Kurapwa Kwezvirwere🇿🇼
February 10, 2025 at 05:05 PM
*GWARA REHUPENYU HWAKO RIRI MUMAOKO AKO IWEWE* Zvinhu hazvingoitike zvega ndiwe unoitoita kuti zviitike. Shanduko ndiwe unoiunza muhupenyu hwako. Ukashaya kurongeka unogona kufunga kuti inhau yekusimbisina kana vamwe kufuma ishungu. Muridzi wehupenyu hwako ndiwe, musungi kana musununguri weraramo yako ndiwe. Zvave kuda wega ugone kuva nekurongeka kuti hupenyu hufambe uhwu. Bvuri ukashaya kuri fambira uchinogezwa haribve asi rinopedzisira rabata matomu ehupenyu hwako. Hupenyu matare, matare ndiwo hupenyu saka rongeka kana uchida zvifambe mushe. Fambira matare ako nguva ichabvuma. Gadzirisa matare ako uchine mukana. Ngwarira kuzo rarama hupenyu huya hwekuti chero zvazvaita hembe yebenzi!
🙏 ❤️ 😂 😢 6

Comments