King Lee Novels
65.1K subscribers
About King Lee Novels
Novelist.... For more information hit my inbox +263778634221 https://wa.me/+263778634221?text=Hie+Lee
Similar Channels
Swipe to see more
Posts
https://whatsapp.com/channel/0029VaiKpTeG3R3aE9ULBb3R Nzwisa yeamwe amabook akanyorwa na BC ,zvinzwire ne storyline iyo. Ndini uya wekunyora virgin widow and prince of ruin ,reshirikadzi yakafirwa nemurume muvhiki rimwe varorana ,shungu dzake ne support kubva kuna vatete na tezvara dzomutuma kuti atsvakewo wake wakuchembedzana naye ,vamwene vake pakarepo vobatwa neshanje vachiti chemberera pano ,paanoti ashingirire osangana nema cousins Harold ,a playboy and Taflo a husband material .Huyai mutapirirwe nenyaya iyi .Book iri pdf racho Rine 898 pages ririko for free uye season 2 ndoiri mudariro .Chako pinda mu BC channel unowana full pack rebook iri . Her beast . Ndinizve wekunyora nyaya yechisikana chichangobva zera Rutendo chakati amai vake varipanhowo vachirwara vomupa makomborero nechenjedzo yekuti atize sezvo varume vemunharawunda make vakanga vamumukira vachida kumuyita mukadzi ,paanoti atize warume vaya vomuvharira mumba ,nekuda kwemoyo wekubereka amai vake vozvipereke vasina hembe kuti vayitwe mukadzi nevarume vaya iye awane kutiza nehupenyu hwake.This story iri emotion uye ine zvidzidzo . Nyaya iyi ine 818 pages dzamahara huya tione. ANAKIRWA NE STORYLINE HUYA KUCHANNEL UYE VERENGA KEYIRI MUDARIRO IYO . ICHO CHIRIPAZADI NDICHO CHANHASI ๐ Chaos ,Ruins & Mends Crafted & Authored By BC 0๏ธโฃ7๏ธโฃ8๏ธโฃ0๏ธโฃ4๏ธโฃ8๏ธโฃ2๏ธโฃ0๏ธโฃ8๏ธโฃ9๏ธโฃ 0๏ธโฃ7๏ธโฃ8๏ธโฃ4๏ธโฃ7๏ธโฃ7๏ธโฃ7๏ธโฃ8๏ธโฃ2๏ธโฃ8๏ธโฃ List of PDF available for free. Her beast Virgin widow & prince of ruin season 1 @all rights are reserved. FREE BOOK Episode 1๏ธโฃ Dakota "Tinashe please chimbondinzwawo mudiwa wangu "ndini uyo ayichema ndakagwadama ndakabata makumbo aTinashe "Liste..., Ndakabva ndagumira ipapo imi woye pamunotaura chirungu zvine zvakanaka sak ndakati " ndinzwewo kani umwe yangu unoziva ndoda iwe woga please " Ndichichema kudaro misodzi nedzihwa zviyiita makwikwi nematama angu. Panguva iyi ndademba kut dai misodzi yeropa yaibuda ndaida ibude kuitira Tinashe aone how sorry I was Tinashe anditarisa nemaziso matsvuku , kumeso aisatarisika kaviri , akafema kamwe kwakutarisa pregnant test yaiva mumaoko ake "pane chekuterera hre apa Dakota ,chandakatadza chii ,pfuma ndakubvisa ,zvese ndikayita ,is this how you reward me nenhumbu " akataura nezwi rakashoshoma nehasha , ukaona akudeedza ne full name zvinenge zvashata Ndakatarisa vabebereki vangu vakanga vati wuna wuna .Dayi dzangu dzisiri nharo dzavo dayi ndakanga ndakataura na Tinashe . Ndakabva pana Tinashe ,ndichikambayira kusvika pana amai vangu "Mom .....daddy please tsanangurirai Tinashe ,munoziva zvakayitika please " Mom na daddy vangu vakanga vakuyita kunge vachafa nenyadzi .Vagara vanozviyita vanonamata ,dayi dzakanga dzisiri nharo dzavo perhaps Tinashe dayi asiri kundiona kunge tsotsi Ndakasimuka ndokuyenda kuna vatete ,hanzvadzi yababa vangu "Please tete , explain kuna Tinashe ,I don't want to loose him please ,he is my life " Tinashe akarova nhanho mbiri achindibata vhudzi "Dayi wakafunga izvozvo before you open your legs for another man " "Listen to me Tinashe please ",ndakademba uku ayizunza vhudzi rangu . *Wayiva mhandara Dakota ,ndakakubvisira zvese pfuma Kuti uve mukadzi wangu asi wakasarudza kuputsa chitsidzurano chedu chemakore maviri tichidanana .Soo handina chandoterera chobuda mumukanwa mepfambi yakaita Sewe , ungrateful pig" Ndakatarisa mumaziso ake ,ayirayidza kusuruvara. I could see nhumbu iyi yakanga yarwadza Tinashe .Zvinhu zvakanga asina kutarisira . "Listen Tinashe ,musiwe wawakabva kumba kuno uchiti urikuyenda kubasa ,handi ndakakuperekedza here " Akanditarisa zviye zve confusion. "I got raped that night " ndakasvimha misodzi as I remembered that night "After ndaraper ndakawuya kuno ,ndikawudza vabereki vangu kuti nditawure newe ,uye vandiyendese kuchipatara asi ivo wakasarudza chinamato chavo chekuti hakuna anoyendeswa kuchipatara ,vaiyiwunza vanhu vachindi namatira vachiti ndisabate nhumbu " Tinashe akanditarisa and I could see doubt mumaziso ake asi ndizvo zvakanga zvayitika. "They kept me hidden for whole month "ndakachema ndakatarisa vabereki vangu avo vakanga vawuraya hupenyu hwangu .Zviyito zvavo zvakanga zvabdisvitsa pano . Vabereki vangu vakatarisa pasi apo Tinashe anga akavatarisa .Tinashe akatanga kuseka suddenly apa ndayiwona Kuti akanga atsamwa. Zvaitooneka kut he didn't believe me, aseka uku chiso chichipunyaira nehasha "Is this an excuse the whole family come up with kuvhara chihure chako ?"akavhunza achiti akayendesa maziso kuna amai vangu ,oyendesa kuna baba , akayendesa kuna daddy vangu . "Listen son ,Dakota arikutawura chokwadi ,it's our fault ,takatadza kuchengetedza mukadzi wako Tinashe akatanga kugegedza zvakare. "Asi munondiwona sefuzha kani l didn't know kut muri family ye mahure nxaa Rubbish?" Word rekut hure rakaita kundirwadza kusvika pasi pasi pemoyo wangu Akanditarisa Tinashe , ndokuti "Why Dakota ,ndayikuda zvawayiziva ,my parents vayikuda too .Why ?" Nemashoko ekumuwudza ndakashaya than kungochema ,zveshuwa ndakanga ndamurwadzisa Tinashe .He of all people ayi asa derserver zvakayitika izvi .Uye ini ndakarwadziwa sezvo ndakanga ndakazviwudza Kuti Tinashe ndiye ayifanha kuziva miri wangu asi zvakakona n'anga murapwa achida . Akasiya shaya dzangu dziya achindi sundidzira " Hauchafe wakaziva chinonzi mufaro Dakota ,semurwadzisiro wawandyita ,ucharwadziwawo " Nemashoko iwawo akafamba akananga mumota yake "Please Tinashe usandisiye please please "ndakachema ndichikambayira ndichichema ndichimutevera kumota muya."Please forgive me Tinashe ,I love you please .You are my life ,ukabdisiya ndinofa please Tinashe " Akavhura door , ndokunditarisa ."Then die Dakota " Nemashoko iwawo akavhara door remota ,ndokumutsa mota ,ndakanzwa kutsva ,uye ndakashaya zvekuyita neshungu . Ndakaramba ndiri pandanga ndakagwadama paya ndichichema ,ndakatarisa amai vangu na baba vangu ."I hate both of you ,hupenyu hwangu is in mess because of you " Amai vangu vakanditarisa."Young lady kutanga nhasi hauchabude panze kusvika nhumbu yako yabarwa " "What ?" "Nekuti tingagite chiseko chenharawunda plus iwe uchada kuzororwa ,nharawunda hayizivi Kuti wakarapiwa ,une nhumbu .Soo pinda mumba now * "No leave me "ndakatawura kune hanzvadzi dzangu .Leo na Taku avo vakanga vachiwona drama rese zvavo vakamira .Ndakatarisa Leo uyo wandaiva close naye . "Bro ,don't let them lock me too " "You heard them sis ,this arrangement inobetsera iwe in future "akadaro Leo achindi kakaradza ,Takue akabva abata makumbo angu vachiteka teka Ndakariridza zimhere ."Nduwudzeyi vabereki vangu chaivo varipi .Imi hamusi hama dzangu " Ndakatarisa vatete ."Please tete " Baba vangu vakatarisa vatete "You won't do such thing Joyce ." Vatete neshungu vakafamba ndokuti "Ndokuyenda kumba kwangu .Sarai muyite chivi chisati chakambonzwika " Leo na Takue vakandikandira mukati meroom mangu ,ndoku locker door ,ndakarova rova pa door paya . "Please let me out " Ndakachema asi hapana akandinzwa ,ipapo reality yakatanga kundibata mupfungwa.Zvayipachena kuwona kuti vefamily yangu vakanga vandifungira mweya usina kunaka .Only if they had let me go kuchipatara dayi pasina need yekundiviga kudayi . Ndakavhema asi hazvina kuchinja ,muroom mangu manga musina even pekupukunyuka napo ,soo mazuva akafamba kusvika mu week ,week to a month .Apa nhumbu yangu yakanga yakundirwadza . Kwemazuva andayichema pfungwa dzangu dzaingove nenzira imwe yekuti ndizvisungunure panhamo dzangu. Rimwe zuva ndakamuka kubongomora mhere. "Dakota chii chanetsa" Leo akavhunza . "Udza mhamha nhumbu ikurwadza "ndozvega zvandakakwanisa kuchema ndichiyita . Knowing havadi venharawunda vazvinzwe ndakaziva kuti vachawuya nemumhu wekuchurch . Ipapo ndopandayi -zopukunyuka .Nenguva yevhunza vayeni zvakayita sekudaro amai vangu vakawuya nemunhu anga awuya kundinamatira sezvo Leo akanga asvitsa muchemo wangu plus ivo vanga vandinzwa . Vachangopinda amai vangu ndakabuda ndiri bara . Ndakapinda musango , mupfungwa dzangu mayingove nenzvimbo imwe iyo yandayizowana zororo . Ndakamhanya ndokusvika pa bridge .Ndakamira ipapo ndichibata dumbu rangu . Ndakanga ndakazvipira uye ndakanga ndakbofunga nezvazvo .Even ndikatiza ndiyani anoda musikana webasa ane nhumbu ,pakanga pasina .Soo nzira imwe yekuzvizorodza was to kill myself . Nemumirire wandakayita chokupa mwana even akabarwa handina . Ndakabata dumbu ndichichema "I"m sorry baby ,amai vako murombo ,chekukupfekedza even ukazvarwa handina ,pekuti urare handina ,maybe kune imwe nzvimbo you and I will get chance to live zvakare " Without looking back ,ndakajambira mumvura. *USARIRIRE BOOK IRI RICHANGE RIRMUDARIRO NE VIRGIN WIDOW SEASON 2 ,SOO HUYA UNAKIRWE IWEE *
https://whatsapp.com/channel/0029VaLrFuODjiOcOqcLcR1L โฌ๏ธโฌ๏ธโฌ๏ธโฌ๏ธโฌ๏ธโฌ๏ธ **THE DARK LIFE Kune** mukomana anonzi *Nerosoni* anetsa *anoda mabby asi asingade kugeza .. follow guys tichiri pachapter 4 zvedu Saka garirai kuchannel ndinounza two chapters pazuva plus kune futi mafree boom anozipa rimwe Racho rakanzi *NDAITI NDAMUGONA* Rimwe Racho rakanzi *munin'ina wangu WAKANDIRWADZISA* .. sisi vajatorerwa *murume nemunin'ina.. munin'ina wacho achibva azvara njuzu .. imwiii weee* gara wafollower
Hie Lee ichokwadi vanhu ngavangoisewo malikes veduwe , sure ungati wopihwa bhuku mahara wotadza kubaya kadhori kataurwa ๐๐ munenge muchiomeserawo isusu tino liker tisati taverenga
*WHETHER YOU LIKE IT OR NOT !!* ๐๐ปโโ๏ธ๐๐๐ปโโ๏ธ๐๐๐ปโโ๏ธ๐๐๐ปโโ๏ธ๐๐๐ปโโ๏ธ WRITTEN BY Nicegirl Guta 0712483943 *Gara waita follow usati waverenga kuitira usazokanganwe๐๐ป๐๐ปYauya channel ya Nicegirl Guta munyori anetsa muma streets uye ku radio chaiko ma books ake arikuverengwa. Ane hunyanzvi uyu veduwe ingomuita follow undozvinzwira. Book irori rema twins ririkupisa ndati, ingoita follow undozvinzwira ndokwariri kuiswa novel irori๐๐ป๐๐ป๐๐ป* https://whatsapp.com/channel/0029VaGKiCcHwXb3ry2uSq0X CHAPTER 15 WISEMAN Pandakangoona ari Febby aifona ndakatanga kunzwa ropa kumhanya mhanya nemuviri wangu wese. Ndakanyemwerera kwave kudavira uku Might akanditarisa kunge aiona mufananidzo waasingazive. ๐๐๐๐๐ "Hello bby how are you?" "Not good at all. Iwewe utori safe here Wise?" "Yes ndiri safe. Why uri kuratidza kuvhunduka bby?" Ndaitaura ndakarova srs. Ndaisava nebasa nekuti Might aizoti kudii? "Uuummm Might zvaabva kuno naMoline vasiya ndisina nere muromo. Ndave kufunga kumboenda kumusha kana tete vangodzoka----" "Usazviedze izvozvo. You are not going anywhere---" "Why?" "Because i love you. I will fight for you bby. I love you ok-----" ndakabva ndakata fon. Ndakaziva kuti kwakuenda nyaya yachona ndaitaimirwa naMight. Ndakabva ndaisa fon muhomwe kwave kupfugama pasi ndikatanga kunamata---- "MWARI BABA NDIRANGARIREIWO ZVAZVAOMA KUDAI. TINOZIVA KUTI MURI MWARI NDIMI MUNOPA KUNE VANOKUMBIRA KWAMURI. ZVANDAVE KUDA KUROORA NDIRATIDZEI MUDZIMAI CHAIYE ANOITA. MUNDIRWERE KUVAVENGI ISHE VANONDITARISA NEZISO RERUCHIVA AMEN---" Ndakabva ndati kwanyanu. Ndakaona Might akanditarisa uku misodzi yake yave kubuda. Munoziva ndakanzwa tsitsi. Dai aizogona kutaura neni mushe ndaizongofuma ndoti tora Febby andimudi. Zvino akabva andibata pahuro nguva iyoyo---- "Wiseman stay away from Febby or else i will kill you" "I told you wani. Before you do that , you have to kill her first." Nguva yandainge ndakabatwa huro kudaro , Moline akabva apinda. Ndaitarisira kuti andinunure , asi ndakanzwa ave kuti--- "Wiseman dai wangosiyana nazvo nekuti unogona kufira mahara" "Moline! Asi wapindawo munyay idzi?" "Ndinotadza nei? Why usinganyare siya munhu azviitire zvinhu zvake." "Ndange ndisingamudi Febby. Asi maitiro ako aya ndiwo achandituka kudanana naye. Uchazviuraya wave iwewe wanzwa here? Iwe uchitombokwanisa kubuditsa misodzi kureva kuti uri gwara remurume nxaaaa." Nguva iyoyo ndakashandisa simba rangu rese kwave kumurigira pasi. Ndakabuda mumba kwave kunanga panze. Ndakasvika ndikagara paloan yainge yakasvibirira. Ndakambotsikitsira ndakabata mutsipa wangu wainge wave kurwadza----- "Wiseman what happend?" "Nothing mom" "Usanyepe Wise uri kuratidza kushushikana" "No its ok mom" ndaisada kuti vanyanye kutambura. Kubva kwavaita pandiri ndakaona Milca auyawo sezvo ainge apedza basa. "Wiseman , i can see kuti vaviri ava vave kukukanganisa." "Vanaani iwe? Am ok ini----" "Usanyepa Wiseman. Ndanzwa zvose zvaitika pamange muri musitting room" ndakabva ndamuti ndee mumaziso chaimo. Ndakamboti ziii ndikaona ave kugutsirira musoro wake. "Yes Wise" "Ok Milca , so what do you think-----?" "Mwari ndiye mhinduro. Muudze zvose zvanetsa chete aite kuda kwake. Love your enemy and pray for thos who persecute you." "Thank you so much" "But tell me something. Iwewo wacho wave kudawo Febby here or what?" "Ndaisamuda ini , asi nekuda kwevanhu ndakatanga kutozonzwa kuti ndave kumuda. Andizivewo kuti sei zvadaro kuvana vanyamunhu nhai? Kuti iye ane zvaainazvo here?" "Ok and iyewo anoda iwewe anditi" "Yes" "Ok usafunga izvo zvakaipa. Ahana chaangambova nacho nekuti anoda iwewe wega. Dai aikudai mese pamwe taiti ane zvaainazvo----" "Ok rega tione kuti zvinosvika kupi kwacho?" "Saka usatye just pray my bro. Might anotofanirwa kudzikama ndiye nekuti haadiwe. Nways , lets read bible iri randauya naro. Rine mashoko anogona kukubatsira akawanda kwazvo." "Ok" takatanga hedu kuverenga. Ndakamutenda nekuti aivepo kundibatsira nekundiratidza gwara rakanaka. Zva Moline ndaimuziva kubva kare kuti aisatodawo kunamata kwacho. Asiwo ndainge ndisina kumbobvira ndazvitarisira kuti aizobatana naMightman pakuda kundirongera hondo kudaro. Mazuva akafamba , pakapera mazuva matatu ndisina kuzomboona Febby. Taingotaura hedu pafon zvotopera ipapo. Ndaisada kuramba ndichiita noise naMightman. Iye ndiye aibuda everyday. Andina kumbobvira ndakaona mufaro wake kureva kuti kuna Febby akanga asina chaati abuditsa. Rimwe zuva ndakabva ndaona msg kubva kuna Febby achiti tete vakange vadzoka. Ndaifanirwa kuenda kunovaona kuti nditaure navo--- Ndakatobvawo pamba zvakanaka kuenda kwaana Febby. Might ainge aripo akarara zvake. Ndakangobuda pasina wandaoneka----- "Thanks my love wauya. Asi mashoko iwaya ndinomataura hana yangu ichirova." "Ko , inogorova nekuda kwei?" "Nekuti Might anouya pano zuva nezuva haasi kuneta kuuya---" "Azvina maturo izvo. Nways makadiniko tete?" "Ndinofara zvangu. Kutosuwai bamunini uumm am happy nekuti wakazobvuma muzukuru wangy. Wakaita zvakanaka mufunge" "Ok tete." We had a lot to chat. Ende takapindirana. Nguva diki diki ndakabva ndaoneka. Ndakati Febby asare ndiperekedzwe natete. Munzira mese taitaura nyaya tichiseka. Vakati ivo Febby aiva musikana akanaka ane hunhu. Andina kuzviramba kana kuzvitambira sezvo ndaida kuzozvionera ndega pamhino sefodya. Nguva yatakazopesana ndakaenda kumba ndichimhanya. Ndaida kuti Might arege kunyanya kugumbuka. Ndakaita kusvikirana naye. Iye aiva nemota ini ndichifamba netsoka. Kwaaibva chaiko andina kuziva. Ndakangotiwo zvimwe ainge atumwa hake. "๐ฉ NDAFAMBA BHO BBY. HOW IS TETE" that was the msg yandakasendera Febby ndagara mumba. "๐ฉ TETE AVASATI VADZOKA ANDITI MABUDA MESE HERE?" "๐ฉ HOOO PAMWE VANE KWAVAENDA NAKO." Murudo naFebby ndakange ndavemo zvangu , asi pakudanana naye ndakanga ndisati ndadzikisa gejo ini. Ndaiva nekakurohwa nehana asi moyo uchipfura pfura. After 30 minutes ndakaona msg "๐ฉ NHAI IWE WISEMAN NANHASI HERE WHERE IS TETE?" "๐ฉ IMBOSIYA KUTAMBA BBY. URI KUTI NANHASI TETE AVASATI VASVIKA?" "๐ฉ YES , APA ZUVA RATONYURA. WHERE IS SHE?" Ndakabva ndapererwa. Andina zvimwe zvandakambofunga ipapo ndaida kutoenda ikoko. Nguva yandakabuda ndakaona Might akamira hake kunze kwegate. "Might what are you doing here?" "Iwewe uri kuenda kupi?" "Hapana hangu" "Hooo , inini ndiri kuda kunoona Febby. Ndanzwa kuti tete vake vakadzoka" "Hooo ok" "Yes" ndakabva ndapererwa , asi chekuita pakange pasina. Ndakadzoka mumba ndaita kubatira hana yangu mumaoko. Ende kuenda ikoko pamwe chete naye Mightman zvaisatomboita----------- FEBBY Patakaparadzana na Tashia ndakasara ndiine zvimuvhunzo zvishoma shoma. Tashia aiva akandiudza andakadzokorora kuti ndisade Wise ndide Might zvino apa achafungei sezvo andisvikira ndiina Wise wacho. Ndaizvivhunza zvandaisawana mhinduro. Ndakazosara paye ndokugara zvangu ndichitofunga mashoko angu na Wise aiva avhiringidzwa nekusvika kwa Tashia. Ndiri mukati mekufunga Might akabva asvikawo nekamwe kamusikana kaakati ihanzvadzi yake. Vakatanga kupanana ma intro zvaitondibhowa. Ndakazongoonekana navo mushure mekusanzwanana ndokubva vaenda. Asi kutaura chokwadi ndakabva ndatonzwa kunge kumaka musikana iyeye kunyange yaiva hanzvadzi yemunhu wandaida.----- Mazuva mashoma akadarika ipapo tete vakabva vadzoka. "Hiiii tete ndine zi good news ini.." ndakadaro ndisati ndatombobvunzana navo mufaro." "I good news dzeiko Febby dzaungatanga usati wandivhunza mufaro?." "Tete pese pamaisavapo apa munoziva here kuti Wise aiuye kuzondiona." "Inga zvakarongeka muzukuru wangu chasara kungoti muronge muchato kuchurch. Ko Might akazodii? Haachanetsa here?." "Haaa tete zvakaoma , Might ndomunhu arikunetsa manje zvekuti ndavakutombofunga kuenda kumusha ini kuti ndisaramba ndichimuona coz pese apa aiita achiuya asi hapana patakambowirirana." "Aaa kumusha ndokusingaite kuenda kaa nhai muzukuru. Handiti ndakatokubvisa ikoko kuti umbosiyawo ruzevha? Unongomusiya sezvaurikungoita pauchachata na Wise achadzikama hake." Ndisati ndapindura vakabva vati nditore bag hombe mubedroom mavo. Ndichidzoka naro vakabva vatanga kundibudisira hembe itsva dzavaiva vakanditengera. Ndaiti yandaedza kudai zvotoita kunga ndakazvarwa ndakaipfeka kwaiva kufitwa kwega kwega. Ndakazovatenda tete ndikatanga zvangu kubika chikafu kuti vadye. Wise ndakamuudza kuti tete vaiva vauya and ndakafara achiti aiuya kuzoona tete vacho. Mangwana wacho akanyatsomukira zvake ndokubva auya vakataura natete neni wacho. Pane pakambobuda tete vachienda mubedroom ndokubva Wise anditi ndimbomupa kiss seyandakapa Mightman akatarisa. Ndakaseka zvangu ndikamuudza kuti ndaizomupa mumwe musi tiri tega. Tete pavakadzoka vakabva vauya nema t-shirt akafanana ndokupa Wise yake inini yangu zvikanzi sema couples taizonyoresa zvakafanana. Takatenda pamwe chete ndokubva Wise azooneka kuenda. Avakubuda pa door akabva ati "Tete ndiperekedzei Febby iwewe umbosara pane zvandinoda kutaura na Tete." Ndakabva ndatomuita byee ndokubva vaenda. Ndakasara ndikagara zuva rikasvika pakuda kuvira tete vasati vadzoka. Ndaifonera Wise achinditi tete vadzoka Kare asi kumba kwaiva kusina. Ndakashaya kuziva kuti zviri kufamba sei? Ende hana yangu yaiita kurova. Ndaingofunga kuti pamwe pane zvaitika kwavari. I tried to call , but her fon was off. Kuisa msg kudai , yaisambopinda kana. Ndakaita kunge ndichachema.------ Ndati garei garei ndakabva ndanzwa knock padoor. Ndakapukuta misodzi yangu yose ndichibva ndaenda ikoko-------- *Baya view channel and follow Nicegirl Guta Stories channel ndokune book irori rese kubva pa 1*๐๐ป๐๐ป๐๐ป๐๐ป End of chapter 15
*Mabhero nyama usavi only grade A Bales* *Hembe dzekuti ndikakuudza kuti ibhero unoshama* small Pack Top $55 rinenge riine 110+ ma top Half pack Top $70 rinenge riine 140+ ma top ......................................................... *Children mix half Bales price list* Half Bale children mix $110 rinenge riine 160+ items *Sealed Bales aripo ese* *Half Bales pane children Mix nema ladies top chete* *Free delivery Zimbabwe yese* *Pay on delivery* *Bhero renyu munobhadhara rasvika pamunenge muri* *Mabhero edu anobva kunyika dzinoti Zambia ๐ฟ๐ฒ and Mozambique ๐ฒ๐ฟ* *Tinokupai Mabhero ane quality yakana anokupai double profit anoita kuti mukasike kutengesa mokasika madzoka kuzotora rimwe* Call or WhatsApp me on +263782467824 *Or Join group below for more updates* ๐๐๐๐๐๐ https://chat.whatsapp.com/Dqaei0q93jNBtTVfQDu44v
Ukureva kuti wausati wa follower channel yedu here ๐ข๐ขfollow mama vee munakirwe muswere muchiita laughing na *Mama* *vee* Kana muchiti simbisa garai maita following tinokupai ma shona jokes and short stories...... Nyaya dzese dzirimo ma confessions kureurura or kufumura hurombwa, huroyi ne kuuraya.. Ne nyaya dzevanhu vanovhura hombe... Keep on supporting us Anhuwoye tane 107 000 followers on our WhatsApp channel ๐๐... Kana wausati wafollower ibva wa clicker link redu๐๐ Tine zvakawanda zvatichakupai๐๐๐... https://whatsapp.com/channel/0029VaTS2RcBadmVMNb6WP35
https://www.facebook.com/share/15szHkzeVS/ Please follow our Facebook thank you
Shadows Of My Heart *Vasiri kuona book baya link inokusvitsa pachapter yauri kuda* *Chapter 1* https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V/4910 *Chapter 2* https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V/4918 *Chapter 3* https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V/4927 *Chapter 4* https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V/4931 *Chapter 5* https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V/4953 *Chapter 6* https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V/4965 *Chapter 7* https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V/4968 *Chapter 8* https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V/4976 *Chapter 9* https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V/4982 *Chapter 10* https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V/4990 *Chapter 11* https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V/4995 *Chapter 12* https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V/5003 *Chapter 13* https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V/5006 *Chapter 14* https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V/5016 *Chapter 15* https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V/5025 *Chapter 16* https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V/5029 *Chapter 17* https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V/5031 *Chapter 18* https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V/5033 *Chapter 19* https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V/5035 *Chapter 20* https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V/5039 *Chapter 21* https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V/5040 *Chapter 22* https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V/5071 *Chapter 23* https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V/5088 *Chapter 24* https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V/5092 *Chapter 25* https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V/5095 *Chapter 26* https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V/5097 *Chapter 27* https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V/5101 *Chapter 28* https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V/5108 *Chapter 29* https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V/5113 *Chapter 30* https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V/5126 *Chapter 31* https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V/5129 *Chapter 32* https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V/5133 *Chapter 34* https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V/5146 *Chapter 35* https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V/5152
*SHADOWS OF MY HEART* https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V _Written by King Lee_ ~Lee Marzy~ +26377โธโถยณโด221 *CHAPTER 35* *DAVIE* Ndini ndanga ndakudriver sezvo Ras anga apera nedoro arara zvake.Ndakafunga kutanga kusvika pamba paLisa. Ndakapfuura nepamba pedu ndikasvika Lisa achitonwa zvake drink akagara panze twana twake twake twarara paside naye.Akaramba akagara ini ndakadzika ndikaenda paanga akagara.Ndisati ndataura ndakatarisa vana.Ndanga ndisina kunyanya kudhakwa zvangu.Ndakaramba ndakatarisa vana ava ndikaona one wacho akafanana mai vangu umwe wacho akafanana neni hazvibvunzwe.Kamwe kacho kakabva kamuka kakatanga kuchema ndakuda kukasimudza Lisa akandirambidza. "Usabate vana vangu please"said Lisa. "Vana vako wega here Lisa saka paya waiva serious pawaiti une nhumbu yangu ndakuzviona manje" ndakadaro ndichinyemwerera. "Ko ati vana vako ndiani Diva inga wakati inhumbu yaVhunai saka siyana neni"said Lisa. Ras Fidza akabva aburuka zvake akauya pataive. "Ko wapihwa here makey emota yacho tiende"said Ras Fidza. "Ndanga ndakanganwa Lisa ndipewo kamakeys emota yangu" "Ndini ndakamatora here enda unopihwa nemunhu akamatora" said Lisa. "Aaaah iwe vana vaani ava Diva havasi vana vako here sei vakafanana newe" akabvunza Fidza. "Vana vangu ava ndakuzviona izvozvi ,asi why Lisa usina kundiudzawo kuti wakazvara vana vakafanana neni eish nhasi ndafara andidi kunyepa apa wandifadza"ndakadaro. Kutaura chokwadi ndakafara ndaisambofungira kuti dumbu raLisa ranga rakatakura vana vangu.Ndakashaya kuti ndomutenda nei Lisa zuva iri.Ndakaona kamusikana kanga kakafanana namai vangu kakaramba kachichema.Lisa akaedza kukanyaradza kakaramba kunyarara.Lisa anga apusa manje ini ndanga ndakayeva vana vangu.Ndakabata kamusikana kaya kakabva kanyarara kakatanga kusekerera.Lisa akabva asunga face ndakaona aisada kuti ndibate vana. Saka Bella ndiye asingazvare nhai.Pakabva pasvika Daisy naNoku ndakaona ziso raRas Fidza rakatarisa kuna Daisy naNoku ndakaziva kuti shavi rake rekuda vakadzi ratanga. "Ko matwins aya anogarepi haaa twana twakanaka utwu ndabvuma hangu apa ndoda kunyamura one chete"said Ras Fidza. "Uri kutaura matwins api iwe" ndakabvunza. "Diva haaa mutoriro uri kukuwadza umwe wangu saka hausi kuona vasikana ava vakafanana ndosaka ndavati matwins" said Ras Fidza. "What !! havasi matwins aya asi ehe vakafanana"ndakadaro ameno sei ndaisambozviona makore aya. Ndaida kubvunza mai vangu nyaya iyi.Daisy haana kana kundimhoresa akangonditarisa.Lisa akatora mwana muruoko rwangu iko kakabva katanga kuchema. "Tashia kabenzi aka kakamboita sei kamwana aka kukundwa naTashley asinganetsi" said Noku.Ndipo pandakaziva mazita evana vangu ndakamafarira hangu. Ras Fidza ndakaona vakatarisa Daisy nerimwe ziso so.Ndakaramba ndakanyarara asi zvakandibhowa andide adanane nehanzvadzi yangu angatodanana naNoku uyu.Zvemakey ndakazvisiya ndikati Ras Fidza asare pano ndimbomhanya paden.Ndakafamba kuenda kumba smile ichisvika kugotsi ndava baba sekuseka sekutamba.Ndakasvika ndikashamisika kuona mota imwe yakanaka ndakashaya kuti ndeyani.Ndakapinda mumba ndikaona hezvo Lean akarara pamakumbo aHakim vachitaura nyaya.Ndakapererwa kuti vanhu ava vakauya rini sei vasina kundiudza. "Davie ndiwe zvako" said Hakim. "Yaaa ndini long time ko sei musina kutaura kuti muri kuuya"ndakabvunza. "Ndataura zvozodiii handisi kufara nekuda kwehunhu hwako namama muri kufurirana zvisina basa"said Hakim. "Zvisina basa zvipi kana iri nyaya yaLisa don't blame me ,mama naDaisy ndivo vakati ihure anozviwanza saka paakati ane nhumbu handina kuzvitambira ini ndakaudzwa kuti anodanana naVhunai"ndakadaro. "Wakapusa Diva wanzwa ungabvuma zvotaura mama kuti hauvazive here vanomboita kunga vasina kukwana how many times vachiti siyana naLean nekuti haazvare vakanyepa futi kuti Lean akabvisa chibereko ndikasiyana nazvo ndiwe wakapusa wakatadza kumira neumwe wako" "hakim nestate ina mama kuti ndirambe zvavanotaura BP inokwira ngatingoita zvavari kuda zvacho" "Ita wega ini mkadzi wangu andife ndakamusiya andisi benzi ini, ehe hongu mama vakandizvara asi havana right yekundiudzira zvekuita nelife yangu"said Hakim. "Ko bamunini Diva foni iya iripi" akabvunza Lean.Lean anga achinja atsvukira munhu anga akasviba shuwa Joza inochinja munhu. Hana yangu yakarova pakabvunzwa zvefoni.Ndakaona Hakim akuti ndikuda kuonawo.Ndakamuti ndaisiya kumba vakangoti okay asi Hakim akati ari kuda kuiona. "Diva tell me Lisa unomuda here or aumude" "Ummm handimude asi vana vangu ndovada ndoda kuvatora" ndakadaro ndakataura zvakauya mupfungwa dzangu panguva iyi ndaiva mulevel rangu ndega. "Unopenga mupfana apana mwana wauri kuzotora wakaramba vana ivavo ichiri nhumbu muchiita hutsinye kune nherera iyi muri 2 namama asi chandinoziva Mwari vari kuona Lisa muchamupfugamira chete muchaona henyu" akadaro Hakim akabva abuda nemkadzi wake.Ndakashaya kuti mama vanga vaendepi.ZvaHakim zvekuti vana hausi kuzovatora ndezvekupenga ndoita zvandoda nevana vangu.Ko ndini ndakati asaita vana here ndakaona akurwadziwa neni kuti ndane vana iye asina.Ndakabuda ndikaenda kwandasiya Ras ndikasvika akarara mucombi.Doro riya ranga razomubata. "Lisa wakaudza mkoma vangu kuti chiii sei uchifarisa ndakakushungurudza papi"ndakabvunza ndanga ndisina mufaro. "Diva usada kubhowa sis wangu wanzwa pawavakatambudza pakakwana ukaramba uchiita tunharo utwu ini ndokutema namatombo aya"said Noku achinhonga dombo. "Noku pane dzimwe nyaya dzausingafani kupindira apa ndiri kubvunza zvakanaka ndatadzei" ndakadaro ndakakatarisa.Ndakaramba ndakakayeva mumaziso chaimo ndikaona apana musiyano naDaisy.Daisy anga ari mutsvuku chete. "Usanditarisa satan asi ukuda kundipfimba kani manje ini andife ndakadanana newe ndopika namai vangu vari pachuru nxaaa"said Noku.Mwana uyu ane bag redzungu rorema 50KG.Ndakaona Daisy ava kuseka ndoshaya kuti chii chosetsa apa vanenge vari kufembedza bute vana ava.Ndakaenda mucombi ndikaimutsa ndikaenda kunopaka kumagirosa ndaisada kuenda ndisina kuona mai vangu.Takambogara ikoko ndaida kamusikana kekumbovharira ndainzwa kuda. Asi nyaya yenhengo yangu yairamba kumuka ndizvo zvaindirwadza.Ko chii chakaitika pandiri.Ras Fidza akamuka akati ari kuda matwins aya ese ndikamuti unopfimba Noku. "Haaa kaya kane dzungu ndokagona here" "Ehe ane dzungu iwe kakaita dzungu dzikama ndomavirgin ayo kadambure dzungu riite shoma" ndakadaro. "Saka ndotaura nako sei manje" "Usatya ndoita link naDaisy zvofamba" ndakadaro. Ndakamona chamba tikachirova zvedu tiri mucombi.Pasina time ndakabva ndaona Fadzie aifamba kumagirosa.Ndakamudaidza akafara kundiona akauya kugara mucombi medu. "Ko tell me Lisa anombodanana nani muno"ndakabvunza ndaida kuziva ndizowana zvekutaura kuna Hakim anoti mama vanonyepa. "Lisa ihure iwe vanhu vacho vanopera here aitodanana nebrother yako Dean vana vaanavo ndeva Dean, imbavha futi akaba futi mari kumba kwedu auya kuita maricho"said Fadzie. "What" ndakadaidzira zvekushamiswa. "Diva vaya vana vako inga paya wakati Lisa ndiwe wakamuvhura saka problem iri papi tumahure utwu turi kukuda ausi kuzviona kuda kuti uvenge Lisa ndakadhakwa hangu asi terera mashoko angu ida vana vako"said Ras Fidza.Akabva ambomira achisvuta fodya yake akaenderera mberi. "Ini Diva handisi kurwadziwa newe usaterera gosip iri Lisa ndanyatsa kumutarisa nguva yandasara naye paya andina hangu kutaura naye mwana uya ari bhoo akanaka anoda kuchengetwa zviri bhoo chimusikana bho"said Fidza. Mashoko aFidza akabaya pamoyo pangu chaipo.Ndakafunga madays andakadanana naLisa ndikafunga chakaita tiparadzane.Mai vangu ndivo vaisamuda apa ndakaita kufadza mai vangu nekuseva utano hwavo. "Fadzie ini ukada kundiudza zvekunyepa ndinokumamisa wanzwa here tanga wagona kugeza nxaaa" ndakadaro ndaona kuti ainyepa.Mashoko aRas Fidza aiva nekachokwadi mukati. "F*ck you Diva zimuroyi" akadaro achidzika mucombi. "Futseki mazamu akadonha kunga drip rapera mvura" ndakadaro. "Vanhu vekwaMatemba tinokuzivai makaromba makaurayisa gogo venyu kuti muite mari futseki mwana wemuroyi"said Fadzie achifamba. Ndakanzwa hasha ndakadzika ndikamupa mambama ari strong.Ndakamubata ndikamukanda mucombi ndaida kumugadzirisa.Ndakamutsa mota ndikananga naye kumba kwavo ndikasvika mai vake varipo. "Mai imi batai mwana wenyu uyu anofira mumaoko angu angati mai vangu muroyi pakudiii" "Fadzie how many times ndichiti nyarara hee" said mai vake. Ndakamusiya akutukwa namai vake ndikaenda kumba ndikasvika vasiko.Lean akati mama vari Harare vari kudzoka zvavo soon.Ndakaona kuti apana chekugarira apa. Ndakaenda kunoona vana vangu ndakasvika vakabatwa naNoku naDaisy ameno Lisa anga aendepi.Ras akabva asvika akatanga kutaura tunyambo twake ndakabva ndaziva kuti iskiri rekuda kukwezva Noku "Haaa blaz ava vane nyambo dzinonakidza ndaseka zvangu"said Daisy. Ndakatora Daisy tikaenda paside ndaitira kuti Ras awane kutaura naNoku.Ndakaona Noku aifa nekuseka ndikaziva kuti Ras vane machances ekupinda mahombe. "Haaa ndazobata maths dzenyu manje wandibvisa pana Noku kuti rasta avo vanyenge Noku manje akuna izvozvo ndozvidira jecha"said Daisy achidzoka kuna Noku.Ameno zvakauuda Noku munzveve ndakaona Noku auya kwandiri akafutisa matama. "Satan ndagara ndazviona kuti mune yamuri kuronga manje ini amundigoni manzwa iwe Rasta usafunga kuseka nyambo dzako kukuda no takatomboramba madoctors chaivo kwozoti iwewe hako unoshamisira nei" akadaro Noku.Uyu aiva nedzungu pasina nguva Lisa akabva auya akamonera zambia aibva kunogeza. "Madoctors apinda papi ndiwo ane rudo chete here Noku wangofungira zvisizvo"said Ras achienda kumota nekuti Lisa atora Noku akapinda naye mumba, Daisy akatevera vakabva vavhara door ravo. Kwakasvika pakusviba ndikaudza Ras aende ndaimboda nguva yekuona vana vangu.Ndakamutipa kuti uzoudza mudhara Shuroyaonda kuti Diva akaenda kurufu.Ras haana kuita nharo akati achauya achisofta Noku.Noku naDaisy vakaenda kumba ndikasara ndakagara pamba paLisa anga akavesa moto panze.Akabika chikafu chake akadya kana kumbondipawo zvake.Ndakaenda paseri pemba ndikabatidza chamba changu ndikatanga kurova. "Yoooo saka pamba pangu ndipo panobhemerwa here nhai iwe"said Lisa "Lisa imbodzikama kani,nhasi ndiri kurara pano vana vangu ndovada ava apa wakandigonera"ndakadaro. "Hezvoo Diva usafunga kukunyararira ndikukuda pano aiwa ndakakuvenga andifunge ndikakuregerera mai vako vane zvavakaita nezvekufa kwamai vangu iwewe wakakanganisa future yangu wakaita hako asi ziva rimwe zuva Mwari vac......" "Mai 2 mira ndipedze chamba changu tigotaura" "Anditaure nemunhu akarohwa nechamba andikude pavana vangu wabva kubata chamba chako ichi"akadaro akabva aenda. Ndakasara ndichipedzisa zvangu ndikaenda kwaari asi ndakatukwa nekurohwa.Hasha ndanga ndinadzo asi andina kumudzorera akaramba kuti ndirare pamba pake.Ndakaenda kumba ndikasvika vanhu vachidya. Hakim akaisa plate pasi akauya kundipa chibhakera mudumbu ndikadonha pasi.Ndakarwadziwa zvisingaite ndakashaya kuti ndaparei.Lean ndiye akauya kubata murume wake.Kana simba rekudzorera ndakarishaya nekuda kwemarwadzo. "Diva sei uchida kusvibisa zita redu vanhu vese vakuti vana vekwaMatemba havaite vakashata moyo, ndanzwa futi kuti wauya neshamwari yako kuda kumusoftira Noku why why vakakutadzirei ana Noku naLisa tell me"said Hakim. Ndakaziva kuti Daisy ndiye auya kutaura.Ndaisaziva kuti Daisy anewo dzungu kuita kunga Noku. "Andina problem naNoku ini Ras angoti ari kuda Noku ndikamuti pfimba saka ndatadzei iwewe Daisy usafarisa ndiwe wakaparadza rudo rwangu naLisa mese namama muchinyepa kuti ihure ndakamirira kudzoka kwamama ndoda mundiudze chihure chaita Lisa ne evidence yacho ukatadza kuibudisa uri kufira mumaoko angu aya I hate you handifunge tiri vana vababa one iwewe face yako haisi yepano ndazviona nxaaa kushata atina vanhu vakashata kwaMatemba uri wekwaPotse chete iwewe"ndakadaro ndichirwadziwa.Daisy ndiye aiva number 1 mazuva acho heee Lisa haite apedza oti aitamba. Daisy akadonhedza plate yesadza akatanga kuchema zvakanzwisa tsitsi ini andina kumbomunzwira tsitsi.Lean ndiye akamunyaradza pamwe chete naHakim. "Ini haisi mhosva yangu kuti ndifanane nanaNoku kana ndisiri wepano ndobva hangu mosara henyu pamba penyu ini regai ndibude mufare ndiri mwanawo zvakaitika andingazvizive ndagara ndazviona andichadiwe pano mama vanga vakundiita rough pano anondida ndimkoma Dean chete"said Daisy achichema akabva amiswa naHakim. "Daisy usachema usatevedza zvaDiva akavhiringwa nembanje dzake you are my lil sis usatya mangwana toenda kutown ndokutengera zvauri kuda"said Hakim achipukuta misodzi yaDaisy. "Kufa kuri nani mkoma vanhu vanhu vanoti ndiri mwana wekuhuriwa zvondibata bata izvozvi mkoma Diva vakundipa mhosva yandisina" akadaro Daisy akuchema.Ndakavasiya vachitaura vese ini Daisy ndanga ndatomuvenga ane dzungu rosvota. Ndakabva ndaenda mukitchen ndikaona chikafu chisimo.Panga pangori nechingwa nedrink mufridge muine mapolony ndakazvirova ndikabva ndaenda kunorara.Mangwana ndakamuka ndichinzwa kuti Daisy akanwa mushonga aka..... _Akadiii Daisy_ _ko Diva akuda Lisa here or ichamba chiri kumashandisa_ Drop your comments please *Watch out for chapter 36*