
COCO NOVELS
February 15, 2025 at 10:59 AM
*Huyai kuchannel for maprevious chapters nemamwe mabooks edu, maprevious chapters anowanikwa kuchannel not kuinbox kwemunyori so follow channel*
https://whatsapp.com/channel/0029Vb5AfX4EKyZNcqdXEb1q
*Follow our Facebook page*
https://www.facebook.com/profile.php?id=61572207467699&mibextid=LQQJ4d
*✨ALL THAT GLITTERS✨*
Written by
Coco🦋🖤
Chapter 2
…” Inini wacho unoti ndinombozvida here zvemasowe. Chete kungoti ndiyo church inopinda vabereki vangu but zvinotondimakisa kuenda kuchurch ikoko apa mhamha vanenge vachisona mazigemenzi ekuti ndipfeke kuchurch ikoko. Yekumasowe ngatichiisiyei iyi inondichinjisa mood zvangu wati une chirikupisa ndiudze kaa latest yacho.
Tanya…” Hoo zviya tanga wandiudza kaa makaendepiko nabae paweekend apa hanty waiti hee urikuendeswa out.
…” Zvipikowo nhai, shaa ndakabhohwekana unoziva munhu kuswera achiita road show neni zvake, kana freezit zvayo yaakanditengera ufunge akazotenga chilitre cherevive ndatomuudza kuti shaa ndane nzara netumachips.
Tanya…” Aah besty haana kukuendesaiwo kana pachicken inn yedu iyi yepaMachipisa kana kuendawo newe kumba kwavo atleast hanty zvitori nani pane kufamba mese road yese muchionekwa nevanhu apa muchifamba muzuva futi, ini kana pride yangu haindibvumidze kuita zvakadaro.
…” Kumba kwavo obvious hapana pandaizoda kukuenda Tanya kumba kwemukomana hakuendwe ko kana mhamha vake variko plus chero vasiko ko akazonondiita zvandisingade ikoko ayehwa asikana handidi zvangu, chakangondibhohwa ndiko kusada kuspender mari yake ikoko.
Tanya…” Pamwe anga asina remember mwana wechikoro kaa uyu ndosaka ndisingade zvangu mablazer boys vatori broke zvekudaro vana ava ini I go for older man, the older, the richer, the better. Kana muchida venyu vanotambura ava aah itai mega.
…” Tanyaradzwa remember tiri vana munhu mukuru unomudii ndopakuzonzi ngatirare tese obva waita sei.
Tanya…” Zvinobva zvatoita kuti relationship yacho inyatsove sweet ndiko kutonyatsoita bond kwacho ikoko nhaiwe Nyarai wakapuseiko iwe, apa ndipo panga patori nenyaya yangu ipapo panyaya yawabva wataura besty kaa ndiri kutonyara kana kukuudzai.
Akabva atanga kuseka seka, Tanyaradzwa nyaya dzake nedzangu dzinoenderana zvekutodaro, takabva kuprimary tichiwirirana and taingoita zvevakomana izvozvi kubva tiri pagrade 6, iye Tanya palong holiday akaenda kuSouth Africa kunogara mhamha vake, maparents ake akaseparater so anogara muno muZimbabwe nababa vake nastepmother vake then mhamha vake vanoshanda kuSouth Africa ndiko kwaakaenda kulong holiday ikoko and akadzoka angochinja so like kamwe kaku mature kudarika inini especially kunyaya dzema relationships idzi and anotodanana nevanhu vakuru handisi against izvozvo asi vamwe vanhu vacho kaa chete machoices ake ini ndichiri kudanana hangu nevepachikoro like now ndiri kutodanana zvangu nemuform 3.
Tanya…” Besty hona vanhu varikumhanya tanonoka mafedha akatomira pagedhi.
…” Zvitori nani kuti ndirohwe zvangu pane kuzvinyadzisa nekumhanya imagine kuri kusangana nemukomana wangu ndichimhanya.
Haana chaakapindura zvake nekuti tanga tave kufambisa ende takatosvika pagedhi tisingamhanye tumaprefects tukada kumboti hee muri kuita hurude what what but takazongopinda hedu and hatina kurohwa futi takasvika vanhu vatomira paassembly point so takabva tangonomirawo pane vamwe nemabags edu. Yakaitwa assembly yacho kusvika yapera apa yaitobhohwa dzaingove nyaya dzekuti hee vane vakomana pano pachikoro tiri kupihwa mazita enyu todeedza vabereki venyu tokurovai what what zvaimbondivhundutsa here zvekutopenga izvozvo, zverudo izvi hazvirambidzwe munhu ko kana wacho ari pachikoro neni atoriye soulmate yangu plus ana headmaster havanditongere kaa kuita senge ndiri mwana wavo.
Tanya…” Besty ndotozokuudzai nyaya yangu tave kuenda kumba hanty.
…” Iribho babes.
Hatigare padhuze nepadhuze muclass, takagariswa kure nekure nemateacher hanzi tinenge tichiita noise muclass here aah zvinhu zvacho here.
…” Desky makanyora homework here muchipewo ndikukoperei.
Shelly…” Iih Nyarie everyday here even tichitobva paweekend unenge uchida kungokopera chero pama test futi ndizvo zvauri.
…” Urikuda kundipa here kana kuti hausikuda. Kana usingade it’s fine usandipe zilecture handina kutakura mubereki kuno kuchikoro shaa.
Shelly…” Yatove rough yauri kundiudza kaa iyi. Iri book remaths neye PE homework iyi then yeShona yanga iri rondedzero saka unotonyora wega, asi dzidzai kunyora mega mahomework asikana zvimwe hazvizodewo kungokoponora aah.
…” Thanks zvimwe zvese zvawave kutaura ratove drama chairo chandanga ndichingoda ihomework yako chete.
Ndakatora mabooks ake ndikatanga kukopera zvangu, Tanya anga akabata book achiverenga hameno kuverenga zvemashuwa here kana kuti and akanyora homework here iyeyu ndakangozvisiyawo ndichinyora homework yacho fast coz first period taitoita maths lucky mateacher anga ayenda kuka meeting kanoitwa after assembly apa sir vedu vemaths havajaidze pahomework kana usina kunyora vanorova zvehutsinye chaizvo, kuita kuponda vanenge vasina vana chete nekuti hutsinye hwacho kaa apa zvave kutoita kuti vamwe tivavenge zvese nesubject ravo futi ini ndichazotanga kugona maths kana tachinjwa teacher.
Vakazouya zvavo sir asi ndanga ndatopedza zvangu kunyora work yavo and day rese rakazongopera tichidzidza then palunch ndipo pandakatomboonana naJames mukomana wangu but not zvenguva refu coz iye aitya zvenyaya dzevanhu vanodanana dzanga dzataurwa hanzi hee kurohwa hakuite ndogona kudzingwa chikoro what what haa James atori gwara chairo. Nguva dzekuenda kumba dzakazokwana ndatoneta nekudzidza ini, tisu taitsvaira muclass girls so pakabuda vamwe takasara tichitsvaira nekunetsana munongozivawo vasikana tinenge tine tumwe tunyaya tusina kana basa. Ndichisvika pagedhi ndakaona James haapo apa mostly anowanzoenda kunondisiya ndakwira combi then ozoenda kumba kwavo manje apa anga asina kutondimirira or kuisa message zvayo kwandiri coz ndakatoburitsa phone yangu kuti ndinzwe kuti how far.
Tanya..." Ko James nhasi haana kukumirira. Arikukwata zvataurwa paassembly asi.
..." Obvious ndizvo zvaatondiudza palunch.
Tanya..." Besty chingozivai kuti murikudanana mega, mukomana wako haakude shaa ndakuonai palunch hapana kana chaatombokutengera anga achitodya zvawazvitengera wega kutuckshop saka kudanana kwacho kuripai. Haatombo kuspoiler even maweekends chaiwo iih ari stingy James wako zvake, dzingoriwo zvadzo nharo kudanana netype yakadaro.
..." Mwana wechikoro anoiwanepi mari nhai.
Tanya..." Understanding girlfriend haa zvitori funny hazvo kana ari mwana wechikoro musikana anomudii, shaa vasikana tofanha kuitirwa zvese kuratidzwa love nemari nezvinhu shaa. Ndanga ndichida kutokuudza kuti hanty you know kuti Friday ibirthday rangu, ndave kukusiyai mu13 years ndichinopinda mu14 years so hanzi nabae wangu arikuda kundiendesa kwaMashwede kumafaro Friday manheru so ati ndiuye nefriend yangu and iwewe ndiwe shamwari yangu saka toenda kaa
..." KwaMashwede kunobvumidzwa mazera edu here nhai and ndinenge ndabuda mumba medu manheru ndichiti ndiri kuenda kupi, infact iwewe paurikubva kumba kwenyu uchataura kuti urikuenda kupi.
Tanya..." Nyarai hauna kupusa iwewe unoona zvekuita ini kwedu hakunetse kubuda uku hanty ndinenge ndiri muroom mangu and zvezera hazvina kana basa tikapfeka hembe pane angazvizive here kuti tiri vana vadiki.
..." Mmm handizive kuti ndokwanisa kuuya here besty manheru anonetsa kubuda kumba kwedu. Hameno ndichakuudza kuti ndichadii by Friday asi kana ndikashaya way yekubuda unenge wave kutotsvaga mumwe wekuenda naye and iko kwaMashwede kwacho tinenge tichimbonoitei kubhawa kuya hatinwe doro kaisu.
Tanya..." Kunenge kune maartist shamwari kunenge kuchipisa Friday wanzwa isu tiri kutonopinda muclub chaimo tinenge tiri muVIP saka vaimbi tinenge tichitovaona. Haudi kuona ana Enzo nana Bazooka here iwe.
..." Ndinoda kuvaona besty but manheru manje haa pari tricky kuti ndibude dai iri Thursday ndaiziva kuti maybe ana mhamha vanenge vanorara kusowe manje Friday vabereki vangu vese vanenge varipo wena.
Tanya..." Hameno shamwari unongoita zvawaona zvichiita kana uchida kuenda touya tichikutora coz tinenge tiine mota and tinokudzosa futi kumba. Haunwe doro kana usingade, unonwa majuice kungonofara shamwari and ndinokuigira futi hembe dzekupfeka, hatipfekerane zvedu asi I think ndine skirt inostretcher zvekuti unoikwana.
Ndakamupindura zvaiyenderana nezvavanga ataura asi ndaisatove sure kuti ndinoenda naye though ndaida kuona vaimbi vaaitaura zvangu and ndaida kuona kuti paMashwede pacho panenge pakaita sei manheru like kavibe kepo nekuona vanhu vanenge vari muVIP obvious vanhu vatori nemari dzavo manje kumba ndinobuda sei manheru eFriday. Ndakanetseka nezvazvo ndiri mucombi kuenda kumba zvekuti ndakasvika kumba ndave kungofunga zveFriday manheru chete I know Tanya anozivana nevanhu vane mari dzavo and zvinongonakidzawo kuspoilwa kwaanga achitaura like iye pabirthday rake honai zvaave kuitirwa ini rangu rakangodarika wani muma March ndanga ndave kutodanana naJames but hapana kana chaakandiitira mufunge kana mint chairo risinganake handina kutengerwa ini and now ndave kutoona kuti James haana kana basa neni, chaanongoda kundibata bata nekukisser but pasina kana chaanondiitira zvinobhohwa sei. Zvitorinani kuti relationship yacho ipere zvayo coz ndiri kutsvirei zvangu tea isina kana sugar, maybe ndikatoenda naTanya kwaMashwede ndogona kutowana mumwe munhu musvinu wekudanana naye hanty Tanya akati vanhu vacho vanenge vasingangode zvekurara neni chete saka zvese bhoo.
Mhamha..." Ko iwe wanga uchiri kupi vana vevamwe vasvika kumba kare kare.
..." Vanodzidza pachikoro pandinodzidza here nhai apa ndanonoka nekuti ndanga ndichitsvaira muclass futi, everyday ingori nyaya one nei wanonoka, hee vamwe vako ndine vamwe vangu kuno here siyanai neni.
Mhamha..." Hausi kutaura neshamwari yako Nyarai ndinokukanganwa kana usingandizive zvakanaka. Apa wasiya waba mari yangu futi unoti handina kuzviona kuti watora dollar pamari yangu here.
..." Mandiona ndichiitora here Mari yenyu, ndingatorere munhu anototamburawo semi mari here, mutombori nemari yekuti ndingatore here.
Mhamha..." Nyarai!
..." Chii chacho munoti handina kukunzwai muchinditaura namai Mike muchiti hee haadi kushanda hee chakazoti ko munodii kungonotora vana vamai Mike vacho movaita venyu hanty ndivo vanoita zvamunoda inini hapana chisvinu chandinoita chinokufadzai.
Mhamha..." Uri kutaura neni here Nyarai.
..." Tiri vangani muno, obvious tiri two. Hamunyare mukadzi mukuru kunondinyeya nevanhu vepanext door.
Mhamha..." Uyu mwana uyu ndinomuponda ndikada kumurova uyu, shuwa uri kundituka inini Mai vako Nyarie.
Dad..." Chiiko mumba umo nhai Mai Munashe, ine basa reiko mari yacho kana mwana angotora muno mumba. Iwewe Nyarai usataure namai vako uchidaro.
Mhamha..." Baba Munashe muri kuto supporter humbavha hwuri kuitwa nemwana wenyu. Mune shuwa kuti mwana aba Mari yangu mongoti munhu haarambidzwe kutora Mari mumba, mari isiri yake. Izvozvi mwana anonoka kubva kuchikoro hapana kana chamuri kutaura kwaari asi manga muchipopotera inini.
Dad..." Imimi ndimi amai vake munoswera naye saka munofanha kutaura naye ini handingati ndabva kubasa ndotanga kuraira mwana musikana it's your duty as her mother kuti utaure nemwana wako, ugare naye pasi uchimuraira.
Mhamha..." Ende zvepano zvakaoma shuwa, mwana ndewedu tese asi ini ndini ndofanha kutaura naye apa mwana wacho achindidheerera imi muchimu supporter zvenyu.
Hapana zvavakapindura dad and vaitaura vari kubedroom kwavo. Ndizvo zvandinovadira chete baba vangu havandisiye ndichitukwa namhamha, apa mhamha vanobva vatotanga kundi treater kunge muvengi wavo inini, vanga vazviona sei kuti ndaba dollar nxaa, inenge Mari yemukando yandanga ndatora hanty coz nhasi iday remukando wavo ndosaka vazviona mhani but obvious havana kuzoshaya dollar rekuwedzera hanty vagara vanoshanda here mhamha vacho. Ndakabvisa uniform yangu ndikapfuura nemukitchen ndichienda kunowacha masocks neshirt yangu yekuchikoro. Mhamha vaibika mukitchen but ndakanzwa vachifema senge munhu arikuchema aah hameno vaichemei ndingazive nhamo dzavo dzese here kana vaichema nekuda kwangu vari dramatic zvavo kaa.
End of Chapter
❤️
👍
😢
🙏
😂
😮
391