Shona Stories 002🇿🇼
January 30, 2025 at 01:04 PM
🌹 *THE PALACE HEIR* 🌹 https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V *_Written by •𝙆𝙞𝙣𝙜 𝙇𝙚𝙚•_* ~LeeMarzy~ +26377⁸⁶³⁴221 *Chapter 6* •In Dzabu Kingdom• *Sabina* Kaiva kekutanga kunzwa munhu asiri mai vangu achiudza kuti ndakanaka.Ndakafara zvisingaite Prince Nimrod pavakandiudza kuti ndakanaka. “Ko uri kusekererei“ asked amai “Prince Nimrod vandiudza kaviri kese kuti ndakanaka.For the first time kuwana mukomana anondiudzawo izvi ndikufara zvisingaite“ i said “Sabina unopenga chete.Ndogara ndichikuudza wakanaka“ vakadaro amai “Ko Serina aitwa sei akangonyarara“ i asked ndichimuona akagara kwake ega “Ndamurova haanzwi anoita basa rekungofamba famba unoshaya anenge achiendepi“ said amai “Amai kutaura chokwadi ndiri kufara.Kuona sis vangu vachifara kudai zvoita ndifarewo.Asi kutaura chokwadi Ruvarangu ane hutsinye.Ndoshaya Serina anoramba achitamba naRuva pachiii iye achitaura zviri bad about my sis“ asked Sarah “Haundiudzire shamwari dzekutamba nadzo siyana neni“ said Serina “Ndinokurova izvozvi handichadi kukuona uchitamba naRuvarangu.Kakawanda ndichinzwa zvinotaura Ruva zvakaipa about my daughter.Kana uchida zvaRuva enda unogara kumba kwavo“ said amai Pasina nguva takaona pasvika mauto ekupalace vachiti ndikudiwa kupalace.Ndakavhunduka ko ndaita sei futi.Ndakatanga kupindwa nefear yakanyanya.Vari mai vangu vakabvunza asi mauto akataura kuti kungori nemeeting.Ndakabuda ndikasangana naPrince Nimrod vachiti vakuendawo ikoko.Takapinda mucourt room manga makazara.Ndakagara pedyo naPrince Nimrod ndikabva ndasimudzwa namambo ndikamira pamberi. “Tell me maproblems auri kusangana nawo uye ari kusangana nevanasikana vose muKingdom muno“ vakadaro Mambo Dzabu vakanditarisa “Pamusoroi Mambo Dzabu nevamwe vanoremekedzwa.Ndinokutendai nekundipa mukana wekutaura.Maproblems andosangana nawo akawandisa ndikamataura haaperi.Asi zvandokwanisa kutaura maproblems atinosangana nawo sevanasikana“ ndakadaro “Wakasununguka taura zvako tora nguva yako usamhanye" vakadaro Mambo Dzabu “Nyaya yekutanga inyaya yevana vari kuroorwa vari vadiki zvinhu zvotirwadza.Vana mai vedu vanonyanya kurwadziwa zvakanyanya asi zvekuita vanenge vasina since vana baba varivo vanotonga pamusha.Chechipiri mauto emuKingdom muno akutora advantage yekuti anokushandirai vachirara nevanasikana.Ndaifunga kuti mukaisa mutemo wekuti munhu anoroorwa kana achida.Hapana munhu anoroorwa without permission yake“ “Ndiri kupanzwa zvangu“ said Mambo Dzabu “Imwe nyaya ndeyekuti kana muchizvarwa muri 3.Vamwe havaroorwi kana mwana mukuru asati aroorwa kana kuroora.Kune vamwe vanonoka kuroorwa like me hapana munhu anondida handifunge ndoroorwa saka zvinogona ku affecter vapfana vangu.Dai mangoisa mutemo wekuti kana munhu asvika pa age yekuroorwa anoroorwa kana awana anomuda“ ndakadaro Ndakaona vana mbuya vaiva umu vakuombera maoko.Ndakaona Mambokadzi Dzabu vasimuka vakandimbundira.Vakabva vandibata matama angu.I feel loved kutaura chokwadi. “Mwana ataura chokwadi.She is humble maona atanga kubvunzwa iye kuti ataure maproblems anosangana nawo but haana kuda kutaura hake but ataura anosangana nevasikana vemuKingdom.She is not selfish“ vakadaro Mambokadzi Dzabu Princess Namatai vakauya vakandimbundirawo. “I support zvawataura zvese.But pane mashoko awataura asina kundiitira pawati inini handiroorwi.Sabina ndakakutarisa wakanaka.Kana vamwe vachiroorwa iwe unotadza nei.Inyaya yenguva uchawana anokuda usazvidya moyo.Uye ndoziva une maproblems aunosangana nawo ndokumbirawo umataure zvigadziriswe“ said Princess Namatai “Thanks necare yenyu.Maproblems andosangana nawo haagadzirisike zvakasikwa zvakadaro naMwari.Chandokumbira kuti zvigadziriswe maproblems atosangana navo sevanasikana kwete angu“ Mambokadzi naPrincess vakagara pasi.Mambo Dzabu vakanditarisa vakaramba vakanyarara. “Unokwanisa hako kugara pasi.Prince Ezra tell munoti chii nezvataurwa naSabina.You are the future King ndoda kuziva maonero ako“ asked Mambo Dzabu vakatarisa mwana wavo “Pamusoroi Mambo naMambokadzi nevamwe vose.Ndakatarisa nyaya iyi takazvarwa zviriko.Zvakasikwa zvakadaro even kune mamwe maKingdoms ndizvo zvingoriko.Vanhu ngavangotambira zviripo.Ukabuda mazamu watokura.Hapana choda kuchinjwa nekuti tikadaro tinenge takutsamwisa vadzimu vedu“ said Prince Ezra Ndakaona Prince Nimrod vatsamwa nemashoko aPrince Ezra. “Mashoko enyu ndamanzwa.VaMukamba munoti chii nenyaya iyi“ vakadaro Mambo "Ndinotsigira zvataurwa naPrince Ezra.Pane zvinhu zvisingachinjiwe.Vanhu havana problem nazvo izvi zvakatanga nekuti Prince Nimrod vari kungoda kuita agnaist you Mambo.Vari kurwadziwa nepunishment yamavakapa.Vana mai vedu vakaroorwa vari vadiki hatina kumboita problem nazvo.I'm a father mwana wangu akawana anoda kumuroora handirambi asi ndotarisa munhu wacho anokwanisa kuzochengeta mwana wangu here.Kana ndikaona ane hupfumi hunokwanisa kuchengeta mwana wangu ndobvuma.Pavana vese vakaroorwa hapana wandanzwa ari kuchema kuti haasi kugara zvakanaka“ vakadaro VaMukamba “Mashoko enyu tamanzwa.Mbuya Muchena hapana munhu akakurirai muKingdom muno.Pakatonga madzimambo maviri abva maivako.Saka ndoda kunzwa maonero enyu panyaya iyi“ vakadaro Mambo Dzabu Mbuya Muchena vakasimuka nekamuti kavo kuti vawane balance. “Ndinotenda nekundipa mukana.Chekutanga ndoda muziva kare nanhasi zvinhu zvakasiyana.Kare vanhu taiva tisina zvekuita asi kubvuma kuroorwa.Mukabvunza mwana wese anoroodzwa kuti anozvida here anokuudzai haazvide asi anobvuma nekuda kwemhuri yake.Mukaona vanhu vachichema kuti havazvide zvinoreva havachazvide.Vanhu vaikozvino vangwarawo vasiyana nesu vekare taingoitiswa zvese zvese.Saka itai zvido zvevanhu“ vakadaro Mbuya Muchena “Ndisati ndagara pasi ndoda kupindura VaMukamba vati baba ndivo vanoronga ramangwana remwana wavo.Munhu wese akasikwa aine pfungwa dzekufunga.Kana mwana akura ndiye anozvirongera ega zvanoda.Hamurongi chinhu musina kubvumirana nemwana wacho.Pari panyaya yekuroorwa kana kuroora mwana ndiye anozvisarudzira ega nekuti zvekuroorana izvi ndezvehupenyu hwese.Saka sarudzo ndeyemwana kwete iwe mubereki.Iwewe mubereki chako kutsigira zvoda mwana wako.Izvi ndizvo zvataishuwira asi hatina kubvira tazviwana.Asi vanasikana ava chivapaiwo kodzero yavo“ vakadaro Mbuya Muchena Vana Mbuya vese vakaombera maoko.Vese vakapiwa mukana wekutaura vakatsigira zvataurwa neni naMbuya Muchena. “Nimrod une chekutaura here“ “Zvandaida kutaura ndizvo zvataurwa naMbuya Muchena naSabina saka ndinotsigira ivo.Asi ndinoda kupindura VaMukamba.Imimi VaMukamba munonzwa sei kuona mwana wenyu achirarwa kusango nemunhu achembera.Muri kutsigira culture yenyu nekuti muri kudya vana vadiki muchiri kurangarira ndakakuonai kusango kuya nekamwana kasati kakura" akadaro Nimrod Paakadaro VaMukamba vakasimuka vakatanga kupopotera Nimrod.Iye Nimrod wacho akabva anyarara haana kupindura.Ndakatoona vaviri vane mapersonal chete “VaMukamba dzorai hasha hatisi kutukana muno“ vakadaro Mambo Dzabu “Nimrod hataure zvaasina humbowo nazvo, nhasi ari kundipumha zvandisina kuita“ vakadaro VaMukamba Ndakatarisa Nimrod anga ari zii.Ndakabva ndamufarira ari calm haana dzungu dai ari umwe angadai apindura achiita zvehondo. “VaMukamba it's my order nyararai“ vakadaro Mambo Dzabu VaMukamba vakabva vanyarara.Mambo Dzabu vakatora nguva vakanyarara vakatarisa Nimrod. “Ndofunga maona ndabvunza munhu wese ari muno maonero ake kusiya kwaMambokadzi naPrincess Namatai vandisina kubvunza.Vanhu vazhinji vataura vachiti culture iyi ibviswe“ vakadaro Mambo Dzabu “Ehe takuda kunzwa maonero enyu imimi mambo Dzabu musati mapa mutongo wacho“ vakadaro Mbuya Muchena “Ndinotsigira zvataurwa naPrince Ezra naVaMukamba.Handina zvekuwedzera hangu“ vakadaro Mambo Dzabu “Hapana chakaipa chipai mutongo wacho tizive“ vakadaro Mbuya Muchena “Nyaya iyi yaida Svikiro reKingdom rino riripo VaJiyamwa“ vakadaro Mambo Dzabu “Nyaya iyi haitombodi Svikiro inoda imi mambo kuti mugadzirise zvinhu.Chichemo chevanhu chogadziriswa nemi kwete svikiro" vakadaro Mbuya Muchena “Saka mava kundidzidzisa kutonga here“ “Mambo Dzabu mazuva enyu apetwa makatsamwisa vadzimu kare.Nezvamuri kuita izvi mwedzi hauperi makagara ipapo.Dai muri umwe masiya magadzirisa zvinhu izvi“ vakadaro Mbuya Muchena “Matonditsamwisa nemashoko enyu.Hapana chiri kuzochinja.Guvhurebete enda unoroora Chipo ndakupa mvumo.Ndofinal decision yangu“ vakadaro Mambo Dzabu vakabva vatobuda vakatsamwa “Munofunga munochinja mutemo wakabva kare uriko kanganwai“ vakadaro VaMukamba vachibuda Ndakaona Nimrod akatsikitsira pasi.Airatidza arwadziwa zvisingaite.Takabuda mucourtroom tikaenda Nimrod aingova ziii.Takaona VaGuvhurebete vatonanga kumba kwana Chipo. “Sabina unoziva ndapera simba chairo.Chonyanya kundirwadza my own mother vane power rekumira mira but vari ziii.She was supposed kuita agnaist Mambo Dzabu“ he said “Maybe situation yavari haitenderi vadaro.Vane moyo wakanaka“ i said “Hameno but i will not let Chipo aroorwe neharahwa iyo“ Nimrod akaenda kumba kwavo.Takasvika tichiona patozara vanhu.Chipo wacho ainzi atiza paanzwa mutongo wamambo.Takamutsvaga tikazoona akazvisungirira pamuti musango.Ndakarwadziwa mwana mudiki azviuraya nekuda kwedecision yamambo iri bad.Kubva zuva iri ndakabva ndavenga Mambo Dzabu ,VaMukamba naPrince Ezra.Kufa kwaChipo kwakarwadza vanhu vakawandisa.Munhu wese akabva apa blame kuna Mambo Dzabu.......😭 *Parents stand by your kids and support them.If you don't, it can hurt them.Every child deserves support and encouragement*🌹💚 Watch Out For Chapter 7
❤️ 🙏 👍 😢 😂 😮 😭 ☺️ 🎉 🐴 586

Comments