King Lee Novels
February 11, 2025 at 04:27 PM
*SHADOWS OF MY HEART*
https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V
_Written by King Lee_
~Lee Marzy~
+26377⁸⁶³⁴221
*CHAPTER 4*
*DAVIE*
Ndakatarisa chiso chemwana anga atsikwa wacho ndikaona ari Ropa.Ndakaona kuti kumbomira kutanga kufonera mapurisa zvopedza nguva munhu achida rubatsiro zvekukurumidza.Ndakamutora ndikamumhanyisa kuchipatara anga akuvara musoro kwete zvakanyanya.Zvakandinetsa sei muridzi wemota asina kumira paaona kuti atsika munhu.Iye Ropa akamuka akatanga kuchema ndakafonera vabereki vake vakauya kumuona.Vakanditenda nerudo rwandanga ndaita kumwana wavo.
Ndakasvika pabasa pangu tikaenda pabrief pakataurwa zvesafety.Kuzvichengetedza pabasa nekuva neunity pakataurwa zvakawanda.Pabasa pandaishanda paiva paBTL (Boarder Timber Limted) paiitwa nezve timber.Zuva iri takaswera tiri busy nebasa.Ndakachaisa ndikaenda kughetto kwangu.Ndakagadzira imwe socket yanga yakafa panext door pangu ndikapihwa kamari.Pakauya umwe mufesi anga ane DVD raida kugadzirwa.MaDVD ndaisota kwaiva kubasa nemaTV.Ndakasota DVD rake ndikapihwa bag ndakamudhurisira.Pepera nguva Bella akauya achiti auya kumari yefoni.
"Wait nditaurire blaz vangu vari SA vanditumire foni ndokupa iyoyo"ndakadaro.
"Aaah Davie ndoda kutenga ndega ini"
"Manje ini ndikuda kukutengera kana waramba yeSA mira tizotenga mutown umo" ndakadaro
Bella akada kumboita tunharo mari ndaisada kumupa ndaida kumutengera foni yacho ndega.Kwete kuti ndaisamutrusta asi ndaitya anogona kunyudzwa mutown ka umu.Bella akandibikira akabva adzoka kumba kwavo.Mangwana acho ngoma ndiyoyo kubasa.Pandakabva kubasa Bella akauya kunditora tikaenda mutown tikaswera tichifara ikoko.Kana iri foni yangu yanga yakaita kuzara mapics aBella chete chete.Ndakazomuperekedza kumba kwavo achindiudza kuti tete vake vakuda kuzodzokera futi kuSA achandi introduca kwavari soon akuda kutanga ataura navo.
"Saka daddy makandinyepera foni yangu iyi haichagari nemoto"
"Kutozvikanganwa mira ndichaita plan very soon ndikuda kuti blaz vanditumire kwavari dzakachipa"
"Okay daddy asi please don't cheat me pauri ndakaperera pauri ndorova munhu" akadaro takamira pamota pangu.
Ndakamubata tikambodyana miromo kwenguva yakareba tikazosiyana taona mwana watete vake achiuya kwatiri.Akangoseka achitora Bella ndikabaya pamba pangu.Apa ndanga ndakuchida kutanga kuunganidza mari yekuroora.Ndaisa hora mari inoshamira asi yaiva nani ndobvisawo pashoma pandinapo.Chandakaramba kutora mwana wevanhu kugara naye mahara.Zvakanaka kungobvisawo pashoma paunapo ndizvo zvinoratidza kuti unoda umwe wako.Mkadzi anofeelawo zviri nani ,musi waanoita dambudziko usina chawakabvisa kumba kwake ndipo paunozoona kuti dzungu ari bhadhare.
Mazuva akafamba foni ikatumirwa naHakim yanga yakanaka zvayo kutopfuura yangu.Ndakamupa Bella akafara seachabata denga.Ndakaona mufaro wake pachiso chake apa ndanga ndazofadza mkadzi wangu.Ndipo paunonzwa umwe achiti hee hee relationship is not about money.Ungaruka musoro nemafeelings here ndidairei,ko KFC nemalays unotenga nerespect here, ungatenga jumpsuit necommunication here.Chingodanana nemunhu wauno afforder ka nhai kwete kuswera kutiitira noise hee kari kuda kungondirova bag.Munhu ane bag chaiye haamire kukumbirwa.Iwewe wega unoonawo musikana wako anoda data unoda apihwe nani.
Ndakasangana naRopa akapfeka hat mumusoro mune bandage.Ndakataura naye zvishoma akati anga ava nani.Ndakamubvunza wakaona munhu akakutsika here akati hapana chaakaona akazongoona adhumwa nemota.Dean mufana wangu akavhara fazh akauya kumba kwangu.Dean anga ari cool munhu uya anga ari free akasiyana neni pakuti ini ndaikurumidza kutsamwa plus hasha too much.
"Bro ko Bella mukuita sei naye chikandai paden ka"
"Haaa very soon ndikumirira kuuya kwaHakim"
"Hooo pakanaka rega ndimborova marounds nana boys vangu" akadaro achibuda kuenda kune team rake raiva ramumirira panze.Ndakasara ndichisona trouse rangu rabvaruka pakati.Foni yangu ikapinda call ndikaona inew number,pandakadaira ndakanzwa ivoice Bella ndakashamisika kunzwa achiti a.......
*LISA POTSE*
Muriwo wangu wakadyiwa nemombe dzamai Matemba wakandirwadza handidi kunyepa.Ndaiti ndichawanawo kamari kangu kana ndatengesa muriwo wangu.Ndaichema ndichienda kwaSabhuku ndakasvika vasipo ndikasvika pana mai Sabhuku vakaona ndichichema.Vaimbova sahwira wamai vangu vanga vasina utsinye nevanhu mai ava.Ndakavaudza nyaya yangu vakarwadziwa nazvo.
"Mai Matemba hakasi kekutanga aka mombe dzavo dzakapaza futi kugarden kwanaMajokota uko usatya mwanangu ndichatuma Natasha azokubatsirawo kufenza garden rako nekudyara umwe" vakadaro mai Natty.Natty aiva third born yavo.Vekutanga vakaroora vakomana vese.NaNatty taisanyanya kuwirirana hedu asi aisadada hake munhu aiva free aigara pamba namai vake anga asingachaendi kuchikoro akati chikoro chaimunetsa aida kuzotsvagirwa zvekuita hake kana kacourse zvako.Ndakavatenda mai Natty ndikaenda kumba kwedu Natty akandiperekedza achindisimbisa.
"Lisa I know zvakubata bata don't worry baba vangu vachavapa size yavo mai Matemba ivava vanofarisa vanofunga vakaita mari vakushamisira munhu akatanga kuita mari zuro uno"akadaro
"I hope vachatonga zvakanaka nyaya iyi"
Natty akadzoka asvika pagate pedu.Ndakapinda muyard medu ndikaona Noku achisuka mandiro.Ndakamuudza kuti garden rese radyiwa akabatikana nazvo.Baba vanga vasipo apana chavaiziva kuti vane hanya nesu here.Mudhara vakadzoka manheru vakaita kupera nedoro imi apa vaitaurisa sei zvakandibhowa.
"Iwe Risa mukai apo ndipei saadza rangu" vakadaro vakaita kupera.
"Asi baba chiii nemi hatina kubika renyu inga wani pamabva mati tisabika nerenyu" akadaro Noku.
"Futseki hure kushata kutodza ana Majokota nhasi pano apararwe ndipei sadza rangu" vakadaro vachiita kudaidzisa.Takabuda mukitchen tikanozvivharira muroom medu tikarara Noku akatanga kuchema achiti mama kani.Ndakamunyaradza ndikatanga kutaura naye dzimwe nyaya baba vakauya kugogodza door redu zvehasha.
"Ndiani wamuri kutaura naye imomo makutorarwa vana vakadai kuunza zvikomana zvenyu pamba pangu here vhurai apa iwe Risa" vakadaro baba vachidaidzira apana akavadaira takaramba tiziri zii zvedu takabatidza candle redu.
Vakagogodza vakasvika pakuneta tikabva tarara zvedu.Makuseni Noku haana kuenda kuchikoro akati musoro wake wairwadza.Ndakaita basa rese pamba ndikaenda kumba kwaSabhuku ndikavaudza nyaya yangu vakati vanga vamboinzwa namai Natty.Zvikanzi nyaya yacho taizoitonga very soon izvozvi ndiri too busy.Mai Matemba andina kumbovaudza ndakazoona vauya kumba kwedu vakaita kusunga chiso ndikaziva vazozvinzwa.
"Lisa ukuda kusvibisa zita rangu ka iwe ndakazviona kuti vanhu vekwaPotse morwadziwa neni manje tichaona ndiyani anonyura sh!t you are useless poor girl" said Mai Matemba.
"Eeeh ehe ndiri poor ndiri useless kwamuri imi imbwa yemunhu kushata mahobi" ndakadaro ndakaona Noku amuka kuona chaitora nzvimbo.Mai Matemba vakatanga kupopota vachida kundirova ini ndikati unonyepa ndiri pahome andina defeat.Takatukana zvekuti Mai Munya vepanext ndivo vakazouya kumisa bopoto racho.
"Mai Munya imimi ndimi mondiziva ndine problem nemunhu here mai ava vadyisa garden nemombe dzavo ndikataura kwasabhuku vakuuya kunditi useless girl manje neni tosvitsana kumapena musandiona kunyarara mofunga ndakapusa" ndakadaro ndichiita kudaidzira.
"Mai Matemba ndokumbirawo muende kumba kwenyu now sei musina moyo wekubereka munoshungurudzirei nherera iyi hee budai gate tione" vakadaro Mai Munya.
"Ana mai Munya musapinde pamusingakwane manzwa"vakadaro vachibuda gate mai Matemba.
"Lisa mwanangu kana someone akakunganisira please usaita hasha ukatuka kana kurova apana zvazvobatsira wagona waenda kunotaura kwaSabhuku mai ava vanoroya masikati machena" said Mai Munya.Vakatisimbisa vakaenda kumba kwavo.Hasha dzakamboita nani dai mai Matemba varamba varipo ndaiva rova chete.Mai ivava vanga vakura asi vaida kuzviita mwana mudiki kuda kutokwikwidzana nesu.
Baba vakauya nehure ravo Tracy.Vanga vasina kunyanya kudhakwa Tracy kuzoda kutaura nesu ndakaramba ndiri zii even Noku akarambawo akanyarara.
"Baba garden redu radyiwa nemombe dzamai Matemba"
"Mai Matemba vanofarisa mhani mira ndoda kunovabvisa chiri kumeso" vakadaro baba vangu vakadzikamiswa naTracy wavo.
Ndakabuda kuenda kunogara seri kwemba kwanga kune mwedzi Noku akateverawo.Takatangakutauranyaya musoro wake wanga wava nani.Ndakanzwa Tracy akuti akuenda ndakaziva kuti ainyara kurara pamba pedu chete nekuti taivapo.Manje neni haapagare chete.Mazuva akafamba nyaya yedu ikatongwa asi matongerwo ayakaitwa andina kumafarira ndini ndanga ndakuita kunga ndine mhosva.Ndakaona kuti Sabhuku vanga vatengwa chete shuwa kusaita mari kwakashata.Mai Natty vakarwadziwa apana zvakavakwanisa kuita asi vakati ndichatuma Natty akubatsire kufenza nekudyara umwe vakandipa mbeu.Kutaura chokwadi yangu yaisapera yakadaro.
Manheru ndakaenda kudanga kwedu ndikavhurira mombe ndikadzipinza mugarden ramai Matemba maiyevedza macarotts avo ndikabvisa bvisa ndichirasa uko,mamwe acho ndikatora kuenda navo kumba.Ndakabudisa mombe dzangu dzaguta ndikadziendesa kudanga dzaisambonetsa.
"Ko sis muri kubvepi"
"Haa ndaisawo mombe mugarden mamai Matemba zvadyiwa zvese kana ari macarrots ndamarova ooh mamwe aya" ndakadaro ndichimupa.
"Haaaa sis Lisa mune nharo haaa ndasarenda asi magona mai vaya vanoonererwa"
Takabva tarara tichitaura nyaya tichiseka makuseni Noku akamukira kunotenga mushonga wezino kwevamwe mbuya paiva nekamufambo,anga atumwa nababa.Ini ndikaenda kuhuni kwandakaswera ndichidya matohwe.Ndakaenda kumba ndikasvika pamba pakamira mota.Ndakatarisa ndikaona hezvo ndimai Matemba mwana wavo Dean.
"mama ndiko kamunhu kacho aka here" akadaro Dean akandinongedza.
"Ehe ndiye iwe Lisa ndikuzviziva ndiwe wakadyisa garden rangu manheru manje yangu haiperi zvekudaro uri kuzvishandira zvawakaita pasina izvozvo uchazoona kuti vakafa vakazorora"
"Lisa unoziva ndaikuona semunhu kwaye ndaiti une hunhu une shuwa kukwidza BP yamai vangu ini ,mama siyanai naye Mwari vachamutonga chitema hachidzorwi"
Mudhara vakabva vasvika vanga vasina kudhakwa.Vakaona mai matemba pamba vakatanga kutuka mai Matemba.Panga patova neruverengo pakati pedu nemhuri yekwaMatemba ndizvo zvandakatoona.Ndakaramba ndiri ziii hangu.
"Mama please calm down siyanai nevanhu ava" said Dean.
"Iwewe wakapusawo uri kufara nezvaitwa garden redu here dai Davie aripo hake mufonere auye ndiye akaisa macarrots ayo"
"No mama zvimwe ndezvekunzwisisa please" said Dean.
Mai vacho vaitova nenharo vakafonera Davie wacho.Ndabva ndamuziva hangu that guy aisema vasikana vemuvillage medu.Iyeye anga akatodza Mai vake kudada kwacho.Asi Hakim nevamwe ava vanga vari bhoo zvavo kungoti vaiva namai benzi.Vakazobuda vakumhanyiswa nedemo ndibaba vangu.Vakasiya mota yavo pamba pedu.
"Imi huyai mutore chimugweje chenyu ichi hachishamisire ini nditori nengoro mbiri dziri seri kweimba dzandakashanda neziya rangu kwete zvenyu zvakuromba"said dad.
Dean akadzoka akatora mota yavo vakarova pasi.......
_Davie akanzwei pakafona Bella_
_Lisa ari kutembei chaizvo ko Davie akauya achaipedza here nyaya iyi_
*WATCH OUT FOR CHAPTER 5*
❤️
😂
👍
🙏
😢
😮
1.2K