King Lee Novels
February 11, 2025 at 08:33 AM
Ndawuya nenyaya yangu ye the virgin widow and Prince of Ruin .Shirikadzi yakafirwa nemurume ichiri mhandara mushure me vhiki rimwe varorana ,paanoti achitsvakewo wekuyita naye imba asafe asina mwana ,vamwene vake vomuyitira manenji vabatwa neshanje ,paanoti ashingirire kuva neimba yake osangana nevakomana vaviri .Taflo na Harold ma cousins umwe ii playboy umwe ii husband material .Huyai muwane pdf yenyaya iyi 898 pages mahara plus season 2 rakatotanga musiwa 5 February huyai ma inserts season 2 ekumashure acho mopihwa kuti musazosaririre kumashure book iri zvakaomaiwe huya uwone . Hurry up and join BC NOVELS CHANNEL ,uwane kudya kunorodza pfungwa ,zvidzizvo zvine-mazano akanaka anovaka muhupenyu https://whatsapp.com/channel/0029VaiKpTeG3R3aE9ULBb3R ..The Virgin Widow and Prince of Ruin Authored by BC Insert 1 Sarudzai 's Narration Here ,I'm standing zvangu ,misodzi yakazara pakatama angu . Vamwene vangu vakanditarisa maziso avo akatsvuka nehasha "Icho chirungu chenyu ichi ,unopenga here murora Sarudzai ,uri mwana wangu wepamusha pano ,akakuudza kuti munhu akarorwa anoenda mutown kunosangana neumwe murume ndiyani ?" Imiwoye zvakaoma . Ndakavhura muromo kuti ndipindure but vamwene vangu vakaenderera mberi vasingandipi mukana wekutaura "Mwana wangu wakadya nemashavi aripauri asingadi murume . Mwana wani wawafunga kunodya futi ,wangu wawakadya hauna kuguta here ? " Ndakatsikitsira ,mufunge zvenyu ,hama dzodikanwa ,kwaisava kuda kwangu . Murume wangu akafa after one tichangobva kurorana . Kubva ipapo pakava negakava neukama usina kumira zvakanaka pakati pangu navamwene. "Handisi kudanana naye mhamha "ndakapindura ,icho chakanga chiri chokwadi . Tete Nyaradzo ,hanzvadzi yemushakabva aiva murume wangu , ndovakanga vandigadzirira blind date iyi ,sezvo vaiti ndakura ndofanha kuita move on ,which was true . Pakafa murume wangu ,vese vedzinza rake vanabamunini namabamukuru vakaramba kundigara nhaka nekutya kufa . Vachiti shavi riripandiri rinouraya murume angenge ave murume wangu . Izvo zvakaita kuti nezere randiri ,ndakanda ndisina kana mwana zvake wekutiwo nditi ndirikugarira ndichimurera. Vatete Nyaradzo vakabuda mumba matairara ,ndokuvhunza amai vavo ,vanova vamwene vangu "Nhai mhamha mukuda kuti Sarudzai afe arimhandara here ?" "Iwe Nyaradzo hautyi mukoma vako sei ,so ndiwe urikufurira muroora wangu aite chihure mumusha waakarorwa " Ndakatarisa vatete Nyaradzo kuti vanyarare but nekundiziva ,vakatarisa kudivi ndokutanga kudya marasha . "Sarudzai munhu mhamha ,anotodawo kusvirwa husiku hwese nemurume sezvinoita vakadzi vese vechidiki mudzimba unu ,musiyei aroorwe " "Wakambozviona kupi kuti munhu anobva kwaakarorwa achienda kunororwa kumerimwe dzinza " vamwene vangu vakapindura vakanditarisa . "Zvichatangira pano mhamha ,iwe muroora ,pinda unogeza mubath ,hembe tora yaunoda panedzangu ,uende kudate kwako " "Hehehede seka zvako Masivanda ,usada kundiitira makunha kunha Nyaradzo nemuroora wako ,muchatadzisa mvura kunaya tikaripiswa kwashe Vatete Nyaradzo vakaseka zvavo "Vanowona ini ishe wacho kana mvura yatadza kunaya " Vamwene vangu vakanditarisa "Gara pamba iwe urimukadzi wemwana wangu " "Aiva mukadzi wemwana wenyu mom " vakaseka vakanditarisa nekutsvinya " plus ndiyani akakwana anoda munhu akasimba kudaro " Ndakafamba ndichipinda mumba sezvo mashoko avo akanga akurema kunzwa . Ndakatanga kuchema zvangu ,kusvika ndabatwa nehope. .... "Saru ,handisi kuzosiya mom vachiita yavada newe "izwi ratete Nyaradzo rakandimutsa. "Muka zvako uonogeza ,ndiri kutaura ne munhu wauri kunosangana naye " "No vatete ?"ndakapindura "Mom vane point ,hazviite kuti ndione umwe murume ndiri mumusha menyu " "Saka ukuda kufa uri mhandara here ,umbori nemakore mangani nhai Sarudzai ? " "Makumi mairi nepfumbamwe "ndakataura . "Muka muka zvako "vatete vakandibvisira Jira "Wakutosvika 30 years iri virgin ,usina kana means" Ndakamboramba ndakagonyama ,asi tete Nyaradzo vakandizungunutsa kusvika ndaona kunogeza was best idea . Ndakamboedza kuita chinono pakugeza but vatete Nyaradzo vakanditevera ndokumira pamusiwo. Pandaigeza ndaikungura nhamo yangu zvangu nechemumoyo ,sezvo life yangu yakanga ruriru -rumana nzombe . Ndakazopedza kugeza vatete Nyaradzo varipamusiwo . Vakatevera ,ndokumira pamusiwo weroom yataivata ivo neni. Ndakapfeka mbatya dzavanga vandipa . Vamwene vakauya pamusiwo wekamuri yataiva "Saka iwe Nyaradzo washinga kutengesa mukadzi wemushakabvu vaiva mukoma vako here ? " "Ndashinga mhamha , ,yava nguva yekuti muroora ararame hupenyu hwake " "Akaenda haadzoke mumusha mangu "mhamha vakadaro vachibheja . "Kana urimumusha menyu hazvina kushata "vatete Sarudzai vakataura "Daddy ndataura navo havana kupikisa idea yekuti Sarudzai ave neimba yakewo " "Yoweeee wakunditanyanga iwe nababa vako "vamwene vangu vakataura vachidzokera kumba kwavo kwavaivata . Ndakapfekedzwa hembe dziya ndokubva ndabuda ,ndainyara zvangu sezvo zvakanga zviri zvitsva pandiri kupfeka hembe dzakavhurika nekubata miri wangu 898 pages waiting for you ,hurry up 🫴🏿
❤️ 🙏 👍 😂 😢 37

Comments