THEOS NOVELS
January 25, 2025 at 12:19 PM
https://chat.whatsapp.com/Hmobo9QRKfG73gwZJv2C51 https://whatsapp.com/channel/0029VaOPGxeEquiMe90fHM0p *GOOGLE*🌺 Theo Chida . +263784027359.788659793 Chapter 1 Job interview " So what is your name ?" Vakabvunza vaya vanenge mukadzi mutsvuku mokobvu ane tukumbo tutete twaiita kunge tuchatyoka. " Me ! Name ?" Ndakabvunza kana vakubvunza inini ,ndakazofunga Kuti hoo zviya ndini ndakanga ndichibvunzwa sezvo ndainga ndauya kubasa. " Yes your name. " " Name I Google . " " Pardon!" " Google ,my name. " Ndakapindura ndakagara zvangu ne one Garo ndaitya kusurira masofa evanhu akanga akanaka akazonhuwa. Vaizongoti chiskana chiya chekuzimbabwe chonhuwidza mumba mangu zvino. " I'm not playing with you ,young lady . Why should I Google your name ?" " No madam ,ndinonzi Google . " " You are now speaking Shona and you expect me to hear what you just said ?" Ndakaona Kuti amai ava vaida kunyepera kunge vanoziva chirungu Icho chichivanetsawo. Ndakabva ndanyora pakachipepa Kuti my name is Google yangu ndakavapa. " My name ." " Ah ,you mean your name is Gugu?" " Not Gugu ,but Google. " " Ah heheheheh ah yjo Zimbabweans yho. What kind of name is that ?" " The kind of name madam . " Ndakadaro ndichinyemwerera zvangu. " Ah ok ,so you don't speak English fluently?" " Yha I talk English. " Ndakadaro ndichiteerera mudumbu mangu makanyatsokuita kurira manzwa chikafu chakanga chichibikwa kukitchen hameno aibika ndiani sezvo anai ava vakanga vafunga zvekundipinza pa hindavhiri. " Ok ,my name is Keabetswe ,I have 2 Kids . Lebone and Kumo . " Ndakabva ndabuditsa chibhuku changu ne bhiro ndokutanga kunyora. Ehezve ndizvo zvinoita vanhu wakadzidza ka ,panotaura munhu unonyorawo pasi kuitira mangwana usazoti ndazokanganwa. Ndakagutsurira musoro vachitaura . " We are 4 in this house . I have my mother ,my brother and my 2 kids. " Ndakabva ndanyora ,2+1+1+1=ndakawana Anza iri 5 . " Hoo Saka asingagare pano ndiani sezvo muri 4 ?" " Pardon !" " Sorry I used to Shona. "Ndakadaro ndichida kuzama Ku noza savo sezvo ndakanga ndadedemura chirungu. " I mean kakureta seidhi 5 . " " Hoo yha you are right ,I miscalculated. " " I forgive you ." Pandakadaro vakandipa rimwe ziso raidya munhu nema bonzo ake . " My grandmother comes and goes sometimes she can stay for a week or 2. So ,when she's here you take care of her. " Ndakanyora pasi. " Another thing ,you clean this house ,cook ,I can simply say you do all the chores . " Ndakabva ndaseka . " Is there anything wrong?" " Aiwa ndanzwa mati ndoita choya chese ." " Sorry!" " I mean choya you said ." " Hoo I mean duties . But there is another maid here ." " Is she left job ?" " No ,you are going to help each other . " " Thank God. " " Ah why?" " This house big like cow house in village ." Ehezve imba yacho yakanga yakakura kunge danga remombe rekumusha kwedu. Aiwa hoo zviya raimbova danga. Amai vaya vakaramba vakanditarisa ndichibva ndati ... " I heared you madam ." " Good ,so I'm looking forward to work with you. I know you will improve your English . " " Ko Mari ?" " Pardon !" " I mean what is my money ?" " Hoo ,your salary I had forgotten about that. " " Yha " " I will start you with 1400 pula ,after 2 to 3 months ,I will increase your salary. " " Hoo ishoma zimba rese iri ndokumamisana nebasa chaiko. " " Hai Google ,is it ok if I speak my language with you ?" " Hoo sori ,I don't English that's why. " " Ok ,I hope Cathrine has shown the house already ." " Yes she shown me. " " Good . " Ndakasimuka naiyo skirt yandakaanga ndakapfekawo yaiita seichandipiringisha ndakadonha. Ndakabva ndaenda Ku room kwaiva na Cathrine uya . " Ah kamba kanaka ndekembwa here kana vanhu ?" " Indava ?" " Ah zvakangori zvacho , ko keteni rinoiswa nepapi ipapo?" " Hehehe maimwana makauya kuzotsvaka ma keteni evanhu here Kana makauya kubasa ?" " Saka kana uri kubasa wava imbwa here?" " Unoita zviripo wangu. Zvekuti unotsvaka kutorara mu suburb iwe uri pabasa tsveta padivi . " " Saka ma pillow awo ma piro ?" " Uri kuedza kureva Kuti chii manje apa ?" " Ndiri kuti izvo zvinenge ma piro zviiko ?" Akaguma aseka zvake Cathy. " Hoo izvo hazvisi ma piro ndezvekuisa musoro kana wakarara. " " Apa hapana chitsotsi . Unototi udzirote chete hope dzinotyisa. " Takaseka . Ndakanzwa madam vaya vakudanidzira . " Cathy !" " Maaa " " Did you cook soup ?" " Ee mma. " Akadaro achisimuka . Ndakateverawo mumashure. Amai ivavo vaingoravidza zvese zvakanga zvabikwa. Handingati vairavira asi vaitodya. Hakuna munhu angaravira ma piece maviri enyama . " Ok save me beef stew and salads only . " " Ok ." Vakabva vabuda . " Google ,follow me. " Apa ndakanga ndava kuda kutobvunzawo zvangu zvandaida kubvunza vakundidana. Ndakambofunga kuti pamwe vaida kundipa hembe ndosaka vanga vandidana . " Take these plastics to the Dustbin outside . " Ah ko ndakanga ndatotanga basa nhai? Inga zvakaoma ,ndakaendesa panze zvimarara zvacho. Ndadzoka ndakawana Cathey apedza kupakura. Takadya handina kumbonzwa kwachakaenda chikafu chacho. " Newewo Cathy unobva wabikawo zvikafu zvishoma shoma zvakadai here nhai akomana?" " Shamwari pano panonetsa nhau yechikafu. Ndosaka ndava kutosiya zvangu basa zvekuswera ndichinzi ndinopedza chikafu maya ." " Haa saka uri kuda kundisiya ndega here panapa ?" " Eh handiti neni ndanga ndiri ndega ?" " Wanga uri wega ? Saka varikuzviziva here kuti uri kuda kusiya basa ?" " Vakazviziva vanenge vatoudzwa news havana chavari kuziva ava. " " Ok . Saka uchaenda sei ?" " Kubasa hakuuyiwe ne bag zvawaita izvi. Unouya neka bag kadiki diki hembe mbiri unoramba uchiwacha idzodzo shamwari . Paunoenda ku off paya wakarova marata haudzoke . Handingambopiwa 1700 Zimba rese iri . " " I 1700 ndiyo yauri kupiwa !" " Ehe wanzi mario ?" " 1400 . " Ah vakubatirira shame. Yho ishoma pamba pano pane basa ndiri kutokuudza so. Uchazvionera wega." " Eish ,shaa ndine mwana ka ini anoda kudya nekupfeka. Baba vacho pavakapinda mutoilet vapresswa nema goo vakanomama pfungwa vakasiya dhodhi mumusoro . " Akabva aseka . " Ah varume ndizvo zvavari shamwari . " ". Tisapembedza zvinhu zvakaipa shaa. Varipo vamwe varume vanochengeta mhuri dzavo . Varume vekuti chero akanzi ahura Kunze uko unonzwa mukadzi wake achiti wangu haadaro nekuti anenge achimu trust. Murume ano respect mukadzi wake ,vamwe vatori nevakadzi kana vatatu achivachengeta vese . Manje uyo aiva wangu kuda ndomuchengetere mwana wake iye yake mari achitsenga semushonga wemusana. " " Cathy !" Vakanga vari Amai vaya futi .Kuda kutitadzisa kuita nyaya nhai akomana. " Maaa !" " Come and change Kumo 's diaper. " " Ok ." " Saka Amai ava havagone kuchinja mwana wavo ?" " Vakazvijaidza fani havagone kupiko? Imagine shamwari yangu ari ku south akupiwa 4500 rands . Imba inenge ino ,Ini ndichitambira ma cent ndiri kuda kutoenda ku south kune mari zvekushandira mahara ndombozvida here Ini ? Ndakauya kuzotsvaka mari muno kwete tukafu twavo twavanokonorera sekuti...." " Iwe chienda ungazopinda busy . " Akabva aseka akaenda zvake . Nhai vangadana munhu achidya kuti azobvisa madhokimbi ekamwana vamwe vanhu denga vachaita rekugugula chaiko. Zvinonetsa izvi . Mazuva akanga achifamba ,ndaiita basa rangu nemazvo . Mumba macho maitotaridza Kuti munoda thara yakasimba . Ndega ndaiona Kuti Cathy akaenda ndichange ndichiita kukaura nebasa I hope vaizotsvaka mumwe aizondibatsira nebasa . Cathy aiona zvemwana ndichiita zvemumba . Mwedzi wakasvika pawakanopera akabva ati ... " Shamwari ini ndapiwa kamari kangu ndava kuenda ku off . " " Ku off kana ku ofest ?" " When you know you know vakamboonana havashayane . Muchimba chino handidzoke . Uri kuona mu face uyo? Anosvota zvisingaiti. Uchauona zvako . Wakangobatidza microwave chete anotobuda kuzoona wava kudya. Hanzi munodyisa. " " Kudya ndiko kwandinoita manje ndizvo zvatiri Kuda kuona izvozvo . Handingati zimba rese iri ndonzi idya mbijana ndinombonzaniko rega uone zvako ndoda kuvagadzirira size inotenga . Kana vaneta nekudya kwangu ndongoshandawo zvinoenderana nechikafu chandinodya. " " Ehe ndosaka makaora mumba mavo ndaishanda zvinoenderana nechikafu chandinodya. " Takaseka. Ndainga ndatojaira kugara naye but eish hapana yekutamba umwe neumwe ane nhamo dzake. Ndakamuburitsa gedhe achibva aenda ndakasara netuvana nemachembere aye manje. Basa rainga ratanga..... End of chapter 1
❤️ 👍 😂 🙏 😮 😢 🔥 🥳 266

Comments