Mai Ishe"SHONA"online Nove🇿🇼🇿🇼
February 11, 2025 at 09:48 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaRyyBBIyPtcBppd9033
KANA USATI WAVERENGA *ROMEO*
HAUSATI WAVERENGA ROMANTIC
BOOK, BAYA FOLLOW UNONZWA
KUNAKA KWARO BOOK RAKABIKWA
IRI👆👆👆👆👆👆👆👆
🕊️ *ROMEO* 🕊️
STORY BY⚜️MAI ISHE💖
🚦⁷⁸³⁸⁷³⁷¹⁵
🚦⁰⁷¹⁶⁹⁶⁴³⁴⁵
🆓
All rights reserved.
* VARIKUDA BOOK KUBVA PAONE PINDAI UMU NDICHAISA KAONE IMOMU 1 TO 28*
https://chat.whatsapp.com/JDJQXHXVBBq9HYYtHUh2At
🔞 Parental guidance is advised
CHAPTER2️⃣9️⃣
*MAI YEUKAI*
""Ndatambira mari iyi nekunyara iwe, ndiwe wandanyara iwe,kwete vamwe vose ava handidi zvangu handina kugamuchira kuroorana kwavo ini ndaida kumupfidzisa"" ndaive nechekuseri kwegoni ndakabudisa ziso nepa wangwaridzo redoor ndichida kunzwa kuti sekuru Madyira vakange vafambirei pamba pedu nokuti ndaisaziva"" ingadai pasina kuti ndinokuona samai vangu nhasi ndaikudzinga pano nedemo wainovaudza kuti musha wevanhu hautambirwe, ngavasafara zvavo nokuti ndine chigumbu pavana ava "" ndaiita zvekunzwira kure ipapo ndakaita sekunge ndicha pururudza ndiriko kuseri kwegoni ipapo sekuru madyira vakabva vadavira "" iwe unoda kutoodza ani ini mai vako ndiri zinyerere kudai, iyi kana usingade ndinodya iyi"" vakadaro sekuru madyira ndakabva ndatanga kutamba ndiriko kuseri kwedoor"" ko imi muri mai vangu zvee sekuru chitoraiwo iyi motenga scud imwe chete mave kudzokera kumba"" ipapo ndakanzwa kurohwa kwegusvu(kuombera) ndakatoziva kuti mwana wangu akange abvisirwa tsvagirai kuno, zvakandifadza ndokugara hangu pasi"" iweee chido iwee, Chido"" akabva adaira achiratidza kuve munhu anga ari kure chaiko ndokuuya achimhanya, ipapo ndakasunungura pondo yangu yaive padhuku ndokumutambidza"" mhanya pachizhanje unouya nechingwa nama jarini "" pandakadaro Chido akaramba akanditi ndee kunditarisa chaiko"" eeee kwakanaka here mhamha ""
"" Wakutowanza nyaya,mhanya mwanangu"" nguva iyoyo akabva amhanya zvake ndokuenda, ndaisaziva kugara kwaive kwakaita mwana wangu asi chinhu chandakafarira kuuya kwaive kwaita mari kumba yetsvagirai kuno handina kunge ndaudzwa hangu kuti ndoo zvaivepo asi ini zvakandifadza zvakanyanya mumoyo mangu ndaingoziva kuti ndiYeu, ndakakutidzira moto ndokusanoisa gaba remvura yetea asi chifuva changu chaiita kurema chaiko sezvo ariwo marwariro andaingoita, mwana akakasira kudzoka ndokubika tea nevana vangu tichibva tanwa nehudu"" yoweee nhasi amai makafarisa chose chiii chaita kuti mupindwe nepfungwa yekuita chrimas pakati pegore kudai "" akabvunza Chido vamwe vana vakanyarara waingonzwa kuhumbura tea benzi kuratidza kuti vainakirwa nesvutu yandainge ndabika"" hurwere hwandinawo Chido uyu kurowa nekuda kwaYeu ndakamira semudzambangwena nhasi mwana wangu ave kuguta nemurume wake ndanzwa sekunge sekuru madyira vanga vauya netsvagirai kuno"" pandakadaro Chido akaseka ndokunditarisa"" mungafarira zvamusati maona here nhai amai ko kana iri nzira yekuvharidzira nyaya yanga yaiswa mudare iyi zviri paviri kaa tendai maona Yeukai wacho izvozvi ari kunonga svosve nemuromo imi matobika tea nechingwa chakanamirwa muri kufarira zvamusiri kuziva "" pakadaro Chido hana yangu yakarova kana nechingwa chacho ndakange ndanonga peace imwe chete ndadya ndakabva ndatonzwa kuguta chaiko"" ingadai wandimirira ndambodya wazotaura hako "" ndakadaro ndichidzosera tea mupoto iye akabva aseka "" munoda Yeu kupfuura isu tose "" pakadaro chido ndakamubata ruoko"" Chido""
"" Ichokwadi amai handina kunyepa, Betha akaroorwa ari mwana mudikisa hamuna kuonda sezvamuri kuita pana Yeu chokwadi kudzidza kwakanaka "" nguva iyoyo Chido akabva arega kudya ndokusimuka paive akagara vamwe vana vakamutarisa iye ndokubuda panze, mwana uyu ndaitomushairwa pake kunyangwe ndakamutarisa ayive nekamwe kahunhu kandaitozeza ini samai vake,"" mhamha titore here tidye""
” kwete munomuziva Chido regai zvakadaro achadzoka odya"" ndakatoshaya pandaive ndamutadzaira ndakabva ndarongedza zvose ndokusimuka ndichibuda panze,zvandinetsa nokuti panguva yandakabuda panze vamwe vakadzi vemurume wangu vaive vakagara kwamai guru kuratidza kuti kwaive nezvaiveko asi ini ndisina andiudza hapana pandainobvunza zviri kuitika ndisina kushevedza ndakabva ndatanga kuita zvandaita, ndakatanga kukosora sezvandingoita mazuva ose ndichisvipa ropa iroro "" ndichararama here ini ropa iri rinobvepi"" ndakazvibvunza ndachitarisa zvaive zvakaita ropa racho, unombofunga kuda kuchema asi wekuchemera panenge pasina hapo ndaiudzani ini ndaigara nemurume anoziva zvose zvandinoita vanhu vakasvika pakupararana kavaive vakaungana ndokusiyana nazvo ndokuita zvandaiita asi mumoyo unenge uchidyika chaiko kushaya kuti ndodiiko ini, ave manheru ndakaona vana komana vedu vave kubuda ndokushaya kuti zviii zviri kuitika ndakangosimuka ndokunorara nevana vangu sezvo ndakange ndarambwa murume asingachapinde mumba mangu ""hezvo mainini kwave kunorara here'"vakabvunza maiguru ndichibva ndamira pamusiwo ivo vari kumba kwavo""Chido pinda navana mumba""ndakadaro ndakatarisa Chido,apinda mumba ndakatoziva kuti maiguru vane nyaya""nyama dzangu dzakaneta maiguru regai ndizorore""
""Aaah mogozorora vana vasati vadzoka here""
""Vana!!!! vana vapi zvee""
Ndakadaro ndichitoshamisika chaiko""hezvo zvino mogoti mwana ndewenyu ateverwa mabere handiti maimirira kudzoka kwavo""ndakayererdza misodzi ndisati ndatovapindura nokuti hakuna zvinhu zvakadai chokwadi mwana wangu ayiitirwa zvinhu zvose izvi ini mai vake ndisina kana chandaiziva ""mune chokwadi maiguru inga ndini mai vemwana wani zvose izvi zvingaitwa ini ndisingazive here""ndakachema maiguru ndokuswedera pedyo neni""kana uri mukadzi anoda murume wake kumbira ruregerero kuna baba nguva ichipo nokuti ndakanzwa sekunge Chido anouya kutorwa mangwana""ndakaita zvekuvhunduka ndanzwa kudaro""Chido kuenda kupi maiguru""nguva iyoyo maiguru vakabva vandibata ruoko ndokugara neni pasi""sekuziva kwako takadya mari dzavanhu Masamvu akaramba mwana anobva kwangu ini,Chido ndiye ave kutsiva roora yakabviswa pana Yeu'""zvakandirwadza maiguru vataura kudaro zvakandipa shungu yekuvaudza chokwadi""ko munondiitira hutsinye ndakakutadzirai chiiko nhai vasikana inga ndimi makadya ma girosari acho wani nhasi maona kuti zvapera mave kuti mwana wangu ndiye anotsiva munodaireiko nhai vasikana""ndakachema asi maiguru vaisave nehanya nazvo,
""Inga hauna mukamwa nhaiwee mai Yeu itotenda Mwari kuti ndakanzwa tsitsi ndikakupawo girosa racho otherwise baba havasi kutoda kukuona pamusha pano,utori nerombo rakanaka kuti ndiri kukuudza zviri kuitika nditende nditende zvako""nguva iyoyo maiguru vakabva vadzokera kumba kwavo ini ndakabva ndapinda mumba neshungu ""Chido muka tione ugadzirire ndinoda kuenda newe kumba kwehanzvadzi yangu”""ndakange ndatofunga kumubvisa pamba pacho ndakataura kudaro ndakatarisana naChido apa anga ane laptop mumaoko ake yandakashaya kutinndeyani”"kuendepi nhai amai mangwana ndiri kuuya kuzotorwa asi baba hava kukuudzai here ""munoziva ndaida kubvunza kuti laptop akange ayiwanepi asi ndakanzwa moyo wangu uchineta ndokudonha pasi.
*YEUKAI*
Ndakachema ndakatarisana Romeo mushure mekunge anditi sorry ipapo unobva watanga kufunga kutadzirwa kwese kwawakaitirwa ,moyo wangu wakarwadza zvakanyanya, nezvose zvandaive ndaitirwa naye ndichiona, ndakanzwa kudzimbirwa kwakanyanya,chinhu chakatanga kuuya mumusoro mangu kubva kwakaita nhumbu yangu pamoyo pangu pakabva pabaya,""mainini manzwa Neneh achiti ahakwanise kugara naRomeo handidi kukudzvinyirirai ndimi munoziva zviri pamoyo wenyu""vakadaro bamukuru vachitaura kwandiri,apa munhu wese ayive mumba imomo mai vamai Lolo vachichema zvinonzwisa tsitsi,ndakatarisa Romeo ndokufunga kwataive tabva kwachona ndinaye moyo wangu waingomuda zvakadaro""bamukuru murume wangu ndinomuda,kushinga kwese kwandaiita uku rudo rwandinaro naRomeo, ane benzi ndiye ane rake kudzana unotopururudza""ndichipedza kudaro tete vamai Lolo vakapururudza nevamwe baba vaivemo vakaombera maoko""mwana akabva kuvanhu anonzwika nerurimi rwake iwee usafa wakarasa mwana uyu haufi wakawana mukadzi anokuda seuyu"' pamoyo pangu ndainzwa kuti ndine chikwereti sezvo kutanga kugara kwandaiita pamba apa munhu ayindishingisa ndiNene ipapo ndakafamba ndokuenda paive nema bag ake""sisi ndinokumbirawo ruregerero""andakadaro Nene akaramba akanditarisa ndokubata ruoko rwangu""ko sorry ndewei Yeu ndini ndingatoti sorry handina kuziva hako""vasati vapedza ndakabva ndadaira""ndosaka ndati sorry sisi handinawo kukuudzai chokwadi,makandibatsira chokwadi,handina hangu chandinacho asi ndicharamba ndichikurangarirai""pandaive pakati pekutaura naNene bamukuru Batsi vakange vatobuda kuenda kubedroom kwavo zvokuti pakasimuka mai Lolo vave kutevera munhu wese akabva avatarisa kana isuwo hatina chatakazotaura takabva tangoteya nzeve ikoko,tete vacho vakasimuka ndokutevera kwavainge vaenda apa munhu wese ave kutya ndakanorongedza bag rangu ndokubuda panze painge paiswa mota ndokumirira kubuda kwavo,mai Lolo vakazama kukumbira ruregerero asi hazvina kubatsira takazongobuda ndokuvasiya vose varipo pamba ipapo,takatombofamba mumota rungori runyararo hapana akataura kusvika tapinda mutown, mota yakanomiswa pamberi peimwe shop hombe soo ndokutenga ma grosary avo ndokuisa mumota,zvaive zvakaoma nokuti Batsi ayiratidza kugumirwa chaiko hapana akazotaura nemumwe kusvika tasvika pamba pataienda,yaive imba hombe kutopfuura kwatainge tabva apa mumba macho maive netsvina kani musina kana chaivemo ichiratidza kuti ichangopera kuvakwa ,hatina kutoziva kuti kusvika kwatainge taita mota ye property yakange ichitevera ichisvikawo nokuti vakabva vasvika nemasofa, tv two mu bhedha netumwe tudiki twekushandisa mu kitchen tatatozobatsirana ku cleaner mumba sezvo ini zvakange zvave kundiremera apa ndoo pandainge ndichangobva nhumbu,zvose nekurongedza vanhu vakangobatsirana kusvika tapedza,for the first time kunzwa kufara ndave kuHarare ii nguva yandakange ndave kurongedza hembe dzangu muwardrop pamwe chete nehembe dzaRomeo ndakanzwa kufara misodzi ininge ichingo chururuka uchiona sekunge uri kurota asi zvichitoitika mufunge""Yeu handizivi kuti ndoita sei unditengerewo asi kutaura chokwadi pavanhu ava handina munhu wandakanyenga ini asi kuti vainyenga vega ""akadaro Romeo achindipukuta misodzi ndakato netseka kuti musikana anonyenga mukomana sei ndokutarisa Romeo zvekushamisika zviye"'handina kukupa mhosva Romeo ikodzero yako kuita vakadzi vaunoda sekutaura kwako ndiri mwana wepabarika hapana chinotyisa ipapo""pandakadaro ndakabatwa muromo munhu ndokundimbundira,haaa zvinhu zvacho regai ndazoti ane benzi nderake shure pandakambundirwa naRomeo ndakatonzwa kuzasi kwangu kuvita vita kungoti ndai bleeder zvangu asi kwanga kwadairira mufunge,ndakabva ndasimudza ndokuradzikwa pamubhedha Romeo pamusoro ndokunzwa mafemero ayiita,ndaka kiswa zvinotapira mufunge ko iko kubatwa kwaiitwa zamu zvako ndoo pandakaona kuti munhu wangu ayiziva zvaiita panyaya dzekupa rudo,ipapo ndakabva ndazevezera munzeve dzake""Romeo handizogoni kupedza nyaya yawatanga iyi ndichiri ku bleeder""pandakadaro akabva anditi """shhhhhhhhh,chingobata muroro uchipuruzira kusvika ndarara""ndainzwa kunyara apa ndaitoita ndichigadzirisa mamistakes nokuti ndaive ndakambonzi handizive kubata murume,aiwa ndakapuruzira musoro wayo zvese nemabhora apa waitonzwa ichingwina munhu omedza mate kusvika ini wacho ndabatwa nehope ndarara,ndarara kudaro ndakachitanga kurota ndakagara padombo asi kwairatidza kuti kunze kwaipisa zvakanyanya ndakatanga kuyerera dikita zvekusvika pakunzwa kuomerwa pahuro ndakatanga kushevedza Romeo kuti andipe mvura akauya ari kure neni kusvika asvika pedyo neni ave kusvika pedyo akanditambidza jira randaive ndakararira musi wandarara naMasamvu achinditambidza akabva adonha ndokutanga kubuda ropa mukanwa nemunhino pandakada kumubata ndakabva ndavhunduka hana yangu yakarova ndokutarisa paside pangu Romeo ayive asipo pandakada kusimuka akabva akabva abuda mubathroom achiratidza kuti anga achangobva kugeza ndakatura mafemo asi ndaitya ndichishaya kuti hope idzi dzaida kurevei"'Romeo ndokumbirawo foni yako ndoda kutaura namhamha""ndakadaro kwaari asi ndaityira hupenyu hwake,apa ndafunga kuudza mhamha hope idzi nokuti ndakange ndave kutya nokuti ndakange ndabva kurota Masamvu achindi bvutira mwana nhumbu yangu ndokubva
Stay tuned
*Macomments enyu akakosha anondipa simba*
Mhamha vaIshe 💖
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
1.3K