Shona Stories 002🇿🇼
January 29, 2025 at 02:47 PM
🌹 *THE PALACE HEIR* 🌹
https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V
*_Written by •𝙆𝙞𝙣𝙜 𝙇𝙚𝙚•_*
~LeeMarzy~
+26377⁸⁶³⁴221
*Chapter 4*
•In Dzabu Kingdom•
*Nimrod*
Kuuya kwaMai Guvhurebete pamba pangu kwakandibhowa.Ndakavadzinga ndaisada vanhu vavaone vachibva pamba pangu yaizoita nyaya hombe chaiyo.Ndakagara pamusiwo wepamba pangu ndakabata shaya.Ndakasimuka ndikatora nyama yangu ndikatanga kudya.Ndakaona zviredzo zvaiva kuseri kwemba.Ndakazvitora ndikazvigadzirisa ndikafunga kuenda kurwizi.Hapana chinhu chandaifarira sefish.Ndakaona Kelton asvika pamba pangu.
“Ko waziva sei kuti ndakugara pano“
“Ndaudzwa naSarah but situation yamuri Prince inorwadza.You can tell me zvamunoda ndoita“ said Kelton
“Kelton usanditi Prince ndichikuona ndoona brother pauri.Ndiri munhu akangofanana newe.Apa ndafunga kuenda kunoredza hove zvawatouya wagona wondiudza modziredza kupi kwadzobatika“ ndakabvunza
“Zvakanaka Prince"
“Ndizvo zvandiri kuramba izvozvo“ i said
“Ndichajaira ngatiende“
Takafamba kuenda kurwizi tichitaura nyaya.Takasvika kurwizi kwacho tikatanga kuredza hove.Takabata hove dzakawandisa tikashare.Takadzokera kumba tiri muroad ndakaona umwe musikana aibva musango aine mauswa kugotsi.Kumashure kwake kwaiva naVaMukamba vanova mukuru wemauto muKingdom medu.Ndakaona kunyara pachiso chemusikana uyu akabva atoenda.Face yake yaisava nyowani kwandiri ndaishaya ndakambomuona kupi.
“VaMukamba ndichitarisa zera remwana uyu i age yemwana wenyu.Muri kumbunyikadza vana vadiki kuti zviite sei“ i asked
“Atleast handina kubata chibharo sezvaunoita.Musikana uyu ndoda kutomutoora ave mukadzi wangu wechipiri“ vakadaro VaMukamba vakabata sword ravo
Vakabva vatofamba kuenda kwavanga vasiya maguards avo.Takasvika kumba kwangu ndikagara pasi.
“Handina kufarira zvandaona chembere yorara nekamwana ako musango.Kelton inini ndairara nevasikana hangu but handina kubvira ndarara nemwana mudiki“
“Prince...Ooh sorry Nimrod zvinhu izvi zvakabva kare zvichiitika .Mauto ekupalace vanoita zvavanoda muKingdom muno.Vanorara nevanasikana zvekuita hapana nekuti mauto anenge achishandisa advantage yekuti vari too close naMambo Dzabu naVaMukamba“ said Kelton
Ndakarwadziwa Kelton akabva atoenda ndikasara ndakagara.Ndakaona vamwe gogo vainetseka kufamba.Vanga vakaremara gumbo ravo.Vaifamba nekamuti kavanga vanako.Ndakaenda kuroad kwavari ndikashamisika kuona vaitobva kumvura vanga vane mugomo.Moyo wangu wakaenda kure chaiko.
“Makasimba here mbuya“ i asked
“Ndakasimba mwanangu“
Ndakatora mugomo wavo ndikaubata.Vakashamisika vachinditarisa vaishaya ndikuda kudii.
“Don't worry ndiri kuda kukubatsirai chete.Ndiudzei kwamunogara“
“Vari kumhepo vakutangamirire une moyo wakanaka“ vakadaro
Takaenda pamba pavo yaiva kitchen yeuswa yavaigara.Ndakaisa mugomo padoor.Ndakabva ndatoenda kumba ndikatora nyama nehove dzandanga ndabata ndikaenda kunovapa.
“Mobatsirika handidi kukuonai muchienda kumvura.Ndichapota ndichiuya ndichikuchererai“ ndakadaro
Ndakaona vakuyeredza musodzi vakanditarisa.
“Mwana wamambo Dzabu ndiwe mambo wamangwana.Ndiri kuona ramangwana rakanaka mudunhu redu.Urambe une moyo wako wakadai“ vakadaro
Ndakashaya vakaziva sei kuti ndiri mwana waMambo Dzabu.Ko zvekuti mambo wamangwana vazviona kupi.
“Ko maziva sei kuti ndiri mwana waMambo Dzabu“
“Ndakura zvangu asi ndatoona ropa rako ndere kumuzinda“ she said
“Ko zvekuti mambo wamangwana.Prince Ezra ndivo mambo vamangwana“ i said
“Vadzimu vakasarudza kare achava mambo wedunhu rino muzukuru.Inguva chete isati yakwana asi chandoda kukuudza ndechekuti Mambo Dzabu mazuva avo apetwa“
“Munooneswa here handisi kunzwisisa“ ndakadaro
Vakabva vatanga kunyemwerera.Ndakatoshaya gogo ava vaizama kumboti chii.Kana vachiti mazuva aMambo Dzabu apetwa vanozama kutii.
“Kana muchiti mazuva aMambo Dzabu apetwa muri kuzama kuti chii“
“Uri mwana mudiki handina zvandinokuudza asi uchanzwisisa mashoko angu nekufamba kwenguva“ she said
Ndakabva ndatoenda kumba kwangu.Ndakazozvituka ndasvika kumba kuti ndatadza kubvunza zita ravo sei.Weekend ichipera ndakaenda kumunda.
"Vhiki rino uchashanda kunorima side iro rese kusvika mwedzi wapera“ said VaGuvhurebete
Ndakatarisa kwavaiti ndinotimba kwacho ngakukure apa kwairatidza kuti kwakaoma.
“Inga wani uko torima nemombe“
“Mambo Dzabu vati iwewe unotimbe ipapo.Verenga order iyi“ he said
Ndakatora badza ndikaenda kunotimba apa panga pakaoma sei.Ndakarwadziwa zvisingaite ndakabvisa hembe kumusoro.Ndakatanga kushanda apa kwaipisa sei.Vanhu vainditarisa vamwe vaiseka vamwe ndivo vaitaura zvavanoda.Semunhu anga atakura chikafu palunch ndakadya chikafu.Ndichipedza ndikadzoka pabasa.Ndakaita 4 days ndichishanda zvakasimba nyama dzakatanga dzicharwadza dzikagumisira dzajaira.Manheru ndakaona Kelton asvika pamba asina mufaro.
“Ko chiii nhai sahwira“
“Hupenyu hwemuKingdom muno hunorwadza.Hanzvadzi yangu achiri mwana mudiki izvozvi akuroorwa neharahwa ine 65 years iye ane 14 years“ said Kelton
“Uri kuzama kuti chii.Ndiani iyeye ane 65years taura nyaya yako yese“ i asked
“Mr Guvhurebete vakauya vakataura nababa vangu vachiti vanoda kuroora Chipo.Vanoda kumuisa pabarika ava baba vangu nekuda pfuma vakabvuma saka ari kuroorwa paweekend.Ndakazama kutaura navo zvikanzi hauna right pana Chipo nekuti haasi mwana wako“ said Kelton
“Hazvisi right izvozvo.As long ndiri mupenyu i will stop zvisina basa izvi.Kubatirira kodzero dzevanasikana.Chipo achiri mwana mudiki chaizvo“ i said
“Zvakabva kare zvichiitika izvi.Mavhiki apera ayo Sophia ane 13 years akaroorwa naGonda wani“
“You mean VaGonda gurukota ramambo Dzabu here“ i asked
“Ehe ivavo mambo havana kuita problem nazvo“
“Ko issue yaChipo mazama kumbotaura naPrince Ezra or Mambokadzi here“ ndakabvunza
“Chipo andiudza kuti audza Sabina.Saka iye Sabina azviramba akaenda kupalace kunova kwatangira nyaya yese.Sabina audza Prince Ezra but havana action yavaita vatoti hapana chakaipa.Princess Namatai ndivo vamira mira.Sabina abva abatwa namambo anga akudzingwa muKingdom muno asi Mambokadzi vazviramba“ said Kelton
“Rino harisi Dunhu raMambo Dzabu or Prince Ezra nderedu vanhu vagari vemo.Vanhu ngavabatane vataure kuti izvi hatizvide.Ndazotarisisa ivo vanhu vari pedyo naMambo Dzabu ndivo vari kuita zvekutora vana vadiki.Ndoziva vanhu havandide havo asi ndicharwira kodzero dzevanasikana vechidiki ava“ ndakadaro
“Ko munozvimisa sei“
“Ndichaona ndoita sei.Usatya Chipo haaroorwi without her permission“ ndakadaro
“Ndava kutovimba nemi.Sabina tried kuisa effort yake zvikaramba.Ndotemba effort yenyu inobudirira“ said Kelton
Akabva atobuda hake ndikadya nekubva ndarara.Ndakamukira kuenda kumunda.Ndaishanda kwete zvekutamba vanhu vakashamisika nemashandiro angu.Ndanga ndatozvigadzirira mahewu angu.Weekend ichisvika ndanga ndakagara pamba pangu.Ndakaona vanhu vakazara kumba kwana Kelton.Ndakasimuka ndikaendako vanhu vachindiona vanoshamisika.Ndakapinda mumba ndikabata ruoko rwaChipo ndikabuda naye panze.
“Iwe siya mwana wangu izvozvi.Wanzi usvike pano nani“ vakadaro Baba vaChipo
“Ndauya kumisa mashura amuri kuita pano.Mwana uyu ane 14 years moda kumuroodza kuchembere nekuda pfuma.Paishanda vamwe varume maiva kupi.Hamunyare sei kuda kupfuma nemisodzi yemwana“ ndakadaro
“Nimrod usapindira nyaya dzisinei newe.Ndinokukanganwa izvozvo ndokuisa demo“ vakadaro vaGuvhurebete vachienda kune huni kunotora demo
Handina kutiza ndakaramba ndakamira vakauya pandiri nedemo.Vakabatwa nevanhu vaiva pedyo.
“Muri kuona hunhu hwemunhu wamuri kuda aroore mwana wenyu.Munofunga anogara zvakanaka ikoko.Beside izvozvo Chipo mwana mudiki.Chiculture chiri muno chekuti vana vanoroorwa vadiki ngakapere.Wese ari kuroora mwana mudiki ngauraiwe temai nematombo.Variko vakadzi vakuru vasina varume modii kuroora ivavo“ ndakadaro
“Ngwaraiwo ngwaraiwo ngwarai mhani“ ndakadaro ndichiudza vanhu vese vanga vari apa
“Nimrod uyu mwana wangu ndini ndoita madecision pamba pano.Culture iyi yakabva kare iriko.Even Mambo Dzabu vakaroora first wife yavo iine 13 years.Saka zvaipa nhasi nekuti ndini ndiri kuroodza mwana wangu.Nimrod ita vana vako vaunoroodza zvaunoda iwewe“ vakadaro Baba Kelton
“Chipo mwana mudiki pakuroorwa kwemunhu anofana kuzviitira ega decision.Yes mwana wenyu but hamusarudzire mwana zvekuita.Mwana anosarudza ega.Magona mataura kuti culture iyi yakabva kare ndaisaziva.Izvozvi ndakuziva ndakuzvivharisa.Every girl anofana kuzvipa decision ega kuti anoda kuroorwa here or haadi.Asi kutanga nhasi musikana wese ari below 18 years haacharorwi muno“ ndakadaidzira
“Uri kuzvitaura wakamira saani.You are nolonger a prince.Hausiwe mambo muno wanzwa“ vakadaro vaGuvhurebete
Ndakatora Chipo ndikaenda naye kumba kwaGogo vaya.Vanhu vakatevera asi ndakaona madzimai nevamwe vakomana vezera rechidiki vaindisapota.
“Zvataurwa naPrince Nimrod ichokwadi.Tanga tisina confidence yekuzvitaura, zvorwadza kuti mwana aroorwe aine 13 years.Pamberi naPrince Nimrod“ vakadaro Mai Sophia
“Pamberi naPrince Nimrod“
“Pasi naMambo Dzabu“ vakadaidzira VaJana vaindaiziva nekurima
Vanhu vese vakacheuka ndikaona VaJana vasvika pandiri.
“Ndanga ndakakuvenga zvisingaite.Asi nekuda kwezvawaita izvi wawinner trust yangu.Ndiwe watinoda ave next King ndatoona une vision yakanaka.Tanzwa nekudyirwa vana vedu navo vanhu ava“
Ndakaona mauto eKingdom vachifamba vakawanda kuuya kwatanga tiri.Ndakazoona paina Prince Ezra vakabva vanditarisa.
“Nimrod haukwanise kuchinja culture yakazvarwa iriko.Zvimwe ndezvekutambira wosiya zvakadaro.Mambo Dzabu vakazvarwawo culture iyi iriko" said Prince Ezra
“Zvinhu zvinochinja Prince Ezra.Vanhu havasi kuchazvida.Sezvo imi muchitonga munoti munoita zvido zvevanhu.Vanhu havasi kufara nechiitiko ichi.Tava mu new Era hakuna munhu anoroodzwa without her permission.Izvozvi pakufana kuiswa age yekuti munhu anoroorwa“ i said
“Pamberi naPrince Nimrod!!“
“Pamberi naPrince Nimrod!!“
“Pamberi naPrince Nimrod!!“
Vanhu vakatanga kuimba zita rangu ndikaona vanhu vatowedzera kuwandisa.Vakadzi vechikuru ndivo vanga vakawandisa.Prince Ezra vakabva vanyaradza vanhu.
“Zvataura Prince Nimrod ndazvinzwa uye ndaona imi vacho muri kuvasapota.Saka nyaya iyi tichaisvitsa kuna Mambo Dzabu ndivo vachaona kuti zvoitwa sei“ said Prince Ezra
Vakabva vatoenda vanhu vakatevera kupalace vachiimba zita rangu as if vaisvotesa Prince Ezra.Ndakatevera zvangu ndiri kumashure asi Chipo handina kumusiya.Ndakaona Sabina akamira paside pangu.
“Thanks Prince Nimrod for supporting us“ said Sabina
“Don't call me Prince please...Zviri nani uti mukoma“
“Okay mukoma ndafara zvisingaite mune moyo wakanaka“
Mambo Dzabu vakabudikira vakapfeka crown yavo.Mom vakamira paside pavo.Vakanyaradza vanhu vaiimba ndakaona mom vakunyemwerera vakanditarisa.Ndakaita sekuti handina kuvaona.Prince Ezra vakasvika vakamira paside namambo hameno zvakavaudzwa munzeve.Ndakaona Mambo Dzabu vanditarisa neziso rine hukasha.
“Zvino mukaita noise zvinobatsirei“ vakadaro Mambo Dzabu
Hapana akapindura munhu wese anga ati zii.Ndakaona vanhu vaitya Mambo Dzabu.
“Hatiregi kuita noise kana harahwa idzi dzichimbunyikidza vana vechidiki.I understand iculture yakabva kare iriko.Kare kacho vanhu vaizvida plus vanga vasina choice.Vanhu vaikezvino havachazvide.Tava munew Era" i said
“Iwewe utori mhosva yekubata vanasikana ivavo chibharo and today wava kuuya kundiudza zvakaipira culture iyi" vakadaro Mambo Dzabu
“Dai maiva makachenjera makatarisa both sides but huchenjeri hamuna.Vanhu vari kuti hachadi zviri kuitika izvi“ ndakadaro
“I support you Prince Nimrod.I'm also a mother ndoziva pain yacho yakuroorerwa mwana wako ari mudiki.Zvechokwadi zvinofana kugadziriswa since vanhu varamba“ said Mambokadzi Dzabu
“Hapana culture inochinjiwa muKingdom muno.Takazvarwa zviriko tichangofa tichisiya zviriko.Mr Guvhurebete you can go ahead nemarooro enyu.Anyone achapikisa culture yedu will be punished“
Vanhu vakabva vanyarara ndikaona vasisina mufaro.Chandakaona vaitya kupihwa punishment nekuti Mambo Dzabu vaiva munhu asingaseki nemunhu.........
*Let's keep young girls safe. The world can be a scary place. Teach your child to dress modestly and to be responsible for themselves.*
Watch Out For Chapter 5
❤️
🙏
👍
😂
😢
😮
✔️
🇿🇼
🐴
📚
621