THEOS NOVELS
January 24, 2025 at 09:13 AM
https://chat.whatsapp.com/Hmobo9QRKfG73gwZJv2C51 https://whatsapp.com/channel/0029VaOPGxeEquiMe90fHM0p *LOVE IN BLOOM*🌺 Theo Chida . +263784027359.788659793 Chapter 15 Free book Ndaitongobhowekana zvangu munhu otoita seakanga atumwa kuzondibhowa worse . " Ndanga ndichingobvunza ndatadza here ?" Phone yangu yakabva yarira ndakadaira. " Hallo . " " Is this Aisha ?" " Yes ." Ndakaramba ndakateerera kuti munhu uya akanga achiti chii. Hamuna kuona mufaro wandakazova nawo . Ndakanga ndadanwa ku interview ku mine . A big mine kwete tumakomba. I know ndaizoita Mari ine mumvuri kana ndaizowana basa racho . " Share the good news ." " Ndadanwa ku interview. " " Oh that ,ndonyaya yandanga ndichida kutokuudza pandauya muno Kuti Uri kutanga Basa mangwana ." Akadaro Vinny. " Kutanga basa kupi? " Ku company . " " Handichada basa iroro." " Ah shamwari Basa ravapo wava Kuti hauchada why ?" " Ndawana rimwe. " " How sure are you kuti vanonokutora ikoko?" " Ah ndine faith yekuti vanononditora . " " Faith is not enough. " " Whatever. " " Usati whatever ,ndiri kutaura newe zvakanaka wava Kuti whatever. " " Saka uri kuda nditi chii ?" Akabva abuda akatsamwa . Akapinda Antony. " And then?" " Arikuti ndisaenda kwandadanirwa basa. " " Handiti Uri kufanira kunotanga basa mangwana here ku company ?" " Ndanga ndisingazvizive izvozvo but no rega ndimbonoshanda ikoko tione. Plus zvekupinzana Basa pachizivano Basa harizonyatsoitwa nemazvo . " " Eish ,Ashy hona uku wainoshanda zviri comfortable. " " Says who ? " " Ok fine ,no need yekuti tirwe. It's fine unonoshanda ikoko handiti . Asi kana waona kusingaiti promise me Kuti unodzoka ?" Aitaura zvake zviri soft ,ndakabva ndanyemweerera zvangu. " Ok I promise. " " Good girl ,hausi Kuda kumbofurwa nemhepo here timborova ma rounds . " " Good Idea ndodzoka ndichigadzirira interview yangu mangwana . " " Ok . " Takabva tabuda . Vinny hameno kwakanga aenda. " So hauchaenda ku America?" " Ehe handichaenda ." " Is it because Glenda ava nenhumbu ?" " No it's because wakaramba kuenda neni . " " Ah ko Ini ndaita sei zvangu ? Zvingatadzisa kuenda kuchikoro izvozvo ?" Akabva anditarisa akanyemwerera. " Ehe zvakatonditadzisa. Now wava Kuda kunditiza ,company yako iri kupi yauri Kuda kunoshandira?" " Ah iri muno I think ." " Ok ,but anyway it's ok. " " Saka Glenda akugara kumba kwenyu ?" " Yha akadzingwa kumba kwavo. " " Ok saka uchaita sei ?" " Nei ?" " Acharamba achigara kumba ?" " Angaenda kupi ?" " I thought uchamutora ." " No iyezvino ndoda kumboita zvechikoro saka zvekunetswa handidi. " " Hoo nhai ? But still hapana chinochinja Kuti mukadzi wako chero wakaenda kumusha unenge uchingonorara naye . " Asati apindura Mota ya Vinny yakabva yamira padivi pedu . " Where are you guys going?" " We are just taking a walk . " Akapindura Tonny. " Ok can I join you . " " No problem . " Ndipo paunoona kuti mamwe angori mashura zvawo chete . Hapana munhu anodzika mumota make achida kufamba netsoka. " Wanga wabuda asi ?" Akabvunza Tonny. " Eh pane mu face wangu anga achiti anoda tisangane ku office ." " Saka watosvika ku office ?" " Yha ,ndasvika. " " I'm not ready kushanda unoziva. " " Wanga wajaira kuswera uchitamba ka ." " Eish man ,but hapana plan ,Aisha wazoti chii nenyaya yangu ?" " Nyaya yako yei ?" " Yatanga tichitaura . " Akaramba akanyarara zvake Antony . " Handina nyaya yandambotaura newe ini . " " Ok fine . " Antony akanditarisa achibva atarisa Vinny . Vakatanga kutoita nyaya dzavo sendisipo. Ndaingotarisawo zvangu ndichinyarara. Takazodzokera kumba . The following day ndichimuka ndakananga ku interview. Ndakanyatsonzwa ndega Kuti ndakanga ndadedemura ne confidence dzakanga dziripo. Ndaitonzwa husimbe hwekuenda zvangu kumba kunosangana Vinny . Saka ndakabva ndafunga kumbotendererera zvangu mutown. Ko ndaiva ndawedzera kunaka kwacho zvee ,munongoziva Mari zvainoita so. Ndaitofamba ndichizvida chaizvo ko kuzvida kunorambidzwa munhu here. Ndakanzwa ndadhonzwa ruoko . Pandakacheuka ndakaona ari Leon. " Hey . " Ndakadaro ndiri cool zvangu. " Aisha !" Akadaro achindi hug ,ini rambei Ndaka sticker zvangu semunhu akanga achitoshamawo kuti ko uyu arikundi hagira chii. " Aisha wava bho ?" " Asi ndaimborwara here ?" " Face yako ,babe ! I'm so happy to see you . " " Hoo that one ,ah pandakaenda kumasowe paya ndipo pandakapiwa tsananguro dzekuti achaita murume wangu ndiye achaita ndive zvandava now . So zvakazoitika Wena. " " Saka wakaroorwa ?" " Kuroorwa kana kusaroorwa hazvinei newe . Let me go . " " No Aisha wait ,I still love you . You know ndanga ndichito plan kuti ndiuye kuzokuona ndakanzwa wakaenda kumusha. " " Ndakadzoka thanks nekufunga kuuya kuzondiona but handione kana zvaiva necessary. How is your wife ?" " Handina mukadzi Ini . " " Whatever,iye uya wawaiva naye gore riya." " Takasiyana. " " Ok bye ." " Wait Aisha ,im sorry ne....." Antony akabva angosvikawo. " Ashy !" " Ah , Tonny. " " Watopedza interview?" " Yes ,ah this is Leon my ex ndangosangana nayewo ipapa . " " Hoo ,wadii man . Yha Ashy is taken now ,so tuma meetings tusina order ngatuchipera hatwo. Let's go Ashy . " Ndakaona Leon asara akamira aita kupererwa kana aifungei ndezvake izvo. " And then ,what were you doing with that idiot?" " That idiot is my ex ,so it's up to me if I want to go back to him or not. Please !" Akabva anditarisa akanyemwerera achibva ati.... " Do you want to go back to him ?" " Handina kumbodaro . " " Saka wanga uchipopotei ?" " Ah Uri kuita sekuti wandiona ndakarara naye ." " Ok sorry ndabvunza ne wrong way. Let's go tisiyane nenhau yacho. " " Yha ,Uri kuenda kumba here ?" " Handisi ndiri kuenda kubasa. Vamwe tava kushanda ka ." " Ko shamwari yako arikupi ?" " Asi wakumuda here ?" "Handina kumboti ndinomuda ndizvo zvandataura here ? Waona why ndiri Kuda kubva pamba penyu na Vinny. Haasi nezuro Vinny paindibvunza Kuti asi ndinokuda . Saka mese muri kureva ndinongoda vanhu vese vese ." " Handina kumbodaro Kani my person ." " No my person ndizvo zvauri kutaura. " " No my person ndanga ndisingarevere izvozvo ,ok I'm sorry. " " Fine hazvo ,howz Glenda ?" " I guess she's fine ikoko ." " Unoenda kunomuona Rini ?" " Kana ndava free now I'm busy . " " Yho !" " What !" " So ,eh can I ask you something?" " Yha ." " Saka Glenda Anga arimhandara pawakasangana naye ?" " Yes she was ." Ndakasvotwa ,I guess ndakanga ndava kumuitira jealous . " Ok . " Takafamba tichinopinda pabasa pake. End of chapter 15
❤️ 🙏 👍 😂 😢 😮 🔥 🍆 👏 💃 269

Comments