Prophetess Deborah Ministries 2
Prophetess Deborah Ministries 2
February 11, 2025 at 01:10 PM
Shalom Shalom ndoda kutanga nekukwazisa maadmin ese mama D nababa vedu, ndoda kungotenda nebasa ratinoitirwa namama kutidzikinura kuganawo kunamata, Ini ndakajoiner channel ino muna November ndichingoteerera maaudio amama zvinhu zvakandiomera ndanga ndichishayawo Mari yekuti ndinoisawo kubasa ramwari kuti rifambe ndaingonamata nemaaudio aiiswa namama ndakazoti musi wa21 Dec sister yangu ndobva yandideedza akati huyai musare pamusika mushande ndakabva ndaenda ndandisina kana pekutangira ndiriko kumusika kuye mama vakaisa audio yainzi bata offering yako bvandabatawo pashoma pandanga ndava napo ndikanamata ndichitevedzera zvaitaurwa paaudio macustomer akadirwa zuva iri parakapera ndakaenda ndasvitsa half yerent ,bvandazodeedzwa futi musi wa25 Dec ndakaenda ndakanopedzisa yerent ndakanosenda offering yangu iye ndikapiwa prophetic instruction ndakanamata nayo ndanga ndine munhu wandaifambidzana naye anga Ari kunze kwenyika aingopromisa kuti ndikuuya ndakazoona musi wa2January ndiye asvika ndiri kufara veduwee chandasara kuda ndoda kuti zviite ndibvisirwe haa mwari wamama ndamutya apa ndikungonamata nemaaudio amama ndakaenda nezuro ndichinokanda macv ndichitsvakawo basa ndakanzi ndichakudeedzai ndinovimba mwari wamama hazvitadze ndichidawo kuti iite Mari inoonekwawo kumwe kwacho kwakanzi monoita cv neletter mouya nazvo before Saturday coz macv anotorwa Saturday coz uku ndanga ndisina kukugadzirira cv ibasa randisati ndamboita randisina mapapers aro ndovimba ndichauya nemamwe matestimonies
🙏 😢 3

Comments