
Mai Ishe"SHONA"online Nove🇿🇼🇿🇼
February 10, 2025 at 09:18 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaRyyBBIyPtcBppd9033
*KANA USATI WAVERENGA BOOK IRI SAKA STRESS URI KUPEDZA NEI,BAYA FOLLOW UVERENGE ROMEO UWANE ZVEKUITA PA VALE 😍*
🕊️ *ROMEO* 🕊️
STORY BY⚜️MAI ISHE💖
🚦⁷⁸³⁸⁷³⁷¹⁵
🚦⁰⁷¹⁶⁹⁶⁴³⁴⁵
🆓
All rights reserved.
Group link👇
https://chat.whatsapp.com/HdBhOWj9RwIIGtb0RyfBOa
🔞 Parental guidance is advised
CHAPTER2️⃣8️⃣
*BATSI*
Zvandaive ndisina kutarisira ndoo zvandakaitirwa naRomeo,apa chairwadza pazvose mwana wevanhu ayive mumba mangu,ndakarwadziwa zvekusvika pakurova Romeo asi kurova hakuna zvakwaibatsira asi kutopinda mumba ndipedze nyaya dzaRomeo munhu wese achinzwa,mushure mekunge ndataura naye,Romeo akati ati sorry kuna Yeu nokuti zvaisave fair kumunhu waiziva kuti mukadzi wake""nhai mainini maregerera murume wenyu here pane zvaataura,handidi kukumanikidzai ndofunga muri kuona zviri kuitika pano izvi"" ndakadaro ndakatarisa Yeukai uye ndaitoda mhinduro yake asi chakandinetsa ipapo akadaira ndi Neneh"" hazviite bamukuru munogoyananisa vanhu two sei ko ini ndine nhumbu yaRomeo ndozoita sei ndodiiwo"" pakadaro Nene ndakanzwa kuvhurwa kwedoor kwemu spare yataiziva kuti kaive kashoma kuyishandisa kazhinji yaitoshanda mhamha vabva kumusha ndoo mavaifarira kurara imomo nokuti vaiti ndoo kumapfuura mhepo ndinoona zvinopinda nekugedhi zvose, takange tave kutongoiona seroom yavo, apa imomo ndoo makange mabuda mai Lolo, meso emunhu wese akaenda ikoko ndokutarisa musikana iyeye, ayisave musikana hake, nokuti ayiratidza kuve mukadzi wechindiki,nguva iyoyo ndakabva ndatarisa mai Lolo nokuti ndoo mavainge vabuda"" usatarisa ini tarisa Romeo nokuti ndoo auya nemunhu uyu"" ndakarohwa nehana ndokutarisa Romeo iye wacho akabva atarisa pasi, mukadzi iyeye akafamba ndokuuya kugara pasi"" sorry henyu ndiri kuona sekunge mune nyaya dzemhuri, kusabatanidzira nyaya dzangu nedzenyu, Romeo iii workmate yangu, kungoti ndinongomuti bamunini bamunini otherwise nditori nemurume ini"" pakadaro mukadzi iyeye munhu wese akarohwa nehana ndokuramba vakatarisa mukadzi iyeye vakashamisika "" aaaah iwe kaaa asi uri benzi unopenga inga wanga wakateramira wani bamunini vachiti ndoo musikana wandinoda kuroora ko zvekuti une murume zvave kubvepi zvee "" vakadaro mai Lolo vakatarisa mukadzi iyeye apa ini kutaura kwaiita mai lolo ndaive nebundu mumoyo wangu nokuti ndiye ayive mupari wezvese izvi, endai munorara sekurara kwenyu kwamazuva ose tinopedza nyaya idzi makuseni"" akatanga kusimuka mukadzi iyeye, achipinda muspare vamwe vose ndokutevera, mai Lolo ndokusara vakagara, ndakanzwa pain yakabaya pamoyo wangu ichinobuda nekumusana, nguva iyoyo ndakabva ndasimuka apa pandakasimuka mai Lolo vakabva vabata ruoko rwangu,"" Batsi ndinozi""" asati apedza ndakabva ndasimudza ruoko rwangu senzira yekumurambidza kupindura, ndokungotaura rimwe chete kwaari"" iyi nyaya iri kuda hama dzako dziripo nokuti handizive zvazvinoreva uye chokwadi handichazive"" ipapo ndakabva ndatobuda ndokuenda mumota"" muchinzwa shona yekuti kurara hope rugare ipopaye vanenge vachitaura chokwadi, handina kana kurara apa ndakange ndasvika muHarare kunze kwayedza nechekare, kuchichena Handina kubuda mumota ndakaramba ndiripo panze ipapo ndokuona Romeo ave kubuda nemusikana iyeye ndichibva ndamushevedza"" ndataura naBruce nhasi hausi kuenda kubasa,Romeo une one week off ndini ndakumbira off iyoyo ndofunga unenge wapedza nyaya dzako, ndipe card rako nerangu randakakusiira , ahana kana kupikisa akabva angobudisa ma cards ose ndokundipa achibva aburitsa musikana iyeye gedhi ndokudzoka mukati, ndizvo zvee zvandakaita nguva yakange yobuda mai Lolo vave kuenda kubasa ndakavati havasi kuenda kubasa apa for the first time mai Lolo kubvuma chinhu vasina kupikisa vakabva vadzokera mumba , Nene handina kumuona uye ahana kubuda panze izvozvo ndoo zvakaita kuti ndibude mumota ndipinde mumba ndichipinda ndakawana Yeu akabata moop ave kutsvaira mudinning mai Lolo vagara pasofa laptop yavo iri mumaoko Romeo maive musina "" mainini muno mumba menyu ibvai marega zvamuri kuita dzokerai kuroom kwenyu "" pandakadaro mai Lolo akabva asimudza musoro wake ndokunditarisa """ mamukasei bamukuru"" akataura nezwi raive pasi zvainzwisa tsitsi zvokuti kana ini ndakashaya kana rekudaira "" ndamuka hangu mainini ndati regai zvamuri kuita hamusi house girl wemumba muno"" pandakadaro Yeu akaseka ndokuramba achimopa mumba sezvaiita "" hongu handisi house girl wemumba muno zvino pane pachaita basa vanhu vekumabasa here ini ndiripo simba mukaka kana zviri zvekuita mabasa epamba handina dambudziko nazvo ini nokuti nyangwe mukave mumba mangu ndinongoita sezvandiri kuita regai ndiite "" akadaro ave kubuda kudoor ndakamutarisa ndokunzwa tsitsi"" chokwadi mapudzi anowira kusina hari ko anosvorei pamukadzi wake "" ndakadaro mumoyo mangu apa ndakabva ndatarisa time nokuti kubva kuBikita kusvika kuHarare kwaisamboda nguva yakareba kana vanhu vabata mabus ekutanga"" wakanditambisira nguva Romeo iwe uchiziva kuti une munhu wako why Romeo why""ndakanzwa kuchema kwaive nevoice raive pamusoro soro nguva iyoyo mai Lolo akabva asimuka ndokuuya pandaive ndakamira apa ayive Nene ayitaura "" baba Lolo paye pawainzwa ndichiti Neneh ane nhumbu anzi ndaitya kutaura kuti ndeya Romeo ndosaka ayiti ndeye murume uye asi anzi ndeya Romeo zvino zvoitwa sei Romeo wacho ane mukadzi apa ndi bamunini zvinonyadzisa "" munoziva kaaa ndakavira zvekudedera ndakamira pandaive ndakamira kunze kwekuti agadzirise paive atadza ndisati ndamunyadzisa pamberi pehama dzake mai Lolo vakaramba voita nyaya yavo worse nekuwedzera kunyepa ,,,izvozvi ndiri kunyara baba Lolo zvakuita sekunge ini ndini hure kaa nekuda kwemunhu asingagone kubata chiuno chake kana ndiwe"" ndakatura mafemo ndokuvhara maziso angu musoro wangu wakatanga kutenderera ndokubuda panze ndisina zvandamupindura chinhu chandakaita kuvhura gedhi ndokubuditsa mota yangu,ndakange ndisati ndakambonwa doro, asi musi uyu ndakanopinda mubhawa ndokutenga three macastle angu ndokugara pasi ndichinwa, ndanwa ose hazvina kunditorera nguva refu kumapedza nenguva diki ndanga ndave bhoe, handitozive kuti kwaisave kuziva doro here kana kuti zvii zvaiitika nekuti ndanwa two iwayo ndange ndave nekamwe kakuzvipira soo kamwe kakushinga , ndakange ndagadzirira kuudza mai Lolo chokwadi chese kwete kundinyepera kwaindiita, ndichangobuda padoor rebhawa iroro ndakaona vamwe baba vepa nextdoor pedu vakaramba vakandiyeva zvakandatya ndakaseka ndichibva ndataura navo"" mudhara wakambohurirwa nemukadzi uchiona here, uchifunga kuti zvichachinja regai ndirege kutaura ndinga fumura mukadzi wangu"" pandakadaro vanhu vakanditarisa vamwe ndokutomira mirawo paye, apa ndaiita kushevedzera ini mupfungwa dzangu ndainzwa kuti ndofanirwa kuzvitaura nokuti ndaiti ndikafunga ndainzwa pamoyo pangu pachirwadza kunge pane ronda"" ndakabata mukadzi wangu ini ane chikomba,huya uwone "" baba ivavo vakatarisa vanhu vaive ipapo plus munongoziva ukataura zvinhu zvakarerekera ikoko munhu wese anokutarisa baba ivavo vakandibata ruoko ndokuenda neni kumota, ndaiziva zvandaiita asi ndaingoda kuzvitaura munhu wese azive"" ko zvaita sei baba Lolo ko wazvifumurirei kudaro wakatanga rinhi kunwa doro"" vakadaro baba ivavo vachindipinza mumota ndivo vaka driver mora kusvika pamba pangu, vakambozama kundibatsira asi ini ndainzwa kuti moyo wangu wakaremerwa chaiko,ndakavaudza chimiro chaive pamba pangu nokuti ndaive ndisisina zvekuita asi kutovaudza zvaiitika pamba pangu"" kufamba uchizvishambadza hazvibatsire asi gara pasi nemukadzi wako pamwe nehama dzake mugadziriswe musati makuvadzana ""ndoo matauriro avakaita neni nguva iyoyo ndakabva ndavhura gedhi vachibva vapinza mota mukati ndakaita nguva ndinavo pamota ipapo nguva iyoyo Romeo akabva abuda mumba"" mukoma ndabva kare ndichifona foni yenyu isiri kudairwa mumba mune vanhu makamirirwa"" pakadaro Romeo ndakabudisa foni yangu ndokutarisa wanike zveshure akange afona "" mukoma mandibatsira ndofunga nyaya iri mumba umu ndoo yandakuudzai nezvayo"" ndakadaro kuna baba vepa next ivavo vakabva vapinda neni mumba,mai va mai Lolo vakange vauya natete vake nevamwe sekuru vake vaitogara muHarare vakange vauyawo.,ndakamhoresa munhu wese ndokugara pasi Nene ndokutanga kutaura.
"" Ndini ndakuunganidzai pano,pane nyaya yakaitika asi kuitika kwayo ndaizama kubatsira sisi asi ichitsikirira ini kwehupenyu hwese, handingafari sisi vangu kuvaona vachichema ndinoziva vakandibatsira chose kuti ndisvike pano nhasi,asi neniwo ndiri munhu ndine kodzero dzangu""pakadaro Nene sekuru vacho vakaridza tsamwa""chirega kupota pota iti dyoo munya yako""ipapo Nene akatarisa mai Lolo ndokutaura nyaya yake"""ndine nhumbu yabamunnini Romeo munin'ina wabamukuru vakagara apo,asi pane zvakaitika zvandingada kubuda pachena kuna bamukuru kuitira kuti Romeo agamuchire mwana wake akasununguka""pakadaro Nene mai Lolo akabva atanga kuchema ""une chokwadi kuti washinga here kuputsa imba yangu Nene ndakatadza here kukutora kubva kumusha mwana wamai vangu yoweee yowee""munhu wese akabva atarisa mai Lolo""handisi kuputsa imba yenyu sisi, asi umwe neumwe ngaamire panyaya yake,muridzi wenhumbu yandinayo ndiRomeo hapana umwe murume zvose zviye zvandakataura bamukuru handina chandinoziva sisi vakasununguka kukuudzai vega nyaya dzavo ini ndagumira ipapo pakuchenesa zita rangu""pakadaro Nene mai Lolo vakasimudza vars raive pa table ndokutema naro Nene achibva awira pasi apa amutema musoro,chakave chibatai batai apa Nene akange ave kubuda ropa mumhino,iniwo ndoo pandakataura kekutanga kunyaya iyi,handina zvizhinji zvandakataura asi kuti ndakabudisa foni yangu muhomwe ndokutambidza tete vamai Lolo, uko amai vacho vakange vachingoti ziii vave mukona,ndakavaratidza zvose kubva kuma pictures amai Nene vakashama avai senda zvose nema message andainge ndapihwa naRomeo ahakataura nechikomba chamai Lolo zvose vakaona nguva iyoyo vakabva varatidza mai Lolo,nguva iyoyo mai Lolo akanditarisa ndokuona munhu achidzikama chaiko kudzikama kwakatyisa munhu wese iniwo ndakabva ndagara pasi,mumba makaita runyararo runotyisa hapana akataura, mai Nene ndokupfugama pamberi pangu""sorry baba Nene ndakatadza""paakadaro Tete vacho vakasimuka ndokumupa mbama yakarira zvinotyisa ""wandinyadzisireiko mai Lolo watoodzaniko imi,ini ndachembera nemure mumwe chiiiko nhaiwe""vakadaro Tete nguva iyoyo ndakabva ndasimuka "" iwe Romeo wafungei nemhuri yako vakadzi ndevako tese tinoziva'"akapindura ndiNene Romeo akanyarara "'kwete bamukuru Romeo ane mukadzi wake Yeu, ini ndichazvionera nemwana wangu,handidi kuti sisi vangu vazoti ndakaputsa imba yavo kuti ini ndigoita muroora wekumba kwenyu,asi ndangoda kuti chokwadi chirambe chiri chokwadi ""nguva iyoyo Nene akabva asimuka ndokunorongedza bag rake ndokubuda nawo ose"”Imba ino haisi yangu tete ndeya mai Lolo nechikomba chake ini yangu ndakapedza kuvaka,mangwana i birthday ramai Lolo ndaida kumupa se suprise semukadzi wandaidisa nemoyo wese pa 8 years dzandagara naye handina kana girlfriend randakaita handizivi kuti ndoo kutadza kwandaiita here imhosva here kuperera pamukadzi wako, ndaive bofu kwemakore akawanda asi Mwari vazviramba ndave kubuda ini iye asare hake"""pandakataura zvemba yandakavaka mai Lolo vakaita zvekurohwa nehana nokuti vakavhunduka ndokuti--
Apa amai vake vakange vave kuchema""une chokwadi kuti wandishevedza kuno kuti ugondibvisa chimiro here yoweeee hiiiii maiweee kani yoweeeee hiiiii
Stay tuned.
*Macomments enyu akakosha anondipa simba*
Mhamha vaIshe 💖
❤️
🙏
👍
😂
😢
😮
1.2K