THEOS NOVELS
January 26, 2025 at 10:42 AM
https://chat.whatsapp.com/Hmobo9QRKfG73gwZJv2C51
https://whatsapp.com/channel/0029VaOPGxeEquiMe90fHM0p
*LOVE IN BLOOM*🌺
Theo Chida .
+263784027359.788659793
Chapter 17
Free book
" Aisha !"
" Chiiko Leon ?"
" Mr Mhara ,how are you sir ?" Vinny akabva atarisa Leon akafinyama seasina kumuona zvake .
" Aisha can I talk to you please !"
" Kumbira Mr Mhara kana Uchida kutaura neni . ". Vinny akabva andidhonza ruoko tichibva paiva nebenzi riya toenda kwatanga tagara tichienda.
" Dai Paiva nemumwe mukana wekuti ndaizoda kuita shopping yangu ndinewe ndaisambouya newe unobhowa. "
" I just saved your skin ,from that idiot. Who is that moron?"
" Handimuzive ."
" Why are you lying?"
" Because I want to lie ,ndobvunzwa nani?"
" Ungabvunzwa nani?"
" Newe ka uri kundibvunza ." Takapinda mushop. Ndakatora trolley.
" Chipusha . "
" Ah inini?".
" Asi ani ?"
" Wait ndiri kuuya ndichipusha . " Ndakamira munhu ndizoona akuuya nemumwe mu face .
" Haa Vinny . "
" What !"
" Saka iwewe hausi Kuda kundipushira?".
" You know your problem vanhu vatema . This guy needs money ,Ini handisi Kuda kupusha mari ndinayo ,so hazvisi zviri Nani here ndimupe Mari yacho opusha zvake ndichifamba ndakaisa maoko muhomwe ?"
" Zvese zvawataura hapana kana one chandanzwa ipapo . What were you saying?"
" Nothing . " Aingonongedzera zvinhu mukomana uya achikanda mu basket. Hanga unosvika paunopererwa munhu asvika zvake pamushonga wemu toilet.
" Grocery iri kuenda kumusha here kana Kuti pane patisina kunzwanana zvakanaka ?"
" Kumusha ."
" Manje kumusha ndiko Kuri kuenda mushonga wemu toilet ?"
" Asi ma toilet ekumusha haaiswe mushonga ?" Ndakamutarisa ndakaseka. Antony akabva afona.
" My person. "
" Hahaha my person ndine hama yako panapa akuita basa rekutengera ana mama mushonga wemu toilet. "
" Una Vinny !"
" Indava kushamisika patabuda tese hauna kutiona ?"
" Atleast kana una Vinny it's fine ."
" Ok saka wati chii nemushonga wemutoilet ?"
" Ndati vanonodira hobho honye dzofa . "
" Ehoi ,regai vatenge . " Trolley yakanga yazara manje akumbana nezvima chips chii chii zvisina basa . Akatuma mukomana uya kutora trolley imwe ndakazofa nekuseka manje ava kutora nemvura.
" Asi Vinny wakakwana ?"
" Handina . "
" Ndiri kuzviona zvangu. "
" Ok. Chitenga zvauri Kuda zvandiri Kuda ndatenga. " Akadaro achiudza mukomana uya anotora trolly imwe. Ndakatanga kunhonga nhonga zvandaida ndaisambotenga saye aiita competition neni. Ndapedza ndakatenga nemari ya Antony. Ndaida umwe neumwe a present grocery rake . Takazochaisa zvinhu zvedu vanhu vaiva mumashure vachingokwenyana. Vinny kana shungu zvake akanga ava kutodya zvake tuma nuts.
" Isha ,why usina kundiudza kuti tunhu utwu tunonaka ?"
" Ndokuudza kuti tunonaka ndisina kumbotu testa here ?"
" Tunonaka. "
" Ndipoo . "
" Ani ?"
" Inini . " Nechandakanga ndichakumbirira. Munhu akabva atsvaira twese twaiva pa shelf akaisa mu trolley. Ndakangoti mashura ndinonamaziva Ini. Maziso evanhu manje ndakanga ndotonyara zvangu. Takazobva toenda kunoisa zvinhu mumota.
" Yha wa shopper but kunonakidza hako ku shopper ."
" Asi hausati wamboita shopping ?"
" Ndoita shopping kuti vashandi vanozoita basa rei ? You know what Isha ,kana wazoita mari usakanganwa vasina Mari . You see at my house ,I have about 10 workers there. Do you think under normal circumstances, zviri necessary kuva nevashandi vese ivavo ? At my father's house kune about 40 or more ."
" So Uri kureva Kuti unovapa mabasa nekuti unoda munhu wese ashande ?"
" That's my duty pasi pano reku create mabasa ,Kuti vamwe vawane Ku feed mhuri dzavo. "
" I understand ,saka unenge uchizovapa marii ipapo?"
" Kana helper akawana 2_300 pane chakaipa here ipapo? Than Kuti ndipe munhu one 1000 yeku cleaner ko vamwe ?"
" Une point hako. Plus wakandipa 1000 ndongoshanda one month ndakatosiya basa paya. "
" Waona une pfungwa dzakaora. "
" Se face yangu . "
" Zvapinda papi manje izvozvo?"
" Wakanditi ndakashata. "
" Asi ndazoti wakanaka here ? Nanhasi wakashata but anokuda anokuda wakadaro."
" That guy arikundida . "
" Which guy ?"
" Watasangana naye uya ."
" Washaya zvekuita here ?"
" Handina akanaka Wani ?"
" Asina Mari ?"
" Mari ine basa rei ?"
" With money ,unowana zvese zvaunoda. "
" Hahahaha says munhu asina kumbobvira aita girlfriend. "
" Saka Uri kuzama Kuti chii ?"
" I'm trying to say ,nemari yako hauna girlfriend ."
" Problem yako ndeyekuti une problem Isha. "
" No ane problem ndiwe usina girlfriend ."
" Iwe une boyfriend?"
" Asi ndakambova nayo ka."
" So what ?"
" So what kuita asi pane zvisiri kufamba zvakanaka pauri here ?"
" Zvinengei?"
" Ndichabvunza Amai vako handiti ndivo vakakubereka pamwe pane zvavanoziva. "
" Mxm ." Akabva aisa volume . Takasvika kumba achibva andisiya ndakasara ndorongedza grocery nema department Aro. Mama ndakanga ndavanhongera mbatya.
.
.
.
.
.
" You look stressed,where is Antony ?"
" Kumba ari busy with his assignments. Mangwana anoenda kumusha. "
" So that guy ari serious about that girl?"
" Which girl ?"
" Chiskana chake chekumapurazi chiya ?"
" Akanaka Wani. "
" Yha but handina kungomufarira. But I think better atorane na Aisha vakafitana. "
" Pawashaya nyaya wabva watoshaisisa zvekudaro here nhai akomana?"
" Asi Uri kumuda here Aisha wacho ?"
" That girl andidzikisira zvekuti I'm asking myself many questions. I'm strsssed Akim . "
" Ati chii?" Akamuudza,Akim akaseka.
" Arikuona Kuti unomuda ASI hausi kumuudza. "
" Ndamboti ndinomuda here ndiwe wava kutondiisawo ka mind kandanga ndisina iwe. "
" Hahaha kawanga usina here ok tomboti ."
" But Antony anomada ma babe aye ese ari 2. "
" Achimadii ? Hunenge hwatova hudyire ihwohwo . "
" Hwei ?"
" One person haangmboita 2 ma babe mumwe asina. "
" Iwe ma babe anouya kwauri why uchiramba?"
" Handidi zvinouya zvega ini ko kana zvine honye ?" Ndoda babe randoda kwete kuti ...."
" Saka uchariwana kupi raunoda racho. *
" Ndati handidi munhu anondi actira chete. It's a turn off kwandiri ."
" Eho uchachembera usina mukadzi. "
" Man ,I'm getting married this year ,watch me. "Akadaro achiseka zvake.
.
.
.
.
.
The following day Antony akairova Mota achinosvika pamusha pamai vake. Akawana Amai vake vachisuka ndiro .
" Ah mama ko muri kusuka muroora wenyu aenda kupi ?"
End of chapter 17
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
🥳
💜
🔥
480