
Mai Ishe"SHONA"online Nove🇿🇼🇿🇼
February 8, 2025 at 11:36 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaRyyBBIyPtcBppd9033
*KANA USATI WAVERENGA BOOK IRI SAKA STRESS URI KUPEDZA NEI,BAYA FOLLOW UVERENGE ROMEO UWANE ZVEKUITA PA VALE 😍*
🕊️ *ROMEO* 🕊️
STORY BY⚜️MAI ISHE💖
🚦⁷⁸³⁸⁷³⁷¹⁵
🚦⁰⁷¹⁶⁹⁶⁴³⁴⁵
🆓
All rights reserved.
Group link👇
https://chat.whatsapp.com/HdBhOWj9RwIIGtb0RyfBOa
🔞 Parental guidance is advised
CHAPTER2️⃣7️⃣
*ROMEO*
Nene achipedza kutaura pafoni akabva agara pamubhedha ndokutanga kuchema,iniwo ndaive nekamwe kakutya kakapinda mandiri soo nguva iyoyo ndakabva ndakasimuka ndokupinda mutoilet,ndakangonomira paglass ndokuzvitarisa ndave kutoshaya kuti ndaizoti kudii kuna mukoma ivo vaisaziva zvekudanana kwangu naNene,""wakatomira hako mumo koo ukawana Nene azvisungirira""kapfungwa kakapinda mandiri ndakamira pa glass mutoilet ndakabva ndavhunduka ndokubuda wanike munhu ari kungochema hake ndakatotura mafemo""ini handina kuti handikude Nene but toda kuti pangove clear chete pazvinhu zvose,nokuti iwee wakataura nemuromo wako kuti nhumbu yako ndeye murume wemunhu zvino mukoma vangu vakanzwa kuti wanditizira hauoni kuti zvichavasiya vane mibvunzo yakawanda inoda kupindurwa newe""ndakadaro ndakamutarisa, nguva iyoyo ndakabva ndagara pasi""ndosaka ndavafonera Romeo,kana uchida ndiunganidze hama nditaure munhu wese achinzwa handina chandinotya""ndisati ndatomupindura akabva atotanga kufonera vanhu vekumba kwavo,handina kuita hanya nazvo ini ndakabva ndapinda mumagumbezi,ndaisada kuti Nene aite dzimwe pfungwa dzekuzviuraya ndakabva ndamuisa pachest ndokurara takadaro,hapana kuita kana ten minutes Kim akabva aisa message ✉️""saka wati ndongorara here Romeo, reason yandawira kuno ndeyei""munoziva ndichiona message ndakatomboseka nechemumoyo ndatoshaya kuti Kimm ayida kuti ndiite sei iye akange arara namaiguru uye ini ndakange ndotomutya chaiko
✉️"" Handina zvandingaite shona yataura nagules wainzwa"" ndakabva ndaisa foni pasi hapana kupera nguva yakabva yapinda zvee message
✉️""Iwewe uri kutoziva kuti ndafambira kusvirwa newe Romeo usandiudza kuti wandiunza kumba kwenyu kundiita kamwana ke17 years usandi treater kunge musikana"" ndakapukuta kumeso kwangu ndakabata foni yangu, nguva iyoyo mboro yakabva yatomira chaiko apa Nene ayive paChest"" paakanzwa kuti mboro yangu yamira akabva anditarisa kumeso"" I can't take this anymore, watomisa kaa uri kuudzwa mashoko erudo nehure rako kaa, manje ini handiitwe izvozvo "" akadaro Nene achitosimuka painge akarara ndokufamba kuenda kudoor ndakatoona kuti ndoo kwaive kutotanga kwedrama ndichibva ndamubata, ugoonawo Kimm wacho akatoitawo sekunge agarwa nemweya ipapo akabva ato beep apa ndanga ndaka saver number dzake kuti "Kim Lov"ndakatarisa foni ndokutarisa Nene"" why Romeo why, inga ndinoita zvose wani kukufadza ndokufadza wani sei uchindidaro Romeo""akadaro Nene akandibata ruoko neniwo ndakagumirwa kana simba rekubata foni ndakarishaiwa ndokungonogara pamubhedha,hatina kurara Nene akachema musi uyu, iniwo ndokuona kuti pamwe pacho ndainyanya chaiko akatozoti pave pakati pehusiku ndoo paakatanga kutsumwaira neHope ndokurara hake iniwo pandakada kuisa musoro pasi foni yangu yakabva ya rira zvee ndakatoti ndiKimm akange afona nokuti Nene akange atovhunduka ndokumukawo iniwo ndakaita kaku ignore ndisingade kudaira kana kuyi tarisa"" daira munhu wako handiti kumuunza pano ndiripo kuratidza kuti unomuda kuda kaa kundiwachisa"" handina kudaira ndakaramba ndakanyarara nokuti ndakatoona kuti ndikangoibata ndomutsa hondo yakakata ichibva yafonwa zvee"" ari kundiitira noise rega ndimudaire ini azive kuti takawanda pano"" paakadaro ndoo pandakatora foni yangu wanike ndimukoma Batsi""mukoma Batsi ko vari kudei this time"" ndakatovhunduka ndokumuka ndichibva ndagara.
☎️”mukoma..""
☎️”huya uvhure gedhi"" ndakatorohwa nehana ndokushaya kuti gedhi ripi nepaive nenguva
☎️"Gedhi gedhi ripi""
☎️"Ndati pagedhi "" matauriro avakaita acho akaratidza kuve munhu ane hasha nguva iyoyo ndakabva ndasimuka ndokubuda panze, wanike mota itoripo panze"" yaaa ma1 atanga oooh shit"" ndakadaro mumoyo mangu ndichivhura gedhi ndichingopedza kuvhura gedhi mota yakapinda mukati ichimhanyiswa munhu kuita sekunge achanorova imba,ndakati kuvhara gedhi ndichikiya pandakanotendeuka ndichida kufamba handina kuziva kuti mukoma vanga vatoburuka nekutouya pandaive ndakamira, ndakazongonzwa ndapihwa chekumatsenga nzungu chakaita sekunge chichanopesanisa shaya idzi uko ziso rekuside ikoko ndokungoti chururu musodzi rimwe racho ndokuona madzengerere,pavakada kusimudza rumwe ruoko kuti vapamhe ndakabva ndaribata zvine simba ndokuvatarisa "" ndisiye unoda kuzviita bhuru iwe kufamba uchingo dyara vana kusarohwa uko ndinoda kukugadzirisa "" vakadaro mukoma vachindisundidzira vachinosimudza gumbo vakandikava makumbo, apa ini ndagara ndine mazvimbiswa kare ziso ranga rafushirika kare, handina kuda kuvadzosera asi ndakarohwa nokuti ndaitoziva kuti ndine mhosva vapedza shungu mukoma vakagara pasi ndokutanga kuchema, ndakatoziva kuti kuchema kwavo dzaive shungu dzakawandisa ndokuvasimudza nemarwadzo ose andaive nawo ndokupinda mumba ndichipinda padoor ndakawana Nene akamira mudinning ndakatoshaya kuti akange amuka nguvai,ipapo mukoma Batsi vakabva vamutarisa."" Aaah bamukuru"" pakadaro Nene mukoma vakabva vagara pasi Mai Lolo ndokubuda mavainge vakarara Nene akabva atarisa sisi vake iniwo ndakabva ndazembera sofa "" Betsi ko,,ko,ko,"" maiguru vakakakama zvekushaiwa pekutangira kupindura vakaratidza kugumirwa nezvaiona ipapo Nene akabva avadaira"" ndini ndavafonera sisi ndanga ndisiri kuda kuti zviite sezvazvaita izvi asi ndave kutongoita zviripo ndoitawo sei"" pakadaro Nene mai Lolo vakafamba vega ndokuuya paive pakagara murume wavo ndokusvika vachimubata maoko"" hapana nyaya inotaurwa pasina hama dzenyu mainini munhu wamakuvadzisa nepain ndini"" vakadaro mukoma vakatsikitsira ipapo Nene akabva achema ndini ndakatadza bamukuru, ndakadanana maRomeo patove nenguva "" pakadaro Nene mukomana vakabva vasimudza musoro ndokunditarisa "" wakamuudza here uyu kuti une mukadzi ane nhumbu"" vakadaro mukoma vakanditarisa hana yangu yakarova nokuti munhu wese akabva anditarisa "" shevedza mukadzi wako Romeo"" ndaiita kudedera chaiko asi nguva iyoyo ndakabva ndatofamba ndokuenda kuroom kwana Yeukai nokuti ndakatoziva kuti kuenda kwainge kwaita mukoma kumusha zvakawanda zvakano buda pachena ikoko"" Iwe Yeu, Yeu""akadaira zvekuvhunduka kuratidza kuti munhu akange akafa nehope ndakabva ndamubata ruoko"" ko unoenda neni kupiko husiku huno Romeo ”" akadaro akanditarisa apa ini ndakabva ndananga naye mudinning,nekurohwa kwadaive ndaitwa kuye face yakazvimba munhu wese akashamisika ndichipinda ndina Yeukai, chakave chishamiso kumunhu wese,ndakaona Nene achiita ku sheka chaiko misodzi ichinoyerera apa Yeu wacho ayitoshaya kuti zviii zvaiitika,ko mai Lolo vakaita kusunga face zvemunhu agumirwa,apa kuti vabvunze vakakundikana sezvo vakatoziva kuti ma secrets avo ose akange ayisa pachena nemu nin'ina wavo""bata mukadzi wako umukumbire sorry pane zvawakaita,mwana anokuda Romeo, haufi wakazowana musikana ane rudo sa Yeukai,akabvuma kuchinjwa zita newe akabvuma kukutarisa uchiita mahumbwe ose pamberi pake,iweee itya mwari iwee"" vakadaro mukoma nguva iyoyo ndakabva ndato kumbura sorry kuna Yeu asi iye akachema....
*YEUKAI*
Unozombonzwa kupindwa nemhepo wanzwa nyaya dzevamwe wotoona kuti zvako zvirinani "" haundiudze zvenhumbu yaRomeo,saka uri kuti ini mbiri yofamba manje kuti ndarambirwa chihure nekuda kwako manje seiko usingabate chiuno iwee wanga wadanana naRomeo nguvai zvekusvika pakuvhura gumbo zvekuita nhumbu, urimbwa here iwe inongo kotamira murume wese wese"" vakadaro mai Lolo vachiudza Nene apa ini ndaivemo kutoilet ndakangoteerera nokuti ingadai ndakabuda handaizonzwa zvakawanda"" handina murume kaa ini wamunoda kuudza izvozvo, sisi mave kuenderera manje manyanya ndakunyararirai nguva yareba munhu ngaapedze nyaya dzake dzangu ndopedza ndega, handina kuita nhumbu ndiri pamurune kaa ini ndaitira mukomana "" pakadaro ndakangonzwa,a kurira, izvi zvakandiratidza kuti Nene anenge akange arohwa nasisi vake"" hamundirove kaa sisi kana iri mari yemurume wenyu yaibhadhara kuenda kwandakaita kuchikoro ndinodzosera pane kuti ndiudze mwana wangu kuti ahana baba ivo varipo"" akadaro Nene iniwo ipapo ndakabva ndasimuka pandaive ndakagara pa Chemba ndokuswedera pedoor nedoor"" manje izvozvo ndoo zvandinoda kuona izvozvo, putsa yangu putsa hako"" ipapo ndakanzwa kuvharwa kwedoor kwekuita kurovera, iniwo ndakabva ndaflasha ropa rakange razara muchemba ndoku cleaner mese ndichibva ndabuda ndakatoita sekunge ndisina chandanzwa nokuti ndakabva ndabuda nema tessue andaive ndaputiridza chinhu chandaive ndabuda"" nhai sisi Nene honhaiwo chinhu chandabuda ""pandakadaro ndakademba nokuti Nene akabva andipedzera shungu dzese"" chine basa rei neni handiti wabva nhumbu here chinonzi nhimbu chiii, saka ukundiratidza kuti ndidii, ibva kumberi kwangu uko enda unoisa kutoilet usandisemwsa"" akadaro Nene apa anga ave busy kutobvisa hembe dzake mu wardrobe achiisa mubag raive aisa pamubhedha,handina chandakazotaura ndakatongono kanda mu toilet ndoku flasha zvichibva zvaenda"" ndiri kuziva kuti hapana chausina kunzwa zvawanzwa ndizvozvo ndatotizira Romeo.nguva iyoyo akabva atobuda achikweva bag rake,munongoziva kuudzwa kuti ndatotizira apa pamunhu wacho unenge wakaperera zvine kamwe kakurwadza sooo kunyangwe uchida kuzvishingisa misodzi inodonga chete ndakasara ndongochema ndega asi zvaisabatsira nokuti Nene akange atobuda nebag rake,ndakasara ndofunga zvose zvataiitirana kumashure kwese uko ndokunyatsonzwa kurwadziwa,hope dzinozongobatawo zvekubira zvokuti nguva yandakapepuka ndakamboti kurota ndichiona ari Romeo ayindimutsa""ndisiye unoenda neni kupi""ahana chaakataura asi chakandinetsa kumeso kwake uku kwaive kwakazvimba apa munhu wangu ndaimuziva kaa kubva tiri kumusha uku kuti ane mazvimbisa,ndakamboti zvimwe vainge varwa naNene sezvo Romeo akange auya nemymwe musikana,asi zvakandirambira ndaona direction yatakaenda toenda kudinning,patakanopinda kudai hana yangu yakarova ndichiona munhu wese arimo apa waive husiku"'taura ndichinzwa urikuda kuti kudii kumukadzi wako uyu"""vakadaro baba Lolo vachiiudza Romeo iniwo ndakashamisika kushaya kuti zviii zvakange zvoitika husiku hwakadai""Sorry Yeukai""akadaro Romeo achitaura neni ndakangonzwa"'haaa nhaiwee Romeo une chokwadi yoweee ko nh,nha""akadaro Nene ave kuchema ,apa mai Lolo vakange vakanyorovera kuita sekunge vasimo paiitika zvose izvi apa havana chavakadaira vakaramba vakanyarara"'unomushorei mukadzi wako nyatsomutarisa undiudze chawakasvora paari chakakupa kuti uuye naye pano wosvika womuchinja zita,ndobata mukadzi wako semusikana webasa iwe uchiziva kuti akazvitakura""pakadaro baba Lolo misodzi yangu yakabva yayerera mai Lolo vakashamiswa nazvo apa musikana akange ahuyiwa naye kubasa akabva abuda maive akarara achipinda mudinning,ziso remunhu wese ndoo kwarakatarisa
Stay tuned.
*Macomments enyu akakosha anondipa simba*
Mhamha vaIshe 💖
❤️
😂
👍
🙏
😢
😮
1.1K