Shona Stories 002🇿🇼

12.2K subscribers

About Shona Stories 002🇿🇼

Novelist Gafa

Similar Channels

Swipe to see more

Posts

Shona Stories 002🇿🇼
6/15/2025, 8:25:28 PM

https://whatsapp.com/channel/0029Vb6MVoAEFeXnQy96bB3b *High School Heartbeat* Season 1 *Pinda umu raiswa rese unoriwana from 1 to 30..Ndaitira vari kunetseka kuwana season 1*

❤️ 👍 🙏 😂 😢 👌 😮 47
Shona Stories 002🇿🇼
6/15/2025, 7:21:46 PM

Isaiwo mareactions muno

❤️ 👍 😂 🙏 😮 😢 🍆 👏 🧎‍♀️ 102
Shona Stories 002🇿🇼
6/16/2025, 8:26:54 PM

More reactions

❤️ 👍 🙏 😂 😮 💯 😢 🆗 🐺 148
Shona Stories 002🇿🇼
6/16/2025, 3:48:03 PM

*HIGH SCHOOL HEARTBEAT* Season 2 https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V *_Written by •𝙆𝙞𝙣𝙜 𝙇𝙚𝙚•_* ~LeeMarzy~ +26377⁸⁶³⁴221 _Edited by Ruruwashe_ *[Season 2]* Chapter 20 *Kalindi* “Kalindi uri kudei pano“ asked Opalia “Iwewe uri kudei pano" i replied “You can't ask me question iyoyo.Ndogara ndakasvika pano ndichiona mwana wangu uyu.Ndiri kutoona kusvika kwako naLyra mune zvamakaita“ said Opalia “Kalindi akaroorwa naJericho kana usingazive.Wona mwana wacho wobva pano“ said Lyra Opalia akarwadziwa nemashoko akataura Lyra.Ndakatoshaya why Lyra anyepa kudai.Opalia akangonditarisa akabva auya pamira pamberi pangu. “Jericho is mine..And Nora is my daughter.Kana uchida kutanga hondo isingafi yakapera ramba uri pano.Ndakukupa week rekusarudza woramba uina Jerry or wobva“ said Opalia Lyra pushed Opalia achimubvisa pamberi pangu. “Hapana zvaunotaura wanzwa hure.Usafunga hatizive wainyepa kuti unodanana naJericho izvo haana zuva 1 raakambosvitsa shoko kwauri.Hausi mai vepamba pano saka gara watonyarara“ said Lyra “Lyra usapindira nyaya dzisinei newe“ said Opalia Opalia anga ane kakutya Lyra kubva kare.Lyra ane big body saka aitya kuti akamudenha anorohwa.Opalia akabva atofamba kupinda mumba.Handina kumumisa ndakangomutarisa.Ndakagara pashop pangu ndikaona Opalia auya pandiri. “Hooo uri musikana webasa pano“ said Opalia achiseka Ndakaona anga akabata mabanana aanga achidya akabva atoenda. “Mhamha Opalia handichavafariri vatuka shamwari yangu“ said Nora akatarisa Lyra “Udza dad vako vazive ndizvo zvinoita mhamha Opalia" “No Nora don't tell him.Chienda mumba unodya wane nzara ka“ i said Nora akabva atoenda nyaya yangu naOpalia yakabva kudhara. “Lyra handidi kupinza Nora naJericho panyaya yangu naOpalia.You know takabva kudhara tisingawirirane hazvina kutanga nhasi“ i said “Ehe uri right ipapo but Opalia akuzvinyanya.Pano pamba paJericho zvagara zvakanaka kumuudza azive kuti Opalia anosvika pano.Type iya inogona kuba ukazopinda busy uriwe“ “Vana vari kuchema vakuramba kunyarara ava" said Nora akamira padoor “Saka zvandataura wazvinzwa“ said Lyra Akabva aenda kune vana vake.Akanditandadza akazoenda kumba kwake.Livia akauya manheru akaudziwa naNora zvekusvika kwaOpalia. “Opalia akarambidzwa kusvika pano nekuda kwehunhu hwake“ said Livia Handina kupindura ndakadya ndikaenda kunorara zvangu.Ndakazoona Nora auya muroom mangu achipinda mumagumbezi. “Asi haudi kurara wega“ “Handidi ndoda kurara newe chindiudza nyaya“ said Nora Ndakabva ndamuudza nyaya kusvika karara.Lyra anga akusiira mai Joto achienda kubasa kwake.Zuva iri Samma naJulia vakauya kuswera neni pashop. “Julia wanga uri right paya pawaita Jace is a dude umm apa he is smart“ i said “Jace??? Ndeupi uyu“ asked Julia “Iyeye Jericho“ i said “Wakazozviona wega ko uyu akafanana naye ndiani“ asked Julia “Mwana wake anonzi Nora“ “Kari cute like her father“ said Julia “Pazvinhu zvose chandafarira kuti Mai Joto and her family vakabvuma vana vaLyra.I hope one day Randon achabvumawo.Lyra is still young i understand she is working hard but vana ava vanoda baba vavo.Dai ari 1 zvainzwisisika manje i 2 vana“ said Samma “Lyra is strong woman i trust her handidi atopihwa help yaRandon.Samma haunganzwisise pain yakasangana naLyra“i said “Lyra's journey as a single mother is truly inspiring.She is a shining example of strength and determination“ said Samma "Ipapo uri kutaura chokwadi Samantha.As a single mom..Lyra has to work hard to provide for her kids needs.But she is still young and I hope one day Randon will face the consequences of his actions“ ndakadaro “Providing for kids as a single parent is no easy feat. It takes courage, patience, and love. Lyra's story is a testament to the power of motherly love“ said Julia “I'm praying for all single mothers worldwide.No woman chooses to be single.Life circumstances often lead them down this path. Some are betrayed others abandoned. But with faith and perseverance, they will overcome" akadaro Samma “Men who ignores their fatherly responsibilities are a disappointment.If you have got issues with your partner don't take it out on your child.Be accountable for your actions.As a father your child's well being should be your top priority“ i said “Chokwadi unotoshaya varume vakasikwa sei Kalindi.Single mothers deserve admiration not judgment.They are doing the work of two parents, sacrificing and loving unconditionally.Let's support and uplift them, rather than criticizing.“ akadaro Samma “The Bible reminds us not to judge others.Instead let's offer love, kindness and understanding.Single mothers are heroes, worthy of respect and appreciation“ ndakadaro “We must have a supportive community that uplifts single mothers and encourages responsible fatherhood. To all single mothers out there know that you are not alone.Your struggles are real but so is your strength“ said Samma To the men who abandon their responsibilities take a step back and reflect.Your actions have consequences affecting not just your partner but your child's well being.Be accountable, be present, and be a positive influence in your child's life.Vakazoenda zvavo kwava kusviba.Mazuva akafamba ndiri pabasa.Jericho ndaitaura naye apo ne apo paphone most of the time anenga ari offline. Ndakazoona pamba pasvika imwe mota yandisina kuziva ndeyani.Ndakaona madzika Jericho uyu Nora achiona baba vake akavamhanyira.Vakamhoresana vakauya kwandiri i greeted him.Apa anga akagerwa cut nyowani yakamufita.Vakapinda mumba ndikasara ndiri pashop.Ndakazovhara shop since kwanga kwasviba.Ndakapinda mumba zuva iri Livia akanonoka kusvika.Semunhu ajaira kubika everyday ndakabika ndikazoona Jace apinda mudinning. “Pari sei pano“ he asked “Pari bhoo apa“ Akabva abuda zvake ndakazopedza kubika.Ndakapakura tikabva tadya takagara mudinning. “I can see ndiwe unenge uchikira Nora ndisipo.Livia mazuvano ari busy nebasa.I heard ndiwe unogeza ma uniforms ake“ said Jace “Zvidiki izvi“ “But hazvifani kudaro handidi kukubatirira“ he said Ndipo pakasvika Livia achiona mukoma vake akafara zvisingaite.Ndakarongedza ndikaenda kunorara ndikavasiya vachitaura.Ndakazoona message yaJace achiti watizei ndakapindura handina kutiza.Akabva ati huya titaura nyaya.Ndakadzoka ndikagara pasofa rangu.Takatanga kuona kamovie Livia anga arimo.Nora anga akarara pamakumbo ababa vake.Ndakazoenda kunorara Nora akanditevera. Makuseni Lyra akauya nevana akavasiya achienda kumapurazi.Pasina time ndakaona Randon asvika.Akabva anditarisa zvekushamisika.Akabva atarisa Jericho. “Randon wagona wauya i thought nezuro wainyepa“ said Jericho “Kalindi ari kudei pano“ “Ndiye anenge ari mushop nekuchengeta pamba ko kwakanaka here“ said Jericho “Pavasikana vese ndiye wamakaona anoita.Ko maane vana hamuchandiudzewo“ asked Randon akanditarisa “Nyaya yevana ivava ndiyo yaita ndikufonere usati wadzokera South Africa.Toda kutanga tagadzirisa issue iyi“ “Nyaya yei“ asked Randon “Tarisa vana wotarisa ndevani" asked Jericho Randon akatarisa vana ndikazoona anditarisa. “Handina kuziva uri cheap Kalindi.After all wakutodanana nebrother yangu kusvika pakuitirana vana“ said Randon “Undikwanire wanzwa Randon.I'm not your friend usiyane neni“ “Handisisina kana basa newe ini.Handina nguva yekunamata munhu.Ndakatoona musikana akanaka kupfuura iwewe wandiri kuda kuroora.Saka Jericho wandidedzera nyaya yevana ava here“ asked Randon “Randon ava vana vako.Wakamitisa Lyra ukaramba i thought pauchatarisa vana uchaona vakafanana newe“ said Jericho “From first day ndakataura handina kubvira ndarara naLyra.Akundida nekuti ndane tumari manje.Nyaya yevana ndoda tienda kumaDNA test“ said Randon “MaDNA Test??? Wakakwana here iwewe.Zvauri kutaura uri kuona zvichimaker sense here.Wamboti hauna kurara naLyra now wakuti woda maDNA kureva wakarara naye.Beside izvozvo apa hapadiwe maDNA vana vakafanana newe ndaiti uchazviona" “Kubva pandangoona Kalindi pano ndatoziva hatichatowirirane pakutaura.Lyra akuda mari yangu chete ndikuzviziva" said Randon akabva atobuda Ndakanzwa mazihasha aifarisa mukomana uyu.Apa airatidza ava netumari twake...... Watch Out For Chapter 21

❤️ 🙏 👍 😂 😢 😮 🔥 🇿🇼 🐴 555
Shona Stories 002🇿🇼
6/14/2025, 9:23:19 AM

https://www.facebook.com/share/1An3u51YUZ/ *Follow our Facebook page*😎🇿🇼

❤️ 👍 🙏 🍆 😂 😮 😢 41
Shona Stories 002🇿🇼
6/16/2025, 6:28:55 PM

*HIGH SCHOOL HEARTBEAT* Season 2 https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V *_Written by •𝙆𝙞𝙣𝙜 𝙇𝙚𝙚•_* ~LeeMarzy~ +26377⁸⁶³⁴221 _Edited by Ruruwashe_ *[Season 2]* Chapter 21 *Randon* After pandakaramba nhumbu yaLyra ndakambonetseka kuwana peace of mind.Zvisinei ndakazozvikanganwa ndikaita move on nelife yangu.Chero about Kalindi ndakabva ndasiyana nazvo.Ndakawanirwa nyaya ndikakwanisa kubudirira pama trials ndakaita ndikaenda kunotambira kuSouth Africa ku academy yePolokwane City FC.Ndakatanga kutamba bhora ronakidza zvekuti ndakadeedzwa kufirst team. Ndakatanga kudanana neumwe musikana anonzi Gyna.Musikana anga akanaka zvake uyu uye aine body imwe yekuti kana uri murume ari normal hautadze kucheuka.Gyna is more beautiful than Lyra and Kalindi combined.Ndakatoona Mwari vaiva nechinangwa chekuti ndisiyane naKalindi vane zvakanaka zvavanga vakandigadzirira.Apa Gyna aigara kuma dale dale aiva mwana wembinga. Pandakasvika pamba paJericho ndakashamisika kuona Kalindi aripo.Ndakatoona vakandinyepera havo asi vanodanana.Kalindi ndaida kumuratidza kuti haasi chinhu kwandiri.Ndaiziva akarova revenge kudanana naJericho.Ndakadzoka pamba pamai vangu. “Amai handichagari ndava kuenda“ i said “Usati waenda ndaida umboona hako vana.Vakafanana newe hapadiwe kana maDNA Test.Accept your mistakes“ said amai “Havasi vana vangu“ i said “Wavaona here“ “Ehe ndavaona but Jericho ngaamire zvekuda kuita kunga baba vangu“ i said “Randon chii chiri kumboitika pauri.Wakanganwa zvakataurwa naProphetess Rosalia Mada here.Kana uchiti vana vako unorevei vakafanana newe.Hauna kuona vana iwe dai wavaona usina kutaura izvi“ Ndanga ndisina kumboona zviso zvavo hangu. “Randon hakuna kwauri kuenda kusvika wabvuma vana ava.Uchazvitsvagira munyama mangwana wozochema dai ndakaterera“ said amai Amai vakatamba kuti ndiende.Handina kuzokwanisa kuenda.Ndakabuda kuenda mutown kunosangana naGyna wangu.Ndakasvika atondimirira ndainatsa kuona apa ndakazviwanira. “My King“ she said achindimbundira “My Queen how are you“ i said “Ndiri bhoo my king“ she replied Ko ana Kalindi vaizvigona here zvema sweet names izvi.Takabva taenda zvedu kunogara kupark. “My King i can see uri low low.What's going on“ Gynah asked “Family Issues“ “Okay babe but usanyanya kufungisisa“ said Gynah “Do you still remember ndichikuudza nyaya ya ex wangu.Akasvibisa zita rangu saka apa akunyepera vanhu kuti vana vangu vaanavo“ “You can go kuma DNA Test..But handisi kuzvinzwisisa can you show mapictures evana vacho“ “Havasi vangu ndataura nyaya yemaDNA Test asi varamba ava kundiita benzi“ i said “Issue iyi inoda kugadzirisa nekuti ukasadaro zvicharamba zvichikudya moyo“ said Gyna “Ndodzokera SA ndagadzirisa nyaya iyi“ Takazosimuka tikatanga kufamba.Ndakaona Gyna andibata. “Ndikuda ma orange ayo ari fresh hiii“ said Gyna Ndakacheuka ndikatarisa pane ma oranges acho ndikazoona ari Lyra aimatengesa.Hana yangu yakarova iye akaramba akanditarisa.Apa anga achinja sei chiona dressing yacho you can see munhu akutambura. “Sister ndikuda ma orange enyu ndamafarira i can see ari fresh“ said Gynah “Muri kuda emarii“ “Babe handei unotenga kwa OK anenge ari fresh kwete aya“ i said “Ndoda aya ini“ Ndakazotenga ma oranges acho.Akaiswa mupaperbag takaenderera mberi nerwendo rwedu.Gyna akazotanga kudya ma oranges ake. “Saka uchandiratidza hanzvadzi yako rini“ she asked “Sekutaura kwandakaita handisi kuwirirana nefamily yangu nekuda kwemusikana uya wandakakuudza" “Okay rega ndiende“ she said Akabva atoenda ndikadzokera kumba.Ndakasvika kwasviba Floria ndiye anga aripo. “Ko moms vaenda kupi“ “Ndasvika vasipo" said Floria “Ko Lyra akugara kupi“ “Enda unomubvunza wega“ kakadaro kaFloria Handina kuda kuramba ndichitaura nako.Ndakabva ndarara makuseni ndakamuka ndichijoga.Ndakabva ndasangana naLyra akabereka mwana umwe wacho akamubata.Ndakabva ndafunga kuona zviso zvevana. “Lyra wait ndokumbirawo kuona vana“ i said “Siyana neni“ “Ndoda kuona kuti vana vangu here“ “Havasi vana vako“ replied Lyra “Be serious mhani ndikuda kuona zviso zvavo vanhu vakuti vakafanana neni“ “I said havasi vana vako leave me alone“ said Lyra “Saka why usingaudze my family kuti havasi vana vangu“ Haana kupindura akaramba achifamba ndikaona asvika pamba paJericho.Ndakaona Jericho naKalindi vakamira vese pawindow.Kalindi achiona Lyra akabva amhanya kubata mwana. “Saka vana vacho ndoziva sei kuti ndevangu iye Lyra achiti haasi vangu“ “Randon stay away from my kids.Ndakuudza ava havasi vana vako“ said Lyra musodzi yava kuyerera akanditarisa “Stay away from my sister wanzwa here iwe“ said Kalindi akanditarisa “Ndaida kungoona zviso zvevana.Kana vari vangu tobva tatangirawo ipapo“ i said “Manje ndati havasi vana vako“ “If you so it's okay usazonditsvaga kana paita dambudziko roda ini“ i said Ndakabva ndatoenda ndikasangana naMiller anga achinja zvisingaite. “Long time“ he said “Tiriko“ “Marova chibaba kubva mati zii“ said Miller “Pressure yemagames ndiyo inenge yakandiwandira“ Ndakabva ndaona Samma achisvika.Akafinyama achinditarisa ndikaona Miller akutoenda kwaari.Ndakabva ndaziva kuti vaviri ava vanodanana.Ndakafonera Gynah auye haana kuita nharo.Akauya zvake apa ngaachene.Ndakabva ndaenda naye kumba kwaJericho ndaida kusvika Lyra ariko but anga asiko.Paingova nevana chete takasvikira pashop paJericho. “Babe unodei umu“ i said “Malays“ said Gynah “Sister tipei malays“ i said Apa anga achiita $1 ndikabudisa $100 ndaida kumusvotesa chete nekutsvaga change.Ndakabva ndatovhura malays acho ndikatanga kudyisa Gynah “Handina change“ said Kalindi “Hezvo ngwarai ngwarai sister endai munotsvaga ndiwo mabatiro amunoita macustomers here“ i said “My King don't say that to her please“ said Gynah “Ndichadzoka ndichitora change“ i said Ndakapinda mumba naGynah tikagara pasofa.Jericho anga akagara zvake naNora vakabata vana. “Gynah munhu wauri kuona uyu is my big brother anonzi Jericho and kamwana ako kanonzi Nora mwana webrother yangu.Uyu anonzi Gynah ndiye musikana wangu“ i said Ndakaona Kalindi apinda akabata $100 iya akaenda pana Jericho.Ndakazoona akupihwa change akabva anditambidza. “Uyu anonzi Kalindi mushandi wamukoma vangu.Kalindi sangana nemusikana wangu uyu anonzi Gynah“ i said Kalindi ignored haana kana kumbocheuka akaramba akaomesa gotsi.Ndakaziva jealous rabata nekuti anga akakundwa kuneka nekure naGynah. Ndakazotarisa chiso chemwana anga akabatwa naNora ndikarohwa nehana.Ndakaona Gynah akatarisawo mwana iyeye. “Mwana uyu akafanana newe Randon aaah“ said Gynah Ndakasimuka ndikaona zvechokwadi vana vese ava vakafanana neni.Ndakapusa panguva iyi.Ndaida kutora akabatwa naNora but kakaramba naye. “Please ndipeiwo ndivabate vana vangu ava“ i said “What!!!“ asked Gynah “Yes babe“ “Pa issue yemwana handina simba rekukupa zvoda mai vacho varipo.Randon i tried kuda kutaura newe ukandiita semunhu asina kukwana“ said Jericho “Bro ndiri munhu wenyama ndokanganisa but vana ava ndevangu ndakutozviona“ i said Ndakazotambidzwa umwe mwana naJericho ndikaona kamwana kangu.Misodzi yakatanga kuyerera mumatama angu..... Watch Out For Chapter 22

❤️ 🙏 👍 😂 😢 😮 🔥 💜 💥 921
Shona Stories 002🇿🇼
6/18/2025, 7:23:30 PM

*HIGH SCHOOL HEARTBEAT* Season 2 https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V *_Written by •𝙆𝙞𝙣𝙜 𝙇𝙚𝙚•_* ~LeeMarzy~ +26377⁸⁶³⁴221 _Edited by Ruruwashe_ *[Season 2]* Chapter 23 *Jericho* Kalindi ndakamufarira pandakaona hunhu hwake.But after ndazoudzwa naRandon kuti vakambodanana ndakabva ndatosvotwa. “Ndini ndakamubvisa humhandara Kalindi uyu" said Randon “Saka ukundiudza waidanana nemasisters ukarara navo“ i asked “Yes ndakadanana navo vese.Munhu wandaida mazuva acho ndiKalindi but ndaisaziva masisters ndaifunga masahwira chete.Pana Kalindi ndini ndakavhura.Uyo Lyra ndakamuona ari gaba ndosaka ndakambotanga kuramba vana“ said Randon Moyo wangu wakarwadza pandakanzwa kuti akambodanana naKalindi kusvika pakurara naye. “Saka Kalindi aizviziva unodanana naLyra here“ “Vese vaizviziva ndopandakazoona kuti mahure ayo.Ndiri kuona muri kusejuswa naye Kalindi ngwarirai“ said Randon “I don't love Kalindi handina kubvira ndamuda.Ndomuona sesister yako but anoita seari innocent wani.Maybe vanga vachiri vadiki pawakaita zvawakaita now vakurawo.So stop saying zviri about them.Be a man Randon.Kalindi is a sister to me chero tisiri that close“ i said “Ndangotaurawo you deserve someone ari loyal to you uye ari innocent.Lyra naKalindi havasi ma innocent avo vanzwa nadzo.Hongu Lyra ane vana vangu but i don't love her.Apa chandikuda kuwirirana naye for the sake of vana.Dai zvaiita ndaitora vana ivavo tovachengeta naGynah wangu“ “Randon unokundwa kufunga naNora mwana mudiki.Enda unoita vana naGyna mochengeta ivavo.Kana usiri serious about vana vako ava siyana nekuda kupa Lyra stress.Randon hauchinje handizive hunhu hwako hwakazombohuwana kupi.Tarisa your friend Miller is a gentleman.Uchida vana 2 respect mai vacho first pasina izvozvo uchaona unogona kuruza vana ava zvehupenyu hwose“ i said “But mukoma are you forcing me kuti ndidanane naLyra here“ “Handina kuti danana naLyra.Ndiri kuti respect Lyra first kana uchida vana vako.Inini ndakasiyana naChanna mwana achigara naye.I respected her nekuti ndimai vemwana wangu but hazvirevi ndomuda.You have to respect mai vevana vako first nekuti ndiye anoswera nevana ivavo.Anoona varara sei vageza here everything.Kuva mai chinhu chisiri easy kungoti varume vanozviona atleast iwewe wakaona how mom struggled kuti muende kuchikoro musashaya chikafu madays afa baba“ i said "Saka are you happy kuona Lyra achitambawo nhamo yakadaro.Do you know anomukira kuenda kumapurazi makuseni achinohodha.Lyra is a gem ndinoti dai Mwari vamurangarira munhu anoda kuzvishandira.And Kalindi waunoti ihure kwandiri handisati ndamboona choratidza kuti ihure ane respect ukamuudza chinhu anoita nemazvo and she is honest.We can't judge vanhu nekuda kwepast yavo.Zvekurara navo wakazviita but they can't define zvavari now“ ndakadaro ndakamutarisa “Ndanzwisisa zvawataura Jericho.I will respect Lyra thanks nekutaura neni" “Zvimwe hazvidi kutaurwa newe shandisawo pfungwa.Ivawo nemoyo ungada kushungurudza nherera iyo.Unoziva Our own sekuru ndivo nyakubata Lyra chibharo haana kusarudza kusava virgin“ i said “Whatt!!!! Our Own Sekuru ndevapi“ “Iye Cephas Machongwe anga ari step father vaLyra" Ndakamuudza everything ndikaona Randon agara pasofa akatsikitsira. “Saka vakasungwa here Sekuru“ “Hapana evidence but nekufamba kwenguva vachaiswa mukati zvavo mhosva hairovi.Dai mai Lyra vasina kufa nyaya yaigona kuita easy“ “Handina kubvira ndaziva ndizvo zvakasangana nazvo.Sekuru Machongwe ndoda kudealer navo iyi nyaya haisi kuzopera yakadaro“ “Nyaya iyi haidi kushandiswa hasha.Nekuti tikadaro topata ngozi.You must protect Lyra nevana.If you don't love her please usatora advantage yesituation yaari“ “Nyaya yekuti ndakamuwana asiri mhandara ndiyo yaindinetsa.Now ndakuziva chokwadi i will support her but issue iripo ndoda kutanga kutaura nemusikana wangu Gynah“ “Nyaya dzaLyra you can't your girlfriend unoona zvichiita here“i said Ndakataura naRandon akanzwisisa hake.Then mangwana ndakamukira kuenda kuchikoro kwana Nora naKalindi.Apa Kalie wacho ngaafitwe nezvaanga akapfeka.Chero ndakambopindwa nekapfungwa kekumuda ndanga ndakabvisa.Takadzika mumota tikaenda kuclass kwaNora.Ndakaona madam vacho vauya kutikwazisa. “This my mom and my dad“ said Nora Ndakapererwa achitaura izvi akuti chii mwana.Kalindi will never be her mother hazviite.Ndichazotaura naye hangu tava tega. “Mr and Mrs Joto ndafara mauya" said madam vacho Takavakwazisa tikaenda ku office kwavo vakabva vatiratidza mabooks aNora. “Nora mwana anogona asi ndakaona ane problem yekuti kulinka nevamwe anozvi isolater.Even akaita problem haataure but hazvifani kudaro mwana anofana kuva open uye owiriranawo nevamwe vana“ said madam “Okay ndichazotaura naye nekuti hazviite kuti azvi isolater anofana kutambawo nevamwe“ said Kalindi “Anogona ane zvinomunetsa semwana.I tried kugara naye pasi anongoti ari bhoo“ "tapanzwa Madam" “Next week Nora ari kumhanya mouya kusapotawo anofara.Anogara akandiudza kuti mai vanomuda.Hanzi vanondibikira vanondigezera hembe everyday vanorara neni vachindiudza nyaya.I love bond yenyu nemwana wenyu“ said madam vakatarisa Kalindi I didn't know Nora anoudza vanhu kuti Kalindi ndimai vake.But ari kumba anomuti ishamwari yake.I smiled zvangu ndakagara pachair.Takanonoka kubva pachikoro.Takazobva masikati tichipinda mutown. “Nora why usina kundiudza kuti next week kune masports“ i asked “Ndakaudza mom vangu“ “Saka ini sei usina kundiudza" i asked “Sorry dad munoswera musipo.Mazuvano hamuchandide munongotamba nana 2 muchindisiya.Kalindi ndiye anondida“ “Ukwane wanzwa“ i said “Baba Nora don't say that to her please" said Kalie “No she is stubborn.Kana achiti handimude anorevei.Anoda kuswerwa naye kuti achiri mwana mudiki.Don't spoil her anofana kuziva haasisiri mwana mudiki“ “She is still young.Anenge achidawo time nababa vake.She loves you.You are the best father ever unowana time nemwana.Nora don't say zviri bad about your father ndizvo ka.Bible rinoti chii“ said Kalie “Remekedza baba namai vako kuti uzowedzerwa makore ekurarama panyika“ said Nora "Good girl“ said Kalie Ndakabva ndamisa mota paChicken Inn.Ndakadzika ndikatenga ndichipinda mumota ndakatambidza Nora naKalie.But Kalindi akaramba ndakashaya ndohunhu hwacho here. “Kalindi why ukuramba“ i asked “Ndakaguta" Ndakatanga kutodya zvangu naNora.Ndakazoona Nora akudyisa Kalindi.To be honest ndakafarira bond ravanga vanaro.Asi ndaisada risanyanye kuva deep.Nora ngaone Kalie sefriend or sister not mai vake.Takazoenda kumba ndikasvika mabuilders atova busy kushanda.Miller anga ari part yevanhu vaivaka durahall.Kalindi pakangoona Miller akatanga kutaura naye.Livia aivapo saka aivabikira achivapa chikafu since anga ari pa off.Ndakazotora Nora ndikaenda naye kubedroom kwangu. “Nora unoziva handidi zvekuti uti mhamha kuna Kalindi.She is not your mother“ "I want her to be my mother.She is like a mother to me dad.I love her“ said Nora “Haasi mai vako and haafi akaita mai vako.Just call her sis chete“ i said “Jericho wakuita kunga Randon manje.Kamweya kekwaJoto kanenge kasvika pauri.Kana Nora achida kuti mom kuna Kalindi musiye aite.Hapana kumbonzi unobva wamanikidzws kuroora Kalie“ said Livia “Ko wakatanga rini kuterera nyaya dzisinei newe" “Ndanga ndiri kupfuura papassage ndikanzwa makakwidzira mwana voice.Siyai Nora aite zvinomuitira" “Why do i feel like ndiwe ukudzidzisa Nora izvi“ “Ehe ndini ndakamuudzira ko Kalindi wacho hamumudi here.I want her to be my makoti.Ndiye Mai Nora“ said Livia Ndakabva ndatoziva Livia ndiye ane chekuita nezviri kuita Nora. “Kalindi akambodanana naRandon uye vakarara vese.Beside zvekurara vese or kudanana handina mafeelings naye.Plus hazvingoite ndidanane nemunhu akambodanana nemupfana wangu ndinenge ndadzikisira grade rangu uye hazvina chimiro chakanaka“ “You love Kalindi ndazviona but fact yekuti akambodanana naRandon ndiyo ikuita musvibe moyo.Zvisinei mati hamumude hapana chakaipa asi isu takutoziva ndiye mai vepano“ said Livia “Ehe she is my mom“ said Nora Vakabva vabuda ndakatozvishayawo.Ndakazobuda kuenda kunosangana naDr Kiddo.Ndakasvika pamba pake mukadzi wake Shylet anga atova nenhumbu.Takatanga kutaura zvedu nyaya ndikashamisika kuona Nora naKalindi vasvika.Ko vanditevera why ndakasvotwa handidi kunyepa.Shylet akabva ambundiran naKalindi ndikazoziva masisters.Vakauya patiri vakakwazisa Dr Kiddo neni wacho.Vakabva vapinda mumba tikasara tagara panze. “Ko kusandiudza kuti ukuda kuita bamunini wangu“ asked Dr Kiddo “Bamunini wako pachii“ “Uri kudya mainini vangu ava“ he asked “No zvauri kufunga hazvisizvo.Zvakutondibhowa i don't love her“ “Matarisiro amaitana apa.Plus combination yaNora naKalindi handina kutanga kuona nhasi.Almost everyday ndinoona mastatus aMainini Kalindi vaina Nora“ “Kuwirirana kwavo hakuna chekuita neni.Ndiri bhachura kusvika Jesu adzoka.Kana ndada zvema party time ndocheka vanondida kunze uko“ i said Dr Kiddo laughed takazochinja nyaya takutaura dzimwe.Dr Kiddo akabva afonerwa kuchipatara.Takabva tabuda tichienda tese.Takasvika ndakaona Gynah achipinda mu office maDr Kiddo.Vakaita nguva akazobuda. “This girl ane nhumbu aida kuibvisa ndamurambira saka apa akuda kupa mukomana wake“ “Asi nhumbu haisi yemukomana wake" i asked “She said ane mukomana waanoda but akarara neumwe mukomana kuparty nhumbu ikabata.Saka ndamuti aende kune chimwe chipatara akati akuda kutopomera her current boyfriend“ said Dr Kiddo “Unoziva anonzi here“ “Kanonzi Gynah ako kanogara kuMorning side“ said Dr Kiddo Ndakatoona ndaifana kuudza Randon nyaya iyi agare aziva.Asi ndakaona type yaRandon ukamuudza aizofunga ndiri kumunyepera kuti asiyane naGynah...... Watch Out For Chapter 25

❤️ 🙏 😂 👍 😢 😮 🇿🇼 🍃 💃 214
Shona Stories 002🇿🇼
6/17/2025, 5:06:21 PM

*HIGH SCHOOL HEARTBEAT* Season 2 https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V *_Written by •𝙆𝙞𝙣𝙜 𝙇𝙚𝙚•_* ~LeeMarzy~ +26377⁸⁶³⁴221 _Edited by Ruruwashe_ *[Season 2]* Chapter 22 *Kalindi* Zvaiitika mumba ndaizviona hangu ndiri panze.Ndaishaya Randon munhu akamboita sei.Kashow off kake apa munhu asina chaanacho inobhowa.Show Off inoda une imba yako or mota yakanaka kwete usina chaunacho.Pandakaona Randon abata mwana ndakapinda. “But you said vana havasi vako why ukuda kuvabata“ i said “Ndakaita big mistake“ Ndakabva ndatora mwana muruoko rwake.Kakabva katanga kuchema iko kaAlisha kacho.I tried kukanyaradza kakaramba.Iye Randon akakatora kakabva kanyarara kakatanga kusekerera. “She loves me you can see reaction yakaita pawamutora“said Randon achinyemwerera Ndaida kutora mwana Jericho akandipa sign yekuti ndisiyane nazvo.Ndakabva ndamira kuseri kwesofa ndikaona Gynah akanditarisa. “Saka Randon wainyepa havasi vana vako why“ “Ndakarara namai vacho ndakadhakwa ndakavaona vasiri mhandara.Akatora advantage yekudhakwa kwangu singe agara aindida.Vana ava vakatovapo ndisina kuzvi planner.Zvisinei vana ava ndakuda kuvapa love sababa.I can't express joy yandinayo pano“ said Randon “Kana uchitaura kudaro wakutaura pachikuru.But before that you must apologise kuna Lyra.Marambiro awakaita nyaya from first day haana kunaka saka gadzirisa mamistakes ako iwayo.And don't take advantage yekuti Lyra is lonely“ said Jericho “Ndichadzoka tichitaura“ said Randon Akabva abuda nemusikana wake.Ndakabva ndatarisa Jericho. “I know you are angry nezvandaita zvekubvumidza Randon kubata mwana.Ndaida abate mwana wake kana ari munhu anofunga achaenda kunogadzirisa mamistakes ake“ said Jericho Handina kupindura zvangu ndakabuda ndikagara zvangu mushop.Ndakaenda paphone ndikaona mamessages from Samma.Ndakatanga kutaura naye zvangu. “Kalie are you angry“ asked Jace akanditarisa “Ayehwa handina but Randon hazvifani kumuitira easy kuwana vana ava“ i said “I understand“ Akabva abuda akapinda mumota make akabva atoenda.Ndakasara naNora nevana ava.Mai Joto vakazosvikawo vachiona vana asi havana kugarisa.Ndakatanga kunzwa nzara ndakapinda mukitchen kunotora chekudya.I was surprised kuona kaAlisha kaiswa make up naNora “Hona ndaisa Alisha make up yaAunt Livia“ said Nora “Nora usadaro mwana mudiki uyu.Enda unotora tauro tikapukute.Next time usaita izvi futi“ i said Ndakapukuta kaAlisha kacho kakabva katanga kuchema.Ndakapinda busy kukanyaradza kakabva katorara.Ndakazodya chikafu changu naNora muplate imwe chete takagara peveranda.Jace akabva asvika akationa. “Imimi mozowirirana“ he said achigara paside pangu “Ehe she is my best friend“ said Nora “Yes ndikuzviona ini handichadiwe“ “Aaah dad“ said Nora “Ehe kuti kunyepa here" “She loves you“ i replied “But akuda iwewe“ “Yes anondida but hapana munhu wanoda sewe“ i said ndakatarisa Jace Ndakapedza kudya ndikasiira Nora ndakazoenda kunogara kushop kwangu.Manheru Lyra akauya achitora vana vake. “Havana kumbonetsa here“ asked Lyra “Alisha ndiye ada kumbonetsa“ Randon akabva atosvikawo waitoona ane happiness pachiso chake.He greeted Lyra asi akaramba akanyarara.Iye Randon paakada kubata mwana akamiswa. “Unoda kudii apa“ “Lyra i'm really sorry for everything.Ndazoona vana ava ndevangu hapana kana mubvunzo“ “Vana havasi vako.Ko vanozoita vako nhasi nekuti zvadii asi hauzive ndiri hure sekutaura kwako“ said Lyra “Lyra i'm sorry kafeeling kekuti vana vangu ndaitova nako.But issue yakaita ndisakutambira ndeyekuti ndaida kuzadzisa dream rangu first“ “Wakasarudza your dream over vana.Saka chiita zvedream iroro“ said Lyra “I was doing this for us Lyra“ said Randon “Us??? Randon vana ava havasi vako.Uye handidi kukuona pedyo nevana vangu.Handina kubvira ndarara newe usiyane nelife yangu“ said Lyra akabva atoenda Randon akabva agara pasofa.Ndakatanga kubika ndichipedza ndakapakura chemunhu wese including Randon.Takabva tatanga kudya pasina aitaura neumwe. “Kalindi i'm sorry for everything.Apa ndoda undibatsirewo kutaura naLyra.Ndikuda andipewo room mulife make rekuti ndikwanise kupawo vana responsibility yababa.I admit zvandakaita pekutanga zvanga zviri wrong ndakuda kuzvigadzirisa“ he said “Handikwanise hangu sorry.And chandoda unzwisise zvichatora time kuti Lyra anzwisise“ i said “You are right Kalie.Kana iwe Randon uri serious nezvauri kutaura be a good man.Wozvininipisawo wosiya zvako zvekuda kuita show off“ “Muri kutaura chokwadi.Pamari yandinayo ndoda kutotengera vana hembe mangwana.Then imwe yacho ndopa Lyra azobatsirikanawo.Ndoda kudzoka SA ndagadzirisa everything“ Takapedza kudya ndikavasiya vachitaura.Livia akabva asvikawo achibva kubasa kwake.Ndakabva ndatoenda kunorara naNora.Ndakazonzwa knock ndikavhura door anga ari Livia. “Ko kukurumidza kurara hanzii nhasi“ asked Livia “Hapana ndakaneta“ “Okay urare bhoo Kalie“ she said Ndakabva ndadzoka kurara ndikaona Nora anga achakamuka. “Mhamha vangu havandide havauye kumbondionawo“ said Nora “Maybe vanenge vari busy vachazouya“ “Havandide ava plus vanotuka dad vangu“ said Nora “Nora chirara mangwana uri kumukira kuchikoro“ She smiled akabva atorara makuseni ezuva iri ndakamukira.Ndakakagadzirira chikafu nekubva ndaenda kuroom kwake ndikatora uniform nebhutsu dzake akapfeka.Ndakazoenda naye pagate pakasvika combi yakuchikoro akabva atokwira.Ndakazoenda pashop pangu ndikavhura.Vanhu vakatanga kuuya vachitenga.Livia haana kuenda kubasa zuva iri.Ndakashamisika kuona Randon ndikaziva akarara pamba haana kwakaenda.Handina kumbobuda mushop mangu. “Wakazoti chii“ Ndakatarisa kwakabva inzwi ndikaona ari Major “Ndokubatsira nei“ i asked “Ndakakuudza ndokuda Kalindi“ “Siyana neni Major“ i said Major ainetsa akazobva pakauya Jace pashop.Akabva anditarisa ndikatarisa pasi. “Kalindi thanks“ said Jace “For what“ “Everything zvauri kuita zvakawanda.Nora uri kumubata bhoo unoziva anenge achingotaura about you“ “She is my friend ndokafarira kanoterera.Ukakaudza chinhu kanonzwisisa“ i said “Anonzwisisa like her dad“ he said achiseka “ehe aaah hameno“ i said ndichisekawo Jace akazobuda ndikaona adzoka nevarume vaviri.Vakataura zvekuvaka durahall.Ndipo pakadzoka Major.Ndipo pakasvika Channa. “Ndikudawo maspuds“ she said “Api acho nekuti aya anoita $1“ “Ndipe iwayo" Ndakatora ndikaisa pacounter munhu akabva atora akutanga kudya “Ko mari yacho“ “Unoda mari yei.Opalia andiudza kuti you want replace me.Ita zvaJericho handina problem but pamwana wangu handidi kukuona.Mwana wangu angori namai vamwe chete anova ini“ said Channa “Ndiri kuda mari yemaspuds amuri kudya“ “Baba vacho vachakupa“ said Channa akabva atoenda kwaiva nana Jericho. Do you know long ago Chipo deleted a stomach and the whole village climbed her and she finished people's husband's“ said Major “Watiii“ “Ndiri kukuudza chokwadi ndiri kushaya Jericho akazowirawo sei.Plus vana vekwaJoto vanongowira ka ava.Randon ndiye wekuwira mutsima raLyra zviye“ “Ukwane iwe benzi ibva pano“ i said Major akazobva ndamutuka.Ndakatevera kwaenda Channa ndikasvika kuona akamira paside paJericho “Amai ava vatora maspuds vakati ndimi muchandipa mari yacho“ “Kalie sorry ndanga ndisina kukuudza.Uyu mupengo usamupa anything handidi kutomuona pano“ “Chechipiri mujekeserei handidanani nemi nekuti auya achiti ndikuda kumu replacer“ i said “Channa siya kunetsa vanhu vasina kubvira vakutadzira.Kalie handidanani naye she is a sister to me.But chero ndikadanana naye hazvina chekuita newe“ said Jericho “Chero mukadanana handina basa nazvo.Chandisingadi kuti ave mai vemwana wangu ini ndiripo“ “Mwana wacho une basa naye here.Kalindi ari kutoita zvawakatadza kuita samai“ said Jericho “I love my daughter.Ndingaita hangu benzi but mwana wangu handitadzi kumuda.Asi handidi kuona Kalindi pedyo nemwana wangu“ said Channa Jericho akandipa $1 rema spuds anga atorwa naChanna ndikadzoka kushop.Masikati combi yana Nora yakasvika kakadzika kachimhanya kuuya kwandiri.Kakadzikisa bag kakabudisa book kachindiratidza.Channa achiona izvi akatsamwa akauya pandiri akatora Nora kuenda naye.Iye Nora akaruma mai vake akadzoka kwandiri. “Channa mwana haadi zvehasha.Dai waiva necare naye asingakurambi.Uyezve Kalindi is not trying to replace you kumwana ukaziva izvozvo unobatsirika“ said Jace Opalia akabva asvika ndikatoona ndiye akushandisa sis vake kuda kundirwisa.Handina kuvapindura vakapedzerana naJace vakadzingwa.Ndakaona tsamba yekuchikoro kwana Nora ichinzi kuri kudiwa vabereki ndakapa Jace. “We can go tese mangwana she will be happy kana iwe ukavapo“ said Jace “No problem“ “Thanks nekunzwisisa“ he said Akabva atoenda paphone pake.Ndakabuda kuenda kushop kwangu.Livia ndiye akabika sezvo aivepo.Mangwana ndakamuka kugeza ndikapfeka rimwe rinonzi boyfriend jean reblue necrop top yewhite.Jace akabuda akarova smart semazuva ose.Takapinda mumota make but ndakagara kuback seat. “Kalindi huya ugare pamberi apa“ “Nekuda kwei“ “Chingouya apa“ he said Ndakabva ndaenda kunogara pamberi kaNora kakagara padivi pangu.Ndakaona Nora was so happy..... Watch Out For Chapter 23

❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 🔥 🇿🇼 💯 692
Shona Stories 002🇿🇼
6/15/2025, 4:04:54 PM

*HIGH SCHOOL HEARTBEAT* Season 2 https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V *_Written by •𝙆𝙞𝙣𝙜 𝙇𝙚𝙚•_* ~LeeMarzy~ +26377⁸⁶³⁴221 _Edited by Ruruwashe_ *[Season 2]* Chapter 19 *Kalindi* “Kushata musoro unenge chingwa chabikitwa muteapot unodei pano“ i said ndakatarisa murume uyu Akaramba akanditarisa ndikaona Lyra abata poto.Murume uyu haana zvakataura akabva afamba kubuda.Ndakatora phone yangu ndikafonera Jericho. Jericho : Are you okay? Uri kufemeruka chii chaitika Me : Murume uya anga adzoka Jericho : Mira ndidzoke Akabva akata ndikatarisa murume uya achibuda pagate ndakaita zvivindi ndikamhanya kumubata.He pushed me away akabva atoenda.Jericho akazosvika murume asisipo.Takaenda kuroom kwaiva naLyra takasvika achichema. “Lyra what's going on tell me“ “Hatisi tese takasikirwa kufara panyika.Dai isiri nyaya yevana ava ndakazviuraya hupenyu hwazondirwadza.Mhosva yangu ndeyei ndakatadzei chisingaripike“ said Lyra achichema “Kalindi tora vana uende navo kumota.Nhasi ndoda Lyra arare kumba kwangu tichironga way forward“ said Jericho Ndakatora vana ndikavaisa mumota.Ndakazoona Jerry akubuda naLyra akapinda mumota.Takaenda kumba kwake tikasvika Mai Joto ,Floria naLivia varipo vakagara pasofa.Floria akabva amhanya kubata Lyra akamugarisa pasofa.Livia akabatawo vana. “Ko chii chaitika“asked Mai Joto “Murume uya anga asvika lucky ndanga ndiripo dai ndisipo chii chaiitika.She is not safe.Pakudiwa justice apa nekuti hungaite hupenyu here kurarama uchitya“ i said “Lyra can you tell us zita remunhu wacho“ asked Jericho “Cephas Machongwe“ “Whatttt!!!!!!!!“ asked Mai Joto vakabata musoro “Mudhara uyo azoguta kunyarwa manje.Mira nhasi ndopedza naye.Saka ndiye akakubata chibharo uchiri mudiki“ “Ehe ndivo asi movaziva kani“ asked Lyra Ndakaona Jericho apinda mune imwe room akabuda akabata simba akaisa mumota.Ndakaona akupinda mumota akabva abatwa naLivia “Zvekuita zvinhu nehasha ndizvo zvatiri kuramba.Mangwana mozodemba mukoma.Chero mukaenda kuna Sekuru Machongwe vachakurambirai nekuti evidence hapana“ said Livia “Sekuru Machongwe??? Asi ihama yenyu kani“ i asked Jericho akabva atarisana naFloria.Hapana akadaira Mai Joto vanga vakuyeredza musodzi vakatarisa Lyra.Ndaitoshaya chii chiri kuitika. “Pindurai zvandabvunza“ i asked “Machongwe iyeye ihanzvadzi yangu“ said Mai Joto Ndakashamisika pandakanzwa izvi.Kana iye Lyra akavhunduka achitarisa Mai Joto. “Saka maiziva everything kuti ndizvo zvinoita hanzvadzi yenyu muchinyarara“ said Lyra Lyra akasimuka atora vana vake akuda kubuda akamiswa naJericho. “Ndokumbirawo unzwe divi ramai vangu before usati wabuda.Kana uchiona vane chekuita nezviri kuitika you can leave hapana anokumisa“ said Jericho “Machongwe akandiparadzanisawo nefamily yangu.Jericho waunoona uyu taisawirirana 6 years dzapfuura idzi nekuda kwehanzvadzi yangu.Ndomuziva munhu anobata bata zvisingaite.Zvisinei ndichamira newe kusvika wawana justice“ said Mai Joto Vakataura everything i could feel her pain.Ndakatarisa Lyra ndichida kuona anzwisisa here. “Sekuru Machongwe tried everything to ruin our family but zvakaramba.Saka Lyra ndoda unzwisise my mom is clean.We will try to do everything kuti iye Machongwe asungwe nemhosva yake.But it's not going to be easy since pasina evidence.But mangwana makuseni ndichaenda newe kumapurisa unotaura nyaya yako.I know vachazviramba nekuti zvakaitika kare but zviri nani vatadze kuzvitenda tataura then tozotangirawo ipapo“ said Jericho This guy ari so supportive handizive dai asipo Lyra aiita sei.Ndakaona Lyra asimuka akapfugama pamberi paJerry “Ndinoshaya ndokutenda nei.Mune moyo wakanaka nekuti chandoda kuwana justice orega kundinetsa ndoenderera mberi nelife yangu.Vana ava havana baba ndini baba vavo uye ndiri mai vavo saka ndoda kushanda nesimba“ Jerry akasimudza Lyra pasi akamugarisa pasofa. “Lyra i want you to rest.I can see kuti wakaneta.Kalindi you can share naLyra since uri sister yake kana pane chanetsa tell masisters angu Livia or Floria varipo they can assist you“ said Jericho “Maita basa" Ndakatora Lyra tikaenda muroom mangu ndakamufukidza gumbeze.Ndakazotora ana 2 ndikavaisa paside.Ndakaona hazviite ndirare pabed ndaigona kuzotsimbira vana.Ndakarara zvangu pasofa ndakazoona ndafukidzwa gumbezi ndikaona ari Lyra anga amuka. “Ko wamuka nguvai“ i asked “Ndikushaya hope huya pabed vana vorara pakati“ Ndakakwira pabed ndikatanga kumuudza nyaya. “I didn't know Jericho ane moyo wakanaka.Family yake iri bhoo then why Randon ari different“ asked Lyra “Musha wega wega haushaye benzi“ “Ko iwewe naJericho mukudii ndaona kakutarisana kamanga muchiita“ asked Lyra “Wazviona nguvai iwe waichema“ “Asi ndaichema ndakavhara maziso here“ she asked “Watanga chirara“ Takabva tarara zvedu makuseni ndakazomukira kuenda pashop pangu.Jericho akabuda naLyra vakaenda kumapurisa vakaita time vasati vadzoka.Vakazodzoka Lyra akauya pandiri. “Hanzi chii zvafamba zvakanaka“ “Havana kuzvitora serious vati wakadii kuuya kutaura pazvakaitika vakufungira ndonyepa.So Jericho ati ane shamwari yangu inogona kundibatsira panyaya iyi“ said Lyra “Jericho uyu akutibatsira dai Mwari vamurangarira vamupe a good wife“ “Akuudza ndoda mukadzi ndiani“ asked Jericho akanditarisa “Aaah sorry boss ndikungotaurawo nekuti mukubatsira sister yangu“ “Ndiri kuita duty rangu sebrother.Don't pray kuti ndiwane mukadzi handidi mukadzi.Kana uchindinamatira ndinamatire ndiwane mari yakawanda chete“ “But you deserve a good wife mune moyo wakanaka“ said Lyra “Saka munhu ane moyo wakanaka anofana kuita mukadzi here.Nyaya dzerudo idzi dzonetsa.Sekutaura kwandaita handisi kuda mukadzi.Kwandiri chakandikoshera ifamily nemari“ he said akabva atoenda Ndakasara ndakamira naLyra.Lyra akazoenda kune vana vanga vakuchema.I was busy ndiri pashop ndikaona Nora asvika achidya apple. “Kalindi ruma“ said Nora “Handiride ini“ i replied “Ronaka iri“ Ndakabva ndaruma kakabva kagara pamakumbo angu. “Ko wabudirei mumba enda unotamba nevana“ i said “Vakuchema ava plus ndoda kutamba newe hanty uri shamwari yangu“ said Nora Pakauya macustomer ndikatanga kuva sevha.Jericho naMai Joto vakazobuda but Jerry ndiye akadzoka manheru “Lyra don't from today hapana munhu achakunetsa futi.Uye ndoda ugare pano“ said Jerry “Hazviite ndigare pano“. “Okay ndoda kutaura nevanhu vepamba paunogara mangwana“ said Jerry Takabva tarara zvedu makuseni Lyra naJericho vakabva vabuda vose.Vakanoona vanhu vepamba panogara Lyra hameno vakataura navo kuti chii asi chandakaziva isafety yaLyra yaiitirwa.Jericho akazodzoka akabva atoenda kubasa kwake.Lyra akazouya achindiona achifara. “Dai Jericho asipo handizive ndaiita sei.I'm now feeling comfortable pane vanhu vanondisapotawo.Kalindi hauna kubvira wabva divi rangu“ she said I hugged her ndipo pakasvika Nora.Kakamira paside kakamhoresa Lyra.Pasina nguva Opalia akasvika akashamisika achindiona.Ndakaona akabata yoghurt yaida kutambidza Nora iko kakaramba kakauya kumira pandiri.Opalia akabva anditarisa neziso rine hukasha..... Watch Out For Chapter 20

❤️ 🙏 👍 😂 😮 😢 🔥 💯 🇿🇼 918
Shona Stories 002🇿🇼
6/13/2025, 1:20:45 PM

*HIGH SCHOOL HEARTBEAT* Season 2 https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V *_Written by •𝙆𝙞𝙣𝙜 𝙇𝙚𝙚•_* ~LeeMarzy~ +26377⁸⁶³⁴221 _Edited by Ruruwashe_ *[Season 2]* Chapter 18 *Kalindi* Pandakaona Livia naNora vasvika ndakarohwa nehana.Saka ndiyo hanzvadzi yandaudzwa naJace meaning ndiJericho here.Ndakanetseka mupfungwa dzangu.Sevanhu vaizivana takabva takwazisana zvedu. “Kalindi ndiwe unoziva mukoma vangu pavati vaona musikana wemushop ndaitoti hameno atsvagwa“ she said Takapinda mumba macho tikagara pasofa.Apa maiva smart sei. “I hope waratidzwa room rauchashandisa.Pano tichagara tiri vatatu mukoma vanenge vari kubasa nguva dzose.Inini ndinenge ndakuswerawo kubasa uyu Nora anenge ari kuchikoro but chandokumbira kuti unomubikirawo asvike paine chikafu.Chandafarira uri munhu wekuziva i trust you" said Livia “No problem ndoita sekutaura kwenyu“ Takazodya zvedu tikatanga kutaura nyaya since tanga tagara tichiwirirana.Makuseni ndakamukira kuenda mushop.Ndakaona Livia aiva busy kugeza.Nora anga atomuka ndikamuti ageze.Ndakakarongedzera lunch kachipedza ndikakapa chikafu kakadya. “Thanks Kalindi but handidi kukuwanzira basa uyu Nora unosiya ndomuitira“ said Livia “I can help you handina problem plus ndagara ndichaitawo mwana wangu saka ndofana kujaira“ i said Combi yakauya ikatora Nora akaenda kuchikoro uyu Livia akabudawo.Ndakasara ndega mushop.Mazuva akafamba ndikatanga kuwirirana naNora kaiva kari sweet.Lyra akazouya kundiona zvake.Ndaipota ndichienda kumba kwake dzimwe nguva.Rimwe zuva ndakaenda kumba ndikasvika kuona achidikitira.Akandiudza zvastep father vake.Ndakatanga kumutyira ndikamuti tiende kumapurisa akaramba.Kutaura chokwadi ndanga ndisisina kugadzikana.Ndakarara muroom make ndikarara.Makuseni ndakatora vana 2 ndikaenda navo since yaiva weekend.Ndakasvika ndikavaisa pasofa. “Aaah mandiunzira vana“ said Nora achibata Alister “Unozotamba navo kana vamuka“ “Uyu akamuka“ said Nora Ndakatarisa ndikaona kaAlisha kanga kakavhura maziso.Umwe wacho ndiye anga akarara ndakamuendesa kuroom kwangu.Nora akatanga kutamba naAlisha. “Ndoda tigare nevana ava ndovada“ said Nora “Don't worry ndichapota ndichiuya navo uchitamba navo“ i said “Saka anonzi uyu“ “Alisha“ “Honai kari kusekerera“ said Nora Ndakazobika ndikapa Nora chikafu ndikaenda kushop kwandakagara.Ndakazodzoka ndichitora mwana anga amuka.Masikati ndakaona Lyra asvika ari low low.Akagara pachair yaiva panze pashop.Ndakaenda kunomutorera mvura ndikamupa mwana.Akazotanga kuyamwisa vana. “Zvinhu zvangu zvose zvatorwa nekanzuru“ “Dai usina kuenda kubasa hausi okay.Pfungwa dzako hadzisi panzvimbo kubva zvawaona stepfather vako ava“ i said “Kalindi hapana zvandokwanisa kuita.Hatisi tese takasikirwa kufara panyika.Chandava kuda kuzvishingisa ndigone kuchengeta vana vangu ava.Dai pasina vana kutaura chokwadi ndakazviuraya kare nekuti pain yandinayo inonetsa kutsanangura“ said Lyra “Lyra don’t say that.Everything will be okay.Apa ndoda usiye zvemusika woshanda hako pano ini ndosiya hangu basa i will talk naJace anonzwisisa“ i said “No handisiye zvemusika nekuti ndatorerwa zvinhu nekanzuru.Ndicharamba ndichitengesa kusvika zvaita.Iwewe ramba uchishanda handidi mafavours from anyone sorry“ said Lyra “But handidi u....“ “Kalindi if you love me usandipikisa support me pazvinhu zvandoda.Zuva rauchaita mai you will understand zvandiri kutaura.Ukajaira kuda kurarama nemafavours paunozomashaya unorarama sei“ “Wava nematurity Lyra iiiih“ i said “Saka apa ndakumboenda kumapurazi ndoda kurara ndahodha zvinhu zvangu ndichanonoka kudzoka.Usare nevana ava“ said Lyra Ndakapinda mumba ndikamuisira chikafu akadya zvake akabva atoenda.Ana 2 vanga vakamuka zvavo ndipo pakapinda Jeep ndikaona Jace adzika. “Dad“ said Nora achivamhanyira “My baby“ Jace wacho akasimudza mwana wake.Hana yangu yakatanga kurova ko akaona vana ava achaita sei.Jace wacho akabva apinda akabva atarisa pasofa panga pane vana.Ndakaona anditarisa achidzikisa Nora pasi akafa achienda pedyo nevana “Munofara here boss so...r..r.yy. va.. .n..a.. ava ...ndaka...“ ndanga ndakukama ndakutya kungonzi basa rapera unouya nevana pamba pangu sei “Kalie taura zvakanaka usanditya.I told you treat me as your brother.Ndichikuona ndoona hanzvadzi pauri“ he said “Sorry“ “Yei ko vana ava ndevako? But why vakafanana naRandon kudai" he asked achivasimudza vese Twakabva twatanga kusekerera twuchibata Jace kumeso panguva iyi ndanga ndapusa.Saka iye Jace aisaziva kuti vana vaRandon here “Vana vesister yangu saka aenda kumapurazi kunohodha asiira ini.Sorry handichauye navo panp futi“ “Kalie ndambokuti usatya handina problem nazvo.As long uchiita basa nemazvo.Hauna kupindura ndati why vana ava vakafanana naRandon.And who is your sister“ asked Jace akanditarisa Ndakabva ndafunga mashoko aLyra achiti ndisaudza anyone kuti vana vaRandon.Aisatoda zvizikanwe nekuti Randon pachake akavaramba. “Long story mubvunzo uyu unoda mai vacho varipo“ “Zvisinei pane nyaya yakaitika kufamily kwedu handina kuisa musoro i hope zvandiri kufungira hazvisizvo“ “Handizozive“ i said “Who is your sister“ he asked “Lyra“ “What!!!!! Saka ava vana vaRandon nekuti Floria naLivia vakandiudza Randon akaramba nhumbu but handina kubvira ndazviisa mumusoro“ he said “Are you Jericho“ “Yes ifirst name rangu why asking“ he asked akanditarisa “Hapana hangu“ Regai Julia ati he is a hot dude ndakatozvionera ndega.Apa anga ari cool aisava nedzungu.Hameno akafonera ani pasina 30 mins ndakaona Mai Joto naFloria vatosvika.Ndakavakwazisa vese vakabva vatarisa vana.Ndakaona Mai Joto vakuchema vakabata Alister. “Vana vedu ava.Vazukuru vangu hapana kana mubvunzo asi Randon chiiko“ said Mai Joto Ndakaona macustomers akudaidzira ndakamhanya pashop.I was surprised kuona ari Major. “Mune Everest here“ “Ehe ndinayo" i said “Hezvo ndiKalindi nyika idiki tasangana waifarisa uri kuchikoro“ he said “Asi Major ndakambokutadzira chiiko“ “Uchazoziva later but Kalindi ndinokuda apa wawedzera kunaka“ he said “Siyana neni“ “Ndiri kumhanyira kubasa kwangu i will be back“ he said Ndakadzoka mumba ndikaona Mai Joto vakatarisa matwins aya. “Kalindi where is your sister“ “Hezvo ndiye Kalindi wacho" asked Jericho achinditarisa “Iyazve saka hauzive anonzi ani here“ “Akati anonzi Kalie handina kuziva full name" he said It's like pane paakambonzwa zita rake.Ndakangoti pamwe akaudzwa naRandon kuti akambodanana neni hameno. “Kalindi saka mai vevana varipi“ asked Mai Joto “Hanzi vaenda kumapurazi kunohodha.Ndakuona this girl is suffering.Mom we failed kutarisisa zvenyaya iyi.Inini handina kubvira ndazviisa mumusoro iye Randon ndakamufonera akati haazivane nemusikana saka ndakangoti zvevasikana vemazuvano“ said Jerry “Even me as a mother i failed.Baba Livia ndivo vakasvika kuporonga nyaya yose.Saka Mai 2 vanodzoka nguvai“ said Mai Joto “Handizive“ Kutaura chokwadi izvi zvakaita ndivenge Randon zvakanyanya.Saka akanyepera brother yake.Mai Joto naJericho vairatidza vanhu vari bhoo.Even pakataurwa nyaya yenhumbu vakazama kuda kutora side raLyra but Baba Livia vakaporonga zvese. “Saka Randon akamboonawo vana ava here“ asked Jerry “Haana anoda kuvaonerei iye akati haana kumborara naLyra“ i replied “Randon ari kuSouth Africa izvozvi anouya next month.Mira nditore vana ava mapictures ndimuratidze“ said Jerry “No handidi vatorwe mapictures.Tambai navo zvemapictures motaura namai vacho nekuti mukazviita vasipo zvokanganisa relationship yangu naLyra“ i said “I understand zvangu“ he said achigara pasofa Ndakazoenda kunogara kushop.Kwakavira ndikaona vana vatogezeswa nekuchinjwa naMai Joto.Lyra akazouya manheru apa anga akasviba sei.Paakaona vana vake vakabatwa naMai Joto akatsamwa. “Leave my kids alone“ she said achivatora “Lyra“ said Floria “Floria mashoko ako ekuti ndiri hure handimakanganwe.Mai Joto mukudei pavana vangu“said Lyra “Lyra gara pasi titaure" said Jerry “Handina zvandotaura nemi siyanai nelife yangu moda kundiuraya here.Kalindi ndizvo zvandasiira vana here izvi" she asked akanditarisa Ndakatarisa ndakutochema akabva atobuda apa kwanga kwasviba sei.Apa ndaiva pashop kuti ndiende naye zvaisaita. “Kalindi please taura naye" said Jerry “Ndiri pabasa“ “You can close shop timboita zvenyaya iyi.I understand anger yemusikana uyu.Zveshuwa pakabhaizika apa“ said Jerry Ndakatevera Lyra ndikaona atakura saga apa vana akavabereka pamberi nekumusana. “Lyra mira“ Ndakatora saga ndikaisa pasi apa rairema sei. “Unodei saka pese pandokuisira vana ndizvo zvaunoita“ asked Lyra “Hapana zvandaita vangouya vega.Uye handina kumbotaura vana vaRandon vangozvitaura vega vachiti vakafanana.Jericho naMai Joto handioni sevane problem hangu.Munhu akakutadzira is Randon.Uye vanhu ava havana kumboti vanoda kukutorera mwana vaida kungotaura newe“ i said “Handina nyaya navo ngavasiyane nelife yangu.Vakundida nhasi nekuti vana vari kukura.Pese apa vakadii kunditsvaga vaone ndiri sei.Saka unoreva dai vasina kuona vana vasina kumbonditsvaga.Kalindi pain yandinayo ndaiti unoinzwisisa but nhasi ndipo hapana chaunonzwisisa.Kazhinji usati wawirwa nedambudziko racho haungazvinzwisise“ “Lyra saka ukuti handikunzwisise here.Da waiziva hapana munhu wandonzwisisa sewe.Since wasangana nastep father pfungwa dzako hadzisisiri panzvimbo.Ukuda help yakasimba and vanhu vakaita sana Jerry can help you pa issue iyi.Hausisiri safe Lyra“ “Chero zvavaita neni Stepfather vacho i don't care nekuti vamwe takasikirwa kutambura asi chandisingadi vana vangu vakure life yandakakura“ said Lyra Ndakatakura saga rake tikaenda kumba kwake.Ndakasvika kubika iye akanogeza.Ndakazopedza kubika ndikaoneka kudzoka kumba.Ndakasvika Mai Joto naJerry vakagara pasofa. “Wataura naye here“ “She is angry.Haana kutsamwira imi but imwe nyaya iri kumudya moyo.Mukoma Jerry you are the only who can help her" i said misodzi yajenga “Inyaya yei tell me“ “Promise me mese hamuzotaure kuna anyone nyaya iyi“ i said “Tava vanhu vakuru Floria chimbobuda now“ said Jerry “Ngaagare ndoda anzwe she judged my friend ndoda azive chokwadi“ i said Ndakataura nyaya yekubatwa chibharo yaLyra kumashure nekuzodzoka kwaStep mother.Ndakaona Mai Joto vavhura ziso zvekushamisika.Floria akatanga kuchema. “Saka Step father vanonzi ani“ i asked “Handivazive zita ravo ini“ “Lyra anofana kugara pano.Ndomutsvagira basa iri nani pano anenge ari safe.Step Father ava yava high time yekuti vasungwe“ “Lyra haafi akabvuma kugara pano.Chero mukamutsvagira basa anoramba.I know her apa chandikuda kuti muita step father ava vasungwe chete mukadaro atleast hapana anozomunetsawo“ i said “Saka apa zviri nani nhasi unorara naLyra wacho.Then mangwana i will find way yekuti nditaure naLyra.Ndine friend yangu Private Investigator ndichamufonera mangwana toona todii“ said Jerry Ndakaona Jerry ane moyo wakanaka.Saka Randon akatodza ani moyo wake.Takabuda ndikaona Jerry andivhurira door remota yake ndikagara pamberi akavhara.Akabva apinda akatanga kudriver tichienda kumba kwaLyra.Takasvika akandisiya pagate haana kupinda.Ndakabva ndatopinda ndatopinda ndikaona Lyra akatogara zvake.Pasina time takanzwa knock ndikavhura ndikaona paine murume.Ndakashaya anodei iye Lyra pakaona murume uyu akatanga kutya.Ndakabva ndabatanidza zvese. “Kushata musoro unenge chingwa chabikirwa muTeapot unodei pano“ i said *I'm not feeling well guys.This chapter ndakainyora manheru.So book richazouya ndava bhoo zvikuita ma On and Off* Watch Out For Chapter 19

❤️ 🙏 👍 😂 😢 😮 🔥 🇿🇼 👏 684
Link copied to clipboard!