Shona Stories 2🇿🇼
January 31, 2025 at 05:18 PM
🌹 *THE PALACE HEIR* 🌹
https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V
*_Written by •𝙆𝙞𝙣𝙜 𝙇𝙚𝙚•_*
~LeeMarzy~
+26377⁸⁶³⁴221
*Chapter 9*
•In Dzabu Kingdom•
*Nimrod*
Ndakapedza punishment yangu yekumunda.Zvino zvakandifadza ndakatanga kuwedzera maskills angu ekurwa.Rimwe zuva ndakaona Namatai asvika pamba pangu.
“Unodei“
“But mukoma moziva ndokudai please forgive pane zvakaitika kudhara.To be honest ndaisads mudzingwe“ akadaro Namatai
“Haundide gara wanyarara hako.Iwewe naEzra muri nyoka.You forced Sonah kutaura zvekunyepa“
“Handina kubvira ndamu forcer anenge akandinyepera.Trust me mukoma“ she said
“Kungoti ndiri munhu wemurume handina nguva yekuswera ndakatsamwira munhu.Uri hanzvadzi yangu ndinokuda“ ndakadaro
Namatai akabva andimbundira akatanga kuchema.Ndakamupukuta musodzi akagara akagara pedyo neni akandizembera.
“Saka zviri kureva Sonah akapihwa mashoko ekutaura.Papalace paya pane vanhu vainditeya ndakuzviona hangu ndiye Ezra.Ndoshaya ndakamutadzirei he pretend kunga munhu kwaye pavanhu“ ndakadaro
“You are right ndakazozviona later.Manje ini ndakamuudza chokwadi kuti imbwa“ said Namatai
“Ngamboita yanoita since ari favourite child waMambo Dzabu“ ndakadaro
Namatai haana kugarisa akabva atoenda.Ndakabuda kuenda kumba kwana Kelton.Ndakasangana naVaJiyamwa vachienda pamba pana Sabina.Ndakaenda pamba pacho ndichida kuona chaitora nzvimbo.VaJiyamwa vachindiona vakabva vauya pandiri.Ndakaona Sabina abuda mumba akamira kumashure kwangu.Ndakaona vabudisa zvuma vakandipfekedza imwe vakapfekedza Sabina.Vakabva vatimwaya twunhu twakaita kunga madonha.
“Musabvisa zvuma izvi“ vakadaro VaJiyamwa vakabva vatoenda
Ndakashaya zvairevei uyu Sabina airatidza kuva neconfusion yakanyanyisa.
“Sabina are you okay“,
“Ehe kungoti VaJiyamwa ndovatya hameno zvavari“ she said
“Havatyise ava usavatya“ ndakadaro
“Ndazvinzwa hangu“
“Sabina une voice rakanaka wakafitwa nekugona kuimba“ i said
“Sis vangu vanogona kuimba.MuKingdom muno hapana anoimbirana navo“ akadaro Sarah achibudikira
“Chokwadi here Sabina chimboimba tinzwe“
"Anonyepa uyo handigoni“
“Imba ndinzwe haugoni here“ ndakadaro
Takagara pane rimwe danda raiva pamba pavo.Sarah akabva apinda mumba akabuda nembira akatambidza mbira.Sabina akatanga kuimba achiratidza mbira.Kutaura chokwadi ndakashamisika nazvo.Zvainakidza aigonesa zvisingaite ndakatoona itori talent riri maari.
“Unogona apa une voice riri sweet“ i said
“Maita basa ndinombozamawo“
“Handichagari ndakuenda kwana Kelton“ ndakadaro
“Asi tiri kukubhowai here mukoma“ akabvunza Sabina
“Asi haudi ndiende"
“Ehe handidi nekuti Sarah anobhowa uyu“ akadaro Sabina
“Ndakubhowa nhasi nekuti pana mkoma nhai“ akadaro Sarah
“Monakidza imi but ndiudzei ko imwe sister yenyu inonzi ani zviya" i asked
“Anonzi Serina ndakaona sekuti hamuwirirane asi makambotukana“ akabvunza Sabina
Ndakaona kuti ndimuudze kuti Serina ndakaona achibva kunorarwa naVaMukamba kusango hazviite.
“Hatina kumbotukana kungoti haandifarire chete nekuti anotamba naRuva"
“Ndosaka mhani nekuti pese panondiona ndichitaura nemi anobvunza kuti pane zvamambotaura here“
Sarah akabva atoenda ndikasara naSabina.Zala akabva asvika akakwazisana naSabina.Ndakaona kuti vaviri ava vanowirirana.
“Sabina ndaida kutaura newe kana usiri busy"
“Taura hako ava ndimkoma vangu havana pressure“ said Sabina
“Zvoda tiri vaviri chete“
“Sorry handikwanise“ akadaro Sabina
Kamutarisiro kaita Zala kuna Sabina ndakaona kuti haasi right.
“Hapana chakaipa kungoti mashoko andaida kutaura newe akakosha since waramba nditaure rega ndiende“ akadaro
“Taura tinzwe“ she said
“Ndosaka ndati zvoda tiri tega“
Vakabva vasuduruka vachienda kuroad.Handina kunzwa zvavakataura.Pasina nguva ndakaona Sabina auya akagara pedyo neni.
“Zala andiudza kuti anondida“ she said
“Iwe wamuti chiii“
“Ifirst time yangu kuudzwa mashoko aya nemukomana.Ndangomuti unoda kundidii akati anoda ndiite musikana wake“
“Ukatii?“
“Ndangomuti ndoda kumbofunga.Ndakuona zvaitaura Mbuya Muchena ichokwadi pavaiti ndicharoorwawo.Maybe Zala ndiye wangu“
“Waziva sei kuti ndiye wako.Sabina first tanga waona munhu akaita sei.Tarisa kuti ari serious here.You are my sister.Izvozvi yatova task yangu kumuvheneka kuti anoita here“
Pandakadaro akafara akabva andimbundirawo for the first time.Ndakamumbundirawo back tikaita kanguva takadaro.Takazosiyana ndanzwa Sarah ava kukosora.
“First time kuona sis vakambundira mukomana.Mukoma Nimrod munodiwa zvenyu“
“Unopenga chete saka ndotadza kumbundira mukoma here" akadaro Sabina
“Mukoma Henry makambovambundira here zvamaita apa“ akabvunza Sarah
Vakabva vatanga kumhanyisana.Ndakashaya Henry ataurwa apa ndiani.Ndakangoti pamwe ihama yavo.Ndakasimuka ndakuenda Sabina akati haadi ndiende.
“Ndiri kuda kuona Kelton“
“Ngatiende tese ndoda kutomuonawo“ said Sabina
Takabva tabuda tese tichitaura nyaya.Takasvika pamba pana Kelton aripo akagara namai vake.
“Imimi muri vaviri hamuchasiyane“ said Kelton
“Sabina ndiye asingadi kusiyana neni“
“Kunyepa iwewe tokuona uri pamba pana Sabina wani“ vakadaro Mai Kelton
Ndakataura naKelton zvandaida.Takadzoka kumba ndikasiya Sabina pamba pavo.Ndichisvika kumba kwangu ndakashamisika kuona Sonah akagara panze.
“Unodei pano“
“Nimrod uchakanditsamwira unoziva ndiwe wakandijaidza ndakugara ndichida kuitwa newe“ akadaro Sonah
“Sonah i don't love you.I'm nolonger Nimrod wawaiziva wekupalace.Ndokumbirawo usiyane nelife yangu“
“Saka wava kuda mu albino uyo over me right“ akadaro Sonah aine kakushoora mukati
“Mind your language...Ndikunzwe uchitaura that word again ndokurova.Sabina is my sister not my girlfriend.Ukwane wanzwa here“ ndakadaro
“Iwe uchiswera naye muchienda mese kunoredza hove usafunga handisi kuzviona.Ukadanana nethat girl unenge wazvidzikisira.Plus chandoda kukuudza wakaita mistake pakurara neni.Haurare neni wobva wandiramba like zvauri kuita izvi“ akadaro Sonah
“Saka uri kuda ndizvimanikidze kukuda ndisingakude.Sabina iyeye atori bhoo.Dai zvisiri zvekuti isister yangu ndaidanana naye ane maqualities andoda pamusikana.Chandoda pamusikana moyo ne hunhu.Usafunga iwewe ukaita tumagaro wakanaka hauna hunhu iwewe“ ndakadaro
“Kurara kwawakaita neni wakabva watondiita mukadzi wako ingoziva izvozvo“ she said
Ndakatoona musikana uyu atori mhepo chaiyo.Ndakavhura door ndikavesa moto ndakatanga kubika sadza rangu.Ndakaona anga akatopinda mumba ndakamusiya akadaro.Pasina nguva ndakanzwa knock.Vanga vari Mai Sabina naSabina ndakavati vapinde.Vakashamisika vachiona Sonah kana neni ndakatonyara asi zvekuita panga pasina.
“Asi ndiye muroora wedu here uyu“ vakabvunza Mai Sabina
"Munofara here mhamha" akadaro Sonah
“Ndakasimba zvangu“ vakadaro
“Haasiye muroora wenyu.Hatisi kutowirirana nemusikana iyeye“i said ndichitaura nyaya yaitika
“Sonah ndokumbirawo ubve pano“ said Mai Sabina
“Hamundidzinge pano ndiri pamurume wangu“
“Pano pamba pangu saka ukaramba ndoenda kwamambo mangwana" vakadaro Mai Sabina
Sonah akabva abuda ndakafara zvisingaite vanga vamugona.
“Nimrod mwanangu usatyisidzirwa nemahure.Akatodza mai vake kuzhangandira iye musikana uyu“ vakadaro Mai Sabina
“Maita basa“
“Ndauya ndichida kukuudza kuti mangwana ini naBaba vaSabina tichambobuda.Ndoda usare uchinditarisirawo vasikana ava Sarah naSabina.Hongu vakura but vanoda anombotarisa.Kana zvichiita manheru aya unouya kurara kumba nekuti pasina munhu wemurume ndotya vanopindirwa“ vakadaro Mai Sabina
“Yes ichokwadi chataura Mai Sabina.Ndanga ndiri muroad kuuya kutaura newe.We trust you“ said VaJana vachipinda
“Hapana chakaipa" ndakadaro
Mai Sabina naSabina vakabuda ndikasara naVaJana.Takambotaura zvedu nyaya dzevarume ndichivaudzawo nyaya yaSonah.Vakandibatsira nema ideas.Pavakaenda ndakadya chikafu changu.Ndakabva ndarara pakati pahwo husiku ndakanzwa imba yangu ichitsva.Pandakazama kuvhura door rakaramba kuvhurika.......😳
*Sabina achabvuma Zala here apo?*
Watch Out For Chapter 10
❤️
🙏
👍
😂
😢
😮
❤🔥
💔
💖
😳
514