Shona Stories 002🇿🇼
February 1, 2025 at 12:13 PM
🌹 *THE PALACE HEIR* 🌹
https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V
*_Written by •𝙆𝙞𝙣𝙜 𝙇𝙚𝙚•_*
~LeeMarzy~
+26377⁸⁶³⁴221
*Chapter 10*
•In Dzabu Kingdom•
*Sabina*
Patakabva pamba paNimrod takasvika kumba nekudya.
“Kana Nimrod akuuya kurara pano achashandisa room iri.Sabina wotsvaira muchene“ vakadaro Amai
“Saka munodzoka rini“
“Handizive unoziva Baba vaHenry vari kurwara saka tinofana kuvapo timbofamba navo“ vakadaro amai
Baba Henry vaiva munin'ina wababa vangu.Vaigara kuTuyama Kingdom.Ndakabva ndaenda kunorara zvangu ndikatanga kufunga Nimrod achindiudza ndakanaka.Ndakatanga kunyemwerera handizive why ndanga ndakumufarira zvakadai.Hope dzakaramba kubata ndichimufunga.Ndakabatwa nehope pakati pehusiku ndakanzwa wiwi ndakabuda panze ndikanoita.Ndakudzoka mumba ndakaona moto pamba paNimrod.Ndakafunga ndatadza kuona ndikaona imba yaitsva.Chandakwanisa kuita kumhanya kuendako apa ndisina bhutsu.Ndakaona door rakavharwa rakasungwa waya kuti risambovhurika.Ndakabva ndaziva Nimrod arimo.
“Nimrod" ndakashevedzera
Hapana akadaira ndakabva ndavhura door.Apa moto wanga wachibaka denga rese matanda aya ava kudonha.Ndakaona Nimrod ari flat.Pandakazama kuda kupinda ndakanzwa hana.Ndakazvishingisa kupinda ndikadhonza Nimrod kubuda naye.Aibuda ropa mumusoro ndikaziva anga arohwa nedanda radonha mudenga.Ndakabvarura mucheka wehembe yangu ndikasunga musoro.
“Mukoma Nimrod mukao kani" i said ndakutochema
Ndakamuzungunutsa asi haana kumuka.Musodzi yakatanga kuyerera.
“Don't leave me please“ ndakadaro
Musodzi yangu yakawira kumeso kwake.Ndakabva ndaona achivhura maziso ndakabva ndamumbundira ipapo.
“Sabina“ he said nevoice riri pasi pasi achibata kumeso kwangu
He smiled akabva aita flat.Ndakazama kuita zvese haana kumuka.Ndakamhanya kumba ndikamutsa vanhu.Vakazouya asi imba yaNimrod yanga yatotsva.Baba vakatakura Nimrod kuenda naye kumba kwedu.Akaiswa muroom mangu.
“Apa zvinenge zvakuda kwachena titsvage anomurapa" vakadaro Baba
“Aiwa hazviite ngatitsvage nhasi“
“Hapana anobvuma kushanda nguva dzino Sabina“
“No handidi anything bad chiitike kuna mkoma vangu“ ndakadaro
Ndakabva ndatopfeka bhutsu ndikaona mhamha vandibata.
“Wava kupenga here wafunga kuendepi“
“Kunotsvaga anomurapa“ i said
“Sabina kana isu tazvifungawo uye hazvisi safe kufamba nguva dzino.Kunze kunenge kwakufamba mapere uye hapana anobvuma kutibatsira nguva dzino“ vakadaro amai
“Hazviite izvozvo“
Ndakabuda ndikatanga kumhanya ndakananga kumba kwambuya Muchena.Ndakasvika kugogodza padoor pavo.Vakaita nguva vasati vavhura.Vakazovhura ndikapinda ndikavaudza zvaitika zvese.
“Handikwanise kufamba kuenda kumba kwenyu nekuzodzoka futi.Asi zvandokwanisa kuita ndokupa mushonga“
Vakabva vaenda kunotora umwe mushonga vakandipa.
“Mushonga uyu kwatisa wakasanganisa nemvura.Kana wadaro womunwisa mvura yacho.Kana wapedza uyu wozora paronda racho.Mangwana anomuka ava nani“ vakadaro Mbuya Muchena
Ndakabva ndadzokera ndichimhanya ndakabva ndadonha.Ndakasimuka ndikatanga kumhanya futi.Ndakasvika kuvesa moto.Mai vangu vakashamiswa nemaitiro angu.Ndakapedza kukwatisa mvura ndikatanga kunwa kunzwa iri kunyanya kupisa here.Pandakanzwa yava bhoo ndakabva ndanwisa Nimrod.Ndapedza ndikabvisa mucheka wandanga ndasunga mumusoro make.Ndakabva ndaisa mushonga wandanga ndapihwa.Baba vakabva vatoenda kunorara ndikasara namai naSarah
“Sabina care yako iyi yaita ndiite mubvunzo.Sarah akamborwa wani but hauna kumbomhanya sezvawaita apa“
“Kurwara kwakaita Sarah nekurwara kuri kuita Mukoma zvinhu zvakasiyana.Mkoma Nimrod vakamira neni pazvinhu zvakawanda so ndofana kumirawo navo“
“Sabina you are my daughter.You are hiding something from me.Unoda Nimrod here“
“Ehe ndovada hanty ndimkoma vangu here.Kuita care kuratidza kuvada" i replied
Ndakaona mai vangu varamba vakanditarisa vakabva vatoenda kunorara.Handina kuzorara whole night ndakatarisa Nimrod.Makuseni seni baba namai vakamukira kuenda.Ndakavaudzs vasaita worried pana Nimrod nekuti Mbuya Muchena vaizouya kuzomuona.Kwachena ndipo pakamuka Nimrod.Mbuya Muchena vanga vauya kumuona.
“Sis Sabina havana kurara nezuro vakakutarisai.She loves you.Vakamhanya mhanya izvozvi ndatova nejealous vakukudai kupfuura ini aaah“ akadaro Sarah
Nimrod akabva anditarisa.Ndakabva ndasimuka kubika chikafu chiri light ndikamupa.
“Izvozvi wava kunzwa sei" vakabvunza Mbuya Muchena
“Ndava nani dai Sabina asipo ndakafa akamira neni.Ndiri kunzwa kuti haana kurara akanditarisa.Munoziva ndiri kushaya mashoko ekutenda navo Sabina“ akadaro Nimrod
Mbuya Muchena vakanditarisa vakatanga kunyemwerera.Vakabva vabata chuma chaNimrod.Vakabva vatarisa changu ndizvo zvatakapihwa naVaJiyamwa.
“Zvuma izvi ndofunga makaudzwa kuti musazvibvisa“ vakadaro Mbuya Muchena
Ndakashaya vakaziva sei kuti takazvipihwa.Vakabva vabuda vachienda.Ndakaona pamba pachisvika royal family.Mambokadzi naPrincess Namatai ndakavapa respect vakamhanya kupinda muroom maiva naNimrod.Mambokadzi vakasvika kumbundira mwanakomana wavo.Vakayeredza musodzi vakamutarisa.Ndakabuda panze ndichivapa time.Ndakaona Sonah akamira panze aiva papart yemamaids auya naMambokadzi naPrincess Sonah.
“You failed kuita zvandakakutuma right“ she said
“Ndakaita but akaramba“
“Usafunga handisi kuziva uri kuda munhu wangu.Kana uchida kugara zvakanaka stay away from him“
“She is my brother handidanani naye ini“ i said
“Whatever ziva malimits ako.Tambira kune velevel rako.Usada kukwikwidzana neni.Nezvauri izvi unofunga ungakwikwidzana neni“ said Sonah
Ndakaona adirwa mvura ndakacheuka ndikaona ari Sarah.Ndakaona achimhanya kunotora madota akamadira kuna Sonah.Akabva atora shamhu akatanga kurova Sonah.Mambokadzi naPrincess vakabuda vachiona drama iri.Ndivo vakakwanisa kumisa izvi.
“Chii chiri kuitika pano“ vakabvunza Princess Namatai
“Maid wenyu Sonah ari kutuka sis vangu.Manje ini vanhu vanotuka sis vangu topedzerana“ akadaro Sarah achipa Sonah mbama akabva abatwa nevamwe mamaids
“Haangatuke sis vangu vamutadzirei.Zvemalevels zvaari kutaura tinei nazvo pano“ akadaro Sarah
“Sonah Sonah dzokera kupalace now ndichapedzerana newe ikoko“ vakadaro Mambokadzi
Vakabva vauya pandiri vakabva vandibata chirebvi changu vachiita kuti ndivatarise since ndanga ndakatsikitsira pasi.
“You saved my son.Ndikuda kukupa reward tell me chauri kuda“
“Hapana chandiri kuda ndakangoitawo duty sesister yake“ ndakadaro
“Ndoda kukupa basa kupalace.You will replace Sonah.Uchange maid waPrincess Namatai kutanga mangwana kana uchida“
Ndakabva ndapfugama pasi.Chaitova chishuwo changu kushanda kupalace.Ndakachema ndakapfugama vakabva vandimbundira.Princess Namatai vakanyemwerera vakanditarisa.
“Sarah ndofarira character vako.Wagona wagadzirisa munhu.Sonah aitoda kundipesanisa namkoma vangu futi.This time anofana kupihwa mutongo unoenderana naye“ vakadaro Princess Namatai
“Ko vabereki vako varipi“ vakabvunza Mambokadzi
“Vabuda vaenda kuTumaya Kingdom kunoona bamunini vakurwara“ ndakadaro
“Okay hapana chakaipa.Saka Nimrod ngatiende kupalace“ said Mambokadzi
“Handigari kupalace...Ingondisiyai ndiri pano“
“Okay ndichatumira chikafu“ vakadaro Mambokadzi
“Musazvinetsa ndodya chandagara ndichidya amai“ he said
“Sabina handikanganwi zvawaita izvi.Wabatsira mwana wangu zvaita ndikude zvakanyanya“ vakadaro Mambokadzi vakanditarisa
Mambokadzi vakabva vatoenda nemamaids avo.Princess Namatai vakasara zvavo.Ndakaona Nimrod akanditarisa ndakamutarisawo akabva atanga kunyemwerera ndikaitawo the same.
“Umm vanhu imimi hamudanani“ akabvunza Princess
“Ndimkoma vangu ava“ i said
“Hooo saka ndanga ndaona zvisizvo“
Princess Namita vakabuda vakatanga kutaura naSarah panze.Ndakaona vakuseka vese ndikaziva kuti vapindirana.Sarah anga atowana shamwari ndakafara zvisingaite.Ivo Princess vairatidza munhu ari free asina basa nezvakawanda.Ndakaona ndabatwa ruoko naNimrod.Ndakamutarisa akabva asiya ruoko rwangu.
“Sabina ndiri kushaya ndokutenda sei“
“Handidi kutendwa ini.But nhasi ndikufara ndawanawo basa kupalace.Chishuwiro chemwanasikana wese wemuKingdom kushanda kupalace“ ndakadaro
“Ehe zvakanaka take care of yourself.Chandafarira most of the time uchange una Namatai.Chandanga ndisingadi kuti unoita maid waRuva“ said Sabina
“Aaah ndairamba ini“ ndakadaro ndichinyemwerera
“Wafitwa nekugara uchinyemwerera.Do you know kukuona une this happiness kunoita ndifare“
“But why mune extra care neni.Even my brother Henry haana that care yakadaro neni“
“Nekuti ndokuda“ he said
“Neniwo ndokudaiwo mukoma makandikoshera“ ndakadaro
Ndakabuda ndikatanga kubika chikafu.Takazodya zvedu ndaifunga Princess Namatai vacharamba asi vakadya.Ndakabuda kunochera mvura ndikasangana naZala akatanga kubvunza mhinduro yake.Ndakamuramba iye akashamisika nazvo.Ndakaenda kumba asi ndaizvibvunza ndaita good decision here pakuramba Zala.Ndakaudza Nimrod akabva andisapota achiti waita zvakanaka........
Watch out for chapter 11
❤️
🙏
👍
😂
😢
😮
💙
🆒
🇿🇼
💃
636