Shona Stories 002🇿🇼
February 2, 2025 at 09:53 AM
🌹 *THE PALACE HEIR* 🌹
https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V
*_Written by •𝙆𝙞𝙣𝙜 𝙇𝙚𝙚•_*
~LeeMarzy~
+26377⁸⁶³⁴221
*Chapter 11*
•In Dzabu Kingdom•
*Nimrod*
Pakatsva imba door rikaramba kuvhurika ndakaona kuti ndakutofiramo.Ndanga ndisisina tariro yekuti ndichapona.Asi ndakashamisika kuona Sabina achindibatsira.Ndakarangarira mashoko aMbuya Muchena.Ndakabva ndatoziva ndiye wangu.Pakazopihwa offer yekunoshanda kupalace handina kuzvifarira zvachose nekuti ndaiziva aisazobatwa zvakanaka naRuva naEzra asi kuti ndimurambidze zvaisaita.Kelton akasvika achindiona.
“Sabina akandibatsira zvandanga ndisina kumbotarisira.Unoziva hanzi manheru iwayo akaenda kumba kwaMbuya Muchena and haana kurara“
“Just for you“ asked Kelton
“Yes unoziva ane care isingaite.Zvabva zvaita ndimufarire zvakanyanya.Musikana akadai ndiye anoita kuroora anenge ane care newe“
“Ingoti ndaane mafeelings naye hapana chaunobva" akadaro Kelton achiseka
“Ndakatanga kumuda mazuva andakaenda naye kurwizi kunoredza hove.Ndakaona ane kamwe kahu calmness kandoda hangu.But nyaya inonetsa they consider me samukoma.Even baba namai vake they treat me as their son.So i can't betray them nekudanana nemwana wavo“
“Saka unoda kuhider mafeelings ako rini“ asked Kelton
“Achabva ega nekufamba kwenguva.Apa ndiri kufara akaramba Zala.Ndanga ndine kafeeling kekuti Zala ane zvaida kuna Sabina“
“Zala haanzwisisike hake“ akadaro Kelton
Kelton akazoenda kumba kwavo.Namatai ndakaona anga achiripo ndikaziva anakirwa nenyaya plus vanga vawirirana naSarah since vari vesame age.Ndakasimuka ndikagara panze paiva naSarah naNamatai asi Sabina handina kumuona.
“Sabina aenda kupi“
“Ari mukitchen anenge ari kubika“ said Sarah
“But why achibika uripo.Ndaona aenda kumvura wakangogara ipapo.Sorry handisi kukutuka but sometimes you should help your sister“ i said
“Tinoita maduty pano so nhasi iduty ravo“ akadaro Sarah
"Kana wadaro ndanzwisisa hangu“
Ndakaenda mukitchen mavo ndikagara pachigaro chaivamo.
“Aaah ko matopora“
“Ndotadza nei kupora Sabina ari side rangu“ ndakadaro
She smiled akanditarisa.Akatanga kumona sadza achipedza.Ndakaona akudziisa mvura akandiisira ndikageza.Ndichipedza tikabva tadya pamwe chete.
“Saka utori serious wakutoenda kunoshanda kupalace“ ndakabvunza
“Ehe inga ndakuudzai chaiva chishuwo changu“ akadaro
“Mukoma mabvunziro enyu akuita kunga musingadi“
“I'm just worried for her.Kupalace kune vanhu vasina moyo.Sonah ,Ezra naRuva vanomushungurudza inini ndozvandisingadi“ ndakadaro
“Chii chiri kumboitika pakati penyu muri vaviri.Nezuro uno sis Sabina vakaita care yavasina kubvira vakamboratidza umwe munhu.And today mukoma mukutonetseka kuti sis vachanoshungurudzwa“ akabvunza Sarah
“Mukoma vanototi vaite care kuhanzvadzi.Ndine care nemi mose ndokudai zvakafanana.But Sabina ari pamoyo pangu“ ndakadaro
Namatai naSarah vakabva vangotarisana vakatanga kuseka.
“Asi zvandataura zvosekesa here“ ndakabvunza
“Aiwa tiri kuseka nyaya yatambotaura panze" akadaro Sarah
“Uchapenga chete iwewe“ akadaro Sabina
Manheru iwaya ndakaona pakasvika varwi vekupalace.
“Princess Namatai tatumwa kukutorai“
“Hakuna kwandiri kuenda siyanai neni“ said Namatai
Ndakaona vakuda kubata Namatai ndakavapusha.
“Hamuna kunzwa ati haasi kuda.Dzokerai munoti anouya mangwana“ ndakadaro
Varwi havana kuita nharo vakabva vatoenda.Takarara mangwana makuseni Namatai akadzokera kupalace.Sabina akabva atoendawo since ainotanga basa zuva iri.Ndakaona masikati ndashevedzwa kupalace.Ndakaenda ndikasvika kuona Mambo Dzabu vakagara mudinning.Ndakagara pasofa pandanga ndanzi ndigare.Ndakaona everyone anga arimo.Ezra nemukadzi wake Ruva vanga vakagara pasame sofa.
“Nimrod uri mwana wangu hazvife zvakachinja.Chandaida kuti ufambe mugwara rakanaka.Chandonyanya kukudira wakagadzirisa mistake yangu.Chero hazvo nanhasi ndiri kurwadziwa nemwana uya akazviuraya nekuda kwedecision yangu“ vakadaro Mambo Dzabu
“Ndine hurombo nemashoko andakataura kwauri.Ndinotora mashoko angu back.You are free kudzoka papalace“ vakadaro Mambo Dzabu handina kupindura.
“Mazuva angu apetwa VaJiyamwa vakauya vakandiudza izvi.Ndogona kumuka ndisipo anytime.Saka ndoda kufa ndaona mudzimai wako.Ezra akaroora wake uyu“ vakadaro Mambo Dzabu
“Mambo Dzabu pano handigari.Kwandiri kutori bhoo.Chero hazvo vamwe vanhu vari kuzama kundiuraya vari kumhepo vaneni.Pamati moda kuona mudzimai wangu pari zvino handisati ndava naye“
“Dai muine care neni mabvunzawo ndiri sei.Maiita effort yekutsvaga ndiani akandipisira mumba but hamuna basa nazvo“ ndakadaro
“Prince Nimrod you must respect Mambo Dzabu.He is your father tarisai condition yavari he is not feeling well musavapa stress“ akadaro Ruvarangu
“Who are you anopindira pa issue yababa nemwana.Nyaya iyi hainei newe gara wanyarara" akadaro Namatai achireva Ruvarangu
“Namatai dzikama hauna zera naRuvarangu" akadaro Ezra
“Zera rei hure iro" akadaro Namatai
“Nyararai mese.Munhu ane kodzero yekutaura muno ndiMambokadzi naNimrod chete imimi mese nyararai“ vakadaro Mambo Dzabu
“Nimrod zvakaitika ndakazvinzwa.Nyaya iyi ndakaiisa mumaoko aVaMukamba ndivo vari kutsvaga munhu akaita izvi.Ndine care newe mwanangu“ vakadaro
“VaMukamba? Why muchivimba navo zvekudaro.Zvisinei handina zvekutaura.I think pandati handisati ndane musikana wacho manzwisisa“ i asked
“VaMukamba vari loyal kubva kare haungazvinzwisise.Zvawati hauna musikana hapana chakaipa.Uchiona kubva kare ndowirirana naMambo Tuyama.Takabva kare tichitamba tese even mai vako vanozviziva.Takavimbisana kuti vana vedu vaizoroorana.Vane mwanasikana anonzi Princess Lydia.Saka ndinoona zvakanaka uroore Princess Lydia unobva wapihwa land yakakura kuKingdom kwavo uye tobva tawanawo mabenefits akawandisa“ vakadaro
“Makuda kundipinza mupolitics dzenyu.Handisi kuzoroora Princess Lydia manzwa“
“VaJiyamwa vakati ndiye the chosen one for you“
“Jiyamwa ndiye Mwari here haazive zvanoita ane confusion mudhara uya.Ngazvitaure pamberi pangu“ ndakadaro
“Ukatadza kuroora Princess Lydia panoitika hondo isingaperi pakati peDzabu naTuyama nekuti takanyorererana pasi“ vakadaro Mambo Dzabu
“Izvozvo hazvina basa neni“
“Mai Nimmie taura nemwana wako" said Mambo Dzabu
“Siyanai neni.Ndosapota zvoda mwana wangu" vakadaro amai
Ndakabva ndasimuka kubuda.Ndakasvika pamba Sarah ari busy kugeza mandiro.Ndakagara pasi pemuto Kelton akasvika.
“Uri low low“
Ndakamuudza nyaya yaitika akashamisika nazvo.
“I love Sabina saka hazviite ndiroore Lydia“ i said
“Nyaya yacho yakaoma sematauriro awaita zvinoreva ukasaroora Lydia pachaitika hondo nekuti Mambo Dzabu vanenge vatadza kuzadzisa promise yavo yavakabvimirana nasahwira wavo“
“Kelton ndoita sei.I don't know why vandinyanyira.Ezra akadii kuroora Lydia wacho.Vakutora advantage yekuti ndiri soft“ ndakadaro
“Panyaya iyi enda unotaura naMbuya Muchena ndivo vanokwanisa kukubatsira inini ndaita mwana handidi kukupa pfungwa dzisidzo“ said Kelton
Kelton akabva atoenda.Manheru Sabina akabva auya akapfeka uniform yemamaids epapalace.Airatidza kuti haana mufaro pachiso chake.Pakandiona akanyepera kunyemwerera.Sabina ndanga ndakumuziva A to Z.Ndakamubata ruoko ndikamutarisa
“Chii chiri kunetsa“
“Hapana chiri kunetsa“ she said
“Sabina wakatanga rini kundinyepera“
“Mukoma handisi kunyepa“ she said
Akabva atopinda mumba ndakashaya chii chaitika pamusikana uyu.Zuva iri takarara makuseni tikanzwa kuti Mambo naMambokadzi Tumaya vasvika vari kupalace.Ndakabva ndatoziva ndiyo nyaya yafambirwa.Ndakazoona VaJiyamwa vasvika pandiri........
Watch Out For Chapter 12
❤️
🙏
👍
😂
😢
😮
✔️
🇿🇼
🐴
👏
471