Mai Ishe Novel❤️
Mai Ishe Novel❤️
February 12, 2025 at 06:33 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaRyyBBIyPtcBppd9033 KANA USATI WAVERENGA *ROMEO* HAUSATI WAVERENGA ROMANTIC BOOK, BAYA FOLLOW UNONZWA KUNAKA KWARO BOOK RAKABIKWA IRI👆👆👆👆👆👆👆👆 🕊️ *ROMEO* 🕊️ STORY BY⚜️MAI ISHE💖 🚦⁷⁸³⁸⁷³⁷¹⁵ 🚦⁰⁷¹⁶⁹⁶⁴³⁴⁵ 🆓 All rights reserved. *VARIKUDA BOOK KUBVA PAONE PINDAI UMU NDICHAISA KAONE IMOMU 1 TO 28* https://chat.whatsapp.com/JDJQXHXVBBq9HYYtHUh2At 🔞 Parental guidance is advised CHAPTER3️⃣1️⃣ *ROMEO* Kwaive kurohwa hako kwandandaitwa namukoma asi kutaura chokwadi moyo wangu wakave nemufaro uye kugadzikana nokuti vakange vandibudisa pandakange ndave kutadza kubuda dega,we moved out,maiguru nehama dzavo ndokusara havo ku old house, ndaiona kurwadziwa kwakanyanya mumaziso amukoma vangu uye handina help yandaikwanisa kuvapa panguva iyi asi kuti vaitofanirwa kumira semurume uye kugamuchira zvaive zvatovepo zvacho, tichisvika panew house ndoo paunoona kuti murume akange achishandira mhuri yake ndakavatarisa ndokuyeredza miodzi ndakatarisa kukura kwaive kwakaita imba iyoyo"" ndaive mdakatoronga zvandaida kuzoita Romeo, favourite colour yamai Lolo iii black neyellow ndoo zvandinoona vachingorongedza, apa ndanga ndatotanga kubhadhara furniture half half, ndaifunga kuti ndichaitira mukadzi wangu suprise hombe ko kana zvichigonekwa nevamwe varume ko ini ndingazvitadza nei, dzaive shingu mupfanha,asi handina kuziva kuti iye wacho ane suprise hombe kupfuura yangu yandaive nayo am heartbroken Romeo pamoyo pangu panondibaya"" ndakashaya kuti ndova comforta sei,asi chandakakwanisa kuita kuvambundira ndakatoziva kuti pain iyi vaitoiita chete nokuti haisi nyore kuparadzana nemunhu waunoda nenzira yekuhurirwa, mota yezvinhu yakasvika asi macolours akange ataurwa sandiwo ayive pazvinhu izvozvo"" ndachinja zvose ndatoona kuti pain yacho ndingaramba ndinayo""handina kudaira asi takabatsirana kupinza zvinhu mumba, zvese neku cleaner takangobatsirana kuita zvose kusvika tapedza"" Romeo ida mukadzi wako but not to much ndarwadziswa"" ndoo zvandakaudzwa namukoma vachibva vapinda mubedroom mavo ndakatoseka ndokupindawo muroom mangu maive naYeu, ndakatopinda achichema neniwo moyo wangu wakabva waita pain ndokumubata, zvakataura ndakazvinzwisisa I guess ndoo yaive nguva yekuchipawo Yeu Rudo nokuti ndakatoona kuti zvose zvaive asangana nazvo zvose ndini ndakange ndakonzeresa zvose izvozvo,nguva yakarara Nene ndatoona kuti abatwa nehope ndakabva ndamuka ndokunobika chikafu chemunhu wese,ndapedza kubika ndakapinda mubathroom ndokugeza ndichibuda mubathroom ndakawana Yeu akagara achidikitira uko achiratidza kushamisika kwakanyanya, ndakaramba ndakamutarisa apa ayiratidza kutya kwanyanya paari"" ndipo foni yako ndimbofonera mhamha mwedzi watopera ndisina kutaura navo""handina kuita nharo ndakaramba ndakamutarisa ndokutora foni achibva afonera mai vake, handina kunzwa zvaipindurwa namai vake,asi chakandinetsa akange achiudza mai vake hope dzairota akatsanangura kubva kwese kwakaita nhumbu nezvose zvakange zvaitika nehope dzaakazonge arota apa, neniwo ipapo ndakanzwa kutya zvakapa kuti ndiswedere padhuze naye"" nhai Yeu ko wakadiii kutaura kare kuti ndoo zviri kuitika kwauri"" nguva iyoyo akabva andimbundira"" ndiri kutya Romeo pfungwa dzangu ndiri kufunga kuti murume uyu ane kubata mushonga kwanoita, nokuti musi wamuka nhumbu yangu ichibva ndakarota achindibvutira mwana achiisa muhari yaive nayo”"" akadaro Yeu achichema zvokuti kana ini ndakatanga kutya nokuti ndakange ndisingachazive kuti zvii zvaizoitika kwandiri, ndakaita kudikitira chaiko ndakatarisa Yeu "" iwewe chiri kuita kuti ufunge kuti ndiye chiii"" ipapo ahana kunyara akataura chokwadi chese chakaitika zvokuti ini ndakagumirwa chaiko, apa ayitochema "" saka jira iroro ndoo riri kushandiswa nemunhu uyu kaa, hapana zvatingaita Yeu asi nyaya iripo kutotsvaga anokubatsira asi ini handina wandinoziva kuno "" "" Ndiri kutya Romeo ko ukamuka waita zvimwe zvinhu ndodii ndoita sei Romeo ndinokuda""akadaro Yeu achisimuka paive akagara "" ndini ndiri kuvarairwa ndinofanirwa kunamata, nguva iyoyo akabva apfugama ndokutanga kunamata akanamata zvandakatya ini,kudikitira nekudikitira, asi musi uyu akaswera ari worried handina kutozoona kusununguka kwake, husiku hwese Yeu ayinamata zvokuti tichimuka makuseni mukoma vakasvika pakumubvunza "" mainini manamatiro enyu aya nhasi kwakanaka here haaa manamata chaiko"" "" Zvimwe zvave kudawo kuudza Mwari bamukuru,mutoro wacho wave kundiremera"" akadaro Yeu achipindura mukoma, nguva iyoyo vakabva atanga kuchema""mainini chiii muchiri makasungurira zvakaitika here,tese tirimo mu situation yacho wani regererai Romeo handisi kuzokusiyai makadaro ndinemi mainini,ndanga ndisiri kuda kukuudzai izvi izvozvi, nokuti ndinoda kutanga ndapedza nyaya dzangu namai Lolo,ndiite ma DNA test pana Lolo nokuti handichazive kuti ndewangu here kana kuti kuchengeteswa zvee, ndapedza izvozvo ndinoda ku transfer kunoshandira hangu kuBostwana handichadi kugara muno,ndikaramba ndiri muno ndingapedzisira ndafa ne stress, ndimi muchasara pano pamba""pakadaro mukoma ndakatovhunduka ndokuvatarisa,""kwete bamukuru kana tasanga nematambudziko akadai hatingatize zvee, zvave kutoda kutarisana nawo totoshinga chaiko,handisisina kuzvitakura bamukuru,pane zvakaitika kwandiri zviri kundidya moyo nanhasi imi handingakuvanzirei chokwadi,ndofunga makanzwa nhoroondo yekubvisirwa mari kwandakaitwa munhu iyeye akandibata chibharo uye akaenda nejira rine ropa rangu,nguva zhinji ndinogara ndichimurota handichazive zvekuita asi kutoudza Mwari ndosaka ndarara ndichinamata ""mukoma vakashamisika vaudzwa nyaya yakadai ndokutarisa Yeu,""mainini murambe makadaro mukadzi akavimbika kudai asinganyare kutaura chokwadi chake Romeo usara mukadzi uyu,kuchengeta kwandakaita zvose zvandaiona pamukadzi wangu ndaifunga kuti nerimwe zuva achamuka achinja otaura chokwadi,asi akakundikana ndokuwedzera nekunyepa pamusoro pazvo ndoo zvandisvibisa moyo handichamudi zvachose,haufi wakawana mukadzi akaita saYeu ukaona warasikirwa naye"" Pakadaro mukoma vakabudisa wallet yavo muhomwe ndokubudisa card rangu ravainge vanditorera ndokupa Yeukai"" mainini iri ii card raRomeo ndange ndaritora asi ndaona zvakakodzera kuti ndikupei makakodzera kunge munaro, kufunga kwangu sandiko kuronga kwenyu, asi ndaida kuti Romeo atange aunganidza mari yekuroora hama dzenyu dzizive kuti ndisu tinemi"" akaombera maoko ake, ndokutora card riya""kutonga kwenyu handina chekupikisa pazviri tichaita sekuronga kwenyu bamukuru , akadaro hake asi ndakatoona kuti akange asina kusununguka pachiso chake zvaive mupfungwa dzake zvaimudya moyo , hapana pandaichengeta mari ndisina kana cent randabvisawo ku spoiler mukadzi wangu ndakabva ndapinda naye mutown ""Yeu ndoda kukutengera chinhu one chaunoda che sorry ""ndakadaro tapinda mune imwe shop akanditarisa achibva aseka "" first pay unopa vabereki vako Romeo, ini handina chandinoda pairi ndinongoda ka foni aka ndingoitawo munhu pane vamwe vanhu,""ndakatarisa kafoni kacho kaive anongedza soo kadiki diki chaiko ke 15 dallars apa mucard mangu maive ne 340 us,""Yeu sarudza imwe foni kwete aka "" ""Inga ndasarudza wani iyoyi ndoo yandiri kuda ""akatodaro akashinga ndokutenga foni iyoyo ahana chimwe chandakazotenga ndoo yega yandakatenga ndokutodzoka kumba,tiri mucomb ndaizama kuswededza Yeu padhuze nemoyo wangu takabva tatanga kunzwa malove song anotapira kunzwa akabva ayisa musoro wake pabendekete rangu kusvika tasvika kumba ,, ndichisvika kumba ndave kuvhara gedhi Yeu atofamba kupinda mumba ndoo pandakaona call yaNene, hana yangu yakarova ndokutanga kungonzwa kutya soo kana kudaira kwandaiita ndaitongotya kushaya kuti sei ndakange ndave kumutya zvakadaro apa akabva ayita zviye zvekuti usingade uchida huya kuno,ipapo akabva atokata foni""ndakatanga kunzwa kuti ndatononoka kuendako apa ndakange ndave kutya chaiko,ndisati ndatopinda mumba ndakange ndasenderwa location yekwaigara,""saka Yeu ndichamuti kudii apa"" ndakazvibvunza ndichipinda padoor ndokuwana Yeu agara pasofa achiisa line randaive ndamutengera mukafoni kake mukoma takawana vasipo zvavo"" aaaa Yeu nda,,,, nda,, "" ndakaita kukakama kushaya kuti ndomuudza sei apa dzakange dzave kuma past 4 dzezuva rovira"" ko wakakamei anzi kudiii"" ndakabva ndatarisa pasi nekugumirwa ndokumutarisa"" ndafonera kubasa anzi ndiuye nditore file pane file rinoda kunyorwa "" pandakadaro Nene akaseka ndokunditarisa "" usazvinetsa zvako nekundinyepera handina chandisina kunzwa wazokanganwa kutora ka earfone kako aka"" akadaro achinditambidza mumaoko ndakanzwa kupindwa nechando chaiko ndakashaya kuti ndoti sorry here asi iye akabva andiri "" ane nhumbu yako ndinozviziva ko ndinorwadziwa nei anotodawo attention yako, asi chinozorwadza manje kunyepa usandinyepera handirwadziwe nebarika nokuti ndiri mwana wepa barika Romeo,enda unonzwa kuti ari kudei"" achipedza kudaro akabva asimuka iniwo ndakabva ndamubata ruoko"" sorry Yeu ndoitawo sei saka chitora foni yangu ndoo ine zvese iyi ingadai pasina zvose asina kufona "" ndisati ndatopedza kutaura Yeu akange atooma nekuseka "" hezvo ndisiye zvangu unoda kuti Nene andione sekunge munhu akashata manje inga wati babe honey wani ini ndini ndotora foni kwete Romeo ndiisirewo airtime iwe enda kwawakokwa "" akadaro aoanditarisa iniwo nguva iyoyo ndakabva nda transfer airtime yefive us,ndaive ndisina zvekuita nokuti ndaisaziva kuti Nene akange andishevedzerei ndichipedza kusenda airtime Yeu akabva apinda muroom medu ndokutanga kunamata,ndakambomira ndichiti achapedza asikwaive kutambisa nguva nokuti musikana akange ave kunamata shuwa ndakabuda ndokunokwira ma comb ndakananga ku Waterfall ndasvika pa bus stop ndakabva ndafona, ndakatanga kuita sekunge ndatanga kuona mumwe munhu asiri Nene ndamutarisa zvekutadza kuziva zvandaifunga akange awedzera kunaka kudarika zvandaimuziva ari asi chakandinetsa ndichioinda mumba maive ave kugara mumba makandiremera imomo, semunhu akange ane chikara ndagarisa ndisingachazive kudya bota ndakamboshinga ndokuradzika Nene pasofa, asi kutya nekumerera kwakabva kwanyanya pandiri ndichibva ndamira zvandaiita"" ko chiii inga wati uri kutoda nezvangu wangu wani ko waregererei zvairi kuita"" ndakashaya kuti ndoudza sei Nene zvandainzwa munyama dzangu nguva iyoyo ndakabva ndaseka "" kana babe ndatofunga kuti kubva makuseni handisati ndageza apa ndiri kuda kuti umbondidyawo babe"" pandakadaro Nene akaseka ndokusimuka achibva apinda mubedroom mavo, iniwo ndakasara ndotanga kutenderedza maziso angu mumba muye moyo wangu nehana zvisina kugadzikana apa ndichiita kutya chaiko,hamheno zvazvaingove soo "" handei tinogeza toilet yedu iri panze "" ndakasimuka ndokubuda panze,ndichibuda ndokunzwa zvirinani "" something wrong chete mumba umu"" ndakadaro mumoyo mangu ndokupinda mutoilet muye Nene akabvisa hembe dzake ndakamutarisa nguva iyoyo ndakabva ndawana chuma muchiuno chake hana yangu ndokurova chaiko,"" chuma "" ndakadaro ndakamutarisa nguva iyoyo akabva atanga kuchitambisa achichikwidza kumusoro "" nhai sekuru chuma chinoshandei pamunhu kadzi ndanzwa muchitaura nezvacho"" "" Chuma chinopfekwa kazhinji nevakadzi vechirudzi vanobva kuMoza kana kuMalawi vazhinji kwangove kutevedzera asi ivavo ndoo vanowanzo chishandisa hamheno chirudzi chavo vane ku believer kuti chinochengetedza imba nepakunakidza murume pabonde"" ndakazvifunga ndakatarisa Nene, aya ayive mashoko andakasoudzwa nasekuru vangu kare kare, asi zvandinetsa kuona Nene akachipfeka iye akange asina,nguva iyoyo ndakabva ndaziva kuti pane zvizhinji zvakange zvachinga paari zvandaifanirwa kuziva ndave kumunyumwira ... Stay tuned. *Macomments enyu akakosha anondipa simba* Mhamha vaIshe 💖
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 1.3K

Comments