Shona Stories 002🇿🇼
January 31, 2025 at 01:12 PM
🌹 *THE PALACE HEIR* 🌹
https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V
*_Written by •𝙆𝙞𝙣𝙜 𝙇𝙚𝙚•_*
~LeeMarzy~
+26377⁸⁶³⁴221
*Chapter 8*
•In Dzabu Kingdom•
*Sabina*
Ndakasvika pamba ndichifara ndakaona pangori naSarah chete anga akabata shaya.
“Ko kubata shaya hanzii“ ndakabvunza ndakamutarisa
“Ndiri kufunga Chipo kutaura chokwadi ndiri kutadza kuzvigamuchira kuti hasisipo“ akadaro akutochema Sarah
“Sarah kana neni zviri kundirwadzawo.Asi ngatisaramba tichizvifunga tinokanganisa hutano hwedu“
“Handitadzi kumufunga aiva shamwari yangu.Ndiye ega wandaitamba naye“ akadaro Sarah
Ndakabva ndatoona best idea yekuenda kurwizi kunoredza hove naNimrod zvinoita Sarah asanyanya kufungisisa.Ndakamuudza akangodaira kuti zvimubve.Serina akazosvika asina mufaro.Handina kumbotaura naye.
“Ndakuona una Nimrod ane zvambotaura here“ akabvunza Serina
“Ko kwakanaka here.Nyaya dzangu naye unodzidii“
“I'm protecting sis.He is not good guy.Stay away from him“ akadaro Serina
“Unorwara here iwewe.Nimrod is not a good guy kutanga rini.Tarisa kumira kwaita akaisa effort yekumirira isu vanasikana.Asi mune zvamaitana kani“
“No handimufarire hangu“ akadaro Serina
Ndakaona she was hiding something from me.Asi vakambodanana naNimrod here.Ndaitadza kubatanidza nyaya yacho.Ndakaenda kunochera mvura ndapedza ndikatanga kuita zvekubika.Amai nababa vakazouya manheru ndatopedza kubika.
“Mambo Dzabu vagona vabvisa mutemo uyu“ vakadaro Amai
"Prince Nimrod ndivo vaita ubviswe.Effort yavo yashanda.Mwana uyu ane care nevanhu.Ndakuona kudzingwa kwake kupalace zvine chirevo.Pamwe vadzimu vaida aone mararamiro edu“ said baba
“Ndizvo chaizvo zvandiri kuonawo.Manje next King Ezra haana wisdom“ vakadaro mai vangu
“Ndipo pane nyaya ipapo“
Takazoenda kunorara makuseni ndakamukira kuenda kunotengesa mabasket angu.Ndakabva ndasangana nemukomana anonzi Zala.
“Sabina ndiri mabasket ako ndoda kutengera amai vangu“ akadaro Zala
“Zvakanaka mukoma sarudzai ramoda ndiwo chete asara“ ndakadaro
“Ndiri kuda ese asara" he said
Ndakafara kuti mabasket angu akapera ese.
“Maita bass mukoma nekusapota basa rangu“ ndakadaro
“Uchitendei kana munhu achiita zvakanaka tinozvisapota“
Ndakabva ndaenda kumba ndichifara.Ndiri muroad ndakaona Sonah akamira naSerina.Ndakashaya vaitaura nyaya dzei.Handina kuenda kwavari asi ndakaona Sonah andishevedza.
“Sabina hesi“ akadaro Sonah
“Ndiri bhoo hangu“
“Ndafara ndakuona ndanga ndichikutsvaga" akadaro
“Kunditsvaga? Ko kwakanaka here“
“Ehe kwakanaka ngatitsvage pekugara titaure“ akadaro
Ndakashaya inyaya yei.Takaenda kunogara pane mamwe matombo.Akabva abudisa majewellary akanakisa.
“Sabina ndine basa randiri kuda undiitirewo.But ndokupa majewellary aya iri way yekukutenda.Ndichakupa nehembe dzimwe dzakanaka dzandinadzo kana wabudirira“
“Inyaya yei ndiudzei“ i asked
“Inini naNimrod takabva kare tichidanana“ akataura nyaya yake nekuzodzingwa kwakaitwa Nimrod
“Prince Ezra naPrincess Namatai ndivo vakandipa threat yekuti ndinyepe kuti Nimrod akandibata chibharo.Ndanga ndisina option.Kutaura chokwadi mukomana wangu ndomuda.I heard anowirirana newe saka ndiwe unokwanisa kundibatsira“ she said
“Ndine hurombo chido chekukubatsira ndanga ndinacho.Asi nyaya iripo ndeyekuti handisi too close naPrince Nimrod.Munhu ari pedyo navo ndiKelton“
“But still iwewe anokufarira chawataura anokuterera ndokumbirawo ndibatsirewo.Ndiye akandibvisa humhandara ndomuda.I can't live without him“ akadaro atova kuchema Sonah
Ndakanzwa tsitsi kumuona achichema.Ndakaona kuti airevesa anoda munhu wake.
“Sonah usachema moyo wangu unozorwadza.Mira ndichazama kutaura naye“ ndakadaro
“Waita basa une moyo wakanaka.Chitora majewellary aya"
“Sorry handimadi" i said
“Ndomada hangu" said Serina achimatora
Ndakamutarisa kana kunyara hake.Handina zvandakataura ndakabva ndatoenda kumba.Ndakasvika kuona Nimrod naSarah vachitaura nyaya vachiseka vari pasi pemuti.Kaiva kekutanga kuona Sarah achiseka kubva zvafa Chipo.
“Sabina wagona wauya tanga takamirira iwewe.Ngatichiende kurwizi“ said Nimrod
“Ndanga ndatozvikanganwa ini“
Ndakapinda mumba ndikavhara mawindow.Takabva tabuda tiri vatatu.Tiri muroad takasangana naPrince Ezra naRuva vakamira pamharadzano.Hatina kutaura navo takasvika kurwizi.
“Do you sis vangu vanofarira hove zvisingaite“ akadaro Sarah
“Ehe vakandiudza zvavo.Ko iwe unofarira chii“ akabvunza Nimrod
“Ndofarira zvinhu zvakawanda“
Ndakabva ndafunga nyaya yandaudzwa naSonah.Ndaishaya ndotangira papi.Ndaisaziva kuti Nimrod wacho achazvitora sei.
“Mukoma takuda muroora isu“ ndakadaro
“Hezvo ko zvauya sei izvi“ akabvunza Nimrod
“You need someone anomira nemi.Someone wamunoita musha naye.Plus inini sehanzvadzi yenyu ndakuda muroora" ndakadaro ndanga ndatoona mapindiro ekuita panyaya yangu
“Sabina i think ndakakuudza munhu wandaida akandirwadzisa.Handisisina trust kuvasikana hangu.Plus so far handisati ndaoona ane maqualities andoda.Zviri nani ndigare ndakadai“
“But Sonah anawo maqualities amunoda“ ndakadaro
Nimrod akabva anditarisa akatanga kunyemwerera.Akabva anyarara haana kupindura.
“Sabina haasi mashoko ako auri kundiudza aya.Pane munhu akutuma kuti utaure neni.Sonah handimude handina kubvira ndamuda.I know uchabvunza sei ndakarara naye ndisingamude.Ndiye akatanga kundiitira ma actions"
“But makamubvisa humhandara“ ndakadaro
“Ndizvo zvakuudza here.Anonyepa ndakamuona asiri mhandara.Pavasikana vandakarara navo handisati ndambosangana nemhandara i don't think dziriko“ ndakadaro
“Sonah haite mukoma siyanai naye.Ane hutsinye akambondituka" akadaro Sarah
“Sabina please usataura zvaSonah.Haasi munhu ari bhoo“ said Nimrod
“Sorry handichadaro“
Takabva tachinja takutaura dzimwe.I enjoyed day iri.Takabata hove but dzanga dzisina kunyanya kuwanda.Takaenda kumba kwakusviba.Ndakabva ndati Sarah amhanye kumba ini ndaida kutanga ndasvika pambuya Muchena.Ndakaenda naNimrod.Takasvika paina umwe maid nambuya.Maid uyu achiona Nimrod vakatorana kuenda panze.Ndakavatarisa ndikavaona vachitaura.
“Nhasi wafunga kuuya kundionawo“
“Ndinenge ndichida kuuya zuva nezuva asi ndinenge ndakabatika" ndakadaro
Vakabva vabata musoro wangu ndikaona vakunyemwerera.
“Tomboti waita mambokadzi chii chaunotanga kugadzirisa" vakabvunza Mbuya Muchena
“Mbuya mava kukura mubvunzo uyu hauna kukodzera kubvunzwa inini“
“Ndiri kubvunza kuda kuziva hangu ingopindura“ vakabvunza
“Chandotanga kuita kubatsira vanotambura vese.Kupawo minda kune vasina.Chimwe chekuti vakadzi vasadzvinyirirwa nababa mudzimba.Ndinenge ndichida kuita zviite 50-50“ ndakadaro
“Zvakanaka ndafara nemhinduro yako“
Nimrod akabva apinda namaid wake.Nimrod akagara pedyo neni.Mbuya Muchena vakatora ruoko rwangu vakatarisa hameno vaitarisei.Vakatora rwaNimrod vakatarisa.
“Ko muri kutarisei“
“Ndine zvandaitsvaga nguva yese iyi.Ndazowana mhinduro yacho nhasi.Asi handikwanise kukuudzai hangu“ vakadaro vachinyemwerera
“Kana muchidaro hamuoni munenge makutisiya tine mibvunzo“ ndakadaro
“Nimrod naSabina chandoda kutaura kuti mune ramangwana rakajeka asi ndaona muchasangana netsiga nematambudziko akawanda.Nimrod ndinoziva mumoyo unoti handina musikana wandichada nekuda kwezvakaitika.Mumazuva anotevera ndaona wapinda mudambudziko rekuti uchasvika pakuti ndoda kuzviuraya.Ipapo ndipo pauchaona musikana wawakasarudzirwa nevadzimu“
“No no handisarudzirwe mukadzi nevadzimu.Kana ndakuda kuroora ndotsvaga ndega“
“Ndosaka ndisina kuda kutaura zvizere nekuti ndoziva mese munoramba mukati kambuya aka kanopenga.Nimrod zvichazviita zvega uye uchayeuka mashoko angu“ vakadaro Mbuya Muchena
“Ko ini ndicharoorwawo here" ndakabvunza
“Wako agara aripo inyaya yekuti inguva isati yakwana.Mirira nguva urambe uchiita zvakanaka vari kumhepo vagare vachifara“ vakadaro Mbuya Muchena
Pavakataura mashoko aya ndakava nehope yekuti ndicharoorwawo.Ndakabva ndatomhanya kuenda kumba since kwanga kwasviba.Zuva iri ndaitozvifarirawo.Nimrod akaita ndifare zuva iri.
Mazuva akafamba hatina kubvira tambonzwa nezveutano hwaMambo Dzabu.Ruvarangu akabva aroorwa naPrince Ezra.Nimrod akarwadziwa zvisingaite ndikaona aiva achiri kuda Ruvarangu.Kuroorwa kwaRuvarangu kwakaita Serina atorwe achinoshanda kupalace saMaid waRuva.Takazoona Svikiro redunhu vaJiyamwa vachifamba paroad kuenda kupalace.Ndakaona vamira vakanditarisa vakafamba kuuya pamba pedu ndakatiza kunozvivharira muroom mangu ndaivatya.Hameno zvavanga vari so....💚
*Ndiani anzwisisa mashoko aMbuya Muchen*
*Watch Out For Chapter 9*
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
🤚
✋
🔥
👋
668