THEOS NOVELS
January 22, 2025 at 01:09 AM
https://chat.whatsapp.com/Hmobo9QRKfG73gwZJv2C51 https://whatsapp.com/channel/0029VaOPGxeEquiMe90fHM0p *LOVE IN BLOOM*🌺 Theo Chida . +263784027359.788659793 Chapter 12 Free book " Come in. " Akadaro Antony. " Morning good people . " Akadaira Antony , Vinny akaramba akanyarara. " Morning Angel warara bho ?" " Yha ndarara zvangu bho . Ndanga ndichida kukuudzai Kuti ndichambobuda ." " Where are you going ?" Akabvunza Vinny. Antony akaramba akanditarisa . " Ndiri kuenda kunotsvaka basa,I can't just seat . " " Ati unenge wakangogara ndiani ? You came here yesterday nekuzorora hausati wakuda kunotsvaka basa ." " Tonny ,please tell your friend Kuti my life my business. Plus kana achitaura neni ngaave ne a little bit of respect ?" " I was just ...." Haana kupedza kutaura ndakanga ndatomugama . "Ndizvo chete zvandanga ndichida kutaura. " " Ashy come down my girl. Unonotsvaka basa mangwana chimbozorora ok. " " Before my face changed ,I had plans Antony......" " No apa hausi Kuda kuenda kunotsvaka basa Uri Kuda kunoona ma boyfriends ako . " Akadaro Vincent. Ndakaona Antony ava kuseka . " Hazvisekese Tonny Uri kumuona shamwari yako anongoda kundibhowa chete. ' " Ok come ,let's talk . " Akandibata ruoko ndokubuda mu office takanogara mu sitting room . " My girl no need yekuti unotsvaka v basa nhasi. " " But Tonny ....you know shamwari yako yakandivenga ndoda kuti ndakawana basa ndotsvaka kwandinganogara zvangu. " " Kwaunganogara wega ?" " Asi nani ?" " Handiti wakanzwa mama ndakavaudza nezuro paya Kuti uri handbag yangu ?" " Saka ndoramba ndichigara nemunhu asingandifarire ?" " You guys makandikoshera mese Muri two . Hapana akakosha kudarika umwe mese makandikoshera please try kungonyeperawo kuwirirana ." Phone yake yakabva yarira . " Hallo ! Ndanga ndichazokufonera. Chiiko Glenda nhai akomana ndakuudza takatenga imba here inini? Hai mhani ah. " Ndakaona akata phone . " Trouble in paradise ?" " Ndi Glenda ,akuti akuda kuuya ." " Ok .." " Hapana chaunoti ok apa Ashy ,anouya kupi ?". " Kwauri ka ,aizve Uri kurasika papiko iwe ?" " Iwe na Glenda wako mese munenge musina kukwana . " " Ndozvazvinoita kana uchingopota uchirara nevana vevanhu . " Akabva apinda Vinny. " Akarara nemunhu ndiani ?". " Man ,I'm having a conversation with my person. " " Saka kana ndanzwa ndorega kubvunza here ?" "Ok manzwikwa handina kumborara naye Ashy . " " Who ?" Akabvunza futi Vinny . " Ko nhema ndodzinei nhai veduwe? It's not as if tinodanana wava Kuda kundivanzira. " " Ok fine wa prove point yako ,yes ndakadaro . " " Saka ita zvaari Kuda uite . " " Ndichaona ,not now . " " You guys muri kundi sideline. Tiri ma friends tese handiti . " " Ndakabva ndaseka ." " Vinny, this guy akarara ne babe rake . Saka babe rakuda kutevera akuripindura rough. " " Ah iye aimbootirei zvakadaro?" " Ndiudzewo ." " Haa guys ,so iwewe haurare nevana vevanhu here ?" " I never had a girlfriend before ." " What!" Takaitirana tese na Antony pamwe. " Ko iwewe wakamboita boyfriend ?" Akabvunza Vinny. " Yes ,I had a boyfriend but face yangu payakachinja akabva andiramba . " " Wakanga wamborara naye ?" " Kwete muchishona ." Tonny akaramba akanditarisa zvake achinyemwerera . " Saka akauya achiti ngatidzokerane unoita sei ?" Akabvunza Tonny . " Todzokerana handiti face yava bho . " " Hauna kukwana wanzwa Ashy ? Une one yakashota isimo mupfungwa dzako. Munhu anofanira kumira newe munhamo nemumatambudziko manje iwewe uri kutoona zviri nyore kungodzokerana naye. Wakaroorwa nemunhu iyeye obva waita chirema kureva achakusiya . " Akadaro Antony ava kutopopota. " Hazvinetse ,let's destroy that idiot tipedzerane naye. Next time asawanika munhau dzevanhu ." Vakanga vakutopopota Vinny na Antony. Ndakaseka ndakaoma mbabvu . " You guys ,you like taking things serious . I was joking zvangu ,i won't take him back . " " Ok good girl" akadaro Vinny. "Ehoi . " " Let's go guys tinodya breakfast. " Akadaro Vinny tichibva tasimuka ndokuenda ku dinning room vakanga vato set food . Takanga kudya mumwe munhu aitaridza kuti pane zvaida kutaura asi aingotura mafemo zvisingapere . " This food is nice. " Ndakadaro ndichida ku break silence . " Yha it's nice zvasiyana nekudya chimodho Che soyabeans kumusha uku. " Akadaro achiseka zvake Antony. " Chinonaka Wani ? Plus unoziva it's better kudya chimodho che soyabeans uine peace of mind pane kudya zvinonaka peace of mind isingazive pamusha pako. " " Yha but zvakafanana nekudanana nemuface asina Mari unorambwa mu Street shamwari . " " Ane Mari anokurambira kupi ?" " Atleast ku Dubai kana ku France ,Paris. " Ndakaseka. " Watanga kuhumana . " " Handisi kuhumana shaaa ." " Pawakarambwa nemukomana Wako handiti wakachema uchizvuva ma bag kuenda kumusha . " " Waida ndiende kupi ?" " Kunogara nemukomana iyeye. " " Handiti ndakuudza kuti akanga Ava kuto catch mahure zvake imagine . Ndakamuona aine muskana waakati aida kuroora. " " Saka harisi hure muskana wake . " " How do you explain Kuti munhu anga akapfeka ka hembe kanosiya zvese panze. " " Mukati anga akapfeka chii ?" " Dai ndakamutora picture wakazvionera wega usandinetsa. " " Saka uri kungotadza kutaura zvekuti anga akapfeka chii chete ?" " Ko munhu anombopfeka chiiko Tonny wava Kuda kundibhowa manje. " " Did you kiss him?" Akangoerekana abvunza Vinny ,nguva yese Anga akanyarara. " Obvious we kissed. " " Zvese nekubatwa mazamu ?" Akabvunza Tonny. " Kana wakanditarisa unoo a mazamu angu ari madomasi epamusika here?" " Handiti tiri kuita nyaya here ? We are just having a conversation. " " Ok ,handina mukomana anobata bata muviri wangu asina shereni yakabvisa. " " Hoo . " " Yes ." " Saka haana kudya bota?" " Antony kwana iwewe wakawana nguva ." " Ndiri kubvunza nxoda kuziva zvakaaka ka. " " Unoda kundiendesa Kuma DNA test here ?" " Kunoitei ?" " Ku bota program . "Akabva aseka . " Une pfungwa dzakaorawo iwe ." " Kufanana newe . " Takaseka . " You guys when you are done ,I will be in my study . " " Are you ok ?" " Yha I'm ok . " Ndakabvunza ndaona munhu achiita seakanga asiri kufarira conversation yedu na Antony. Vinny achienda , Antony akabva ati ..... End of chapter 12
❤️ 👍 😂 🙏 😮 🌸 👏 🔥 😢 214

Comments