Shona Stories 2🇿🇼
February 7, 2025 at 03:18 PM
🌹 *THE PALACE HEIR* 🌹
https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V
*_Written by •𝙆𝙞𝙣𝙜 𝙇𝙚𝙚•_*
~LeeMarzy~
+26377⁸⁶³⁴221
*Chapter 20*
•In Dzabu Kingdom•
*Nimrod*
Ndakahwanda pasango ndikaona Ezra naLenon vachifushira gomba.Ndakabva ndatoziva mugomba umu ndimo maiswa Ruva.Ndakagadzira mucheka wandanga ndasunga kumeso kwangu kuti usadonha.Ndakamhanya ndikasvika kupa Lenon bhutsu achiwira mugomba.Ezra ndakatanga kurwisana naye ndikamuhedha pamumhino akatanga kudzedzereka.Ndakamurova pakati pemusoro akabva adonha ndiye zii.Ndakajambira mugomba ndichipa Lenon chibhakera akabva angoti zii.Ndakaona Ruva akamira kuside akazara mavhu.Ndakamubata ruoko ndaisada azive kuti ndini ndamubatsira.Ndakashaya ndoenda kupi naye.Asi ndakaona best way kungoenda kunomusiya pagate repalace.
“Waita basa ko unonzi ani“ akabvunza
Handina kupindura ndakabva ndamhanyira parima.Ndakadzoka kugomba kwandanga ndasiya vana Ezra.Ndaida kuvatora ndakaona pasvika mauto.Ndakatiza kudzoka kupalace.Ndakazopinda negate rekuseri kwepalace.Ndichipinda ndakageza nekuchinja hembe.Ndakaenda kunogara muroom mangu.Ndakanzwa knock ndikavhura ndikaona ari Ruva.
“Ezra naLenon vanga vachida kundiuraya" akadaro achitsanangura zvaitika zvese
“Zvakaoma ko akubatsira ndiani ane moyo wakanaka“
“Munhu iyeye anorova hake.Unoziva Ezra haasi easy kurova but arohwa pasina kana mamins vese naLenon.Andibatsira hake mukomana iyeye chero aramba kutaura zita rake“ akadaro Ruva
Takabuda panze tikaona Ezra naLenon vakatakurwa nemauto.Ari Ezra anga azara ropa kumeso.Vakaendeswa kumarooms avo.Kuchiyedza ndakaona Mambo Ezra vamuka.Paakaona Ruva akatsamwa.Ezra akabva abuda akadzoka akabata hembe dzemamaids.Akapa Ruva dzimwe dzacho dzimwe akapa amai vangu.Dzimwe akapa Namatai.Ini akanditambidza dzinopfekwa nemauto.
“Nimrod uchava guard rangu.Namatai ,Ruva naAmai mese mava mamaids epapalace pano.Anopikisa zvandiri kutaura anofa“ akadaro Ezra
Hapana akamupikisa ndakapa sign kuna Namatai aida kutaura akabva anyarara.Vakapfeka hembe dzavanga vapihwa.Ndakapfekawo dzangu ndikamira kumashure kwaEzra.VaMukamba naMbitiyashe vakabva vatosvikawo.
“Vanhu ava ngavauraiwe.Kana vauraiwa motangawo new chapter yenyu.Kana vari vapenyu zvinonetsa“ vakadaro VaMukamba
“Ndoda vazofa vambotambura.Izvozvi ndoda kumbovashandisa“ akadaro Ezra
“Hapana chakaipa...Mauto atakatuma kuti vatsvage Gatsi nevanhu vakaenda kusango vari kuti havana kuona anyone.Tiri kushaya vakatizira sango ripi.But semaonero angu number yemauto mazhinji yakaenda ikoko handizive vari kurongei“
“Kana iri nyaya yemauto don't worry.Ndichataura nababa vangu vatumire mauto ekuTuyama.Asi Lydia ari kufana kutsvagwa“ said Lenon
“Asi Mambo Ezra ndiri kuona sekuti makatora mashoko aJiyamwa serious.Aisataura chokwadi asi aikutyisidzirai.Mambokadzi mavapa punishment iri easy.Ndoda kuti vamboshanda kumunda uko vese ava“ akadaro Mukamba
“Namatai handidi ashande since ari kuroorwa vhiri riri kutevera.Apa batai Amai naRuva muende navo kumunda izvozvi.VaMukamba munoziva vanhu vakandisvororodza mazuva aya.Ndiri kuvada vese vanoshanda make sure havapihwe chikafu“ akadaro Ezra
Ndakaona amai naRuva vabatwa vakaendwa navo kumunda.Ndakarwadziwa panguva iyi asi zvekuita panga pasina.Ndakazoona madzimai mazhinji vakasvororodza Ezra zuva riya.Ndakazoshamisika kuona Mai Sabina naBaba Sabina varipo.Vakatanga kurohwa vachishanda
Sonah akabva asvika nemauto akawandisa aibva kuTuyama.Ndakabva ndatoona Kingdom redu ranga razara nemauto ekuTuyama.
“Sonah wagona wauya ndiri kuda utsvage kwakaenda Gatsi nevanhu ava.Ukabudirira ndokupa post yepamusoro kupalace“ akadaro Ezra
“Hapana chakaipa ndichashandisa imbwa kuronda kwavakaenda“ said Sonah
Takabva taenda kune gomba raicherwa raiva pedyo nerwizi ndakashaya nderei.Apa ngarikure.
“Vanhu vari kuchera ngavabude Ruva naAmai ngavauye umu.Nevabereki vaSabina“ said Ezra
Vakatorwa vakapinzwa vakatanga kushanda.Pavanenge vazorora vairohwa neshamhu kumusana.Amai vangu vakabva vangoita flat.Asi vakarohwa vari flat kudaro kusvika ndaenda kunomisa.Ndakavabata ndikaona vari kufema but kure kure.
“Nimrod shanda now ndiwe wapinda pachinzvimbo chamai vako“ akadaro Ezra
“But vanoda care ne....“
“Care yei vasiyei vakadaro kana vakuda kumuka vachamuka.Kana vafa tovafushira“ akadaro Ezra
Ndakatoona moyo waEzra wanga watooma sedombo kutadza kunzwira tsitsi munhu akamupa rudo rwamai.Ndakatanga kushanda hangu apa shamhu dziuya kumusana.
“Ko chii chiri kucherwa apa" akabvunza Lenon
“Idam randiri kuda kuisa makarwe angu.Vanhu vanenge vapikisa zvandinenge ndataura vanenge vachiuya kukandwa imomo“ akadaro Ezra
“Sekutaura kwakaita Jiyamwa aizama kuti iwewe Nimrod ndiwe uchaita mambo.Kutanga nhasi vanhu imimi muchashanda zvinorwadza kusvikira makumbira kuuraiwa.Jata make sure vanhu ava vatambura“ said Ezra akabva atoenda
Takashanda kwakusviba ndakasimuka kuenda pana kunochera mvura ndikadira amai vangu.Ndakabva ndavanwisa imwe yacho ndakapa Mai Sabina vanga vachiratidza havasisina simba.
“Mazorora zvakwana izvozvi simukai mudzoke pabasa“ akadaro Jata achirova mai vangu neshamhu
Ndakanzwa hasha ndakamhanya ndichitsika padombo ndikajamba ndikamupa chibhakera paziso.Ndakabva ndatora sword rake.Ndakaona mauto ava kuuya kwandanga ndiri.Ndakatanga kurwisana navo ndiri ndega.Ndakabva ndabaya Jata padumbu.Ndakauraya mauto ose aiva ndiri ndega.Ndanga ndachizara ropa.
“Kubva ndizvarwe handisati ndamboona munhu anorwa sewe.Utori shumba pachako“ vakadaro vaJana
“Ndiri worried vana vangu Sarah naSabina vapenyu here kwavari" vakabvunza Mai Sabina
“Musatya amai vana venyu vari safe.Vachadzoka vava varwi vakuru.Inzwai nyaya yandikuda kutaura pano.Ndichamhanya kupalace kunoudza Ezra kuti pauya mukomana anga akazvivhara kumeso akauraya mauto ese.Saka achauya kubvunzo motaura the same“
“Usati waenda ndokumbirawo unouraya mauto ari kumunda uko.Kune vamwe vari kushandiswa.Kana wapedza wogeza ropa iri" vakadaro amai
Ndakatora sword ndikamhanya kufarm ndakaona vanhu vaiva vagara pasi.Mauto amwe vanga vakutorara nevakadzi.Ndakazvisunga kajira kumeso ndikasvika kuvarwisa vese vakafa.Ndakageza ropa ndikaenda kupalace kwandakaona Lydia akabatwa naSonah.Ndakashaya kuti abatirwa kupi iye Lydia.
“Well done Sonah.Kutanga nhasi ndiwe wava mukuru wemauto emuKingdom muno.Ndiwe uchange uchi controller mauto ose.Asi apa ndakuda unditsvagire kuna Sarah ndikuda kumuroora“ said Ezra.Ndakatarisa VaMukamba vandakaona vasina kufarira decision iyi.
“Vanhu ava vane kwavakahwanda.Uyu ndamubata ari parwizi achigeza.Zvisinei ndichaita sekutaura kwenyu“ said Sonah
“Ko iwe Nimrod ukudei pano" vakabvunza Mambo Ezra
“Mauto ose auraiwa kwatanga tiri kwauya mukomana anga akazvivhara chiso“ ndakadaro
“Mukomana uya.Saka akuda kutonetsa munhu uyu" akadaro Ezra achiratidza kupererwa
“Mukomana upi wamuri kutaura“
Ezra neteam rake vakaenda kunotarisa mauto anga auraiwa.Sonah naLenon pavakaona Jata vakarwadziwa zvisingaite.Sonah akapfugama pasi akachema ndipo pandakaziva kuti Jata yaiva brother yaSonah.
“Vauraya mukoma vangu.Ndiani mukomana azviita“ akabvunza Sonah
“Hatina kumboona chiso chake anga akazvivhara“ vakadaro Mai Sabina vakamira nechekure
“Mukomana uyu takamborwa naye ane maskills akanyanya“
“Haasi Kelton here nekuti ndiye umwe anoita zvisinganzwisisike“ said Sonah
Ndakaona mauto abata mai vangu nevabereki vaSonah.Ndakabatwawo tikaenda kunovharirwa kupalace.Apa nzara yanga yakuruma.Ndakazoona mamaids akauya nechikafu vachihwanda hwanda.Mamaids ava vaiva loyal kuna mai vangu.Makuseni takabudiswa tikaendeswa kunopfugamiswa pamberi paMambo Ezra.
“Nimrod uri kuroora Princess Lydia since yaiva wish yababa vasati vafa.Nhasi tiri kuenda kunobvisira“ vakadaro Mambo Ezra
Takaenda kuTuyama Kingdom iye Ezra ndiye akabvisa zvaidiwa zvese.Zvichipera vaKangoto vanonzi isvikiro ravo hameno zvakarakaita vakati ini naLydia tava murume nemukadzi.Takadzokera kupalace mai vangu was forced kuti vatambire Lydia semuroora mumusha hameno zvechivanhu zvaifana kuita.Amai vakaita kuti zvivabve.
Zuva rakatevera Prince Lenon vakati vanoda kuroorawo Namatai.
“Since Prince Nimrod vakaroora Lydia handioni zvichiita uroore Namatai nekuti pava nehukama“ vakadaro Mambokadzi Tuyama
“I love Namatai kubva kare amai.Hapana hukama huripo“ vakadaro
“Hapana chakaipa mwanangu unoroora munhu wese waunoda" vakadaro Mambo Tuyama.
Pakatanga kutaurwa nyaya yekunzi Namatai aroorwe Ezra akabva ati aizoroorwa paweekend hapana akapikisa Tuyama family yakafara zvisingaite.
“Namatai is still young hazviite aroorwe“ said Ruva
“Watanga unoswera wafushirwa wanzwa“ said Ezra
“Fushira handina basa nazvo asi chokwadi uri kuchiziva.Pavarume hauvarengwi iwewe uri gwara wakatadza kundibvisa humhandara" akadaro Ruva
Ezra akabva akanda pfumo ndakapusha Ruva pfumo rikanobaya murwi aiva kumashure.Mambo Tuyama vakadzora Ezra anga atsamwa.
Kuchisviba ndakabuda ndikasunga kumeso.Zuva iri ndakatanga kuuraya mauto eTuyama 1 by 1.Ndakazoenda kunogeza ndikadzoka kuroom kwangu pasina andiona.Ndakasvika Lydia achichema.
“Ko chiii nhai“
“I love Kelton ko akaziva taroorana achazvitambira sei“ akadaro
“Hatina kuroorana ndezve fake izvi.Usazvitora serious Lydia" ndakadaro
Takabva tarara makuseni nyaya yekufa kwemauto eTuyama yakanetsa.Ezra akanetseka achiti ari kuvhima munhu ari kuzviita.
“Munhu ari kuzviita ndiGatsi chete hakuna umwe“ akadaro Ezra
“Gatsi ipapo handirambi uya maskills ake unoti akamatora pasi pemvura.I tried kuvatsvaga asi ndavashaya ini“ akadaro Sonah
Sonah akafamba akabata Serina akamupushira pasi.Kakabva katsikwa musoro kakanongedzwa nesword pahuro.Mai Sabina vakamhanya vachida kununura mwana wavo ndakamhanya kubata.
“Taura kuna Sarah naSabina izvozvi" akabvunza Sonah
“Handizivewo ini“ akadaro akuchema
“VaMbitiyashe ndimi munooneswa matadza kuona kune vanhu ava here“ akabvunza Ezra
“Izvi hazvidi kuoneswa zvinoda kungwara chete.Gatsi akangwara zvisingaite arwa hondo dzakawandisa anoziva mekuhwanda" vakadaro VaMbitiyashe
Nyaya yacho yakanetsa.Manheru ezuva iri ndakatora Namatai ,amai vangu nevabereki vaSabina ndikavaendesa kune rimwe dunhu rinonzi Kagondo Kingdom.Ndakavasiya ikoko asi Ruva akati akazvipira kufa achirwira Kingdom.Takadzoka tese naye.Sezvo yaiva weekend Mambo Tuyama pavakaona Namatai asipo vakarwadziwa.Ndakaona vakuda kundibaya nebanga.
“Haana kumbobuda uyu.Mukomana uya wekupfeka kajira ndiye ari kuita izvi maybe ndiye akatora Namatai nevamwe" akadaro Lenon
“Manje nhasi raiva zuva rako rekuroora zvoitwa sei“
“Ndakuroora Serina uyu nekuti chandiri kuda mukadzi pari zvino“ akadaro Lenon
Chakandinakidza hameno vaida kunoroora kupi since vabereki vaSerina vasipo.Ndakazoona vasiya zvaSerina vakutora maid anonzi Charity.Vakaroora iye zuva rakuvira ndakaona mucourtroom vanhu vaungana.Mambo Tuyama vakabva vabudisa kapaper kavatambidza Ezra.Ndakaona Ezra adonhedza sword akatarisa Mambo Tuyama maziso ake akuyerera musodzi.Ndakatora paper racho ndikaona ndiro raiva nezvavakasainirana nababa vangu.Ndakarohwa nehana ndakatarisa kapaper aka.Munhu wese akakatarisa hapana akataura panguva iyi.Lenon akabvisa crown yaiva mumusoro maEzra.Iye Ezra akabva agara pasi chaipo matama azara musodzi ndikaona anditarisa.Ndakatarisa VaMukamba vachinyemwerera vakaenda kunomira pedyo naPrince Lenon......😳
*_Chii chaitika apo_?*
💚🌹
*The Palace Heir is now onsale from chapter 21.Musati hatina kutaura takazvitaura patainyora Undefeated Lioness kuti next book rinoendawo pasale*
Zvisinei ndatotanga hangu nepromotion ari cheap but from Monday maprice anenge achinja
*Zim Side*
$1 Ecocash : 0785413183 L.Mazino
50 Zig Ecocash: 0785413183 L.Mazino
$1 Econet Scratch Card airtime : 0778634221
*S.A Side*
Ott Voucher 20R
Blue Voucher 20R
1 Voucher 20R
Munoisa apo : +263774206587
*Kana wasenda mari yacho huya neproof of payment apa*
+263778634221
Vari kune dzimwe nyika munouya kuinbox kwangu ndokuudzai motenga sei.
_For more informatiom hit my inbox_
+263778634221
*Thanks kune vachasapota munyori*
❤️
🙏
👍
😮
😂
😢
🔥
😭
❌
🇿🇼
420