THEOS NOVELS
January 22, 2025 at 06:35 PM
https://chat.whatsapp.com/Hmobo9QRKfG73gwZJv2C51 https://whatsapp.com/channel/0029VaOPGxeEquiMe90fHM0p *LOVE IN BLOOM*🌺 Theo Chida . +263784027359.788659793 Chapter 13 Free book " Ndiri Kuda kuenda kuchikoro , but handizive manje Kuti ndodii . Ndokusiya kana ndoenda newe ." " Moda kuenda kupiko nhai va Antony ?" Ndakaita sekuti ndaiva ndisina kunzwa zvangu conversation yavo . " Hoo ah ini handiende hangu. Unoda kuenda rini ?" " I'm not sure ndinofanira kugadzirisa ma papers and staff ." " Ok hapana problem ,yha handiti ndiwo mukana wawaida uchiushaya . " " Yes Inga Uri kuzviziva wani . So are you going to be ok kana ndakusiya pano ?" " I'm not going to be ok wakandisiya pano Tony. That's why ndanga ndichiti ,it's better kana ndakatsvaka basa ndonogara kwangu ndega. Remember ,Vinny is your friend not my friend ." " He's not a bad guy you know . " " First impressions ndoyakangondiita ndione Se bad guy. What if skin yangu yakachinja futi anondidzingira panze . " " He won't do that. " " I'm not staying with him finish and claar . " " Ok toenda tese ." " I'm not going ." " Nharo !" " Ehe ndinadzo . " " Kushota shamhu uku ." Akadaro achinyemwerera . " Ehe newe unoshota shamhu . " " Unoziva shamhu yandiri kutaura here?" " Whatever. " Ndakadaro ndichiseka zvangu . . . . . . " Iwe handione Kuti vanodanana saka Uri Kuti Aisha aifara here cause aitoziva Kuti iwewe unodanana na Antony. " Akadaro Kudzi achitaura neshamwari yake Glenda. " Kudzi unoziva iwewe kuti Antony ndiye akandibvisa humhandara. Manje ava kuenda nemumwe . " " Haana kuenda nemumwe muskana uya arikungobatsira Antony chete I'm telling you. Handiti Ivo vane Mari? " " Saka vakomana vakauya paya ndanani ?" " Vaya ihama dza Aisha. Ihanzvadzi dzake ndidzo dzakati ah Antony wakaita basa wakatichengetera hama yedu saka let's go tinokupa Basa . Paanodzoka Antony anotokuroora anenge ava nemari." " Atleast kana wadaro Shaa . I don't want to lose him ,what if ndava nenhumbu yake ? Ndiri kutya Kudzi . " " Wakaita nhumbu unongouya kumba anokuwana kumba. " " Hahaha ok . " " Iwe usanyeperwa na Kudzi ,Antony akatoenda nemuskana uya . Akakosha kudarika iwewe akanaka ka uya . Iwewe wakanaka ASI hausvike paari. " Akadaro Trish . " Asi chiiko newe Trisha unenge unemweya werimawo iwe ." " Ndaita sei ? Ndiri kungotaura zviri pa ground. Hanzvadzi yako pa fair chaipo anoda Aisha even asati avhunura chi skin chake chiya chaityisa. We all know aimutarisa zvekumuda chaizvo. " " Ok tazvinzwa handiti ndizvo zvamakaudzana Na Antony? Fine Ini hapana chandakaona asi zvandaudza Glenda ndizvo zvichaitika. " " Ok we shall see . " Vakabva vaparadzana umwe neumwe oenda Kumba kwavo. . . . . " Iwe Gire ndichamboenda kwana Antony pada hasha dzake dzaderera adzoke kubasa. " " Ok manje inini ndanga ndichida kubuda . " " Kubuda uchienda kupiko kana Uchida kubuda Vana vako ngavasare vachibika nekusuka. Icho chihure Uri kuchiwanza pamusha pano ndiri kukuudza so. " " Ndawanza chihure chipi ? " " Ndabuda. " Vakabuda vakaenda . Vakasvika Mai Antony vachitobva zvavo kuhohwa. " Tisvikewo . " " Svikai zvenyu. Makadiiko mbuya Makava ?" " Tinofara kana makadiiwo" vakadaro vachiringa Ringa ma door anga akavharwa . Tinashe akanga aendawo kumaricho kwake . Kudzi ndiye akanga aenda kumashamwari ake. " Ah pamusha zvapakangoti zii ko iye nhingi aripo zvake ?" " Antony here ?" " Ehe ." "Ah mukomana akaenda Harare na Aisha vakadanwa kubasa. " " Hezvo ibasa rudziiko iroro ko Iye Aisha ainoshanda chii ne huso hwake ihwo huya ?" " Hoo Havana kuzosvika kumba ? Ndaiti vadarika neko,aiwa ava right uya . " " Hee ! Chirudzii ? Akarapwa kupi ?Nani ?" " Asi airwara here ?" " Aiwa zvee iro riya dambudziko raitoda kurapwa . " " Aiwa Aisha akanga asingarware I skin chete yakanga yangokanganisika. Akangomuka akanaka face yake Vekuti takatoshamawo . " " Chirudzii ? Mhh something is wrong here ?" " Aiwa hapana hapo chiri wrong nekuti Mwana atova right. Ndanga ndichitotaura naye achiti arikutanga basa mangwana. " " Zvino arikugarepi?" " Ndofunga akatsvaka kwekugara. " " Saka Muri Kuti muzukuru wangu akadzidza arikugara nemwana wenyu asina kuenda ku varsity here ?" " Zvine basa rei vanga vachingogara chete Wani . " " Aiwa ama Antony hamusi Kuda kundinzwisisa. Mwana wenyu uyu chanoziva kufudza mombe nothing else. Aisha akadzidza ipapo paakazokanganisika huso akanga achishanda Mwana uyu basa rake rine mari . " " Apa handina kunzwisisa pane nyaya yenyu . " " Nyaya yangu iri pakuti ,Aisha muzukuru wangu kwaari ikoko haafanire kuita muroora wenyu . Tarisai nhamo yamunayo ma families edu haaenderane . Chokwadi handingamboita ana mukurungai vakaita semi so ." Mai Antony vakaramba vakatarisa gogo vaya. .... " Zvandiri kutaura muri kuzvinzwa ka . " " Ndiye wamanga mainga here Aisha ?" " Ehe ndiye wandanga ndainga nekuti ndakaziva mazano ako mukadzi iwewe ekuda kurongera muzukuru wangu Kuti aroorwe nemwana wako asingazive kana kugeza mukanwa make chaimo. " " Havasi kugara vese ,uyu aiti akawanira basa Kure na Antony saka musatya zvenyu. Munogona kumufonera number dzake munadzo here ?" " Handina number dzake Ini ." " Yoweerere ,regai nditore phone mumufonere ." Vakadaro vachisimuka . Vakatora phone kwava kuvapa number dza Aisha. " Namwari ndakanzwa Kuti vagere vese tichaburana. " " Ehoi . " Vakabva vafonera Aisha .... " Hallo !" Akadaira .. " Hallo Aisha Uri kutaura na gogo vako . Ndanzwa Kuti wakapora ?" " Aizve ndaimborwara here nhai gogo ?" " Ah ndorevera huso hwako . " " Adaro ndiani?" " Amai va Antony ndivo vadaro. " " Ah hoo ,maybe varota ndapora . Manga muchideiko gogo?" " Ndanga ndanzwa Kuti wava kuharare zvino hausi kugara nechikomana chemombe here Ichi?" " Chero ndakagara naye zvine basa reiko ? Ndakaroorwa siyanai neni. Munonditadzisa kugara Mumba mangu garai kwenyu ikoko zvinoitika mangu hazvinei nemi . " " Pfuma yacho yakapiwa ani?" " Pfuma yekuitasei? Anobvisira murambiwa pfuma ndiani ? Yaifanira kupiwa ani pfuma yacho ? Pandichawana baba namai vangu ndipo paichabviswa pfuma musandifonera futi ." " Aisha ! Aisha ndiwe ....." Aisha akabva akata phone. End of chapter 13
❤️ 🙏 😂 👍 😢 😮 👏 🔥 🤣 241

Comments