THEOS NOVELS
February 3, 2025 at 07:52 AM
https://chat.whatsapp.com/Hmobo9QRKfG73gwZJv2C51 https://whatsapp.com/channel/0029VaOPGxeEquiMe90fHM0p *RUZABHETA* I book rakapera kudhara asi raiva nema chapters madiki .So achange achiuya awa anenge awedzerwa nekugadziriswa mamwe ma errors. Enjoy my 3rd bk . *RUZABHETA* Written by Theo Chapter 1 Ndakabuda mumba ndichimhanya ndichibva ndamira paside pemusiwo ndikabva ndasura hangu,mhhh ndangandanzwa.Chakaita kumbumuka chaiko zimweya rinonhuwa.Jason akabva abuda panze pandakamuona ndakabva ndamhanya kunomira padustbin. "Mmhhh chii chiri kunhuwa kudaro Lizzie? "Ahh mukoma hamusi kuona here kuti ndakamira pabin saka obvious ndoriri kunhuwa." "Saka hausi kunhuwirwa here ,zvawaita kubva wanyatsomira pariiri.?" "Ahhh ndakatojaira ini ndakamboshanda hangu kumabin saka mweya wacho handinyanyo unzwe." Hooo inga hako,rega ndipinde mumba ndaona wabuda uchimhanya ndikashaya kuti chii. Ndanga ndatofunga Kuti pamwe une nhumbu ." " Ah nhumbu Yani ndisina kumboita alaj ?" Akabva aseka . " Alaji ndochii ichocho ?" " Gumbo mumba rimwe panze. " " Asi une murume ?" " Aiwa ndinomuwana kupi zvangu futi murume ndomudii handisati ndamboina akanaka ." " Varume vanofanira kunaka here kana Kuti vakadzi ndivo vanofanira kunge vakanaka ?" " Zvakangofanana nekuti mukadzi anozvariswa nemurume . Saka Mwana wacho akazobuda akafanana nababa vake , tinenge toti chii manje ?" " Are you ok ?" Akadaro akarova straigt face . " Why ?" " Ndiri kunzwa kunge mweya wacho wapera . " "Don't worry ndiriright." " Ok rega ndipinde Mumba pane zvandanga ndichida kuita hangu. " Ndakabva ndasara ndichitura befu ahhh ndaizoenda mbiri ye kusura dai ndisina kudaro. Aitoswera afonera dzinza rese ka zvakazoita sekuti wakauya kuzosura not kubasa. Ko mbiri dzinosiyana ka . Unogona kungoenda mbiri isina kunaka apa ringoriwo zvaro nhingi iri rinenge risina kunyatsogaika zvakanaka rotanga zvaro kuburitsa mweya. Ndakanga ndabva kumusha ndichienda kubasa mushure mekunge ndaona Kuti amai vangu zvava kuvaremerawo kuramba vachingotishandira. .Takaberekwa tiripo vashanu. Vaskana vatatu nevakomana vaviri. Baba vangu vakatiza mai vangu ndine 7years .Saka kukura kwangu kwese taichengetwa na mama. Taigaramu police camp,takazodzingwa baba vasina kudzoka. Saka takanga tava kugara kumusha kwa Murehwa kwaMusami. Mai vangu vaishanda nesimba zvekuti hatai complain. Chikoro ndakasvika form six vachindi bhadharira school fees. Mumba medu ndini ndoga ndakasvika form six. Ana sisi vangu vaizviwanza zvevakomana. Mai vaigaro chema navo kutidai vasiya kuita zvisina basa vagozo vachengeta wo but vaiudza ani anoteerera. Mai vangu vaishanda kunge dhongi chairo.Ini ndiniwe kupedzisira mumhuri medu. Vaiita musika ,maricho izvo zvikwereti mumamana kuti tiwane chekudya nekupfeka.Hanzvadzi dzangu dzakasvikawo form four mumwe akaita mupurisa mumwe musoja Havatombo chengeta mama kana zuva one haro.v Vanokanganwa kwavakabva patakasiwa na dad, mama ndivo vaiona zvese.Havatombozvifunga zvese izvozvo. Vana sisi vangu mheno kwakatizirwa hanyanani chidhoma chekwachivi. Saka maivangu vainge votambura nekuti vaiva vasisagone kuita basa rinorwadza. Vakanyanya kushanda stereki musana wanga usisade. Ndakavavimbisa mai vangu kuti ndaizo vachengeta nommater what. Ndaizomira mira hangu kuona kuti vadya vapfeka. Ndakabva ndatsvaga basa ndikawana rekushanda mumba. Hongu raisaenderana ne level yangu asi hapana zvandaikwanisa kuita. Mama vaida help hangu futi neni ndaida kuzoenda kuuniversity saka ndaifanira kushanda nesimba. Mai vangu ndovada zvakadarikidza.I appreciate zvavakatiitira muhupenyu hwedu. Kune vamwe vana vandoona muraini medu vasina kana kuudzidza vamwe ndovakaguma panzira vachiti vashaya mari yechikoro asi ini ndakaenderera mbere kusvika ndapedza high school nekuda kwamamavangu.Ndonyatsoshaya ndovatendasei.Maivangu vakasiyana nevamwe vakadzi. Unoona munhu akarambwa kana akasiwa nemurume hwake hupenyu hunenge hwatoguma ipapo. Vana havachaenda kuchikoro dzangova mbavha nemahure .Asi mai vangu vakamira mira thank you mama. Ndakarongedza bag rangu ndokuenda kunooeneka bastard my bestfriend. Eh ndozita rake iroro ratai mudana naro.Ini vainditi stupid. Saka stupid nabastard aiva mabest buddies. Partners in crime.Her real name ainzi Melania aka merenziana. "Bastard shaa ndakumbono shanda kuharare,ndawana basa.Moyo wangu urikurwadza kukusiya." "Hiii wawana basa inga hako shaa .Saka unodzokarini,usazono ita hu stupid ikoko.Remember no alaj before marriage paunouya pese ndoda kukutairisa kuti uchakakwana here unongoziva harare yakamedza vakawanda." "Haaibva wena bastard atleast nhasi wataurawo zvine musoro .Handimbouya ndisina kukwana haa izvo hazviitezvee. Ndototenga brugwa resimbi rine key nekagwanza kadiki kekuitaweti chete. Pandenge ndoda kushodha ndokinura ndopinda ndokiya futi." "Waona why ndichiti uri stupid ndizvozvi zvaunoita zvekupenga kunge munhu asina kusvika A level." "Mela kwana iwe ndosiya ndakukwatura so nhai." Takaseka hedu ahhh ini neshamwari yangu taitova macrazyyyyyyy chaiwo. Aitaura zvinemusoro hake asi ndiani aindidawo hangu ini. Guys harare kunevanhu vakanakana. Ini ndaivandisingambosvikakana pakota.Ndaiva muskana asina kunyanyo sviba hake pakushata ndaiva wo ndakati shatei hangu. Brain dzaiva sharp.Chimiro aiwa ekugara magadziko handaizoshaya hangu. Chikuru kugara ko akawanda ndeei. " Wakutoda zve dhudhu haa muskana iwewe ." " Usare uchichengeta sabhuku ." " Hezvo mari yrkuchengeta sabhuku ndoiwana kupi ?" " Ah unongochengetawo nezvese zvaunazvo ." Ndakadaro ndichiseka . " Undikwanire stupid wanzwa ka ." " Chiiko nhai akomana handiti ndiri kungotiwo ,sabhuku wakavatarisa Kuti vasazonyenga vanhu. Especially Kuna Mai vangu make sure matambira kure navo Amai vangu mukadzi wemunhu akazorambwa zvake asi mukadzi wemunhu . Ngavatambire kure otherwise ndokurovai mese Na sabhuku . " " Hahahaha hauna kukwana kapenzi kemunhu. Ndinonzwira Tsitsi varikunoshandirwa vacho vakasava nemoyo wakareba haa vanoswera vakudzinga Basa iwe ." " Kwako Kuri Kuda ndidzingwe basa tigoswera tichinyengwa nema village champion munomu ? " " Bhazi ranzi rinosimuka nguvaiko zviya ?" " Dzandosvika pabhazi inini ." " Kuti rinenge rakamirira iwewe here ?" " Hungu ndizvo chaizvo zvichaitika. " " Hauna kukwana nhai . Eish ndichambosuwa kupenga kwako kunenge kusakwana . " " Hahahah iwe rega ndiende ndozoguma ndarasa Mari yebhazi . " " Hauna Kuti uri kunoita pay forward here iwewe ?" " Iwe zvimwe zvinhu hazvidi kubva wataura ma details ese . Otherwise ndoguma ndava kukuudza nenhingi iyi ,idiki yekuisa mukati Kuti ndakapfeka ruvara rwupi . " " Handei ndikuperekedze nekuti wava kuita uchibhowa mbijana. " Akandiperekedza tichiita nyaya munzira tichiseka. Takasvika pa bhazi rakatomirira inini nekuti conductor akabva ati.... " Sister handei tanga takatomirira imimi . " Ndakanyemwerera ndakatarisa Bastard Kuti waona ndanga ndakamirirwa ndinorema ka ndosaka ndichiremekedzwa. " Pinda mubhazi ." Akadaro Basty. Ndakamu hug ndichibva ndapinda mubhazi. " Bhasi! Uvharire huku ,usakanganwa kugeza eeeh sipo ndichapota ndi Ndakakwira bhazi ndikasiya mai vangu vangova voga pamusha. Ndivo vandakanga ndotofunga zvangu Kuti saka izvezvi ndiri mubhazi ndichinakidzwa nekufamba kwebhazi vakanga vari busy nei . Ah zvimwe zvinhu zvinoti bhowei mbijana so. But pakanga pasina yekutamba ndaifanira kunoshanda ndigowana kuvatengerawo kashuga netumafuta. Bhazi rakarohwa nguva diki diki takanga tava pambare. Vanhu vepambare kana Kuti vanenge vachibva kupi unozvishaya. Vanhu vakanga vari mavhu nemarara pambare . Ndakadzika bhazi ndokuringa ringa zvangu semunhu akanga otovarairwa nezvibhonda zvekumbare. Ko zvimwe zvacho zvinotovaraidza mufunge. Ndakawana ndakamirirwa nevamwe bhudhi vainge vakabata chikadhi chakanyorwa zita rangu.Haa kuharare kwacho kutoriwo nevakomana vasina kunaka ndaingofunga kuti munhu wese wekuharare akanaka. Ndaito zvibvunza hangu nechemumoyo. Ndainge ndatowana nyaya yekuswoudza bastard. Vakauya Mr vaya pandaiva mushure mekunge ndanongedza kwavari. Vakabva vati, "Hes Lizzie" Ndakanga ndakunzi Lizzie futi haa mazita angu haaipera shuwa. "Makadii henyu ndichityora muzura." Vanhu vese vaiva vangonditarisa manje. Asi ndakanga ndatadza here kutyora muzura nhai. Ndakabva ndatanga hangu kumhoresa vanhu. " Makadii makadii ? Aiwa isu tiripo. " Ndiri pakumhorosa zvangu vanhu ,baba vaye vakabva vati ... "Lizzie handei ndoda kumhanyira kubasa." Ndaka bhowekana kana nekwaai mhanyira ini ndisati ndapedza kumhoresa vanhu nhai ende haana hunhu shame .Ndakapinda mumota tikaenda kumba kwacho Kuwestgate. Ndakangonzwawo Kuti kunonzi Ku Westgate ko ndaimbozivira kupi Harare zvangu. .Takasvika gate rakavhurika rega ndofunga paiva nekadhoma kakavhura mhhhh ameno ndakanga ndototya ini. " Saka pane kadhoma kanogara pagedhe ?" Ndakaerekana ndabvunza paka driver tichipinda mukati . " Kadhoma kapi wakaona kupi ?" " Ah ndaona ravhurika rega. " " No I remote ." " Ipi ? Ye TV ?" " No ye gate ,iyi . " Akadaro achindiratidza . " Ok . " Ko chirungu zvee nhai Jesu . Nyange takambogara mutown pataigara pacho pakanga pasina Kana ne gedhe zvaro . Takapinda mumba haa imba yacho kunaka kani kokukura handisati ndamboona zvakadaro .Mumba macho maivane vanhu vakawanda ahhh. Paiva nevana 5 mudiki wacho aiva form6/5 kana 4 handisati ndaudzwa. Saka hapana mwana muduki. Ndakabva ndatanga kubvunzwa,kuti ndakamboshandamumba here ahh mumwe mibvunzo inotobhowa. " Wakamboshanda Mumba ?" " Handisati ." " Saka chii chaunoziva nebasa remumba ?" " Kubika nekudya nekusuka kutsvaira nekukorobha ndogeza ndorara . " Vakramba vakanditarisa amai vaye. Akandibvunza twakawanda Wanda ndichipindura aka. Ndaitobhowekana ndakazoratidzwa kuti ndenge ndichizoshanda sei pamba apa. " Zvimwe zvacho tichange tichikuudza Kuti uchashanda sei wazvinzwa ?" " Ehoi . " Ndakanga Ndava kuto imagine zvangu zvandakanga ndava Ku imagine zvisina musoro . Ndakaerekana ndaseka zvangu ndega . Ndakanzwa ndava kudanwa .... " Eriza !" Ini yowe ko yava yekushatisirana mazita nekuti vmwe tiri ma maids here nhai akomana. End of chapter 1
❤️ 😂 🙏 👍 😢 😮 🤣 96

Comments