THEOS NOVELS
January 23, 2025 at 06:44 PM
https://chat.whatsapp.com/Hmobo9QRKfG73gwZJv2C51 https://whatsapp.com/channel/0029VaOPGxeEquiMe90fHM0p *LOVE IN BLOOM*🌺 Theo Chida . +263784027359.788659793 Chapter 14 Free book " I can hear you ndiri ku study uko ,what's wrong ?" Akabvunza Vincent. " Zvawanzwa ndizvo zviri wrong . " " You are disturbing my peace ne noise yako . " " Ok handitomborinawo ma plans ekugara pano shaa. " " Wanga uchiti wakaroorwa wakaroorwa nani?" " Na mwari ndingaroorwa nani ?" " Kuchenama ndiko kuneiko nhai akomana ?" " Wakambondiona ndichichenamira Tonny ?" " Handisati saka Ini ndakutadzira chii ?" " Vincent ndiwe wakatanga nekundiudza Kuti ndakashata . Wakandiudza zvakandigara so ndikokk . " " Saka ndizvo zvichiri kukurwadza ?" " Obvious ." " Saka Uri Kuda ndiite sei ?" " Ndakataura zvandiri Kuda uite unoita ?" " Depends . " " Depends nei ?* " Nezvauri Kuda ndiite. " " Ah saka hapana kwatiri kuenda senyika apa ." " Why ?" " You want me to forgive you but hausi Kuda kuita zvinoita ndikuregerere ." " Ok fine ,for the sake of peace in my house what do you want me to do . " " Ndichadanidzira verse yemu Bible ondiudza zvainotaura . " Akabva aunyanisa face. " Ah shamwari tsvaka zvimwe ." " Handingambotsvaka zvimwe ndizvo zvandaona izvozvo. " Ainga apusa manje kungwara kwese hwai. " Ok John 3 :16. " " For God so loved the world so much that he gave his only son ,so that everyone who believes in him may not die but have eternal life." " Mhh Uri kuverenga Pai ?" " Hapana pandamboverenga apa ." " Ndipe phone yako . " " Ok Tora. " Ndakatora phone yake. Ndakaenda mberi nekumubvunza achipindura. Ndainga ndapererwa manje neniwo mamwe Acho ndaizotarisa ndaingobvunza nema verse andi isingazive zvangu . " Do you go to church ?" " No ." " I forgive you . " " Now tell me ,you are married to who ?" Ndisati ndqpindura akabva asvika Antony akanga abuda aenda mutown . " Muri kuwirirana here apa ?" " Ah ndi Aisha Anga achiita noise manje ndava kumubvunza Kuti noise yawanga uchiita ndeyei akundiverengesa Bible. " " Riripi bible racho ?" " Ma verses mashoma andamupa aanga achigesa ndiwo akuti ndamuverengesa bible. " " But still . " " Ndezvako . " Ndakadaro ndichiseka. " Oh take ,I brought you something ." Akadaro Antony . Ndakanyemwerera achinditambidza ma fruits. " Thank you so much ,you are such a darling . " Vincent akaramba akanyarara zvake. " So wasara bho ?" " Yes eish ,nhau yebasa iri kunditemesa musoro ." " I can offer you a job pa company pedu. Just apply. " " Basa rei ?" " PA wangu . " " Vincent hauna Kana kumbobvunza qualification yangu wakuda ndiite zvekunyorana nema minutes Ini hai ah ." " Ok fine une qualification yei ?* " Computer engineer. " " Wow ,ok I will see what I can do uwane basa urege kutinyaudza ." " Ndakawana basa ndiri Ku move out. " " How did you go ?" Akabvunza Vinny Kuna Tonny. " Zvese bho zvekuti ,zvaita . " " Ok ndiri Kuda kumbosangana nema face haudi tiende tese here ? Wakazotora liscence here ?" " Ehe ndakatora . " " Good kana wakatora ,pane mota yandiri Kuda kukupa kana wazotenga yako ondipa Mota yangu . " " Hahaha serious. " " Yes. " " Thanks wangu eish . " " We are brothers. "Ndakaramba ndakatarisa zvangu Vinny achitaura na Antony. I could see Kuti zveshuwa vanhu ava ma brothers vainzwanana . Vakaita nyaya dzavo vachiseka . The following day vakabuda vese vachindisiya pamba . Ndakabva ndatanga kuita hangu nyaya nevaskana vaishanda pamba paye . " So pano panonakidza ?" "Pachinakidza nei ,panonakidza kana boss vasipo . This guy anondimara zvekuti. " " Indava ?" " Ari rude wakangoita mistake chete pamberi pane otodzingwa basa haanonoke . Pano kungoshingirira zvedu nekuti mari yacho yakawandawo . * " Iwe Mona !" Akamutsiura mumwe wacho . " Don't worry handimbomuudza ." " Asi Vinny mukomana wenyu ?" Ndakabva ndaseka ndakati ehe ,ndaida kunzwa achati chii . " Yho ,first time yangu kuona muskana wake pano. " " Asi haaunze vaskana ?" " Ndava ne 3 years ndichimushandira handisati ndakamboona kana girlfriend yake kana one. " " Hoo Saka I good boy . Acharoorwa naye ane luck ." " Ah mamboti I boyfriend yenyu Wani ." " I was joking hangu . " " So ndiani wenyu ?" " Ngatimboitai zvebasa zvimwe tozozviona ." Ndakanga ndarova serious manje. Ko ndaimboda here kunyanya kujairirwa kusvika ipapo . Ndakanzwa message yakapinda pa phone pangu ndichibva ndatarisa. Vaiva Amai vangu . Message reads ... " Aisha Uri kupi takati uende kumusha kuna mbuya vako uri kunzi wakatiza nemukomana where are you ?"Ndakangoseka zvangu ndega ndakati Amai ava vanorwara fani . Ndakamboda kurega kuvapindura ndakazoona ndinovajaidza . Reply reads : " Ndiri kumusha kwamai vangu ,makadiiko ama Kelly ?" Kuvadaro vakabva vaita zvekufona chaizvo . Ndakasiya ichirira ndichitoseka zvangu. Vakatanga kundiisira ma messages vachindituka vachindiudza zvakawanda zvekuti handina zvangu kubatikana. Hapana mashoko ,kana zvavachaita kwandiri zvichandirwadza kudarika zvavakandiita. Kundirasa ndiri padambudziko. Dai ndisina kufanana nevamwe Vana ndaiti maybe havasi vabereki vangu. Zvino aiwa vedzinza redu vanorasa here ? Nana tete tiri vamwe . Vakandiudza zvekuti havasi vakaita ndive ne face yandaiva nayo maybe vachiri kufunga ndine face iyoyo here hameno . Handina kuvapindura ini ndakabva ndatodzima phone yangu. Mazuva akanga achifamba ,ndaiswera zvangu pamba .Ndaka apply kubasa kwa Vinny ah munhu wacho anenge Aida ndiite zvekugara pamba pake ndichidya kana ndasimba otanga kutaura zvekuti ndiri kupedza chikafu. Haana kumbodaro zvake ASI ndomafungiro nemaonero angu . Kudya ndaidya zvandinoda ,Antony akanga akushanda na Vinny hameno zveku America zvakaenda nepi . Vese vaindipa Mari ndichinotenga zvandinoda. Kugeza ndaigeza nezvese zvamunofungira Kuti zvinogezwa nazvo . Handina kumira kukanda ma CV angu neku apply . Mumwe musi Vinny na Antony vaiva pamba I think vaishandira pamba here kana vaiita nezvei hameno. Phone ya Antony yakarira achibva adaira. " Hallo ,Hoo ah ndezvarini ? No problem anongogara kumba tichizoona kana Mwana azvarwa . Hapana kana problem ,ehe ndichaita iribho ndichakufonerai. " I guess aiva Glenda akanga aine nhumbu . " Is everything ok ?" " Yha everything is fine . " " Antony ! Asi Glenda ane nhumbu ?" Ndakabvunza nezwi rakanyorovera . " Yha ndozviri kutaurwa . " " Ok . " Hameno sei ,ndakanzwa sendakanga ndava kutsva. The way yakanga achiita nayo yaitaridza Kuti Glenda wake akanga achimuda. Aitombomutumira mari pa eco ndaiona zvangu ma message pa phone. Chandakanyanya kufunga ndechekuti nemavengerwo andinoitwa na Glenda kana ava kugara na Antony ndinenge ndovimba nani . Ndakatanga kunzwa musoro kupisa wakanga wava kutotema chaiko. Dai ndainga ndakawanawo basa zvaiva nani. Tonny akabuda achitaura pa phone ,Vinny akabva ati.... " You look stressed asi wanga uchimuda here Antony ?" " Hausi wava munhu mukuru here pakuita sedzisimo ?" Akabva anyemwerera sebenzi. End of chapter 14
❤️ 👍 😂 🙏 😮 😢 👏 🥰 212

Comments