Shona Stories 002🇿🇼
January 28, 2025 at 05:51 PM
🌹 *THE PALACE HEIR* 🌹 https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V *_Written by •𝙆𝙞𝙣𝙜 𝙇𝙚𝙚•_* ~LeeMarzy~ +26377⁸⁶³⁴221 *Chapter 3* •In Dzabu Kingdom• *Sabina* Kurarama life yekusemwa nekusarudzwa nevamwe it's not easy.Ndakatanga ndichambozvibvunza why Mwari vakaita ndisayane nevamwe paskin colour asi ndakasvika pakuzvitambira kuti ndozviripo.My mom vaimira neni nekundisimbisa.Ndivo vanga vari best friend yangu since ndanga ndisina shamwari.Ndiri musikana anofarira zvekushanda.Everything zvepamba ndaiita ndaito leader by example kuti vapfana vangu Serina naSarah vatevedzerewo. “Prince Nimrod ndovada chero mwana ndovaitira hangu.Unoziva ndikavaona ndonzwa ropa rangu kumhanya“ said Sarah anova last born “Wakakwana here iwewe kumerera chiii.Zvino wasiyanei nepfambi kana uchitaura zvakadaro“ i asked “Sis Sabina hamungazive feeling yacho nekuti hamusati mambopinda murudo.Only Serina ari murudo angatondinzwisisa“ said Sarah Ndakaramba ndakanyarara hangu ndichibika.Mhamha vakazosvika vachibva kuPalace kwavaishanda. “Ko Serina aripi“ vakabvunza amai “Bvunzai iyeyu Sarah ndiye angatoziva“ ndakadaro “Handizivewo“ akapindura Serina akazosvika kwatosviba aine mufaro wakanyanya pachiso chake. “Inguva dzekusvika pamba here idzi“ asked mom “Ndanga ndiri kumba kwana Ruva.Mirai ndikuudzei latest.Prince Nimrod vadzingwa hanzi vabata maid chibharo.Saka Ruva aidanana naNimrod abva atomuramba“ akadaro Serina “Ko zvauri kutaura zvinei nesu.Nyaya yemakuhwa ndizvo zvandisingadi.Zvekunonoka kusvika kumba ngazvipere nhasi“ vakadaro amai Serina akabva atanga kutaura naSarah vanga vari too close.Vaishare room ini ndairara ndega kwete nekuti vaindisema but ndaisatoda kurara navo vaibhowa nyaya dzavo.Makuseni ndakaona Ruva asvika taisawirirana.Ndakaona ane kakundisema kaindiita so chero aisada kuzviratidza.Ndaisada kutombotaura naye.Akatanga kutaura naSerina naSarah. “But Ruva why wakaramba Prince Nimrod wakatadza kumira navo here“ asked Sarah “Kuti ndizorepwa inini ndagara handidi munhu anozviwanza.Plus ndikunzwa sekuti haasi mwana waMambo Dzabu“ said Ruvarangu “You are right hakuna baba vanodzinga mwana wavo sezvakaita kuna Nimrod.Mambokadzi Dzabu vakangwarisa vaya vanenge vakahura chete“ said Serina “Nyaya dzamuri kutaura chenjerai kupinda busy.Musataura zvamusina humbowo nazvo.Learn to mind your own business girls“ i said “But sis...." “Musazvitaurira pano please“ i said Serina naRuva vakasimuka vakaenda ndikasara naSarah.Ndakaenda kurwizi ndikatora tsanga.Ndaigadzira rupasa nemabasket ndichitengesa muKingdom.Ndizvo zvandaiswera ndichiita ava baba vangu vaizikanwa nekurima.MuKingdom medu vanhu vaiziva hapana anorimirana naVaJana.Ndakatora mabasket angu ndikatanga kufamba ndichitengesa ndikasangana nemauto ekuPalace achifamba muroad ndikaziva pane munhu wekuroyal family ari kupfuura.Ndakasuduruka muroad ndikamira.Ndakazoona kangoro kaidhonzwa nemabhiza kamira mukadzika Mambo Dzabu naPrince Ezra.Ndakapfugama ndikatsikitsira iri sign yekuvapa respect. “Who are you?Unogara muKingdom muno“ vakabvunza Mambo Dzabu “Ehe ndiri mwana waVaJana vanorima“ Vakanditarisa zvekuratidza kushamisika.Vaiita as if vatanga kundiona.Ndakazoona later skin colour yangu ndiyo yaiita vanditarise kudaro. “MuKingdom mangu hamuna vanhu vakaita sewe.Hausi wemuno unenge mhandu chete“ Ndakatanga kuchema ndapererwa nezvekutaura.Ndaishaya ndotaura kuti chiii. “Mambo Dzabu hamumuzive here musikana uyu.Ndiye anotengesa mabasket mwana waMai Jana vanobika kupalace“ said Prince Ezra “Iyeyu?“ said Mambo Dzabu “Ko zvaita sei inga munhuwo akaita sesu.Young girl simuka uende hako don't cry“ said Prince Ezra Ndakasimuka ndikatanga kufamba.Handina kwandakambosvika ndakutochema.Simba rekuenderera mberi nekutengesa ndakarishaya.Ndakatora kamwe karoad kudzoka kumba.Ndakasvika kuzvivharira muroom mangu ndikatanga kuchema. “Maitwa sei ndiani akutukai ndinopedzerana naye“ asked Sarah “Life is not fair...Ukatarisa age yangu ndaifana ndanewo mukomana but handina unoziva why.Hapana mukomana anoda munhu skin yakadai.I'm cursed“ “Inyaya yemukomana here sis yamuri kuchemera.You are still young wani“ said Sarah Ndakabva ndaudza Sarah zvaitika akashamisika nazvo.Ndakanzwa knock panze Sarah akanovhura ndikaona apinda naChipo shamwari yake.Chipo anga ane 14 years uyu Sarah anga ane 16 years vaiwirirana zvisingaite. “Ko Chipo maziso ako akaita red asi waichema“ “Pane munhu akauya akataura nababa vangu achiti anoda kundiroora.Apa munhu wacho handimude ini asi baba vakabvuma saka ati akuuya kuroora paweekend.Ndibatsireiwo kani“ akadaro Chipo achichema Chaibhowera mutemo wemuKingdom medu ukabuda mazamu unotonzi wakura zvekuroorwa.Ndakachema ndichinzwa nyaya yaChipo anga achiri mwana mudiki. “Chipo hazviite uroorwe uchiri mwana mudiki.Mutemo uyu unofana kubviswa kubatirira isu vanasikana“ i said “Ndoita sei ndiri kufunga kuzviuraya.Murume wacho muhombe kwandiri“ “Ndiani murume wacho“ i asked “VaGuvhurebete vakuda kundiisa pabarika“ said Chipo “Chembere iya hazviite“ i said Sarah anga agara pasi akabata shaya achisvimha musodzi. “Chipo ko mai vako vati chii“ “Zvataura baba ndizvo zvinoitwa.Vazama kuda kutaura nababa asi zvaramba“ said Chipo “Tokwanisa kuenda kupalace kunotaura naPrince Ezra future King vedu.Vane moyo wakanaka tikavaudza nyaya yedu iyi vanokwanisa kubatsira.Ivo VaGuvhurebete vashaya umwe wekutora here ati kurei“ i said “Papalace panotyisa kusvika“ “Hazvina basa ngatiende“ i said Takabva tabuda kuenda kupalace.Takafamba patakasvika pagate mauto aivapo akaramba kutivhurira gate.We tried kutaura nemauto aiva pagate asi vakaramba kunzwisisa.Lucky pakazoitawo Princess Namatai vakationa.Takapfugama tichivapa respect. “Simukai musandipfugamira.Ko ndanzwa noise pano“ “Vauya kuona Prince Nimrod saka ndavaudza vauye mangwana nekuti Prince vakaneta izvozvi“ “Vakaneta?? Ndizvo zvavakuudza ukwane.Vasikana pindai zvenyu“ said Princess Namatai Takapinda tikagariswa pasi peumwe muti paiva nakafresh air.Princess Namatai vakati vakunoshevedza Prince Ezra.Pasina nguva ndakaona vasvika vese. “Ko kwakanaka here“ asked Ezra “Long story taona imi Future King vedu ndimi mokwanisa kutibatsira“ i said Pandakadaro ndakaona Prince Ezra vakunyemwerera.Maybe vakafarira the way i addressed him.Takabva tataura nyaya yedu yese. “Nyaya yamataura ndainzwa but zvakabva kare zviriko.My mother vakandizvara vaine 14 years handioni chiri wrong“ said Prince Ezra “Bro i think you are wrong apa.Zvinhu zvakufana kuchinja.Pamuchaita mambo you should change zvinhu izvi.Kubatirira vanasikana uku“ said Princess Namatai “Pane zvimwe zvinhu zvisingachinjike Namatai.It's our culture handidi kutsamwisa vadzimu.Musikana purpose yake ndeyekuzvara vana ochengeta ari pamba.Munhu ari kuroora musikana uyu agara anokwanisa kumuchengeta since atori nehupfumi kare“ said Prince Ezra “Kaiva kare ikako kekuti mukadzi ndewe kuzvara nekuchengeta vana.Izvozvi zvachinja that's why makuona vakadzi vakutoitawo mabasa anoitwa nevarume.Kana une kamentality aka pamuchatonga muchauraya Kingdom.Think zvinhu zvinobatsira vanhu.Hakasi kekutanga ndichiona vanhu vachiuya vachichema chema nekuda kwenyaya idzi“ said Princess Namatai “I'm following zvandakadzidziswa naMambo Dzabu.Uri musikana hauzive culture yemuno.Pane zvinhu zvakasikwa zvakadaro zvatisingakwanise kuchinja sevanhu“ said Prince Ezra “Mwari haana kusika kuti mbunyikidzai kodzero dzevanhu.Vanhu ava kuuya kutaura kureva havasi kuzvida but you are failing to help them.You are the heir but nhasi ndatoona mune pfungwa dzakaremara.Iri nyaya yevasikana ndomira navo since ndiriwo musikana.Ndotokwanisa kutonga dunhu rino futi kana ndichida“ said Princess Namatai Vakabva vapihwa mbama naPrince Ezra.Takasimuka tikamira kure.Ivo Princess Namata vakadzoserawo.Prince Ezra vakabudisa sword ndipo pakasvika mauto achibata. “Hakuna future king vakaremara pfungwa.I just hate vanhu vanodzikisira vanhukadzi“ Vakachinjana mashoko takagumisira tabva papalace.Ndakaudza Chipo naSarah vaende.Ndakaenda kugomo ndichinotsvaga huni.Ndakasvibirwa ndiriko pakuenda kumba ndakanzwa voice rechirume paruware.Pandakanzwa kuti ndiPrince Nimrod ndakadonhedza huni.Ndakamhanya zvandisati ndakamboita muhupenyu hwangu.Saka vanga vakagarira kuda kundirepa here.Ndakaudza mai vangu tikadzoka.Pandakazonzwa nyaya yavo ndakanzwa tsitsi.Amai vangu vakabatsira Prince Nimrod.Tichisvika kumba baba vakabva vasvikawo. “Ndanzwa kuti Chipo ari kuroorwa paweekend naVaGuvhurebete“ said Baba “Yohwee tosvika rini vana vedu vachibatirirwa kudai.Vana vedu vakabuda mazamu votonyangirwa.Dai mutemo wachinjwa zvawo uyu“ vakadaro amai vangu. “Ipapo ndinokutsigira mudzimai wangu.Ndosaka ndisingafariri Mambo Dzabu.Haafunge anoda zvinhu zvinake side rake.He pretend kunga anoda vanhu but haadi vanhu.Kubva zvaapinda pachigaro hapana chine musoro chandaona chaati aita“ said dad Baba vangu vanga vakavenga royal family.Ndakaona amai vanditarisa vaida kutaura nyaya yaNimrod.Vakazorovera moyo padombo vachiudza baba vangu. “Dzenyu itsitsi here.Saka moti vanhu vasiri kumubatsira vanopenga.Unoda kuzopepuka abata one mwana wedu chibharo“ said dad “Musataura muchidaro baba vaSabina.Haana kuramba mhosva pandamubvunza ndizvo zvaita ndimubatsire.Munhu anotaura chokwadi haanetsi“ “Hameno wagona wamuendesa kudongo uko handidi kumuona pano.Handidi kuona anyone wepano ikoko“ said baba Takabva tarara makuseni ndakashevedzwa kuPalace naMambo Dzabu. “Kusvika kwako pano vana vangu votanga kunetsana.What kind of person are you“ asked Mambo Dzabu Handina zvandakataura ndakuchema ndakatsikitsira pasi. “Who are you anoda kuchinja mutemo weKingdom.Takazvarwa zvingoriko mwanasikana akangobuda mazamu anenge atosvika age yekuroorwa.Mai vaEzra ndakavaroora vaune 13 years unozviziva here.Hausi wemuKingdom mangu ndosaka wazvipikisa.Vanhu vangu chaivo hapana anopikisa“ vakadaro Mambo Dzabu “Ndiregerereiwo handichazviite futi" i said “Mira kure uko unonditapurira chirwere“ vakadaro Mambo Dzabu Ndakasuduruka ndikamira kure navo.Ndakatozviudza ndichibva apa ndiri kunozviuraya chete. “Handichadi kuona face yako muKingdom mangu.MuKingdom mangu hamuna type yevanhu vakaita semi.Guaaardss!!!!!!“ said Mambo Maguards akabva asvika akawanda akamira pamberi pamambo. “Torai musikana uyu munomukanda kunze kweKingdom“ vakadaro Mambo Dzabu “Musikana uyu haana kwaari kuenda.Mambo Dzabu think like a king not a child.I know you don't like her because of her skin color. But let's remember that everyone is created in God's image.No one chooses their face or skin. We should respect everyone equally.As the queen I'm going against your order to banish this girl“ said Mambokadzi Dzabu “I'm even supporting you mom“ said Princess Namatai “I'm the King here.Anoita agnaist my orders will be punished“ said Mambo Dzabu “Mambo Dzabu calm down.Musikana uyu haana problem hake“ said Prince Ezra Ndivo vakakwanisa kutaura naMambo.Ndakabva ndadzokera kumba.Mazuva akafamba ndisingafambi ndichigara pamba. “Hiiii ndabva kuona Prince Nimrod ndaita kumerera chaiko.Ndoda kuroorwa naye ndomuda“ said Sarah “Ndinokurova ukafa wanzwa here" vakadaro baba Sarah haana kuziva baba vanga varipo.Vakabata Sarah vakamurova kunga vakuponda nyoka yapinda mumba. “Ndikunzwe uchitaura zvisina basa.Be like Sabina mhani“ vakadaro VaJana “Sorry baba handichadaro“ “Ehe mapfekero aya handimade pano.Zvipise zvihembe izvi kana uchida zvekugara pano“ vakadaro VaJana From this day Sarah anga adzikama.Chandakaona paari aipihwa pressure naRuva naSerina.Weekend ichisvika Chipo anga akuda kuroorwa.Ndakanzwa marooro akamiswa naNimrod........😳 *Let's respect each other.We may have different skin colors, abilities or challenges but we are all the same people created in God's image.Some people may be born with physical differences or disabilities but that doesn't define their worth or value.We are all equal and deserving of love, care and respect.Let's also protect and support our young girls especially those who may be vulnerable or marginalized* Watch out for chapter 4
❤️ 🙏 👍 😂 😮 😢 🩵 💙 🇿🇼 🐴 848

Comments