THEOS NOVELS
February 3, 2025 at 07:52 AM
https://chat.whatsapp.com/Hmobo9QRKfG73gwZJv2C51
https://whatsapp.com/channel/0029VaOPGxeEquiMe90fHM0p
*RUZABHETA* I book rakapera kudhara asi raiva nema chapters madiki .So achange achiuya awa anenge awedzerwa nekugadziriswa mamwe ma errors. Enjoy my 3rd bk .
*RUZABHETA*
Written by Theo
Chapter 1
Ndakabuda mumba ndichimhanya
ndichibva ndamira paside pemusiwo
ndikabva ndasura hangu,mhhh
ndangandanzwa.Chakaita
kumbumuka chaiko zimweya
rinonhuwa.Jason akabva abuda
panze pandakamuona ndakabva
ndamhanya kunomira padustbin.
"Mmhhh chii chiri kunhuwa kudaro
Lizzie?
"Ahh mukoma hamusi kuona here
kuti ndakamira pabin saka obvious
ndoriri kunhuwa."
"Saka hausi kunhuwirwa here
,zvawaita kubva wanyatsomira
pariiri.?"
"Ahhh ndakatojaira ini
ndakamboshanda hangu kumabin
saka mweya wacho
handinyanyo unzwe."
Hooo inga hako,rega ndipinde
mumba ndaona wabuda uchimhanya
ndikashaya kuti chii. Ndanga ndatofunga Kuti pamwe une nhumbu ."
" Ah nhumbu Yani ndisina kumboita alaj ?" Akabva aseka .
" Alaji ndochii ichocho ?"
" Gumbo mumba rimwe panze. "
" Asi une murume ?"
" Aiwa ndinomuwana kupi zvangu futi murume ndomudii handisati ndamboina akanaka ."
" Varume vanofanira kunaka here kana Kuti vakadzi ndivo vanofanira kunge vakanaka ?"
" Zvakangofanana nekuti mukadzi anozvariswa nemurume . Saka Mwana wacho akazobuda akafanana nababa vake , tinenge toti chii manje ?"
" Are you ok ?" Akadaro akarova straigt face .
" Why ?"
" Ndiri kunzwa kunge mweya wacho wapera . "
"Don't worry ndiriright."
" Ok rega ndipinde Mumba pane zvandanga ndichida kuita hangu. "
Ndakabva ndasara ndichitura befu
ahhh ndaizoenda mbiri ye kusura dai
ndisina kudaro. Aitoswera afonera dzinza rese ka zvakazoita sekuti wakauya kuzosura not kubasa. Ko mbiri dzinosiyana ka . Unogona kungoenda mbiri isina kunaka apa ringoriwo zvaro nhingi iri rinenge risina kunyatsogaika zvakanaka rotanga zvaro kuburitsa mweya.
Ndakanga ndabva kumusha ndichienda kubasa mushure mekunge ndaona Kuti amai vangu zvava kuvaremerawo kuramba vachingotishandira.
.Takaberekwa tiripo vashanu. Vaskana
vatatu nevakomana vaviri. Baba vangu
vakatiza mai vangu ndine 7years
.Saka kukura kwangu kwese
taichengetwa na mama. Taigaramu
police camp,takazodzingwa baba
vasina kudzoka. Saka takanga tava
kugara kumusha kwa Murehwa
kwaMusami. Mai vangu vaishanda
nesimba zvekuti hatai
complain. Chikoro ndakasvika form six vachindi bhadharira school fees.
Mumba medu ndini ndoga
ndakasvika form six. Ana sisi vangu
vaizviwanza zvevakomana. Mai
vaigaro chema navo kutidai vasiya
kuita zvisina basa
vagozo vachengeta wo but vaiudza ani
anoteerera.
Mai vangu vaishanda kunge dhongi
chairo.Ini ndiniwe kupedzisira
mumhuri medu. Vaiita musika
,maricho izvo zvikwereti mumamana
kuti tiwane chekudya
nekupfeka.Hanzvadzi dzangu
dzakasvikawo form four mumwe
akaita mupurisa mumwe musoja
Havatombo chengeta mama kana
zuva one haro.v Vanokanganwa
kwavakabva patakasiwa na dad,
mama ndivo vaiona zvese.Havatombozvifunga zvese
izvozvo. Vana sisi vangu mheno
kwakatizirwa hanyanani chidhoma
chekwachivi. Saka maivangu vainge
votambura nekuti vaiva vasisagone
kuita basa rinorwadza. Vakanyanya
kushanda stereki musana wanga
usisade.
Ndakavavimbisa mai vangu kuti
ndaizo vachengeta nommater
what. Ndaizomira mira hangu kuona
kuti vadya vapfeka. Ndakabva
ndatsvaga basa ndikawana
rekushanda mumba. Hongu
raisaenderana ne level yangu asi
hapana zvandaikwanisa kuita. Mama
vaida help hangu futi neni ndaida
kuzoenda kuuniversity saka
ndaifanira kushanda nesimba.
Mai vangu ndovada zvakadarikidza.I
appreciate zvavakatiitira muhupenyu
hwedu. Kune vamwe vana vandoona
muraini medu vasina kana kuudzidza
vamwe ndovakaguma panzira vachiti
vashaya mari yechikoro asi ini
ndakaenderera mbere kusvika
ndapedza high school nekuda
kwamamavangu.Ndonyatsoshaya
ndovatendasei.Maivangu
vakasiyana nevamwe vakadzi. Unoona
munhu akarambwa kana akasiwa
nemurume hwake hupenyu hunenge
hwatoguma ipapo. Vana havachaenda
kuchikoro dzangova mbavha
nemahure .Asi mai vangu vakamira
mira thank you mama.
Ndakarongedza bag rangu
ndokuenda kunooeneka bastard my
bestfriend. Eh ndozita rake iroro
ratai mudana naro.Ini vainditi stupid.
Saka stupid nabastard aiva mabest
buddies. Partners in crime.Her real
name ainzi Melania aka merenziana.
"Bastard shaa ndakumbono shanda
kuharare,ndawana basa.Moyo
wangu urikurwadza kukusiya."
"Hiii wawana basa inga hako shaa
.Saka unodzokarini,usazono ita hu
stupid ikoko.Remember no alaj before
marriage paunouya pese ndoda
kukutairisa kuti uchakakwana here
unongoziva harare yakamedza
vakawanda."
"Haaibva wena bastard atleast
nhasi wataurawo zvine musoro
.Handimbouya ndisina kukwana haa
izvo hazviitezvee. Ndototenga
brugwa resimbi rine key nekagwanza
kadiki kekuitaweti chete. Pandenge
ndoda kushodha ndokinura ndopinda
ndokiya futi."
"Waona why ndichiti uri stupid
ndizvozvi zvaunoita zvekupenga
kunge munhu asina kusvika A level."
"Mela kwana iwe ndosiya
ndakukwatura so nhai."
Takaseka hedu ahhh ini neshamwari
yangu taitova macrazyyyyyyy
chaiwo. Aitaura zvinemusoro hake asi
ndiani aindidawo hangu ini. Guys
harare kunevanhu vakanakana. Ini
ndaivandisingambosvikakana
pakota.Ndaiva muskana asina
kunyanyo sviba hake pakushata
ndaiva wo ndakati shatei hangu. Brain
dzaiva sharp.Chimiro aiwa ekugara
magadziko handaizoshaya hangu. Chikuru kugara ko akawanda ndeei.
" Wakutoda zve dhudhu haa muskana iwewe ."
" Usare uchichengeta sabhuku ."
" Hezvo mari yrkuchengeta sabhuku ndoiwana kupi ?"
" Ah unongochengetawo nezvese zvaunazvo ." Ndakadaro ndichiseka .
" Undikwanire stupid wanzwa ka ."
" Chiiko nhai akomana handiti ndiri kungotiwo ,sabhuku wakavatarisa Kuti vasazonyenga vanhu. Especially Kuna Mai vangu make sure matambira kure navo Amai vangu mukadzi wemunhu akazorambwa zvake asi mukadzi wemunhu . Ngavatambire kure otherwise ndokurovai mese Na sabhuku . "
" Hahahaha hauna kukwana kapenzi kemunhu. Ndinonzwira Tsitsi varikunoshandirwa vacho vakasava nemoyo wakareba haa vanoswera vakudzinga Basa iwe ."
" Kwako Kuri Kuda ndidzingwe basa tigoswera tichinyengwa nema village champion munomu ? "
" Bhazi ranzi rinosimuka nguvaiko zviya ?"
" Dzandosvika pabhazi inini ."
" Kuti rinenge rakamirira iwewe here ?"
" Hungu ndizvo chaizvo zvichaitika. "
" Hauna kukwana nhai . Eish ndichambosuwa kupenga kwako kunenge kusakwana . "
" Hahahah iwe rega ndiende ndozoguma ndarasa Mari yebhazi . "
" Hauna Kuti uri kunoita pay forward here iwewe ?"
" Iwe zvimwe zvinhu hazvidi kubva wataura ma details ese . Otherwise ndoguma ndava kukuudza nenhingi iyi ,idiki yekuisa mukati Kuti ndakapfeka ruvara rwupi . "
" Handei ndikuperekedze nekuti wava kuita uchibhowa mbijana. "
Akandiperekedza tichiita nyaya munzira tichiseka. Takasvika pa bhazi rakatomirira inini nekuti conductor akabva ati....
" Sister handei tanga takatomirira imimi . " Ndakanyemwerera ndakatarisa Bastard Kuti waona ndanga ndakamirirwa ndinorema ka ndosaka ndichiremekedzwa.
" Pinda mubhazi ." Akadaro Basty. Ndakamu hug ndichibva ndapinda mubhazi.
" Bhasi! Uvharire huku ,usakanganwa kugeza eeeh sipo ndichapota ndi
Ndakakwira bhazi ndikasiya mai
vangu vangova voga pamusha. Ndivo vandakanga ndotofunga zvangu Kuti saka izvezvi ndiri mubhazi ndichinakidzwa nekufamba kwebhazi vakanga vari busy nei . Ah zvimwe zvinhu zvinoti bhowei mbijana so. But pakanga pasina yekutamba ndaifanira kunoshanda ndigowana kuvatengerawo kashuga netumafuta. Bhazi
rakarohwa nguva diki diki takanga
tava pambare. Vanhu vepambare kana Kuti vanenge vachibva kupi unozvishaya. Vanhu vakanga vari mavhu nemarara pambare . Ndakadzika bhazi ndokuringa ringa zvangu semunhu akanga otovarairwa nezvibhonda zvekumbare. Ko zvimwe zvacho zvinotovaraidza mufunge. Ndakawana
ndakamirirwa nevamwe bhudhi vainge vakabata chikadhi
chakanyorwa zita rangu.Haa kuharare
kwacho kutoriwo nevakomana vasina
kunaka ndaingofunga kuti munhu
wese wekuharare
akanaka. Ndaito zvibvunza hangu
nechemumoyo. Ndainge ndatowana
nyaya yekuswoudza bastard. Vakauya
Mr vaya pandaiva mushure mekunge
ndanongedza kwavari. Vakabva vati,
"Hes Lizzie"
Ndakanga ndakunzi Lizzie futi haa
mazita angu haaipera shuwa.
"Makadii henyu ndichityora muzura."
Vanhu vese vaiva vangonditarisa
manje. Asi ndakanga ndatadza here
kutyora muzura nhai. Ndakabva
ndatanga hangu kumhoresa vanhu.
" Makadii makadii ? Aiwa isu tiripo. " Ndiri pakumhorosa zvangu vanhu ,baba vaye vakabva vati ...
"Lizzie handei ndoda kumhanyira
kubasa."
Ndaka bhowekana kana
nekwaai mhanyira ini ndisati
ndapedza kumhoresa vanhu nhai
ende haana hunhu shame
.Ndakapinda mumota tikaenda
kumba kwacho Kuwestgate. Ndakangonzwawo Kuti kunonzi Ku Westgate ko ndaimbozivira kupi Harare zvangu.
.Takasvika gate rakavhurika rega
ndofunga paiva nekadhoma
kakavhura mhhhh ameno ndakanga
ndototya ini.
" Saka pane kadhoma kanogara pagedhe ?" Ndakaerekana ndabvunza paka driver tichipinda mukati .
" Kadhoma kapi wakaona kupi ?"
" Ah ndaona ravhurika rega. "
" No I remote ."
" Ipi ? Ye TV ?"
" No ye gate ,iyi . " Akadaro achindiratidza .
" Ok . " Ko chirungu zvee nhai Jesu . Nyange takambogara mutown pataigara pacho pakanga pasina Kana ne gedhe zvaro .
Takapinda mumba haa
imba yacho kunaka kani kokukura
handisati ndamboona zvakadaro
.Mumba macho maivane vanhu
vakawanda ahhh. Paiva nevana 5
mudiki wacho aiva form6/5 kana 4 handisati ndaudzwa. Saka
hapana mwana muduki. Ndakabva
ndatanga kubvunzwa,kuti
ndakamboshandamumba here ahh
mumwe mibvunzo inotobhowa.
" Wakamboshanda Mumba ?"
" Handisati ."
" Saka chii chaunoziva nebasa remumba ?"
" Kubika nekudya nekusuka kutsvaira nekukorobha ndogeza ndorara . " Vakramba vakanditarisa amai vaye.
Akandibvunza twakawanda
Wanda ndichipindura aka.
Ndaitobhowekana ndakazoratidzwa
kuti ndenge ndichizoshanda sei
pamba apa.
" Zvimwe zvacho tichange tichikuudza Kuti uchashanda sei wazvinzwa ?"
" Ehoi . " Ndakanga Ndava kuto imagine zvangu zvandakanga ndava Ku imagine zvisina musoro . Ndakaerekana ndaseka zvangu ndega . Ndakanzwa ndava kudanwa ....
" Eriza !" Ini yowe ko yava yekushatisirana mazita nekuti vmwe tiri ma maids here nhai akomana.
End of chapter 1
❤️
😂
🙏
👍
😢
😮
🤣
96