
COCO NOVELS
February 16, 2025 at 06:03 PM
*Mukadzi Wechikwambo🐍🐍*
https://whatsapp.com/channel/0029VaxwRopBVJl3uAJzTY3m
*GOTO CHANGAMIRE🐍*
*(Free Book)*
*PATIENCE MAPUKUTE*
📌+263777242695
*CHAPTER 1*
*CHIONISO*
"Nyoka, nyoka, nyoka, nyoka ,nyoka iyo, Bright....mhaiwee ndofa ini!!!" Ndakascreamer apo pandainge ndaona chinhu chakati mvee nekuseri kwemubedha wedu naBright. Kuti uone kuti inyoka here, kana kuti idzvinyu ndakatozvishaiwa.
Ndakange ndabatwa neweti pakati pehusikwu, ndopandakangotiwo ngandiende kutoilet, ungapaburuka pamubedha here, pakaita chinhu chakaita sechakadonha pamubedha chainge chine muswe wenyoka, ndakatomboshaiwa kuti ndini here ndainge ndakakanganiswa brain nema Nigerian movies here. Unokuenda kutoilet pakadaro,
Muimba yatinorara mainge mondityisa, dzimwe nguva waitonzwa sound yenyoka kana muchinge makavata.
Ziya zvino rainge roturuka kunge munhu adirwa mvura. Chero iye amhanya marathon haambo yerera ziya kudaro. Bright haana kana kumbotaramuka akangoramba akarara zvake semunhu akatofa. Unodemba chawakasiira Peter murombo uchida ane mari.
Zvainge zvoitika pamba pano handaizvinzwisisa. Kuzoti ndikavata, dzimwe nguva ndaitorara ndichirota ndichiita bonde nenyoka huru asi wekutaurira ndopainge pasina.
Mai vangu pandaifona vaingoti dzingori hope, kuudza Bright aingoseka otondirambidza kuona mamovie hanzi ndoanoita urote zvakadaro.
Maziso zvino akaramba akatarisa payainge yapinda, kubvaipapo andina kuzenge ndaona chinhu, asi kuchidzokera kunovata kwaisaita. Ndakatarisa nguva pawatch yaive kumadziro, painge pari pakati pehwusiku.
"Bright, haa Bright uri murume wefake iwe nxaa, uchawana ndafa." Ndakatodaro ndichifunga kuti achapindura asi hapana kana munhu akandipindura.
Life yainge isinganakidzi kana ave manheru pamusha uno, masikati zvese zvinenge zviribho, kutoendawo kuma Mall sevamwe tichitengawo twuma nice nice, koidzo mota, ndaichinjanisa type netype, yangopinda mufashion ndototengerwa. Chero kubasa ndaisaenda, ndaienda kunodii ini bank account yaigara ine one million.
Zita rangu ndiChioniso, ndiri mukadzi anemakore 28, ndakaroorana naBright last year tikatoita muchato wakaita mbiri mutaundi mose, apana aisaziva murume wangu, vamwe ndovaitomunyorera maparagraph vachikumbira mari, Saka life side rangu akange arimakeke.
Ndakasangana naBright pandaigara kumusha kuGokwe navabereki vangu.
Akandinyenga ndikangomubvuma ipapo ipapo sezvo ndakaona GD6, kondiani aisada kugara pamothers's seat nhai, ndakatomubvumira padenga ndikaramba mukomana wangu wemuma ruzevha ainzi Peter.
Ndaiita kunakirwa nelife yemari iyi. Asi pane chinhi chimwechete chaishota muhupenyu hwangu.
Chero uite mari sei, ukangoshaiwa chinhu one muhupenyu ndipo panotangira nyaya, ndainge ndisina mwana, kwete kuti andizvare, Bright ndiye akapa mutemo wekuti timbomira ainge asiri ready kuva baba, ndakatonoisiswa jadel riya rekuti usaita mwana.
Ndakadzokera kunorara zvangu ndakamirira kuyedze nekuti life manheru haiiti, chero zviya zvekungomuka uchienda toilet azviitwe pano, unogona kutosangana nechinhu chakaita kunge munhu, pamwe ndini ndinopenga ndinongoona zvisionekwi.
Bright ukatomuudza kuti ndozvawakaona anobva atongosekawo zvake achikuita benzi Saka option iripo kungonyarara wosiyana nazvo.
The next ndakamutswa neAlarm yekugadzirira murume wangu hembe dzekupfeka, pandakamuka l was surprised kumuona atomuka kare, aiwanzo nonoka kumuka Saka zvemusi uyu akatondishamisa kuti Bright atopfeka already.
"Are you surprised babe! Well yesterday l forgot to inform you that l have a meeting by 7 am." Akadaro Bright achigadzira collar ariku wardrobe akanditarisa.
"Kutanga riini kukanganwa kundiudza such important information?" Ndakabvunza ndichiburuka paBed ndokupfeka mamorning shoes angu ndokugara hangu pamubedha.
"I am sorry babe, forgive me this once and another thing, l won't be coming home today!" Akadaro akutouya pandiri ndokupfugama pamberi pangu akaisa musoro wake pakati pemakumbo angu. Ndaitoshamisika nezvaaitaura zvekusadzoka kumba, airarepi saka.
"What do you mean Bright, nemumba muno munotyisa unoda ndirare ndega pano." Bright akabva asimuka ndoku dinongedzera nechigumwe.
"Kana uchiziva kuti unotya, usamuke pakati pehusiku. Andidi zbekunyangadziwa Chioniso. Mumba mangu motyisei? Iwe ndowandakutotya nenyaya dzaunenge uchingotaura." Akadaro atsamwa and iniwo semunhu aida marriage yake ndakabva ndasimuka ndokutarisana nemurume wangu. Munhu ndaimuda iyeye, ainge akanaka chero hazvo aiva mutema, koiyo body yake, he was very slim anekabody keka gentleman.
Ndakatanga kumubata bata maoko ndokumukisa pachifuva semunhu aisasvikira muromo wake. Ndainge ndakapfupika apa iye akarebesa.
"Sorry babe, l won't bring the topic. I will see you mangwana acho mudiwa wangu." Ndakadaro ndokubva angondi kissa.
"I love you Chioniso, chindiperekedza." Akadaro ndokubva atanga kufamba akananga kudoor, moziva zviya zvaunoita kana unehope zvekusvinurira kure, ndozvandakaita ndakatarisa murume wangu achifamba ndokubva ndaona muswe wenyoka kumasure kwake.
Ndakakasika kuvhurisa maziso ndichida kunzwisisa ndopandakatozoona kuti painge pasina hapo muswe, pamwe dzaingovawo njere dzinofunga zvisina basa.
https://whatsapp.com/channel/0029VaxwRopBVJl3uAJzTY3m
*GOTO CHANGAMIRE🐍🐍🐍*
*By Patience Mapukute*
*Aka Barbie💋*
+263777242695
*CHAPTER 2*
Like before reading.
*BRIGHT🐍*
"Mukadzi wangu upi futi? Chioniso handimudi ini, ndewekushandisa chete achirara nenyoka, iwe mukadzi wangu nevana vangu tichidya hedu mari." Ndakadaro apo pandaibata bata mukadzi wangu Martha ainge akanditsamwira nekuda kwekuti this days ndainge ndisingamuona.
Well ndakakurira munhamo, masmarts vamwe ndivo vaingorova. Zviya zvekuti hembe dzikawachwa motomirira kuti dziwone ichokwadi chiya. Taitomirira kusvika yaoma ndopaunozopfekawo.
Mai vangu vakashaya musi wavakandizvara saka ndakangokura ndiri chituko chekuti ndakaurayisa Mai vangu nekuti l am a bad lucky. I grew up neshungu dzekufuma.
Anzi kufuma ishungu, inhema dziya, ndaiva neshungu chaidzo. Takambozama kukorokoza asi hapana kana chakabuda. Takangoramba tiri venhamo.
Ndirikumasango ndipo pandakasangana nemusikana ainzi Martha uyo wandakazomitisana naye. Ndaingovawo shuro ndisina kana pekuyenda nemukadzi wangu. Martha akatodzingwa kumba kwavo, ndipo pandakazogunga zvekuromba.
Ndakapihwa nyoka mbiri dzaizogara mumba mangu, ndakapihwa mhiko yekuti nyoka idzi dzichange dzichirorara nemukadzi wangu asi Martha ndaimuda zvemandorokwati.
Andaizomusiya achirarwa nenyoka ndipo pandakazoroora Chionoso uyo aive wevamwe vasikana vasingadi kupfuurwa nemota. Ndakangomunyenga sekuti nhasi, next week ndichibva ndatomuroora.
Martha aizogara kune imwe imba yedu yaive kuRiverside nemwana wangu Julie whilst Chioniso kuCorpi.
"Ini ndaneta ini Bright, haurari pano, ndodawo kurara nemurume wanguwo everyday. Ndaneta ini Bright. Julie is always asking me why dad doesn't come home manheru, I'm tired! Asi wakuda kamukadzi kako kanew wani." Akadaro Martha apo pandainge ndichangosvika mumba. Taitotaura tiri mubedroom kuavoider kunzwika nevashandi uye nemwana.
"Babe ndikurara kuno nhasi, please don't worry. Ndatoudza Chioniso kuti l won't be coming home." Ndakadaro and Martha smiled as we kissed.
*CHIONISO😭*
Pakabuda Bright ndakangosara hana ichibika manhanga sekunge ndainge ndaona chihorror. Zvisine ndakangozvitova hana yangu katatu ndokutangs kutevera kumasure. Ndakamuperekedza ndokumisiya akwira Lamborghini yake, kohandi ndoyai matcher nesuit yeblack yaainge akapfeka. We kissed ndokubhabhaisana.
Painge pasina need yekumuvhurira gate since pamba pedu paive nema security maviri eku fawcett. I watched mota yaBright ichienda, haa l just don't understand why ndirikuona this weird things. Kubva nhasi andichaoni maNigerian movies , l will only watch maIndians kana macartoons.
I walked back to our big mansion, musikana webasa ainge akutotsvaira mumba. "Mamukasei mama!" Akadaro achityora muzura.
"Mushe Rita, wararawo sei?" Ndakamubvunza ndatomira takutoita nyaya. Ndainge ndiri munhu anemoyo wakanaka zvekutodaro, ndaitotaura nevashanda vangu sekunge vainge vari hama dzangu and Ivo they respected me.
"Umm andina kurara nezuro mufunge. Ndaingorota ndichimhanyisana nenyoka, ndakatomboedza kunamata asi madzikirira akandibata hameno mama!" Akadaro Rita achibata shaya.
Njere dzakatanga kufunga nezvenyoka yandakaona nezuro manheru.
Lord what have l gotten myself into. Zvimwe dzainge dzingori hope dzaitishungurudza nekuda kwema movie ataigarira naRita.
"Kuti haasi maMovie atinoona here Juliana. From today ngatirege kumaona from today."
"Okay mama, Saka apa nhasi murikuenda out here?" Akabvunza ndokubva ndanzwa moyo kungevenuka nekuti ndaizoda kuenda kumusha kunamai vangu ndimbovavigira magrocery. Plus ndaida kuzovaudzawo face to face zvaiitika mulife mangu.
Zvakangooma kurota uchivata nenyoka zuva nezuva sekunge wakamboona nyoka pareal life. At least mama was going to help me zvimwe tikambofamba famba tinowana honzero.
"Yes Rita, ndikuenda kumusha and l will come home tomorrow morning before my husband does."
1k for the next......❤️
https://whatsapp.com/channel/0029VaxwRopBVJl3uAJzTY3m
*GOTO CHANGAMIRE🐍*
*By Patience Mapukute*
*Aka Barbie*
2637772⁴2695
*Unedited*
*CHAPTER 3*
*CHIONISO*
Like before reading.
"RITA, RITA." Ndakafamba zvangu ndakabata kapurse kangu kewhite kaimatcher nelong dress rangu reblack randakatenga 300USA kuDubai. I was wearing twuma push semunhu aizofamba nemota yake. Mongozivawo kana une mota unotogona kukurura butsu dzako zvako.
"Yes mam" akamhanya Rita ndokupfugama pasi pedyo neni, kotsika painge pari pamusha. Ndainge ndakutobuda padoor remu lounge.
"Ndakuenda mwana wamai, wonhosarawo nemba iyi. Nhasi ndiwe madame." Ndakadaro ndichiburuka masteps epanze. Imba yedu yainge yakavakirwa makaita mugomo saka kana wotoda kuenda pasi kwaive nemota dzedu unotoburuka masteps.
"Bye mam, see you soon " akadaro achisimuka. Andina kuzomupindura nekuti ndainge ndakutobaya baya you phone yangu ndichitarisa mapost epa Facebook ana Mai Titi. Kondaizovada zvemandorokwati.
Ndakakwira muBenz rangu rewhite, raienderana nedress rangu reblack ndokutomutsa mota yangu ndakananga pagate, guard aingoti akanzwa mota yomutswa aibva atomhanyira kuvhura gate
. Ndakangomuridzira huta yekumumhoresa, kondaiwirirana nevashandi vangu.
Ndakafambisa mota yangu ndichifamba zvishoma nezvhoshoma semunhu anemari ka, hapana pandaizomhanya mhaya sekunde ndakwereteswa mota nemunhu.
Ndakafambisa mota yangu ndichiridza nziyo dzaDorcas moyo, ndainzwa kufara kana ndichiridza manzi dzakez ndaitoswededzwa pedyo nedenga semunhu aisaenda hake kukereke.
Vanoenda kuchurch ndevaya vane nhamo kwete isu tinemazimari. Ndonamaturei hangu ini Mwari akandiropafadza nemazimari.
Ndakamhanyisa mota yangu ndakananga paruzevha, ndakatosvikako before 10AM. Ndakadarika nepamashops ekumusha kwedu ndikatoona vanhu vandaidzidza navo kuprimary nekuhigh school vakaita kupfeka madhende. Mongozivawo kana uri mumota unobva wanzwa kamwe kadzungu soo.
Ndakatovhura mawindow kuti vandione. Road yandainge ndofamba nayo yainge ine dust asi kuzonhodarika vasina kundiona kuti ndini azvaisaiti. Ndakafambisa mota yangu zvishoma ,apa vanhu vekumusha vakazoona zimota vanotarisa kusvika mota yaenda, ndozvandaida chaizvo kuti vandione kuti ndini uya.
Ndakadarikapo ndichisiya vanhu vakangotarisa, ndakananga pamba pamai vangu. Zvaingonakidza kudzoka nzvimbo yawakakurira, mamemories ehwuwanana anoita kudzoka akadungamidzana mumusoro.
Especially pandaizoona makomo ataitsvakira hunhu nemadzishamwari angu, dzimwe nguva tichizopedzisira tarovana mumakomo iyawo, kuzotiwo pandakadarika nepachibhorani, ndakatanga kufunga mazuva andakasangana nemukomana wangu wekutanga anova Peter.
Ndakatongoona ndakusuwa face, marambiro andakamuita akamurwadza chaizvo, ndakangomusendera invitation yekuLobola day yangu ndikabva ndatomu bloka. Akamboyedza kufona asi ndakamubloka kuma calls futi, kohandi ndainge ndawana arinani.
Vana Peter vaingoswerera kunditemgera airtime sekunge inodyiwa, manje murume wangu uyu aiita kundi spoiler nemari, apana nzvimbo yandaisaenda. Ndakazosvika kumba, mongozivawo kumamisha akuna zvana dura hall, ndakatongopinda nemota yangu paruvanze rwamai vangu.
Imba yedu yainge yakavakwa zvakanaka chaizvo, baba vangu vainge vari teacher Mai vangu variwo teacher. Zvinonzi vakaroorana vachiri kuCollege kwekudzidzira kuita mateacher. Nhamo tainge tisina uye taisanzi vapfumi hedu uye ndainge ndiri zai regondo revabereki vangu.
Ndakaridza huta kuti vandinzwe kuti ndauya, ndakangonzwa mhururu yoridzwa neside rekukitchen ndikaziva kuti ndimai vangu avo.
Mukadzi mukuru akabuda mukitchen iya yekumusha inehuswa pamusoro. Vaiita kujamba jamba vakabata zambia rainge rakamonererwa. Mongozivawo kana munhu achembera anotosunga zambia. Chero zviya zvekupfeka zvipfupi anenge otosiirwa vatwana.
Ndakangoseka ndiri mumota ndichitovhura door zvangu ndichibuda mumita, kokuzosiya mota isina kudzimwa, kuonererwa dzimwe nguva. Vekumaraini vainge vangobuda panze vachidongorera, komakuhwa anenge achitotorwa nezvima mbuya izvozvo.
Mama vakapururudza zvakandifadza, komuchembere wacho paingebpakangwariwa, apana teacher akangopusa pusa.
"Yohweeeeee, wulululu, mwana wangu adzoka, kuita kufamba akagara nhai Mwari mazvita henyu. Mwana wangu iyeye." Mama vakadaro vachiombera maoko vakatarisa kudenga. Mumba makabva mabuda umwe wandaiti mwana wangu Memory. Aichengetwa namama sezvo ainge akafirwa nevabereki vake vose.
"Mama kani, Mwari aita sei zvake, its my luck mufunge. Zvimwe zvoda kuonera." Ndakadaro ndakavatarisa vachiombera maoko.
"Memory nana, tora mapaper back ari kumaseat ekumashure tipinde mumba ndava ringangidoka muchembere achingouchira maoko.
"Horight mama " akadaro akutoita zvaatumwa, koainge achiri kuma fifteen aitoti aterere. Ndakabata Mai vangu maoko ndokufamba takananga kukitchen vachingodeketera deketera.
Takapinda mukati ndokubva tagara zvedu parupasi namai vangu, koicho chiutsi chainge chakazara isu vamwe vane mari tainge tisingazvigoni zvechiutsi isu.
"Umm mama kochiutsi hanzii!! Ndakakutengerai gas stove wani! Mofarirawo chiutsi imi" ndakadaro ndichivhara meso neka towel kandaifamba nako kamopukuyisa angave madzihwa kana dust pakufamba.
"Chioniso taundi yawakaziva zuro uno! Tatojaira zvemoto isu. Atina kukurira chirungu."
"Mama zvimwe ndezvekungodzidzira mufunge. Mofa nema TB nechiutsi ichi. Zvino mudhara varipi, avana kutoenda kundari ipapa " ndakaro ndichitora phone yangu mukapurse, kondaigara neka purse kangu.
"Baba vako unovaziva wani, vajaira kuenda kubasa Saka kana itori holiday soo, vanoswera vachingofamba neshamwari yavo yepamhiri iya." Mama vakadaro vachikuchidzira moto.
"VaChifamba vaya vasina mazino."
"Ehe, kovanomawanepi ivo vachidya nyama yevanhu. Baba vaya vanoroya ufunge, ndogaro tsiura baba vakonasi avatereri."
"Chasarwa kungoiswa nyora chete." Ndakapindura takutoseka, haa namama taiva bhandi neburukwa. Memory akatozopinda nemapaper aya andainge ndavatengera zvingwa nezvimwewo zvinonaka. Mai vangu vaifarira zvinotapira then baba vaiwanikwa kune zvinoiswa munyu.
.
"Memory, haa urikureba mwana wangu, mbuya vako varikukupa chikafu chema brailer avo kaah!" Ndakadaro paakapinda achiisa mapaper bag pedyo namama.
"Kwete mainini. Kuchengetwa naMwari mufunge" akadaro achinyaririra, koMwari ainge apinda papi manje panyaya iyi
"Kuchengetwa naMwari! Wakambomuona Mwari here iwe kkkkk tenda mbuya vako ndivo vanokuchengeta avo. Twuma statements twakadaro twondibhohwa." Ndakadaro ndakangonzwa mama votaridza kushamisika kukuru.
"Unorevei kana uchidaro mwanangu. Obvious Mwari ndiye anotichengeta uyu. Tinochengetwa nashe wanzwa. Uri right zvako muzukuru wangu." Ndakangoseka nekuti kupikisana namama obvious andaimbogona.
Mama vaitobika rice rekumwisa tea, ndakabva ndayonwawo tea navo ndokumbonogara zvedu pasi pemuti. Baba Havana kana kumbobudikira mama vakatoti vaizodzoka manheru semazuva ose. Kwave kuma four, ndakamboda kufonera Bright ndikagunga kuti pamwe anenge aripa meeting saka ndaizomu disturber.
Ndakatotorana naMemory kuti timboenda kumashops tichimboona ona zvedu nzvimbo plus kana watoenda kumusha vana vanotodawo zvima sweets.
"Mati musiye chembere yega kaaah, itai zvenyu muchachemberawo." Mama vakadaro pataikwira mota. Takangoseka tichivasiya vachipinda mukitchen mavo, kochembere iyi yaifarira kubika bika. Uye ichiona mandiro ayo zvayo. Ndakamutsa mota yangu, ndokuifambisa ndakananga kumashops zvangu naMemo.
Tirimunzira taitotaura zvedu nyaya, "Saka Memo hausati wave nemukomana here iwe?" Ndakamubvunza tichangodarika zvibhorani, akambotanga achiseka ndokuzopindura.
"Ndinaye mainini, anodzidza muclass yangu." Ndakabatwa nesetsa zviya zvekuzoseka kusvika pakukosora.
"Mukomana wemuclass!!! Unopenga here iwe?" Ndakadaro ndichimutarisa, iye akabva angoita serious yekubatikana nekusekewa.
"Asi pane chakaipa here mainini?"
"Zvakawanda zvakaipa, iwe hauzvioni here iwe? Mukomana waunodzidza naye anokupei nhai! Danana nemunhu wekuti ane at least one hundred thousand muwallet. Ngwarira bag iwe unofa urirombe."
"Umm hanzi in life mogona kungozopfuma mose."
"Iwe Mai vako nababa vako vakazopfuma vose here or vakazongofa vasina kana mombe imwe inokuma. Ngwarira life iwe." Ndakatoona kuti ndabhaiza mashoko ekutaura apa nekuti Memo akabva angotarisa panze.
Zvisinei ngaadzidze nekuti pane difference between life nehupenyu. Vamwe vanorarama life vamwe vanorara hupenyu, zvoda kungwarirwa zviya.
Tainge tatosvika pamashops ndokubva ndamisa mota yangu pasi peumwe muti wainge une bvute, mongoziva kana uri mwaka wekupisa, zuva rononoka kunyura zvekuti kuma 5 kunenge kuchingopisa.
"Tasvika Memo, usatsamwe hako, ndoda kukutora uzogara kwandogara, at least ukadzidza mutown unonakidzwa nehupenyu.
Ndakaona mwana ongosekerera zvekufara zviya. Pandakatarisa kumashure ndichida kutora kapurse kangu kewhite, ndakabva ndona muswe wenyoka uchipinda pasi peseat, ndakangovhura meso ndichida ku............!
1k likes for more
Please kindly follow my channel tinonakidzwa
https://whatsapp.com/channel/0029VaxwRopBVJl3uAJzTY3m
https://whatsapp.com/channel/0029VaxwRopBVJl3uAJzTY3m
*GOTO CHANGAMIRE🐍*
Short Free Book
Written by📌
Patience Mapukute
*CHAPTER 4*
*CHIONISO*
React before reading otherwise book ndoriisa mareact. Ndakangocheuka ndichida kutora kapurse kandainge ndasiye kuback seat ndokubva ndaona muswe wenyoka uchidonera pasi paseat. Ndakaita kakuvhunduka, pamwe yainge iri magination yangu yekungoona zvinyoka pose pose.
"Kochii mama! Maita sei?" Memo akabvunza apo pandakaita gesture yekutaridza kuti ndavhunduka. Semunhu aisada kuti mwana azive zvandaiona, ndakangovhara nyayandokubva ndatarisa mberi, chero purse andina kuzomboitora. Koiye memo aizondifungirei akanzwa kuti ndaona nyoka mumota mangu .
"Nothing baby, ndapindwa nekachando ufunge otherwise ndiribho. Hande!" Ndakadaro ndichitora mari mudashboard. Zvepurse ndaizotora imwe nguva.
Ndichangoburuka, phone yangu yakabva yatanga kuringer and it was my husband, ndakanzwa moyo kufara chaizvo, Bright ndaimuda zvekutodaro. Ainditengera zvakawanda shuwa.... Ndakabva ndamira pamberi pemota kuti ndimudaire.
"Vhara madoors Memo ndimbosaira baba vako." Ndakadaro ndichimira pamberi pemota Memo achiita zvaatumwa.
"Hello babe, kuzondifonera nguva dzayenda kudai hanzi?" Ndakadaro ndakatarisa mberi ndichiona zvangu vanhu vainge vakamira pamashops vakatitarisa. KoGD6 haisi mota yekutamba nayo.
"Umm ndandakamirira undisuwewo mudiwa! Zvino ndatozoona kuti haundisuwi." He answered nevoice rine base.
"Kana mudiwa l thought uri mumeeting and didn't want to disturb otherwise l was missing you a lot shame. Ndatozoenda kumusha!" Ndakadaro smiling.
"Okay baby no problem apa this side madays aitwa extended. We will be staying here for six more days. Ndabatikana babe wangu." Akadaro ndakabva ndanzwa kusurikirwa.
"Iii Bright unoziva wani kuti l can't be without you, ndotsvodewa nani." Pandakadaro ndakabva ndanzwa kavoice kemwana kubackground kachiti
("Daddy, anzi namama huyai mudze tsadza raibva.") Ndakambomira kutaura ndakateerera. Kubusiness meeting kunotsvakei vana
.
"Bright mwana wani iyeye arikutaura newe?" I asked.
"Babe mwana waBoss Dave, pandauya kuno vati azviiti ndigare hotel ivo vane imba this side so its his last born." He said ndakabva ndangosekerera.
"Okay babe, but copy from Dave, mwana akakosha we need to have ours " ndonyaya yaaisada kunzwa iyoyo akabva atondioneka ndikangokatawo phone
Kusvika riini ndisina mwana nhai Mwari, ndikanzi ndafa nhasi, zvinenge zvatoendwa kaah! Bright needs to be serious on this issue or l will make a plan myself.
"Memo hande!" I called Memo uyo ainge ongotenha tenha mashizha mumuti achishaiwa zvekuita. Akabva angouya ndokutanga kufamba hedu takananga muneimwe shop yainge yakanyorwa kunzi bottle store.
Tichingopinda mukati, takabva taona Peter arimo akaita kupfeka mazidhumbu ainge akazara tasvina. Ndakanhomutarisa ndichifunga kuti ndokamunhu kaida kundiroora ikaka kasina kana hembe.
Ndaizongoswera ndave chimai chemakuhwa ndichiswerera mushana sevamwe varimuno. (Huyai mutenge Tanyaradzwa, tave paChapter 33 usasarire.)
Haa ini nhamo ndakairamba zvekuirambisisa. Regai vanoda nhamo vagaries zvavo otherwise inini andimbogariri nhasi as far as I'm concerned. Zvakafanana nekupinda mugomba uchiriona kuti iri igomba aaah andiite izvozvo.
Takangopinda mushop iya, ainge akamira achimwa Coco, mongozivawo kuti kana ukatenga Coco yemubhodhoro, varidxi vanenge vachitoda botoro ravo.
"Maswera sei mam..... Tingakubetserai nei?" Musikana aitengesa akabva abvunza, apa ndainge ndakadzidza naye. I guess wig nemakeup zvakamukonesa kundiona kuti ndini.
"Hesi iwe, ndiChioniso wawaidzidza naye? Urisei zvako." Ndakadaro ndichimutarisa.
"Haaa nhema dzako.....haaa ndiwe here iwe musikana uya aiita kunge dzungairwa.....haa nhema dzako." Akadaro ndakabva ndanzwa Peter achiseka. Apa aita akaseka ndaibva ndarangarira mamemories edu.
Mukomana ndaimuda iyeye asi ainge asina future. Kumba kwavo kwaitamburwa asi kwainge kwakazara mufaro zvekudaro.
"Ndini hangu, Mwari akazopindira ndikasawira mudura renhamo." I asked ndichibusisa Mari.
"Mudura renhamo rekwanani! Zvekudyaira kudya zvamusina kushandira mucharombeswa." Akadaro Peter sekunge ndainge ndambotaura naye.
"Only marombe anonwira drink mumashop anofunga kuti vangu vakaromba. Kurwadziwa nekungobhadhara dollar wotopihwa drink nebotoro wononwira kumba. Kumwe kukara soo!" Ndakapindura ndakatarisa Memo .
"Kuwana kwosiyana mufunge, nerimwe remakore Mwari achapindura minamato yedu." Akadaro achiisa botoro pacounter.
"Mwari kuita sei kwake, munhu ngaashande, Memo tenga zvaunoda zvinokwana paTwenty, usakanganwe mabotoro eCoCo amama, Isu atisi marombe tonomwira kumba." I said ndichitazembera zvangu pacounter.
"Goto uchariona zvako, nguva ichakwana chete. Unofunga kutiza nhamo yangu inooneka uchipinda munhamo yakavanzika kurinani "
"Nhamo ipi yaunoziva ipi iwe, at least ndinochema ndiri mumota yangu pane kuzochema ndiri muhapwa inonhuwa hwema wegotokora." Ndakadaro ndichitarisa musikana uya.
Peter akabva amhanyira kubata face, l noticed kuti ainge akuyeredza misodzi ndokubva afamba fast achibuda mushop muya. Koiwo mazibhurukwa airemberera kunge munhu azviitira tsvina.
"Chioniso usadaro iwe, Peter aripakuchema uyo, akafirwa namai vake last week ufunge. Dei wambomira kumuudza nezvenhamo." Akadaro ndakabva ndangonzwa hana yangu kurova. Asi chekuita painge pasina plus ndiye andidenha.
"Memo pihwa zvaunoda, ndokumirira pamota pangu." Ndakadaro ndatobatikanawo nekuona misodzi yaPeter. I walked out of the shop ndokutarisa kuti ainge achiripo asi ndakatozomuona atove kure akutokona nekanzira kaisvika kumhiri kwegomo kwaive nedzimba dzavo.....
I hope ndainge ndisina kumurwadzisa, zvisinei vanhu vakatanga kundikwazisa ndichingovapindura zvekuti musandinetsa ndakatonanga kumota yangu.
Pamdakada kupinda mumota, ndakangofunga muswe uya ndokubva ndamira zvangu, at least kana Memo achinge avepo tinorumwe tichichinjana pane zvekuti ndife ndega.
Memo akazouya akaita kuzadza paper bag, ndopandakapinda mumota ndakananga kumba. Ndaiyofambisa mota yangu zvishoma because ndaizokaruka ndatsika mombe dzevanhu kanhai. Ndakazomira tasvika pamba and ndakaona butsu dzababa pamukova wekitchen ndikaziva kuti mudhara ainge auya.
Taakazosara kuburuka ,baba varomira pamukova kuda kuona kuti ndian auya, pavakandiona ndichiburuka mumota vakaridza muridzo vachifara zvikuru. Ndiani asingafari kana mwana wake achichovha mota, its evey parent's dream.
Ndakamhanyira dhara rangu rikandimbundira nemufaro, zuva rakazopera ungori mufaro chete, pavakazondirwadzisa ndepavakandibvunza nezvemwana patainge tatomirira kupakurwa kwesadza, mama ndivo vaiita zvekubika.
"Takuda muzukuru isu, wave kupfira here?" Vakabvunza ndokubva ndangorova serious apa ndainge ndigere pedo navo.
"Usati baba vanditsvinyira kwete mwanangu, ndoda kuziva kuitira kuti ndizokubetsera mwanangu, pamwe zvirikunetsa ndobasa ramama." Ndakangovatarisa
"Hongu baba asi murume wangu ndiye akati timbomira, haasati oda kuita baba!" Ndakaoindura ndichitarisa pamoto.
"Nyaya iyoyo inopisa semoto uyo, haadi kana kuinzwa Bright. Anditozive zvekuita " ndakadaro ndokubva baba vandibata bendekete.
"Imba inoda kufambirwa, regai tizoenda kumasowe kuswera mangwana, ndopavanenge varipo ana madzimai vanokubetsera ndava nguva irikufamba "
"Nguva ipiko Baba Chioniso, Memo gezesa sekuru vako avo yave nzara iyo. Iwezvako Chioniso usanzwe, muchaita kana nguva yakwana." Mama said ndokubva ndangosekererawo.
Takazodya sadza ndokubva taenda kunorara, taienda kuzonorara pane imwe imba yakavakwa mainge mune marooms hobho.
Mama naDad vakapinda mavo ini naMemo ndokupindawo meduwo. Ndakanosvika nekungotaurawo twunyaya naMemo ndichimupa maAdvice ekuti aroorwe nembinga otherwise anorarira maputi. Takazorara paBed iye nerimwe diviwo .
Zvisinei ndakabatwa nehope nekukasika ndokubva ndatanga kurota ndichibuda mumba mandainge ndakavata asi ndaienda kumota yangu. Ndaifamba seka zombie ndiri straight no kubwaira. Kubva ndizvarwe andina kunge ndamborota hope dzakadai.
Ndiri kuhope kudaro, ndakafamba zvishoma nezvishoma ndakananga pamota yangu ndokuvhura door, Ndakatoona muswe wandainge ndamboona tirikuma shops asi this time muswe uyu waiuya kudoor randainge ndiri. Ndakamboda kutiza asi ungati ndainge ndakabatwa maoko.
I tried kutaura ndikakonewa dzamara ndazongomira ndakaitarisa ndichinamatira nechemukati, ndine wevamwe vainge vasisina basa nezvekunamata asi apa ndakangonzwa ndakutoda Mwari nechemuhana.
Zinyoka riya rainge rineruvara rwakaita dark green apa rinemazikwati mahombe. Rakabba rabuda mumota ndokuti mwarara pasi semvura, ndakangoritarisa nehope yekuti rwusandidya but to my surprise rakatanga kundinhanzva nhanzva richikwidza nemuviri wangu.
Ndainzwa kumerera uye kutya, pane munhu asingatyi nyoka here, asi chekuita ndopainge pasina, ndakatanga kuda kuedza kufamba asi ndakakonewa chero kutiza.
Nyoka iya yakabva yachinja kuita zimunhu raisanzwisisika, rine zimusoro rinenge nyoka, koiwo maziso aiita searikuda kutsinzina. Ndakamboda kutiza asi ndaiitwa semunhu akabatwa makumbo.
"Mukadzi wangu unonditizirei, ndakutevera kubva kurewonditiza." Payakadaro ndakabva ndapepuka muhope dzangu ndichi screamer. Nyoka igoita murume wangu sei....
1k for the next chapter............📌
https://whatsapp.com/channel/0029VaxwRopBVJl3uAJzTY3m
Like before reading
_(do not forget to share👏🏻)_
*Goto Changamire🐍*
*Short Story By*
Patience O Mapukute.
*CHAPTER 5*
*CHIONISO*
Ndakavhunduka nekurota kwandakaita nyoka ichichinja kuita munhu. Ungaramba wakavata, ndakaita kupepuka ndichivhunduka. Zvandaitiwo ndagona kuuya kumusha nekutya nyoka dzandairota kumba.
Nekumusha nekumusha here amana. Ziya ndorainge roteuka semunhu adirwa bucket remvura. Ndakamboda kuridza mhere nekutya asi ndainge ndazvijaira izvi. Kuona nyoka kwainge kusingachandityisa.
"Mama, are you okay!" Ndakanzwa kubatwa ruoko, ndakaita kakuvhunduka pakubatwa, asi nyoka iya yainge yanditevera kubva kuhope. Ndakaita kukwakuka ndichijamba pamupedha watainge takarara.
"Nyoka, nyoka, nyoka iyo!" Ndakadaro ndatoveku door ndichirivhura. Memo akabva asimukawo pamubedha arimhepo achitakunyira kure machira. Kuti painge pane nyoka yesure here, ndakabva ndatowedzera kuridza mhere.
Maoko ainge obvunda zvandisati ndakamboona zvekusvika pakukonewa kubata key nekubvunda. Key yakabva yadonha pasi apa tisati takinura door.
"Maihwe ndofa ini! Vhurai goni mama , inouya kapatiri. Imbomirai kubvunda serutsanga rurimumvura tiriparumana nzombe." Akadaro Memo maziso aripasi kutarisa kah nyoka kana youya.
"Nhonga key yacho iwe, kasika ndiwe mwana pano." Ndakadaro ndichibvunda semunhu akandwa maice. Memo akabva anonga makey aya ndokutanga kuda kuvhura.
By then tainge totonzwa mazwi ana mama vachiita sekunge varikuuyawo kwatainge tiri nekuti waingonzwa kuzevezera... Kungonzwa kuti mama vavekuuya, ndakabva ndatowedzera mhere semunhu ainge ave nemunhu wekuchemera. Ndakaona Memo angondiyeva zviya zvekupererwa apa ruoko ruchivhura door. Parakavhurika takangobuda tose tichimhanya, ini mberi iye shure ndokunodhumana nana mama vainge varimu passage.
"Mama! Mama, nyoka!" Ndakadaro ndichinongedzera kuroom kwatainge tabva. Mama nababa instead yekundi comforter vakabva vatotisiya ndokutangawo kumhanya vachibuda panze chaipo. Ndakangotarisana naMemo ndokubva tateverawo.
Patakazosvika panzi, munhu wose aingofemereka femereka zviya zvekuneta. Mama vainge vakazembera pamota yangu, baba vachitoenda kwaigara mabadza, Memo akangoteverawo mama ndokumira pamota.
Pandaida kufamba ndichienda kumota kuya, ndakabva ndarangarira kuti nyoka ndainge ndairota ichibuda mumota.
"Nyoka ikoko mumota mama!" Haaa kuzodaro, mongozivawo kuti nyoka inofamba pasi and painhe pane rima since mwedzi dzainge dzakavharwa nemakore.
Haa pakajambwa jambwa sebenzi. Ndakangoona vanhu votanga kujamba jamba. Kujamba kwemunhu mukuru konzwisa tsitsi. Mama naMemo vakajamba sekunge vaitamba ngomba yeZion. Semunhu aityawo ndakabva ndangogarira kure ndichitya kurumwawo.
Baba vakatozouya nefoshoro ameno vaida kufoshoro nyoka here, vakanhosvikirana nekuona vasikana vachitamba ngoma yeZion. Baba vakauya kwandainge ndiri ndokubva vazevezera kuti,
"Asi nyoka yacho iripavari! Ngatitize isati yaiuya kuno." Baba vakadaro ndokubva ndangovatarisa.
"Haaa handi ndimi munhu rume here baba. Saka moda kutiza vana mama here. Endai mouraya nyoka ukwo!"
"Kana ,andisati ndoda kufa. Next week ndirikuitwa Headmaster handingafi ndisati ndatonga. Chitora iwe foshoro uvabetsere." Baba vakadaro ndikangovatarisa.
"Be serious father!" Haaa husiku uhwu hapana kuzomborarwa pano. Tainge tisingachaziva kuti nyoka yacho yaive mumba here kana panze saka takatozongorara mukitchen tose semhuri. Mama ,Memo neni parupasa then baba pabench.
Hapana akabvuma kunotora machira mumba, chero baba vakatoti ngatishingei kurara pasi nekuti pamwe nyoka ichiri mumba. Chemusi uyu pakaitika chisionekwi hwumhandara hwaamai.
Mangwana acho takafumo bata jongwe muromo tichiitira kuita plan before vanhu vemaraini vamuka. Tainge takatomira mukitchen tichida kubuda panze. Kwainge kusati kwanyatsochena asi pasi paitooneka kunze kwenzvimbo dziri kure idzo dzaivharwa nemhute.
"Mama ini ndoenda kuHarare ini! Ndingasarumwa pano?" Ndakadaro takamira sembudzi dzinoda kutungana.
"Kwete, kwete masibanda, kuendepi uchitosiya. Unozofara here kunzi baba namai vakasara vakarimwa iwe waenda!" Mama vakadaro apo Memo paainge akutonovhura hake goni.
"Chimbomiraz handi wakati murume wako haako, unomanyireiko nhaiwe. Mirai tibate kanyoka kacho zvinhu zvidiki izvi" Baba vakadaro ndikabva ndarangarira matiziro avainge vamboita nezuro wacho.
"Imi makatiza nezuro, saka zvazvidiki sei?" Ndakabvunza ndichitotora zambia ramama pasi ndokuvatambidza.
"Baba vako vanotya bete ava. Panodaidzirwa musangano wemadzimai ndichatoendawo navo." Mama vakadaro vachitoenda kudoor ndokubva ndateverawo tichisiya chimudhara chichinhotaura chega chichiteverawo kumasure.
"Manyoni unoshura nhandi! Ungadaro murume wako." Mama havana kupindura nekuti vakakatyamadzwa naMemo aitobuda mudzimba dzekurarira akabata kahorse pipe kanoshandiswa kudiridziswa.
Kainge kakaita zvekutyekwa. "Mbuya, ndofunga mainini Chioniso vakaona horse pipe iyi nekuti ndaiwana mumba." Akadaro achiikandira kure.
"Kuti kudaro, koiyo kuitawo senyoka kudaro. Asi iwe mwanangu kundivatisa mukitchen nokuda kwehorse pipe." Mama vakanyunyuta.
"Ewoo!" Mama vakadaro vakutoenda kuroom kwavo followed by dad. Haaa nyoka idzi dzakundionesa moto. Nezuro ndinezuro, ndakaona nyoka tirikumashops and now this. I'm sure something is wrong somewhere.
Ndakamira ndakatarisa mota yangu, kosei ndichingozviona ndiri ini. Bright anotondiita benzi ndikamuudza. Lord please show me the way.
*BRIGHT*
"Babe l am happy that you're staying with me the whole week! At least ndomboswera ndichikuonawo!" Martha akadaro achindibata bata chifuva apo patainge takarara zvedu pabed.
She looked so happy, kotaishaiwei, mari yainge yakazara kwete zvishoma and zvikwambo zvacho zvaitoshandisawo Chioniso, ini nemukadzi wangu tichirarama soft life.
"I know my girl, ndinokuda unozviziva wani. Saka so you want us to go out?" I asked her ndakamutarisa mumaziso.
"No baby, ngatiswere pano, just me and you and our baby girl!" Akadaro ndokubva ndangosekerera.
"Iye Julie aripi nhai Martha!" Ndakamubvunza ndokubva angondipa sign yekuti andizivi.
"Adiku room kwake babe, ndambomusiya akarara, achiri makuseni ano aya."
"Okay baby, ndamusuwa rega ndimbonomuona." Ndakadaro ndichiburuka pamunedha ndokupfeka shirt yangu. I kissed my wife then walked outside of the room ndakananga kuroom kwake.
Ndakasvika nekuvhura door and l was surprised to see my baby akavata pamubedha, zinyoka regreen richimunanzva kuzasi kwake. Ndakamgomira ndiri shocked ndakaritarisa. Parakandiona rakabva ramisa musoro rakanditarisa.
"Nezuro andina kukwanisa kurara nemukadzi wangu wawakandipa nekuti ainge aenda kumusha kwavo. Mukati meimba yavo makamwaiwa munyu nemuteuro." Yakadaro neizwi raityisa. Yaive first time yangu kuinzwa ichitaura, most of the time ndaingomuka ndakanyorerwa zvainoda .
Ndakapererwa nezvandakaona, ndakangoona musodzi wangu woyerera. I don't want this for my child honestly. Zvandaiti ndagonawo.
"Please don't do this to my child, she is my only daughter please! I will bring back your sacrifice but please spare my child." Ndakadaro ndokubva yaseka.
"Ndatoita ini! Ndakutoenda, uzvipamhe futi, mukasagadzirisa nyaya iyi manheru ndikudzokera mwana wako." Nyoka iya yakabva yaenda pasi pemubedha ndoku disappear. Ndakasara ndakatarisa mwana wangu ainge akatofa nehope asina chaanoziva.
I need to solve this, Chioniso anofanira kudzoka kumba nhasi chaiye..........
Book ratove ku25 kuChannel, follow for more👏🏻
❤️
👍
😢
🙏
😂
😮
30