoulders angu, kana kuti anga abva kwaaiona-ona zvese zviri pabed nguvai handizive. Ndakamubvisa zvimaoko zvake ndikamukanda kwakadaro uko. Zvakangoitika ne2 minutes asi ndakatozo regretter ndaona ave kuchema Ronika.
Ronika..." Nhaiwe ndizvo zvawauyira neni kuno here kuti undishungurudze uchindikanda pasi kunge saga recement. Ndakuvafonera zvangu Mai William ndivaudze kuti zvinhu zvenyu izvi handichade, handidi zvangu zvekushungurudzwa ini. Kana usingade wakadii kungoramba pane kuuya neni kuzondiuraya kuno.
Ndakanzwa zvangu tsitsi ndanga ndamukuvadzawo iye asina mhosva zvake. Mastress angu ekubetrayer Rumbie ndiwo anga akonzeresa zvese izvi. Ndakanomubata ruoko ndichida kumusimudza.
Ronika..." Ndisiye uko, ndisiye asi urikuda kundikanda pasi futi unyatsondiuraya this time.
Anga ave kutowedzera kuchema, anenge anotopengawo Ronika wacho plus kuda kunyanya kundiyemera ungati mukadzi wangu. Ndakaita zvekumutakura kubva pasi ipapo ndichibva ndanomugadzika pabed, iye kwave kundidhonza ndichinowira pamusoro pake.
..." Chiiko urikundidhonzerei kwana iwe.
Ronika..." Kuti tiite zvatafambira kuno kaa, ko tauya kuzodya sadza here.
Akataura achidhonza collar yangu, ndakabvisa tumaoko twake ini, atori neproblem yekusanyatsoti kwesere musikana iyeyu.
..." Tozozviita manheru kani, chimbondisiya ndimbozorora.
Ronika..." Ko zvine time table futi, murikuda kuzorora chiiko nhai daddy munozo zorora after kaa tikangoita kahwani izvezvi then tozoita futi manheru hanty ndokuti nhumbu yacho ikasike yabata here.
Ipapo aitodhonza futi collar yangu, ndakazongosiya ini ndatoona kuti regai tingoita zvinhu zvacho zvipere. Zvadaro akatanga kundibata bata musikana wacho, zvaiita ipapo ungati akaenda kuchikoro chezvebonde ichi, kuita kunge munhu akaita course yacho akagraduater kudaro. Akaita zvidobi dobi zvake zvese zvekuti dai ndaive mumood kaa haa dai ndakanakirwa manje ndaisave mumood ini and hapana kana chakaitika mufunge zvinhu zvese kungoramba zviri zii ungati zvinongovhunduka Rumbie chete muridzi wazvo.
Ronika..." Nhaiwe asi wakaremara, ndave nenguva ndichizama zvese wani asi hapana kana chirikuitika. Shaa enda hako unotenga mapills kana hameno zvimushonga papharmacy iripadhuze nhaimi tingonzi tauyira kuno mahara here.
..." It's because handisi kuzvifeeler zvese izvi that's why ndanga ndati manheru coz I know kuti by then ndinenge ndave calm.
Ronika..." Manje zvinoda timetable here, ndakufonera zvangu hanzvadzi yenyu ndivaudze kuti zvaramba izvi coz ndini ndiri kutokuitirai favour pano asi instead yekuti muzvione murikutoda kuti kunge ndimi murikundiitira favour. Ndakangonzwa tsitsi pandakaudzwa nyaya yenyu ndikati ndokuzvarirai mwana asi kana makudai haa zvatodhakwa.
Ipapo aitaura ari serious zvisina kana majokes zvakaita kuti ndione kuti ndini ndanga ndave kutokanganisa. Ndakamuita masorry, sorry akanzwisisa ndokubva ndatanga kuimaginer ari Rumbie and pandakadaro zvakatoendeka tikatoita zvinhu zvacho, asi ndanga ndakavhara maziso angu ndichitodeedza Rumbie nechemumoyo. Tichipedza ndakabva ndatonogeza and the guilt was weighing me down. Varume vanohura vanozvigona sei nekuti inini hana yangu yaingorova apa kamunhu kandaive nako kaitoda futi, haa ndakazoramba ini. Asi kumanheru takazozviita futi, ndanga ndave kungozviudza kuti I'm doing this for the sake yekuda mwana and I'm sure kuti Rumbie akazozviziva patove nemwana anenge asina imwe option pane yekutongotambira zviripo.
Ronika kubva patakatanga kurara tese like kuita s€x, dzungu rese rakabva rapera nekutaurisa. Takazongopedza two days tirimo muhotel muya ndokuzopesana zvedu mutown ini ndave kuenda kubasa iye kumba. Apa pamadays andanga ndiina Ronika phone yangu ndanga ndatodzima zvekuti pandakaibatidza handina kufonera Rumbie coz by then kwaari ndanga ndisisiri muZimbabwe so kumufonera neZim number yangu zvaisabuda though ndaigona kungoti iri paroaming asi ndaisatoda kurisker zvangu.
Takataura zvedu naRue wangu asi she wasn't herself even pakutaura pawhatsapp ipapo, akatoramba even video call which made me feel worse ndichiti pamwe anyumwa zviri kuitika or worse pamwe aenda kune vezvemweya akanoudzwa kuti murume wako arikuita hupombwe. Kubasa ndakangoenda zvekuti ndingadii asi even pakudriver hana yangu yanga isina kana kudzikama zvayo. Kakufeeler guilty kanga kakaita kuzara and I found myself thinking kuti ko kana Ronika akanoudza Rumbie, apa ndanga ndisina number dzake iye Ronika zvekuti ndimufonere ndimuudze kuti atsitse hana yake. Kungorotomoka kwake ndiko kwaitovewo kuparara kwemarriage yangu.
Ndakazoti ndatove paboarder Mai William vachibva vafona, ndanga ndichiri kuZimside so ndakabva ndatovadaira paya though ndaisada zvangu kutaura navo asi chero ndikava ignorer ndaizongotaura navo chete. Ndichingodaira phone ndavatange zvavo kupururudza Mai William ungati munhu asina kukwana, ndakapotsa ndavatuka ini asi mood yangu yaisatomboda zvese izvozvo. I was worried nezvaRumbie and pane kapfungwa kaingondiudza kuti she knows something chete apa kuti ndimubvunze something ndini ndinenge ndave kutozvifumura manje. The worst part ndeyekuti ndikazoenda kuChurch then I will be forced kureurura apa zvinoitwa tisati tatopinda muchurch, ipapo ndinenge ndasvika naRumbie ndotanga kureurura hupombwe hanty mereji inobva yatoparara.
Mai William..." Ndanga ndichitaura naRonika paphone manje manje so, I'm so happy makazviita Tembo ayehwa makazviita kani. Manje manje tinenge tatove nekaTembo kedu. Kana kakaita kamanjenjenje munotozvara mumwe futi nekuti tinoda mudyiwenhaka isu. Kana Ronika wacho mungarwadziwe nekumuroora here kana zvadaro hanty ndiye anenge atove Mai vevana venyu nhai baba Zvichauya.
..." Murikufarei nhai Mai William. Dzimwe nguva ndinombofunga kuti waidya zvako mari yechikoro uchibunker malessons ini coz une pfungwa dzebete chaidzo. Kana mwana azvarwa chero mukomana kana musikana chero azvarwa hanty mudyiwenhaka zvekuti vakomana ndovega vadyi venhaka wakazviwanepi apa uri munhukadzi hautokoshese gender equality unoita kunge kambuya kekunguva yeslave trade.
..." Kwanga kuri kungotaura zvekufara hanzvadzi, ungabva watsamwira zvinhu zvisina basa kudaro kani.
..." Ayehwaka musangotaure sekagrade zero plus mwana wamuri kungotaura nezvake mamuwanepi. Ko mambofungawo kuti ko kana ndirini ndisingazvare. Zvima theory zvenyu zvepasi pemuti zvamakataura munoti ndakambozviteerera ini. Kurara kwandakaita naRonika kuedza kuprover something to myself ko akasaita nhumbu yacho imi mave kutofarira asi uri muroyi kani anoona zviri mudumbu remunhu.
Mai William..." Tatenda unenge wanga wagarawo urimuma moods ako, sorry ndafona nguva isiriyo.
..." Mamoods eyiko urikuda kuti ndikusekerere uchitaura sh*t manje, ukwane iwewe wanzwa. Zvekuti ndiroore Ronika uri kuzvitaura pakuita sei hee, asi hauzvizive kuti ndine mumwe mukadzi kana kuti you are just acting stupid, ndine day randakambokuti ndinoda barika ini.
Mai William..." Iiih sorry Tatenda anga ari majokes, ndinenge ndafona wrong time I'm sorry.
..." Sorry chii chacho hauna kukwana Chiedza iwewe ndosaka chimurume chako chisisakuchengete ndiani anoda kuchengeta mukadzi ane pfungwa dzeshiri sewe apa haudi kushanda futi kungongwarira kuda zvakapfava sehonye ipapa airtime yekufona waiwanepi munhu aichemera mari yerent mazuva adarika ayo, instead yekuti utochengeta mari yauri kuwaster uchitenga airtime yekundiudza zvekumama iyoyi uzokwanise zvako kundidzosera mari yangu hausi kukwanisa asi basa take take nenyaya dzisinei newe zvemumba mako wapedza?
Akatozocutter call iyoyo nekuti ndanga ndave kutopedzera hasha dzangu dzese paari. Ndiye anga akonzeresa zvese izvi mhani Chiedza, dai asina kudyara kamhodzi kedoubt mupfungwa dzangu ndisina kana kumborara naRonika, now mukadzi wangu anenge anga azviziva, ndaigadzirisa sei marriage yangu nhai. Ndakazotanga kuconcentrater nebasa rangu kuita kuti ndisafungisise asi hana yangu yanga yave kungorova kuti kumba ndinonosvika kwakamira sei. Apa Rumbie anga asisabatike paphone pacho zvekuti imwe pfungwa yaingoti zvimwe akatobva pamba pangu. Nhaimi marriage yangu yoparara here nhai.
End of Chapter
❤️
😂
👍
🙏
😢
😮
515