THEOS NOVELS
February 15, 2025 at 06:45 PM
https://chat.whatsapp.com/Hmobo9QRKfG73gwZJv2C51
https://whatsapp.com/channel/0029VaOPGxeEquiMe90fHM0p
[02/11, 16:03] Theo: *DOMASI*🌹
Story by Mani wa Nka .
Chapter 17
0784027359/0788659793
Ndakasvotwa nehunhu hwababa vangu. Kungoti chete vaviri havarambaniswe mangwana inomuka yava yako. Asi maitiro avakanga vachiita Mai vangu one day is one day ndaida kuvabhutsura chete ndivo vaizoudza vamwe kuti chokwadi kana wakawana mukadzi wawana chinhu chakanaka zveshuwa chawawana batisisa mudzimu haupe kaviri. Zvakare gudo guru peta muswe madiki akutye . Baba vangu vakanga vari horomba chaiyo yaitoda Ivo jesu chaivo vadzike pachigaro Chavo vazovabata pamusoro ma demon avo anenge a region ambotaramuka. Ndakapiwa Mari nevanhu vane mari dzavo kwava kuenda kunotsvaka ma phone aye. Apa ndakanga ndaudzwa kwanotengeswa ne price yacho. Paiva pasina chitsotsi chandamboita . Ndakadzoka kumba ndakawana asipo. Ndaida kutanga ndamutaridza ma phone acho ndisati ndamaendesa . Ndakagara zvangu ndava kuona tv. Phone yangu yakabva yarira.
" Hallo ."
" Eh nhaiwe chimhandara ko unopinda riniko mumba amako kana kuti topa umwe ?*
" Sezvandambotaura mama kuti ndichauya ndichipinda ndosaka ndakabhadhara Mari ye rent handiti. " Vakabva vakata phone. Handina kana basa nazvo zvandakanga ndataura zvichida ndakanga ndarasa speaker. Vakutoita sekuti handina kukwana. Ngavapinze munhu vaone zvavo . Ndakanzwa huta panze ndichibva ndabuda. "Hazy !"
" Ma!"
" Mxm ndiri amai vako here ini ?"
" Ini munganditi Hazy mashaya rinwewo riri nani ? " Akaseka Light.
" Ok my sunshine ,ah newewo . Come to dad !" Ndakaswedera ndichitonyara zvangu.
" Iwewe ka ." Ndakadaro ndava ku blush. Akabva Andi hug. Ndakambundirawo mbijana chete handina zvangu kuzonyanya. Akandipushira mumashure mbijana achibva andikisa.
" I love you babe ,wafamba bho ?"
" Yha ndafamba bho zvangu ndatenga ndauya nawo ndanga ndichida umaone ndisati ndatumira . "
" Wagona cause handiku trust ."
" Haa ko ndakamboitei ?"
" Hapana zvako zvawakaita zvandisingakwanisi ku handler. "
" Hahahah uite mushe ndakairei ndabvunza hausi kuda kundipindura. "
" Hapana zvawakaita ko iwe pane zvaunoita here zvandisingazive ?"
" What do you mean?" Phone yangu yakabva yarira . Ndakadaira yakabva yaitawo manyemwe phone yacho. Kuzviisa hayo pa loud .
" Hallo ."
" Eh chisikana wakasiya usina kubhadhara Mari yemvura ka uri kutiiko nemari yemvura ?"
" Rega ndigozokufonerai ." Ndakabva ndakata phone. Akaramba akanditarisa zvake mwana wekwa Bako .
" Who was that ?"
" No one important. " Akaramba akandipa ziso rinodya munhu.
" Ah Light chii ?"
" Taura nyaya yako ,une vana ? "
" Aiwa ."
" Wakamborara nemurume ?" Ndakaramba ndakanyarara ,it's for me to know and for him to find out.
" I'm asking you Hazy !"
" Chiiko Light zvauri kubvunza zvinopinda papi ne phone call yapinda ?"
" Ndiani afona anga achidei zvakuremera kutaura here izvozvo ?"
" Ok fine ndi rendirodhi . "
" Rendirodhi Vani ?"
" Vangu ." Akaramba akanditarisa kahana kakanga kava kurova manje. Akabva aseka zvake ndakanzwa kuva relieved nekunyara zvese .
" Manje urikusekei ?*
" Ah ndingatadza kuseka zvangu ,so that day ndiko kwawaida kuenda .*
" Ehe " ndakadaira ndakaringa divi.
Akaseka achipinda mumba . Ndakatevera kana chaisekesa ndakachishaya chakanga chiri chii .
" Light ,eh unoziva that room ndaida vaninina vangu vazogara vadzidze Kuno . "
" Manje haunyare kunyepa hazvina kukufita."
" Ok ndaida kunogara ndega ndichirara ndakaisa gumbo rangu pahwindo Ra rendirodhi . Ndichimuka ndichigeza one hour kubhowa muridzi Wemba. Nekubika zvinonaka zvichinhuwirira zvinobhowa muridzi wemba ."
" Come here . " Ndakaswedera padhuze ainga agara pa sofa.
" Ndakambokuudza here kuti unopenga ?"
" Hausati . " Ndakadaro ndichiseka.
" Chimbondibikirawo something . "
" Ok usazoshora kana ndabika ."
" Ok . So waida kunditiza uchifunga unobudirira ?"
" Dai ndaida kubudirira ndaibudirira . Plus I'm still going ."
" Haumbopabudirira shame . " Akadaro achiseka zvake.
" How ?"
" Kana uchida kuenda inotanga wandipa zvinhu zvangu oenda. "
" Ko kana ndiri pano ?"
" No pressure ,wanga uchida kundipa here ?"
" No handina kumbodaro ah . "
" Good so unoenda hako kunoroja on one condition. Futi usambofunga kunditiza hako . "
" Ati anoda kutiza ndiani ?"
" Ndiwe ndiri kukuona zvangu. Manje kuwadzana 4 padhuze apa ."
" Akakuudza ndiri kuda kujoroja kuwadzana ndiani ?"
" Ndiko kwauri kuroja ne address ndoiziva. "
" What !"
" Uri kushamisika ? Hapana chinoshamisa apa unoshamei uchishamisa ?"
" Ok wainditeverera . "
" Hakuna kwauri kunoroja wanzwa mukadzi wangu. Ndingaregerera shiri yandabata ichibhururuka ndinopenga here ? Apa wakambondipa wrong address ndakaswera ndichikutsvaka sebenzi. "
" Ngaipere Light ,but ndiri kuzonogara kwausiri. "
" We shall see. " Ndakanzwa kubhowekana veduwe. Ko akanga audza baba ava kwandakanga ndawana Imba ndianikowo anenge ane mashura. Saka ndakati ndinoda kuenda zvaizofamba sei? Saka Mari yangu yandakabhadhara yoendera hayo mahara this is not fair. .
" Saka kana uchiti handiroje Mari yangu yoendera mahara here ?"
" Wakabhadhara marii ?"
" $100. " Akabva abata wallet yake akati ....
" Mari yako yawakabvisa iyi ,hakuna kwauri kunoroja. " Ndakanga ndatarisa Mari iya zvino . I was tempted kuti ndiitore at the same time ndaiva ne pride futi. This guy akanga ava kutondi own ka nenguva diki. The way yakanga achi spend Mari nayo pandiri ah ndakazvibvunza ndega kuti zvakanga zvichiri na Mwari mukati here.
" No handisi kuda mari ini it's ok. Mangwana ndiri kuenda kubasa kwangu. "
" Paribho ."
" Yha ndoda kuwana chinondivaraidza nekuita Mari sevamwe vana. "
" Shandawo zvee uende kuchikoro ."
" Asi ndiri kuita chidofo mu relationship?" Akabva aseka zvake.
" Ndiri kungobvunzawo zvangu. "
" Handina kumbodaro ah newe Hazy bodo. " Phone yake yakabva yarira.
" Hallo. "
Silent
" Eh ,mangwana ,aiwa ah ko ndamboti handisi kuuya here ? Eh it's too soon ndichauya nhai akomana ? Ok sharp bye . " Akabva akata phone zvake . Ndakaramba ndakamutarisa neziso rinobvunza kuti ndiani riya. Akabva ati ....
"Hey ndi mama vangu ava haw. "
" Ko ndamboti chiiko nhai akomana ?"
" Ndiri kutoona jealous rakanyorwa pa face Pako wakati ndingatorerwa murume. Worse ndakazokunakira unenge otondinetsa iwewe mhh . "
" Unongofunga zvisina basa chete kwana apa ."
" Hahaha ok my heart . "
Akadaro achinyemwerera akanditarisa. Smile yake chete yakanga ichindipa kunzwa kanenge kakupenga mupfungwa dzangu.
End of chapter 17
[02/11, 16:03] Theo: *DOMASI*🌹
Story by Mani wa Nka .
Chapter 18
0784027359/0788659793
Hazy akafonera munhu akanga aine phone yakashandiswa na Dilan.
" Ndanga ndichikumbira kutaura na Dilan. "
" Ndiri busy kana azosvika Kuno ndichamuudza. "
" Ndanga ndichida kutaura naye urgent shuwa. "
" I said I'm busy handina kudaro here ?"
" It's ok. " Akabva akata phone yake. Ainga akushaya oita zvekuita sei nekuti maphone akanga achida kumatumira. Akabuda akaenda kubasa kwake achimasiya. Aitya kuti anogona kumatakura akabiwa . Ainga Ari worried nekuti Aida kutaura nevanhu vekumba kwavo. Akatengesa business rakafamba zvaro musi wacho. Light akauya pa Lunch.
" Babe !"
" Hey. " Vanhu vakanga vakumutarisa zvino.
"Ndauya kuti uzonditengerawo lunch handiti uri kubasa ?"
" Saka uri kuda kundishora here ?*
" Ati anokushora ndiani handiti dai ndaikushora waingogara usingashande ."
" Ok eish ndine stress . I can't get hold of Dilan munhu ane phone yaishandisa akutoonererwa zvake. "
" Uri kuda kuendesa ma phone ?"
" Ehe. "
" Hazvinetse let's go tinotumira Kuma kombi. "
" Haw Mwenje wangu ?"
" Zvakanaka zvee. " .
" Ndamasiya kumba ndakati ndinobirwa ma phone evanhu. "
" Ok let's go tinomatora timaonere plan. " Ndakati Kuna Mai vaiva padivi pangu vanditarisirewo ndaizodzoka. Vakabvuma tichibva taenda zvedu. Tichisvika kumba munhu busy kundi kisa kiss .
" Light Kani ndoda kudzokera kubasa chiiko newe ?"
" Eish newewo nechibasa chako chisina basa wakanyengesa zvinhu zvangu ndiri kukutema nehari yemuroi Rega uone zvako. "
" Like seriously ? Hari yemuroi?" Ndakadaro ndichiseka.
" Yes. Ndonyatsokutema pagaro chaipo ."
" Ndazvinzwa chirega ndinotora ma phone hari yemuroi hai ah. " Ndakaenda kunotora ndichiseka. Ndakabuda nawo toenda.
" Babe ma phone awa manje vanomachaja pai ?"
" Vanowanzokumbira Kuma shops kune magetsi. "
" Zvekukumbira hazvisi right vanoguma vabirwa waona. "
" Yha ipapo haureve nhema ."
" Ngatipindei nemutown tichitsvaka solar ne invertor atleast vanomboona yekutamba. "
" Hapazoda battery here ?"
" Obvious hazvimbodhura hazvo zvinhu zvacho. "
" Ok ." Light akanga ava kuzvinyanya zvake. Yes ndaida andiitire but hazvaizondinetsa mangwana here ndakambozvibvunza ndega. Takapinda mutown achibva ati tiende pane imwe shop . Takanotenga zvinhu zviya kwava kunoisa mumota. Hutu takananga Kuna 4th.
" Shamwari zvinhu izvi ndiri kuda unozvisiya pamba chaipo handizive unoda marii ?" Akadaro Light.
" Haa mudhara hatiite home delivery. " Akabva aburitsa waya ndakangoti vamwe vanhu vane mari yekutambisa chokwadi hai ah.
" Ah mudhara uyu ndiwo miedzo chaiwo ,Saka Mati pamba pacho kure zvakadii neku road ?"
.
" About 4km. " Ndakadaro.
" It's ok tipei ma details acho. " Ndakavaraira.
" Usvitse zvinhu izvozvo mupfanha uri kuzvinzwa?" Akadaro Light achitaura na driver uya .
" Ndazvinzwa vakuru. " Vaka load mumota ndofunga havana kutozomirira kuzara kwemota zvavo. Takadzokera ndichisvika pabasa pangu ndakaona staff yangu isisipo. Ndakabvunza Mai kudzi.
" Mai Kudzi ko how staff how far?"
" Ah yatorwa ne kanzuru ini ndanga ndine zvinhu zvakawanda. Saka ndatadza kusimudza zvese yabva yatora. " Light akanga akamira zvake akarova serious ndakapererwa hama dzangu kana kuti uti unopopota hapana apa. Ndakanzwa maziso angu kupisa kana kutaura ndakanga ndisiri kuda zvangu. Chigodo chakanga chaita kundigara pahuro.
" Haaw babe ve council vanotora zvinhu handiti munotengesa zvisiri pamutemo?"
" Ok that will make me better. "
" Don't worry unonohodha zvimwe usava ne stress mu heart . "
" Light zvava kubhowa kuti ungogara uchindipa Mari . "
" Ndakasapa iwewe ndingapa Ani ?"
" Vabereki vako . " Akabva aseka zvake. ....
" Vabereki vangu ndinovatengera ma cake nemaruva chete . Mari yangu havanei nayo. "
" Asi vanhu vane mari dzavo ?"
" Mbijana ,waona iwewe ,I like the fact yekuti unoda kuzvishandira. Unoona kana wakazoita mwana akura haumbomu stress uchiti it's a must kuti akubatsire. Wakava ne zvinhu zvako unenge uri parinani ."
." But you are right. Kazhinji vamwene nemuroora vanonetsana pakuita Mai vanenge vachida kuchengetwa but Mari isingakwane kana kuti muroora asingade waona . Zvinonetsa izvi, vangu Mai kushanda vanoshanda kungoti nzvimbo yavari zvavo. Ndoda kuvaoenera plan vagochembera vane zvinhu zvavo. "
" Plan yako ndeyei ?"
" Ndoda kuti vaite project chero yehuku. "
" Ozotarisa kuti panodiwa marii. "
" Ok. " Ndakadaro ndakanyarara. Handaimbokuudza aiwa zvanyanya izvo. Zvekuzotanga kutukana hazvibatsire ndava kunzi amai vako ndini ndakavaita vave zvavari makadya Mari yangu kumba kwenyu kadzinza kasina order aiwa izvo kwete ndaramba .
"Handei unoona kwandinoshandira. "
." Ah zvekuzosangana nevaskana vako handidi . "
" Don't worry handina kuskana kunze kwako. Ndovadii machembere ndichisiya kamyuti kangu. "
". Ibvapa nhai akomana. " Akaseka. Takaenda kubasa kwake tichinopinda mu office make. Aiwa yakanga yakanaka. Akatanga kushanda ndakagara zvangu ndichibaya baya phone yangu. Akapinda mumwe mudhara akanga Ari Kuma 60 ikoko but aiva fresh zvake . Pasina kupiwa introduction ndega ndakatoona kuti vaiva baba va Light vanhu vakanga vakafanana zvinobhowa zvavo ivavo.
" Ah Dad ,hanti munonoka here ko kungopinda kunge uri kupinda mubako kwakanaka ?"
" I'm still your dad ,Light. Iwe kana usina zvauri kuita zvisakarurama unovhundukei ?"
" How may l help you baba?"
" Ndanga ndichida kuzoku check . Pane deal randakambotaura newe riya wakazoti chii?"
"Ah ,will send you an email . Uyu ndi Hazel my girlfriend . Babe ,this is my Dad . "
" Ndafara nekukuzivai . " Ndakadaro ndichinyeperawo kuita munhu kwaye.
"Neni ndafara kukuziva daughter. Aizve ko unotomboitawo girlfriend ?"
" What do you mean Dad ?"
" I thought wakaroiwa ka . "
" Ah mudhara ka . " Akabva aseka.
" Yha let me leave you in peace, daughter tozokuona wauya kumba handiti ,I guess your mother will be happy to see you . " Vakabuda ndokuenda.Ndakangonyemwerera zvangu.
" Yho Dad vako vanotyisa but anenge munhu Ari bho zvake . "
" Ah mudhara usavatevedzera ava vane nguva dzavo ."
" That's why wanga uchiti unovatengera maruva . "
" Hahaha Hazy unopenga ndingatengera mudhara maruva here ? "
" Saka unovatengera chii?"
" Mudhara ndomutengera expensive beer . "
" Hoo. Mobva manwa mese. "
" Handizonwa naye zvangu. "
" Unonwa nani ?"
" Hahaha anonwa ega ini ndichinwa tea . " Ndakaseka .
" Hoo iya tea iri kumba inogara mubhoro?"
" Iya ndopa mudhara kana achinga auya waona. "
" Ehoi ,ndofunga ndakambokuonai zvangu muchinwa. Ndakatoti ah iyi tea yakafita kunaka iyi especially pandoswera ndega kumba paya ndinotowana chinondivaraidza . "
" Ukwane babe haw. Ndoda kukutsvakira basa usiyane nekuswera uchitorerwa zvinhu mu street ."
" Ok. ". We had a great time nemunhu wangu . Takazoenda kumba kwava kumazuvarodoka. Dilan akafona achifara achiti zvinhu zvakanga zvasvika. Hanzi akatosvika baba varivo varikutambira zvinhu zvavo akavasiisa ,Dilan paiva nebasa chokwadi.
End of chapter 18
❤️
👍
😂
🙏
😢
❤🔥
🍅
💙
💜
💞
101