King Lee Novels
February 10, 2025 at 03:59 PM
*SHADOWS OF MY HEART* https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V _Written by King Lee_ ~Lee Marzy~ +26377⁸⁶³⁴221 *CHAPTER 2* *LISA* "Ko Noku baba zvane 3 days vasipo apa hatina mari yechigayo upfu wapera todii" ndakadaro ndichibvunzawo munin'ina wangu.Panga pasara hupfu hwaikwana zuva rimwe chete. "Tozotangira mangwana paunopera pacho vanogona kudzoka ava ivo vamboripi baba vacho" "Handitozivewo ini" Takachinja nyaya tikatanga kutaura dzimwe.Manheru akasvika tikabika zvedu sadza redu upfu hukabva hwatopera.Takarara makuseni Noku akamukira kuenda kuchikoro ini ndikamukawo kurova basa pamba.Noku akakurumidza kubva kuchikoro akasvika ndabika mutakura.Baba vanga vasati vangouya.Ndanga ndava worried kuti vari right here kwavari baba vangu ndaivada chero havo vanga vasina care nesu vana vavo. "Baba avasati vangodzoka here handei pamba pamai Munya tinokumbira foni tivafonere" akadaro Noku. "Ngatisiyane navo Noku isu ngatitengese kahuku ako pane imwe moms yaitoda huku ndotaura nayo"ndakadaro ndaida kutengesa kuti tiwane mari yechigayo. "Ehe apa mafunga mirai ndichinje tikabate kahuku kacho nemawandiro adzakaita idzi baba avambozvioni ngatitore 2 totengesa" "Noku baba vangatadza kuziva huku dzavo here chatikuda imari yechigayo ngatitore one chete" Ndakaona Noku aitoda zvekuti tibate dziri 2.Noku aida mazepi nedrink ukamupa mari ndizvo zvaimhanya kunotenga.Noku akachinja tikatanga kumhanyisa kahuku kataida kacho.Munongoziva huku dzechibhoyi dzonetsa kubata kana dzisiri madzogara.Takaimhanyisa tikanobuda nayo kuroad imi.Takazoibatira yava kuda kunopinda muyard yamai Munya vaiva nechepanext pedu.Huku yacho takabva tanoitengesera mai Fadzie.Mari yacho yanga yakati wandei hayo takavavhara zvedu.Takagaisa pakasara imwe.Yakasara ndikatengera Noku mazep nedrink zvaida akafara. "Type yetumazep utwu handisati ndamboidya twuri kuita kuvavira zvekuti unotonzwa kuda kuramba uchitudya chete" "Iwewe unopenga chete handinga kutevedzi iwe havasi baba here avo" ndakabvunza tichibva kuchigayo ndichipusha saga ranga riri mubhara. "Aaah ehe ndivo wena"said Noku achipedzisa mazepi ake. Takasvika pamba mudhara vakagara zvavo panze vachirova doro ravo.Takavakwazisa vakadaira zvakanaka tikambotaura nyaya navo. "Ko Noku mazepi nedrink wazvitengerwa nani" "Ndatengerwa nasis Lisa" akadaro Noku.Akazoona kuti adhomoka atotaura kudhara.Nyaya yanga yachishatira inini manje. "Lisa mari waiwana kupi" vakabvunza babavangu.Ndakatoonakuti nditaure kuti tabata huku tikaitengesa ndaizosara ndiri panguva yakaoma ndaigona kuzorohwa. "Sorry ndakaita maricho uko kwandakadiridzira vamwe moms kugarden kwavo" "Hooo okay andide uende kumaricho chiii chamuri kushaya pano nhai Lisa munenge makushooresa inini" "Tazvinzwa ko manga muripi" "Ndanga ndiri kure chaiko hamungakuzive ndine nyaya dzandaida kugadzirisa" "Nyaya dzei idzodzo dzamunobva manogarako" said Noku. "Noku ndokurowa wanzwa shut up zip your mouth hauna kurairwa,iwewe Lisa udzidzisewo umwe wako hunhu ndoda vana vanoterera" Vakabva vatora doro vakarova pasi.Noku anga atsamwa hake ndakazviona hangu.Ndakamusimbisa ndichiti zvababa usazvitevedza ungazvikuwadza neBP.Ndakatora Noku ndikabuda naye kuenda kurwizi tiri muroad tikasangana nevamwe vakomana vaitobva kumombe.Vaiva Tina naSimba vaifudza mombe dzaMai Matemba.Mai Matemba vanga vane zvinhu zvavo vairema kumusha kwedu.Kumusha kwedu apana imba yakanakira neyaMai Matemba.Mombe dzacho dzaiva dzakawanda dzaifudzwa nevanhu vaviri.Mai ava vaichengetwa nemwana wavo wataingonzwa kuti ari Joza.Asi vaidada havo Mai Matemba vaisataura nemunhu wese wese pamwe ndozvoita vanhu vane mari.Simba naTina vakatanga kutaura nesu ndakatoziva nyaya yacho kuti vakuda kuti pfimba chete. "Tinashe uri kunhuwa dikita tanga wanogeza shaaa wozotaura neni" akadaro Noku ndakabva ndabvaruka nekuseka.Tina wacho akabva atanga kutuka Noku manje zvakapedzerana.Noku ndomuziva haadi kuitirwa dzungu. Takabva taenderera mberi nerwendo rwedu naNoku.Takasvika kugeza tichimhanyisana mumvura kurwizi kwaizonakidza big time.Fadzie akabva asvikawo achida kugeza hembe dzake.Atina kumbomumhoresa akatanga kugeza hembe dzake ari ziii achiimba kasong kake ameno kakaimbwa nani. "Asikana hamusi makutiira noise here" ndakadaro. "Oooh sorry ndanga ndisina kumbokuonai muri pano" "Aiwa hatisi pano tiri kudenga"ndakadaro. "Iwewe Lisa mazuvano wakundijairira unaona kuti ndichakumamisa chetemira uone"said Fadzie. "Unomamisa asina maoko ini andirohwi nemunhu akaita sewe" Akabva anditema nesipo ikarova pedyo nezamu rangu.Ndakamuendera paanga ari tikatanga kuumburitsana pasi.Ndanga ndakuita ndichikurirwa Noku akapindirawo tikamuzhaka Fadzie tikabva tarova pasi takamusiya akuchema.Haana nekumbogeza hembed zacho akadzitora akaenda kumba kwavo. Takasvika pamba tikatanga kuseka kuti tapedzera Fadzie anonyanya dzungu.Kwanga kwatova kusviba tikatanga kubika hedu.Takabika sadza nemufushwa wemunyevhe ukagona kuubikaunonaka.Paperakanguva baba vakabva vasvika vaine umwe mkadzi mutsvuku. "Tracy ava ndivo vana vangu Lisa naNoku ndovada vana vangu ivava ,imi ava ndivo vamai venyu muchazotanga kugara navo manje manje" said baba kutaura pafair zvakandibhowa.Takanzwa noise panze tikabuda tikaona hezvo vanga vari mai Fadzie nemwana wavo. "VaPotse ndiudzei sei vana venyu varova mwana wangu ko dai akuvara maiita sei heee" said Mai Fadzie.Potse ndiyo yaiva surname yedu ameno kuti takapotsei kusvika pakunzi ana Potse. "Arohwa nani nyatsai kutaurai panenyaya dzorai hasha mava mkadzi mukuru imi"said baba. "Lisa naNoku vandirova kurwizi vese" said Fadzie. "Hooo Noku naLisa hamusi kurohwa nhasi ndoda kukuzvamburai zvimahure zvevanhu" said baba. "No Baba Lisa mirai kuita dzungu tangai matarisa nyaya yacho maside ese munhu haangorohwi pasina zvaiita iwewe Fadzie chii chaita urohwe" said mainini Tracy. "Ndasvika vachigeza vasikana ava handina kumbotaura navo ndatanga kuzviimbira uyo Lisa akatanga kunditi ndikuita noise achitondituka ndikabva ndamutukawo vese vakabva vauya kundirova" said Fadzie. "Kunyeperwa angonzi nasis ukuita noise iye akatanga kutaura rough atema sis nesipo vakatanga kurwa nasis vangu ini pandaona sis vangu vakurohwa ndatoti andimire" said Noku. Mainini Tracy vakamira kuside kwedu ndakazvifarira.Chero vakamira kuside kwedu zvaisazoita kuti ndivafarire kuti vaite mai vedu no.Baba vakaitawo semunhu mkuru vakati vana vangu avana mhosva.Mai Fadzie vakaenda vakaita kufuta nehasha.Mainini Tracy avana kurara vakabva vatorova pasi.Ndakazoona kuti baba pavasingabatike vanenge vakavharirwa naTracy. Takarara makuseni kanga kari kaweekend takaenda kunorima rima kugarden kwedu tikadzoka kubika tea tikanwatesenababa.Pasina nguva Mai Fadzie vakabva vasvika. "Lisa wakandiita benzi kunditengesera kahuku kanorwa kamuka kakafa manje ndipe mari yangu ndinotenga hangu kwamai Munya" "Huku ipi iyoyo yamuri kutaura nezvayo" vakabvunza baba. *Davie* "Davie ko sei usina kuuya kubasa 3days dzapera idzo"vakabvunza manager wangu vaDube. "Sorry tete vangu vakashaya saka ndaiva kurufu" "Kana paita problem unotizivisa kubasa pane kungoenda usina kutaura anyway crane yakaita break down yatova ne3days isiri kushanda ndiko kune vamwe vako kana matadza kuigadzira then I will call Mr Katema vari kuHarare vaya" said manager. "Musatya boss mirai ndinoona zvakamira sei" Ndakasimuka ndikabuda ndichirova kasmile ndaitya pamwe ndogona kuendeswa kuhearing ka.Chakaita ndirovhe ndanga ndiri too busy nekamusikana kangu kakabva SA kwaakanga kari.Ndakaswera ndakakavharira 3 days dzese idzi.Bella ndaimuda ndanga ndakatoperera paari chero hazvo ndakamuwana asiri virgin asi rudo aindipa hake.Ndiye wandaida kutokanda paden hangu ko kutyei. Ndanga ndane gore nehalf ndiri pacompany apa.Ndaiva electrician makore ndiine 25 hangu.Ndakaenda kubasa kwangu ndikatora matools angu ndikaenda kune crane yacho.Ndakasvika kumbosota sota ndikatoona apa panga pakaipa zvapo.Takabaya kutea time isati yangonaka.Ndikafoneramusikana wangu Bella tikambotaura nguva refu, pabasa pedu apana asingazive kuti ndanga ndapengesana naBella.Munhu wandaiwirirana naye pabasa ndiDony. "Iwewe unenge wakadyiswa naBella chete madiro aunomuita hazvisi zvega". "Ndokuti true love manje kwete zvenyu zvemafake love" "Musi waucharwadziswa uchazviuraya iwewe" said Dony. Break time yakapera tikadzoka pabasa ndikatanga kuita zvandakadzidza zvacho.Takapedza nguva tiripo crane ikazonaka ndakaona manager vakafara vakanditenda.Isu takabva taenda kunogara zvedu taingomirira panenge paita dambudziko tosota. Mazuva akafamba ndichipengesana naBella zvekuti imwe weekend ndakaenda naye kumusha kunamai vangu kunoti vazivane. "Mama uyu ndiBella ndiye achazoita muroora wenyu" "Hooo zvakanaka ini apana chandinopikisa mwanangu kana ariye wawada you are welcome my daughter" "Hooo mkoma makuda kuroora here" kaiva kahanzvadzi kangu kalast born kainzi Daisy "Ehe manje manje mufana ava ndimaiguru vako" "Maiguru itondibikiraiwo sadza " Zvakapindirana namama naDaisy.Hatina kugarisa takabva tadzokera kwedu kutown changa chasara kuti Bella achindi introducawo kuna tete vake vaitaura.Mufamiy medu tinozvarwa tiri 4.Ndiri second born ,first born Hakim ari kuSA kwaari manager paimwe company anga ane mari dzake ndiye akatonditengerawo mota.Hakim ndiye akamira mira kubva pakafa baba akandiendesa kufazh ndikaita course yangu yemagetsi iyi.Third born anga ari Dean ari kuboarding school ari book 6.Hakim akatanga kushanda mudhara vachiri vapenyu akagadzira pamba zvekuti pakuyemurika.Ini pabasa pangu chandakangokwanisa kutenga imba mughetto.Mota ndanga ndine one iyoyo yanga yakanaka yandaidada nayo zvekuti even yaManager wangu yaisara pasi.Mota ndanga ndakaitengerwa naHakim paakandikorotedza kupasa kwandakaita kuchikoro pandaiita zvemagetsi. "Davie ndikuda undirukisewo zvandinazvo zvashata izvi" "Okay ndokurukisa my future wife saka unondi introduca when kuna tete vako" "Daddy ndichazokuudzai ndavakumba don't worry" Ndakamusiya pamba pavo ndikaenda kwangu ndikasvika kurara.Mai vangu vakafona vachiti mwanangu kana wafunga zvekuroora wotofonera Hakim umuudze.Ndakangoti okay, Hakim anga ane mkadzi asi vanga vasati vane mwana ameno chii chainetsa asi vanga vane gore nemamonths vari vese.Mama vaitombonetsa nenyaya iyoyo vachiti vakuda vazukuru.Hakim aingoti vachaita kana nguva yakwana. Mazuva akafamba ndichidanana naBella aiti tete vake havako vari SA ndoku introduca pavanouya.Vabereki vake vaigara kumusha saka apa aigara nemwana watete wake ameno anonzi ani asi musikana ndongoziva kumuona.Ndakatanga kurara naBella ndisingashandise maprotections ndaitoda aitoita nhumbu yangu ndaisamborwadziwa ndaimuda mwana iyeye.Asi ndakaona yaisabata ndakashaya kuti saka ane problem ndiani ndini or Bella.Pamwe anogona ari kunwa mapills ndakamubvunza akaramba.Ndakabva ndasiyana nazvo asi hazvina kuchinja rudo rwangu kwaari. "Davie ko kamunhu kanonzi Ropa unokaziva here" said Dony. "Ehe ndokaziva ako kanogara kuma areas ekupolice uko" "Kamwana kaya ndiri kukacharma but kari kundijamuka wena ameno ndoita sei" "Wakapusa une malines akatonhora mufana iwewe mira ndichafambira nyaya dzacho kana zuva rava kuvira uko ndipo pakanowanza kufamba"ndakadaro. "Haaa mudhara makuwanza" Time dzakasvika tikanojegera kaRopa kaya.Takakaona kakubuda kuenda pane kamwe kashop ndikatevera kunomira pedyo nako. "Aaah sister face yenyu haisi nyowani kwandiri ndikushaya ndakambokuona kupi" "Inini here mkoma munondiziva here" kakadaro kakanditarisa kanga karinani parunako. "Ehe hausiwe Ropafadzi here ndine nyaya yandinayo newe" Ndakatoona kuti kamunhu aka kaitodawo zvinhu.Ndakatanga kusasa nako then Bella ameno akabva nepi akasvika nekurova Ropa mbama yakarira kumusana... *Watch out for chapter 3*
❤️ 👍 😂 🙏 😮 😢 1.2K

Comments