COCO NOVELS
February 8, 2025 at 09:21 AM
https://chat.whatsapp.com/BjCJS0oYSrl7RnyC3ge49X
*For maprevious chapters nemamwe mabooks edu follow channel yedu nekuti hatichakwanise kusender book kumagroups ese nekuda kweWhatsapp ban. Tauya nekamwe kashort story, Rumbie naTatenda wake 🔥*
https://whatsapp.com/channel/0029VahxSwN0rGiIGnuFyF3v
*Also like and follow our Facebook page*
https://www.facebook.com/profile.php?id=61572207467699&mibextid=LQQJ4d
*❤️💔 DECEPTION 💔❤️*
Written by
Coco🦋🖤
Chapter 13
*Rumbidzai*
Takatoita time tichikisana naMalcom apa kiss yacho inosvuura muromo iya. Face yaTatenda yakazongouya mupfungwa dzangu ndiribusy kukisana naMalcom paya ndichibva ndamuruma muromo, ndiko kubvisa kwaakaita muromo wake pane wangu asi ndanga ndisina kumbomuruma zvakanyanya nekuti haana kumbobuda ropa zvake. Instead yekuti abve pamberi pangu akaramba akamira akabata bottom lip rake randanga ndaruma achiita kakusekerera ungati anga asina kurwadziwa. Akaramba akanditarisa akadaro and kutaura chokwadi handina kumbonzwisisa zvakaitika, takangotanga kukisana futi ipapo anga ave kundibata-bata manje zvekuti ndakaita kunge munhu arohwa nechadzimira, kubviswa kwandakaitwa hembe handina kana kukunzwa even kudzika kwatakaita kuenda pasi chaiko, kuti ndini ndakabvisa Malcom hembe dzake here kana kuti akabvisa ega handizive kutaura chokwadi ndoita kunge ndaingoona rima chete ungati ndanga ndashandisirwa mushonga. Ndakatozobengenuka Malcom achibva pamusoro pangu achienda paside, apa achiita kuchururuka ziya, ndainyatsonzwa kuti kuzasi kwangu kune zviri kubuda plus it was obvious kuti pane zvanga zvaitika. How could I be so stupid nhai.
..." Nhaiwe wandiitei. Nhai Mwari what have I done. Nhai Malcom why did you rap€ me, aah nhai... Yuhwi nhai....
Ndaiita kupererwa nemashoko chaiwo ndichingotura mafemo kasingapere. Apa iyo misodzi yanga yave kutoyerera. Ndanga ndaita zvekugara zvino ndisina kana kupfeka mufunge, kana iye Malcom anga aripaside pangu asina kupfeka. Akatanga kutoseka zvake kunge zvaiitika aive majokes. Ndokutondidhonza achindihugger, ndakamubvisa zvioko zvake ndikatanga kumurova mambama kusvikira andibata maoko angu, ndainzwa hasha, kuzvinyarira chaiko netsvina pabody yangu yese. Nhaimi zvanga zvambofamba seiko nhai. Paakandibata maoko angu ndakatanga kuchema zvekuridza mhere chaiko, ndainzwa pain pamoyo wangu, kutonzwa senge ndiri kufema mweya mushoma chaiwo. Asi dai Mwari vangonditora zvavo, how could I do this to my husband naMalcom futi of all the people.
Malcom..." Urikuchemeiko iwe don't act like zvataita wanga usiri kuzvida apa.
..." Kuzvida chii chacho wandiraper iwewe Malcom, how could you be this evil nhai. Tatenda akangozviziva marriage yangu yaparara kani. Wandishandisira mushonga upi coz honestly handisi kuziva kuti wandiitei. How could you rap€ me nhai Malcom ndakutadzirei zvekuti pese pawandionera unoda kusiya wandiparadza.
Ndaitaura misodzi ichiyerera pamatama angu. This was too much for me it's better kutongozviuraya zvangu pane kurarama mukunyara like this. Apa ndaingofunga Tatenda, I had betrayed his trust, betrayed his love naMalcom here veduwee. Iye Malcom wacho kutoseka Mwari dai ndiine simba ndaimumonya huro ini.
Malcom..." Iwe ungati rap€ pazvinhu zvawanga uchitodawo. Ndiani anobatirira achirepwa hee ko watadza nei kuscreamer kuti ubatsirwe hanty wanga uchitoita tumasounds twekunakirwa apa. Pukuta misodzi yenhema iyo nekuti watonakidzwa nezvatanga tichiita pano. Kana ndakuraper chienda kaa unoreporter kwaunoda, kana ooh phone iyi fonera mapurisa ureporter nyaya yako ndisungwe. Munhu wako uya akakuramba ndongokutora kaa inini ndagara ndinokuda zvangu and ndiwe unenge uri vahosi nekuti ndakatanga kuonana newe ndisati ndaonana namai Alpha so ndiwe utori first wife.
..." Urimbwa wanzwa, urimuroyi handitozive kuti ndonyatsokutuka zvipi zvacho asi nxaa I'm hurt wandirwadzisa Malcom.
Malcom..." Manje iwewe unonaka and ndiri kutokuda futi, ende hauna kana kushisha zvandanga ndichitofungira, ndiri kutoita kunge ndatangira pandakasiya chaipo, ukati nabharanzi wako uyo mune chamunoita imi nekuti ndatoita kunge ndakubvisa humhandara kechi2. Unoziva ndiwe mhandara yangu here babe, ana Mai Alpha ndakawana vatove gaba zvaro ndikatoti gaba zvishoma asi chibhorani chaicho kunge tsime rekumusha riye. Ndakatozongomuroorera kuti anga aita nhumbu otherwise ndanga ndichiri kutoda iwewe asi ndazokuwana kaa nhasi and uchiri fresh. Malips ako haana kumbofitwa nekundituka, dai uri mumwe uri kutondi kisser zvako. Apa hona ukachema unobva washata, wakanaka uri pasi pangu ndichiita zvese zvandinoda newe.
..." Ndisiye uko siya maoko angu mwana waSatan usataure neni voice rako riri kutondisemesa ndiri kubva ndanzwa kuda kurutsa. Puu urimbwa yemunhu iwewe, ndisiye uko.
Ndakamusvipira mate kumeso chaiko chaiko. Achibva andisiya maoko angu ave kupukuta mate andanga ndamusvipira aya achizhinya kunge zibenzi. Ndakasveerera dress rangu ndikaripfeka ndakagara kudaro, I felt dirty, dai ndaikwanisa ndainotira chisukiso chiya chesimbi chekukweshesa mapoto, ndonozvikwesha zvangu mubathroom.
Malcom..." Haa nhasi ita yese yawada chero ndanakirwa zvangu ini, ndirikungo imaginer uri mukadzi wangu, haa ndinenge ndichidya namambo daily. Ko apa uri kupfekerei hembe handisati ndapedza newe ini.
Ndakamutarisa ndikaona achinanzvira muromo. Ndakabhohwekana ndikasimuka kubva pandanga ndakagara, apa misodzi yanga ichiri kungoyerera.
..." Zibenzi remunhu haunyare buda mumba, buda mumba mangu ndisati ndaita zvinhu zvandinozo regretter. Uri musatanist wanzwa.
Ndaitaura ndichimutema nechese chandangobata, macushions mapush angu. Akasimuka achibva anhonga hembe dzake, kusanyara kwake kufamba achibuda asina kupfeka. Achingobuda ndakasara ndichigara pasi chaipo nekupererwa, ndakachinyatsowedzera kuchema manje ndave kufunga zvandanga ndaita.
Malcom..." Ndakumbokusiya kuti hasha dziserere asi babe handina kumbokuforcer izvi, it's just that we have kabond katiinako ndosaka zvangoitika zvega hanty don't blame yourself and don't blame me, rudo rwedu ndirwo rwaita kuti tidai.
Hameno kuti anga adzokerei, apa akamira padoor asina kana kupfeka kai, hembe dzake akadziisa muhapwa. Ndakashaya zvekumupindura ini, kunyatsonzwa kuzvivenga, kuvenga zvimafeelinge zvinongosimukira munhu wese wese. Kuzvituka chaiko. Ndanga ndabhaiza shame. Pandakazosimudza musoro anga asisipo Malcom, ndichibva ndasimuka ndaida kunogeza, ndaida kunozviparanga tsvina yese yandanga ndaiswa naMalcom. Ndakangobuda mudining ndichienda kubathroom straight kunogeza. Ndakasvika nekutora mvura yanga iri mubucket rakavharika ndokudira mune ratinogezera. Apa mvura yacho yaitonhora asi ndiyo yandainyatsoda iyoyo kuti inyatsocheka muviri wangu nechando. Ndakapfeka mabathing gloves, ndikatora futi towel, ndokubva ndazorera sipo asi yaiita senge isiri kutombopupuma, ndakadira mazibubble bath patowel riya ndichibva ndatanga kuzvigeza, ndakatora dombo ndikatanga kuzvikwesha zvekutsinye chaizvo. Dai skin yangu yaikwanisa kukwatanuka ndayiikwatanura. Malcom anga andibata bata nezvimaoko zvake muviri wangu, ndainzwa senge kugeza kwandaiita kwanga kuri kushoma ini. Ndakawedzera kuzvikwiza asi ndaisanyatsonzwa pain. Ndakazoti ndaneta maoko ave kurwadza ndipo pandakazvidira mvura, asi yanga yavekutopupuma furo zvayo mvura iyoyo nekuti bubble bath yacho ndanga ndaiwanza. Ndakatozotora rimwe bucket remvura futi, ndiyo yandakazvidira iyoyo. Kuzasi kwangu uku ndainzwa kuda kutonyatsokuvhura chaiko ndogeza zvese kusvika kuchibereko ndichibvisa zvitsvina zvemuroyi anonzi Malcom.
Ndapedza kugeza ndave kutozvipukuta zvangu, nerimwe towel rangu, door repabathroom richibva ravhurwa. Ndakamhanya kuzvivhara pamazamu angu nekuchinhu uku. Anga ari Malcom, kutopinda zvake achibva ayenda pachemba ndokutanga kuweta, kana kumbondinyara mufunge. Ini ndanga ndisisina simba rekuramba ndichikutuka so ndakangoramba ndakanyarara zvangu, ndichitoshaya kuti ndosveerera sei drying towel rangu nekuti maoko angu ndanga ndakamashandisa kuzvivhara pazvinoyera zvangu kana nechandanga ndisina kukiirawo bathroom chii nhai.
Malcom..." Urikuisireiko maoko ako pazvinhu zvangu zvandatoona kare.
Ipapo anga ave kufamba achibuda, handina kumupindura, ende iye haana kutozobuda asi akabva atotendeuka ndokutanga kufamba achiuya kwandiri. Ndakanyatsoshaya chekumutema nacho ini plus ndaisada kubvisa maoko angu paanga akabata. Ndakatanga kuchema ini.
..." Nhaiwe urikuuyirei kuno. Buda muno Malcom, baba Alpha please respect yourself mubude zvenyu muno.
Malcom..." Kubudirei ini ndirikuda round 2.
Vakataura vakanditarisa mumaziso and kafeeling kaye kekudzimaidzwa kachibva katanga kudzoka. Ndakabvisa maziso angu kwaari fast, asi iye akabva asimudza face yangu neforce ndokuitarisisa kwaari. Next thing tanga tave kutoita zvimwe futi mubathroom imomo, ndakazobengenuka tapedza haa ipapo handina kana kumbonetsana naye, ndakangozvidira dira mvura arimo iye Malcom, ndokubva ndamonerera towel rangu ndichibuda. Ndakanoiridza wani mhere ndasvika kubedroom. Ndainyatsoshaya kuti ndozviudza aniko. Ndakachema kani kusara ndave kurwadziwa nemaziso aya. Imba yangu yanga yaparara zvayo, Satan anga andishanyira arimuna Malcom kani. Ndakatora phone yangu ndichida kufonera Tatenda, tanga tisina kumbotaura tese kubva zvaanga abuda. Ndaida kumuudza hangu chokwadi chese ndomuudza kuti hameno zvanga zvandipinda, kana aindiramba ndizvozvowo asi zvaitove nani kuti agare aziva chokwadi pane kuzoita zvekuudzwa nemunhu asiri inini. Handina kumbobvira ndafunga kuti ndichahura ndiri pamurume ini, kurara nemumwe murume ini ndiine murume wangu, ndainzwa kunge ndave kusuffocater chaiko. Phone yaTatenda yakaramba kupinda zvichiratidza kuti anga atoidzima chaiko anenge anga atobuda muZimbabwe uyu. Ndakafonera mhamha asi handina chandakakwanisa kuvaudza kunze kwekungochema chete. Ndakachema kusvikira ndave kunzwa mhamha vangu vachichemawo, apa vachingobvunza kuri Ruru chiiko ini ndisingakwanise kutaura anything kunze kwekungokosodzeka ndichichema. Ndakatozocutter ndaona kuti hapana chisvinu chingabude pakutaura. Ndaivaudza ndichiti chii nhai Mai vangu apa vanga vatombondiudza kuti ndinamate ndikunde miyedzo zvino ini ndinenge ndanga ndisina kunyatsonamata nekutotsanya chaiko nekuti honai zvanga zvaitika. Ndakafonera Vimbiso ndiye wandaigona kutoudzawo zvanga zvaitika. Zvaindiremera kuti ndizviite secret ndiri one. Malcom ane zvaanga ashandisa chete hazvisi normal dai kari ka1 chete manje ka2 aaah. Akadaira asi achiratidza kuti anga atorara, voice rake raitonzwika kuti nderemunhu arikubva kuhope.
Vimbiso..." Ko Rue chiiko kufona nguva dzino.
..." Aaah Vimbie I've made a very big mistake. Vimbie ndabhaiza shamwari yangu I don't know what to do, kufa kutorinani coz handizive kuti ndingararame here nechivi chandaita ichi.
Vimbiso..." Rumbie calm down undiudze zvaitika, please Rumbie don't talk about death ndiudze chii taura neni Rumbie you know that I will always be there for you.
Ipapo anga ave kunzwika kuti anyatsomuka manje, ndakatanga kuchema kusvikira airtime yapera ndisina kana chandanga ndamuudza I couldn't tell her anything. Phone yangu yakatanga kupinda mamessages nekufonwa naiye Mai Taku namhamha, asi ndakabva ndatoiisa pasilent nekusada kunyaudzwa. Ndakachema kusvika ndabatwa nehope, ndikatozomuka kunze kwachena. Handitozive kuti ndainyatsonzwa sei asi ndakamuka misodzi ichitotanga kuyerera veduwe ndanga ndatadzira Tatenda pasi nekudenga zvese haa this is one of the unforgivable sins. Kana ndikaenda kuChurch ndainoreurura sei, kutaura pamberi pechita chemaporofita kuti ndakahura, kana kuti ndakapomba apa ndiri munhukadzi futi. Kutongoramba ndakagara zvaindikonzeresa kufungisisa and ndaisakwanisa kuzviuraya nekuti ndanga ndatopara chimwe chivi kaa saka kuzviuraya kutowedzera rimwe zichivi futi ndonotsva zvangu kugehena kana bodo. Kuita basa remumba ndaisambokwanisa nekuti mudining maibva mandifungidza zvakaitika zvese imomo, then kubathroom futi. Ndakatora kabadza kangu ndikanosakura patanga tati tichaisa garden naTatenda. Manhungirwa ecovo andanga ndagara ndakapihwa namai Mufaro vepanext door nezuro ndiwo andakatora ndikabva ndatotanga kumadyara zvangu mugarden rangu riya. Kushanda kwaitoita kuti ndisanyanyise kufunga zvakaitika nezuro nekuchema asi ndakazoti ndave kudiridza mugarden, mhamha vangu vakabva vasvika ndisati kana ndatombovamhoresa Mai Taku vachitosvikawo zvichiratidza kuti vaitofamba vakateedzana, baba Alpha ndanga ndisina kumbovaona vanenge vanga vaenda kubasa thank God coz ndaisada kana kuona chiface chake pamberi pangu.
End of Chapter
❤️
👍
🙏
😢
😂
😮
623