
Mai Ishe"SHONA"online Nove🇿🇼🇿🇼
February 7, 2025 at 07:47 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaRyyBBIyPtcBppd9033
*KANA USATI WAVERENGA BOOK IRI SAKA STRESS URI KUPEDZA NEI,BAYA FOLLOW UVERENGE ROMEO UWANE ZVEKUITA PA VALE 😍*
🕊️ *ROMEO* 🕊️
STORY BY⚜️MAI ISHE💖
🚦⁷⁸³⁸⁷³⁷¹⁵
🚦⁰⁷¹⁶⁹⁶⁴³⁴⁵
🆓
All rights reserved.
Group link👇
https://chat.whatsapp.com/HdBhOWj9RwIIGtb0RyfBOa
🔞 Parental guidance is advised
CHAPTER2️⃣6️⃣
*BATSI*
Ndakati ndichisvika pamusha pedu ndakanzwa kamwe kakusununguka nekupindwa nemhepo kakapinda mandiri ndokupinda nemota mugedhi ndakamisa nechepati peruvanze takati kitchen kurudyi bedroom riri kuruboshwe sezvo ariwo mavakirwo akaitwa musha wedu,tichipinda mugedhi medu tinopinda nekuchamhembe takatarisa kumaodzanyemba chimbuzi nezvimwe zvakaita sematanga emombe ari kumadokero nechekunze kwemusha, munongoziva zvazvinoita ukaenda kumusha iwe wambove nenguva yakareba usina kutsikako zvine ka hu excitement kazvinako soo, moyo unenge uchifara kuita semwana atengera hembe itsva, ipapo ndakati ndichiburuka mumota amai vangu vakatanga kupururidza baba ndokuuya vachindimbundira "" titambire samusha "" ndakanzwa kufara ndokumbundira baba vangu,nguva iyoyo mhamha vakabva vandimbundirawo zvee, waita hako basa mwanangu wambouyawo kumusha Batsi unozonyanya kurova mwanangu, asi wakanganisa chinhu chimwe chete mwanangu hongu iwe wauya takuona asi ko mhuri muzukuru wedu kaa kana mai vacho chaivo handiti hamuchatodi nekutipawo mumwe muzukuru mogumira mwana umwe here mwanangu"" pavakadaro ndakanzwa hasha hana ndokurova ndichibva ndapukuta ndebvu,ko pane pandaivaudza here kuti ndoo nyaya yandainge ndatiza kuHarare kuti muroora wavo akange ave nenhumbu yechikomba, ndakangoseka zviye zvekusada kupindura ipapo ndokufamba ndichienda paive neka tank remvura "" haaa vakomana vakaisa zvinhu izvi kuti zvingadaro zvichakasimba here,zvinoda kuchinjiwa toisa zvimwe zve cement izvi zvisati zvaita njodzi ndakanzwa kuti zvinodonha""ndakadaro ndakamira pama tank iwavo baba vangu ndokudavira vakamira kwandaive ndamisa mota "" haaa mwanangu mungatotadza kuronga hupenyu hwenyu nemhuri dzenyu makatarisa isu ,pano tichadei zvakatokwana zvakadaro chikuru ndechekuti mvura iripo, uye usatarisa side rimwe chete mwanangu sezvauri kuita kuno neBikita ngazvifanani chengetai Shirikadzi iya"" ndakanzwa kuda kuchema baba vangu vadaro ndafunga zvandakaitwa nemukadzi wangu, nguva iyoyo ndakabva ndabva kwandaive ndokufamba ndichienda kwavainge vari”ngatipindei mumba mudzimu uzive kuti mwana apinda mumusha ""
"" Ichokwadi mwanangu handei mumba "" ndakapinda mumba ndokugara pacheya yaivemo asi paside payo paive netsamba ndichibva ndabata tsamba iyoyo mumaoko angu"" ko zvainenge tsamba wani zvichiriko here zvekunyorwa kwetsamba"" pandakadaro baba vangu vakabata musoro wavo ndokutsikitsira vasina chavapindura "" zvakaoma mwanangu,ane benzi ndiye ane rake kudzana unotopururudza, unoti bible parakati baba vebenzi havana mufaro rainyepa here, Romeo achandiuraisa nebp"" pakadaro baba ndakaziva kuti paive nenyaya chete nokuti kubva zvainge zvauya Romeo kumusha achizodzoka kuHarare iniwo samukoma vake handina kuita nguva yekumubvunza kuti akange afamba sei uye nyaya yaive afambira yaive yei, pavakadaro ndoo pandakadzosa ndangariro kumashure""Wadiiko Romeo iye asiri pano anzii futi"" ipapo mhamha vakabva vasimuka baba vachirondedzera nyaya yaRomeo ivo ndokuisa mvura pamoto iri mugaba raive rakati kurirei"" chirega kudaro Batsi handiti waifambidzana nemwana wekwa Chigodora uku ukanzi une mimba iye akaramba kaa,nokuti mwana uyu akasara akabvisirwa mari Romeo auya kuGuta, zvino ini paakauya kuno apa handina kumuona kana mai vako ava havana kumuona ipapo ndinganyepa akasvikira kwatete uku ndokudzokerera ikoko kuno asina kusvika, zvino zuro ndakaona mupurisa wamambo wosvika pano achiti masungwa nemhosva yekushaikwa kwemwana wekwaChigodora ""pakadaro baba vangu ndakaseka nokuti musikana akange ataurwa nezvake ini ndakanyumwa kubva achipinda mumba mangu asi handina kuda kuzvitaura,nguva iyoyo ndakabva ndabudisa foni yangu muhomwe ndokufonera Romeo,hatina zvatakataura asi ini ndakatoziva kuti mwana uyu ayive mumba mangu"" asi imi baba hamuoni here kuti ipapo pakaita kubatwa kwenjere mwana uyu mamugamuchira pano haizofanirwa kudzokera oga kana manga maona kuti hamumude ayida kudzoswa zviri pamutemo kana akapedza week rese munaye"" pandakadaro baba vakabva varamba "" kwete mwanangu, mwana uyu ahana kuuya pano akaenda kwatete ndoo kwakaitikira nyaya dzose idzi kwete pano""
""Baba tiri kutaura chinhu chimwe ,tete ndimi hapana mutsauko ipapo, kugamuchira kwatete mukadzi waRomeo nemiwo munenge magamuchira , rino iraini rimwe chete hatidi zvinonyadzisa mangwana vanhu makagarisana kudai, ndave kutonga sedangwe renyu tave kutsvaga munyai nokuti mwana wamataura nezvake uyu ari mumba mangu"" pandakadaro baba vakapopota ndokusimuka pavainge vakagara"" hazvigone kuti mwana wachigodora ayite muroora wepano, iye akabvisirwa mari nemumwe murume zvinozovikanwa nemunhu wese hazviite pano kwete "" vakadaro baba vakamira ini ndaive ndakati zii"" ini kwete mumba mangu kwete handidi handidi"" vakadaira mhamha vachitsigira mashoko emurume wavo,vakataura zvakawanda vapedza ndokugara pasi"" ndanga ndakateerera muchitaura ndakamirira kuti mupedze kutaura shungu dzipere asi ndinoda kukuyeuchidzai chinhu one mwana aharambirwe mukadzi,nokuti makati musikana waRomeo handimudi pano ngaabve kutaura kudai agere mumba mangu naRomeo wacho, vanhu ava vanodanana isu ngatibvei pakati pavo tivatsigire kana asingadi mukadzi wake anoramba ega pane kuti imi murambe muroora vana vachidanana mangwana ndiye achakuchenjetai hazvizivikanwe zvehupenyu ""
"" Ari kumba kwako une chokwadi""vakabvunza mhamha vachishamisika vese nababa vakashamisika "" ndosaka mandinzwa ndati titsvage munyai tsvagiraikuno iyendeswe kwa Chigodora musati mapinda mudare muripo wacho hamuzoukundi""pandakadaro mhamha vakabva vatanga kuchema vakachema vakanditarisa "" asi une chokwadi Betsi kuti wakatogamuchira Yeu mumba mako kwave kukoniwa kundiudza ini samai vako mwanangu, muri kundipumha huroyi here vana imi, chiiko mwanangu""
"" Mhamha kwete kwamave kuendesa pfungwa dzenyu uko neniwo ndakanzi musikana webasa wandakuunzirai sezvo ndaive ndamuti tinoda mubetseri pamba pano"" mhamha vakacheka baba vangu ndokuramba vakati ziii vakatozoti papera chinguva mhamha vanyarara ndokutura mafemo vachibva vabvunza "" kukanya hurangana taura tinzwe marongero ako Iwee"" vakadaro baba vachitaura neni ndokuvaudza zvandaifunga tichibva tawirirana, ndaive neka 100 us kangu ndoo katakatsvaga munhu ndokumutuma kwaChigodora zuva redare risati rasvika, kwaive kuzviita hangu asi amai vangu vakange vasingade asi ini handina kutarisa zvose izvozvo chandaida kuumba hukama nevanhu vemu raini,tea nembambaira zvakabikwa ndokuiswa mukaka uchangobva kudanga ko isu pamusha pedu mombe dzaivepo kaa uye dzaibereka nguva dzakasiyana siyana zvokuti mukaka chaiwo waigara uripo nguva dzose, ndapedza kudya ndakasimuka ndokumbofamba famba ndichiona chimiro chemusha wedu zvose nebedroom raive rakavakiswa namai Lolo moyo wangu ndokurwadza ndakayeredza misodzi ndakaritarisa ndokudzokera kwaive baba vangu, munhu wandaida kutaurira zvaindiremera ndibaba vangu ndinoziva havaindisiya ndisina kana zano raindibatsira"" baba ndafunga kuputsa imba iyi ndikuvakirei yakanaka kupfuura iyi"" pandakadaro baba vakabata muromo ndokunditarisa "" kukwegura zvangu Batsi asi handikanganwe, ndiwe wakauya pano ukati muroora wenyu anoda kukuvakirai imba ndikatenda chose zvino unoda kuita sei kusvora zvakaitwa nemwana wevamwe here hazvidaro mwanangu"" pavakadaro ndakabva ndasimuka ndokumira ndakavatarisa, ipapo ndakabva ndavaudza kutanga kwenyaya dzese kusvika dzizosvika padzainge dzasvika"" asi mhamha musavaudza baba kunzwisisa kwevanhu kadzi kunonetsa ""ndakadaro ndapedza kuudza baba vangu chimiro chaive kumba kwangu ivo vakatura mafemo ndokuvatarisa wanikwe vakange vatozara dikita kumeso kwavo ndokupukuta havo, nyaya yato yakarema mwanangu asi zvinaitwa sei kana zvirizvo zvavepo, mukadzi aharambirwe uroyi asi chipfwmbi,unganidza hama dzemukadzi wako svika nekunana tete uvaudze nyaya iyi ndoo vachakuudza zvokuita "" pakadaro baba ndakanzwa kurerukurwa ndokuona kuti ndaive nebasa izvi zvaireva kuti ndaifanirwa kuita rwendo rwekuensa kubikita, takazosara totaura dzimwe nyaya asi ndakatoona kuti baba vangu vakange vasisina kusununguka, munhu watauive tatsvaga semunyai akatozosvika kuma 3 zuva rovira ndokumutuma kwaChigodora, tose taive takamirira mhinduro nekudzoka kwemunyai nokuti taitoziva murume iyeye asinga jairike munyai wedu akazodzoka ave manheru ndokutaura kuti kwaive kusina kunira zvakanaka asi vakazotambira havo mari, takatenda zvakanyanya munyai achangobva pamba, vana komana.vekwa Chigodora vakabva vasvika vachitevera mabere sezvo iriyo shona inoshanda kwedu kuti munhu akaroorwa hana dzake dzinouya modzipa mbudzi dzouraya imwe ipapo vodya nyama imwe voenda nayo kumba chiratidzo chekuti mwana wenyu agamuchirwa,takati izvi zvapera ndichangopinda mumba ndakabva ndafonera ndamainini Neneh hana yakatorova ndokudaira foni iyoyo,
☎️""Hello mainini""
☎️""Bamukuru ndine zvandinoda kutaura nemi"" matauriro akaita Nene akaratidza kuve munhu ayichema iniwo ndakatodaira ndave kuto chohwerana naye ""
☎️""Ko maita sekunge mukuda kuchema asi makavharirwa kani"" ipapo akabva adzosera madzihwa munhino""
☎️Bukuru munodzoka rinhi ndine zvandinoda kutaura, munhu wese achinzwa ""pakadaro Nene hana yangu yakarova ndokufunga kuti ndaida kuenda kuBika kunotora tete vamai Lolo ndokumuudza zuva randaizodzoka.
☎️""Mainini kudzoka kwangu ikoko ndipei four days mberi, sezvo kuno ndauya nhasi""
☎️""Kwete bamukuru kure ikoko hazvichatoite, ndatotizira Romeo ndave muroom make ndine pamuviri pake ndosaka ndati ndinoda kutaura neni munhu wese aripo"" pakadaro Nene ndakaita kudedera nehasha baba vangu vaive vakamira kumashure kwangu ndakatoona kuti kuramba ndotaura naNene zvaisaita better kuto kata foni Romeo anga andirwadzisa ndakanzwa kubatikana chaiko ndakarwadziwa""aaah kwakanaka here waita sekunge wagamuchira shoko rerufu"" vakadaro baba vangu apa kuti ndivaudze kuti ndoo zvaive zvaita mwana komana wavo zvaisaita nokuti tanga tatobva kuendesa tsvagirai kuno kwaChigodora kumba kwana Yeukai"" kana baba izvozvi ndiri kufonerwa nemurungu kubasa ndave kutoenda husiku huno ndinodiwa basa mangwana nasix "" pandakadaro baba vangu vakabva vandibata "" wagona mwanangu wandinyurura mudziva rine ngwena kushata kwechimwe ndoo kunaka kwechimwe kuuya kwako kuno kwandisunungura mwanangu handizivi kuti ndaiguma ndavepi panyaya iyi, zvino unogara pasi naRomeo aunganidze mari auye kuzoroora mwana wevanhu ndiye akazvida handidi kunyadziswa ndiwe wati tigamuchire mwana uyu pamusha pano""ndakaremerwa nekupa daira ipapo ndaivaudza sei kuti mwana wenyu atove nemumwe zve mukadzi ane mimba munin'ina wamai Lolo,chandakaita kumbundira baba vangu ndokumusta mhamha ndichivaudza kuti ndave kutodzokera kubasa iwo musi wandive ndasvika kumusha zvakavanetsa asi ndaive ndisina choice kunze kwekutodzokera paHarare pakandiitira padhuze nenguva diki diki ndakange ndave kumba ndichitofonera Romeo kuti auye avhure gedhi ndakange ndasvika ""mukoma kuvhura gedhi muripi imi muri kuti muchangosvika ""
""Ndati pagedhi"" ndoo zvega zvandakamudaira achitouya kuvhura gedhi iroro.
Stay tuned.
*Macomments enyu akakosha anondipa simba*
Mhamha vaIshe 💖
❤️
👍
🙏
😢
😂
😮
1.1K