COCO NOVELS
COCO NOVELS
February 9, 2025 at 03:31 PM
https://chat.whatsapp.com/BjCJS0oYSrl7RnyC3ge49X *For maprevious chapters nemamwe mabooks edu follow channel yedu nekuti hatichakwanise kusender book kumagroups ese nekuda kweWhatsapp ban. Tauya nekamwe kashort story. Rumbie naTatenda wake🔥* https://whatsapp.com/channel/0029VahxSwN0rGiIGnuFyF3v *Follow our Facebook page* https://www.facebook.com/profile.php?id=61572207467699&mibextid=LQQJ4d *❤️💔 DECEPTION 💔❤️* Written by Coco🦋🖤 Chapter 14 *Rumbidzai* Vimbiso..." Ko nhaiwe Rumbie chii unoziva ndauya ndichiita kumhanya ndakabereka mwana kudai. Kana macombi anga achindifambira slow zvekuti ndanga ndichitoti ndichasvika pamba patoungana vanhu, worse pandazoona mhamha vachinzunzutira vari pamberi pangu apa hana yarova ndikati nhai Mwari wangu, apa macalls nematexts hausi kudaira. Akataura achiita femeruka, handina chandakambomupindura ndakatocontinuer nekudiridza muriwo wangu apa ndaidiridza nekagaba kandanga ndaboora boora nekuti muriwo uchangodyarwa haudi zvekudirwa mvura uchinzi waa zviya haubate kaa hanty ivhu rinenge richiri rakareruka nekutimbwa. Mhamha..." Haa Rumbidzai unoziva ndogona kungokurova chero wakura kudai. Haungativhundutse kaa nephone call yepakati pehusiku touya pamba pako wonyarara senge uri kuona varoyi. Wanyanya kukoshei muriwo wabva waita kuti utadze kana nekutimhoresa. ..." Mamuka sei mhamha, murisei Mai Taku. Hesi Taa urisei mwanangu. Havana kundipindura, vakangoramba vakanditarisa panguva idzodzo ndanga ndapedza zvangu zvegarden so takabva tanopinda mumba namhamha namai Taku. Handina kumbogara navo mumba nekuti ndakati ndirikuda kutanga ndanogeza ndaivewo netsvina hanty ndanga ndichangobva mugarden. Vanhu vacho vanga vasisapindure zvandaitaura asi vaingotarisana. Ndakanotora zvinhu zvangu zvekugezesa mubedroom, pandakabuda ndakawana Vimbiso atove busy kucleaner cleaner mumba. Manga musina hamo tsvina yakanyanya asi manga mabvanyanguka panguva dzandaitema Malcom nezvinhu. Ndakapinda mubathroom asi ndakatombochema ndafunga zvandakaita naMalcom imomo nezuro. Ndainzwa kuti ndakasviba ini and chero kugeza zvakaita sei ndaisambochena zvangu. Ndanga ndatadza zvakanyanyisa pamberi paMwari. Ndakangogeza zvema2 minutes ndaisada kunyanya kugarisa mubathroom imomo coz ndaingoita maflashbacks ezvakaitika nezuro. Ndakanopfeka zvangu dzimwe hembe ndikatozonopinda mudining matotsvairwa machena zvamo, mhamha hameno zvavaitaura naVimbiso nemavoices ari low. Mhamha..." Now wageza wachena, chindiudza chii chaizvo chirikuitika coz I'm really worried about you Ruru. Nezuro kubva pawakafona manheru handina kutozomborara zvangu zvekuti nhasi ndatomuka makumbo akazvimba nebp aya ndosaka urikuona ndapfeka zvimatenesi. Vimbiso..." Neniwo nezuro kubva paakafona handina kuzombodziti chwaa hope ndatove worried ndosaka nhasi ndangomuka nekubereka mwana ndakananga kuno. Kutaura kwawakaita zverufu kwakandirovesa nehana handidi kunyepa. ..." I'm sorry ndakakutyididzirai asi hapana hapo nyaya, ndanga ndaingofunga kuti chokwadi ndigoita 7 years ndiri mumarriage pasina kana mwana. Dai ndaisaenda kunguva ndaiti zvimwe handina chibereko. Nezuro nekuda kwekuti ndaive ndega plus ndisina chekuita, pfungwa dzacho dzakazondinyanyira zvekusvika pakufunga kuti ndikafa zvinenge zviri nani. Mhamha..." Haa nhai Rumbie chokwadi ndizvo zvinhu zvawaichema kusvikira pakuda kuzviuraya izvozvo. Asi Ruru unokanganwa kuti ndiwe wega mwana wangu kani, zvino kana uchida kufira kuti hausati wave nemwana uchisiya ini amai vako ndiri ndega apa ini handichatozvare kaa ndave pamenopause saka neniwo ndozviuraya here kana wafa nekuti ndinenge ndisisina mwanawo uye ndisisazvare. Nhaiwe Rumbidzai ingawani takataura zvekuti muende kuchipatara nemurume wako wako. Handisi kuti chii zvangu kana kuti chii asi murume wako ndiye anogona ayine problem wakambozvifungawo here. Vimbiso..." Nhai zvenyu mhamha muudzeiwo plus iyo pressure yacho arikuiwanzireiko iye murume wake asiri kucomplainer, zvekuma doctors zvamatotaura mhamha ndizvo zvine musoro nekuti vanokwanisa kubva vatorapwa, zvino iye Rumbie dzungu. Handina kumbopindura ini vakaramba vachienderera nekunditsiura panyaya yezvandanga ndavaudza. Chavaisatoziva ndechekuti nyaya yaindistresser yaitove hombe kudarika zvandanga ndavanyepera izvi. Ndanga ndazovhura hombe hombe apa. Vachitaura kudaro ndakangofunga zvekuti ko kana baba Alpha vaine chirwere, hana yangu yakarova imi. Ndanga ndakangogarawo pasofa asi ndanga ndisisiri munhu. Pfungwa dzangu dzanga dzisiri kana panzvimbo kahana ndiko kaingorova chete. Mhamha vakazoti tinamate, haa zvekunamata izvi mhamha vangu zvakavapinda pese pese, iyo yekusiiwa nemurume ndiyo yakaita vaite gamba paminamato hameno kuti vaiti zvinodzosa baba here kana kuti ndizvo zvaitova entertainer asi hapana nyaya yamhamha yaipera pasina kutaurwa zvemabible verses neprayer. Vakatsinzinya maziso avo vakanamata ndati. Ini kana nesimba rekunamata ndaive ndisina and ndainyatsotangira papi chaipo kutaura naMwari nechivi chandanga ndapara ichi. Ehe ndakambotadza zvangu kumashure uko ndikarara nemunhu before marriage asi zvaitove nani kaa pane zvandanga ndazoita apa. Vainamata ndichichema ini. Mwari aisambondiregerera, apa ndanga ndanyanyisa kutadza kwacho, hazvina kumbosiyana nekuuraya munhu izvi. Mhamha..." Rumbie handina kumborera munhu ari weak ini, munhu wekuti zvikamuomera anofunga kuzviuraya, suicide is not the solution panyaya dzakadai idzi ukazviuraya zvobatsirei horaiti. Rumbie ndakakuudza kuti kana zvarema shamwari yako ngaiite mabvi aya, pfugama unamate. Unotadza kutsvagawo vanhu vaungabatane navo uchienda kumakomo kunonamata uko zvinoita chete, Sarah chaiye akazomuzvara ingawani mwana nyangwe zvake anga achembera even Hannah akamuzvara wani Samuel iwewe your case isn't different neither is it too hard for the Lord chinongodiwa kunamata chete Rumbidzai instead of using all that energy pakufunga zvinhu zviri negative, zvisina kana basa unodii kunamata zvako. ..." It's okay mhamha from now handife ndakafunga zvakadaro, ndikaona pfungwa dzangu dzave kuenda kusiriko ndinonamata zvangu kubva nhasi. Vimbiso..." Ini ndirikufeeler senge usiri kunyatsotiudza chokwadi chese ini coz haisi nyaya yekuzvara chete iyi there's more asi kana usiri kuda kutiudza it's fine. Rumbie please next time usadaro, nezuro wakarovesa hana yangu I thought you were going to kill yourself and hana yangu nanhasi haisati yatogadzikana. ..." Hapana zvimwe kani Mai Taku ndingakuvanzirei dzimwe nyaya kuti zvigodiiko. Hamuna nzara here imi munenge mangobuda mudzimba dzenyu musina kana kugeza muchiuya kuzondiona, nhasi ndazonyatsozviona kuti ndinodiwa shame. Ini handina kana simba rekunobika, even appetite yekutodya chikafu handina ndinoona kuti yakapedzwa nekunyanyisa kuchema kwandakaita manheru, Vimbiso kana muine nzara ingonoona kuti ungadii mukitchen umo, mumba muno ndemako kaa uri sahwira wangu chaiye iwe. Akapindurawo zvekundituka zvake mukuseka, achibva azoenda kukitchen hameno kuti ainobikeiwo ikoko. Ndakasara ndichitamba zvangu maTaku. Mhamha vachingoramba vachindiudza zvekunamata, vairatidza kuti vanga vakatobatikana mhamha vangu and she was stressed about me zvakanyanya. Zvavaitotaura zvekunamata izvo zvaitopinda neimwe nzeve zvichibuda neimwe. Ndaiwanepi simba rekunamata nezvandanga ndaita izvi. Kana kugehena ndaitozviziva kuti ndichaenda straight asi it was better to keep this secret to myself. Iyi ndopinda nayo muguva chete and hapana munhu wandinofa ndakakuudza zvekutoda kuudza ana mhamha nezuro manheru ndanga ndatozoona kuti kwaive kubhaiza nekuti vaizondiona ndiri munhu akaita sei mumaziso avo. Ndakazoswera zvangu nana mhamha, ndokuzovaperekedza kunokwira macombi kumazuvarodoka. Ndichikwidza ana mhamha combi ndave kutoturner kudzokera kumba, Mai Alpha vachibva vaburukawo mucombi ipapo, apa vakabva vandione nekutondiwaver kuti ndimire. Ndaisada zvangu zvekutaura navo zvekuti dai vanga vasina kundiona ndaitovatiza ini. Mai Alpha..." Ko murikubva kupi makapfeka kunge munhu aripamba kudai. ..." Ndanga ndichiperekedza ana mhamha vanga vauya kuzondiona, vatokwira combi iyo yave pamberi apo. Mai Alpha..." Hoo ini ndanga ndanoona sisi vangu, vakundiforcer kuti ndirare kumba kwavo kana ndimiwo. Ipapa baba Alpha ndichatosvika akatsamwa nekuti nezuro pandakafona ndichiti handisi kudzoka kumba ndakatonzwa kutsamwa muvoice rake chaimo. Nechemumoyo ndakatoti ainyepera kutsamwa uya, aitofara kuti atleast ave neni ndega mumba, Malcom muroyi zvake. ..." Kana kutombozviziva kuti hamuna kurara kumba, nezuro ndanga ndiri ndega kaa uyu Ronika akafirwa nabamukuru vake then Tembo vakaenda kubasa so ndakatokasika zvangu kurara, nhasi makuseni ndipo pandatozoona kuti hamupo nekuti ndamuka yard isina kutsvairwa apa ndimi muri paduty. Mai Alpha..." Aah sorry asikana nekukupinzai busy, ndakatozokanganwa kukuudzai nezuro kuti handisi kudzoka kumba ndakangoti pamwe baba Alpha vanokuudzai. Ndakapindura zvangu zvaienderana nezvavaitaura apa kana neduty racho ndanga ndisina kutovaitirawo nekuti ndanga ndisina kana simba makuseni ini, simba randakatowana nderekuita zvegarden. Mai Alpha vacho kutaurisa, takatosvika kumba vachingotaura chete, even garden rangu vakatoriona vakaricommenter. Pakawanda pacho ndaingopindura ma1 word answers nekuda kwekuti ndaive nezvinhu zvaitondinetsawo. Ndichipinda mumba ndakangonanga kubedroom ndichibva ndatorara zvangu and hameno hope dzacho dzainyatsobva kupi nekuti ndakatozomuka atove makuseni and ndakangonanga kunogeza, ndichibuda mubathroom ndichipesana nababa Alpha vave kundirova kambama pagaro, ndakapotsa ndavadira mbama ndakazongonyara kuti mukadzi wavo anogona kuzvidzwa nekuti bathroom iri opposite marooms avanoshandisa. Ndakaridza zitsamwa ndichifamba ndichienda kubedroom kwangu, ivo vakasara vachiseka and ndaitozvinzwa kuti pano ndakatariswa ndichifamba mupassage muya, ndigoti ndanga ndakamonerawo drying towel raisvika muhalf mezvidya izvi. Ndakazora mafuta fast, ndikabuda ndichienda paclinic yepadhuze, ndaida kunotestwa HIV chaiyo nekuti ndiyo yandaive ndototya, zvenhumbu handina kutombozvivhunduka zvangu nekuti nditori sure kuti handizvare zvangu so kana kutotenga mamorning after kunenge kuri kuwaster mari asi chirwere ndaitochitya manje nekuti hatina kushandisa protection. Ndakasvika paclinic paya vakanditester zvavo pamwe pese apa hana yangu yaisamborova asi pavakatanga kundipa counseling yavo iya ndakatonzwa sendanzi you are HIV positive asi maresults akauya ndiri negative ndikanzi ndidzoke after window period ye3 months, ndaidzoka zvangu asi ndakafara kuti ndanga ndatombonzi negative. Tatenda phone yake yanga isiri kupinda and pawhatsapp anga asina kumbopinda zvake. Ndakasvika kumba Ronika atoveko ndikashamisika kuti anga amukira nguvai kubva kuNyabira nhai, apa anga akagara zvake panze achiita kunge muranda. Ndakavhura zvangu madoors tikapinda mudining ndikatanga kumubvunza zvekunhamo like kuti bamukuru vake vakavachengeta zvakanaka here asi iye semunhu asingataurise aipindura ma1 word answers zvake kusvikira ndanetawo nekumubvunza ini. Asi strangely she didn't look like munhu arikubva kurufu. Ehe anga akanyarara as usual but aisamboiita semunhu akafirwa infact ane nguva dzaaitosekerera zvake akavarairwa. Munhu uyu anenge anga andinyepera achienda kumjolo zvake, apa nekuda kwekuti hapana hama yake yandinoziva hapana wandakaikwanisa kubvunza so kwaitove kunyarara zvangu. Tatenda akazouya online pawhatsapp asi ndakatadza kutaura naye ndichifeeler guilty ini, even Mai Alpha ndaitova avoider coz kungovatarisa ndaibva ndatofunga zvandakaita nemurume wavo. Ndakaramba even kuita video call naye Tatenda ndaisada kuona face yake ndaigona kutozobvotomoka zvese and izvozvo ndozvakaita kuti nditochinje madates angu ekuenda kunohodha. Ndaizoenda kunohodha iye Tatenda adzoka kubva kubasa kuitira kuti pamaoff days ake ndinge ndisipo zvangu pamba. Tete vaTatenda vakazopfuura nekumba, vaiti vanga vabva kuDomboshava kwavanogara vachiuya muHarare kucheckup kwadoctor vachibva vangofungawo kupfuura vachiona imba yemuzukuru wavo. Vakafara chaizvo vachiona imba yedu yataive tavaka zvakanaka. Munhu anofara zvake tete ivavo asi ini ndakatadza kunyatsofara navo nekuda kwekuti mood yangu yanga yakatombodzikira madays iwayo. Vakatondibvunzawo kuti pane zvaindinetsa here, vanenge vanga vaona mood yangu nekuda kwekuti munhu wese aingofunga kuti kana mood yangu iri down inyaya yekusazvara iyi vakatosiyawo vandipa tuma advice tete ivavo nekutondiudzawo zvimwe zvima home remedies zvinobatsira pakuconceiver asi ini ndanga ndaneta nekungonwa zvese zvese so zvaitopinda nenzeve imwe zvichibuda neimwe ndanga ndatozvigamuchira kuti handizvare zvangu so zvekuzvinetsa no. Pakuperekedza tete kunokwira macombi vakangobvunza kuti musikana wavaive vaona kumba vachireva Ronika, ndiani ndikavaudza kuti musikana wangu webasa, ndanga tisina kuzoita maproper introductions nekuda kwekuwandisa kwenyaya. Tete havana zvizhinji zvavakataura asi vakangoti ndingwarire musikana iyeye akangwarisa, ini ndifunge kunyararisa kwakaita Ronika onzi akangwarisa kunenge kukurawo kwaiita kuti vataure zvisina nebasa rese tete kana kuti hameno zvavanga vaonawo semunhu mukuru asi handina kuda kuvateedza sterek and ndakavapindura zvangu mune zvakanaka kuti ndichangwarira ndichibva ndanovakwidza combi ndokudzokera kumba and day rakadzoka Tatenda kubva kubasa ndiro day randakabuda ndichinohodha. Handina kana chisvinu chandakataura naye Tatenda ndichitya kuzovhurikira, iye akatoshamisika achindiona ndichiti ndave kuenda kuMusina day raakasvika nekuti aitofunga kuti zvimwe tichaspender time tiri tese asi ini guilty conscience yaisambondibvumidza kuti ndigare musame room naTatenda. Ndanga ndamutadzira zvakanyanyisa and ndaingonzwa kuda kumuudza asi ndaisada kuti imba yangu iparare so ndaitozoita zvese zvandinogona kuti Tatenda asafe akaziva zvekurarwa naMalcom kwandakaita, dai kaive kamwechete zvaitove nani manje kaviri here nhai. End of Chapter
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 629

Comments